Categories
Revhitiko

Revhitiko 23

1 Jehovha akati kuna Mozisi,

2 “Taura kuvaIsraeri uti kwavari, ‘Iyi ndiyo mitambo yangu yandakatara, mitambo yakatarwa yaJehovha yamunofanira kudaidzira seungano tsvene.

Sabata

3 “ ‘Pane mazuva matanhatu amunoshanda asi zuva rechinomwe iSabata rokuzorora, zuva reungano tsvene. Hamufaniri kuita basa ripi zvaro kwose kwamunogara, iSabata kuna Jehovha.

Pasika nechingwa chisina mbiriso

4 “ ‘Iyi ndiyo mitambo yakatarwa yaJehovha, ungano tsvene dzamunodaidzira panguva dzakatarwa.

5 Pasika yaJehovha inotanga madekwana pazuva regumi namana romwedzi wokutanga.

6 Pazuva regumi namashanu romwedzi iwoyo Mutambo waJehovha weChingwa Chisina Mbiriso unotanga; kwamazuva manomwe munofanira kudya chingwa chinobikwa chisina mbiriso.

7 Pazuva rokutanga itai ungano tsvene uye musaita mabasa amazuva ose.

8 Kwamazuva manomwe mupe chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. Uye pazuva rechinomwe munofanira kuita ungano tsvene uye musaita basa ramazuva ose.’ ”

Zvibereko zvokutanga

9 Jehovha akati kuna Mozisi,

10 “Taura kuvaIsraeri uti kwavari, ‘Kana mapinda munyika yandichakupai, mukakohwa gohwo rayo, uyai kumuprista nechisote chezviyo zvamunotanga kukohwa.

11 Anofanira kuninira chisote pamberi paJehovha kuti chigamuchirwe panzvimbo penyu. Muprista anofanira kuchininira pazuva rinotevera Sabata.

12 Pazuva ramunoninira chisote, munofanira kubayira sechipiriso chinopiswa kuna Jehovha, gwayana rine gore rimwe chete risina kuremara,

13 pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo chinokwana zvikamu zviviri kubva mugumi zveefa, zvoupfu hwakatsetseka hwakasanganiswa namafuta, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto, chinonhuhwira zvinofadza, nechipiriso chacho chokunwa chikamu chimwe chete kubva muzvina zvehinirewaini.

14 Hamufaniri kudya chingwa chipi zvacho, kana zviyo zvakakangwa, kana zviyo zvitsva, kusvikira zuva chairo ramunouya nechipiriso ichi kuna Mwari wenyu. Uyu unofanira kuva murayiro unogara nokusingaperi kuzvizvarwa zvichatevera, kwose kwamuchagara.

Mutambo waMavhiki

15 “ ‘Kubva pazuva rinotevera Sabata, zuva ramakauya nechisote chechipiriso chokuninira, verengai mavhiki manomwe azere.

16 Verengai mazuva makumi mashanu kusvika pazuva rinotevera Sabata rechinomwe, ipapo mugopa chipiriso chezviyo zvitsva kuna Jehovha.

17 Kubva kupi kwose kwamunogara, uyai nezvingwa zviviri zvakaitwa nezvikamu zviviri kubva mugumi zveefa zvoupfu hwakatsetseka zvakabikwa nembiriso sechipiriso chokuninira chezvibereko zvokutanga kuna Jehovha.

18 Pamwe chete nechingwa ichi mupe makwayana manomwe asina kuremara egore rimwe nehando imwe chete diki namakondobwe maviri. Zvichava zvipiriso zvinopisirwa Jehovha, pamwe chete nezvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvinonwiwa, chive chipiriso chinoitwa nomoto chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha.

19 Ipapo bayirai nhongo imwe chete sechipiriso chechivi namakwayana maviri, ose egore rimwe chete, sechipiriso chokuwadzana.

20 Muprista anofanira kuninira makwayana maviri pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira pamwe chete nechingwa chegohwo rokutanga. Izvi zvipiriso zvitsvene kuna Jehovha zvomuprista.

21 Pazuva rimwe chetero munofanira kudaidzira ungano tsvene murege basa ramazuva ose. Uyu unofanira kuva murayiro unogara nokusingaperi kuzvizvarwa zvichauya, kwose kwamuchagara.

22 “ ‘Kana muchikohwa gohwo renyika yenyu musakohwa kusvikira kumucheto kwomunda wenyu, kana kunhongera zvinosara pakukohwa kwenyu. Zvisiyirei varanda navatorwa. Ndini Jehovha Mwari wenyu.’ ”

Mutambo weHwamanda

23 Jehovha akati kuna Mozisi,

24 “Uti kuvaIsraeri, ‘Pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe munofanira kuva nezuva rokuzorora, ungano tsvene inocherechedzwa nokuridza hwamanda.

25 Musaita basa ramazuva ose, asi mupe chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.’ ”

Zuva Rokuyananisira

26 Jehovha akati kuna Mozisi,

27 “Zuva regumi romwedzi iwoyo wechinomwe iZuva Rokuyananisa. Muite ungano tsvene uye muzvinyime zvokudya, mugopa chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.

28 Musashanda pazuva iroro, nokuti iZuva Rokuyananisira, pamunoyananisirwa pamberi paJehovha Mwari wenyu.

29 Munhu wose asingazvinyimi musi iwoyo anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.

30 Munhu upi noupi achaita basa ripi zvaro, nomusi iwoyo, ndichamuparadza pakati pavanhu vokwake.

31 Hamufaniri kutomboita basa. Uyu unofanira kuva murayiro unogara nokusingaperi kumarudzi ose achauya, kwose kwamuchagara.

32 Iri iSabata renyu rokuzorora, uye munofanira kuzvinyima. Kubva manheru ezuva repfumbamwe romwedzi kusvikira manheru anotevera munofanira kucherechedza Sabata.”

Mutambo waMatumba

33 Jehovha akati kuna Mozisi,

34 “Uti kuvaIsraeri, ‘Pazuva regumi neshanu romwedzi wechinomwe Mutambo waJehovha waMatumba unotanga, uye uchapedza mazuva manomwe.

35 Zuva rokutanga iungano tsvene; musaita basa ramazuva ose.

36 Kwamazuva manomwe mupe kuna Jehovha zvipiriso zvinoitwa nomoto uye pazuva iroro muite ungano tsvene mugopa chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. Iyi ndiyo ungano yokupedzisira; musaita basa ramazuva ose.

37 “ ‘Iyi ndiyo mitambo yaJehovha yakatarwa yamunofanira kuparidzira ungano tsvene kuti dziuye nezvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto, nezvipiriso zvinopiswa uye nezvinopiswa zvezviyo, zvibayiro nezvipiriso zvokunwa zvinodiwa mazuva ose.

38 Zvipiriso izvi zvinowedzerwa pamusoro pezviya zvamaSabata aJehovha uye pamusoro pezvipo zvenyu nezvose zvamakapikira nezvipiriso zvose zvokupa nokuzvisarudzira zvamunopa kuna Jehovha.

39 “ ‘Zvino kutanga pazuva regumi namashanu romwedzi wechinomwe, mushure mokunge mapedza kukohwa zvirimwa zvenyika, muite mutambo wokupemberera kuna Jehovha kwamazuva manomwe; zuva rokutanga izuva rokuzorora, uye zuva rorusere izuva rokuzororawo.

40 Pazuva rokutanga munofanira kutsara michero yakanakisisa yemiti, nemichero yemichindwe, namatavi ana mashizha akawanda, nemikonachando, uye mugofara pamberi paJehovha Mwari wenyu kwamazuva manomwe.

41 Munofanira kuitira Jehovha mutambo uyu kwamazuva manomwe gore negore. Uyu unofanira kuva murayiro unogara nokusingaperi kuzvizvarwa zvichauya; muupemberere mumwedzi wechinomwe.

42 Garai mumatumba kwamazuva manomwe: Zvizvarwa zvose zvavaIsraeri zvinofanira kugara mumatumba

43 kuitira kuti zvizvarwa zvenyu zvigoziva kuti ndakaita kuti vaIsraeri vagare mumatumba pandakavabudisa kubva muIjipiti. Ndini Jehovha Mwari wenyu.’ ”

44 Saka Mozisi akazivisa kuvaIsraeri mitambo yakatarwa yaJehovha.

Categories
Revhitiko

Revhitiko 24

Mafuta nechingwa zvinoiswa pamberi paJehovha

1 Jehovha akati kuna Mozisi,

2 “Rayira vaIsraeri kuti vauye kwauri namafuta akaisvonaka amaorivhi akasvinwa, omwenje, kuitira kuti mwenje irambe ichibvira nguva dzose.

3 Kunze kwechidzitiro cheChipupuriro muTende Rokusangana, Aroni anofanira kuchengetedza mwenje iyi pamberi paJehovha kubva manheru kusvikira kwaedza, nguva dzose. Uyu unofanira kuva murayiro unogara nokusingaperi kuzvizvarwa zvichauya.

4 Mwenje iri pachigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka chiri pamberi paJehovha inofanira kuchengetedzwa nguva dzose.

5 “Torai upfu hwakatsetseka mugobika zvingwa gumi nezviviri muchishandisa zvikamu zviviri kubva mugumi zveefapachingwa chimwe nechimwe.

6 Zviisei mumitsara miviri, zvitanhatu mumutsara mumwe nomumwe, patafura yegoridhe rakaisvonaka pamberi paJehovha.

7 Pamutsetse mumwe nomumwe isai zvinonhuhwira zvive chirangaridzo chinomirira chingwa uye zvive chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.

8 Chingwa ichi chinofanira kuiswa pamberi paJehovha nguva nenguva, Sabata neSabata zvakamirira vaIsraeri sesungano inogara nokusingaperi.

9 NdechaAroni navanakomana vake, vanofanira kuchidyira munzvimbo tsvene, nokuti ichi chikamu chitsvene-tsvene chezvipiriso zvavo zvenguva nenguva zvinoitirwa Jehovha nomoto.”

Akatuka Jehovha akatakwa namabwe

10 Zvino mwanakomana wavamwe mai vechiIsraeri uye baba vake vari vechiIjipita, akafamba pakati pavana vaIsraeri, uye mwanakomana womukadzi muIsraeri akarwa nomurume muIsraeri mumusasa.

11 Mwanakomana womukadzi muIsraeri akatuka Zita raJehovha nechituko; naizvozvo vakauya naye kuna Mozisi. (Zita ramai vake rainzi Sheromiti, mwanasikana waDhibhiri worudzi rwaDhani.)

12 Vakamuisa mutorongo kusvikira kuda kwaJehovha kwaiswa pachena kwavari.

13 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,

14 “Tora mutuki uende naye kunze kwomusasa. Vose vakamunzwa vanofanira kuisa maoko avo pamusoro wake uye ungano yose inofanira kumutaka namabwe.

15 Uti kuvaIsraeri, ‘Kana munhu upi zvake akatuka Mwari wake achava nemhosva;

16 ani naani anotuka zita raJehovha anofanira kuurayiwa. Ungano yose inofanira kumutaka namabwe. Kunyange ari mutorwa kana chizvarwa chenyu, akatuka Zita raJehovha anofanira kuurayiwa.

17 “ ‘Ani naani anouraya munhu, anofanira kuurayiwa.

18 Munhu wose anouraya chipfuwo chomumwe munhu anofanira kuripa, upenyu hunotsiviwa noupenyu.

19 Kana munhu akakuvadza muvakidzani wake, zvose zvaaita zvinofanira kuitwa kwaari.

20 Kutyora kunotsiviwa nokutyora, ziso rinotsiviwa neziso, zino rinotsiviwa nezino. Sezvaakuvadza mumwe saka naiye anofanira kukuvadzwa.

21 Ani naani anouraya mhuka anofanira kuripa asi ani naani anouraya munhu anofanira kuurayiwa.

22 Munofanira kuva nomutemo mumwe chete pamutorwa napachizvarwa chemo. Ndini Jehovha Mwari wenyu.’ ”

23 Ipapo Mozisi akataura navaIsraeri, vakatora mutuki vakaenda naye kunze kwomusasa, vakamutaka namabwe akafa. VaIsraeri vakaita sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.

Categories
Revhitiko

Revhitiko 25

Gore reSabata

1 Jehovha akati kuna Mozisi pagomo reSinai,

2 “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mapinda munyika yandichakupai, nyika pachayo inofanira kucherechedza sabata kuna Jehovha.

3 Kwamakore matanhatu dyarai minda yenyu, uye kwamakore matanhatu, dimurirai mizambiringa yenyu mugounganidza michero yayo.

4 Asi mugore rechinomwe, nyika inofanira kuva nesabata rokuzorora, sabata kuna Jehovha. Musadyara minda yenyu kana kudimurira mizambiringa yenyu.

5 Musakohwa zvinomera zvoga kana kukohwa mazambiringa amagoko. Nyika inofanira kuva negore rokuzorora.

6 Gohwo ripi neripi renyika resabata richava zvokudya zvenyu, zvako iwe, murandarume wako nomurandakadzi wako, uye mushandi nomueni agere pakati penyu,

7 pamwe chete nezvipfuwo zvenyu nemhuka dzesango dziri munyika yenyu. Zvibereko zvose zvomunyika zvingadyiwa.

Gore reJubhiri

8 “ ‘Verengai maSabata manomwe amakore, makore manomwe akapetwa kanomwe, kuitira kuti maSabata manomwe amakore akwane nguva inoita makore makumi mana namapfumbamwe.

9 Ipapo urayire kuti hwamanda iridzwe kwose pazuva regumi romwedzi wechinomwe; paZuva Rokuyananisira ridzai hwamanda munyika yenyu yose.

10 Tsaurai gore ramakumi mashanu mugoparidza rusununguko munyika yose kuvagari vayo vose. Richava Jubhiri kwamuri; mumwe nomumwe wenyu anofanira kudzokera kune zvake, uye mumwe nomumwe kumhuri yake.

11 Gore ramakumi mashanu richava gore reJubhiri kwamuri. Musadyara uye musakohwa mazambiringa amagoko.

12 Nokuti iJubhiri uye rinofanira kuva dzvene kwamuri. Idyai chete zvinotorwa kubva muminda.

13 “ ‘Mugore iri reJubhiri munhu wose anofanira kudzokera kune zvake.

14 “ ‘Kana mukatengesa munda kuno mumwe womunyika menyu kana kutenga kwaari, musabiridzirana.

15 Munofanira kutenga kubva kuvagari venyika yenyu zvichienderana nouwandu hwamakore kubva pagore reJubhiri. Uye iye anofanira kutengesa zvichienderana nouwandu hwamakore asara okukohwa zvirimwa.

16 Kana makore awanda, munofanira kuwedzera mutengo, uye kana makore ari mashoma, munofanira kudzikisa mutengo, nokuti zvaari kukutengeserai ndizvo chaizvoizvo uwandu hwezvirimwa.

17 Musabiridzirana, asi ityai Mwari wenyu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.

18 “ ‘Teverai mitemo yangu mugochenjerera kuti muteerere mirayiro yangu, ipapo muchagara makachengetedzeka munyika.

19 Ipapo nyika ichabereka zvibereko zvayo uye imi muchadya kusvikira maguta, mugogara makachengetedzeka.

20 Mungabvunza muchiti, “Ko, tichadyei mugore rechinomwe kana tisingadyari kana kukohwa zvirimwa zvedu?”

21 Ndichakutumirai ropafadzo mugore rechitanhatu zvokuti nyika ichabereka zvinokwana makore matatu.

22 Pamunenge muchidyara mugore rorusere muchadya kubva kuzvirimwa zvakare, uye mucharamba muchidya kubva kwazviri kusvika gohwo regore rechipfumbamwe rasvika.

23 “ ‘Munda haufaniri kutengeswa nokusingaperi, nokuti nyika ndeyangu uye imi muri vatorwa navaeni kwandiri.

24 Munyika yose yamuchatora, munofanira kutendera kudzikinurwa kwenyika.

25 “ ‘Kana mumwe wavagari venyika yenyu akava murombo akatengesa zvimwe zvezvinhu zvake, hama yake yepedyo inofanira kuuya kuzodzikinura zvakatengeswa nehama yake.

26 Zvisinei, kana munhu ashaya angamudzikinurira zvinhu izvi, asi iye akazobudirira akawana nzira dzakakwana dzokuzvidzikinura,

27 anofanira kupima kukosha kwomutengo wazvo kubva pagore raakazvitengesa, agodzosera zvasara pamuripo wazvo, kumurume waakazvitengesera; ipapo angadzokera kune zvake.

28 Asi kana akashaya nzira dzokumudzorera nadzo, zvaakatengesa zvicharamba zviri mumaoko omutengi kusvikira gore reJubhiri. Zvichadzoserwa mugore reJubhiri uye iye achagona kudzokera kune zvake.

29 “ ‘Kana munhu akatengesa imba muguta rino rusvingo, anoramba aine mvumo yokuidzikinura kwegore rose shure kwokutengeswa kwayo. Munguva iyoyo anogona kuidzikinura.

30 Kana isina kudzikinurwa gore risati rapfuura, imba iri muguta rino rusvingo ichava yowakatenga nezvizvarwa zvake nokusingaperi. Haifaniri kudzorerwa paJubhiri.

31 Asi dzimba dziri mumisha isina kukomberedzwa namasvingo dzinofanira kuonekwa sesango. Dzinogona kudzikinurwa uye dzinofanira kudzoserwa muJubhiri.

32 “ ‘VaRevhi vane mvumo nguva dzose yokudzikinura dzimba dzavo mumaguta avaRevhi, anova avo.

33 Naizvozvo zvinhu zvavaRevhi zvinogona kudzikinurwa, zvichireva kuti imba inotengeswa muguta ravo ripi neripi inofanira kudzoserwa muJubhiri, nokuti dzimba dziri mumaguta avaRevhi zvinhu zvavo pakati pavaIsraeri.

34 Asi mafuro amaguta avo haafaniri kutengeswa; inhaka yavo inogara nokusingaperi.

35 “ ‘Kana mumwe wehama dzenyu akava murombo uye asisagoni kuzviriritira pakati penyu, mubatsirei sezvamunoita mutorwa kana mueni kuti arambe achigara pakati penyu.

36 Musatora mhindu yemhando ipi zvayo kubva kwaari, asi ityai Mwari wenyu kuitira kuti hama yenyu irambe ichigara pakati penyu.

37 Hamufaniri kumukweretesa mari muchiti ichazobereka mhindu kana kumutengesera zvokudya zvine mhindu.

38 Ndini Jehovha Mwari wenyu akakubudisai kubva muIjipiti kuti ndikupei nyika yeKenani uye kuti ndive Mwari wenyu.

39 “ ‘Kana mumwe wehama dzenyu akava murombo pakati penyu akazvitengesa kwamuri, musamuita kuti ashande somuranda.

40 Anofanira kubatwa somushandi wamaricho kana kuti mushanyi ari pakati penyu; anofanira kukushandirai kusvikira Gore reJubhiri.

41 Ipapo iye navana vake vanofanira kusunungurwa, uye achadzokera kurudzi rwake nokuzvinhu zvamadzitateguru ake.

42 Nokuti vaIsraeri varanda vangu vandakabudisa kubva muIjipiti, havafaniri kutengeswa senhapwa.

43 Musavatonga neutsinye, asi ityai Mwari wenyu.

44 “ ‘Nhapwa dzenyu dzechirume nedzechikadzi dzinofanira kubva mundudzi dzakakukomberedzai; munogona kutenga nhapwa kubva kwavari.

45 Munogona kutengawo vatorwa vashanyi vagere pakati penyu nemhuri dzavo dzakaberekerwa munyika yenyu, uye vachava pfuma yenyu.

46 Munogona kuvaita nhaka yavana venyu uye kuvaita nhapwa kweupenyu hwavo hwose, asi hamufaniri kutonga vamwe vaIsraeri zvakaomarara.

47 “ ‘Mutorwa kana mushanyi pakati penyu akava mupfumi, uye mumwe wavanhu venyika yenyu akava murombo akazvitengesa kumutorwa agere pakati penyu, kana kumhuri yomutorwa,

48 anoramba ane mvumo yokudzikinurwa mushure mokunge azvitengesa. Mumwe wehama dzake anogona kumudzikinura:

49 Babamunini vake kana mwanakomana wababamunini vake, kana hama yake yapedyo worudzi rwake angamudzikinura.

50 Iye neanomutenga vanofanira kuverenga nguva kubva pagore raakazvitengesa kusvikira paGore reJubhiri. Mutengo wokusunungurwa kwake unofanira kuenzaniswa nemari inoripwa mushandi wemaricho kwamakore iwayo.

51 Kana kuchine makore akawanda asara, anofanira kuripira rudzikinuro rwake, chikamu chikuru chemari yaakaripirwa.

52 Kana kwasara makore mashoma shoma Gore reJubhiri risati rasvika, anofanira kurangana naye agodzosera mari yorudzikinuro rwake zvichienzaniswa namakore ake.

53 Anofanira kubatwa somushandi wemaricho gore rimwe nerimwe; munofanira kuona kuti tenzi wake haamutongi zvakaomarara.

54 “ ‘Kunyange zvake asina kudzikinurwa neimwe yenzira idzi, iye navana vake vanofanira kusunungurwa mugore reJubhiri,

55 nokuti vaIsraeri ndevangu savaranda vangu. Varanda vangu vandakabudisa kubva muIjipiti. Ndini Jehovha Mwari wenyu.

Categories
Revhitiko

Revhitiko 26

Mubayiro woKuteerera

1 “ ‘Musaita zvifananidzo kana kumisa chifananidzo kana ibwe rinoyera kwamuri, uye musaisa dombo rakavezwa munyika yenyu kuti mukotamire pamberi paro. Ndini Jehovha Mwari wenyu.

2 “ ‘Chengetai maSabata angu uye muremekedze nzvimbo yangu tsvene. Ndini Jehovha.

3 “ ‘Kana mukatevera mitemo yangu uye mukachenjerera kuti muteerere mirayiro yangu,

4 ndichakutumirai mvura nenguva yayo, uye ivhu richabereka zvirimwa zvaro uye miti yesango ichabereka michero yayo.

5 Kupura kwenyu kuchasvika pakukohwa mazambiringa uye kukohwa mazambiringa kuchasvika pakudyara, uye muchadya zvose zvamunoda uye mugogara makachengetedzeka munyika menyu.

6 “ ‘Ndichapa rugare panyika, uye muchavata pasi pasina achakuvhundutsai. Ndichabvisa zvikara zvesango panyika, uye munondo haungazopfuuri nomunyika yenyu.

7 Muchadzinganisa vavengi venyu, uye vachawa nomunondo pamberi penyu.

8 Vashanu venyu vachadzinganisa zana, uye zana renyu richadzinganisa zviuru gumi uye vavengi venyu vachawa nomunondo pamberi penyu.

9 “ ‘Ndichakutarisai nenyasha uye ndichaita kuti muve nezvibereko uye muwande, uye ndichachengeta sungano yangu nemi.

10 Muchange muchiri kudya gohwo regore rakapera pamuchazobvisa kuti muise zvitsva.

11 Ndichadzika tabhenakeri yangu pakati penyu uye handizokusemai.

12 Ndichafamba pakati penyu ndigova Mwari wenyu, uye muchava vanhu vangu.

13 Ndini Jehovha Mwari wenyu, ndakakubudisai kubva munyika yeIjipiti kuti musazova varanda kuvaIjipita zvakare, ndakatyora matanda ejoko renyu ndikakufambisai makati twi.

Chirango choKusateerera

14 “ ‘Asi kana mukasanditeerera uye mukasaita zvose izvi zvandinorayira,

15 uye mukaramba mitemo yangu, mukasema mirayiro yangu, mukatadza kuzadzisa zvose zvandakarayira, saizvozvo mukaputsa sungano yangu,

16 ipapo ndichaita izvi kwamuri: Ndichauyisa pamusoro penyu zvinotyisa, zvirwere zvinoparadza nedenda richaparadza meso enyu, uye rigokusvetai upenyu hwenyu. Muchadyarira zviyo zvenyu pasina nokuti vavengi venyu vachazvidya.

17 Chiso changu chichanangana nemi zvokuti muchakundwa navavengi venyu. Avo vanokuvengai vachakutongai, uye muchatiza kunyange pasina anokudzinganisai.

18 “ ‘Kana mukasanditeerera mushure maizvozvi zvose, ndichakurangai kakapetwa kanomwe nokuda kwezvivi zvenyu.

19 Ndichaputsa kuzvikudza kwenyu ndigoita kuti denga renyu rive sesimbi, uye ivhu riri pasi penyu sendarira.

20 Simba renyu richaperera pasina nokuti ivhu renyu harizobereki zvibereko, kana miti yenyika yenyu, michero yayo.

21 “ ‘Kana mukaramba muchirwisana neni uye mukaramba kunditeerera, ndichawedzera matambudziko enyu zvakapetwa kanomwe, sezvakafanira zvivi zvenyu.

22 Ndichatuma zvikara zvesango kuti zvizokurwisai, uye zvichakutorerai vana venyu, zvigoparadza mombe dzenyu zvigokuitai vashoma zvokuti nzira dzenyu dzichasara dzisina vanhu.

23 “ ‘Ipapo kana musingadi kudzorwa neni pazvinhu izvi, asi mukaramba muchirwisana neni,

24 ini pachangu ndicharwisana nemi, uye ndichakurangai kakapetwa kanomwe nokuda kwezvivi zvenyu.

25 Uye ndichauyisa munondo wehondo pamusoro penyu kuti unditsivire kuputswa kwesungano. Kana mukatizira mumaguta enyu ndichatumira denda pakati penyu, uye muchaiswa mumaoko avavengi.

26 Kana ndikamisa mugove wenyu wechingwa, vakadzi gumi vachagona kubika chingwa chenyu pachoto chimwe chete, uye vachakanya chingwa chenyu zviri pamwero. Muchadya, asi hamungaguti.

27 “ ‘Mushure maizvozvi, mukaramba musinganditeereri asi mukaramba muchienderera mberi nokundirwisa,

28 ipapo mukutsamwa kwangu ndicharwisana nemi, uye ini pachangu ndichakurangai nokuda kwezvivi zvenyu kakapetwa kanomwe.

29 Muchadya nyama yavanakomana venyu nenyama yavanasikana venyu.

30 Ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira, ndigotemera pasi aritari dzenyu dzezvinonhuhwira uye ndigounganidza zvitunha zvenyu pamusoro pavamwari venyu vasina upenyu, uye ndichakusemai.

31 Ndichaita kuti maguta enyu ave matongo uye ndigoparadza nzvimbo dzenyu tsvene, uye handizofariri munhuwi unonhuhwira zvinofadza wezvipiriso zvenyu.

32 Ndichaparadza nyika yenyu, zvokuti vavengi venyu vanogaramo vachashamiswa.

33 Ndichakuparadzirai pakati pendudzi uye ndichabudisa munondo wangu ndigokudzingirirai. Nyika yenyu ichaparara, uye maguta enyu achava matongo.

34 Ipapo nyika ichafarira makore ayo esabata panguva yose yokuparadzwa kwayo pamunenge muri munyika yavavengi venyu; ipapo nyika ichazorora igofadzwa namasabata ayo.

35 Panguva yose yokuparadzwa kwayo nyika ichava nezororo rayakashayiwa pamasabata panguva yamakararama mairi.

36 “ ‘Kana vari vamwe venyu vanosara, ndichaita kuti hana dzavo dzizare nokutya munyika dzavavengi vavo zvokuti kurira kweshizha rinopeperetswa nemhepo kuchaita kuti vatize. Vachamhanya vachiwirana sokunge vari kutiza munondo, vachawa kunyange pasina ari kuvadzinganisa.

37 Vachabonderana sokunge vanotiza munondo, kunyange pasina anovadzinganisa. Saka hamuzogoni kumira pamberi pavavengi venyu.

38 Muchaparara pakati pendudzi; nyika yavavengi venyu ichakuparadzai.

39 Avo pakati penyu vachasara, vachaonda munyika dzavavengi vavo nokuda kwezvivi zvavo; uye vachaonda nokuda kwezvivi zvamadzibaba avo.

40 “ ‘Asi kana vakareurura zvivi zvavo nezvivi zvamadzibaba avo, kundimukira kwavo noruvengo rwavo kwandiri,

41 zvakaita kuti ndivarwise kusvikira ndavaendesa kunyika yavavengi vavo, ipapo kana mwoyo yavo isina kudzingiswa yaninipiswa, varipira zvivi zvavo,

42 ndicharangarira sungano yangu naJakobho nesungano yangu naIsaka uye nesungano yangu naAbhurahama; uye ndicharangarira nyika iyi.

43 Nokuti nyika yavachasiya icharamba ichifarira masabata ayo kunyange yaparadzwa saizvozvo vasimo. Vacharipira zvivi zvavo nokuti vakaramba mirayiro yangu vakasema mitemo yangu.

44 Asi kunyange zvakadaro, kana vari munyika yavavengi vavo, handizovarambi kana kuvasema kuti ndivaparadze zvachose, ndichiputsa sungano yangu navo. Ndini Jehovha Mwari wavo.

45 Asi nokuda kwavo ndicharangarira sungano yandakaita namadzitateguru avo vandakabudisa kubva muIjipiti pamberi pendudzi dzose kuti ndive Mwari wavo. Ndini Jehovha.’ ”

46 Iyi ndiyo mitemo, mirayiro nezvakatemwa zvakamiswa naJehovha pagomo reSinai pakati pake navaIsraeri kubudikidza naMozisi.

Categories
Revhitiko

Revhitiko 27

Kudzikinura zvaJehovha

1 Jehovha akati kuna Mozisi,

2 “Taura navaIsraeri uti kwavari, ‘Kana munhu akaita mhiko yakasarudzika yokuti akumikidze vanhu kuna Jehovha nokupa mutengo wakaenzanirana,

3 utare mutengo womunhurume ane makore ari pakati pamakumi maviri namakumi matanhatu pamashekeri makumi mashanuesirivha, zvichienzaniswa neshekeri rapanzvimbo tsvene;

4 uye kana ari munhukadzi, utare mutengo wake pamashekeri makumi matatu.

5 Kana ari munhu ana makore ari pakati pamashanu namakore makumi maviri, utare mutengo womunhurume pamashekeri makumi maviri, uye munhukadzi pamashekeri gumi.

6 Kana ari munhu ari pakati pomwedzi mumwe namakore mashanu, utare mutengo womunhurume pamashekeri mashanuesirivha uye utare pamunhukadzi mashekeri matatuesirivha.

7 Kana munhu ane makore makumi matanhatu kana anopfuura, utare mutengo womunhurume pamashekeri gumi namashanu, uye pamunhukadzi mashekeri gumi.

8 Kana munhu wose anenge achiita mhiko ari murombo zvikuru zvokutotadza kuripa muripo wakatarwa, anofanira kuuya nomunhu uyu kumuprista, achatara mutengo wake zvichienderana nezvinokwaniswa nomunhu ari kuita mhiko.

9 “ ‘Kana chaakapika chiri mhuka inogamuchirika sechipiriso kuna Jehovha, mhuka yakadai inopiwa kuna Jehovha ichava tsvene.

10 Haafaniri kuchitsinhanisa kana kuisa chakanaka panzvimbo yechakaipa, kana chakaipa panzvimbo yechakanaka; kana akaisa mhuka pachinzvimbo cheimwe, dzose dziri mbiri neyatsinhanisa dzichava tsvene.

11 Kana chaakapika chiri mhuka isina kuchena, iyo isingagamuchiriki sechipiriso kuna Jehovha, mhuka iyi inofanira kupiwa kumuprista,

12 uyo achatara kukosha kwayo, kuti yakanaka kana kuti yakaipa. Mutengo upi noupi uchatemwa nomuprista, ndiwo uchave mutengo wayo.

13 Kana muridzi achida kudzikinura mhuka iyi, anofanira kupamhidzira chikamu chimwe chete muzvishanu pamutengo wayo.

14 “ ‘Kana munhu akakumikidza imba yake sechinhu chitsvene kuna Jehovha, muprista achatara kukosha kwayo kuti yakanaka here kana kuti yakaipa. Mutengo upi noupi uchatemwa nomuprista, ndiwo ucharamba uripo.

15 Kana murume anokumikidza imba yake akaidzikinura, anofanira kupamhidzira chikamu chimwe chete muzvishanu zvomutengo wayo. Uye imba ichava yake zvakare.

16 “ ‘Kana munhu akakumikidza kuna Jehovha chikamu chomunda wemhuri yake, mutengo wawo unofanira kutarwa zvichienderana nouwandu hwezviyo zvinodiwa ipapo, mashekeri makumi mashanu esirivha pahomeriyezviyo yebhari.

17 Kana akakumikidza munda wake mugore reJubhiri, mutengo wakatarwa unoramba uripo.

18 Asi kana akakumikidza munda wake mushure meJubhiri, muprista achatara mutengo zvichienderana namakore asara Jubhiri rinotevera risati rasvika, uye mutengo wawo wakatarwa uchaderedzwa.

19 Kana murume anokumikidza munda achida kuudzikinura, anofanira kupamhidzira chikamu chimwe chete muzvishanu pamutengo wacho, uye munda uchava wake zvakare.

20 Kunyange zvakadaro, kana asingadzikinuri munda wake, kana akautengesera mumwe munhu, hauzogoni kudzikinurwa.

21 Kana munda ukasunungurwa muJubhiri, uchava mutsvene, somunda wakapiwa kuna Jehovha; uchava munda wavaprista.

22 “ ‘Kana munhu akakumikidza kuna Jehovha munda waakatenga, usiri chikamu chomunda wemhuri yake,

23 muprista achatara mutengo wawo kusvikira mugore reJubhiri, uye munhu uyu anofanira kuripa mutengo wawo musi iwoyo sechinhu chitsvene kuna Jehovha.

24 Mugore reJubhiri munda uchadzokera kumunhu waakatengeserana naye uyo aiva muridzi womunda.

25 Mutengo wose unofanira kutarwa zvichienderana neshekeri repanzvimbo tsvene, makumi maviri amagera pashekeri rimwe.

26 “ ‘Zvisinei hazvo, hapana munhu angakumikidza dangwe remhuka, sezvo dangwe ragara riri raJehovha kare; ingava mombe kana gwai; ndezvaJehovha.

27 Kana iri imwe yemhuka dzisina kuchena, anogona kuidzikinura nomutengo wayo wakatarwa, achipamhidzira chikamu chimwe chete muzvishanu pamutengo wayo. Kana isina kudzikinurwa, inofanira kutengeswa nomutengo wayo wakatarwa.

28 “ ‘Asi hakuna chinhu chomunhu chinopiwa kuna Jehovha, angava munhu kana mhuka kana munda wemhuri, chinogona kutengeswa kana kudzikinurwa; chinhu chose chinopiwa saizvozvo chinova chitsvene kwazvo kuna Jehovha.

29 “ ‘Hakuna munhu anopiwa kuti aparadzwe angadzikinurwa; anofanira kuurayiwa.

30 “ ‘Chegumi chezvinhu zvose zvinobva mumunda, zvingava zviyo zvinobva muvhu kana michero yemiti, ndezvaJehovha; zvitsvene kuna Jehovha.

31 Kana munhu akadzikinura chimwe chinhu pazvegumi zvake, anofanira kupamhidzira chikamu chimwe chete muzvishanu pamutengo wacho.

32 Chegumi chose chemombe namakwai, mhuka yose yegumi inopfuura napasi petsvimbo yomufudzi, ichava tsvene kuna Jehovha.

33 Haafaniri kusarudza zvakanaka kubva mune zvakaipa kana kuzvitsinhanisa. Kana akazvitsinhanisa, mhuka dzose dziri mbiri, yatsiviwa neyatsiva, dzichava tsvene uye hadzigoni kudzikinurwa.’ ”

34 Iyi ndiyo mirayiro yavaIsraeri yakapiwa Mozisi naJehovha paGomo reSinai.

Categories
Numeri

Numeri 1

Kuverengwa kwaVanhu

1 Jehovha akataura naMozisi muTende Rokusangana, vari murenje reSinai, nezuva rokutanga romwedzi wechipiri, mugore rechipiri shure kwokubuda kwavaIsraeri muIjipiti, achiti,

2 “Verenga ungano yose yavaIsraeri nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo, uchinyora murume wose wose nezita rake, mumwe nomumwe.

3 Iwe naAroni munofanira kuverenga varume vose vari muIsraeri namapoka avo vane makore makumi maviri kana anodarika vanogona kurwa muhondo.

4 Murume mumwe chete kubva kurudzi rumwe norumwe, mumwe nomumwe ari mukuru wemhuri yake achakubatsira.

5 “Aya ndiwo mazita avarume vanofanira kukubatsira:

“kubva kwaRubheni, Erizuri mwanakomana waShedheuri;

6 kubva kwaSimeoni, Sherumieri mwanakomana waZurishadhai;

7 kubva kwaJudha, Nashoni mwanakomana waAminadhabhi;

8 kubva kwaIsakari, Netaneri mwanakomana waZuari;

9 kubva kwaZebhuruni, Eriabhi mwanakomana waHeroni;

10 kubva kuvanakomana vaJosefa:

kubva kuna Efuremu, Erishama mwanakomana waAmihudhi;

kubva kuna Manase, Gamarieri mwanakomana waPedhazuri;

11 kubva kwaBhenjamini, Abhidhani mwanakomana waGidheoni;

12 kubva kwaDhani, Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai;

13 kubva kwaAsheri, Pagieri mwanakomana waOkirani;

14 kubva kwaGadhi, Eriasafi mwanakomana waDheueri;

15 kubva kwaNafutari, Ahira mwanakomana waEnani.”

16 Ava ndivo varume vakatsaurwa kubva paungano, vatungamiri vamarudzi amadzibaba avo. Ndivo vaiva vakuru vedzimba dzavaIsraeri.

17 Mozisi naAroni vakatora varume ava vane mazita avakanga vapiwa,

18 vakaunganidza ungano yose pamwe chete pazuva rokutanga romwedzi wechipiri. Vanhu vakaratidza madzitateguru avo, dzimba dzavo nemhuri dzavo, uye varume vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vakanyorwa mazita avo mumwe nomumwe,

19 sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. Nokudaro akavaverenga muRenje reSinai:

20 Kubva kuzvizvarwa zvaRubheni mwanakomana wedangwe waIsraeri:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakaverengwa uye vakanyorwa mazita, mumwe nomumwe, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.

21 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaRubheni vaiva zviuru makumi mana nezvitanhatu, namazana mashanu.

22 Kubva kuzvizvarwa zvaSimeoni:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakaverengwa uye vakanyorwa mazita, mumwe nomumwe, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.

23 Vakaverengwa vaibva kurudzi rwaSimeoni vaisvika zviuru makumi mashanu nezvipfumbamwe, namazana matatu.

24 Kubva kuzvizvarwa zvaGadhi:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika, vaigona kurwa muhondo, vakanyorwa mazita maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.

25 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaGadhi vaisvika zviuru makumi mana nezvishanu, namazana matanhatu namakumi mashanu.

26 Kubva kuzvizvarwa zvaJudha:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.

27 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaJudha vaisvika zviuru makumi manomwe nezvina, namazana matanhatu.

28 Kubva kuzvizvarwa zvaIsakari:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.

29 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaIsakari vaisvika zviuru makumi mashanu nezvina, namazana mana.

30 Kubva kuzvizvarwa zvaZebhuruni:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.

31 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaZebhuruni vaisvika zviuru makumi mashanu nezvinomwe, namazana mana.

32 Kubva kuvanakomana vaJosefa:

Kubva kuzvizvarwa zvaEfuremu:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.

33 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaEfuremu vaisvika zviuru makumi mana, namazana mashanu.

34 Kubva kuzvizvarwa zvaManase:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.

35 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaManase vaisvika zviuru makumi matatu nezviviri, namazana maviri.

36 Kubva kuzvizvarwa zvaBhenjamini:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba nezvemhuri dzavo.

37 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaBhenjamini vaisvika zviuru makumi matatu nezvishanu, namazana mana.

38 Kubva kuzvizvarwa zvaDhani:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika, vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.

39 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaDhani vaisvika zviuru makumi matanhatu nezviviri, namazana manomwe.

40 Kubva kuzvizvarwa zvaAsheri:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo uye nezvemhuri dzavo.

41 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaAsheri vaisvika zviuru makumi mana nechimwe chete, namazana mashanu.

42 Kubva kuzvizvarwa zvaNafutari:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.

43 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaNafutari vaisvika zviuru makumi mashanu nezvitatu, namazana mana.

44 Ava ndivo varume vakaverengwa naMozisi naAroni navatungamiri veIsraeri gumi nevaviri, mumwe nomumwe achimiririra mhuri yake.

45 VaIsraeri vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo yeIsraeri vakaverengwa maererano nemhuri dzavo.

46 Vose vakaverengwa vakasvika zviuru mazana matanhatu nezvitatu, namazana mashanu ana makumi mashanu.

47 Kunyange zvakadaro, mhuri dzavaRevhi hadzina kuverengwa pamwe chete navamwe.

48 Jehovha akanga ati kuna Mozisi:

49 “Haufaniri kuverenga rudzi rwaRevhi kana kuvabatanidzira pakuverengwa kwavamwe vaIsraeri.

50 Asi ugadze vaRevhi kuti vave vatariri vetabhenakeri yeChipupuriro, napamusoro pemidziyo yayo yose; vanofanira kutakura tabhenakeri nemidziyo yayo yose; vanofanira kuichengeta nokuikomberedza nemisasa yavo.

51 Panguva yose inobviswa tabhenakeri, vaRevhi ndivo vanofanira kuidzikisa pasi, uye panguva yose yainomiswa, vaRevhi ndivo vanofanira kuita izvozvo. Ani zvake mumwewo anoswedera kwairi achaurayiwa.

52 VaIsraeri vanofanira kudzika matende avo namapoka avo, murume mumwe nomumwe mumusasa wake pasi pomureza wokwake.

53 Zvakadaro hazvo, vaRevhi, vanofanira kudzika matende avo vakapoteredza tabhenakeri yeChipupuriro kuitira kuti hasha dzirege kuwira pamusoro peungano yavaIsraeri. VaRevhi ndivo vane basa rokuchengeta tabhenakeri yeChipupuriro.”

54 VaIsraeri vakaita izvi zvose sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

Categories
Numeri

Numeri 2

Urongwa hweMisasa yaMarudzi

1 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni:

2 “VaIsraeri vanofanira kuvaka musasa vakapoteredza Tende Rokusangana nechokure, mumwe nomumwe pasi pomureza wokwake nezviratidzo zvedzimba dzamadzibaba ake.”

3 Kumabvazuva, kwakanangana nokunobuda nezuva, mapoka okwaJudha anofanira kuvaka misasa yawo pasi pomureza wavo. Mutungamiri wavanhu vaJudha ndiNashani mwanakomana waAminadhabhi.

4 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi manomwe nezvina, namazana matanhatu.

5 Rudzi rwaIsakari ruchavaka misasa pedyo navo. Mutungamiri wavanhu vaIsakari ndiNetaneri mwanakomana waZuari.

6 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mashanu nezvina, namazana mana.

7 Rudzi rwaZebhuruni ndirwo ruchatevera. Mutungamiri wavanhu vaZebhuruni ndiEriabhi mwanakomana waHeroni.

8 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mashanu nezvinomwe, namazana mana.

9 Varume vose vanodiwa kumusasa waJudha maererano namapoka avo, vanokwana zviuru zana namakumi masere nezvitanhatu, namazana mana. Ava ndivo vachatanga kusimuka.

10 Kurutivi rwezasi kuchava namapoka emisasa yaRubheni ichange iri pasi pomureza wavo. Mutungamiri wavanhu vokwaRubheni ndiErizuri mwanakomana waShedheuri.

11 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mana nezvitanhatu, namazana mashanu.

12 Rudzi rwaSimeoni ruchavaka misasa pedyo navo. Mutungamiri wavanhu vokwaSimeoni ndiSharumiri mwanakomana waZurishadhai.

13 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mashanu nezvipfumbamwe, namazana matatu.

14 Rudzi rwaGadhi ndirwo ruchatevera. Eriasafi mwanakomana waDheueri ndiye mutungamiri wavanhu vokwaGadhi.

15 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mana nezvishanu, namazana matanhatu namakumi mashanu.

16 Varume vose vakadanwa kumusasa waRubheni maererano namapoka avo, vaisvika zviuru zana namakumi mashanu nerimwe chete, namazana mana namakumi mashanu. Ndivo vachava vechipiri pakusimuka.

17 Ipapo Tende Rokusangana nomusasa wavaRevhi zvichasimuka pakati pemisasa. Vachasimuka zvimwe chetezvo zvavanoita pakumisa misasa, mumwe nomumwe panzvimbo yake, pasi pomureza wake.

18 Nechokumavirira kuchava namapoka emisasa yaEfuremu ari pasi pemireza yawo. Mutungamiri wavanhu vokwaEfuremu ndiErishama mwanakomana waAmihudhi.

19 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mana, namazana mashanu.

20 Rudzi rwaManase ndirwo ruchavatevera. Mutungamiri wavanhu vokwaManase ndiGamarieri mwanakomana waPedhazuri.

21 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi matatu nezviviri, namazana maviri.

22 Rudzi rwaBhenjamini ndirwo ruchatevera. Mutungamiri wavanhu vokwaBhenjamini ndiAbhidhani mwanakomana waGidheoni.

23 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi matatu nezvishanu, namazana mana.

24 Varume vose vakadanwa kumusasa waEfuremu, maererano namapoka avo, vanosvika zviuru zana nezvisere, nezana rimwe chete. Vachava vechitatu pakusimuka.

25 Nechokumusoro kuchava namapoka emisasa yaDhani, pasi pomureza wavo. Mutungamiri wavanhu vokwaDhani ndiAhiezeri mwanakomana waAmishadhai.

26 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi matanhatu nezviviri, namazana manomwe.

27 Rudzi rwaAsheri ruchadzika misasa pedyo navo. Mutungamiri wavanhu vokwaAsheri ndiPagieri mwanakomana waOkerani.

28 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mana nechimwe chete namazana mashanu.

29 Rudzi rwaNafutari ndirwo ruchatevera. Mutungamiri wavanhu vokwaNafutari ndiAhira mwanakomana waEnani.

30 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mashanu nezvitatu, namazana mana.

31 Varume vose vakadanwa kumusasa waDhani vanosvika zviuru zana namakumi mashanu nezvinomwe, namazana matanhatu. Ndivo vachava vokupedzisira pakusimuka, vari pasi pemireza yavo.

32 Ava ndivo vaIsraeri vakaverengwa maererano nemhuri dzavo. Vose vakanga vari mumisasa, namapoka avo vanosvika zviuru mazana matanhatu nezvitatu, namazana mashanu ana makumi mashanu.

33 Kunyange zvakadaro, vaRevhi havana kuverengwa pamwe chete navamwe vaIsraeri, sokurayirwa kwakanga kwaitwa Mozisi naJehovha.

34 Saizvozvo vaIsraeri vakaita zvose zvakarayirwa Mozisi naJehovha; ndiyo nzira yavakamisa nayo misasa yavo pasi pemireza yavo, uye ndiyo nzira yavakasimuka nayo, mumwe nomumwe neimba yake nemhuri yake.

Categories
Numeri

Numeri 3

VaRevhi

1 Iyi ndiyo nhoroondo yemhuri yaAroni naMozisi panguva iyo Jehovha akataura naMozisi paGomo reSinai.

2 Mazita avanakomana vaAroni aiva Nadhabhi dangwe rake, naAbhihu, naEreazari naItamari.

3 Ndiwo akanga ari mazita avanakomana vaAroni, ivo vaprista vakazodzwa, vakanga vagadzwa kuti vashumire savaprista.

4 Kunyange zvakadaro, Nadhabhi naAbhihu, vakafa pamberi paJehovha panguva yavakaita chipiriso nomoto wakanga usingabvumirwi pamberi pake muRenje reSinai. Vakanga vasina vanakomana; saka Ereazari naItamari chete ndivo vakashumira sevaprista, Aroni baba vavo vachiri vapenyu.

5 Jehovha akati kuna Mozisi,

6 “Uyisa rudzi rwaRevhi ugovaisa pamberi paAroni muprista kuti vagomubatsira.

7 Vanofanira kuita mabasa ake uye vagoshandira ungano yose paTende Rokusangana nokubata basa retabhenakeri.

8 Vanofanira kuchengeta midziyo yose yeTende roKusangana, vazadzise mabasa avaIsraeri pakuita kwavo basa retabhenakeri.

9 VaRevhi uvape kuna Aroni navanakomana vake; ndivo vaIsraeri vanofanira kupiwa kwaari zvachose.

10 Ugadze Aroni navanakomana vake kuti vagoshumira savaprista; ani zvake mumwewo anoswedera panzvimbo tsvene anofanira kuurayiwa.”

11 Jehovha akatizve kuna Mozisi,

12 “Ndakatora vaRevhi kubva pakati pavaIsraeri pachinzvimbo chedangwe romukomana rinoberekwa nomukadzi wose weIsraeri. VaRevhi ndevangu,

13 nokuti matangwe ose ndeangu. Pandakauraya matangwe muIjipiti, ndakazvitsaurira dangwe rimwe nerimwe muIsraeri, angava munhu kana mhuka. Zvinofanira kuva zvangu. Ndini Jehovha.”

14 Jehovha akati kuna Mozisi ari murenje reSinai,

15 “Verenga vaRevhi nemhuri dzavo uye nedzimba dzavo. Uverenge vanhurume vose vane mwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa.”

16 Saka Mozisi akavaverenga. Sezvaakanga arayirwa neshoko raJehovha.

17 Aya ndiwo mazita avanakomana vaRevhi:

Gerishoni, Kohati naMerari.

18 Aya ndiwo aiva mazita edzimba dzavaGerishoni:

Ribhini naShimei.

19 Dzimba dzavaKohati:

Amurami, Izhari, Hebhuroni naUzieri.

20 Dzimba dzavaMerari:

Mari naMushi.

Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzavaRevhi maererano nemhuri dzavo.

21 Kuna Gerishoni ndiko kwaiva nedzimba dzavaRibhini navaShimei; ndivo vakanga vari vedzimba dzavaGerishoni.

22 Kuwanda kwavanhurume vose vaiva nomwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa kwaisvika zviuru zvinomwe, namazana mashanu.

23 Vedzimba dzavaGerishoni vaifanira kuvaka misasa nechokumavirira, shure kwetabhenakeri.

24 Mutungamiri wemhuri yavaGerishoni akanga ari Eriasafi mwanakomana waRaeri.

25 VaGerishoni ndivo vaifanira kuchengeta tabhenakeri netende, zvifukidzo zvaro, chidzitiro chapamukova wokuTende Rokusangana,

26 zvidzitiro zvaparuvazhe, chidzitiro chapamukova wokupinda paruvazhe runopoteredza tabhenakeri nearitari, uye netambo, nezvinhu zvose zvaishandiswapo.

27 Kuna Kohati ndiko kwaiva nedzimba dzavaAmiramu, vaIsraeri, vaHebhuroni navaIzhari; ava ndivo vakanga vari vedzimba dzavaKohati.

28 Kuwanda kwavanhu vose vaiva nomwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa kwaisvika zviuru zvisere namazana matanhatu.

VaKohati ndivo vaiva nebasa rokuchengeta nzvimbo tsvene.

29 VaKohati vaifanira kudzika matende avo nechezasi kwetabhenakeri.

30 Mutungamiri wemhuri yedzimba dzavaKohati akanga ari Erizafani mwanakomana waUzieri.

31 Ndivo vaiva nebasa rokuchengeta areka, tafura, chigadziko chomwenje, aritari, midziyo yomunzvimbo tsvene yaishandiswa pakushumira, chidzitiro, nezvose zvaidiwa pakuzvishandisa.

32 Mutungamiri mukuru wavaRevhi akanga ari Ereazari mwanakomana waAroni, muprista. Ndiye akagadzwa kuti ave pamusoro paavo vaiva nebasa rokuchengeta nzvimbo tsvene.

33 Kuna Merari ndiko kwaiva nedzimba dzavaMari navaMushi; ava ndivo vakanga vari vedzimba dzavaMerari.

34 Kuwanda kwavanhurume vose vaiva nomwedzi mumwe chete, kana kupfuura, pakuberekwa avo vakaverengwa, vakanga vachisvika zviuru zvitanhatu, namazana maviri.

35 Mutungamiri wemhuri yedzimba dzavaMerari akanga ari Zurieri mwanakomana waAbhihairi; uye ndivo vaifanira kuvaka misasa yavo nechokumusoro kwetabhenakeri.

36 VaMerari vakanga vagadzwa kuti vave vachengeti vamatende etabhenakeri, mbariro dzayo, mbiru, hwaro, nhumbi dzayo dzose, nezvinhu zvose zvaishandiswa pamwe chete nazvo,

37 pamwe chete nembiru dzinopoteredza ruvazhe nehwaro hwadzo, mbambo dzetende netambo dzadzo.

38 Mozisi naAroni navanakomana vake vaifanira kudzika misasa yavo nechokumabvazuva kwetabhenakeri, kwakatarisana nokumabudazuva, mberi kweTende Rokusangana.

Ndivo vaiva nebasa rokuchengeta nzvimbo tsvene vakamirira vaIsraeri.

Ani zvake mumwewo aiswedera panzvimbo tsvene aifanira kuurayiwa.

39 Kuwanda kwavaRevhi vakaverengwa pakurayira kwaJehovha kubudikidza naMozisi naAroni maererano nedzimba dzavo, zvichisanganisira vanhurume vose vaiva nomwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa, kwaisvika zviuru makumi maviri nezviviri.

40 Jehovha akati kuna Mozisi, “Verenga matangwe ose avanhurume avaIsraeri ano mwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa ugonyora mazita avo.

41 Unditorere vaRevhi pachinzvimbo chamatangwe ose avaIsraeri, uye nezvipfuwo zvavaRevhi pachinzvimbo chezvibereko zvokutanga zvose zvezvipfuwo zvavana vavaIsraeri. Ndini Jehovha.”

42 Saka Mozisi akaverenga matangwe ose avaIsraeri, sezvaakarayirwa naJehovha.

43 Kuwanda kwamatangwe avanhurume vaiva nomwedzi mumwe kana kupfuura pakuberekwa vakanyorwa mazita avo, kwaisvika zviuru makumi maviri nezviviri, namazana maviri namakumi manomwe navatatu.

44 Jehovha akatizve kuna Mozisi,

45 “Tora vaRevhi pachinzvimbo chamatangwe ose eIsraeri, uye zvipfuwo zvavaRevhi pachinzvimbo chezvipfuwo zvavo. VaRevhi vanofanira kuva vangu. Ndini Jehovha.

46 Kuti udzikinure mazana maviri namakumi manomwe navatatu vamatangwe avaIsraeri,

47 unofanira kutora mashekeri mashanukubva kuno mumwe nomumwe wavo maererano namashekeri enzvimbo tsvene, anorema magera makumi maviri.

48 Upe mari yokudzikinurwa kwavaIsraeri vanopfuura uwandu hunodiwa kuna Aroni navanakomana vake.”

49 Saka Mozisi akatora mari yedzikinuro kubva kuna vakanga vapfuurira uwandu hwavaya vakanga vadzikinurwa navaRevhi.

50 Kubva kumatangwe eIsraeri akatora sirivha yairema chiuru chimwe, namazana matatu namakumi matanhatu namashanu amashekeri, maererano neshekeri renzvimbo tsvene.

51 Mozisi akapa mari yedzikinuro kuna Aroni navanakomana vake, sezvaakanga arayirwa neshoko raJehovha.

Categories
Numeri

Numeri 4

VaKohati

1 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni:

2 “Verenga vaKohati ivo bazi ravaRevhi nedzimba dzavo nemhuri dzavo.

3 Uverenge varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu vanouya kuzoshanda basa romuTende Rokusangana.

4 “Iri ndiro basa ravaKohati muTende Rokusangana: kuchengetedza zvinhu zvitsvene-tsvene.

5 Kana ungano yosimuka Aroni navanakomana vake vanofanira kupinda vagobvisa chidzitiro vagofukidza areka yeChipupuriro nacho.

6 Ipapo vanofanira kuchifukidza namatehwe emhou dzomugungwa, vagowarira mucheka webhuruu pamusoro pacho uye vagoisa matanda panzvimbo yawo.

7 “Pamusoro petafura yoKuvapo, vanofanira kuwarira mucheka webhuruu vagoisa pamusoro pawo ndiro, madhishi uye mbiya, nemikombe yezvipiriso zvinonwiwa; chingwa chamazuva ose chinofanira kuramba chiri pamusoro payo.

8 Pamusoro pezvinhu izvi, vanofanira kuwarira mucheka mutsvuku, vagoifukidza namatehwe emhou dzomugungwa, vagoisa matanda acho panzvimbo yawo.

9 “Vanofanira kutora mucheka webhuruu vagofukidza chigadziko chomwenje wokuvhenekesa, pamwe chete nemwenje yacho netambo netireya dzacho nemidziyo yacho yose yamafuta anoshandiswa pakuvhenekesa.

10 Ipapo vanofanira kuchiputira pamwe chete nezvimwe zvacho muchifukidzo chamatehwe emhou dzomugungwa vagochiisa pamatanda okutakurisa nawo.

11 “Pamusoro pearitari yegoridhe, vanofanira kuwarira mucheka webhuruu vagoufukidza namatehwe emhou dzomugungwa vagopinza matanda panzvimbo yawo.

12 “Vanofanira kutora midziyo yose inoshandiswa pakushumira munzvimbo tsvene, vagoiputira mumucheka webhuruu, vagofukidza izvozvo namatehwe emhou dzegungwa uye vagozviisa pamatanda okutakurisa nawo.

13 “Vanofanira kubvisa madota paaritari yendarira vagowarira mucheka wepepuru pamusoro payo.

14 Ipapo vanofanira kuisa pamusoro payo midziyo yose inoshandiswa pakushumira paaritari kusanganisira namakango, forogo dzenyama, foshoro nembiya dzokusasa. Vanofanira kuwarira chifukidzo chamatehwe emhou dzegungwa pamusoro payo, vagopinza matanda ayo panzvimbo yawo.

15 “Mushure mokunge Aroni navanakomana vake vapedza kufukidza midziyo yose mitsvene, uye kana vava kusimuka, vaKohati ndivo vanofanira kuuya kuzotakura. Asi havafaniri kubata zvinhu zvitsvene, kuti varege kufa. VaKohati ndivo vanofanira kutakura zvinhu zviri muTende Rokusangana.

16 “Ereazari mwanakomana waAroni, muprista, anofanira kuva mutariri wamafuta emwenje, zvinonhuhwira, chipiriso chezviyo chamazuva ose uye namafuta okuzodza. Anofanira kuva mutariri wetabhenakeri yose nezvinhu zvose zviri mairi, kusanganisira nemidziyo yayo mitsvene.”

17 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,

18 “Uone kuti rudzi rwavaKohati haruna kuparadzwa kubva pakati pavaRevhi.

19 Kuti vararame uye varege kufa pavanoswedera pedyo nezvinhu zvitsvene, uvaitire izvi: Aroni navanakomana vake vanofanira kupinda munzvimbo tsvene vagorayira murume mumwe nomumwe basa rake nezvaanofanira kuita.

20 Asi vaKohati havafaniri kupinda kundotarisa zvinhu zvitsvene, kana kwechinguva, kuti varege kufa.”

VaGerishoni

21 Jehovha akati kuna Mozisi,

22 “Verengawo vaGerishoni nemhuri dzavo uye nedzimba dzavo.

23 Uverenge varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu vanouya kuzoshanda basa romuTende Rokusangana.

24 “Ndiro basa redzimba dzavaGerishoni pavanoshanda vachitakura mitoro.

25 Vanofanira kutakura zvidzitiro zvetabhenakeri, Tende Rokusangana, zvifukidzo zvaro uye zvifukidzo zvokunze zvamatehwe emhou dzegungwa, zvidzitiro zvapamukova wokupinda kuTende Rokusangana,

26 zvidzitiro zvaparuvazhe runopoteredza tabhenakeri nearitari, chidzitiro chapamukova, tambo nemidziyo yose inoshandiswa pakushumira. VaGerishoni vanofanira kuita zvose zvinofanira kuitwa pakushandisa zvinhu izvi.

27 Mabasa avo ose kungava kutakura kana kuita rimwe basa, zvinofanira kuitwa nokurayira kwaAroni navanakomana vake. Muchavatuma sebasa ravo zvose zvavanofanira kutakura.

28 Ndiro basa redzimba dzavaGerishoni paTende Rokusangana. Vanofanira kurayirwa pamabasa avo naItamari mwanakomana waAroni muprista.

VaMerari

29 “Verenga vaMerari nedzimba dzavo nemhuri dzavo.

30 Verenga varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu vanouya kuzoshanda basa muTende Rokusangana.

31 Iri ndiro basa ravo pavanoshanda paTende Rokusangana: kutakura matanda etabhenakeri, mbariro dzayo, mbiru nehwaro,

32 pamwe chete nembiru dzinopoteredza ruvazhe nehwaro hwadzo, mbambo dzetende, tambo, midziyo yavo yose uye nezvose zvinoshandiswa pamwe chete nazvo. Govera murume mumwe nomumwe zvinhu zvaanofanira kutakura.

33 Uhu ndihwo ushumiri hwedzimba dzavaMerari pakushanda kwavo paTende Rokusangana vachitungamirirwa naItamari mwanakomana waAroni, muprista.”

Kuverengwa kwedzimba dzavaRevhi

34 Mozisi, Aroni navatungamiri veungano vakaverenga vaKohati nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo.

35 Varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu vakauya kuzoshanda basa romuTende Rokusangana,

36 vachiverengwa nedzimba dzavo, vaisvika zviuru zviviri, namazana manomwe namakumi mashanu.

37 Uku ndiko kwaiva kuwanda kwavose vedzimba dzavaKohati vaishanda muTende Rokusangana. Mozisi naAroni vakavaverenga maererano nokurayira kwaJehovha kubudikidza naMozisi.

38 VaGerishoni vakaverengwa nedzimba dzavo nemhuri dzavo.

39 Varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu, vakauya kuzoshanda pabasa romuTende Rokusangana,

40 vachiverengwa nedzimba dzavo nemhuri dzavo, vaisvika zviuru zviviri, namazana matanhatu namakumi matatu.

41 Ndiko kwakanga kuri kuwanda kwaavo vakanga vari vedzimba dzavaGerishoni vaishanda muTende Rokusangana. Mozisi naAroni vakavaverenga maererano nokurayira kwaJehovha.

42 VaMerari vakaverengwa nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo.

43 Varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu vakauya kuzoshanda basa muTende Rokusangana,

44 vachiverengwa nedzimba dzavo, vaisvika zviuru zvitatu, namazana maviri.

45 Uku ndiko kwakanga kuri kuwanda kwaavo vaiva mudzimba dzavaMerari. Mozisi naAroni vakavaverenga maererano nokurayira kwaJehovha kubudikidza naMozisi.

46 Saka Mozisi, Aroni navatungamiri veIsraeri vakaverenga vaRevhi vose nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo.

47 Varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu vakauya kuzoshanda basa uye vachitakura Tende Rokusangana,

48 vakasvika zviuru zvisere, mazana mashanu namakumi masere.

49 Mumwe nomumwe akagoverwa basa rake akaudzwa zvokuita sokurayira kwaJehovha kubudikidza naMozisi.

Saizvozvo vakaverengwa, sokurayirwa kwakaitwa Mozisi naJehovha.

Categories
Numeri

Numeri 5

Kunatswa kwoMusasa

1 Jehovha akati kuna Mozisi,

2 “Rayira vaIsraeri kuti vabudise mumusasa ani zvake ane chirwere cheganda romuviri kana kuerera kupi zvako, kana akasvibiswa nokuda kwechitunha.

3 Uvabudise vose varume navakadzi zvimwe chetezvo; uvabudise kunze kwomusasa kuitira kuti varege kusvibisa musasa wavo, wandigere pakati pavo.”

4 VaIsraeri vakaita saizvozvo, vakavabudisa kunze kwomusasa. Vakaita sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.

Kuripira zvinenge zvakanganiswa

5 Jehovha akati kuna Mozisi,

6 “Uti kuvaIsraeri: ‘Kana murume kana mukadzi akakanganisira mumwe nenzira ipi zvayo uye saizvozvo akasava akatendeka kuna Jehovha, munhu uyo ane mhosva,

7 uye anofanira kureurura chivi chaakaita. Anofanira kuripira zvizere mhosva yake, achiwedzera chikamu chimwe chete muzvishanu chayo agozvipa zvose kumunhu waakatadzira.

8 Asi kana munhu uyo asina hama yepedyo uyo angapiwa zviri kuripirwa mhosva, muripo uyu ndowaJehovha uye unofanira kupiwa kumuprista, pamwe chete negondobwe rokumuyananisira.

9 Zvinotsaurwa zvose zvinopiwa navaIsraeri kumuprista zvichava zvake.

10 Zvipo zvakatsaurwa zvomunhu mumwe nomumwe ndezvake iye pachake, asi zvaanopa kumuprista zvichava zvomuprista.’ ”

Kuongororwa kwomukadzi asina kutendeka

11 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,

12 “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mukadzi womunhu akatsauka, akasava akatendeka kwaari,

13 akavata nomumwe murume, uye izvi zvikavanzwa kumurume wake uye kusvibiswa kwake kusati kwabatwa (sezvo pasina chapupu pamusoro pake uye asati abatwa achiita izvozvo),

14 uye murume wake akava neshanje mukati make uye akafungira mukadzi wake, uye iye mukadzi achinge akasvibiswa, kana dai akava neshanje uye achimufungira kunyange zvake iye asina kusvibiswa,

15 ipapo anofanira kutora mukadzi wake agoenda naye kumuprista. Anofanira kuendawo nechipiriso chechegumi cheefayoupfu hwebhari pachinzvimbo chake. Haafaniri kudira mafuta pamusoro pacho kana zvinonhuhwira pachiri, nokuti chipiriso chezviyo cheshanje, chipiriso chechiyeuchidzo chokurangaridza mhosva.

16 “ ‘Muprista achamuuyisa agoita kuti amire pamberi paJehovha.

17 Ipapo anofanira kutora mvura tsvene mumudziyo wevhu agoisa guruva rinobva pauriri hwetabhenakeri mumvura.

18 Shure kwokunge muprista amisa mukadzi uyu pamberi paJehovha, achasunungura vhudzi rake agoisa mumaoko ake chipiriso chokuyeuchidza, chipiriso chezviyo cheshanje, muprista pachake akabata mvura inovava inouyisa chituko.

19 Ipapo muprista anofanira kuita kuti mukadzi uyu apike uye agoti kwaari, “Kana kusina mumwe murume akavata newe uye usina kumbotsauka ukava wakasvibiswa panguva yokuwanikwa kwako nomurume wako, mvura inovava iyi, iyo inouyisa kutukwa, ngairege kukukuvadza.

20 Asi kana wakatsauka iwe wakawanikwa nomurume wako uye ukazvisvibisa nokuvata nomumwe murume pachinzvimbo chomurume wako,”

21 ipapo muprista anofanira kuisa mukadzi uyu pachituko ichi chemhiko achiti, “Jehovha ngaaite kuti vanhu vako vakutuke uye vakurambe paanoita kuti chidya chako chionde uye kuti dumbu rako rizvimbe.

22 Mvura iyi inouyisa kutuka ngaipinde mumuviri wako kuitira kuti dumbu rako rizvimbe uye chidya chako chionde.”

“ ‘Ipapo mukadzi anofanira kuti, “Ameni. Ngazviite saizvozvo.”

23 “ ‘Muprista anofanira kunyora zvituko izvi papepa ipapo agozvisuka mumvura inovava.

24 Anofanira kunwisa mukadzi uyu mvura inovava, inouyisa kutukwa, uye mvura iyi ichapinda maari igouyisa kutambudzika nokuvaviwa.

25 Muprista anofanira kutora kubva mumaoko omukadzi chipiriso chezviyo cheshanje, agochininira pamberi paJehovha nokuchiuyisa kuaritari.

26 Ipapo muprista anofanira kutora tsama yechipiriso chezviyo sechipiriso chokurangaridza agochipisa paaritari; shure kwaizvozvo, anofanira kunwisa mukadzi uyu mvura.

27 Kana akazvisvibisa uye anga asina kutendeka kumurume wake, ipapo kana zvaitwa kuti anwe mvura inouyisa kutukwa, ichapinda maari igoita kuti arwadziwe zvikuru; dumbu rake richazvimba uye chidya chake chichaonda, uye achava akatukwa pakati pavanhu vokwake.

28 Kunyange zvakadaro hazvo, kana mukadzi uyo asina kuzvisvibisa uye akachena achasunungurwa pamhosva iyo uye achagona kubereka vana.

29 “ ‘Uyu, zvino ndiwo murayiro weshanje kana mukadzi atsauka, akazvisvibisa iye ari mukadzi womunhu,

30 uye kana murume akava neshanje nokuda kwokufungira mukadzi wake. Muprista anofanira kumumisa pamberi paJehovha agotevedza murayiro uyu wose kwaari.

31 Murume achange asina mhosva pakukanganisa kupi zvako, asi mukadzi achava nemhosva yechivi chake.’ ”