Categories
Zvakazarurwa

Zvakazarurwa 17

Mukadzi akanga agere pamusoro peChikara

1 Mumwe wavatumwa vanomwe vakanga vane ndiro nomwe akauya kwandiri akati, “Uya ndizokuratidza kurangwa kwechifeve chikuru, chinogara pamusoro pemvura zhinji.

2 Naye, madzimambo enyika akaita upombwe uye vanogara panyika vakadhakwa newaini youpombwe hwake.”

3 Ipapo mutumwa akanditakura ndiri muMweya akaenda neni kugwenga. Ikoko ndakaona mukadzi agere pamusoro pechikara chitsvuku chakanga chakafukidzwa namazita okumhura uye chakanga chine misoro minomwe nenyanga gumi.

4 Mukadzi uyu akanga akapfeka nguo yepepuru nezvitsvuku uye aitaima negoridhe, mabwe anokosha namaparera. Akanga akabata mukombe wegoridhe muruoko rwake, uzere nezvinonyangadza uye netsvina youpombwe hwake.

5 Zita iri rakanga rakanyorwa pahuma yake:

chakavanzika

bhabhironi guta guru

mai vemhombwe

nezvinonyangadza zvenyika

6 Ndakaona kuti mukadzi uyu akanga araradza neropa ravatsvene, ropa ravaya vanopupura Jesu.

Pandakamuona, ndakakatyamara zvikuru.

7 Ipapo mutumwa akati kwandiri, “Seiko wakatyamara? Ndichakutsanangurira chakavanzika chomukadzi uye nechechikara chaanotasva, chine misoro minomwe nenyanga gumi.

8 Chikara, chawaona, chaivapo kare, zvino hachisisipo, uye chichabuda mugomba rakadzika chigoenda kundoparadzwa. Vanogara panyika vane mazita asina kunyorwa mubhuku roupenyu kubva pakusikwa kwenyika, vachakatyamara pavachaona chikara, nokuti chakanga chiripo, asi zvino hachisisipo, asi chichauya.

9 “Izvi zvava kuda pfungwa dzine uchenjeri. Misoro minomwe ndiwo zvikomo zvinomwe zvinogarwa nomukadzi uyu.

10 Pane madzimambo manomwewo. Vashanu vakawa, mumwe chete aripo, mumwe wacho haasati auya; asi paanouya, anofanira kugara kwechinguva chiduku.

11 Chikara chiya chaivapo, uye chisisipo zvino, ndiye mambo worusere. Ndiye mumwe wavanomwe uye ari kuzoparadzwa.

12 “Nyanga gumi dzawaona ndiwo madzimambo gumi vasati vagamuchira umambo, asi paawa imwe chete vachagamuchira simba samadzimambo pamwe chete nechikara.

13 Vane chinangwa chimwe chete uye vachapa umambo hwavo nesimba ravo kuchikara.

14 Vachaita hondo neGwayana, asi Gwayana richavakunda nokuti ndiye Ishe wamadzishe naMambo wamadzimambo, uye vakadanwa varo ndivo vachava naro, vakasanangurwa uye vateveri vakatendeka.”

15 Ipapo mutumwa akati kwandiri, “Mvura zhinji yawaona, panogara chifeve, ndiwo marudzi, navazhinji zhinji, nendudzi nemitauro mizhinji.

16 Chikara nenyanga gumi dzawaona zvichavenga chifeve. Zvichachiparadza zvigochisiya chisina kupfeka; zvichadya nyama yacho zvigochipisa nomoto.

17 Nokuti Mwari akazviisa mumwoyo yavo kuti apedze zvaaifunga nokubvuma kupa chikara simba rokutonga, kusvikira mashoko aMwari azadziswa.

18 Mukadzi wawaona ndiro guta guru rinotonga pamusoro pamadzimambo enyika.”

Categories
Zvakazarurwa

Zvakazarurwa 18

Kuwa kweBhabhironi

1 Shure kwaizvozvi ndakaona mumwe mutumwa achiburuka kubva kudenga. Akanga ane simba guru, uye nyika yakavhenekerwa nokubwinya kwake.

2 Akadanidzira nenzwi guru achiti:

“Rawa! Rawa Bhabhironi Guta Guru!

Rava musha wamadhimoni

nougaro hwemweya yose yakaipa,

ugaro hweshiri dzose dzine tsvina nedzinonyangadza.

3 Nokuti ndudzi dzose dzakanwa

waini inopengesa youpombwe hwaro.

Madzimambo enyika akaita upombwe naro,

uye vashambadziri venyika vakapfuma kubva pazvinofadza zvaro zvizhinji.”

4 Ipapo ndakanzwa rimwe inzwi kudenga richiti:

“Budai mariri, vanhu vangu,

kuti murege kugovana naro muzvivi zvaro,

kuti murege kugamuchira matambudziko aro api zvawo;

5 nokuti zvivi zvaro zvaita murwi unosvika kudenga,

uye Mwari arangarira mhosva dzaro.

6 Ritsivei semabasa arakaita;

ritsivei kaviri pane zvarakaita.

Murivhenganisire migove miviri mumukombe waro.

7 Rirwadzisei zvikuru uye murichemedze

sokuzvipa mbiri nomufaro kwarakaita.

Rinozvikudza mumwoyo maro richiti,

‘Ndigere samambokadzi; handisi chirikadzi,

uye handingatongochemi.’

8 Naizvozvo, nezuva rimwe chete matambudziko ake achamukunda anoti:

rufu, kuchema, nenzara.

Achaparadzwa nomoto,

nokuti Ishe Mwari anomutonga mukuru.

9 “Madzimambo enyika, akaita upombwe naro uye akagovana naro pamufaro waro achati achiona utsi hwokutsva kwaro, achachema uye achaungudza pamusoro paro.

10 Vachitya kurwadziwa kwaro, vachamira kure vagochema vachiti:

“ ‘Nhamo! Nhamo, iwe guta guru,

Iwe Bhabhironi, guta resimba!

Kuparara kwako kwasvika muawa imwe chete!’

11 “Vashambadziri venyika vachachema uye vachaungudza pamusoro paro nokuti hakuna munhu achatenga nhumbi dzavozve,

12 nhumbi dzegoridhe, sirivha, mabwe anokosha namaparera; micheka yakanaka, yepepuru, sirika nemicheka mitsvuku; mhando dzose dzemiti inonhuhwira nezvinhu zvemhando dzose zvakagadzirwa nenyanga dzenzou, namatanda ano mutengo unokosha, ndarira, simbi namabwe akaurungana;

13 nhumbi dzesinamoni nezvinonhuhwira, mura nezvizoro zvinonhuhwira, waini namafuta omuorivhi, upfu hwakatsetseka negorosi; mombe namakwai; mabhiza nengoro; nemiviri nemweya yavanhu.

14 “Vachati, ‘Muchero wawaipanga wabviswa kwauri. Upfumi hwako hwose nezvinobwinya zvako zvose zvapera, hazvichazowanikwizve.’

15 Vashambadziri vakatengesa zvinhu izvi uye vakawana pfuma yavo kwariri vachamira kure, vachityiswa nokurwadziwa kwaro. Vachachema uye vachaungudza

16 uye vachadanidzira vachiti:

“ ‘Nhamo! Nhamo, iwe guta guru,

wakapfeka mucheka wakanaka, nowepepuru, nomutsvuku,

uye unotaima negoridhe, namatombo anokosha namaparera!

17 Muawa imwe chete upfumi hwakakura kudai hwaparara!’

“Vafambisi vose vezvikepe mugungwa, navose vanofamba nezvikepe, vashandi vomuzvikepe navose vanorarama nezvinobva mugungwa, vachamira kure.

18 Pavachaona utsi hwokutsva kwaro, vachati, ‘Pakambova neguta rakaita seguta guru iri here?’

19 Vachakanda guruva pamisoro yavo, uye nokuchema nokuungudza vachadanidzira vachiti:

“ ‘Nhamo! Nhamo, iro guta guru,

vose vaiva nezvikepe pagungwa

vakapfuma noupfumi hwaro!

Muawa imwe chete, raparara!

20 Farai pamusoro paro, imi denga!

Farai, vatsvene navapostori navaprofita!

Mwari aritonga nokuda kwamabatiro arakakuitai.’ ”

21 Ipapo mutumwa ane simba akasimudza dombo rakaenzana neguyo guru akarikanda mugungwa, akati:

“Nechisimba chakadai

guta guru reBhabhironi richakandwa pasi,

risingazombowanikwazve.

22 Kuimba kwavaridzi vorudimbwa navaimbi, navaridzi venyere navaridzi vehwamanda,

hakuchazonzwikwazve mauri.

Hakuna munhu webasa ripi zvaro

achazowanikwazve mauri.

Inzwi reguyo harichazonzwikwizve mauri.

23 Chiedza chomwenje hachichazovhenekerizve mauri.

Inzwi rechikomba neromwenga

hazvichazonzwikwazve mauri.

Vashambadziri vako vakanga vari vakuru venyika.

Nouroyi hwako ndudzi dzose dzakatsauswa.

24 Mariri makawanikwa ropa ravaprofita neravatsvene,

neravose vakaurayiwa panyika.”

Categories
Zvakazarurwa

Zvakazarurwa 19

Hareruya!

1 Shure kwaizvozvi, ndakanzwa inzwi kudenga rakaita sokutinhira wavazhinji zhinji richiti:

“Hareruya!

Ruponeso nokubwinya nesimba ndezvaMwari wedu,

2 nokuti kutonga kwake ndokwechokwadi uye kunoruramisira.

Akatonga chifeve chikuru

chakaodza nyika noupombwe hwacho.

Akatsiva paari ropa ravaranda vake.”

3 Uyezve vakadanidzira vachiti:

“Hareruya!

Utsi hunobuda maari hunokwira nokusingaperi-peri.”

4 Vakuru makumi maviri navana nezvisikwa zvipenyu zvina vakawira pasi vakanamata Mwari, akanga agere pachigaro choushe. Uye vakadanidzira vachiti:

“Ameni, Hareruya!”

5 Ipapo inzwi rakabva pachigaro choushe, richiti:

“Rumbidzai Mwari wedu,

imi varanda vake mose,

imi munomutya,

mose vaduku navakuru!”

6 Ipapo ndakanzwa zvakanga zvichiita savazhinji zhinji, somumvumo wemvura zhinji uye senzwi guru rokutinhira kwemabhananʼana, richiti:

“Hareruya!

Nokuti Ishe Mwari wedu Wamasimba Ose anotonga.

7 Ngatifarei uye tifarisise

uye timurumbidze!

Nokuti mutambo wokuwana weGwayana wasvika,

uye mwenga waro azvigadzirira.

8 Akapiwa mucheka wakachena,

wakanaka uye unopenya kuti aupfeke.”

(Mucheka wakanaka ndiwo mabasa akarurama avatsvene.)

9 Ipapo mutumwa akati kwandiri, “Nyora uti: ‘Vakaropafadzwa avo vakakokwa kuchirariro chokuwana cheGwayana!’ ” Uye akatizve, “Aya mashoko echokwadi aMwari.”

10 Pakarepo ndakawira patsoka dzake kuti ndimunamate. Asi iye akati kwandiri, “Rega kudaro! Ndiri muranda pamwe chete newe uye nehama dzako dzinobatirira pakupupura Jesu. Namata Mwari! Nokuti uchapupu hwaJesu ndiwo mweya wouprofita.”

Murume akanga akatasva Bhiza Jena

11 Ndakaona denga razaruka uye ipapo pamberi pangu pakanga pane bhiza jena, mutasvi waro anonzi Akatendeka uye Chokwadi. Nokururamisira anotonga uye anorwa hondo.

12 Meso ake akaita somurazvo womoto, uye pamusoro wake pane korona zhinji. Ane zita rakanyorwa paari risingazivikanwi nomunhu asi naiye oga.

13 Akapfeka nguo dzakanyikwa muropa, uye zita rake ndiye Shoko raMwari.

14 Hondo dzokudenga dzakanga dzichimutevera, akatasva bhiza jena uye akapfeka mucheka wakanaka, wakachena uye usina tsvina.

15 Mumuromo make munobuda munondo unopinza waanouraya nawo ndudzi. “Achavatonga netsvimbo yesimbi.” Anotsika chisviniro chewaini yokutsamwa kwehasha dzaMwari Wamasimba Ose.

16 Panguo yake napachidya chake ane zita iri rakanyorwa:

mambo wamadzimambo naishe wamadzishe

17 Uye ndakaona mutumwa amire muzuva, akadanidzira nenzwi guru kushiri dzose dzinobhururuka muchadenga achiti, “Uyai, unganai pamwe chete pachirariro chaMwari,

18 kuti muzodya nyama yamadzimambo, yavakuru vehondo, yavarume vane simba, yamabhiza neyavatasvi vawo, nenyama yavanhu vose, vakasununguka nenhapwa, vaduku navakuru.”

19 Ipapo ndakaona chikara namadzimambo enyika uye nehondo dzavo dzakaungana pamwe chete kuti dzindorwa nomutasvi akanga ari pabhiza uye nehondo yake.

20 Asi chikara chakabatwa, pamwe chete nomuprofita wenhema akanga aita zviratidzo pachinzvimbo chacho. Nezviratidzo izvi akanga atsausa avo vakanga vagamuchira mucherechedzo wechikara uye vanamata mufananidzo wacho. Vaviri ava vakakandwa mudziva romoto unopfuta nesafuri vari vapenyu.

21 Vakasara vavo vakaurayiwa nomunondo wakabuda mumuromo wouyo akanga akatasva bhiza, uye shiri dzose dzakagutswa nenyama yavo.

Categories
Zvakazarurwa

Zvakazarurwa 20

Makore Chiuru

1 Uye ndakaona mutumwa achiburuka kubva kudenga, ane kiyi dzokugomba rakadzika zvisina mugumo uye akanga akabata ngetani huru muruoko rwake.

2 Akabata shato, iyo nyoka yakare, anova ndiye dhiabhori, kana kuti Satani, uye akamusunga kwamakore chiuru.

3 Akamukanda mugomba rakadzika zvisina mugumo, akarikiya, akaisa chisimbiso pamusoro pake, kuti amudzivise kuzonyengerazve ndudzi kusvikira makore chiuru apera. Shure kwaizvozvo, anofanira kusunungurwa kwechinguva chiduku.

4 Ndakaona zvigaro zvoushe zvakanga zvakagarwa navaya vakanga vapiwa simba rokutonga. Uye ndakaona mweya yavaya vakanga vagurwa misoro nokuda kwokupupura kwavo nezvaJesu uye nokuda kweshoko raMwari. Vakanga vasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho uye vakanga vasina kugamuchira mucherechedzo pahuma dzavo kana pamaoko avo. Vakararama vakatonga pamwe chete naJesu kwamakore chiuru.

5 Vamwe vakafa havana kurarama kusvikira makore chiuru apera. Uku ndiko kumuka kwokutanga.

6 Vakaropafadzwa uye vatsvene, avo vano mugove pakumuka kwokutanga. Rufu rwechipiri haruna simba pamusoro pavo, asi vachava vaprista vaMwari nevaKristu uye vachatonga pamwe chete naye kwamakore chiuru.

Kuparadzwa kwaSatani

7 Makore chiuru paanopera, Satani achasunungurwa kubva mutorongo rake

8 uye achabuda kundonyengera ndudzi dziri kumativi mana enyika, Gogi naMagogi, kuti avaunganidzire kundorwa. Vakawanda sejecha rokumahombekombe egungwa.

9 Vakafamba vachidimbura napaupamhi hwenyika vakakomba misasa yavanhu vaMwari, iro guta raanoda. Asi moto wakaburuka uchibva kudenga ukavaparadza.

10 Uye dhiabhori, uyo akavanyengera, akakandwa mudziva rinopfuta nesafuri, makanga makandwa chikara nomuprofita wenhema. Vacharwadziwa masikati nousiku nokusingaperi-peri.

Vakafa Vanotongwa

11 Ipapo ndakaona chigaro chikuru chichena naiye akanga agere pachiri. Nyika nedenga zvakatiza pamberi pake, zvikashayirwa nzvimbo.

12 Uye ndakaona vakafa, vakuru navaduku, vamire pamberi pechigaro choushe, uye mabhuku akazarurwa. Rimwe bhuku rakazarurwa, iro bhuku roupenyu. Vakafa vakatongwa maererano nezvavakanga vaita sezvazvakanga zvakanyorwa mumabhuku.

13 Gungwa rakabudisa vakafa vakanga vari mariri, uye rufu neHadhesi zvakabudisa vakafa vakanga vari mazviri, uye munhu mumwe nomumwe akatongwa sezvaakabata.

14 Ipapo rufu neHadhesi zvakakandwa mudziva romoto. Dziva romoto ndirwo rufu rwechipiri.

15 Kana munhu akawanikwa zita rake risina kunyorwa mubhuku roupenyu, akakandwa mudziva romoto.

Categories
Zvakazarurwa

Zvakazarurwa 21

Jerusarema Idzva

1 Ipapo ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura, uye pakanga pasisina gungwa.

2 Ndakaona Guta Dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kubva kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga akashongera murume wake zvakaisvonaka.

3 Uye ndakanzwa inzwi guru richibva pachigaro choushe richiti, “Zvino imba yaMwari yava pakati pavanhu, uye achagara navo. Vachava vanhu vake, uye Mwari pachake achava navo uye achava Mwari wavo.

4 Achapukuta misodzi yavo yose pameso avo. Hapachazovazve norufu, kana kuungudza, kana kuchema, kana kurwadziwa, nokuti zvinhu zvokutanga zvapfuura.”

5 Akanga agere pachigaro choushe akati, “Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva!” Ipapo akati, “Nyora izvi, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.”

6 Akati kwandiri, “Zvaitwa. Ndini Arifa naOmega, wokutanga newokupedzisira. Kuna iye ane nyota ndichamupa kuti anwe, asingaripi, kubva mutsime remvura youpenyu.

7 Anokunda achapiwa nhaka iyi yose, uye ndichava Mwari wake, uye iye achava mwanakomana wangu.

8 Asi vanotya, vasingatendi, navanonyangadza, mhondi, nemhombwe, navanoita zvouroyi, vanonamata zvifananidzo navanoreva nhema, nzvimbo yavo ichava mudziva romoto rinopfuta nesafuri. Urwu ndirwo rufu rwechipiri.”

9 Mumwe wavatumwa vanomwe akanga ane ndiro nomwe dzizere namatambudziko manomwe okupedzisira akauya kwandiri akati, “Uya, ndizokuratidza mwenga, mukadzi weGwayana.”

10 Uye akandiendesa muMweya kugomo guru refu, akandiratidza Guta Dzvene, Jerusarema, richiburuka richibva kuna Mwari.

11 Raipenya nokubwinya kwaMwari, uye kuvaima kwaro kwakanga kwakaita sebwe rinokosha kwazvo, sebwe rejasipa, rinoonekera sekristaro.

12 Rakanga rina masvingo makuru, marefu kwazvo ana masuo gumi namaviri navatumwa gumi navaviri pamasuo. Pamasuo pakanga pakanyorwa mazita amarudzi gumi namaviri avaIsraeri.

13 Kumabvazuva kwakanga kune masuo matatu, matatu kumusoro, matatu nechezasi namatatu kumavirira.

14 Masvingo eguta akanga ane nheyo gumi nembiri, uye padziri pakanga pane mazita avapostori gumi navaviri veGwayana.

15 Mutumwa akataura neni akanga ane tsvimbo yokuera yegoridhe, yokuyera guta, masuo namasvingo aro.

16 Guta rakanga rakavakwa zvokuti mativi aro mana akanga akaenzana pakureba napaupamhi. Akaera guta netsvimbo uye akariwana rina mastadhia zviuru gumi nezviviri paurefu, uye rakapamhama nokureba sourefu hwaro.

17 Akaera rusvingo rwaro uye rwaiva rukobvu makubhiti zana namakumi mana namananokuyera kwavanhu, kwaishandiswa nomutumwa.

18 Rusvingo rwakanga rwakavakwa nejasipa, uye guta rakanga rakavakwa negoridhe rakaisvonaka rinoonekera kunge girazi.

19 Nheyo dzamasvingo eguta dzakanga dzakashongedzwa nemhando dzose dzamatombo anokosha. Nheyo yokutanga yakanga iri yejasipa, yechipiri yaiva yesafiri, yetatu yekasidhoni, yechina yeemaradhi;

20 yeshanu yesadhonikisi, yechitanhatu yaiva yekarineri yechinomwe yaiva yekrisoriti, yorusere yaiva yebheriri, yepfumbamwe yaiva yetopazi, yegumi yaiva yekrisoprasi, yegumi neimwe yaiva yejasindi, yegumi nembiri yaiva yeametisti.

21 Masuo gumi namaviri akanga ari amaparera, suo rimwe nerimwe rakaitwa neparera rimwe chete. Nzira huru yomuguta yakanga iri yegoridhe rakaisvonaka segirazi rinoonekera.

22 Handina kuona temberi muguta, nokuti Ishe Mwari Wamasimba Ose neGwayana ndivo temberi yaro.

23 Guta haritsvaki zuva kana mwedzi kuti zvivhenekere pamusoro paro, nokuti kubwinya kwaMwari ndiko kunovhenekera, uye Gwayana ndiro mwenje waro.

24 Ndudzi dzichafamba nechiedza charo, uye madzimambo enyika achauyisa kubwinya kwawo mukati maro.

25 Hapana zuva richatongozarirwa masuo aro, nokuti hakuchazova nousiku ikoko.

26 Kubwinya nokukudzwa kwendudzi kuchauyiswa mariri.

27 Hakuna chinhu chine tsvina chichazopinda imomo, uye kana upi zvake anoita zvinonyadzisa kana zvounyengeri, asi avo chete vana mazita akanyorwa mubhuku roupenyu reGwayana.

Categories
Zvakazarurwa

Zvakazarurwa 22

Rwizi rwoUpenyu

1 Ipapo mutumwa akandiratidza rwizi rwemvura youpenyu, inoonekera sekristaro, ruchiyerera kubva pachigaro chaMwari necheGwayana

2 pakati penzira huru yeguta. Parutivi rumwe norumwe rwerwizi pakanga pano muti woupenyu, waibereka mhando gumi nembiri dzomuchero, ichibereka michero yayo pamwedzi woga woga. Mashizha omuti uyu ndeokuporesa ndudzi.

3 Hakuchazovazve nokutukwa. Chigaro choushe chaMwari necheGwayana zvichava muguta, uye varanda vake vachamushumira.

4 Vachaona chiso chake, uye zita rake richava pahuma dzavo.

5 Usiku hahuchazovapozve. Havachazotsvaki chiedza chomwenje kana chiedza chezuva, nokuti Ishe Mwari achavapa chiedza. Uye vachatonga nokusingaperi-peri.

6 Mutumwa akati kwandiri, “Mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi. Ishe, Mwari wemweya yavaprofita, akatuma mutumwa wake kuzoratidza varanda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika.”

Jesu ari kuuya

7 “Tarirai, ndinokurumidza kuuya! Akaropafadzwa uyo anochengeta mashoko ouprofita huri mubhuku iri.”

8 Ini Johani, ndini ndakanzwa uye ndikaona zvinhu izvi. Uye ndakati ndazvinzwa uye ndazviona, ndakawira pasi kuti ndinamate ndiri patsoka dzomutumwa akanga andiratidza zvinhu izvi.

9 Asi akati kwandiri, “Rega kudaro! Ndiri muranda pamwe chete newe uye nehama dzako vaprofita navose vanochengeta mashoko ebhuku iri. Namata Mwari!”

10 Ipapo akati kwandiri, “Usanamira mashoko ouprofita hwebhuku iri, nokuti nguva yaswedera.

11 Anotadza ngaarambe achitadza, anonyangadza ngaarambe achinyangadza; anoita zvakarurama ngaarambe achiita zvakarurama; uye mutsvene ngaarambe ari mutsvene.”

12 “Tarirai, ndiri kukurumidza kuuya! Mubayiro wangu ndinawo, uye ndichapa mumwe nomumwe maererano nezvaakaita.

13 Ndini Arifa naOmega, wokutanga newokupedzisira, kutanga nokuguma.

14 “Vakaropafadzwa avo vanosuka nguo dzavo, kuti vave nesimba rokuuya kumuti woupenyu uye vagopinda muguta napasuo.

15 Kunze ndiko kune imbwa, vaya vanoita zvouroyi, mhombwe, mhondi, vanonamata zvifananidzo navose vanoda nhema uye vachidziita.

16 “Ini Jesu, ndatuma mutumwa wangu kuti akupe uchapupu uhu hwekereke. Ndini mudzi worudzi rwaDhavhidhi, Nyamasase inopenya.”

17 Mweya nomwenga vanoti, “Uya!” Uye anonzwa ngaati, “Uyai!” Ani naani ane nyota, ngaauye; uye ani naani anoda, ngaatore chipo chemvura youpenyu asingatengi.

18 Ndinoyambira mumwe nomumwe anonzwa mashoko ouprofita hwebhuku iri ndichiti: Kana munhu upi zvake akawedzera chinhu chipi zvacho kwaari, Mwari achawedzera kwaari matambudziko akanyorwa mubhuku iri.

19 Uye, kana munhu upi zvake akatapudza mashoko kubva mubhuku iri rouprofita, Mwari achabvisa kubva kwaari mugove wake pamuti woupenyu nomuguta dzvene, izvo zvakanyorwa mubhuku iri.

20 Uyo anopupura zvinhu izvi anoti, “Hongu, ndinokurumidza kuuya.”

Ameni. Uyai, Ishe Jesu.

21 Nyasha dzaIshe Jesu ngadzive navanhu vaMwari. Ameni.