Categories
Isaya

Isaya 51

Ruponeso Rwokusingaperi rweZioni

1 Nditeererei, imi munotevera kururama

uye munotsvaka Jehovha:

Tarirai kudombo ramakabviswa pariri

naparuware pamakacherwa;

2 tarirai kuna Abhurahama, baba venyu,

nokuna Sara, akakuberekai.

Pandakamudana akanga achingova mumwe chete,

ndikamuropafadza ndikamuita vazhinji.

3 Zvirokwazvo Jehovha achanyaradza Zioni,

uye achatarira netsitsi pamusoro pamatongo aro ose;

achaita magwenga aro kuti afanane neEdheni,

marenje aro achafanana nebindu raJehovha.

Kupembera nomufaro zvichawanikwa mariri,

kuvonga nenzwi rokuimba.

4 “Nditeererei, imi vanhu vangu;

ndinzwei imi rudzi rwangu:

Ndichakupai murayiro;

kururamisira kwangu kuchava chiedza kundudzi.

5 Kururama kwangu kwoswedera pedyo nokukurumidza,

ruponeso rwangu rwuri munzira,

uye ruoko rwangu ruchauyisa kururamisira kundudzi.

Zviwi zvichatarira kwandiri

uye zvichamirira ruoko rwangu netariro.

6 Simudzirai meso enyu kumatenga,

tarirai pasi panyika;

matenga achanyangarika soutsi,

nyika ichasakara senguo,

uye vanogaramo vachafa senhunzi.

Asi ruponeso rwangu ruchagara nokusingaperi,

kururama kwangu hakuzombogumi.

7 “Ndinzwei, imi munoziva zvakarurama,

imi vanhu vane murayiro wangu mumwoyo yenyu:

Musatya kuzvidza kwavanhu,

uye musavhundutswa nokutuka kwavo.

8 Nokuti chipfuno chichavadya senguo;

honye ichavadya sewuru.

Asi kururama kwangu kuchagara nokusingaperi,

ruponeso rwangu kuzvizvarwa zvose.”

9 Muka, muka! Zvishongedze nesimba,

iwe ruoko rwaJehovha;

muka, sepamazuva akare,

sepazvizvarwa zvakare.

Ko, hausiwe wakagura-gura Rahabhi,

ukabaya chikara chiya here?

10 Hausiwe wakaomesa gungwa here,

iyo mvura yokwakadzika zvikuru,

ukaita mugwagwa makadzika megungwa

kuitira kuti vakadzikinurwa vayambuke?

11 Vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka.

Vachapinda muZioni vachiimba;

mufaro usingaperi uchava korona pamisoro yavo.

Mufaro nokupembera zvichafashukira,

uye kusuwa nokukahadzika zvichatiza.

12 “Ini, iyeni, ndini iye anokunyaradzai.

Ndiwe aniko unotya vanhu vanofa,

vanakomana vavanhu, ivo uswa zvahwo,

13 kuti ukanganwe Jehovha Muiti wako,

akatatamura matenga,

akateya nheyo dzenyika,

kuti ugare uchitya mazuva ose

nokuda kwehasha dzomumanikidzi,

uyo akarerekera kukuparadza?

Ko, hasha dzomumanikidzi dziripi?

14 Vasungwa vakatapwa vachakurumidza kusunungurwa;

havazofiri mumakomba avo,

kana kuzoshayiwa chingwa.

15 Nokuti ndini Jehovha Mwari wako,

anomutsa gungwa kuti mafungu aro atinhire,

Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake.

16 Ndakaisa mashoko angu mumuromo mako,

ndikakufukidza nomumvuri woruoko rwangu,

iyeni ndakagadzika matenga panzvimbo yawo,

iyeni ndakateya nheyo dzenyika,

uye ndinoti kuZioni, ‘Muri vanhu vangu.’ ”

Mukombe weHasha dzaJehovha

17 Muka, muka! Simuka,

iwe Jerusarema,

iwe wakanwa kubva muruoko rwaJehovha,

mukombe wehasha dzake,

iwe wakasveta kusvikira wapera kuti tsvai,

iwo mukombe unoita kuti vanhu vadzedzereke.

18 Pavanakomana vose

vaakabereka pakanga pasina anomutungamirira;

pavanakomana vose vaakarera

pakanga pasina aimusesedza noruoko rwake.

19 Njodzi mbiri idzi dzauya pamusoro pako,

ndianiko angakunyaradza? Dzinoti:

kuva dongo nokuparadzwa, nzara nomunondo;

ndianiko anogona kukunyaradza?

20 Vanakomana vako vaziya;

vanovata panotangira migwagwa,

kufanana nemhara yabatwa mumumbure.

Vakazadzwa nehasha dzaJehovha

nokutuka kwaMwari wako.

21 Naizvozvo inzwa izvi,

iwe munhu wokutambudzika, wakadhakiswa asi kwete newaini.

22 Zvanzi naIshe Jehovha Mwari wako,

anodzivirira vanhu vake,

“Tarira, ndabvisa muruoko rwako mukombe wakakuita kuti udzedzereke;

kubva pamukombe uyo,

iwo mukombe wehasha dzangu,

hauchazounwizve.

23 Ndichauisa mumaoko avatambudzi vako,

ivo vanoti kwauri,

‘Zvambarara pasi kuti tifambe napamusoro pako.’

Iwe wakaita kuti musana wako uve sapasi,

kufanana nomugwagwa unofambwa nawo.”

Categories
Isaya

Isaya 52

1 Muka, muka iwe Zioni,

zvifukidze nesimba.

Fuka nguo dzako dzakanakisa,

iwe Jerusarema, guta dzvene.

Vasina kudzingiswa navakasvibiswa

havachapindizve mauri.

2 Zunza guruva rako: simuka,

ugare paushe, iwe Jerusarema.

Zvisunungure pangetani dziri pamutsipa wako,

iwe nhapwa, Mwanasikana weZioni.

3 Nokuti zvanzi naJehovha,

“Wakatengeswa pasina mutengo,

uye uchadzikinurwa pasina mari.”

4 Nokuti zvanzi naIshe Jehovha,

“Pakutanga vanhu vangu vakaenda kuIjipiti kundogarako;

iye zvino Asiria inovamanikidza.

5 “Uye zvino ndinei pano?” ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Nokuti vanhu vangu vakabviswa pasina,

uye avo vanovatonga vanovaseka,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Uye zuva rose

zita rangu rinogara richimhurwa.

6 Naizvozvo vanhu vangu vachaziva zita rangu;

naizvozvo pazuva iro vachaziva

kuti ndini ndakazvitaura.

Hongu, ndini iye.”

7 Dzakanaka sei pamusoro pamakomo

tsoka dzavanouya namashoko akanaka,

vanoparidza rugare,

vanouya namashoko akanaka,

vanoparidza ruponeso,

vanoti kuZioni,

“Mwari wako anotonga!”

8 Chinzwa! Nharirire dzako dzinodanidzira namanzwi adzo;

vanopembera nomufaro pamwe chete.

Panodzokera Jehovha kuZioni,

vachazviona nameso avo pachavo.

9 Pururudzai muimbe nziyo dzomufaro pamwe chete,

imi matongo eJerusarema,

nokuti Jehovha anyaradza vanhu vake,

akadzikinura Jerusarema.

10 Jehovha acharatidza ruoko rwake rutsvene

pamberi pendudzi dzose,

uye magumo ose enyika achaona

ruponeso rwaMwari wedu.

11 Ibvai, ibvai, budai ikoko!

Musabata chinhu chine tsvina!

Budaimo mugova vakachena,

imi munotakura midziyo yaJehovha.

12 Asi hamungazobudi nokukurumidza

kana kuenda muchitiza;

nokuti Jehovha achakutungamirirai,

Mwari waIsraeri achakurindai mushure.

Kutambudzika noKukudzwa kwoMuranda

13 Tarirai muranda wangu achaita nouchenjeri;

achasimudzirwa uye achakwidzwa pamusoro, uye achakudzwa kwazvo.

14 Sezvo vazhinji vakashamiswa naye,

chiso chake chakanga chakakuvadzwa zvikuru, kupfuura chomunhu upi zvake,

uye chimiro chake chakanga chakanganiswa, kupfuura kuratidzika kwomunhu,

15 saka iye achasasa ndudzi zhinji,

uye madzimambo achafumbira miromo nokuda kwake.

Nokuti zvavakanga vasina kuudzwa, vachazviona,

uye zvavasina kumbonzwa, vachazvinzwisisa.

Categories
Isaya

Isaya 53

1 Ndianiko akatenda zvatakaparidza,

uye ruoko rwaJehovha rwakaratidzwa kuna aniko?

2 Akamera pamberi pake sebukira nyoro,

uye somudzi pavhu rakaoma.

Akanga asina runako kana chimiro choumambo kuti atikwezve kwaari,

hapana chatingada pakuratidzika kwake.

3 Akazvidzwa uye akarambwa navanhu, murume wokusuwa,

uye anoziva kutambudzika.

Somunhu anovanzirwa chiso navanhu, akazvidzwa,

uye isu hatina kumukudza.

4 Zvirokwazvo akatakura matenda edu,

uye akatakura kurwadziswa kwedu;

asi isu takafunga kuti akarohwa naMwari,

akarohwa naye uye akarwadziswa.

5 Asi akabayiwa nokuda kwokudarika kwedu,

akakuvadzwa nokuda kwezvakaipa zvedu;

kurohwa kwakativigira rugare kwaiva pamusoro pake,

uye namavanga ake takaporeswa.

6 Isu tose takanga takarasika samakwai,

mumwe nomumwe nenzira yake,

asi Jehovha akaisa pamusoro pake

kuipa kwedu tose.

7 Akamanikidzwa uye akarwadziswa,

asi haana kushamisa muromo wake;

akatungamirirwa segwayana riri kundobayiwa,

uye sokunyarara kwegwai pamberi pomuveuri waro,

saizvozvo haana kushamisa muromo wake.

8 Akabviswa achimanikidzwa uye akatongwa.

Uye ndianiko angataura rudzi rwake?

Nokuti akagurwa kubva panyika yavapenyu,

nokuda kwokudarika kwavanhu vangu, akarohwa.

9 Akapiwa guva rake pakati pavatadzi,

uye akava navapfumi pakufa kwake,

kunyange akanga asina kuita zvechisimba,

uye kunyengera kusina kuwanikwa mumuromo make.

10 Asi kwakanga kuri kuda kwaJehovha kuti amukuvadze uye aite kuti atambudzike,

uye kunyange zvazvo Jehovha akaita kuti upenyu hwake huve chipiriso chezvivi,

achaona zvibereko zvake uye achawedzera mazuva ake,

uye kuda kwaJehovha kuchabudirira muruoko rwake.

11 Shure kwokutambudzika kwomweya wake,

achaona chiedza choupenyu uye achagutsikana;

nokuziva kwake, muranda wangu akarurama acharuramisira vazhinji,

uye achatakura kuipa kwavo.

12 Naizvozvo ndichamupa mugove pakati pavakuru vakuru,

uye achagoverana zvakapambwa navane simba,

nokuti akadurura upenyu hwake kusvika parufu,

akaverengwa pamwe chete navadariki.

Nokuti akatakura chivi chavazhinji,

akanyengeterera vadariki.

Categories
Isaya

Isaya 54

Kubwinya kuchaita Zioni

1 “Imba, iwe mukadzi asina mwana,

iwe usina kumbobereka mwana

pururudza uimbe rwiyo, pembera nomufaro,

iwe usina kumborwadziwa;

nokuti vana vomukadzi akasiyiwa ari oga vazhinji kupfuura

veane murume,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

2 Wedzera nzvimbo yetende rako,

tambanudza micheka yetende rako ifare,

usarega kuita izvozvo;

rebesa tambo dzako,

simbisa mbambo dzako.

3 Nokuti uchapararira kurudyi nokuruboshwe;

vana vako vachatorera dzimwe ndudzi

uye vachagara mumatongo amaguta avo.

4 “Usatya hako: haunganyadziswi.

Usatya kunyadziswa; haunganinipiswi.

Uchakanganwa nyadzi dzapaudiki hwako,

uye hauzorangaririzve kunyadzisa kwouchirikadzi hwako.

5 Nokuti Muiti wako ndiye murume wako,

Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake,

Mutsvene waIsraeri ndiye Mudzikinuri wako;

anonzi Mwari wenyika yose.

6 Jehovha achakudanazve

sokunge wanga uri mukadzi akasiyiwa, uye anotambudzika pamweya,

mukadzi akawanikwa achiri mudiki,

pedzezvo ndokurambwa,” ndizvo zvinotaura Mwari wako.

7 “Kwechinguvana ndakakusiya,

asi netsitsi huru ndikakudzosazve.

8 Ndichisundwa nehasha

ndakavanza chiso changu kwauri kwechinguva,

asi nounyoro husingaperi

ndichava netsitsi, pamusoro pako,”

ndizvo zvinotaura Jehovha Mudzikinuri wako.

9 “Kwandiri izvi zvakafanana namazuva aNoa,

pandakapika kuti mvura zhinji yaNoa haizofukidzizve nyika.

Naizvozvo zvino ndapika kuti ndirege kukutsamwira,

kana kukutukazve.

10 Kunyange makomo akazungunuswa,

uye zvikomo zvikabviswa,

rudo rwangu rusingaperi harungazungunuswi,

uye sungano yangu yorugare haingabviswi,”

ndizvo zvinotaura Jehovha anokunzwira tsitsi.

11 “Haiwa, iwe guta rokutambudzika wakarohwa nedutu ukasanyaradzwa,

ndichakuvaka namabwe ana mavara,

nheyo dzako namabwe esafire.

12 Ndichakuitira zviruvi zvamabwe matsvuku,

masuo amabwe anovaima,

uye masvingo ako ose amabwe anokosha.

13 Vanakomana venyu vose vachadzidziswa naJehovha,

uye rugare rwavana venyu ruchava rukuru.

14 Muchasimbiswa mukururama:

Kumanikidzwa kuchava kure nemi:

hapana chamuchazotya.

Kutya kuchava kure nemi;

hakuchazosviki pedyo nemi.

15 Kana mumwe akakurwisa, handisini ndinenge ndazviita;

ani naani anokurwisa achazvipira kwauri.

16 “Tarira, ndini ndakasika mupfuri wesimbi

anopfutidza mazimbe moto ugonganduma,

uye anopfura munondo wakakodzera pabasa rawo.

Uye ndini ndakasika muparadzi kuti aparadze;

17 hapana munondo ucharwisana newe ukakunda,

uye uchakonesa rurimi rumwe norumwe runokupomera mhosva.

Iyi ndiyo nhaka yavaranda vaJehovha,

uye uku ndiko kururamisirwa kwavo kunobva kwandiri,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

Categories
Isaya

Isaya 55

Kukokwa kwaVane Nyota

1 “Uyai imi mose mune nyota,

uyai kumvura zhinji;

nemi musina mari, uyai,

mutenge uye mudye!

Uyai mutenge waini nomukaka

pasina mari uye pasina mutengo.

2 Ko, munopedzerei mari pazvinhu zvisati zviri zvokudya,

nesimba renyu pazvinhu zvisingagutsi?

Teererai, nditeererei mugodya zvakanaka,

uye mweya yenyu ichafarira zvakakora zvezvakanaka.

3 Rerekai nzeve yenyu muuye kwandiri;

ndinzwei kuti mweya yenyu irarame.

Ndichaita sungano isingaperi nemi,

iko kutendeka kworudo rwangu rwakavimbiswa kuna Dhavhidhi.

4 Tarirai, ndakamuita chapupu kumarudzi,

mutungamiri nomukuru wamarudzi.

5 Zvirokwazvo uchakoka ndudzi dzausina kumboziva,

uye ndudzi dzisingakuzive dzichamhanyira kwauri,

nokuda kwaJehovha Mwari wako,

Mutsvene waIsraeri,

nokuti iye akakufukidza nokubwinya.”

6 Tsvakai Jehovha achawanikwa:

danai kwaari achiri pedyo.

7 Akashata ngaasiye nzira yake,

nomunhu akaipa mirangariro yake.

Ngaadzokere kuna Jehovha, uye iye achamunzwira ngoni,

nokuna Mwari wedu, nokuti achakanganwirwa zvikuru.

8 “Nokuti ndangariro dzangu hadzizi ndangariro dzenyu,

uye nzira dzenyu hadzizi nzira dzangu,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

9 “Sokukwirira kwakaita matenga kupfuura nyika,

saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupinda dzenyu,

nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu.

10 Sezvinoita mvura nechando

zvinoburuka kubva kudenga,

zvisingadzokeriko

zvisina kudiridza nyika

nokuita kuti ibukire uye ibereke zvakawanda,

kuitira kuti iberekere mudyari wembeu, uye ipe chingwa kune anodya,

11 saizvozvo neshoko rangu rinobuda mumuromo mangu:

Haringadzokeri kwandiri risina chinhu,

asi richaita zvinondifadza,

uye richaita zvandakarituma.

12 Muchabuda nomufaro,

uye muchafambiswa murugare;

makomo nezvikomo zvichapururudza

uye zvichaimba rwiyo pamberi penyu,

uye miti yose yeminda

ichauchira maoko ayo.

13 Pachinzvimbo chomunzwa pachamera muti womupaini,

pachinzvimbo chorukato pachamera mumite.

Izvi zvichava mukurumbira waJehovha,

nechiratidzo chokusingaperi,

chisingazoparadzwi.”

Categories
Isaya

Isaya 56

Ruponeso rwaVamwe

1 Zvanzi naJehovha:

“Chengetedzai kururamisira

mugoita zvakanaka,

nokuti ruponeso rwangu rwava pedyo,

uye kururama kwangu kuchakurumidza kuratidzwa.

2 Akaropafadzwa munhu anoita izvi,

munhu anozvibatisisa,

anochengeta Sabata asingarisvibisi,

uye anodzivisa ruoko rwake kuita chinhu chakaipa.”

3 Mutorwa akanamatira kuna Jehovha ngaarege kuti,

“Zvirokwazvo Jehovha achandiparadzanisa navanhu vake.”

Uye nomuyunaki ngaarege kugununʼuna achiti,

“Ndinongova zvangu muti wakaoma.”

4 Nokuti zvanzi naJehovha:

“Kuvayunaki vanochengeta maSabata angu,

vanosarudza zvinondifadza,

uye vanobatirira pasungano yangu,

5 kwavari ndichapa, mukati metemberi yangu namasvingo ayo,

chirangaridzo nezita riri nani kupfuura vanakomana navanasikana;

ndichavapa zita risingaperi, risingazoparadzwi.

6 Uye vatorwa vakazvipira kuna Jehovha

kuti vamushumire,

kuti vade zita raJehovha,

uye vamunamate,

vose vanochengeta Sabata

vasingarisvibisi vachibatisisa sungano yangu,

7 ivava ndichavauyisa kugomo rangu dzvene

ndigovapa mufaro muimba yangu yokunyengetera.

Zvipiriso zvavo zvinopiswa

nezvibayiro zvichagamuchirwa paaritari yangu;

nokuti imba yangu ichanzi

imba yokunyengetera yendudzi dzose.”

8 Ishe Jehovha anoti,

iye anounganidza vakatapwa vaIsraeri,

“Ndichaunganidzazve vamwe kwavari,

tisingaverengeri avo vakaunganidzwa kare.”

Mwari anopa mhosva kuna Vakaipa

9 Uyai, imi mose zvikara zvesango,

uyai mudye, imi mose zvikara zvesango!

10 Nharirire dzeIsraeri mapofu,

vose vanoshayiwa zivo;

vose imbwa dzisingahukuri,

hadzigoni kuhukura;

dzinovata pose pose dzichingorota,

dzinofarira kuvata.

11 Imbwa dzinokara zvikuru;

dzisingamboguti.

Vafudzi vanoshayiwa kunzwisisa:

vose vanotsaukira kunzira yavo pachavo,

mumwe nomumwe anotsvaka zvinomupfumisa.

12 Mumwe nomumwe anodanidzira achiti, “Uyai, regai nditore waini!

Regai tinwe tigute nedoro!

Uye mangwana achafanana nanhasi,

kana kutopfuura.”

Categories
Isaya

Isaya 57

1 Vakarurama vanoparara,

uye hakuna anofunga izvi mumwoyo make;

vanhu vanoda Mwari vanobviswa,

uye hakuna anonzwisisa

kuti vakarurama vanobviswa

kuti vanunurwe kubva pane zvakaipa.

2 Vose vanofamba mukururama

vanopinda murugare,

vanowana zororo pavanovata murufu.

3 “Asi imi, uyai pano, imi vanakomana vomuroyi,

imi chibereko chemhombwe nezvifeve!

4 Muri kuseka aniko?

Ndiani wamunohomera

uye wamunobudisira rurimi rwenyu?

Ko, hamusi chibereko chemhandu here,

nechizvarwa chavanoreva nhema?

5 Munotsva noruchiva pakati pemiti

yemuouki napasi pomuti mumwe nomumwe wakapfumvutira;

munobayira vana venyu mumipata

napasi pamapazi akarembera.

6 Zvifananidzo zviri pakati pamatombo anotsvedzerera emipata ndiwo mugove wenyu;

izvozvo, ndiwo mugove wenyu.

Hongu, wakadururira chipiriso chokunwa kwazviri,

uye ukapa chipiriso chezviyo.

Ko, ini muchagona kundiripira zvinhu izvi here?

7 Wakawaridza nhoo pakakwirira napachikomo chirefu;

ikoko wakakwira kundobayira zvibayiro.

8 Seri kwamakonhi ako nezvivivo zvako

wakaisa chirangaridzo chavamwari vako.

Uchindisiya ini, wakafukura mubhedha wako,

wakakwira pauri ukaushamisa kwazvo;

wakaita sungano naavo vane mibhedha yaunoda,

uye wakatarisa kusasimira kwavo.

9 Wakaenda kuna Moreki namafuta

omuorivhi ukawedzera zvinonhuhwira zvako.

Wakatumira nhume dzako kure;

wakaburukira kuguva chaiko!

10 Wakaneteswa nenzira dzako dzose,

asi hauna kumboti, ‘Hazvina maturo.’

Wakawana kuvandudzwa kwesimba rako,

nokudaro hauna kuziya.

11 “Ndianiko wawakatya uye ukavhunduka

zvokuti wakazoreva nhema kwandiri,

uye hauna kumbondirangarira

kana kumbozvifunga izvi mumwoyo mako?

Hakuzi kuti ndakaramba ndakanyarara

iwe ukasanditya here?

12 Ndichaisa pachena kururama kwako namabasa ako,

uye hazvizombokubatsiri.

13 Paunochemera rubatsiro,

zvifananidzo zvawakaunganidza ngazvikubatsire!

Mhepo ichazvikukura zvose,

mweya wokungofema zvawo uchazvifuridzira kure.

Asi munhu anondiita utiziro hwake

achagara nhaka yenyika,

uye gomo rangu dzvene richava rake.”

Kunyaradzwa kwaVane Mwoyo Yakapwanyika

14 Uye zvichazonzi:

“Vakai, vakai, gadzirai mugwagwa!

Bvisai zvipinganidzo munzira yavanhu vangu.”

15 Nokuti zvanzi naIye akakwirira ari kumusoro,

iye anorarama nokusingaperi, ane zita dzvene:

“Ndinogara pakakwirira panzvimbo tsvene,

asi naiyewo ane mweya wakapwanyika uye anozvininipisa,

kuti ndimutsiridze mweya yavanozvininipisa

uye ndimutsiridze mwoyo yavakapwanyika.

16 Handichapi mhosva nokusingaperi,

kana kugara ndakatsamwa,

nokuti ipapo mweya yavanhu ingaziya pamberi pangu,

kufema kwomunhu wandakasika.

17 Ndakatsamwiswa nechivi chake chokukara;

ndakamuranga, ndikavanza chiso changu mukutsamwa kwangu,

asi akaramba ari munzira dzaaida.

18 Ndakaona nzira dzake,

asi ndichamuporesa; ndichamutungamirira uye ndichamunyaradza,

19 ndichisika rumbidzo pamiromo yavanochema muIsraeri.

Rugare, rugare kuna vari kure navari pedyo,”

ndizvo zvinotaura Jehovha. “Uye ndichavaporesa.”

20 Asi vakaipa vakafanana negungwa rinozungunuka,

risingagoni kuzorora,

rina mafungu anorasa marara namatope.

21 Mwari wangu anoti, “Vakaipa havana rugare.”

Categories
Isaya

Isaya 58

Kutsanya kwechokwadi

1 “Danidzira nesimba, usanyarara.

Simudza inzwi rako sehwamanda.

Paridzira vanhu vangu kupanduka kwavo,

neimba yaJakobho zvivi zvavo.

2 Nokuti zuva nezuva vanonditsvaka;

vanoita savane chido chokuziva nzira dzangu,

kunge vanga vari rudzi runoita zvakanaka

uye rusina kusiya mirayiro yaMwari wavo.

Vanondikumbira kutonga kwakarurama

sokunge vanofarira kuti Mwari auye pedyo navo.

3 Vanoti, ‘Takatsanyireiko,

uye imi mukasazviona?

Takazvininipisireiko,

imi mukasazviona?’

“Asi pazuva rokutsanya kwenyu munoita zvamunoda

muchimanikidza vashandi venyu.

4 Kutsanya kwenyu kunogumisira mukukakavadzana nemhirizhonga,

uye kurovana netsiva dzakaipisisa.

Hamungatsanyi sezvamunoita mazuva ano,

mugotarisira kuti inzwi renyu richanzwika kumusoro.

5 Ko, ndiko here kutsanya kwandakasarudza,

zuva rimwe chete rokuti munhu azvininipise?

Ndezvokukotamisa musoro chete sorushanga here,

nokungovata pamusoro penguo dzamasaga namadota?

Ndiko kwamunoti kutsanya here,

pazuva rinodikanwa naJehovha?

6 “Uku handiko kutsanya kwandakasarudza here:

Kusunungura ngetani dzokusaruramisira

nokusunungura zvitirobho zvejoko,

kusunungura vakamanikidzwa

nokuvhuna joko rimwe nerimwe?

7 Hakuzi kugoverana zvokudya zvako nevane nzara,

nokupa varombo vanodzungaira pokugara here,

paunoona vakashama, kuvapfekedza,

uye kusafuratira venyama neropa rako?

8 Ipapo chiedza chako chichabuda samambakwedza,

uye kuporeswa kwako kucharatidzwa nokukurumidza;

ipapo kururama kwako kuchakutungamirira,

uye kubwinya kwaJehovha kuchakurinda mumashure.

9 Ipapo uchadana, Jehovha achakupindura;

uchadanidzira uchida rubatsiro, uye iye achati: Ndiri pano.

“Kana ukabvisa joko roudzvinyiriri,

kutendeka nomunwe nokutaura kwakaipa,

10 uye ukapa zvokudya zvako kune vane nzara

uye ukagutsa vakamanikidzwa pakushaya kwavo,

ipapo chiedza chako chichabuda murima,

uye usiku hwako huchashanduka hukafanana namasikati.

11 Jehovha achakutungamirira nguva dzose;

achakugutsa pakushaya kwako munyika yakapiswa nezuva

uye achasimbisa mapfupa ako.

Uchafanana nebindu rinodiridzwa nemvura yetsime,

sechitubu chine mvura isingapwi.

12 Vanhu vako vachavakazve matongo akare

vachasimudza nheyo dzakare;

iwe uchanzi Mugadziri waMasvingo Akakoromoka,

Muvandudzi weMigwagwa ine Dzimba.

13 “Kana ukachengeta tsoka dzako kuti dzisaputsa Sabata,

uye kuti dzisaita zvinokufadza iwe pazuva rangu dzvene,

kana ukati Sabata izuva rinofadza,

uye ukati zuva dzvene raJehovha izuva rinokudzwa,

uye kana ukarikudza nokusafamba munzira yako,

uye usingaiti zvinokufadza kana kutaura mashoko asina maturo,

14 ipapo uchawana mufaro wako muna Jehovha,

uye ndichakuita kuti ukwire pakakwirira penyika,

uye ndichakugutsa nenhaka yababa vako Jakobho.”

Muromo waJehovha wazvitaura.

Categories
Isaya

Isaya 59

Chivi, Kureurura, neDzikinuro

1 Zvirokwazvo ruoko rwaJehovha haruna kupfupika kuti rukonewe kuponesa,

uye nzeve yake haina kudzivira kuti irege kunzwa.

2 Asi zvakaipa zvenyu zvakakuparadzanisai

naMwari wenyu;

zvivi zvenyu zvakavanza chiso chake

kwamuri kuti arege kunzwa.

3 Nokuti maoko enyu akasvibiswa neropa,

minwe yenyu nezvakaipa.

Miromo yenyu yakareva nhema,

rurimi rwenyu runonguruma zvinhu zvakaipa.

4 Hapana anochemera kururamisira;

hapana anokwidza mhaka yake nokutendeka.

Vanongovimba negakava risina maturo uye nokureva nhema;

vanoita mimba yezvakashata uye vanobereka zvakaipa.

5 Vanochochonya mazai emvumbi,

uye vanoruka dandira redandemutande.

Ani naani anodya mazai avo achafa,

uye rimwe rikaputsika, panochochonywa nyoka.

6 Matandira avo haabatsiri pakupfeka;

havagoni kuzvifukidza nezvavanogadzira.

Mabasa avo mabasa akaipa,

uye kuita nechisimba kuri mumaoko avo.

7 Tsoka dzavo dzinomhanyira kundopinda muchivi;

vanokurumidza kuteura ropa risina mhosva.

Mirangariro yavo mirangariro yakaipa;

kuputsa nokuparadza zviri munzira dzavo.

8 Nzira yorugare havaizivi;

hapana kururamisira pamakwara avo.

Vakashandura nzira dzavo dzikava dzakaminama;

hakuna anofamba madziri achaziva rugare.

9 Naizvozvo kururamisira kuri kure nesu,

uye kururama hakusviki kwatiri.

Tinotsvaka chiedza, asi zvose irima;

tinotsvaka kujeka, asi tiri kufamba mumumvuri werima.

10 Sebofu tinotsvanzvadzira tichitevedza madziro,

tichitsvaka nzira yedu savanhu vasina meso.

Panguva yamasikati tinogumburwa kunge nguva yorubvunzavaeni;

pakati pavane simba, tangoita savakafa.

11 Tose tiri kuomba samapere;

tinorira nokurira kukuru senjiva.

Tinotsvaka kururamisira, asi hatikuwani;

tinotsvaka kurwirwa, asi kuri kure kure.

12 Nokuti kutadza kwedu kwawanda pamberi penyu,

uye zvivi zvedu zvinotipupurira zvakaipa.

Kudarika kwedu kunogara nesu,

uye tinobvuma kutadza kwedu:

13 kumukira nokunyengera Jehovha,

kufuratira Mwari wedu,

kukuchidzira udzvinyiriri nokupanduka,

nokutaura mashoko enhema anobva mumwoyo yedu.

14 Naizvozvo kururamisirwa kwadzorerwa shure,

uye kururama kwamira kure;

chokwadi chakagumburwa munzira dzomumusha,

kutendeka hakuchagoni kupinda.

15 Zvokwadi haichawanikwi

uye vanovenga zvakaipa ndivo vopambwa.

Jehovha akatarisa akasafara

kuti pakanga pasisina kururamisira.

16 Akaona kuti pakanga pasina munhu,

akashamiswa kuti pakanga pasina munhu aipindira;

naizvozvo ruoko rwake rwakamuvigira ruponeso,

uye kururama kwake kwakamuraramisa.

17 Akashonga kururama sechidzitiro chechipfuva,

nenguwani yoruponeso mumusoro make;

akashonga nguo dzokutsiva akazviputira

mukushingaira kwake seanozviputira nejasi.

18 Sezvavakaita, saizvozvo acharipira

hasha

kuvavengi vake

nokutsiva kuvadzivisi vake;

acharipira zvakafanira kuzviwi.

19 Kubva kumavirira, vanhu vachatya Jehovha,

uye kubva pakubuda kwezuva, vachakudza kubwinya kwake.

Nokuti achauya sokudira kworwizi

runosundwa nokufema kwaJehovha.

20 “Mudzikinuri achauya kuZioni,

kuna avo vari muna Jakobho vanotendeuka pazvivi zvavo,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

21 “Kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu navo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Mweya wangu uri pamusoro pako, namashoko angu andakaisa mumuromo mako hazvichabvi pamuromo wako, kana pamiromo yavana venyu, kana pamiromo yezvizvarwa zvavo kubva zvino nokusingaperi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Categories
Isaya

Isaya 60

Kubwinya kweZioni

1 “Simuka, upenye nokuti chiedza chako chasvika,

uye kubwinya kwaJehovha kwabuda pamusoro pako.

2 Tarira, rima rakafukidza nyika

uye rima guru riri pamusoro pavanhu,

asi Jehovha anobuda pamusoro pako

uye kubwinya kwake kunoratidzwa pamusoro pako.

3 Ndudzi dzichauya kuchiedza chako,

uye madzimambo kukubwinya kwamambakwedza ako.

4 “Simudza meso ako utarise zvakakukomberedza:

vose vanoungana uye vanouya kwauri,

vanakomana vako vanobva kure,

uye vanasikana vako vanotakurwa pamaoko.

5 Ipapo uchatarisa ugopenya,

mwoyo wako uchakwata uye uchazara nomufaro;

upfumi huri pamusoro pamakungwa huchauyiswa kwauri,

pfuma yendudzi ichauya kwauri.

6 Mapoka engamera achazadza nyika yako,

mhuru dzengamera dzeMidhiani neEfa.

Uye vose vanobva kuShebha vachauya,

vakatakura goridhe nezvinonhuhwira

vachiparidza kurumbidzwa kwaJehovha.

7 Mapoka eKedhari achaunganidzirwa

kwauri makondobwe eNebhayoti achakushumira:

achagamuchirwa sezvipo paaritari yangu,

uye ndichashongedza temberi yangu yokukudzwa.

8 “Ndivanaani ava vanobhururuka samakore,

senjiva dzinoenda kumatendere adzo?

9 Zvirokwazvo zviwi zvinotarira kwandiri;

zvikepe zveTashishi zvinotungamira

zvichiuya navanakomana venyu vari kubva kure,

nesirivha yavo negoridhe,

kuzokudza Jehovha Mwari wako,

iye Mutsvene waIsraeri,

nokuti akakushongedza nokubwinya.

10 “Vatorwa vachavakazve masvingo ako,

uye madzimambo avo achakushandira.

Kunyange ndakakurova mukutsamwa kwangu,

munyasha dzangu ndichakunzwira tsitsi.

11 Masuo ako achagara akashama

haachazombozarirwi, masikati kana usiku

kuitira kuti vanhu vakuvigire upfumi hwendudzi,

madzimambo adzo achafambiswa ari mumudungwe akundwa.

12 Nokuti rudzi kana ushe husingakushumiri huchaparadzwa;

huchaparadzwa zvachose.

13 “Kubwinya kweRebhanoni kuchauya kwauri,

mipaini nemifiri nemisipuresi pamwe chete,

kuzoshongedza nzvimbo yetemberi yangu tsvene;

uye ndichabwinyisa nzvimbo yetsoka dzangu.

14 Vanakomana vavamanikidzi venyu

vachauya vachikotama pamberi penyu;

vose vanokuzvidzai vachapfugama patsoka dzenyu uye vachakutumidzai kuti Guta raJehovha,

Zioni roMutsvene waIsraeri.

15 “Kunyange wanga wasiyiwa uye uchivengwa,

pasina munhu anopfuura nemauri,

ndichakuita kuti ukudzwe nokusingaperi

uye uve mufaro wezvizvarwa zvinotevera.

16 Uchanwa mukaka wendudzi

uye ucharerwa pamazamu oumambo.

Ipapo uchaziva kuti ini, iyeni Jehovha, ndini Muponesi wako,

Mudzikinuri wako, Wamasimba Ose waJakobho.

17 Ndichakuvigira goridhe pachinzvimbo chendarira,

nesirivha pachinzvimbo chesimbi.

Ndichakuvigira ndarira pachinzvimbo chamatanda,

nesimbi pachinzvimbo chamabwe.

Ndichaita rugare mubati wako

nekururama mutongi wako.

18 Kuita nechisimba hakuchazonzwikwa munyika yako,

kana dongo kana kuparadzwa mukati memiganhu yako,

asi uchatumidza masvingo ako zita

rokuti Ruponeso nemasuo ako kuti Rumbidzo.

19 Zuva harichazovi chiedza chako masikati,

uye kupenya kwomwedzi hakungavi pamusoro pako,

nokuti Jehovha ndiye achava chiedza chako chisingaperi,

uye Mwari wako achava kubwinya kwako.

20 Zuva rako harichazovirizve,

uye mwedzi wako hauchazoperizve;

Jehovha achava chiedza chako chisingaperi,

uye mazuva okuchema kwako achaguma.

21 Ipapo vanhu vako vose vachava vakarurama,

uye vachatora nyika kuti ive yavo nokusingaperi.

Ndivo mabukira andakadyara,

basa ramaoko angu,

kuti ndiratidze kubwinya kwangu.

22 Mudikisa wako achava chiuru,

mudiki achava rudzi rune simba.

Ndini Jehovha,

munguva yacho ndichazviita nokukurumidza.”