Categories
Mapisarema

Mapisarema 8

Kumutungamiri wokuimba negititi. Pisarema raDhavhidhi.

1 Haiwa Jehovha, Ishe wedu,

zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!

Makaisa kubwinya kwenyu

kudenga kumusoro.

2 Pamiromo yavana navacheche

makaisa rumbidzo

nokuda kwavavengi venyu,

kuti munyaradze muvengi nomutsivi.

3 Kana ndichifunga nezvamatenga enyu,

iro basa reminwe yenyu,

mwedzi nenyeredzi,

zvamakarongedza panzvimbo yazvo,

4 munhu chiiko zvamunomufunga,

kana mwanakomana womunhu zvamune hanya naye?

5 Makamuita muduku zvishoma pana Mwari,

uye mukamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa.

6 Makamuita mutongi pamusoro pebasa ramaoko enyu;

mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake:

7 makwai ose nemombe,

nemhuka dzesango,

8 neshiri dzedenga,

nehove dzegungwa,

zvose zvinofamba munzira dzomugungwa.

9 Haiwa Jehovha, Ishe wedu,

zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!

Categories
Mapisarema

Mapisarema 9

Kumutungamiri wokuimba namaimbiro o“Kufa kwoMwanakomana.” Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, nomwoyo wangu wose;

ndichataura pamusoro pezvishamiso zvenyu zvose.

2 Ndichafara nokufarisisa mamuri;

ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusoro-soro.

3 Vavengi vangu vanodzokera shure;

vanogumburwa uye vanoparara pamberi penyu.

4 Nokuti makatsigira kodzero yangu nenyaya yangu;

makagara pachigaro chenyu choushe, muchitonga zvakarurama kwazvo.

5 Makatuka ndudzi mukaparadza vakaipa;

makadzima zita ravo nokusingaperi.

6 Kuparadzwa kusina magumo kwakakunda muvengi,

makadzura maguta avo;

kunyange chiyeuchidzo chavo chakaparara.

7 Jehovha anotonga nokusingaperi;

akasimbisa chigaro chake choushe kuti atonge.

8 Achatonga nyika nokururama;

achatonga marudzi nokururamisira.

9 Jehovha ndiye nhare yavakamanikidzwa,

nhare yakasimba panguva yokutambudzika.

10 Vanoziva zita renyu vachavimba nemi,

nokuti imi, Jehovha hamuna kumbosiya avo vanokutsvakai.

11 Imbirai Jehovha nziyo dzokurumbidza,

iye agere pachigaro choushe muZioni; paridzai zvaakaita pakati pendudzi.

12 Nokuti iye anotsiva ropa anorangarira;

haashayiri hanya kuchema kwavanotambudzwa.

13 Haiwa Jehovha, onai kuti vavengi vangu vanonditambudza sei!

Ndinzwirei ngoni mundisimudze pamasuo orufu,

14 kuti ndiparidze kurumbidzwa kwenyu

mumasuo oMwanasikana weZioni,

uye ndigofara muruponeso rwenyu.

15 Ndudzi dzakawira mugomba radzakachera;

tsoka dzavo dzakabatwa nemimbure yavakaviga.

16 Jehovha anozivikanwa nokururamisira kwake;

vakaipa vakateyiwa namabasa amaoko avo.Higayoni. Sera

17 Vakaipa vanodzokera kuguva,

idzo ndudzi dzose dzinokanganwa Mwari.

18 Asi vanoshayiwa havangagari vachikanganwikwa,

uye tariro yavanotambudzwa haingaparari.

19 Simukai, Jehovha, munhu ngaarege kukunda;

ndudzi ngadzitongwe pamberi penyu.

20 Varovei nokutyisa, imi Jehovha;

ndudzi ngadzizive kuti vanongova vanhu zvavo.Sera

Categories
Mapisarema

Mapisarema 10

1 Munomirireiko kure, imi Jehovha?

Munozvivanzireiko panguva yokutambudzika?

2 Pakuzvikudza kwake munhu akaipa anovhima vasina simba,

vanobatwa namano okufunga kwake.

3 Anozvirumbidza pamusoro pezvinopangwa nomwoyo wake;

anoropafadza vanokara uye anozvidza Jehovha.

4 Pakuzvikudza kwake akaipa haamutsvaki;

mundangariro dzake dzose hamuna nzvimbo yaMwari.

5 Nzira dzake dzinobudirira nguva dzose;

anozvikudza uye mirayiro yenyu iri kure naye;

anodadira vavengi vake vose.

6 Anoti pakufunga kwake, “Hakuna chichandizungunusa;

ndichagara ndakafara uye handingatongotambudziki.”

7 Muromo wake uzere nokutuka, kureva nhema, uye nokutyisidzira;

matambudziko nezvakaipa zviri pasi porurimi rwake.

8 Anovandira ari pedyo nemisha;

pakuvandira uku anouraya vasina mhosva,

ari panzvimbo yakavanzika anotarira vaachaparadza.

9 Anovandira seshumba iri panzvimbo yayo;

anovandira kuti abate vasina anovabatsira;

anobata vasina anobatsira uye anovakweva achienda navo mumumbure wake.

10 Vabatwa vake anovapwanya, vanowa;

vanowira pasi pesimba rake.

11 Anoti mumwoyo make, “Mwari akanganwa;

akafukidza chiso chake uye haazoonizve.”

12 Simukai, imi Jehovha! Simudzai ruoko rwenyu, imi Mwari.

Regai kukanganwa vanomanikidzwa.

13 Munhu akaipa anozvidzireiko Mwari?

Seiko achiti mumwoyo make,

“Haazondibvunzi?”

14 Asi imi, iyemi Mwari, munoona kutambudzika nokusuwa;

munokutarisisa kuti mukupedze.

Asina simba anozviisa kwamuri;

muri mubatsiri wenherera.

15 Vhunai ruoko rweakaipa nerwomunhu akaipa;

ngaazvidavirire pazvakaipa zvake

zvakanga zvisingazoonekwi.

16 Jehovha ndiye Mambo nokusingaperi-peri;

ndudzi dzichaparara munyika yake.

17 Munonzwa henyu, imi Jehovha, zvishuvo zvavanotambura;

munovakurudzira, uye munoteerera kuchema kwavo,

18 muchiruramisira nherera nevakamanikidzwa,

kuti munhu wenyika, arege kuramba achingovhundutsa.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 11

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndinovanda muna Jehovha.

Mungareva seiko kwandiri muchiti,

“Tizira kugomo rako seshiri.

2 Nokuti tarira, vakaipa vanowembura uta hwavo;

vanogadzirira miseve yavo parukungiso,

kuti vapfure vari murima,

uyo akarurama pamwoyo.

3 Kana nheyo dzaparadzwa,

akarurama angaiteiko?”

4 Jehovha ari mutemberi yake tsvene;

Jehovha ari pachigaro chake choushe chokudenga.

Anocherechedza vanakomana vavanhu;

meso ake anovaedza.

5 Jehovha anoedza vakarurama,

asi vakaipa navanoda zvechisimba

mweya wake unovavenga.

6 Pane vakaipa anonayisa

mazimbe omoto nesafuri inopfuta;

mhepo inopisa ndiwo uchava mugove wavo.

7 Nokuti Jehovha akarurama,

anoda kururamisira;

vanhu vakarurama vachaona chiso chake.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 12

Kumutungamiri wokuimba. Nesheminiti. Pisarema raDhavhidhi.

1 Batsirai, imi Jehovha, nokuti vanoda Mwari hapachina;

vakatendeka vapera pakati pavanhu.

2 Mumwe nomumwe anorevera wokwake nhema;

miromo yavo inobata kumeso nokutaura zvinonyengera.

3 Jehovha ngaagure miromo yose inobata kumeso,

norurimi rumwe norumwe runozvikudza

4 ruchiti, “Tichakunda nendimi dzedu;

miromo ndeyedu, tenzi wedu ndiani?”

5 “Nokuda kwokumanikidzwa kwavasina simba

nokugomera kwavarombo,

ndichasimuka zvino,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Ndichavadzivirira kuna avo vanovaparadza.”

6 Uye mashoko aJehovha haana chaangapomerwa,

sesirivha yakacheneswa muchoto chevhu,

yakanatswa kanomwe.

7 Imi Jehovha, muchatichengeta murugare

uye muchatidzivirira kubva kuvanhu vakadai nokusingaperi.

8 Vakaipa vanofamba-famba vakasununguka

kana zvakashata zvichikudzwa pakati pavanhu.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 13

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Kusvikira riniko, nhai Jehovha? Muchandikanganwa nokusingaperi here?

Muchasvika riniko makandivanzira chiso chenyu?

2 Ndichaita mutsimba nepfungwa dzangu kusvikira riniko,

uye ndine shungu mumwoyo mangu zuva rimwe nerimwe?

Muvengi wangu achandikurira kusvikira riniko?

3 Tarirai kwandiri mugondipindura, imi Jehovha Mwari wangu.

Vhenekerai meso angu, kana kuti ndichafa ndakarara;

4 muvengi wangu achati, “Ndamukurira ndamukunda,”

uye vadzivisi vangu vachapembera kana ndawa.

5 Asi ini ndinovimba norudo rwenyu rusingaperi;

mwoyo wangu unofarira ruponeso rwenyu.

6 Ndichaimbira Jehovha,

nokuti akandinakira.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 14

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Benzi rinoti mumwoyo maro,

“Hakuna Mwari.”

Vakaora, mabasa avo akashata;

hakuna anoita zvakanaka.

2 Jehovha ari kudenga anotarira pasi

pamusoro pavanakomana vavanhu,

kuti aone kana aripo anonzwisisa,

naani zvake anotsvaka Mwari.

3 Vose vakatsauka,

vose pamwe chete vakasvibiswa;

hakuna anoita zvakanaka,

kunyange nomumwe.

4 Ko, vaiti vezvakaipa havadzidziwo here,

ivo vanodya vanhu vangu savanhu vanodya chingwa,

uye vasingadani kuna Jehovha?

5 Pavari ipapo, vakazara nokutya,

nokuti Mwari ari paungano yavakarurama.

6 Imi vaiti vezvakaipa, munokanganisa urongwa hwavarombo,

asi Jehovha ndiye utiziro hwavo.

7 Haiwa, dai ruponeso rwaIsraeri rwaibuda muZioni!

Kana Jehovha achidzosazve nhaka yavanhu vake,

Jakobho ngaapembere uye Israeri ngaafare.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 15

Pisarema raDhavhidhi.

1 Jehovha, ndiani angagara munzvimbo yenyu tsvene?

Ndiani angagara pagomo renyu dzvene?

2 Iye anofamba asina chaanopomerwa uye

anoita zvakarurama,

anotaura chokwadi zvichibva pamwoyo wake,

3 uye asina makuhwa parurimi rwake,

asingaitiri wokwake zvakaipa

uye asingatuki waagere naye,

4 anozvidza munhu akaipa

asi anokudza vaya vanotya Jehovha,

anochengeta mhiko yake

kunyange kana zvichirwadza,

5 anokweretesa mari yake asingarevi mhindu

uye asingagamuchiri fufuro pamusoro pousina mhosva.

Munhu anoita izvi

haangatongozungunuswi.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 16

Mikitami raDhavhidhi.

1 Ndichengetedzei, imi Mwari,

nokuti ndinovanda mamuri.

2 Ndakati kuna Jehovha, “Ndimi Ishe wangu;

kunze kwenyu handina chinhu chakanaka.”

3 Kana vari vatsvene vari panyika,

ndivo vakaisvonaka vandinofarira chose.

4 Kuchema kuchawedzerwa,

kwaavo vanomhanyira vamwe vamwari.

Handichazodiri zvipiriso zvavo zveropa

zvinodururwa kana kuisa mazita avo pamiromo yangu.

5 Jehovha, makandigovera mugove wangu nomukombe wangu;

mukaita kuti mugove wangu uchengetedzeke.

6 Ndakayererwa miganhu panzvimbo yakanaka;

zvirokwazvo ndine nhaka inofadza.

7 Ndicharumbidza Jehovha, anondipa zano;

kunyange usiku mwoyo wangu unondirayira.

8 Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose.

Nokuti ari kurudyi rwangu,

handingatongozungunuswi.

9 Naizvozvo mwoyo wangu unofara uye rurimi rwangu runopururudza;

muviri wanguwo uchazorora zvakanaka,

10 nokuti imi hamuzondisiyi muguva,

kana kurega Mutsvene wenyu achiona kuora.

11 Makandizivisa nzira youpenyu;

muchandizadza nomufaro uri pamberi penyu,

nezvinofadza zvisingaperi muruoko rwenyu rworudyi.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 17

Munyengetero waDhavhidhi.

1 Inzwai, imi Jehovha, mukumbiro wangu wakarurama;

inzwai kuchema kwangu.

Rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu,

usingabvi pamiromo inonyengera.

2 Kururamiswa kwangu ngakubve kwamuri;

meso enyu ngaaone zvakarurama.

3 Kunyange mukaedza mwoyo wangu uye mukandiongorora usiku,

kunyange mukandiedza, hamungawani chinhu;

ndakazvisunga kuti muromo wangu urege kutadza.

4 Kana ari mabasa avanhu,

neshoko remiromo yenyu,

ndakanzvenga nzira

dzouyo anoita nechisimba.

5 Nhambwe dzangu dzakarambira panzira dzenyu;

tsoka dzangu hadzina kutedzemuka.

6 Haiwa Mwari, ndinodana kwamuri, nokuti muchandipindura;

rerekerai nzeve yenyu kwandiri, munzwe munyengetero wangu.

7 Ratidzai kushamisa kworudo rwenyu rukuru,

imi munoponesa noruoko rwenyu rworudyi,

avo vanovanda vavengi vavo mamuri.

8 Ndichengetei semboni yeziso renyu;

ndivanzei pasi pomumvuri wamapapiro enyu,

9 kubva kuno wakaipa anondirwisa,

kubva kuvavengi vangu, vanoda kundiuraya, vakandikomberedza.

10 Vanodzivira mwoyo yavo yakavangarara,

uye miromo yavo inotaura nokuzvikudza.

11 Vakandironda, zvino vandikomba,

vanocherechedza nameso avo kuti vandiwisire pasi.

12 Vakaita seshumba ine nzara yechokudya,

seshumba huru yakavandira pakavanda.

13 Haiwa, Jehovha, simukai, mirai pamberi pavo,

vawisirei pasi; ndirwirei nomunondo wenyu pano wakaipa.

14 Haiwa, Jehovha, ndiponesei noruoko rwenyu kubva kuvanhu vakadai,

kubva kuvanhu venyika ino vano mubayiro uri muupenyu huno.

Munopedza nzara yaavo vamunoda;

vanakomana vavo vane zvakawanda,

uye vanounganidzira vana vavo pfuma.

15 Zvino ini mukururama, ndichaona chiso chenyu;

pandinomuka, ndichagutswa nokuona mufananidzo wenyu.