Categories
2 Makoronike

2 Makoronike 9

Mambokadzi weShebha anoshanyira Soromoni

1 Mambokadzi weShebha paakanzwa mbiri yaSoromoni, akauya kuJerusarema kuti amuedze nemibvunzo yakaoma kwazvo. Akasvika navanhu vazhinji kwazvo nengamera akatakura zvinonhuhwira, goridhe rakawanda, namatombo anokosha, akauya kuna Soromoni akataura naye zvose zvaiva mupfungwa dzake.

2 Soromoni akamupindura mibvunzo yake yose, hapana chakanga chakanyanya kumuomera kuti amutsanangurire.

3 Mambokadzi weShebha paakaona uchenjeri hwaSoromoni, nomuzinda waakanga avaka,

4 zvokudya zvaiva patafura yake, magariro amakurukota ake, varanda vake vari muzvipfeko zvavo, vadiri vezvokunwa vari muzvipfeko zvavo nezvipiriso zvinopiswa zvaaiita patemberi yaJehovha akapererwa.

5 Akati kuna Mambo, “Zvandakanzwa munyika yangu pamusoro pezvamakaita nouchenjeri hwenyu ndezvechokwadi.

6 Asi handina kutenda zvaitaurwa kusvikira ndauya kuzozvionera nameso angu. Chokwadi, handina kutongonzwa kunyange hafu yokukura kwouchenjeri hwenyu, mapfuura nokure zvandakanzwa.

7 Mufaro wakawanda sei unofanira kungova una vanhu venyu! Anofara sei machinda enyu anoramba amire pamberi penyu achinzwa uchenjeri hwenyu.

8 Ngaarumbidzwe Jehovha Mwari wenyu akafadzwa nemi akakuisai pachigaro chake samambo kuti mutongere Jehovha Mwari wenyu. Nokuda kwerudo rwaMwari wenyu kuIsraeri nokudokwairira kwake kuvasimudzira nokusingaperi, akakuitai mambo pamusoro pavo kuti muchengetedze kururamisira nokururama.”

9 Ipapo akapa mambo matarenda zana namakumi maviriegoridhe, zvinonhuhwira zvakawanda kwazvo namatombo anokosha. Hakuna kunge kwambova nezvinonhuhwira zvakaita sezvakapiwa mambo Soromoni namambokadzi weShebha.

10 (Vanhu vaHiramu navanhu vaSoromoni vakauya negoridhe kubva kuOfiri; vakauyazve namatanda emiarigumi namatombo anokosha.

11 Mambo akashandisa matanda emiarigumi kugadzira zvikwiriso zvetemberi yaJehovha nezvemuzinda wamambo, uye kugadzirisa mbira nemitengeranwa yavaimbi. Hapana zvakaita sezvizvi zvakanga zvatomboonekwa muJudha).

12 Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvose zvaaida nezvaakakumbira; akamupa zvakawanda kupfuura zvaakauya nazvo kwaari. Ipapo akabva adzokera navaranda vake kunyika yake.

Upfumi hwaSoromoni

13 Uremu hwegoridhe raipiwa Soromoni hwaisvika matarenda mazana matanhatu namakumi matanhatu ane matanhatupagore roga roga,

14 tisingaverengi mitero yaiuyiswa navatengesi navashambadziri. Uye madzimambo ose eArabhia navabati venyika vaiuyisa goridhe nesirivha kuna Soromoni.

15 Mambo Soromoni akagadzira mazana maviri enhoo huru dzegoridhe rakapambadzirwa mazana matanhatu amashekeriegoridhe akapambadzirwa aipinda munhoo imwe neimwe.

16 Akagadzirazve nhoo diki dzaisvika mazana matatu negoridhe rakapambadzirwa, namashekeri mazana matatuegoridhe munhoo imwe neimwe. Mambo akaaisa muMuzinda weSango reRebhanoni.

17 Ipapo mambo akagadzira chigaro chikuru choushe nenyanga dzenzou uye akachifukidza negoridhe rakaisvonaka.

18 Chigaro ichi chakanga chine zvikwiriso zvitanhatu nechitsiko chetsoka chegoridhe chakanga chakabatana nechigaro ichi. Kumativi ose echigaro kwaiva nezvitsigiro zvamaoko, neshumba yakamira parutivi pechimwe nechimwe chazvo.

19 Shumba gumi nembiri dzakanga dzakamira pazvikwiriso zvitanhatu, imwe chete kumucheto kwechikwiriso chimwe nechimwe. Hakuna zvakaita seizvi zvakanga zvambogadzirirwa humwe umambo.

20 Mikombe yose yokunwa nayo yaMambo Soromoni yaiva yegoridhe, uye zvose zvomumba zvaiva muMuzinda weSango reRebhanoni zvaiva zvegoridhe rakaisvonaka. Hapana chakanga chakagadzirwa nesirivha, nokuti pamazuva aSoromoni sirivha yaionekwa seisina basa.

21 Mambo aiva nezvikepe zvokushambadzira zvaienda kunzvimbo dzakasiyana-siyana zvaifambiswa navanhu vaHiramu. Kamwe chete mumakore matatu zvaidzoka zviine goridhe, sirivha, nyanga dzenzou netsoko namakudo.

22 Mambo Soromoni akanga ari mukuru kwazvo muupfumi nouchenjeri kupfuura madzimambo ose enyika.

23 Madzimambo ose aitsvaga kutaura naSoromoni kuti vanzwe uchenjeri hwakanga hwaiswa naMwari mumwoyo make.

24 Gore negore vose vaiuya nezvipo midziyo yesirivha nezvegoridhe, nenguo, zvombo zvokurwa nazvo nezvinonhuhwira, namabhiza nembongoro.

25 Soromoni akanga ane zvidyiro zvamabhiza nengoro, zviuru zvina, namabhiza zviuru gumi nezviviri zvaaichengetera mumaguta engoro nemuJerusarema maaiva.

26 Aitonga madzimambo ose kubva kuRwizi kusvika kunyika yavaFiristia kusvikira kumuganhu neIjipiti.

27 Mambo akaita kuti sirivha iwanikwe pose pose samatombo muJerusarema uye kuti misidhari iwande semionde yemisikamo mujinga mamakomo.

28 Mabhiza aSoromoni akanga atengwa kubva kuIjipiti nokubva kune dzimwe nyika.

Kufa kwaSoromoni

29 Mamwe mabasa okutonga kwaSoromoni kubva kwokutanga kusvika kwokupedzisira, haana kunyorwa here mubhuku renhoroondo yomuprofita Natani, mashoko akaprofitwa naAhija muShironi nomuzviratidzo zvaIdho muoni pamusoro paJerobhoamu mwanakomana waNebhati?

30 Soromoni akatonga muJerusarema pamusoro peIsraeri yose kwamakore makumi mana.

31 Ipapo akazorora namadzibaba ake uye akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake. Uye Rehobhoamu mwanakomana wake akamutevera paumambo.

Categories
2 Makoronike

2 Makoronike 10

Israeri inopandukira Rehobhoamu

1 Rehobhoamu akaenda kuShekemu, nokuti vaIsraeri vose vakanga vaenda ikoko kundomuita mambo.

2 Jerobhoamu mwanakomana waNebhati paakanzwa izvi (aiva kuIjipiti, kwaakanga aenda achitiza Mambo Soromoni), akadzoka kubva kuIjipiti.

3 Saka vakandodana Jerobhoamu, uye iye neIsraeri yose vakaenda kuna Rehobhoamu vakati kwaari,

4 “Baba vako vakatitakudza joko rinorema kwazvo, asi zvino chitapudzai kushanda kwakaomarara nejoko rinorema ravakaisa patiri, uye isu tichakushandirai.”

5 Rehobhoamu akapindura akati, “Dzokai kwandiri mumazuva matatu.” Saka vanhu vakaenda havo.

6 Ipapo Mambo Rehobhoamu akandobvunza vakuru vaisishandira baba vake Soromoni panguva yavakanga vari vapenyu. Akavabvunza achiti, “Ko, izano ripi ramungandipa kuti ndipindure vanhu ava?”

7 Vakamupindura vakati, “Kana mukaitira vanhu ava tsitsi mukavafadza mukavapa mhinduro yakanaka vacharamba vari varanda venyu.”

8 Asi Rehobhoamu akaramba zano iri raakapiwa navakuru akandobvunza majaya aakanga akura nawo uye vaimushandira.

9 Akavabvunza akati, “Mungandipa zano ripi? Tingapindura sei vanhu ava vanoti kwandiri, ‘Tirerutsirei joko ratakatakudzwa nababa venyu?’ ”

10 Majaya aakanga akura nawo akapindura akati, “Taurirai vanhu vakati kwamuri, ‘Baba venyu vakatitakudza joko rinorema asi itai kuti joko redu rireruke,’ kuti, ‘Munwe wangu mudiki mukobvu kupfuura chiuno chababa vangu.

11 Baba vangu vakaisa joko rinorema pamusoro penyu; ini ndichariita kuti rinyanye kurema. Baba vangu vaikurovai neshamhu; ini ndichakurovai nezvinyavada.’ ”

12 Mushure mamazuva matatu Jerobhoamu navanhu vose vakadzokera kuna Rehobhoamu sezvakanga zvataurwa namambo kuti, “Dzokai kwandiri mumazuva matatu.”

13 Mambo akapindura nehasha. Achiramba zano raakanga apiwa navakuru,

14 akateerera zano ramajaya akati, “Baba vangu vakakurovai neshamhu ini ndichakurovai nezvinyavada.”

15 Saka mambo haana kuteerera kuvanhu, nokuti kuitika kwezvinhu uku kwaibva kuna Mwari, kuti shoko rakanga rataurwa naJehovha kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati nomuromo waAhija muShironi rizadziswe.

16 VaIsraeri vose pavakaona kuti mambo aramba kuvateerera, vakapindura mambo vachiti,

“Ko, tine mugove upi muna Dhavhidhi,

chikamu chipiko mumwanakomana waJese?

Kumatende enyu, imi Israeri!

Zvichengetere imba yako, iwe Dhavhidhi!”

Saka vaIsraeri vose vakaenda kumisha yavo.

17 Asi vaIsraeri vaigara mumaguta eJudha, Rehobhoamu akaramba achivatonga.

18 Mambo Rehobhoamu akatuma Adhoniramu, aiva mukuru wavashandi vechibharo, asi vaIsraeri vakamutema namabwe kusvikira afa. Mambo Rehobhoamu akakwanisa kupinda mungoro yake akatizira kuJerusarema.

19 Saka Israeri yakapandukira imba yaDhavhidhi kusvikira nhasi.

Categories
2 Makoronike

2 Makoronike 11

1 Rehobhoamu paakasvika muJerusarema, akakurudzira imba yaJudha naBhenjamini, varume zviuru zana namakumi masere zvavarwi, kuti varwisane neIsraeri vatorezve umambo hwaRehobhoamu.

2 Asi shoko iri raJehovha rakasvika kuna Shemaya munhu waMwari richiti,

3 “Udza Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni mambo weJudha navaIsraeri vose vari muJudha neBhenjamini, uti,

4 ‘Zvanzi naJehovha: Musaenda kunorwisana nehama dzenyu; endai kumba, mumwe nomumwe wenyu, nokuti uku kuita kwangu.’ ” Saka vakateerera mashoko aJehovha vakadzoka kubva mukuda kundorwisana naJerobhoamu.

Rehobhoamu anovaka Nhare dzeJudha

5 Rehobhoamu akagara muJerusarema akavaka maguta okuzvidzivirira muJudha aiti:

6 Bheterehema, Etami, Tekoa,

7 Bheti Zuri, Soko, Adhuramu,

8 Gati, Maresha, Zifi,

9 Adhoraimi, Rakishi, Azeka,

10 Zora, Aijaroni neHebhuroni. Aya ndiwo aiva maguta enhare muJudha neBhenjamini.

11 Akasimbisa nhare dzawo akaisa vakuru vehondo maari, nezvokudya zvizhinji, mafuta omuorivhi newaini.

12 Akaisa nhoo namapfumo mumaguta ose, akaaita kuti ave akasimba kwazvo. Saka Judha neBhenjamini vaiva vake.

13 Vaprista navaRevhi kubva kumatunhu ose muIsraeri yose vaiva kurutivi rwake.

14 Vaprista navaRevhi vakatosiya mafuro ezvipfuwo zvavo nemidziyo yavo vakauya kuJudha neJerusarema nokuti Jerobhoamu navanakomana vake vakanga vavaramba savaprista vaJehovha.

15 Uye iye akagadza vaprista vake pachake akavaisa panzvimbo dzakakwirira uye nezvifananidzo zvembudzi nezvemhuru zvaakanga agadzira.

16 Vose vaibva kumarudzi ose aIsraeri vakaisa mwoyo yavo pakutsvaga Jehovha, Mwari waIsraeri, vakatevera vaRevhi kuJerusarema kuti vandopa zvibayiro kuna Jehovha Mwari wamadzibaba avo.

17 Vakasimbisa umambo hwaJudha vakatsigira Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni kwamakore matatu, vachifamba munzira dzaDhavhidhi naSoromoni panguva iyoyi.

Mhuri yaRehobhoamu

18 Rehobhoamu akawana Maharati aiva mwanasikana womwanakomana waDhavhidhi ainzi Jerimoti uye waAbhihairi mwanasikana womwanakomana waJese ainzi Eriabhi.

19 Akamuberekera vanakomana vaiti, Jeushi, Shemaria naZahamu.

20 Ipapo akawana Maaka mwanasikana waAbhusaromu akamuberekera Abhija, Atai, Ziza naSheromiti.

21 Rehobhoamu aida Maaka mwanasikana waAbhusaromu kupfuura vamwe vakadzi vake navarongo vake vose. Pamwe chete aiva navakadzi gumi navasere, navarongo makumi matanhatu, vanakomana makumi maviri navasere, navanasikana makumi matanhatu.

22 Rehobhoamu akagadza Abhija mwanakomana waMaaka kuti ave muchinda mukuru pakati pavana vababa vake kuitira kuti azova mambo.

23 Akaita zvakachenjera akaparadzira vamwe vavanakomana vake mumatunhu ose eJudha neBhenjamini nokumaguta ose enhare. Akavapa zvinhu zvizhinji akavawanira vakadzi vakawanda.

Categories
2 Makoronike

2 Makoronike 12

Shishaki anorwisa Jerusarema

1 Mushure mokunge chinzvimbo chaRehobhoamu samambo chasimbiswa, uye paakanga asimba, iye neIsraeri yose pamwe chete vakasiya murayiro waJehovha.

2 Nokuti vakanga vasina kutendeka kuna Jehovha, Shishaki mambo weIjipiti akarwisa Jerusarema mugore rechishanu ramambo Rehobhoamu.

3 Nengoro chiuru namazana maviri navatasvi vamabhiza zviuru makumi matanhatu navarwi vokuRibhiya, Suki neEtiopia vakanga vasingaverengeki vaakauya navo kubva kuIjipiti,

4 akakunda maguta enhare eJudha kusvika kuJerusarema.

5 Ipapo muprofita Shemaya akauya kuna Rehobhoamu nokuvatungamiri veJudha vakanga vaungana muJerusarema vachitya Shishaki, akati kwavari, “Zvanzi naJehovha: ‘Makandirasa; naizvozvo zvino ndava kukurasirai kuna Shishaki.’ ”

6 Vatungamiri veIsraeri namambo vakazvininipisa vakati, “Jehovha akarurama.”

7 Jehovha paakaona kuti vazvininipisa, shoko iri raJehovha rakauya kuna Shemaya richiti, “Nokuda kwokuti vazvininipisa, handichavaparadzi asi munguva pfupi ndichavadzikinura. Kutsamwa kwangu hakuchadururirwa paJerusarema kubudikidza naShishaki.

8 Zvisinei hazvo, vachava pasi pake kuti vadzidze mutsauko uri pakati pokundishumira nokushumira madzimambo edzimwe nyika.”

9 Shishaki mambo weIjipiti paakarwisa Jerusarema akatakura pfuma yomutemberi yaJehovha nepfuma yomumuzinda wamambo. Akatora zvose kusanganisira nhoo dzegoridhe dzakanga dzagadzirwa naSoromoni.

10 Saka Mambo Rehobhoamu akagadzira nhoo dzendarira kutsiva idzo dzakanga dzatorwa akadzipa vakuru vavarindi vaiva pabasa pamukova wokupinda mumuzinda woumambo.

11 Pose paienda mambo kutemberi yaJehovha, varindi vaienda naye, vakabata nhoo idzi uye vapedza vaizodzidzorera kuimba yavarindi.

12 Nokuti Rehobhoamu akazvininipisa kutsamwa kwaJehovha kwakabva kwaari, uye haana kuparadzwa zvachose. Zvirokwazvo makava nezvimwe zvakanaka muJudha.

13 Mambo Rehobhoamu akazvisimbisa kwazvo muJerusarema akaramba ari mambo. Akanga ane makore makumi mana nerimwe chete paakava mambo uye akatonga kwamakore gumi namanomwe muJerusarema, guta raJehovha raakanga azvisarudzira pamarudzi ose eIsraeri kuti aise Zita rake. Zita ramai vake rainzi Naama; vaiva muAmoni.

14 Akaita zvakaipa nokuti akanga asina kuisa mwoyo wake pakutsvaga Jehovha.

15 Mabasa okutonga kwaRehobhoamu kubva kutanga kwake kusvikira kwokupedzisira, haana kunyorwa here mubhuku renhoroondo raShemaya muprofita neraIdho muoni? Paiva nokurwisana nguva dzose pakati paRehobhoamu naJerobhoamu.

16 Rehobhoamu akazorora namadzibaba ake akavigwa muguta raDhavhidhi. Uye Abhija mwanakomana wake akamutevera paumambo.

Categories
2 Makoronike

2 Makoronike 13

Abhija Mambo weJudha

1 Mugore regumi namasere rokutonga kwaJerobhoamu, Abhija akava mambo weJudha.

2 Uye akatonga muJerusarema kwamakore matatu. Zita ramai vake rainzi Maaka, mwanasikana waUrieri weGibhea.

Pakava nokurwisana pakati paAbhija naJerobhoamu.

3 Abhija akaenda kundorwa nehondo yaiva navarume zviuru mazana mana vaigona kurwa, uye Jerobhoamu akamurwisa navarwi zviuru mazana masere vaigona kurwa.

4 Abhija akamira paGomo reZemaraimi munyika yezvikomo yeEfuremu akati, “Iwe Jerobhoamu neIsraeri yose teererai kwandiri!

5 Hamuzivi here kuti Jehovha Mwari waIsraeri, akapa umambo hwaIsraeri kuna Dhavhidhi navana vake nokusingaperi nesungano yemunyu?”

6 Asi Jerobhoamu mwanakomana waNebhati, mumwe wavakuru vaSoromoni, mwanakomana waDhavhidhi akapandukira mambo wake.

7 Vamwe vakapikisana naRehobhoamu mwanakomana waSoromoni paakanga achiri mudiki asati ava kugona kuzvisarudzira zvaaida uye asati asimba kuti angarwisana navo.

8 “Uye zvino mava kurangana kurwisana noumambo hwaJehovha, huri mumaoko ezvizvarwa zvaDhavhidhi. Zvirokwazvo muri hondo huru; uye mune zvimhuru zvegoridhe zvakagadzirwa naJerobhoamu kuti zvive vamwari venyu.

9 Asi hamuna kudzinga here vaprista vaJehovha, vanakomana vaAroni navaRevhi mukagadza vaprista venyu moga sezvinoitwa navamwe vanhu vedzimwe nyika? Ani naani anenge auya kuzozvitsaura nehando diki namakondobwe manomwe anogona kuva muprista wezvisiri zvamwari.

10 “Asi kana tiri isu, Jehovha ndiye Mwari wedu, uye hatina kumurasa. Vaprista vanoshumira Jehovha vana vaAroni, uye vaRevhi vanovabatsira.

11 Mangwanani namanheru oga oga vanopisa zvipiriso zvinopiswa nezvinonhuhwira kuna Jehovha. Vanoisa chingwa patafura yakanatswa uye vanobatidza mwenje iri pazvigadziko zvegoridhe manheru oga oga. Tiri kutevera zvinodikanwa naJehovha Mwari wedu asi imi makamurasa.

12 Mwari anesu; ndiye mutungamiri wedu. Vaprista vake nehwamanda dzavo vachakuridzirai mhere yehondo. Varume veIsraeri, musarwisana naJehovha, Mwari wamadzibaba enyu, nokuti hamuzokundi.”

13 Zvino Jerobhoamu akanga atuma mamwe mapoka avarwi nokushure kwavo kuitira kuti iye paainge ari mberi kwaJudha vamwe vainge vakavandira shure kwavo.

14 VaJudha vakatendeuka vakaona kuti vakanga vava kurwiswa kwose mberi neshure. Ipapo vakachema kuna Jehovha. Vaprista vakaridza hwamanda dzavo,

15 varume veJudha vakaita mhere yehondo. Pakangonzwikwa mhere yehondo, Mwari akaparadza Jerobhoamu neIsraeri yose pamberi paAbhija navanhu veJudha.

16 VaIsraeri vakatiza pamberi paJudha uye Mwari akavaisa mumaoko avo.

17 Abhija navanhu vake vakaparadza vazhinji vavo kwazvo, zvokuti zviuru mazana mashanu zvavarume vaigona kurwa pakati paIsraeri vakafa.

18 Varume veIsraeri vakakundwa panguva iyi, uye varume veJudha vakakunda nokuti vaivimba naJehovha, Mwari wamadzibaba avo.

19 Abhija akatevera Jerobhoamu akatora kubva kwaari maguta anoti Bheteri, Jeshana, neEfuroni nemisha yawo yakapoteredza.

20 Jerobhoamu haana kuzotongazve panguva yaAbhija. Uye Jehovha akamurova akafa.

21 Asi Abhija akakura pasimba. Akawana vakadzi gumi navana uye akava navanakomana makumi maviri nevaviri uye navanasikana gumi navatanhatu.

22 Mamwe mabasa okutonga kwaAbhija, zvaakaita nezvaakataura, zvakanyorwa mumashoko ezvinyorwa zvamuprofita Idho.

Categories
2 Makoronike

2 Makoronike 14

1 Uye Abhija akazorora namadzibaba ake akavigwa muguta raDhavhidhi. Asa mwanakomana wake akamutevera kuva paumambo, uye mumazuva ake nyika yakava norugare kwamakore gumi.

Asa Mambo weJudha

2 Asa akaita zvakanga zvakanaka uye zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake.

3 Akabvisa aritari dzavatorwa nenzvimbo dzakakwirira, akaputsa matombo anoera uye akatema matanda aAshera.

4 Akarayira Judha kuti itsvage Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, uye kuti vateerere mirayiro yake nemitemo yake.

5 Akabvisa nzvimbo dzakakwirira nearitari dzezvinonhuhwira mumaguta ose muJudha, uye ushe hwakava norugare pasi pake.

6 Akavaka maguta ane masvingo eJudha, sezvo nyika yaiva norugare. Hapana akarwa naye panguva iyoyo nokuti Jehovha vakanga vamupa zororo.

7 Akati kuJudha, “Ngativakei maguta aya, uye tiise masvingo okuapoteredza, ane shongwe, masuo namazariro. Nyika ichiri yedu, nokuti takatsvaga Jehovha Mwari wedu; takamutsvaga uye akatipa zororo kumativi ose.” Saka vakavaka uye vakabudirira.

8 Asa aiva nehondo yaisvika zviuru mazana matatu kubva kuJudha, vakanga vakapakata nhoo huru namapfumo, uye vamwe zviuru mazana maviri namakumi masere kubva kuBhenjamini, vakanga vakapakata nhoo diki neuta. Ava vose vaiva varwi vakashinga.

9 Zera muEtiopia akauya kuzovarwisa nehondo huru kwazvo nengoro mazana matatu uye akauya akasvika muMaresha.

10 Asa akabuda akandosangana naye uye vakamira panzvimbo dzavo dzokurwa vari mumupata weZefata pedyo neMaresha.

11 Ipapo akadana kuna Jehovha Mwari wake akati, “Jehovha, hakuna mumwe akafanana nemi angabatsira vasina simba pavanorwisana navane simba. Tibatsireiwo, imi Jehovha Mwari, nokuti tinovimba nemi, uye muzita renyu tauya kuzorwisana nehondo yakakura ikadai. Haiwa Jehovha, ndimi Mwari wedu; musarega munhu achikukundai.”

12 Jehovha akaparadza vaEtiopia pamberi paAsa naJudha vakatiza,

13 uye hondo yaAsa yakavatandanisa kusvika kuGerari. VaEtiopia vazhinji kwazvo vakafa zvokuti havanazve kuzombodzokera pasimba rakare; vakabva vaparadzwa pamberi paJehovha navarwi vake. Varume veJudha vakatakura upfumi huzhinji kwazvo hwavakapamba.

14 Vakaparadza misha yose yakanga yakapoteredza Gerari, nokuti kutsamwa kwaJehovha kwakanga kwawira pavari. Vakapamba misha iyi yose, nokuti yaiva nezvokupamba zvakawanda.

15 Vakarwisazve mapoka avafudzi vakatora makwai akawanda nembudzi nengamera zhinji. Ipapo vakadzokera kuJerusarema.

Categories
2 Makoronike

2 Makoronike 15

Mabasa aAsa

1 Mweya waMwari wakauya pana Azaria mwanakomana waOdhedhi.

2 Akabuda kundosangana naAsa akati kwaari, “Nditeererei, imi Asa, Judha yose neBhenjamini yose. Jehovha anemi kana imi munaye. Kana mukamutsvaka, achawanikwa nemi, asi kana mukamurasa, iye achakurasai.

3 Kwenguva refu Israeri yakanga isina Mwari wechokwadi, isina muprista kuti avadzidzise uye vasina murayiro.

4 Asi panguva yokutambudzika kwavo vakatendeukira kuna Jehovha, Mwari waIsraeri, vakamutsvaka, uye akawanikwa navo.

5 Pamazuva iwayo zvakanga zvine njodzi kufamba-famba nokuti vanhu vose venyika dzakawanda vakanga vachitambudzika kwazvo.

6 Imwe nyika yaiparadzwa neimwe uye rimwe guta richiparadzwa nerimwe, nokuti Mwari aivatambudza namatambudziko emhando dzakasiyana-siyana.

7 Asi imi, ivai nesimba uye musaora mwoyo nokuti mabasa enyu achawana mubayiro.”

8 Asa paakanzwa mashoko aya nokuprofita kwaAzaria mwanakomana waOdhedhi muprofita akasimbiswa kwazvo. Akabvisa zvifananidzo zvinonyangadza kubva panyika yose yeJudha neBhenjamini nomune mamwe maguta aakanga apamba muzvikomo zveEfuremu. Akavaka patsva aritari yaJehovha yaiva pamberi pebiravira retemberi yaJehovha.

9 Ipapo akaunganidza Judha neBhenjamini yose navanhu vaibva kuEfuremu, Manase neSimeoni vakanga vagere pakati pavo; nokuti vanhu vazhinji kwazvo vakanga vauya kwaari vachibva kuIsraeri pavakaona kuti Jehovha Mwari wake aiva naye.

10 Vakaungana paJerusarema mumwedzi wechitatu wegore regumi namashanu rokutonga kwaAsa.

11 Panguva iyoyo vakabayira kuna Jehovha mombe mazana manomwe, nemakwai nembudzi zviuru zvinomwe kubva paupfumi hwezvavakapamba zvavakadzoka nazvo.

12 Vakaita sungano yokutsvaka Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, nemwoyo yavo nemweya yavo yose.

13 Vose vakanga vasingazotsvaki Jehovha, Mwari waIsraeri, vaizofanira kuurayiwa, zvisinei kuti mudiki kana mukuru, murume kana mukadzi.

14 Vakapika kuna Jehovha nenzwi guru nokudanidzira uye nehwamanda nenyanga.

15 Judha yose yakafara nokuda kwemhiko iyi nokuti vakanga vapika nomwoyo wose. Vakatsvaka Mwari nomwoyo unoda, uye iye akawanikwa navo. Saka Jehovha akavapa zororo kumativi ose.

16 Mambo Asa akabvisazve ambuya vake Maaka kubva panzvimbo yavo samai vamambo nokuti vakanga vagadzira danda rinonyangadza raAshera. Asa akatema danda riya akarityora-tyora akaripisa muMupata weKidhironi.

17 Kunyange zvake asina kubvisa nzvimbo dzakakwirira kubva muIsraeri, Asa akanga akazvipira nomwoyo wake wose kuna Jehovha upenyu hwake hwose.

18 Akauyisa mutemberi yaMwari sirivha negoridhe nemidziyo yaakanga akumikidza iye nababa vake.

19 Hakunazve kuzoita hondo kusvikira pagore ramakumi matatu namashanu rokutonga kwaAsa.

Categories
2 Makoronike

2 Makoronike 16

Makore Okupedzisira aAsa

1 Mugore ramakumi matatu namatanhatu rokutonga kwaAsa, Bhaasha mambo weIsraeri akamukira Judha akandovakira Rama masvingo kuti arege kutendera munhu kubuda kana kupinda munyika yaAsa mambo weJudha.

2 Ipapo Asa akatora sirivha negoridhe kubva mumatura epfuma yetemberi yaJehovha nokubva mumuzinda wake akazvitumira kuna Bheni-Hadhadhi mambo weAramu, uyo aitonga kuDhamasiko.

3 Akati, “Ngapave nechibvumirano pakati pangu nemi, sezvazvakanga zvakaita pakati pababa vangu nababa venyu. Tarirai, ndiri kukutumirai sirivha negoridhe. Zvino putsai chibvumirano chenyu naBhaasha mambo waIsraeri kuti agobva kwandiri.”

4 Bheni-Hadhadhi akatenderana namambo Asa uye akatumira vakuru vehondo yake kundorwisa maguta eIsraeri. Vakakunda Ijoni, Dhani, Abheri Maimi namaguta ose amatura eNafutari.

5 Bhaasha paakanzwa izvi, akasiya kuvaka Rama akaregedza basa rake.

6 Ipapo Mambo Asa akauyisa varume vose veJudha, uye vakatakura kubva kuRama matombo ose namatanda aishandiswa naBhaasha. Akavaka Gebha neMizipa nazvo.

7 Panguva iyoyo Hanani muoni akauya kuna Asa mambo weJudha akati kwaari, “Nokuti wakavimba namambo weAramu, kwete naJehovha Mwari wako, hondo yamambo weAramu yapunyuka kubva mumaoko ako.

8 Ko, vaEtiopia navaRibhiya vakanga vasiri hondo huru nengoro zhinji navatasvi vamabhiza vazhinji here? Asi pamakavimba naJehovha, akavaisa mumaoko enyu.

9 Nokuti meso aJehovha anosvika panyika yose kwaari, wakaita chinhu choupenzi uye kubva zvino zvichienda mberi ucharwa hondo.”

10 Asa akashatirwa kwazvo zvokuti akamuisa mutorongo. Panguva imwe cheteyo Asa akadzvinyirira vamwe vanhu.

11 Mamwe mabasa okutonga kwaAsa, kubva pakutanga kusvika pakupedzisira akanyorwa mubhuku ramadzimambo aJudha neIsraeri.

12 Mugore ramakumi matatu namapfumbamwe rokutonga kwake, Asa akabatwa nechirwere mumakumbo ake. Kunyange chirwere chake chakanga chanyanyisa mukurwara kwake imomo haana kutsvaka rubatsiro kubva kuna Jehovha asi kubva kuvarapi chete.

13 Zvino mugore ramakumi mana nerimwe chete rokutonga kwake, Asa akafa akazorora namadzibaba ake.

14 Vakamuviga muguva raakanga azvigadzirira muGuta raDhavhidhi. Vakamuradzika panhoo yakanga yakazara nezvinonhuhwira zvemhando dzakasiyana-siyana zvakanga zvakavhenganiswa uye vakaita moto mukuru vachimuremekedza.

Categories
2 Makoronike

2 Makoronike 17

Jehoshafati Mambo weJudha

1 Jehoshafati mwanakomana wake akamutevera paumambo uye akazvisimbisa pakurwisana neIsraeri.

2 Akaisa varwi mumaguta akakomberedzwa namasvingo eJudha aya akaisa mapoka avarwi muJudha nomumaguta eEfuremu akanga atapwa nababa vake Asa.

3 Jehovha vaiva naJehoshafati nokuti pamazuva ake okutonga akafamba munzira dzaiteverwa nababa vake Dhavhidhi. Haana kubvunza kuna vana Bhaari.

4 Asi akatsvaka Mwari wababa vake akatevera kurayira kwake akasatevera mabasa aIsraeri.

5 Jehovha akasimbisa umambo hwaiva pasi pake; uye Judha yose yakauya nezvipo kuna Jehoshafati, saka akava nepfuma zhinji nokuremekedzwa kukuru.

6 Mwoyo wake wakanga wakazvipira kunzira dzaJehovha uyezve akabvisa nzvimbo dzakakwirira namatanda aAshera kubva muJudha.

7 Mugore rechitatu rokutonga kwake akatuma vakuru vavabati vake vaiti Bheni-Hairi, Obhadhia, Zekaria, Netaneri naMikaya kuti vandodzidzisa mumaguta eJudha.

8 Pamwe chete navo paiva navamwe vaRevhi vaiti: Shemaya, Netania, Zebhadhia, Asaheri, Shemiramoti, Jehonatani, Adhoniya, Tobhiya naTobhi-Adhoniya, uye navaprista Erishama naJehoramu.

9 Vakadzidzisa Judha yose vaine Bhuku roMurayiro waJehovha; vakatenderera kumaguta ose aJudha vakadzidzisa vanhu.

10 Kutya Jehovha kwakawira madzimambo enyika dzakanga dzakapoteredza Judha, zvokuti havana kuda kurwa naJehoshafati.

11 Vamwe vaFiristia vakavigira Jehoshafati zvipo nesirivha somutero, uye vaArabhu vakamuvigira mapoka amakwai aiti: zviuru zvinomwe namazana manomwe amakondobwe nezviuru zvinomwe namazana manomwe embudzi.

12 Jehoshafati akazova nesimba guru kwazvo; akavaka nhare namaguta amatura muJudha;

13 uye akaita mabasa mazhinji mumaguta eJudha. Aivawo navarwi vane ruzivo rwokurwa muJerusarema.

14 Kunyoreswa kwavo nemhuri dzavo kwakanga kwakadai:

Kubva kuJudha, vatungamiri vamapoka avarwi chiuru:

Adhina mutungamiri aiva navarwi zviuru mazana matatu;

15 aitevera ndiJehohanani mutungamiri aiva navarwi zviuru mazana maviri namakumi masere;

16 aitevera ndiAmasia mwanakomana waZikiri, uyo akazvipira kushandira Jehovha, aina varwi zviuru mazana maviri.

17 Kubva kuBhenjamini:

Eriadha murwi akanga akashinga, aiva murwi aiva navarwi zviuru mazana maviri vakanga vakabata uta nenhoo;

18 aitevera ndiJehozabhadhi navarume zviuru zana namakumi masere vakagadzirira kurwa hondo.

19 Ava ndivo varume vaibatira mambo, tisingaverengi avo vaakaisa mumaguta ane masvingo muJudha yose.

Categories
2 Makoronike

2 Makoronike 18

Mikaya anoprofita zvinopesana naAhabhu

1 Zvino Jehoshafati akava nepfuma zhinji nokukudzwa kukuru, uye akava noukama naAhabhu nokuda kwokuroorerana.

2 Zvino mamwe makore akati apfuura, iye akaenda kundoshanyira Ahabhu kuSamaria. Ahabhu akauraya makwai akawanda nemombe achiitira iye navanhu uye akamukurudzira kuti arwise Ramoti Gireadhi.

3 Ahabhu mambo weIsraeri akakumbira Jehoshafati mambo weJudha, akati, “Mungandibatsirawo here kundorwisa Ramoti Gireadhi?”

Jehoshafati akapindura akati, “Ini ndakaita sewe uye vanhu vangu savanhu vako; tichakubatsirai muhondo.”

4 Asi Jehoshafati akatizve kuna mambo weIsraeri, “Chokutanga, tsvakai kuda kwaJehovha.”

5 Saka mambo weIsraeri akaunganidza vaprofita vaisvika mazana mana akavabvunza akati, “Tingaenda kundorwisana neRamoti Gireadhi here kana kuti ndorega?”

Vakapindura vakati, “Endai nokuti Mwari achariisa mumaoko amambo.”

6 Asi Jehoshafati akabvunza akati, “Hakuna here muprofita waJehovha watingabvunza?”

7 Mambo weIsraeri akapindura Jehoshafati akati, “Pachine murume mumwe chete watingabvunza nezvaJehovha asi ndinomuvenga nokuti haamboprofita zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa nguva dzose. Anonzi Mikaya mwanakomana waImira.”

Jehoshafati akapindura akati, “Mambo havafaniri kutaura vachidaro.”

8 Saka mambo weIsraeri akadana mumwe wavabati vavo akati, “Uya naMikaya mwanakomana waImira iye zvino.”

9 Vakapfeka nguo dzavo dzoumambo, mambo weIsraeri naJehoshafati mambo weJudha vakanga vakagara pazvigaro zvavo zvoushe paburiro pamukova wesuo reSamaria, navaprofita vose vachiprofita pamberi pavo.

10 Zvino Zedhekia mwanakomana waKenaana akanga agadzira nyanga dzesimbi, uye akataura achiti, “Zvanzi naJehovha: ‘Neidzi muchabaya vaAramu kusvikira vaparara.’ ”

11 Vamwe vaprofita vose vachiprofita zvimwe chetezvo, vakati, “Rwisai Ramoti Gireadhi uye mukunde, nokuti Jehovha achariisa mumaoko amambo.”

12 Nhume yakanga yaenda kundodaidza Mikaya yakati kwaari, “Tarira, somunhu mumwe vamwe vaprofita vari kutaura nezvokubudirira kwamambo. Shoko rako ngariwirirane neravamwe, uye utaure zvakanaka.”

13 Asi Mikaya akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu ndinogona kumutaurira chete zvinotaurwa naMwari wangu.”

14 Paakasvika, mambo akamubvunza akati, “Mikaya, tingaenda here kundorwisana neRamoti Gireadhi kana kuti ndiregere?”

Akapindura akati, “Varwisei munokunda nokuti vachaiswa mumaoko enyu.”

15 Mambo akati kwaari, “Kangani kandinofanira kukuita kuti upike kuti usandiudza zvimwe zvinhu kunze kwechokwadi muzita raJehovha?”

16 Ipapo Mikaya akapindura akati, “Ndakaona Israeri yose yakapararira mumaoko samakwai asina mufudzi, uye Jehovha akati, ‘Vanhu ava havana tenzi, regai mumwe nomumwe wavo adzokere kumba kwake murugare.’ ”

17 Mambo weIsraeri akati kuna Jehoshafati, “Handina kukuudzai here kuti haamboprofita zvakanaka pamusoro pangu asi zvakaipa chete?”

18 Mikaya akaenderera mberi achiti, “Naizvozvo inzwai shoko raJehovha: Ndakaona Jehovha akagara pachigaro chake nehondo dzose dzokudenga dzakamira kurudyi rwake nokuruboshwe kwake.

19 Uye Jehovha akati, ‘Ndiani angakwezva Ahabhu mambo weIsraeri kuti andorwisa Ramoti Gireadhi kuti aende kurufu rwake ikoko?’

“Mumwe akataura izvi, mumwe izvo.

20 Pakupedzisira mumwe mweya wakauya, ukamira pamberi paJehovha ukati, ‘Ini ndichandomukwezva.’

“Jehovha akabvunza akati, ‘Nenzira ipi.’

21 “Akati, ‘Ndichaenda ndonova mweya wenhema mumiromo yavaprofita vake.’

“Jehovha akati, ‘Uchabudirira mukumukwezva. Enda unozviita.’

22 “Saka zvino Jehovha aisa mweya wenhema mumiromo yavaprofita venyu ava. Jehovha akatema chirevo chokuparadzwa kwako.”

23 Ipapo Zedhekia mwanakomana waKenaana akakwira akandorova Mikaya kumeso nembama akabvunza akati, “Mweya waJehovha waenda nokupi pawabuda mandiri kuti utaure kwauri?”

24 Mikaya akapindura akati, “Uchazozviziva zuva rauchaenda kunohwanda mukamuri yomukati.”

25 Mambo weIsraeri ipapo akarayira akati, “Torai Mikaya mumutumire kuna Amoni mutongi weguta nokuna Joashi mwanakomana wamambo.

26 Muti, ‘Zvanzi namambo: Isai murume uyu mutorongo uye musamupa chimwe chinhu kunze kwechingwa nemvura kusvikira ndadzoka zvakanaka.’ ”

27 Mikaya akati, “Kana mukadzoka zvakanaka Jehovha haana kutaura neni.” Akawedzerazve achiti, “Batisisai mashoko angu, imi vanhu vose!”

Ahabhu anourayiwa paRamoti Gireadhi

28 Saka mambo weIsraeri naJehoshafati mambo weJudha vakakwira kuRamoti Gireadhi.

29 Mambo weIsraeri akati kuna Jehoshafati, “Ini ndichapinda muhondo ndakapfeka nguo dzokuti ndisazivikanwa asi imi pfekai nguo dzenyu dzoumambo.” Saka mambo weIsraeri akazvishandura akapinda muhondo.

30 Zvino mambo weAramu akanga arayira vakuru vengoro achiti, “Musarwisana navamwe vose, vadiki kana vakuru kunze kwamambo weIsraeri.”

31 Vakuru vengoro pavakaona Jehoshafati vakafunga kuti ndiye mambo weIsraeri. Saka vakatendeuka kuti vamurwise asi Jehoshafati akachema, Jehovha akamurwira. Mwari akavabvisa kwaari,

32 nokuti vakuru vengoro pavakaona kuti akanga asiri iye mambo weIsraeri vakarega kumudzingirira.

33 Asi mumwe munhu akangokanda museve wake usina kunanga munhu ukandobaya mambo weIsraeri pakati pezvikamu zvenguo dzake dzokurwa nadzo. Mambo akataurira muchairi wengoro kuti, “Tendeutsa ngoro undibvise muhondo. Ndakuvara.”

34 Kwezuva rose kurwa kwakaenderera mberi uye mambo weIsraeri akazvitsigira mungoro yake akarwisana navaAramu kusvikira manheru. Zvino pakuvira kwezuva akafa.