Categories
Mika

Mika 3

Vatungamiri naVaprofita vanotsiurwa

1 Ipapo ndakati,

“Teererai imi vatungamiri vaJakobho,

imi vatongi veimba yaIsraeri.

Hamufaniri kuziva kururamisira here,

2 imi munovenga zvakanaka muchida zvakaipa;

munofunura ganda

pamapfupa;

3 munodya nyama yavanhu vangu,

munobvisa ganda ravo,

muchivhuna mapfupa avo kuita zvidimbu;

munovatema-tema senyama yokuisa mupani,

senyama yomuhari?”

4 Ipapo vachadana kuna Jehovha,

asi haangavadaviri.

Panguva iyoyo achavanza chiso chake

kwavari nokuda kwezvakaipa zvavakaita.

5 Zvanzi naJehovha:

“Kana vari vaprofita vanotsausa vanhu vangu,

kana mumwe akavapa zvokudya,

vanodanidzira kuti ‘Rugare’; kana akasavapa,

vanogadzirira kumurwisa.

6 Naizvozvo usiku huchauya pamusoro pako,

pasina zviratidzo, nerima, pasina kuvuka.

Zuva richavirira vaprofita,

uye masikati achavasvibira.

7 Vaoni vachanyadziswa

uye vavuki vachanyadziswa.

Vachafukidza zviso zvavo

nokuti hakuna mhinduro inobva kuna Jehovha.”

8 Asi kana ndirini, ndizere nesimba,

noMweya waJehovha,

uye nokururamisira nesimba,

kuti ndizivise Jakobho kudarika kwake naIsraeri chivi chake.

9 Inzwai izvi, imi vatungamiri veimba yaJakobho,

imi vatongi veimba yaIsraeri,

munozvidza kururamisira

uye munominamisa zvose zvakanaka;

10 munovaka Zioni nokudeura ropa,

uye Jerusarema nouipi.

11 Vatungamiri varo vanotongera fufuro,

vaprista varo vanodzidzisa kuti vapiwe mubayiro,

uye vaprofita varo vanoprofita kuti vapiwe mubayiro.

Asi vanozendama pana Jehovha voti,

“Ko, Jehovha haasi pakati pedu here?

Hapana njodzi ingatiwira.”

12 Naizvozvo nokuda kwenyu,

Zioni richarimwa somunda,

Jerusarema richava murwi wamabwe,

pachikomo pamire temberi, pachava dondo.

Categories
Mika

Mika 4

Gomo raJehovha

1 Mumazuva okupedzisira

gomo retemberi yaJehovha richasimbiswa

segomo guru pakati pamakomo;

richasimudzwa pamusoro pezvikomo,

uye marudzi achaenda kwariri.

2 Ndudzi zhinji dzichauya dzichiti,

“Uyai, handei kugomo raJehovha,

kuimba yaMwari waJakobho.

Achatidzidzisa nzira dzake,

kuti tigofamba munzira dzake.”

Murayiro uchabuda kubva paZioni,

shoko raJehovha kubva paJerusarema.

3 Achatonga pakati pamarudzi mazhinji

uye achapedza gakava pakati pendudzi dzine simba dziri kure kure.

Vachapfura minondo yavo vagoiita mapadza,

namapfumo vachiaita mapanga okuchekerera miti.

Rudzi harungasimudziri rumwe rudzi munondo,

havangazodzidzirizve kurwa.

4 Mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake,

napasi pomuonde wake,

uye hapana anozovaita kuti vatye,

nokuti Jehovha Wamasimba Ose ataura.

5 Ndudzi dzose dzingafamba

muzita ravamwari vadzo;

isu tichafamba muzita raJehovha

Mwari wedu nokusingaperi-peri.

Urongwa hwaJehovha

6 “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha,

“Ndichaunganidza vakaremara;

ndichaunganidza vakadzingwa

neavo vandakatambudza.

7 Ndicharemadza vakasara,

vaya vakadzingwa, ivo rudzi rwakasimba.

Jehovha achavatonga paGomo reZioni

kubva pazuva iroro nokusingaperi.

8 Kana uri iwe, chirindo cheboka

iwe nhare yoMwanasikana weZioni,

ushe hwakare huchadzoswa kwauri;

umambo huchauya kuMwanasikana weJerusarema.”

9 Sei muchiridza mhere iye zvino,

hamuna mambo here?

Gota renyu raparara here zvokuti kurwadza

kwakubatai sekwomukadzi anosununguka?

10 Tambura ugomere,

iwe Mwanasikana weZioni,

somukadzi ari pakusununguka,

nokuti zvino unofanira kubuda muguta unogara kusango.

Uchaenda kuBhabhironi;

ikoko uchandonunurwa.

Ikoko Jehovha achakudzikinura

kubva paruoko rwavavengi vako.

11 Asi zvino ndudzi zhinji

dzakaunganira kuzokurwisa.

Vanoti, “Ngaasvibiswe,

maziso edu ngaatarise Zioni!”

12 Asi havazivi

pfungwa dzaJehovha;

havanzwisisi kuronga kwake,

iye anovaunganidza sezvisote paburiro.

13 “Simuka upure, iwe Mwanasikana weZioni,

nokuti ndichakupa nyanga dzesimbi;

ndichakupa mahwanda endarira

uye uchapwanya kuita zvidimbu ndudzi zhinji.”

Uchatsaurira kuna Jehovha zvavakazviwanira nenzira dzavo,

upfumi hwavo kuna Ishe wenyika yose.

Categories
Mika

Mika 5

Mutongi akavimbiswa kubva kuBheterehema

1 Unganidza mauto ako, iwe guta ramauto,

nokuti takombwa nomuvengi.

Vacharova mutongi waIsraeri

netsvimbo padama.

2 “Asi iwe, Bheterehema Efurata,

kunyange uri muduku pakati pamarudzi aJudha,

kwauri kuchandibudira mumwe

achava mutongi pamusoro peIsraeri,

mavambo ake ndeakare kare,

kubva pamazuva akare kare.”

3 Naizvozvo Israeri achasiyiwa

kusvikira panguva iyo, iye anorwadziwa azvara

uye hama dzake dzose

dzadzoka kuzobatana navaIsraeri.

4 Achamira agofudza boka rake

musimba raJehovha,

muukuru hwezita raJehovha Mwari wake.

Uye vachagara norugare,

nokuti ipapo kukura kwake kuchasvika kumagumo enyika.

5 Uye iye achava rugare rwavo.

Kudzikinurwa noKuparadzwa

MuAsiria paacharwisa nyika yedu

agofamba achipfuura nomunhare dzedu,

tichamumutsira vafudzi vanomwe

kuti vamurwise kunyange vatungamiri vasere vavanhu.

6 Vachatonga nyika yeAsiria nomunondo,

nyika yaNimurodhi nomunondo wakavhomorwa.

Achatirwira kubva kumuAsiria

paachapinda munyika yedu

nokupinda pamiganhu yedu.

7 Vakasara vaJakobho vachava

pakati pamarudzi akawanda,

sedova rinobva kuna Jehovha,

sokunaya kwemvura pauswa,

zvisingamiriri munhu

kana kugaririra vanhu.

8 Vakasara vaJakobho vachava pakati pendudzi,

pakati poruzhinji rwamarudzi,

seshumba pakati pezvikara zvesango,

seshumba duku pakati pamapoka amakwai,

inotsika uye inobvambura ichienda,

pasina anogona kununura.

9 Ruoko rwenyu ruchasimudzwa mukukunda

uye vadzivisi venyu vose vachaparadzwa.

10 “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha,

“ndichaparadza mabhiza enyu pakati penyu

uye ndichapwanya ngoro dzenyu.

11 Ndichaparadza maguta enyika yenyu

uye ndichaputsa nhare dzenyu dzose.

12 Ndichaparadza uroyi hwako

uye hauchazovizve navavuki.

13 Ndichaparadza zvifananidzo zvenyu

zvakavezwa neshongwe dzenyu pakati penyu;

hamuchazokotamiri

kubasa ramaoko enyu.

14 Ndichadzura kubva pakati penyu matanda aAshera

uye ndichaparadza maguta enyu.

15 Ndichatsiva nokutsamwa nehasha

kundudzi dzisina kunditeerera.”

Categories
Mika

Mika 6

Jehovha anopa Israeri mhosva

1 Teererai zvinotaurwa naJehovha:

“Simukai, taurai nyaya yenyu pamberi pamakomo;

zvikomo ngazvinzwe zvamunoda kutaura.

2 Chinzwai imi makomo, kupomera kwaJehovha;

teererai, imi hwaro hwenyika hunogara nokusingaperi.

Nokuti Jehovha ane mhosva yaari kupa vanhu vake;

anopa Israeri mhosva.

3 “Vanhu vangu, chiiko chandakakuitirai?

Ndakakuremedzai neiko? Ndipindurei.

4 Ndakakubudisai kubva muIjipiti

uye akakudzikinurai kubva munyika youranda.

Ndakatuma Mozisi kuti azokutungamirirai,

naAroniwo naMiriamu.

5 Vanhu vangu,

rangarirai zvakaranganwa naBharaki mambo weMoabhu

nezvakapindurwa naBharamu mwanakomana waBheori.

Rangarirai rwendo rwenyu kubva kuShitimu kusvika kuGirigari,

kuti mugoziva mabasa akarurama aJehovha.”

6 Ndichauya neiko pamberi paJehovha.

Uye ndigokotama sei pamberi paMwari anokudzwa?

Ndingauye pamberi pake nezvibayiro

zvinopiswa nemhuru dzine gore rimwe here?

7 Ko, Jehovha angafadzwa nezviuru zvamakondobwe,

uye nezviuru gumi zvenzizi dzamafuta here?

Ndingapa dangwe rangu nokuda kwokudarika kwangu,

icho chibereko chomuviri wangu pamusoro pokutadza kwomweya wangu here?

8 Akakuratidza, iwe munhu, kuti zvakanaka ndezvipi.

Uye ndezvipi zvinodiwa naJehovha kubva kwauri?

Kuita zvakarurama uye kufarira kunzwira ngoni,

nokufamba naMwari wako wakazvininipisa.

Mhosva yeIsraeri nokurangwa kwayo

9 Teererai! Jehovha anodanidzira kuguta,

uye kutya zita renyu ndihwo uchenjeri:

“Chenjererai shamhu naIye akaituma.

10 Ndichazokanganwa here, iwe imba yakaipa,

upfumi hwako hwakawanikwa nenzira dzakaipa,

nechiero cheefa chakatapudzwa, chakatukwa?

11 Ndingaregerera munhu ane chiero

chinonyengera nesaga rezviero zvenhema here?

12 Vapfumi vake vanoita nechisimba;

vanhu vake varevi venhema,

uye miromo yavo inotaura nokunyengera.

13 Naizvozvo, ndatotanga kukuparadzai,

kukuitai dongo nokuda kwezvivi zvenyu.

14 Muchadya asi hamungaguti:

dumbu renyu richaramba risina chinhu.

Muchaisa mudura asi mugoshaya zvamachengeta,

nokuti zvamunounganidza ndichazviparadza nomunondo.

15 Muchadyara asi hamungakohwi;

muchasvina maorivhi asi hamungazori mafuta acho,

muchasvina mazambiringa asi hamunganwi waini yacho.

16 Makachengeta zvirevo zvaOmuri

uye namabasa ose eimba yaAhabhu, uye makatevera tsika dzavo.

Naizvozvo ndichakuisai mukuparadzwa,

nevanhu venyu mukusekwa;

muchatakura kushorwa kwendudzi.”

Categories
Mika

Mika 7

Nhamo yeIsraeri

1 Inhamoi yandinayo!

Ndafanana nouya anounganidza michero

yezhizha inosara mumunda wemizambiringa pakukohwa;

hapana sumbu ramazambiringa rokudya,

kana maonde okutanga andinopanga.

2 Vanhu vano umwari vabviswa panyika;

hapana mumwe akarurama asara.

Vanhu vose vanovandira kuti vateure ropa;

mumwe nomumwe anovhima hama yake nomumbure.

3 Maoko ose ari maviri ane unyanzvi pakuita zvakaipa;

mubati anomanikidzira vanhu kuti vamupe zvipo,

mutongi anotambira fufuro,

vane simba vanomanikidzira zvido zvavo;

vose vanozvironga pamwe chete.

4 Akanaka kupfuura vose akangoita sorukato,

vakarurama kupfuura vose vakaipa kupfuura ruzhowa rweminzwa.

Zuva renharirire dzenyu rasvika,

zuva rokushanyirwa kwenyu naMwari.

Zvino ino ndiyo nguva yokukanganiswa kwavo.

5 Rega kuvimba nomuvakidzani wako;

usavimba neshamwari yako.

Kunyange nomukadzi wawakagumbatira,

uchenjerere mashoko ako.

6 Nokuti mwanakomana anozvidza baba vake,

mwanasikana anomukira mai vake,

muroora anomukira vamwene vake;

vavengi vomunhu ndivo vanhu vemhuri yake.

7 Asi kana ndirini, ndinomirira netariro kuna Jehovha,

ndinomirira Mwari Muponesi wangu;

Mwari wangu achandinzwa.

Israeri ichasimuka

8 Usafara pamusoro pangu, iwe muvengi wangu!

Kunyange ndakawira pasi, ndichasimuka.

Kunyange ndigere murima,

Jehovha achava chiedza changu.

9 Nokuti ndakamutadzira,

ndichatakura kutsamwa kwaJehovha,

kusvikira andireverera mhosva yangu

uye asimbisa kodzero yangu.

Achandibudisira kuchiedza,

ndichaona kururama kwake.

10 Ipapo muvengi wangu achazviona

uye achafukidzwa,

iye akati kwandiri,

“Aripiko Jehovha Mwari wako?”

Meso angu achaona kuwa kwake;

kunyange iye zvino achatsikwa

pasi petsoka sematope mumigwagwa.

11 Zuva rokuvaka masvingo enyu richasvika,

zuva rokuwedzerwa kwemiganhu yenyu.

12 Pazuva iro vanhu vachauya kwauri

vachibva kuAsiria namaguta eIjipiti,

kunyange kubva kuIjipiti kusvikira kuYufuratesi,

uye kubva kugungwa kusvika kune rimwe gungwa,

nokubva kugomo kusvika kune rimwe gomo.

13 Nyika ichava dongo nokuda kwavagari vayo,

nokuda kwamabasa avo.

Munyengetero noKurumbidza

14 Fudza vanhu vako nomudonzvo wako,

boka renhaka yako,

rinogara roga musango,

mumafuro akanaka.

Rega afure muBhashani reGireadhi

samazuva ekare.

15 “Sapamazuva amakabuda kubva muIjipiti,

ndichavaratidza zvishamiso zvangu.”

16 Ndudzi dzichazviona uye dzichanyadziswa,

dzisisina simba radzo rose.

Vachabata miromo yavo

uye nzeve dzavo dzichadzivira.

17 Vachananzva guruva senyoka,

sezvipuka zvinokambaira pasi.

Vachabuda vachidedera kubva munzvimbo dzavo dzokuvanda;

vachadzoka vachitya kuna Jehovha Mwari wedu,

uye vachakutyai.

18 Ndiani Mwari akaita semi,

anoregerera chivi uye anokanganwira

kudarika kwavakasara venhaka yake?

Hamugari makatsamwa nokusingaperi,

asi munofarira kunzwira ngoni.

19 Muchava nenyasha kwatiri zvakare;

muchatsikira zvivi zvedu pasi petsoka

uye muchakanda kuipa kwedu kwose pakadzikadzika mugungwa.

20 Muchava makatendeka kuna Jakobho,

mucharatidza nyasha kuna Abhurahama,

sezvamakapika mhiko kumadzibaba edu

mumazuva akare.

Categories
Nahumi

Nahumi 1

1 Chirevo pamusoro peNinevhe. Bhuku rezvakaonekwa naNahumi muErikoshi.

Kutsamwa kwaJehovha pamusoro peNinevhe

2 Jehovha ane godo uye ndiMwari anotsiva;

Jehovha anotsiva uye azere nehasha.

Jehovha anotsiva kuvavengi vake

uye anochengetera vavengi vake hasha dzake.

3 Jehovha anononoka kutsamwa uye ane simba guru;

Jehovha haangasiye ane mhosva asina kurangwa.

Nzira yake iri muchamupupuri nedutu,

uye makore ndiwo guruva retsoka dzake.

4 Anotuka gungwa agoriomesa;

anoita kuti nzizi dzose dziome.

Bhashani neKarimeri zvasvava

uye kutumbuka kweRebhanoni kwapera.

5 Makomo anodengenyeka pamberi pake

uye zvikomo zvinonyungudika.

Nyika inodedera pamberi pake,

nyika uye navose vanogara mairi.

6 Ndiani angadzivisa hasha dzake?

Ndiani angashingirire pahasha dzake dzinotyisa?

Hasha dzake dzadururwa somoto;

matombo apwanyika pamberi pake.

7 Jehovha akanaka,

utiziro panguva dzokutambudzika.

Anochengeta avo vanovimba naye,

8 asi namafashamu ane simba guru,

achaparadza Ninevhe;

achateverera vavengi vake kusvikira murima.

9 Zvose zvavakaronga pamusoro paJehovha

iye achazviparadza;

dambudziko haringauyi kechipiri.

10 Vachakorokodzwa pakati peminzwa

uye vachadhakwa newaini yavo;

vachaparadzwa samashanga akaoma.

11 Kubva mauri, iwe Ninevhe,

pane mumwe akabuda anoronga zvakaipa pamusoro paJehovha

uye anopa zano rakaipa.

12 Zvanzi naJehovha:

“Kunyange vane vabatsiri uye vakawanda,

vachaurayiwa vakasazovapozve.

Kunyange ndakakutambudza, iwe Judha,

handichazokutambudzazve.

13 Zvino ndichavhuna joko ravo kubva pamutsipa wako

uye ndichadambura ngetani dzako.”

14 Jehovha arayira shoko pamusoro pako, iwe Ninevhe, rokuti,

“Hauchazovi nezvizvarwa zvinopiwa zita rako.

Ndichaparadza zvifananidzo zvakavezwa nezvifananidzo zvakaumbwa,

zviri mutemberi yavamwari vako.

Ndichachera guva rako,

nokuti iwe wakaipa kwazvo.”

15 Tarira, pamakomo apo,

tsoka dzouyo anouya namashoko akanaka,

anoparidza rugare!

Pemberera mitambo yako, iwe Judha,

uye uzadzise mhiko dzako.

Vakaipa havachakurwisazve;

vachaparadzwa zvachose.

Categories
Nahumi

Nahumi 2

Ninevhe richawa

1 Murwisi anouya kuzokurwisa iwe, Ninevhe;

rindai nhare,

tarirai kunzira,

sungai zviuno zvenyu,

unganidzai simba renyu rose!

2 Jehovha achadzosa kurumbidzwa kwaJakobho

sokurumbidzwa kwaIsraeri,

kunyange vaparadzi vakavaparadza

uye vakaparadza mizambiringa yavo.

3 Nhoo dzavarwi vake dzatsvuka;

mhare dzokurwa dzapfeka nguo tsvuku.

Matare engoro ovaima

pazuva rokugadzirirwa kwadzo;

mapfumo omupaini anovheyeswa-vheyeswa.

4 Ngoro dzovirima mumigwagwa,

dzinomhanya dzichienda nokudzoka muchivara.

Dzinoita samazhenje omoto;

dzinomhanya-mhanya semheni.

5 Anodana mauto ake akasarudzwa,

asi vanogumburwa panzira yavo.

Vanomhanyira kurusvingo rweguta;

nhoo yokuzvidzivirira yaiswa panzvimbo payo.

6 Masuo enzizi azarurwa

uye muzinda wamambo wakoromoka.

7 Shoko ratemwa rokuti guta

ritapwe, uye riendeswe kure.

Varandakadzi varo vanochema senjiva

uye vanorova zvipfuva zvavo.

8 Ninevhe rakafanana nedziva,

uye mvura yaro iri kuerera ichipera.

Vanochema vachiti, “Mirai! Mirai!”

asi hapana anocheuka.

9 Pambai sirivha!

Pambai goridhe!

Kuwanda kwazvo hakuperi,

ihwo upfumi hunobva pamhando dzose dzepfuma yaro!

10 Rabirwa, rapambwa, ratorerwa zvose!

Mwoyo yanyungudika, mabvi odedera,

miviri yobvunda, zviso zvose zvachenuruka.

11 Riripiko bako reshumba,

nzvimbo yadzaipira vana vadzo zvokudya,

kwaienda shumba nehadzi yayo,

uye navana, pasina chokutya.

12 Shumba yaiuraya zvaikwanira vana vayo

uye yakadzipira hadzi yayo nyama,

ichizadza mapako ayo nezvayakauraya

uye mapako ayo nenyama.

13 “Ndine mhaka newe,”

ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

“Ndichapisa ngoro dzenyu dzive utsi,

uye munondo uchaparadza shumba dzenyu duku.

Ndichakusiyai musina nyama panyika.

Mazwi enhume dzako haangazonzwikazve.”

Categories
Nahumi

Nahumi 3

Ninevhe rine nhamo

1 Rine nhamo guta reropa,

rizere nenhema,

rizere nezvakapambwa,

harigari risina varinotambudza!

2 Kurira kwetyava,

utsvikitsviki hwamavhiri,

mutsindo wamabhiza

nomubvumo wokutinhira kwengoro!

3 Kumhanya kwavatasvi vamabhiza,

kupenya kweminondo

namapfumo anovaima!

Vazhinji vakaurayiwa,

mirwi yevakafa,

mitumbi isingaverengeki,

vanhu vachigumburwa nezvitunha.

4 Zvose izvi nokuda kwokuchiva kuzhinji kwechifeve,

chinokwezvera, mukuru wouroyi,

akatapa ndudzi noufeve hwake

namarudzi avanhu nouroyi hwake.

5 “Ndine mhaka newe,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

Ndichafukura nguo yako ifukidze chiso chako

“Ndicharatidza ndudzi kushama kwako

namadzimambo kunyadziswa kwako.

6 Ndichakukandidzira tsvina,

ndichakuita akazvidzika

uye ndichakuita chiseko.

7 Vose vachakuona vachakutiza uye vachati,

‘Ninevhe raparara, ndiani acharichema?’

Ndingawana kupi munhu angakunyaradza?”

8 Uri nani kupfuura Tebhesi here,

rakavakwa paNairi,

rakakomberedzwa nemvura?

Rwizi ndirwo rwairidzivirira,

mvura iri rusvingo rwaro.

9 Etiopia neIjipiti ndizvo zvaiva simba rayo guru;

Puti neRibhiya dzaiva pakati pavabatsiri vayo.

10 Kunyange zvakadaro yakatapwa

ikaendeswa kuutapwa.

Vacheche varo vakaputsanyiwa

kumavambo kwemigwagwa yose.

Mijenya yakakandwa pamusoro pemachinda avo,

uye vakuru vavo vakasungwa nengetani.

11 Newewo uchadhakwa;

uchavanda

ugotsvaka utiziro kubva kumuvengi wako.

12 Nhare dzako dzose dzafanana nemiti yemionde

ine michero yokutanga yaibva;

paanozunzwa,

maonde anodonhera mumuromo momudyi.

13 Tarira mauto ako,

vose vakadzi!

Masuo enyika yako

akazarurirwa kuvavengi vako;

moto waparadza mazariro awo.

14 Cherai mvura kuitira kukombwa,

simbisai nhare dzenyu!

Gadzirai ivhu,

kanyai dhaka,

mugadzire zvidhina zvenyu!

15 Moto uchakuparadzai imomo;

munondo uchakuurayai,

uye uchakuparadzai semhashu.

Berekanai semhashu,

muberekane sehwiza!

16 Makawedzera uwandu hwavatengesi venyu

kusvikira vapfuura nyeredzi dzedenga kuwanda.

Asi sehwiza, vanoparadza nyika

vobhururuka vachienda.

17 Varindi venyu vakaita sehwiza,

machinda enyu segundamusaira rehwiza

dzinomhara pamadziro musi wakunotonhora,

asi kana zuva rabuda dzinobhururuka dzichienda,

uye hapana anoziva kuti kupi.

18 Iwe mambo weAsiria, vafudzi vako vanotsumwaira;

machinda ako anorara pasi kuti azorore.

Vanhu vako vakapararira pamusoro pamakomo

pasina angavaunganidza.

19 Hapana chingarapa ronda rako;

kukuvara kwako kuchakuuraya.

Mumwe nomumwe anonzwa nezveguhu rako

anorova maoko ake pakuwa kwako,

nokuti ndianiko asina kunzwa

utsinye hwako husina magumo?

Categories
Habhakuki

Habhakuki 1

1 Chirevo chakaratidzwa muprofita Habhakuki.

Kugununʼuna kwaHabhakuki

2 Haiwa Jehovha, ndicharamba ndichidanidzira, ndichitsvaka rubatsiro kusvikira riniko,

asi musingandinzwi?

Kana kudana kwamuri ndichiti, “Ndorwiswa!”

asi hamundiponesi?

3 Sei muchiita kuti ndione kusaruramisira?

Sei muchirega zvakaipa zvichingoitwa?

Kuparadza nokuita nechisimba zviri pamberi pangu;

pano kukakavara, uye kurwa kuri kuwanda.

4 Naizvozvo murayiro hauchisina simba,

uye kutonga kwakarurama hakuchaonekwi.

Vakaipa vanokomba vakarurama,

zvokuti kururamisira kunominamiswa.

Mhinduro yaJehovha

5 “Tarisa ndudzi dzavanhu, ucherechedze,

ugoshamiswa zvirokwazvo.

Nokuti ndichaita chimwe chinhu pamazuva ako

chawanga usingazobvumi, kunyange dai waichiudzwa.

6 Ndiri kumutsa vaBhabhironi

ruya rudzi rune utsinye, rune hasha,

runopararira pasi pose

kuti rubvute nzvimbo dzokugara dzisiri dzavo.

7 Vanhu vanotyisa uye vanovhundukwa;

vasina murayiro unovatonga

uye vanongozvitsvakira kukudzwa.

8 Mabhiza avo anomhanya kukunda ingwe,

anotyisa kukunda mhumhi mumadekwana.

Mauto avo amabhiza anomhanya asingadzoki;

vatasvi vamabhiza vanobva kure kure.

Vanobhururuka segora rinotsvaka kuparadza;

9 vanouya vose kuzoita zvechisimba.

Mapoka avo ehondo anouya semhepo inovhuvhuta mugwenga

vachiunganidza nhapwa sejecha.

10 Vanozvidza madzimambo

uye vanomhura vatongi.

Vanoseka maguta ose akasimbiswa;

vanovaka zvikomo zvevhu voatapa.

11 Ipapo vanopfuura semhepo, vanopfuura vasingamiri,

varume vane mhosva, simba ravo ndiye mwari wavo.”

Habhakuki anogununʼunazve

12 Haiwa Jehovha, ko hamugari nokusingaperi here?

Mwari wangu, mutsvene wangu, hatingatongofi.

Haiwa Jehovha, makavagadza kuti vatonge;

imi Dombo, makavagadza kuti varange.

13 Meso enyu akachena zvokuti haangatarisi zvakaipa;

hamungatenderi zvakaipa.

Sei zvino muchitendera vanyengeri?

Ko, munonyararirei kana vakaipa

vachimedza vanovapfuura mukururama?

14 Sei makaita kuti vanhu vave sehove dzegungwa,

sezvisikwa zvegungwa zvisina mutongi.

15 Muvengi anovaredza vose nezviredzo,

anovabata mumumbure wake,

achivakokorodza murutava rwake;

naizvozvo anopembera nomufaro.

16 Naizvozvo anopisira zvibayiro kumumbure wake,

uye anopisira zvinonhuhwira kumumbure wake,

nokuti anogarika nokuda kwomumbure wake,

anodya zvokudya zvakaisvonaka.

17 Ko, acharamba achingodurura zviri mumumbure wake,

achingoparadza ndudzi asina tsitsi here?

Categories
Habhakuki

Habhakuki 2

1 Ndichandomira panzvimbo yangu yokurinda

ndichazviisa panzvimbo yakakwirira;

ndichatarisa ndione zvaachareva kwandiri

uye zvandingapindura pamusoro pokuchema uku.

Mhinduro yaJehovha

2 Ipapo Jehovha akapindura achiti:

“Nyora chiratidzo ichi,

uite kuti chionekwe kwazvo pamahwendefa

kuti anoverenga agoverenga achimhanya.

3 Nokuti chiratidzo ichi chakamirira nguva yakatarwa;

chinotaura nezvamagumo

uye hachingarevi nhema.

Kunyange dai chikanonoka, chimirire;

zvirokwazvo chichauya, hachizononoki.

4 “Tarira, ana manyawi;

zvido zvake hazvina kururama,

asi akarurama achararama nokutenda kwake.

5 Zvirokwazvo, waini inomupandukira;

anozvikudza uye haazombozorori.

Nokuti anokara sezvinoita guva

uye sorufu haaguti,

anozviunganidzira ndudzi dzose

uye anotapa marudzi ose avanhu.

Matambudziko aVakaipa

6 “Ko, vakatapwa vose havangazomuseki here nezvirahwe zvokumushora vachiti,

“ ‘Ane nhamo anozviunganidzira zvakabiwa

anozvipfumisa nepfuma yakapambwa!

Zvicharamba zvakadai kusvikira riniko?’

7 Ko, vamakakwereta havangazosimuki pakarepo here?

Havangazomuki vakakuvhundutsai here?

Ipapo ndimi muchava vakapambwa.

8 Nokuti makapamba ndudzi zhinji,

vakasara vachakupambai,

nokuda kweropa ravanhu ramakateura;

makaparadza nyika namaguta pamwe chete navageremo.

9 “Ane nhamo anovaka umambo hwake nepfuma yakabiwa,

achivaka dendere rake pakakwirira,

kuti anzvenge kuparadzwa!

10 Makarangana kuparadza ndudzi dzakawanda,

muchinyadzisa imba yenyu,

uye muchiparadza upenyu hwenyu.

11 Mabwe ari murusvingo achadanidzira,

ipapo matanda edenga remba achadairira namaungira.

12 “Ane nhamo anovaka guta nokudeura ropa

uye anosimbisa guta nezvakaipa.

13 Tarirai, hazvina kubva kuna Jehovha Wamasimba Ose here

kuti vanhu vanoshandira zvinoparadzwa nomoto,

uye kuti marudzi avanhu anongozvinetesa nezvisina maturo?

14 Nokuti nyika yose ichazadzwa nokuziva kubwinya kwaJehovha,

sezvakaita mvura kuzadza kwayakaita gungwa.

15 “Ane nhamo anopa vavakidzani vake zvinodhaka,

achizvidurura kubva mumatende ewaini kusvikira vadhakwa,

kuti aone kushama kwavo.

16 Muchazadzwa nenyadzi pachinzvimbo chokukudzwa.

Nhasi ndimiwo! Chinwai kuti mudzedzereke!

Mukombe unobva kuruoko rwaJehovha rworudyi uri kuuya kwamuri,

kunyadziswa kuchafukidza kukudzwa kwenyu.

17 Nokuti kuita nechisimba kwamakaitira Rebhanoni kuchakukundai,

uye kuparadza kwamakaita mhuka kuchakutyisai.

Nokuti makateura ropa ravanhu;

makaparadza nyika namaguta navose vakanga vageremo!

18 “Chifananidzo chakavezwa chinobatsireiko, zvachakangogadzirwa nomuvezi?

Kana chifananidzo chakaumbwa, chinodzidzisa nhema?

Nokuti uyo anochiita anovimba nechaakazviumbira;

anoita zvifananidzo zvisingagoni kutaura.

19 Ane nhamo anoti kudanda, ‘Rarama!’

Kana kubwe risingagoni kutaura, ‘Muka!’

Ko, zvingadzidzisa here?

Tarira, chakafukidzwa negoridhe nesirivha;

hachina mweya mukati macho napaduku.

20 Asi Jehovha ari mutemberi yake tsvene;

nyika yose ngairambe inyerere pamberi pake.”