Categories
Mapisarema

Mapisarema 68

Mutungamiri mukuru wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo.

1 Mwari ngaasimuke, vavengi vake ngavaparadzirwe;

vavengi vake ngavatize pamberi pake.

2 Sokupeperetswa kunoitwa utsi nemhepo,

saizvozvo vapeperetsei;

sokunyauka kunoita namo pamberi pomoto,

vakaipa ngavaparare pamberi paMwari.

3 Asi vakarurama ngavafare,

vafarisise pamberi paMwari;

ngavafare vapembere.

4 Imbirai Mwari, imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza,

murumbidzei zvikuru iye anofamba pamusoro pamakore,

zita rake ndiJehovha,

uye farai pamberi pake.

5 Baba venherera, mudziviriri wechirikadzi,

ndiye Mwari ari paugaro hwake utsvene.

6 Vakanga vari voga Mwari akavagarisa mumhuri,

anosesedza vasungwa vachiimba;

asi mhandu dzinogara panyika yatsva nezuva.

7 Pamakatungamirira vanhu venyu, imi Mwari,

pamakafamba napakati perenje,Sera

8 nyika yakazungunuka,

matenga akadurura mvura, pamberi paMwari,

iye weSinai, pamberi paMwari,

iye Mwari waIsraeri.

9 Imi Mwari, makanayisa mvura zhinji;

mukaita kuti nhaka yenyu yakaneta ifefeterwe.

10 Vanhu venyu vakagaramo,

uye imi Mwari, kubva pane, zvakawanda zvenyu, makariritira varombo.

11 Ishe akataura shoko,

vanhu vakaparidza shoko vaiva vazhinji kwazvo:

12 “Madzimambo navarwi vakakurumidza kutiza;

mumisasa, vanhu vakagovana zvakapambwa.

13 Kunyange pamunenge makavata pakati pemoto yemisasa,

mapapiro enjiva yangu akafukidzwa nesirivha,

minhenga yayo negoridhe rinovaima.”

14 Wamasimba Ose paakaparadzira madzimambo munyika,

zvakanga zvakaita sechando chawira pamusoro peZarimoni.

15 Makomo eBhashani makomo oushe;

makomo eBhashani akati twi.

16 Munotaririreiko negodo, imi makomo akati twi,

pagomo rakasarudzwa naMwari kuti atongepo,

pachagarwa naJehovha pachake nokusingaperi?

17 Ngoro dzaMwari dzinosvika makumi ezviuru

nezviuru zvezviuru;

Ishe akasvika panzvimbo yake tsvene achibva kuSinai.

18 Pamakakwira kumusoro,

makatungamirira vatapwa mumudungwe wenyu;

mukagamuchira zvipo zvaibva kuvanhu,

kunyange zvaibva kuna vakapanduka,

kuti imi, iyemi Jehovha Mwari, mugarepo.

19 Ishe ngaarumbidzwe, Mwari Muponesi wedu,

anotakura mitoro yedu zuva nezuva.Sera

20 Mwari wedu ndiMwari anoponesa;

kupunyuka parufu kunobva kuna Ishe Jehovha.

21 Zvirokwazvo Mwari achapwanya misoro yavavengi vake,

panhongonya dzine vhudzi dzaavo vanorambira muzvivi zvavo.

22 Ishe anoti, “Ndichavabvisa kubva kuBhashani;

ndichavabudisa kubva kwakadzika kwegungwa,

23 kuti unyike tsoka dzako muropa ravavengi vako,

ndimi dzembwa dzako dzichiwanawo mugove wadzo.”

24 Mudungwe wenyu wakaonekwa, imi Mwari,

mudungwe waMwari wangu naMambo achipinda munzvimbo tsvene.

25 Mberi kuna vaimbi, vachiteverwa navaridzi vemitengeranwa;

pamwe chete navarandakadzi vachiridza matambureni.

26 Rumbidzai Mwari paungano huru;

rumbidzai Mwari pagungano raIsraeri.

27 Tarirai, rudzi ruduku rwaBhenjamini runovatungamirira,

hawo machinda mazhinji aJudha,

uye hawo machinda aZebhuruni neaNafutari.

28 Danai simba renyu, imi Mwari;

tiratidzei simba renyu, imi Mwari, sezvamakaita kare.

29 Nokuda kwetemberi yenyu paJerusarema,

madzimambo achakuvigirai zvipo.

30 Tukai mhuka dziri pakati petsanga,

mapoka ehando ari pakati pemhuru dzendudzi.

Ngavauye nesirivha, vakazvininipisa.

Paradzirai ndudzi dzinofarira kurwa.

31 Nhume dzichabva kuIjipiti;

Etiopia ichazviisa pasi paMwari.

32 Imbirai Mwari, imi ushe hwepasi,

rumbidzai Ishe nenziyo,Sera

33 kuna iye anotasva matenga akare kumusoro,

iye anobudisa inzwi rake, inzwi rine simba.

34 Paridzai simba raMwari,

iye ano ushe huri pamusoro peIsraeri,

ane simba riri kudenga denga.

35 Munotyisa imi Mwari, muri panzvimbo yenyu tsvene;

Mwari waIsraeri anopa ushe nesimba kuvanhu vake.

Mwari ngaarumbidzwe!

Categories
Mapisarema

Mapisarema 69

Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo a“Maruva eMahapa.” Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndiponesei, imi Mwari,

nokuti mvura zhinji yakwira kusvikira pamutsipa wangu.

2 Ndinonyura munhope yakadzika,

pasina pangatsika makumbo angu.

Ndapinda mumvura yakadzika;

ndafukidzwa namafashamu.

3 Ndaneta nokuridza mhere yokuti ndibatsirwe;

huro dzangu dzaoma,

meso angu aneta

nokumirira Mwari wangu.

4 Vanondivenga ndisina mhosva vakawanda

kupfuura bvudzi romusoro wangu;

vanondivenga ndisina mhosva vazhinji, avo vanotsvaka kundiparadza. Ndinomanikidzwa kudzosera zvandisina kuba.

5 Munoziva upenzi hwangu, imi Mwari;

mhaka yangu haina kuvanzika kwamuri.

6 Vaya vane tariro mamuri

ngavarege kunyadziswa nokuda kwangu,

haiwa Ishe, Jehovha Wamasimba Ose;

vanokutsvakai

ngavarege kunyadziswa nokuda kwangu,

haiwa Mwari waIsraeri.

7 Nokuti ndinotsunga kusekwa hangu nokuda kwenyu,

uye nyadzi dzafukidza chiso changu.

8 Ndiri mutorwa kuhama dzangu,

nomweni kuvanakomana vamai vangu;

9 nokuti kushingairira imba yenyu kwandipedza,

uye kutuka kwaavo vanokutukai kunowira pamusoro pangu.

10 Pandinochema uye ndichitsanya,

ndinofanira kushinga pakusekwa;

11 pandinofuka nguo dzamasaga,

vanhu vanondiita shumo.

12 Vaya vanogara pasuo vanondiseka,

uye ndiri rwiyo rwezvidhakwa.

13 Asi ndinonyengetera kwamuri, imi Mwari,

panguva inokufadzai;

murudo rwenyu rukuru, imi Mwari,

ndipindurei noruponeso rwenyu rwechokwadi.

14 Ndinunurei mumatope,

musandirega ndichinyura;

ndirwirei kuna vanondivenga,

napamvura zhinji yakadzika.

15 Musatendera mvura yamafashamu kuti indifukidze,

kana kwakadzika kuti kundimedze

kana kuti gomba rizarure muromo waro pamusoro pangu.

16 Ndipindurei, imi Jehovha, zvichibva pakunaka kworudo rwenyu;

dzokerai henyu kwandiri nokuda kwetsitsi dzenyu huru.

17 Regai kuvanzira muranda wenyu chiso chenyu;

ndipindurei nokukurumidza, nokuti ndava mudambudziko.

18 Swederai pedyo mundinunure;

ndidzikinurei nokuda kwavavengi vangu.

19 Munoziva kusekwa kwangu, kunyadziswa nokusakudzwa kwangu;

vavengi vangu vose vari pamberi penyu.

20 Kusekwa kwaputsa mwoyo wangu,

uye kwandisiya ndisisina chingandibatsira;

Ndakatsvaka vangandinzwira ngoni, asi ndakavashaya,

vangandinyaradza, asi ndakavashayazve.

21 Vakaisa nduru mune zvokudya zvangu,

uye vakandipa vhiniga pandaiva nenyota.

22 Tafura yagadzirwa pamberi pavo ngaive musungo;

ngaive shamhu yokuranga neriva.

23 Meso avo ngaapofumadzwe kuti varege kuona,

uye misana yavo iminame nokusingaperi.

24 Dururirai hasha dzenyu pamusoro pavo;

kutsamwa kwenyu kunotyisa ngakuvakurire.

25 Nzvimbo yavo ngaisiyiwe;

ngaparege kuva nomunhu anogara mumatende avo.

26 Nokuti vanotambudza vaya vamakarova,

uye vanotaura pamusoro pokurwadziwa kwavakakuvadzwa nemi.

27 Vapei mhosva pamusoro pemhosva;

ngavarege kuva nomugove woruponeso rwenyu.

28 Ngavadzimwe mubhuku roupenyu,

uye varege kuverengwa pamwe chete navakarurama.

29 Ndiri pakurwadziwa nenhamo;

ruponeso rwenyu imi Mwari, ngarundidzivirire.

30 Ndicharumbidza zita raMwari norwiyo,

uye ndichamukudza nokuvonga.

31 Izvi zvichafadza Jehovha kukunda nzombe,

kupfuura hando nenyanga dzayo, namahwanda ayo.

32 Varombo vachazviona uye vachafara,

imi vanotsvaka Mwari, mwoyo yenyu ngairarame!

33 Jehovha anonzwa vanoshayiwa

uye haashori vanhu vake vakatapwa.

34 Denga nenyika ngazvimurumbidze,

makungwa nezvose zvinofamba, imomo,

35 nokuti Mwari achaponesa Zioni

agovakazve maguta aJudha.

Ipapo vanhu vachagarako, vagoritora;

36 Vana vavaranda vake vacharipiwa senhaka,

uye avo vanoda zita rake vachagara ikoko.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 70

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Chikumbiro.

1 Kurumidzai kundiponesa, imi Mwari;

Haiwa Jehovha kurumidzai kuuya mundibatsire.

2 Vanotsvaka upenyu hwangu

ngavanyadziswe uye vakanganiswe;

vose vanofarira kuparara kwangu

ngavadzorwe shure vanyare.

3 Vanoti kwandiri, “Hekani waro! Hekani waro!”

ngavadzorerwe shure nokuda kwenyadzi dzavo.

4 Asi vose vanokutsvakai

ngavafare nokufarisisa mamuri;

vanoda ruponeso rwenyu ngavagare vachiti,

“Mwari ngaakudzwe!”

5 Asi ndiri murombo nomushayiwi;

uyai nokukurumidza kwandiri, imi Mwari.

Imi muri mubatsiri wangu nomurwiri wangu;

Haiwa Jehovha, musanonoka.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 71

1 Ndinovanda mamuri, imi Jehovha;

ngandirege kutongonyadziswa.

2 Ndinunurei uye mundirwire mukururama kwenyu;

rerekerai nzeve yenyu kwandiri uye mundiponese.

3 Ivai bako rangu rokuvanda kwandingaramba ndichienda;

rayirai kuti ndiponeswe, nokuti ndimi dombo rangu nenhare yangu.

4 Haiwa Mwari wangu, ndirwirei, paruoko rwowakaipa,

pakubatwa navanhu vakaipa uye vane utsinye.

5 Nokuti muri tariro yangu, imi Ishe Jehovha,

ndakavimba nemi kubva pauduku hwangu.

6 Ndakazendamira pamuri kubva pakuberekwa kwangu;

ndimi makandibudisa mudumbu ramai vangu.

Ndicharamba ndichikurumbidzai.

7 Ndava sechishamiso kuvazhinji,

asi imi muri utiziro hwangu hwakasimba.

8 Muromo wangu uzere nerumbidzo yenyu,

ndinoparidza kubwinya kwenyu zuva rose.

9 Regai kundirasa pandinenge ndakwegura;

musandisiya kana simba rangu rapera.

10 Nokuti vavengi vangu vanotaura zvakaipa pamusoro pangu;

avo vakamirira kundiuraya vanorangana pamwe chete.

11 Vanoti, “Mwari amusiya;

muteverei mumubate,

nokuti hakuna achamununura.”

12 Regai kuva kure neni, imi Mwari;

uyai nokukurumidza, imi Mwari wangu, mundibatsire.

13 Vapomeri vangu ngavaparare vanyadziswe;

vaya vanoda kundikuvadza

ngavafukidzwe nokusekwa nokunyadziswa.

14 Asi kana ndirini, ndichagara ndine tariro;

ndicharamba ndichikurumbidzai zvakanyanya.

15 Muromo wangu uchareva zvokururama kwenyu,

nezvoruponeso rwenyu zuva rose,

kunyange ndisingazivi chiyero charwo.

16 Ndichauya ndichiparidza mabasa enyu makuru, imi Ishe Jehovha;

ndichaparidza kururama kwenyu, iyemi moga.

17 Kubva pauduku hwangu, imi Mwari, makandidzidzisa,

nanhasi uno ndinoparidza mabasa enyu anoshamisa.

18 Kunyange pandinenge ndakwegura uye bvudzi rachena,

musandisiya, imi Mwari,

kusvikira ndaparidza simba renyu kurudzi runotevera,

nesimba renyu kuna vose vari kuzouya.

19 Kururama kwenyu kunosvika kudenga kumusoro, imi Mwari,

iyemi makaita zvinhu zvikuru.

Haiwa Mwari, ndiani akafanana nemi?

20 Kunyange imi makandiratidza matambudziko mazhinji uye anorwadza,

muchadzosa upenyu hwangu zvakare;

kubva kwakadzika kwepasi

muchandibudisazve.

21 Muchawedzera kukudzwa kwangu,

uye muchandinyaradzazve.

22 Ndichakurumbidzai nembira

nokuda kwokutendeka kwenyu, imi Mwari wangu;

ndichakurumbidzai nenziyo nomutengeranwa,

imi Mutsvene woga waIsraeri.

23 Miromo yangu ichadanidzira nomufaro

pandinokurumbidzai nenziyo,

iyeni, wamakadzikinura.

24 Rurimi rwangu ruchataura nezvamabasa enyu akarurama

zuva rose,

nokuti avo vaida kundikuvadza

vanyadziswa uye vakanganiswa.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 72

Pisarema raSoromoni.

1 Shongedzai Mambo nokururamisira kwenyu, imi Mwari,

mwanakomana wamambo nokururama kwenyu.

2 Achatonga vanhu venyu nokururama,

navanonetswa venyu nokururamisira.

3 Makomo achavigira vanhu kubudirira,

nezvikomo, chibereko chokururama.

4 Achadzivirira vanonetswa pakati pavanhu,

uye achaponesa vana vavanoshayiwa;

achapwanya mudzvinyiriri.

5 Achashinga sokuvapo kwezuva, sokuvapo kwomwedzi,

kusvikira kumarudzi ose anotevera,

6 achafanana nemvura inonaya pamunda une uswa hwakachekererwa,

seguti rinonyorovesa nyika.

7 Pamazuva ake vakarurama vachakura zvakanaka;

kubudirira kuchawanda kusvikira mwedzi waguma.

8 Achatonga kubva kugungwa kusvikira kugungwa,

uye kubva paRwizi kusvikira kumagumo enyika.

9 Marudzi omugwenga achapfugama pamberi pake,

uye vavengi vake vachananzva guruva.

10 Madzimambo eTashishi navari kumahombekombe ari kure

vachamuvigira mutero;

madzimambo eShebha neSebha

vachamupa zvipo.

11 Madzimambo ose achamupfugamira

uye ndudzi dzose dzichamushandira.

12 Nokuti acharwira vanoshayiwa vanodanidzira;

vanonetswa vasina anovabatsira.

13 Achanzwira ngoni vasina simba navanoshayiwa,

uye achaponesa vanoshayiwa kubva parufu.

14 Achavanunura pakudzvinyirirwa nokuitirwa zvinhu nechisimba,

nokuti ropa ravo rinokosha pamberi pake.

15 Iye ngaararame upenyu hurefu!

Goridhe rinobva kuShebha ngaripiwe kwaari.

Vanhu ngavarambe vachimunyengeterera

uye vamuropafadze zuva rose.

16 Zviyo ngazviwande munyika yose;

ngazvizengaire pamusoro pezvikomo.

Zvibereko zvazvo ngazvikure zvakanaka seRebhanoni;

ngazvibukire sebundo romusango.

17 Zita rake ngarigare nokusingaperi;

ngarirambe riripo sokuvapo kwezuva.

Ndudzi dzose dzicharopafadzwa kubudikidza naye,

uye vachamuti, ano mufaro.

18 Jehovha Mwari ngaarumbidzwe, Mwari waIsraeri,

iye oga anoita mabasa anoshamisa.

19 Zita rake rinobwinya ngarirumbidzwe nokusingaperi;

nyika yose ngaizadzwe nokubwinya kwake.

Ameni naAmeni.

20 Ndipo panoperera minyengetero yaDhavhidhi, mwanakomana waJese.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 73

Pisarema raAsafi.

1 Zvirokwazvo Mwari akanaka kuna Israeri,

kuna avo vakachena pamwoyo.

2 Asi kana ndirini, tsoka dzangu dzakapotsa dzatsvedza;

ndakasara paduku kupunzika.

3 Nokuti ndakaitira shanje vanozvikudza,

pandakaona kubudirira kwavakaipa.

4 Havatambudziki;

miviri yavo ino utano uye vakasimba.

5 Vakasununguka pamitoro inowanikwa muvanhu;

havatambudzwi nezvinotambudza vanhu.

6 Naizvozvo kuzvikudza ndiko ruketani rwemitsipa yavo;

vanozvishongedza nechisimba.

7 Mumwoyo yavo makasindimara munobuda chitadzo;

mifungo yakaipa yendangariro dzavo haina magumo.

8 Vanoseka, uye vanotaura noutsinye mukuzvikudza kwavo,

vanoti vachadzvinyirira vamwe.

9 Miromo yavo inoti denga nderavo,

uye ndimi dzavo dzinotora nyika.

10 Naizvozvo vanhu vavo vanodzokera kwavari,

uye vanonwa mvura yakawanda.

11 Vanoti, “Mwari angazviziva sei?

Ko, Wokumusoro-soro ane ruzivo here?”

12 Ndizvo zvakaita vakaipa,

havana hanya nguva dzose, vanowedzera pfuma yavo.

13 Zvirokwazvo ndakanatsa mwoyo wangu, asi pasina;

ndakashamba maoko angu ndisina mhosva, asi pasina.

14 Zuva rose ndanga ndichitambudzwa;

ndinorangwa mangwanani ose.

15 Dai ndakanga ndati, “Ndichataura zvakadai,”

ndingadai ndakapandukira vana venyu.

16 Pandakaedza kunzwisisa izvi zvose,

zvakandiremera kwazvo

17 kusvikira ndapinda munzvimbo tsvene yaMwari;

ipapo ndikazonzwisisa magumo avo.

18 Zvirokwazvo makavaisa munzira inotsvedza;

makavakanda pasi kuti vaparare.

19 Haiwa, vanoparadzwa kamwe kamwe,

vanopedzwa chose nezvinotyisa!

20 Sezvakaita kurota panopepuka munhu,

saizvozvo pamunomuka, imi Ishe,

muchavashora savanhu vanorotomoka.

21 Mwoyo wangu pawakachema

uye mweya wangu ukashungurudzika,

22 ndakanga ndava benzi uye ndisingazivi;

ndakanga ndava mhuka inotyisa pamberi penyu.

23 Kunyange zvakadaro ndinogara nemi nguva dzose;

munondibata noruoko rwenyu rworudyi.

24 Munondisesedza nezano renyu,

uye pashure muchazonditora mondipinza mukubwinya kwenyu.

25 Ndianiko wandinaye kudenga kana musirimi?

Uye nyika haina chandinoshuva kunze kwenyu.

26 Nyama yangu nomwoyo wangu zvingapera hazvo,

asi Mwari isimba romwoyo wangu

nomugove wangu nokusingaperi.

27 Avo vari kure nemi vachaparara;

munoparadza vose vasina kutendeka kwamuri.

28 Asi kana ndirini, zvakanaka kuva pedyo naMwari.

Ndakaita Ishe Jehovha utiziro hwangu;

ndichataura zvamabasa enyu ose.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 74

Masikiri raAsafi.

1 Haiwa Mwari, makatirambireiko nokusingaperi?

Kutsamwa kwenyu kwapfungairireiko pamusoro pamakwai anofudzwa nemi?

2 Rangarirai vanhu vamakatenga kare,

rudzi rwenhaka yenyu, ivo vamakadzikinura,

Gomo reZioni, pamaigara.

3 Dzorai nhambwe dzenyu mutarise matongo asingaperi,

kuparadza ikoku kwose kwakauya nomuvengi pamusoro penzvimbo yenyu tsvene.

4 Vavengi venyu vakaomba panzvimbo yamakasangana nesu;

vakamisa mireza yavo sechiratidzo.

5 Vakaita savanhu vanosimudza matemo

kuti vateme dondo remiti.

6 Vakaputsa zvose zvakavezwa

namatemo avo nembezo.

7 Vakapisira pasi nzvimbo yenyu tsvene;

vakamhura ugaro hweZita renyu.

8 Vakati mumwoyo yavo, “Tichavaputsa zvachose!”

Vakapisa nzvimbo dzose dzokunamatira Mwari munyika.

9 Hatichaoni zviratidzo zvinoshamisa;

hakuna muprofita akasara,

pakati pedu hapana munhu anoziva kuti zvicharamba zvakadaro kusvikira rini.

10 Haiwa Mwari, muvengi acharamba achikushorai kusvikira riniko?

Ko, muvengi acharamba achimhura zita renyu nokusingaperi here?

11 Munodzoserereiko ruoko rwenyu shure, irwo ruoko rwenyu rworudyi?

Rubvisei pamupendero wenguo yenyu muvaparadze!

12 Asi imi, iyemi Mwari, ndimi mambo wangu kubva nakare;

imi munouyisa ruponeso panyika.

13 Ndimi makaganhura gungwa napakati nesimba renyu;

makaputsa misoro yechikara chomumvura.

14 Ndimi makapwanya misoro yaRevhiatani,

mukamuita chokudya chezvisikwa zvomugwenga.

15 Ndimi makazarura zvitubu nehova;

mukapwisa nzizi dzaigara dzichierera.

16 Zuva nderenyu, uye usiku ndohwenyuwo;

makasimbisa zuva nomwedzi.

17 Ndimi makatara miganhu yose yenyika;

mukaita zvose zhizha nechando.

18 Rangarirai kuti muvengi akakushorai sei, imi Jehovha,

uye kuti mapenzi akamhura sei zita renyu.

19 Regai kuisa upenyu hwenjiva yenyu kumhuka dzesango;

regai kukanganwa nokusingaperi upenyu hwavanhu venyu vanonetswa.

20 Ivai nehanya nesungano yenyu,

nokuti mweya wokurwisana wazadza nzvimbo dzerima munyika.

21 Musarega vakadzvinyirirwa vachidududza shure nenyadzi;

varombo navanoshayiwa ngavarumbidze zita renyu.

22 Simukai, imi Mwari, mutsigire mhaka yenyu;

rangarirai kuti mapenzi anokushorai sei zuva rose.

23 Regai kushayira hanya ruzha rwavadzivisi venyu,

bope ravavengi venyu, rinoramba richikwira.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 75

Kumutungamiri wokuimba namaimbiro okuti, “Regai kuparadza.” Pisarema raAsafi. Rwiyo.

1 Tinokuvongai, imi Mwari, tinokuvongai,

nokuti Zita renyu riri pedyo;

vanhu vanotaura nezvamabasa enyu anoshamisa.

2 Imi munoti, “Ndinosarudza nguva yakatarwa;

ndini ndinotonga zvakarurama.

3 Panozununguka nyika yose navanhu vayo,

ini ndini ndinobata mbiru dzayo zvakasimba.Sera

4 Kuna vanozvikudza ndinoti, ‘Regai kuzvikudzazve,’

uye kuna vakaipa, ndinoti, ‘Regai kusimudza nyanga dzenyu.

5 Regai kusimudzira nyanga dzenyu kudenga;

regai kutaura nemitsipa mikukutu.’ ”

6 Hakuna munhu anobva kumabvazuva kana kumavirira,

kana anobva kugwenga angasimudzira munhu.

7 Asi Mwari ndiye anotonga:

Anoderedza mumwe, achisimudzira mumwe.

8 Muruoko rwaJehovha mune mukombe

uzere newaini inopupuma, yakavhenganiswa nezvinonhuhwira;

anoidururira pasi, uye vakaipa vose vapanyika

vanoinwa kusvikira pamasese ayo.

9 Kana ndirini, ndichaparidza izvi nokusingaperi;

ndichaimbira Mwari waJakobho rwiyo rwokurumbidza.

10 Ndichagura nyanga dzavakaipa vose,

asi nyanga dzavakarurama dzichasimudzirwa kumusoro.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 76

Kumutungamiri wokuimba nomutengeranwa une hungiso. Pisarema raAsafi. Rwiyo.

1 Mwari anozivikanwa muJudha;

zita rake iguru muIsraeri.

2 Tende rake riri muSaremu,

ugaro hwake paZioni.

3 Ndipo paakavhuna miseve inovaima,

nhoo neminondo, izvo zvombo zvokurwa.Sera

4 Imi makashongedzwa nechiedza,

kupfuura makomo akapfuma nemhuka.

5 Varume vakashinga vakavata pasi vapambwa,

vakavata hope dzavo dzokupedzisira;

hakuna mumwe wavarwi

angasimudza maoko ake.

6 Pakutuka kwenyu, imi Mwari waJakobho,

zvose bhiza nengoro zvinovata zvakati mwiro.

7 Imi moga ndimi munofanira kutyiwa.

Mukatsamwa, ndianiko angamira pamberi penyu?

8 Muri kudenga makazivisa kutonga kwenyu,

uye nyika yakatya ikanyarara,

9 haiwa Mwari, pamakasimuka kuti mutonge,

kuti muponese vanonetswa vose venyika.Sera

10 Zvirokwazvo hasha dzenyu pamusoro pavanhu dzinokuvigirai kurumbidzwa,

uye vanosara pahasha dzenyu vachadziviswa.

11 Itai mhiko kuna Jehovha Mwari wenyu mugodzizadzisa;

nyika dzose dzakakupoteredzai

ngadzivigire zvipo kuna Iye anofanira kutyiwa.

12 Anoputsa mweya yavatongi;

anotyiwa namadzimambo enyika.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 77

Kumutungamiri wokuimba. Kuna Jedhutuni. Pisarema raAsafi.

1 Ndakadanidzira kuna Mwari kuti andibatsire;

ndakadana kuna Mwari kuti andinzwe.

2 Pandakanga ndiri pakutambudzika, ndakatsvaka Ishe;

panguva yousiku ndakatambanudza maoko angu asinganeti,

uye mweya wangu wakaramba kunyaradzwa.

3 Haiwa Mwari, ndakakurangarirai, uye ndikagomera;

ndakafungisisa, mweya wangu ukaziya.Sera

4 Makakonesa meso angu kutsinzina;

ndakatambudzika zvokuti ndakatadza kutaura.

5 Ndakarangarira mazuva ekare,

makore ekare kare;

6 ndakarangarira nziyo dzangu panguva yousiku.

Mwoyo wangu wakafungisisa uye mweya wangu wakabvunza ukati,

7 “Ko, Ishe acharamba nokusingaperi here?

Haachazombonzwiri ngonizve here?

8 Ko, rudo rwake rusingaperi rwakabva nokusingaperi here?

Chipikirwa chake chakakona nokusingaperi here?Sera

9 Ko, Mwari akanganwa kuva nenyasha here?

Mukutsamwa kwake haachaitira tsiye dzake nyoro here?”

10 Ipapo ndakafunga ndikati, “Ndichakumbira hangu pane izvozvi:

makore oruoko rworudyi reWokumusoro-soro.”

11 Ndicharangarira mabasa aJehovha;

hongu, ndicharangarira zvishamiso zvenyu zvakare kare.

12 Ndichafungisisa pamusoro pamabasa enyu ose,

uye ndicharangarira mabasa enyu makuru.

13 Haiwa Mwari, nzira dzenyu itsvene.

Ndoupiko mwari mukuru saMwari wedu?

14 Muri Mwari anoita zvishamiso;

munoratidza simba renyu pakati pavanhu.

15 Noruoko rwenyu rune simba,

makadzikinura vanhu venyu, izvo zvizvarwa zvaJakobho naJosefa.Sera

16 Mvura zhinji yakakuonai, imi Mwari,

mvura zhinji yakakuonai ikatya;

kwakadzika chaiko kwakabvunda.

17 Makore akadurura mvura,

kumatenga kwakaunga nokutinhira;

miseve yenyu yakapenya kuno nokoko.

18 Kutinhira kwenyu kwakanzwika muchamupupuri,

kupenya kwenyu kwakavhenekera nyika;

nyika yakadedera ikadengenyeka.

19 Gwara renyu rakapinda nomugungwa,

nzira yenyu ikapinda nomumvura zhinji zhinji,

kunyange zvazvo tsoka dzenyu dzakanga dzisingaonekwi.

20 Makatungamirira vanhu venyu seboka ramakwai

noruoko rwaMozisi naAroni.