Categories
Mapisarema

Mapisarema 28

Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndinodana kwamuri, imi Jehovha Dombo rangu;

musandinyararira.

Nokuti kana mukaramba munyerere,

ini ndichaita savaya vakaburukira kugomba.

2 Inzwai kuchemera ngoni kwangu,

sezvo ndichichemera rubatsiro kwamuri,

sezvo ndichisimudza maoko angu

ndakatarira kuNzvimbo yenyu Tsvene-tsvene.

3 Musandikwekweredzera kure pamwe chete navakaipa,

naavo vanoita zvakaipa,

vanotaura rugare navavakidzani vavo

asi vakaviga zvakaipa mumwoyo yavo.

4 Vatsivei pamabasa avo

napabasa ravo rakaipa,

vatsivei pane zvakaitwa namaoko avo;

mugodzosera pamusoro pavo zvakavafanira.

5 Sezvo vasina hanya namabasa aJehovha

uye nezvakaitwa namaoko ake,

achavaputsira pasi

akasavavakazve.

6 Jehovha ngaarumbidzwe,

nokuti akanzwa kuchemera kwangu ngoni.

7 Jehovha ndiye simba rangu nenhoo yangu;

mwoyo wangu unovimba naye, uye ndinobatsirwa.

Mwoyo wangu unokwakuka nomufaro

uye ndichamuvonga nenziyo.

8 Jehovha ndiye simba ravanhu vake,

nhare yoruponeso yomuzodziwa wake.

9 Ponesai vanhu venyu uye muropafadze nhaka yenyu;

ivai mufudzi wavo uye muvatakure nokusingaperi.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 29

Pisarema raDhavhidhi.

1 Ipai kuna Jehovha, imi mune simba

ipai kuna Jehovha rukudzo nesimba.

2 Ipai kuna Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake;

namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake.

3 Inzwi raJehovha riri pamusoro pemvura zhinji.

Mwari wokubwinya anotinhira,

Jehovha anotinhira ari pamusoro pemvura zhinji.

4 Inzwi raJehovha rine simba;

inzwi raJehovha rinokudzwa.

5 Inzwi raJehovha rinovhuna misidhari,

Jehovha anovhuna-vhuna misidhari yeRebhanoni.

6 Anoita kuti Rebhanoni ikwakuke semhuru,

neSirioni senzombe yenyati.

7 Inzwi raJehovha rinorova

nokuvaima kwemheni.

8 Inzwi raJehovha rinozungunusa gwenga;

Jehovha anozungunusa Gwenga reKadheshi.

9 Inzwi raJehovha rinomonyorora miouki

uye rinosvuura sango rigosara rati hwe-e.

Uye mutemberi yake zvose zvinodana zvichiti, “Kubwinya!”

10 Jehovha anogara pachigaro choushe chamafashamu emvura;

Jehovha anogara ari Mambo nokusingaperi.

11 Jehovha anopa simba kuvanhu vake;

Jehovha anoropafadza vanhu vake norugare.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 30

Pisarema. Rwiyo rwokukumikidza temberi. Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndichakukudzai imi Jehovha,

nokuti makandisimudza kubva pakadzika,

uye hamuna kutendera vavengi vangu kuti vafare pamusoro pangu.

2 Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndakachemera rubatsiro kwamuri

uye mukandiporesa.

3 Haiwa Jehovha, makandibudisa muguva;

mukandirwira kuti ndirege kupinda mugomba.

4 Imbirai Jehovha, imi vatsvene vake;

rumbidzai zita rake dzvene.

5 Nokuti kutsamwa kwake ndokwenguva duku,

asi nyasha dzake ndedzoupenyu hwose;

kuchema kungangovapo usiku.

Asi mufaro unouya mangwanani.

6 Pandakanzwa kugadzikana, ndakati,

“Handingatongozungunuswi.”

7 Haiwa Jehovha, pamakandinzwira tsitsi,

makaita kuti gomo rangu rimire rakasimba;

asi pamakavanza chiso chenyu,

ini ndakavhunduka.

8 Ndakadana kwamuri, imi Jehovha;

ndakachemera nyasha kuna Jehovha ndichiti,

9 “Chiiko chinowanikwa pakuparadzwa kwangu,

napakupinda kwangu mugomba?

Ko, guruva richakurumbidzai here?

Richaparidza kutendeka kwenyu here?

10 Inzwai, imi Jehovha, mundinzwire ngoni;

imi Jehovha, ivai mubatsiri wangu.”

11 Imi makashandura kuungudza kwangu kukava kutamba;

makabvisa nguo dzangu dzamasaga mukandishongedza nomufaro,

12 kuti mwoyo wangu ukuimbirei ugorega kunyarara.

Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndichakuvongai nokusingaperi.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 31

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndinovanda mamuri, imi Jehovha;

itai kuti ndisatombonyadziswa;

ndirwirei mukururama kwenyu.

2 Rerekerai nzeve yenyu kwandiri,

kurumidzai kundinunura;

ivai dombo rangu rokuvanda,

nhare yakasimba inondiponesa.

3 Sezvo murimi dombo rangu nenhare yangu,

nditungamirirei uye mundisesedze nokuda kwezita renyu.

4 Ndisunungurei pamusungo wandakadzikirwa,

nokuti imi muri utiziro hwangu.

5 Ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu;

ndidzikinurei, imi Jehovha, Mwari wechokwadi.

6 Ndinovenga vanonamatira kuzvifananidzo zvisina maturo;

ndinovimba naJehovha.

7 Ndichafara nokufarisisa murudo rwenyu,

nokuti makaona kutambudzika kwangu

mukaziva kurwadziwa kwomwoyo wangu.

8 Hamuna kundiisa kumuvengi,

asi makamisa tsoka dzangu panzvimbo yakafarikana.

9 Haiwa Jehovha, ndinzwirei ngoni nokuti ndine nhamo;

meso angu aneta nokuchema,

mwoyo wangu nomuviri wangu zvarwadziwa.

10 Upenyu hwangu hwopera nokurwadziwa,

uye namakore angu nokugomera;

simba rangu rapera nokuda kwokutambudzika kwangu,

uye mapfupa angu arukutika.

11 Nokuda kwavavengi vangu,

ndava chinhu chinovengwa navavakidzani vangu;

ndava chinhu chinotyisa kushamwari dzangu;

vanondiona munzira dzomumisha vanonditiza.

12 Ndakanganwikwa navo sendakafa;

ndafanana nehari yakaputsika,

13 nokuti ndinonzwa guhwa ravazhinji;

kumativi ose kune zvinotyisa;

vanorangana pamusoro pangu

uye vanoronga kundiuraya.

14 Asi ndinovimba nemi, imi Jehovha;

ndinoti, “Ndimi Mwari wangu.”

15 Nguva dzangu dziri mumaoko enyu;

ndirwirei kuvavengi vangu

nokuna avo vanonditeverera.

16 Chiso chenyu ngachipenye pamusoro pomuranda wenyu;

ndiponesei norudo rwenyu rusingaperi.

17 Haiwa Jehovha, itai kuti ndisanyadziswa,

nokuti ndakadana kwamuri;

asi vakaipa ngavanyadziswe

uye vavate vakati mwiro muguva.

18 Miromo yavo inoreva nhema ngainyaradzwe,

nokuti vanotaura namanyawi

nokuzvikudza pamusoro pavakarurama.

19 Haiwa, kunaka kwenyu kukuru sei,

kwamakachengetera vaya vanokutyai,

kwamunoisa pamberi pavanhu,

pamusoro paivo vanovanda mamuri.

20 Mukudzivirira kwokuvapo kwenyu munovavanza

kubva parangano dzavanhu;

munovachengeta zvakanaka pamunogara

kubva pandimi dzinopomera.

21 Jehovha ngaarumbidzwe,

nokuti akaratidza rudo rwake runoshamisa

kwandiri pandakanga ndiri muguta rakakombwa.

22 Mukuvhunduka kwangu, ndakati,

“Ndabviswa pamberi penyu!”

Asi makanzwa kuchemera nyasha kwangu

pandakadanidzira kwamuri ndichida rubatsiro.

23 Idai Jehovha, imi vatsvene mose!

Jehovha anochengetedza vakatendeka,

asi anotsiva zvizere vanozvikudza.

24 Simbai uye mutsunge mwoyo,

imi mose munorindira Jehovha.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 32

Pisarema raDhavhidhi neMasikiri.

1 Akaropafadzwa uyo

akakanganwirwa kudarika kwake,

akafukidzirwa zvivi zvake.

2 Akaropafadzwa munhu

asingaverengerwi zvivi zvake naJehovha,

uye asina kunyengera mumwoyo make.

3 Pandakanyarara,

mapfupa angu akarukutika nokuda

kwokugomera kwangu zuva rose.

4 Nokuti masikati nousiku

ruoko rwenyu rwakanga ruchirema pamusoro pangu;

simba rangu rakasvetwa

sezvinoita kupisa kwechirimo.Sera

5 Ipapo ndakazivisa chivi changu kwamuri

uye handina kuvanza chakaipa changu.

Ndakati, “Ndichareurura kudarika kwangu kuna Jehovha,”

uye makandiregerera mhosva yechivi changu.Sera

6 Naizvozvo vose vanoda Mwari ngavanyengetere kwamuri

muchiri kuwanikwa;

zvirokwazvo mvura zhinji ine simba painokwira,

haingasviki kwavari.

7 Ndimi nzvimbo yangu yokuvanda;

muchandidzivirira panhamo

uye muchandipoteredza nenziyo dzorusununguko.Sera

8 Ndichakurairidza uye ndichakudzidzisa nzira yaunofanira kufamba nayo;

ndichakupa zano uye ndichakurinda.

9 Rega kuva sebhiza kana senyurusi,

zvisinganzwisisi asi zvinofanira kupingudzwa

nomukaro kana namatomu,

kana kuti hazvingauyi kwauri.

10 Wakaipa ana matambudziko mazhinji,

asi rudo rusingaperi rwaJehovha

runopoteredza munhu anovimba naye.

11 Farai muna Jehovha uye mufarisise, imi vakarurama;

imbai, imi mose makarurama pamwoyo!

Categories
Mapisarema

Mapisarema 33

1 Imbirai Jehovha, mufarisise, imi vakarurama;

zvakanaka kuti vakarurama vamurumbidze.

2 Rumbidzai Jehovha nembira;

muimbirei nziyo nomutengeranwa une hungiso gumi.

3 Muimbirei rwiyo rutsva;

muridze zvakanaka, mugopururudza nomufaro.

4 Nokuti shoko raJehovha rakarurama uye nderechokwadi;

iye akatendeka pane zvose zvaanoita.

5 Jehovha anoda kururama nokururamisira;

nyika izere norudo rwake rusingaperi.

6 Kudenga denga kwakaitwa neshoko raJehovha,

hondo dzenyeredzi dzaikoko, nokufema kwomuromo wake.

7 Anounganidza mvura zhinji yegungwa muzvirongo;

anoisa kwakadzika mumatura.

8 Nyika yose ngaitye Jehovha;

marudzi ose enyika ngaamuremekedze.

9 Nokuti iye akataura, zvikaitika;

akarayira, zvikamira zvakasimba.

10 Jehovha anokonesa urongwa hwendudzi;

anopinganidza mifungo yendudzi.

11 Asi urongwa hwaJehovha hunomira hwakasimba nokusingaperi,

nendangariro dzomwoyo wake kusvikira kuzvizvarwa zvose.

12 Rwakaropafadzwa rudzi rwakaita Jehovha Mwari warwo,

vanhu vaakasarudza kuti vave nhaka yake.

13 Jehovha anotarira pasi ari kudenga

uye anoona marudzi ose avanhu;

14 ari pachigaro chake anotarira

vose vagere panyika,

15 iye anoumba mwoyo yavanhu vose,

anofungisisa zvose zvavanoita.

16 Hapana mambo anoponeswa nokukura kwehondo yake;

hapana murwi anopunyuka nokuda kwesimba rake guru.

17 Bhiza itariro isina maturo pakurwirwa;

harigoni kuponesa kunyange rine simba guru.

18 Asi meso aJehovha ari pamusoro paavo vanomutya,

napamusoro paavo vakaisa tariro yavo murudo rwake rusingaperi,

19 kuti avarwire parufu

nokuvararamisa panzara.

20 Tinomirira Jehovha netariro;

ndiye mubatsiri wedu nenhoo yedu.

21 Mwoyo yedu inofara maari,

nokuti tinovimba nezita rake dzvene.

22 Rudo rwenyu rusingaperi ngarugare pamusoro pedu, imi Jehovha,

kunyange sezvatakaisa tariro yedu mamuri.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 34

Pisarema raDhavhidhi. Paakaita seanopenga pamberi paAbhimereki; uyo akamudzinga, iye akaenda hake.

1 Ndinorumbidza Jehovha nguva dzose;

kurumbidzwa kwake kucharamba kuri pamiromo yangu.

2 Mwoyo wangu uchazvirumbidza muna Jehovha;

vanotambudzika ngavanzwe vafare.

3 Kudzai Jehovha pamwe chete neni;

ngatikudzei zita rake pamwe chete.

4 Ndakachema kuna Jehovha akandipindura;

akandisunungura pakutya kwangu kwose.

5 Vanotarira kwaari vanopenya;

zviso zvavo hazvingambofukidzwi nenyadzi.

6 Murombo uyu akadana, uye Jehovha akamunzwa;

akamuponesa pakutambudzika kwake kwose.

7 Mutumwa waJehovha anokomberedza avo vanomutya,

uye anovasunungura.

8 Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka;

akaropafadzwa munhu anovanda maari.

9 Ityai Jehovha, imi vatsvene vake,

nokuti vanomutya havana chavanoshayiwa.

10 Shumba dzinopera simba uye dzinofa nenzara,

asi avo vanotsvaka Jehovha havashayiwi chinhu chakanaka.

11 Uyai, vana vangu, nditeererei;

ndichakudzidzisai kutya Jehovha.

12 Ani naani wenyu anoda upenyu,

uye uchida kuona mazuva akawanda,

13 dzora rurimi rwako pane zvakaipa

nemiromo yako pakureva nhema.

14 Ibva pane zvakaipa ugoita zvakanaka;

tsvaka rugare uye urutevere.

15 Meso aJehovha ari pamusoro pavakarurama

uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo;

16 chiso chaJehovha chinovenga avo vanoita zvakaipa,

kuti abvise chiyeuchidzo chavo panyika.

17 Vakarurama vanodanidzira, uye Jehovha anovanzwa;

anovarwira pakutambudzika kwavo kwose.

18 Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika

uye anoponesa avo vakapwanyika pamweya.

19 Akarurama angava namatambudziko mazhinji,

asi Jehovha anomurwira paari ose;

20 anochengetedza mapfupa ake ose,

hakuna nerimwe rawo richavhunika.

21 Zvakaipa zvichauraya vakaipa;

vavengi vavakarurama vachapiwa mhosva.

22 Jehovha anodzikinura varanda vake;

hapana kana mumwe anovanda maari achapiwa mhosva.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 35

Pisarema raDhavhidhi.

1 Haiwa Jehovha, kakavadzanai navanokakavadzana neni;

rwisai avo vanondirwisa.

2 Torai nhoo huru neduku;

simukai, uye uyai mundibatsire.

3 Vheyesai pfumo guru nepfumo diki

murwise avo vanonditevera.

Muti kumweya wangu,

“Ndini ruponeso rwako.”

4 Vanotsvaka kundiuraya

ngavazvidzwe uye vanyadziswe;

vanorangana kuparadzwa kwangu

ngavadzoserwe shure vachitya.

5 Ngavaite sehundi pamberi pemhepo,

mutumwa waJehovha achivasundira kure;

6 nzira yavo ngaisvibe uye itsvedze,

mutumwa waJehovha achivateverera.

7 Sezvo vakandivanzira mimbure yavo ndisina mhosva,

uye vakandicherera gomba ndisina mhosva,

8 kuparadzwa ngakuvawire pakarepo,

mumbure wavakavanza ngauvapinge ivo,

ngavawire mugomba ravo vaparare.

9 Ipapo mweya wangu uchafara muna Jehovha,

uye uchafarira ruponeso rwake.

10 Zvandiri zvose zvichadanidzira zvichiti:

“Ndianiko akaita semi, Jehovha?

Munonunura varombo kubva

kuna avo vane simba kupinda ravo.”

11 Zvapupu zvino utsinye zvinouya mberi;

zvinondibvunza pamusoro pezvinhu zvandisingazivi.

12 Vanotsiva zvakanaka zvangu nezvakaipa,

uye vanosiya mweya wangu uchidzungaira.

13 Asi pavairwara, ndakafuka nguo dzamasaga

ndikazvininipisa nokutsanya.

Munyengetero wangu pawakadzokera kwandiri usina mhinduro,

14 ndakafamba-famba ndichichema

kunge ndinochemera shamwari yangu kana hama yangu.

Ndakakotamisa musoro wangu ndichichema,

sokunge ndinochema mai vangu.

15 Asi pandakagumburwa, vakaungana vachifara;

varwi vakaungana kuzondirwisa ndisingazivi.

Vakandireva vasingaregi.

16 Savanhu vasina Mwari vakandiseka muruvengo rwavo;

vakandirumanyira meno avo.

17 Haiwa Jehovha, muchasvika riniko makangotarira?

Nunurai upenyu hwangu kubva pakuparadza kwavo,

noupenyu hwangu hunokosha kubva pashumba idzi.

18 Ndichakuvongai paungano huru;

ndichakurumbidzai pakati pavanhu vazhinji.

19 Ngavarege kufara pamusoro pangu

avo vanondivenga ndisina mhosva;

vanondivenga ndisina mhosva

ngavarege kuchonyerana meso avo mukundivenga.

20 Havatauri norugare,

asi vanofunga kupomera mhosva

pamusoro pavanogara norunyararo munyika.

21 Vanondishamira miromo yavo vachiti,

“Hekani waro! Hekani waro! Tazviona nameso edu.”

22 Haiwa Jehovha, mazviona izvi; regai kunyarara.

Regai kuva kure neni, imi Ishe.

23 Mukai uye simukai mundirwire!

Ndirwirei, Mwari wangu naIshe wangu.

24 Ndiruramisirei mukururama kwenyu, imi Jehovha Mwari wangu;

musarega vachifara pamusoro pangu.

25 Musarega vachifunga mumwoyo mavo vachiti, “Hekani waro,

ndizvo zvatanga tichida!” kana kuti vati, “Tamumedza chose.”

26 Vose vanofarira kutambudzika kwangu

ngavanyadziswe uye vanyonganiswe;

vose vanozvisimudzira pamusoro pangu

ngavafukidzwe nenyadzi nokuzvidzwa.

27 Vose vanofarira kururamisirwa kwangu

ngavapembere nomufaro nokufarisisa;

ngavarambe vachiti, “Jehovha ngaakudzwe,

iye anofarira kugara zvakanaka kwavaranda vake.”

28 Rurimi rwangu ruchataura zvokururama kwenyu,

uye nezvokurumbidzwa kwenyu zuva rose.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 36

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi muranda waJehovha.

1 Shoko riri mumwoyo mangu

pamusoro pokutadza kweakaipa rinoti:

Hakuna kutya Mwari

pamberi pake.

2 Pamaonero ake anozvirumbidza, nokuti anozvibata kumeso kwazvo pakuona kwake,

zvokuti anotadza kuona kana kuvenga chivi chake.

3 Mashoko omuromo wake akaipa uye anonyengera;

haachisiri munhu akachenjera kana anoita zvakanaka.

4 Kunyange panhoo yake anofunga zvakaipa;

anozvifambisa panzira yezvakaipa

uye haarambi chakaipa.

5 Rudo rwenyu, imi Jehovha, runosvika kudenga denga,

kutendeka kwenyu kunosvika kumakore.

6 Kururama kwenyu kwakaita segomo guru guru,

kururamisira kwenyu sepakadzika dzika.

Haiwa Jehovha, imi munochengetedza zvose munhu nemhuka.

7 Haiwa rudo rwenyu rusingatongoperi runokosha sei!

Vose vakuru navaduku pakati pavanhu

vanovanda mumumvuri wamapapiro enyu.

8 Vanogutswa nezvakawanda zvomumba menyu;

munovanwisa kubva parwizi rwenyu runofadza.

9 Nokuti kwamuri ndiko kune chitubu choupenyu;

muchiedza chenyu tinoona chiedza.

10 Rambai muchiitira rudo kuna avo vanokuzivai,

uye kururama kwenyu kuna vane mwoyo yakarurama.

11 Rutsoka rwounozvikudza ngarurege kusvika kwandiri,

kunyange ruoko rweakaipa ngarurege kundidzingira kure.

12 Tarirai vaiti vezvakaipa kuti vawa sei,

vakandwa pasi, havagoni kumuka.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 37

Pisarema raDhavhidhi.

1 Usava neshungu nokuda kwavanhu vakaipa,

uye usaitira godo avo vanoita zvakaipa;

2 nokuti souswa vachaoma nokukurumidza,

somuriwo wakasvibira vachakurumidza kuoma.

3 Vimba naJehovha uite zvakanaka;

gara panyika ufarikane pamafuro manyoro.

4 Farikana muna Jehovha,

uye iye achakupa zvinodikanwa nomwoyo wako.

5 Isa nzira yako kuna Jehovha;

uvimbe naye uye iye achaita izvi;

6 achaita kuti kururama kwako kupenye samambakwedza,

nokururamisirwa kwako sezuva ramasikati.

7 Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere;

usava neshungu kana vanhu vachibudirira panzira dzavo,

pavanoita mano avo akaipa avakaronga.

8 Rega kutsamwa, uzvidzore pahasha;

usava neshungu zvinokutungamirira mune zvakaipa.

9 Nokuti vasakarurama vachagurwa,

asi avo vanomirira Jehovha vachagara nhaka yenyika.

10 Chinguva chiduku duku, vakaipa havachazovapozve;

kunyange ukavatsvaka, havazowanikwi.

11 Asi vanyoro vachagara nhaka yenyika,

uye vachafarikana norugare rukuru.

12 Vakaipa vanofungira vakarurama mano akaipa,

uye vanovarumanyira meno avo.

13 Asi Ishe anoseka vakaipa

nokuti anoziva kuti zuva ravo riri kuuya.

14 Vakaipa vanovhomora munondo

uye vanowembura uta

kuti vawisire pasi varombo navanoshayiwa,

kuti vauraye avo vane nzira dzakarurama.

15 Asi minondo yavo ichabaya mwoyo yavo pachavo,

uye uta hwavo huchavhunika.

16 Zvishoma zvowakarurama zviri nani

kupinda pfuma yavakaipa vazhinji;

17 nokuti simba ravakaipa richavhuniwa,

asi Jehovha anotsigira vakarurama.

18 Mazuva avakarurama anozivikanwa naJehovha,

uye nhaka yavo ichagara nokusingaperi.

19 Panguva yamatambudziko, havanganyadziswi;

mumazuva enzara ivo vachava nezvakawanda.

20 Asi vakaipa vachaparara:

vavengi vaJehovha vachafanana norunako rweminda,

vachanyangarika soutsi.

21 Vakaipa vanokwereta uye havadzori,

asi vakarurama vanopa zvakawanda;

22 avo vanoropafadzwa naJehovha vachagara nhaka yenyika,

asi avo vaanotuka vachaparadzwa.

23 Kana Jehovha achifarira nzira yomunhu,

anosimbisa mafambiro ake;

24 kunyange akagumburwa, haangawi,

nokuti Jehovha anomutsigira noruoko rwake.

25 Ndakanga ndiri muduku uye zvino ndakwegura,

asi handina kumboona vakarurama vachiraswa,

kana vana vavo vachipemha chingwa.

26 Vanogara vachingopa vamwe, uye vachikweretesa pasina muripo;

vana vavo vacharopafadzwa.

27 Dzoka pane zvakaipa ugoita zvakanaka;

ipapo uchagara panyika nokusingaperi.

28 Nokuti Jehovha anoda vanoruramisira

uye haangazosiyi vanhu vake vakatendeka.

Vachadzivirirwa nokusingaperi;

asi vana vowakaipa vachaparadzwa;

29 vakarurama vachagara nhaka yenyika

uye vachagara mairi nokusingaperi.

30 Muromo womunhu akarurama unotaura uchenjeri,

uye rurimi rwake runotaura kururamisira.

31 Murayiro waMwari wake uri pamwoyo wake;

tsoka dzake hadzitedzemuki.

32 Vakaipa vanovandira vakarurama,

vachitsvaka upenyu hwavo chaihwo;

33 asi Jehovha haangavasiyi vari musimba ravo,

kana kuvarega vachipomerwa kana vamira pakutongwa.

34 Rindira Jehovha,

uye uchengete nzira yake.

Achakusimudzira kuti ugare nhaka yenyika;

kana vakaipa voparadzwa, iwe uchazviona.

35 Ndakaona munhu akaipa uye ano utsinye

achibudirira somuti wakasvibira pavhu romunyika yawo,

36 asi nokukurumidza akapfuura uye akasazovapozve;

kunyange ndakamutsvaka, haana kuzowanikwa.

37 Cherechedza asina mhosva, ongorora akarurama;

ane ramangwana rakanaka munhu worugare.

38 Asi vatadzi vose vachaparadzwa;

ramangwana rowakaipa richagurwa.

39 Ruponeso rwavakarurama runobva kuna Jehovha;

ndiye nhare yavo panguva yamatambudziko.

40 Jehovha anovabatsira uye anovanunura;

anovanunura kubva kuna vakaipa uye anovaponesa,

nokuti vanovanda maari.