Categories
Habhakuki

Habhakuki 3

Munyengetero waHabhakuki

1 Munyengetero wamuprofita Habhakuki unoimbwa neshigionoti.

2 Jehovha, ndakanzwa zvomukurumbira wenyu;

haiwa Jehovha, ndinomira ndichitya mabasa enyu.

Avandudzei pamazuva edu,

panguva yedu ngaaziviswe;

pakutsamwa kwenyu rangarirai tsitsi.

3 Mwari akabva kuTemani,

iye Mutsvene akabva kuGomo reParani.Sera

Umambo hwake hwakazadza matenga

uye mbiri yake yakazadza nyika.

4 Kubwinya kwake kwakaita sokubuda kwezuva;

bwerazuva hwakapenya huchibva muruoko rwake,

makanga makavigwa simba rake.

5 Hosha yakaenda ichibva pamberi pake;

denda rakatevera nhambwe dzake.

6 Akamira, akazungunusa nyika;

akatarisa, akabvundisa ndudzi dzavanhu.

Makomo akare kare akakoromoka

uye zvikomo zvakare zvakawira pasi.

Nzira dzake dzinogara nokusingaperi.

7 Ndakaona matende eKushani ari panhamo,

nzvimbo dzokugara dzeMidhiani dziri pakutambudzika.

8 Ko, makanga matsamwira nzizi here, nhai Jehovha?

Makanga matsamwira zvikova here, nhai Jehovha?

Makatsamwira gungwa here

pamakafambisa mabhiza enyu

nengoro dzenyu dzokukunda?

9 Makabudisa pachena uta hwenyu,

mukadaidzira miseve mizhinji.Sera

Makatsemura nyika nenzizi;

10 makomo akakuonai akadedera.

Mvura zhinji yakapfuura;

kwakadzika kwakatinhira

kukasimudza mafungu pamusoro.

11 Zuva nomwedzi zvakambomira kumatenga

zvichiona kuvaima kwemiseve yenyu yaipfuura,

zvichiona kupenya kwepfumo renyu rinobwinya.

12 Mukutsamwa kwenyu makapfuura napanyika

uye mukushatirwa kwenyu makarasa ndudzi.

13 Makauya kuzonunura vanhu venyu,

kuzoponesa muzodziwa wenyu.

Makaparadza mutungamiri wenyika yavakaipa,

mukamufukura kubva kumusoro kusvika kutsoka.Sera

14 Nepfumo rake chairo makabaya musoro wake,

pakauya varwi vake sechamupupuri kuzotiparadzira,

vachifara savanoda kuparadza

vanotambudzika vakanga vakavanda.

15 Makatsika-tsika gungwa namabhiza enyu,

mukabvongodza mvura zhinji.

16 Ndakazvinzwa, hana yangu ikarova,

miromo yangu yakadedera pandakanzwa maungira;

kuora kwakapinda mumapfupa angu,

makumbo angu akadedera.

Asi ndichamirira hangu zuva renjodzi

kuti riuye pamusoro porudzi ruchatirwisa.

17 Kunyange dai muonde ukasatunga maruva,

uye mizambiringa ikashayiwa zvibereko,

kunyange kubereka kwomuorivhi kukakona,

uye minda ikasabereka zvokudya,

kunyange dai kukasava namakwai muchirugu

uye mombe dzikashayikwa mumatanga,

18 kunyange zvakadaro, ndichafara muna Jehovha,

ndichava nomufaro muna Mwari Muponesi wangu.

19 Ishe Jehovha ndiye simba rangu;

anoita kuti tsoka dzangu dziite setsoka dzenondo,

anondifambisa pamatunhu akakwirira.

Kumutungamiri wokuimba, nemitengeranwa yangu.

Categories
Zefania

Zefania 1

1 Shoko raJehovha rakasvika kuna Zefania, mwanakomana waKushi, mwanakomana waGedharia, mwanakomana waAmaria, mwanakomana waHezekia, pamazuva okutonga kwaJosia mwanakomana waAmoni mambo weJudha richiti:

Yambiro yokuuya kwoKuparadzwa

2 “Ndichatsvaira zvose

kubva pamusoro penyika,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

3 “Ndichatsvaira zvose vanhu nemhuka;

ndichatsvaira shiri dzedenga nehove dzegungwa.

Vakaipa vachasara nemirwi yamarara chete,

kana ndabvisa munhu pamusoro penyika,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

Kurwiswa kweJudha

4 Ndichatambanudza ruoko rwangu kuti ndirwise Judha

uye ndicharwisa vose vanogara muJerusarema.

Ndichaparadza kubva panzvimbo ino vose vakasara vaBhaari,

mazita avaprista vechihedheni vanonamata zvifananidzo,

5 vaya vanopfugama pamusoro pedzimba

kuti vanamate nyeredzi dzedenga,

vaya vanopfugama vachipika naJehovha

uye vanopikawo naMoreki,

6 vaya vanotsauka kubva pakutevera Jehovha

uye vasingatsvaki Jehovha kana kubvunza kwaari.

7 Nyararai pamberi paIshe Jehovha,

nokuti zuva raJehovha rava pedyo.

Jehovha agadzirira chibayiro;

akavaita vatsvene, vaya vaakakoka.

8 Pazuva rechibayiro chaJehovha,

ndicharova machinda

navanakomana vamambo,

navaya vose vakapfeka

nguo dzavatorwa.

9 Pazuva iro ndicharanga

vose vanonyenyeredza kuti vasatsika paburiro,

vanozadza temberi yavamwari vavo

nechisimba nounyengeri.

10 “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha,

“kuchema kuchanzwikwa kubva kuSuo reHove,

kuungudza kubva kuRutivi Rutsva rweguta,

nokukoromoka kukuru kubva kuzvikomo.

11 Ungudzai imi munogara munharaunda yomusika,

vashambadzi venyu vose vachaparadzwa,

vose vanotengesa nesirivha vachaparadzwa.

12 Panguva iyoyo ndichanzvera Jerusarema nomwenje;

uye ndicharanga vaya vagere zvavo,

vakaita sewaini yakasiyiwa mumasese ayo,

vanofunga kuti, ‘Jehovha hapana zvaangaita,

zvakanaka kana zvakaipa.’

13 Upfumi hwavo huchapambwa,

dzimba dzavo dzichaputswa,

vachavaka dzimba,

asi havangagari madziri;

vachasima minda yemizambiringa,

asi havanganwi waini yacho.

Zuva Guru raJehovha

14 “Zuva guru raJehovha rava pedyo,

pedyo, uye riri kuuya nokukurumidza.

Teererai! Kuchema pazuva raJehovha kucharwadza,

kuchema kwemhere ipapo.

15 Zuva iro richava rokutsamwa,

zuva rokudzungaira nokumanikidzwa,

zuva rokutambudzika nokuparadzwa,

zuva rerima nokusuwa, zuva ramakore nezarima.

16 Zuva rehwamanda nemhere yehondo yokurwisa maguta akakomberedzwa namasvingo, nokurwisa shongwe dzomumakona.

17 Ndichauyisa kudzungaira pavanhu

uye vachafamba samapofu,

nokuti vakatadzira Jehovha.

Ropa ravo richadururwa seguruva,

uye nyama yavo sendove.

18 Sirivha yavo kana goridhe ravo

hazvingagoni kuvaponesa,

pazuva rokutsamwa kwaJehovha.

Mumoto wegodo rake

nyika yose ichaparadzwa,

nokuti achauyisa magumo pakarepo

kuna vose vanogara panyika.”

Categories
Zefania

Zefania 2

1 Unganai pamwe chete, unganai pamwe chete,

imi rudzi runonyadzisa,

2 nguva dzakatarwa dzisati dzasvika

uye zuva iroro risati rapfuura sehundi,

kutsamwa kukuru kwaJehovha kusati kwauya pamusoro penyu,

zuva rehasha dzaJehovha risati rauya pamusoro penyu.

3 Tsvakai Jehovha, imi mose vanyoro vapanyika,

imi mose munoita zvaakarayira.

Tsvakai kururama, tsvakai unyoro;

zvimwe mungadzivirirwa

pazuva rokutsamwa kwaJehovha.

Kurwiswa kweFiristia

4 Gaza richasiyiwa

uye Ashikeroni richasiyiwa rava dongo.

Pamasikati makuru Ashidhodhi richasiyiwa risisina chinhu

uye Ekironi radzurwa.

5 Mune nhamo imi munogara pedyo negungwa,

imi vanhu veKereti;

shoko raJehovha rinokurwisa,

iwe Kenani nyika yavaFiristia.

“Ndichakuparadza,

uye hapana achasara.”

6 Nyika iri pedyo negungwa, panogara vaKereti,

ichava nzvimbo yavafudzi namatanga ehwai.

7 Ichava yavakasara veimba yavaJudha;

vachawana mafuro ikoko.

Mumadekwana vachavata pasi

mudzimba dzaAshikeroni.

Jehovha Mwari wavo achavachengeta;

Achavadzorera pfuma yavo.

Kurwiswa kweMoabhu neAmoni

8 “Ndakanzwa kutuka kwaMoabhu

nokuzvidza kwavaAmoni,

avo vakatuka vanhu vangu

uye vakatyisidzira nyika yavo.

9 Naizvozvo, zvirokwazvo noupenyu hwangu,”

ndizvo zvinotaura Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri,

“zvirokwazvo Moabhu achaita seSodhomu,

vaAmoni seGomora,

nzvimbo yesora namakomba emunyu,

matongo nokusingaperi.

Vakasara vavanhu vangu vachavapamba;

vachararama vorudzi rwangu vachagara nhaka yenyika yavo.”

10 Izvi ndizvo zvavachawana nokuda kwokuzvikudza kwavo,

nokuti vakatuka uye vakadadira vanhu vaJehovha Wamasimba Ose.

11 Jehovha achava anotyisa kwavari

paachaparadza vamwari vose venyika.

Ndudzi pamahombekombe ose dzichamunamata,

rudzi rumwe norumwe munyika yarwo.

Kurwiswa kweEtiopia

12 “Nemiwo, imi vaEtiopia,

muchaparadzwa nomunondo wangu.”

Kurwiswa kweAsiria

13 Achatambanudza ruoko rwake kuti arwise nyika

yokumusoro agoparadza Asiria,

achasiya Ninevhe rava dongo zvachose

uye raoma segwenga.

14 Mapoka amakwai nemombe zvichavata pasi imomo,

nezvipuka zvamarudzi ose.

Zizi romurenje nezizi romurwizi

zvichavata pamusoro pembiru dzavo.

Kudana kwazvo kuchaungira nomumawindo,

marara achava pamisuo yavo,

mapango omusidhari achasiyiwa pachena.

15 Iri ndiro guta risina hanya

raigara vakachengetedzeka.

Rakati mumwoyo maro,

“Ndini, uye hakuna mumwe kunze kwangu.”

Razova dongo rakadii,

nzvimbo inovata mhuka dzesango!

Vose vanopfuura napariri vanoseka

Uye vanokunga zvibhakera zvavo.

Categories
Zefania

Zefania 3

Ramangwana reJerusarema

1 Rine nhamo guta ravamanikidzi,

rakapanduka uye rikasvibiswa!

2 Harina warinoteerera,

harigamuchiri kudzorwa.

Harivimbi naJehovha,

hariswederi pedyo naMwari waro.

3 Machinda aro ishumba dzinoomba,

vatongi varo mapere amadekwana,

vasingasiyi chinhu chamangwanani.

4 Vaprofita vavo vanozvikudza;

vanhu vanonyengera.

Vaprista varo vanozvidza nzvimbo tsvene

uye vanoputsa murayiro.

5 Jehovha ari mariri mutsvene;

haaiti zvakaipa.

Mangwanani oga oga anotonga nokururamisira kwake,

zuva rimwe nerimwe idzva anoriuyisa,

asi vasakarurama havanyari.

6 “Ndakaparadza ndudzi;

shongwe dzavo dzakaparara.

Ndakasiya nzira dzavo dzisisafambwi,

hapasisina anopfuura nomo.

Maguta avo akaparadzwa;

hapana achasiyiwa, kana mumwe zvake.

7 Ndakati kuguta,

‘Zvirokwazvo uchanditya

ugogamuchira kudzorwa!’

Ipapo vagari varo havangaparadzwi,

kana kuranga kwangu kwose hakungauyi pariri.

Asi vakanga vachine shungu

dzokuita uori pakuita kwavo kwose.

8 Naizvozvo ndimirirei,” ndizvo zvinotaura Jehovha,

“zuva randichasimuka kuti ndigopupura.

Ndafunga kuunganidza ndudzi,

kuunganidza ushe hwose

uye nokudurura hasha dzangu pavari,

kutsamwa kukuru kwangu kwose.

Nyika yose ichaparadzwa

nomoto wegodo rokutsamwa kwangu.

9 “Ipapo ndichachenesa miromo yavanhu,

kuti vose zvavo vadane kuzita raJehovha

uye vamushumire nomwoyo mumwe.

10 Kubva mhiri kwenzizi dzeEtiopia vanamati vangu,

vanhu vangu vakapararira,

vachandiunzira zvipiriso.

11 Pazuva iro hamungaiswi pakunyadziswa

nokuda kwezvakaipa zvamakandiitira,

nokuti ndichabvisa kubva

muguta rino vaya vanofara mukuzvikudza kwavo.

Hamungazovizve namanyawi

pagomo rangu dzvene.

12 Asi ndichasiya pakati penyu

vanyoro vanozvininipisa,

vanovimba nezita raJehovha.

13 Vakasara vaIsraeri havangaiti zvakaipa;

havangarevi nhema,

uye kunyengera hakuzowanikwi mumiromo yavo.

Vachadya uye vagorara pasi,

uye hapana angavatyisa.”

14 Imba, iwe Mwanasikana weZioni,

danidzira, iwe Israeri!

Fara ugofarisisa nomwoyo wako wose,

iwe Mwanasikana weJerusarema!

15 Jehovha abvisa kurangwa kwako kwose,

adzinga muvengi wako. Jehovha,

Mambo waIsraeri, anewe;

hauzotyizve kuti ungakuvadzwa nechinhu chipi zvacho.

16 Pazuva iro vachati kuJerusarema,

“Usatya, iwe Zioni;

usarega maoko ako achishayiwa simba.

17 Jehovha Mwari wako anewe,

ndiye ane simba rokuponesa.

Achafadzwa zvikuru newe,

achakunyaradza norudo rwake,

achafara nokuda kwako nokuimba.”

18 “Matambudziko emitambo

yakatarwa ndichaabvisa kwauri;

iwo mutoro nokuzvidzwa kwauri.

19 Panguva iyoyo ndichatonga

vose vakakumanikidza;

ndichanunura vakaremara

uye ndichaunganidza vaya vakaparadzirwa.

Ndichavapa rumbidzo norukudzo

munyika dzose dzavakaiswa pakunyadziswa.

20 Panguva iyoyo ndichakuunganidzai;

panguva iyoyo ndichakuuyisai kumusha.

Ndichakupai rukudzo nerumbidzo

pakati pavanhu vose vapanyika,

pandichadzora pfuma yenyu

muchizviona nameso enyu,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

Categories
Hagai

Hagai 1

Vanhu vanokokwa kuti vazovaka Imba yaJehovha

1 Mugore rechipiri ramambo Dhariasi, pazuva rokutanga romwedzi wechitanhatu, shoko raJehovha rakasvika kubudikidza nomuprofita Hagai richienda kuna Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati weJudha, nokuna Joshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru, richiti:

2 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Vanhu ava vanoti, ‘Nguva haisati yasvika yokuti imba yaJehovha ivakwe.’ ”

3 Ipapo shoko raJehovha rakasvika nokumuprofita Hagai richiti,

4 “Ko, inguva here yokuti imi pachenyu mugare mudzimba dzenyu dzakashongedzwa namapuranga, asi imba ino ichiramba iri dongo?”

5 Zvino zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Fungisisai pamusoro penzira dzenyu.

6 Makakusha zvizhinji, asi mukacheka zvishoma. Munodya, asi hamuguti. Munonwa, asi hamugundwi. Munopfeka nhumbi, asi hamudziyirwi. Munoshandira mubayiro, kuti muuise chete muhomwe ina maburi.”

7 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Fungisisai pamusoro penzira dzenyu.

8 Kwirai kumakomo, mundouya namatanda muvake imba, kuti ini ndiifarire ndigokudzwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

9 “Makatarisira kuwana zvizhinji, asi tarirai, zvakazova zvishoma. Zvamakauya nazvo kumusha, ndakazvifuridzira kure. Nemhaka yeiko?” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Nemhaka yeimba yangu, yaramba ichingova dongo, asi mumwe nomumwe wenyu achishingairira imba yake.

10 Naizvozvo, nokuda kwenyu matenga aramba nedova uye nyika yaramba nezvibereko zvayo.

11 Ndakadana kuoma kuti kuuye paminda napamakomo, napazviyo, napawaini itsva, napamafuta, napazvose zvinoberekwa nevhu, napavanhu, napazvipfuwo, uye napamabasa amaoko enyu.”

12 Ipapo Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJoshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru, navanhu vose vakanga vasara vakateerera inzwi raJehovha Mwari wavo uye shoko romuprofita Hagai, nokuti Jehovha Mwari wavo akanga amutuma. Uye vanhu vakatya Jehovha.

13 Ipapo Hagai, nhume yaJehovha, akasvitsa shoko iri raJehovha kuvanhu achiti, “Ndinemi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

14 Naizvozvo Jehovha akamutsa mweya waZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati weJudha, uye nomweya waJoshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru, uye nomweya wavanhu vose vakanga vasara. Vakauya vakatanga kushanda paimba yaJehovha Wamasimba Ose, Mwari wavo,

15 pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wechitanhatu mugore rechipiri ramambo Dhariasi.

Categories
Hagai

Hagai 2

Kubwinya kweImba Itsva kunovimbiswa

1 Pazuva ramakumi maviri nerimwe romwedzi wechinomwe, shoko raJehovha rakasvika nokuna muprofita Hagai richiti,

2 “Taura naZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati weJudha, kuna Joshua mwanakomana waJehozadhaki muprista mukuru, nokuvanhu vakasara. Uvabvunze kuti,

3 ‘Ndiani pakati penyu vakasara akaona imba ino pakubwinya kwayo kwokutanga? Munoionawo sei zvino? Pakuona kwenyu haina kuita sapasina here?

4 Asi zvino chiva nesimba, iwe Zerubhabheri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Iva nesimba, iwe Joshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru. Ivai nesimba, imi mose vanhu venyika,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘uye mushande. Nokuti ndinemi,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

5 ‘Ndiro shoko resungano yandakaita nemi, nguva yamakabuda kubvira muIjipiti. Uye Mweya wangu uchagara pakati penyu. Musatya.’

6 “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Munguva shoma shoma, ndichazungunusa matenga nenyika, negungwa nenyika yakaoma.

7 Ndichazungunusa ndudzi dzose, uye zvinodikanwa nendudzi dzose zvichauya, uye ndichazadza imba ino nokubwinya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

8 ‘Sirivha ndeyangu negoridhe nderangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

9 ‘Kubwinya kweimba iripo nhasi kuchapfuura kubwinya kweyokutanga,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. ‘Uye panzvimbo ino ndichauyisa rugare,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.”

Vanhu vakanga vasvibiswa vanoropafadzwa

10 Pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wechipfumbamwe, mugore rechipiri raDhariasi, shoko raJehovha rakasvika kumuprofita Hagai, richiti,

11 “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Bvunza vaprista kuti murayiro unorevei:

12 Kana munhu akatakura nyama tsvene mumupendero wenguo yake, uye mupendero ukagunzva chingwa kana nyama yakabikwa, kana waini, kana mafuta kana zvimwe zvokudya, zvichava zvitsvene here?’ ”

Vaprista vakapindura vakati, “Kwete.”

13 Ipapo Hagai akapindura akati, “Kana munhu asvibiswa nokubata kwaaita chitunha, akabata chimwe chaizvozvi, ko, chingasvibiswa here?” Vaprista vakapindura vakati, “Hongu chinosvibiswa.”

14 Ipapo Hagai akapindura akati, “ ‘Ndizvo zvakaita vanhu ava norudzi urwu pamberi pangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Zvose zvavanoita uye zvose zvavanopa sechibayiro ipapo zvakasvibiswa.

15 “ ‘Zvino fungisisai, kubvira pazuva ranhasi, muchidzokera shure, chimbofungai zvazvakanga zvakaita ibwe rimwe richigere kuiswa pamusoro perimwe ibwe mutemberi yaJehovha.

16 Munhu aiti kana achinge asvika pamurwi wezviyero makumi maviri, paingova negumi chete. Munhu aiti kana asvika pachisviniro chewaini achida kuchera zviyero makumi mashanu, kwaingova nezviyero makumi maviri chete.

17 Ndakarova mabasa ose amaoko enyu nenyunje, nokuvhuvha nechimvuramabwe, asi hamuna kutendeukira kwandiri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.

18 Kubvira pazuva ranhasi zvichienda mberi, kubvira pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wepfumbamwe, fungisisai zuva riya rakateyiwa nheyo dzetemberi yaJehovha. Fungisisai izvozvo:

19 Ko, muchine mbeu yakasara mudura here? Kusvikira zvino, muzambiringa nomuonde, mutamba nomuorivhi hazvina kubereka michero.

“ ‘Kubvira pazuva ranhasi ndichakuropafadzai.’ ”

Zerubhabheri ndiye Chisimbiso chaJehovha

20 Shoko raJehovha rakasvika kuna Hagai kechipiri pazuva ramakumi maviri namana romwedzi richiti,

21 “Udza Zerubhabheri mubati weJudha kuti ndichazungunusa matenga nenyika.

22 Ndichawisira pasi zvigaro zvoushe uye ndichaparadza simba roushe hwavatorwa. Ndichawisira pasi ngoro navafambisi vadzo; mabhiza navatasvi vawo zvichawira pasi, mumwe nomumwe nomunondo wehama yake.

23 “ ‘Pazuva iroro,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, ‘ndichakutora iwe, muranda wangu, Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘uye ndichakuita sechisimbiso changu, nokuti ndakakusarudza,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.”

Categories
Zekaria

Zekaria 1

Vanhu vanokurudzirwa kuti vadzokere kuna Jehovha

1 “Mumwedzi worusere wegore rechipiri raDhariasi, shoko raJehovha rakasvika kuna muprofita Zekaria mwanakomana waBherekia, mwanakomana waIdho richiti:

2 “Jehovha akatsamwira madzibaba enyu zvikuru.

3 Naizvozvo udza vanhu kuti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Dzokerai kwandiri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, ‘neni ndichadzokera kwamuri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

4 Musaita samadzibaba enyu, avo vakaudzwa navaprofita vokutanga kuti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Dzokai kubva panzira dzenyu dzakaipa nepazvakaipa zvamunoita.’ Asi havana kunzwa kana kuteerera kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha.

5 Aripiko madzibaba enyu zvino? Uye vaprofita vacho, vanorarama zvandakarayira nokusingaperi here?

6 Asi mashoko angu nemitemo yangu, zvandakarayira varanda vangu ivo vaprofita, hazvina kurarama kupfuura madzibaba enyu here?

“Ipapo vakatendeuka ndokuti, ‘Jehovha Wamasimba Ose akatiitira zvakafanira mabasa edu nenzira dzedu, sezvaakafunga kuita.’ ”

Murume pakati pemiti

7 Pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wegumi nomumwe, mwedzi weShebhati, mugore rechipiri raDhariasi, shoko raJehovha rakasvika kuna muprofita Zekaria mwanakomana waBherekia mwanakomana waIdho.

8 Panguva dzousiku ndakaona chiratidzo, hapo pamberi pangu paiva nomurume akanga akatasva bhiza dzvuku! Akanga akamira pakati pemiti yaiva mumupata. Shure kwake kwaiva namabhiza matsvuku, mashava uye namachena.

9 Ipapo ndakati, “Izvi zviiko, ishe wangu?”

Mutumwa akanga achitaura neni akapindura akati, “Ndichakuratidza kuti zvii.”

10 Ipapo murume akanga amire pakati pemiti yemitire akatsanangura achiti, “Ava ndivo vakatumwa naJehovha kuti vaende munyika yose.”

11 Uye vakapindura mutumwa waJehovha akanga akamira pakati pemiti yemitire vachiti, “Taenda munyika yose tikaona nyika yose yakazorora uye ino runyararo.”

12 Ipapo mutumwa waJehovha akati, “Jehovha Wamasimba Ose muchasvika rinhiko musinganzwiri Jerusarema namaguta eJudha tsitsi amakatsamwira kwamakore makumi manomwe aya?”

13 Saka Jehovha akataura mashoko akanaka anonyaradza kumutumwa akataura neni.

14 Ipapo mutumwa aitaura neni akati, “Danidzira shoko iri rokuti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Ndine godo kwazvo pamusoro peJerusarema neZioni,

15 asi ndakatsamwira zvikuru ndudzi dzinoti dzakagarika. Ndakanga ndakatsamwa zvishoma, asi ivo vakawedzera padambudziko iri.’

16 “Naizvozvo, zvanzi naJehovha: ‘Ndichadzokera kuJerusarema ndine tsitsi, uye ipapo imba yangu ichavakwazve. Uye rwodzi rwokuyera ruchatambanudzwa pamusoro peJerusarema,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

17 “Danidzirazve uti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Maguta angu achafashukirazve noupfumi, uye Jehovha achanyaradzazve Zioni uye agosarudza Jerusarema.’ ”

Nyanga Ina neMhizha Ina

18 Ipapo ndakasimudza meso angu, zvino hapo pamberi pangu paiva nenyanga ina!

19 Ndakabvunza mutumwa aitaura neni ndikati, “Zviiko izvi?”

Akandipindura achiti, “Idzi inyanga dzakaparadzira Judha, Israeri neJerusarema.”

20 Ipapo Jehovha akandiratidza mhizha ina.

21 Ndakabvunza ndikati, “Ko, ava vari kuuya kuzoitei?”

Akapindura akati, “Idzi ndidzo nyanga dzakaparadzira Judha kuti pashayikwe kana mumwe angasimudza musoro wake, asi mhizha dzauya kuzodzityisa uye kuti dzigokanda pasi nyanga idzi dzendudzi dzakasimudza nyanga dzadzo kuti dzirwise nyika yeJudha kuti dziparadzire vanhu vayo.”

Categories
Zekaria

Zekaria 2

Murume ane Rwodzi Rwokuyeresa

1 Ipapo ndakasimudza meso angu, zvino hapo pamberi pangu paiva nomurume aiva nerwodzi rwokuyeresa muruoko rwake!

2 Ndakabvunza ndikati, “Uri kuendepiko?”

Akandipindura achiti, “Kunoyera Jerusarema, kuti ndione kufara kwaro nokureba kwaro.”

3 Ipapo mutumwa aitaura neni akaenda, uye mumwe mutumwa akauya kuzosangana naye

4 uye akati kwaari: “Mhanya undoudza jaya iro kuti, ‘Jerusarema richava guta risina masvingo nokuda kwokuwanda kwavanhu nezvipfuwo zviri mariri.

5 Uye ini pachangu ndichava rusvingo rwomoto rwakarikomberedza,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘uye ndichava kubwinya kwaro mukati maro.’

6 “Uyai! Uyai! Tizai kubva kunyika yokumusoro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “nokuti ndakakuparadzirai kumhepo ina dzedenga,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

7 “Uya, iwe Zioni! Tiza, iwe unogara muMwanasikana weBhabhironi!”

8 Nokuti zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Mushure mokunge andikudza uye andituma kundorwisa ndudzi dzakakupambai, nokuti ani naani anokubatai anobata mboni yeziso rake,

9 zvirokwazvo ndichasimudza ruoko rwangu kuti ndivarwise kuitira kuti nhapwa dzavo dzigovapamba. Ipapo muchaziva kuti Jehovha Wamasimba Ose akandituma.

10 “Pembera uye ufare, iwe Mwanasikana weZioni. Nokuti ndiri kuuya, uye ndichagara pakati penyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

11 “Ndudzi zhinji dzichabatana naJehovha pazuva iro uye vachava vanhu vangu. Ndichagara pakati penyu uye muchaziva kuti Jehovha Wamasimba Ose akandituma kwamuri.

12 Judha ichava nhaka yaJehovha somugove wake munyika tsvene uye achasarudzazve Jerusarema.

13 Nyararai pamberi paJehovha, vanhu vose, nokuti asimuka kubva panzvimbo yake tsvene yaanogara.”

Categories
Zekaria

Zekaria 3

Nguo dzakachena dzoMuprista Mukuru

1 Ipapo akandiratidza Joshua muprista mukuru amire pamberi pomutumwa waJehovha, uye Satani amire kurudyi rwake kuti amupomere.

2 Jehovha akati kuna Satani, “Jehovha ngaakutuke iwe, Satani! Jehovha, iye akasarudza Jerusarema, ngaakutuke! Ko, murume uyu haazi rukuni runobvira rwabvutwa mumoto here?”

3 Zvino Joshua akanga akapfeka nguo dzine tsvina amire pamberi pomutumwa.

4 Mutumwa akati kuna avo vakanga vamire pamberi pake, “Mubvisei nguo dzake dzine tsvina.” Ipapo akati kuna Joshua, “Tarira ndabvisa chivi chako, uye ndichakupfekedza nguo dzinokosha.”

5 Ipapo ndakati, “Isai nguwani yakachena pamusoro wake.” Nokudaro vakamupfekedza nguwani yakachena pamusoro wake uye vakamupfekedza nguo, mutumwa waJehovha amirepo.

6 Mutumwa waJehovha akarayira Joshua achiti,

7 “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Kana ukafamba nenzira dzangu uye ukachengeta mirayiro yangu, ipapo uchatonga imba yangu uye uchachengetawo mavazhe angu, uye ndichakupa nzvimbo pakati paava vakamira pano.

8 “ ‘Teerera, iwe Joshua muprista mukuru navanobata pamwe chete newe vagere pamberi pako, varume ava vanova chiratidzo chezvinouya: Ndichauyisa muranda wangu, Davi.

9 Tarirai ibwe randaisa pamberi paJoshua! Pane maziso manomwe pabwe rimwe chete iroro, uye ndichatema chinyorwa pariri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, ‘uye ndichabvisa chivi chenyika ino nezuva rimwe chete.

10 “ ‘Pazuva iro mumwe nomumwe wenyu achakoka muvakidzani wake kuzogara pasi pomuzambiringa napasi pomuonde wake,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.”

Categories
Zekaria

Zekaria 4

Chigadziko choMwenje cheGoridhe neMiti yeMiorivhi Miviri

1 Ipapo mutumwa akataura neni akauyazve kwandiri akandimutsa, somunhu anomutswa pahope dzake.

2 Akandibvunza achiti, “Unooneiko?” Ndakapindura ndikati, “Ndinoona chigadziko chomwenje chegoridhe rizere, chine mbiya pamusoro pacho nemwenje minomwe pamusoro pacho, mwenje mumwe nomumwe une mbombi nomwe.

3 Uyezve pane miti miviri yemiorivhi parutivi pacho, mumwe kurutivi rworudyi rwembiya nomumwe kurutivi rworuboshwe kwayo.”

4 Ndakabvunza mutumwa aitaura ndichiti, “Izvi zviiko, ishe wangu?”

5 Akapindura akati, “Hauzivi kuti izvi zvii?”

Ini ndakapindura ndichiti, “Kwete, ishe wangu.”

6 Saka akati kwandiri, “Iri ndiro shoko raJehovha kuna Zerubhabheri: ‘Hazviitwi nehondo kana nesimba, asi nomweya wangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

7 “Uri chiiko, iwe gomo guru? Pamberi paZerubhabheri uchaitwa bani. Ipapo iye achabudisa ibwe rokumusoro vanhu vachidanidzira vachiti, ‘Mwari ngaariropafadze! Mwari ngaariropafadze!’ ”

8 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

9 “Maoko aZerubhabheri akateya nheyo dzetemberi ino; maoko ake achaipedzisazve. Ipapo uchaziva kuti Jehovha Wamasimba Ose akandituma kwauri.

10 “Ndiani anoshora zuva rezvinhu zviduku? Vanhu vachafara pavachaona rwodzi rwokuyera muruoko rwaZerubhabheri.

“(Zvinomwe izvi ndizvo maziso aJehovha, anoona nyika yose.)”

11 Ipapo ndakabvunza mutumwa ndichiti, “Ko, miti yemiorivhi miviri iyi iri kurudyi nokuruboshwe kwechigadziko chomwenje ndeyei?”

12 Uyezve ndakamubvunza kuti, “Ko, matavi aya maviri omuorivhi parutivi pembombi mbiri dzegoridhe dzinodurura mafuta egoridhe ndeei?”

13 Akapindura akati, “Hauzivi kuti izvi zvii?”

Ini ndikati, “Kwete, ishe wangu.”

14 Saka akati, “Ava ndivo vaviri vakazodzwa kuti vashumire Ishe wenyika yose.”