Categories
Amosi

Amosi 7

Mhashu, Moto neRwodzi Rwokuyeresa

1 Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: Akanga achigadzirira chimokoto chemhashu mushure mokukohwewa kwomugove wamambo uye mumera wechipiri uchangobuda.

2 Dzakati dzapedza zvose zvaiva munyika, ndakadanidzira ndichiti, “Ishe Jehovha chikanganwirai henyu! Ko, Jakobho angararame sei? Muduku kwazvo!”

3 Nokudaro Jehovha akadzora mwoyo.

Jehovha akati, “Izvi hazvichazoitika.”

4 Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: Ishe Jehovha akanga achidanidzira kuti pave nokutonga nomoto; wakaomesa gungwa rakadzika uye ukaparadza nyika.

5 Ipapo ndakadanidzira ndichiti, “Ishe Jehovha, ndinokukumbirai, imbomirai henyu. Ko, Jakobho angararame sei? Muduku kwazvo!”

6 Nokudaro Jehovha akadzora mwoyo.

Ishe Jehovha akati, “Izviwo hazvichaitiki.”

7 Izvi ndizvo zvaakandiratidza: Jehovha akanga akamira pamadziro akanga akavakwa zvakaenzaniswa nerwodzi, ane rwodzi rwokuyeresa muruoko rwake.

8 Uye Jehovha akandibvunza akati, “Unooneiko, Amosi?”

Ndakapindura ndikati, “Rwodzi rwokuyeresa.”

Ipapo Jehovha akati, “Tarira, ndichaisa rwodzi rwokuyeresa pakati pavanhu vangu vaIsraeri, handichavaponesazve.

9 “Nzvimbo dzakakwirira dzaIsaka dzichaparadzwa,

uye nzvimbo tsvene dzaIsraeri dzichaitwa matongo;

ndichamukira imba yaJerobhoamu nomunondo wangu.”

Amosi naAmazia

10 Ipapo Amazia muprista weBheteri akatumira shoko kuna Jerobhoamu mambo weIsraeri achiti, “Amosi akaita rangano yokukumukirai pakati chaipo pemwoyo weIsraeri. Nyika haigoni kugamuchira mashoko ake ose.

11 Nokuti izvi ndizvo zviri kutaurwa naAmosi:

“ ‘Jerobhoamu achafa nomunondo,

uye Israeri ichaenda kuutapwa,

zvirokwazvo kure nenyika yavo yechizvarwa.’ ”

12 Ipapo Amazia akati kuna Amosi, “Ibva muno, iwe muoni! Dzokera kunyika yeJudha. Uzviwanire zvokudya zvako ikoko, uchiprofita ikoko.

13 Usaprofitazve paBheteri, nokuti iyi ndiyo nzvimbo tsvene yamambo uye netemberi youmambo.”

14 Amosi akapindura Amazia achiti, “Ndakanga ndisiri muprofita, kana mwanakomana womuprofita, asi ndaiva mufudzi nomutariri wemionde yemisikamo.

15 Asi Jehovha akanditora kubva paufudzi hwamakwai akati kwandiri, ‘Enda uprofite kuvanhu vangu Israeri.’

16 Zvino, chinzwa shoko raJehovha. Iwe unoti,

“Usaprofita pamusoro paIsraeri,

uye rega kuparidza pamusoro peimba yaIsaka.”

17 “Naizvozvo zvanzi naJehovha:

“ ‘Mukadzi wako achava chifeve muguta,

uye vanakomana nevanasikana vako vachaparadzwa nomunondo.

Nyika yako ichayerwa igoganhurwa,

uyezve iwe pachako uchafira munyika yevedzimwe ndudzi,

Uye zvirokwazvo Israeri ichaenda kuutapwa,

kure nenyika yavo yechizvarwa.’ ”

Categories
Amosi

Amosi 8

Tswanda yemichero yakaibva

1 Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: tswanda ine michero yakaibva.

2 Akabvunza akati, “Unooneiko, Amosi?”

Ndakapindura ndichiti, “Tswanda ine michero yakaibva.”

Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Nguva yakwana kuvanhu vangu Israeri; handingavararamisizve.

3 “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, “nziyo dzomutemberi dzichashanduka dzigova kuchema. Mitumbi yevakafa ichava mizhinji. Munzvimbo dzose icharaswa vanhu vanyerere.”

4 Inzwai izvi imi munotsika-tsika vanoshayiwa

uye muchiparadza varombo venyika,

5 muchiti,

“Kugara kwoMwedzi kuchapfuura riniko

kuti tigotengesa zviyo,

uye kupera kweSabata

kuti tigotengesa gorosi?”

muchitapudza chiero,

muchikwidza mitengo

uye muchibiridzira nezvikero zvinonyengera,

6 muchitenga varombo nesirivha

uye vanoshayiwa neshangu,

muchitengesa kunyange makoto pamwe chete negorosi.

7 Jehovha apika noKuzvikudza kwaJakobho achiti, “Handizokanganwi chinhu chipi nechipi zvacho chavakaita.

8 “Ko, nyika haingadederi nokuda kwaizvozvi here

uye vose vanogara mairi havangachemi?

Nyika yose ichadira seNairi,

ichabvongodzwa

uye igoderera sorwizi rweIjipiti.

9 “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha,

“ndichaita kuti zuva rivire masikati makuru

uye ndichauyisa rima panyika masikati machena.

10 Ndichashandura mitambo yenyu yechinamato ive kuchema,

nokuimba kwose kuti kuve mhere.

Ndichaita kuti mose mupfeke masaga

uye mugoveura misoro yenyu.

Ndichaita kuti nguva iyi ive samariro omwanakomana akaberekwa ari mumwe oga,

uye magumo acho ave sezuva rakaipa kwazvo.

11 “Mazuva ari kuuya,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha,

“andichatumira nzara panyika yose,

kwete nzara yezvokudya kana nyota yemvura,

asi nzara yokunzwa mashoko aJehovha.

12 Vanhu vachadzedzereka vachibva kugungwa

vachienda kune rimwe gungwa,

uye vachadzungaira vachibva kumusoro vachienda kumabvazuva,

vachitsvaka shoko raJehovha, asi havangariwani.

13 “Pazuva iro,

“mhandara dzakaisvonaka namajaya

akasimba vachaziya nenyota.

14 Avo vanopika nokunyadzisa kweSamaria, kana vanoti,

‘Namwari wako mupenyu, iwe Dhani,’ kana kuti,

‘Namwari waBheerishebha mupenyu,’

vachawa,

vasingazomukazve.”

Categories
Amosi

Amosi 9

Israeri ichaparadzwa

1 Ndakaona Jehovha amire parutivi rwearitari, uye akati,

“Rova misoro yembiru

kuti zvikumbaridzo zvizunguzike.

Zviputsire pasi pamisoro yevanhu vose;

avo vachasara ndichavauraya nomunondo.

Hapana kana mumwe chete achatiza,

hapana achapunyuka.

2 Kunyange vakachera kusvikira panoperera guva,

kubva imomo ruoko rwangu ruchavatora.

Kunyange vakakwira kumatenga,

kubva ikoko ndichavadzikisa pasi.

3 Kunyange vakazvivanza pamusoro peKarimeri,

ipapo ndichavavhima ndigovabata.

Kunyange vakahwanda kubva kwandiri pasi pegungwa,

ipapo ndicharayira nyoka kuti ivarume.

4 Kunyange vakaendeswa kuutapwa navavengi vavo,

ikoko ndicharayira munondo kuti uvaparadze.

Ndichananʼanidza meso angu pavari

kuti ndivaitire zvakaipa, kwete zvakanaka.”

5 Ishe, Jehovha Wamasimba Ose,

iye anobata nyika igonyungudika,

navose vagere mairi vagochema,

nyika yose inozara seNairi,

uye igoderera serwizi rweIjipiti,

6 iye anovaka muzinda wake kumatenga

agomisa hwaro hwawo panyika,

anodana mvura dzegungwa

agodzidururira pamusoro penyika,

Jehovha ndiro zita rake.

7 “Nhai imi vaIsraeri, ko,

hamusi kwandiri vamwe chete savaEtiopia here?”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Handina kubudisa Israeri kubva kuIjipiti here,

vaFiristia kubva kuKafitori

navaAramu kubva kuKiri?

8 “Zvirokwazvo meso aIshe Jehovha

ari paumambo hunotadza.

Ndichahuparadza

kubva pamusoro penyika,

asi handingaparadzi zvachose

imba yaJakobho,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

9 “Nokuti ndicharayira,

uye ndichazunguza imba yaIsraeri pakati pendudzi dzose,

sokuzunguzwa kunoitwa zviyo murusero,

uye hapana kana tsanga

imwe chete ichawira pasi.

10 Vatadzi vose pakati pavanhu vangu

vachafa nomunondo,

vose vanoti,

‘Njodzi haingatiwiri kana kusangana nesu.’

Israeri inomutsidzirwa

11 “Pazuva iro ndichamisazve

tende raDhavhidhi rakawa.

Ndichavakazve nzvimbo dzaro dzakaputsika,

ndigovakazve matongo aro,

uye ndicharivaka sezvarakanga rakaita,

12 kuti vazvitorere zvakasara zvaEdhomu

nendudzi dzose dzine zita rangu,”

ndizvo zvinotaura Jehovha, iye achaita zvinhu izvi.

13 “Mazuva ari kuuya,” ndizvo zvinotaura Jehovha,

“mucheki paachapfuurwa nomurimi,

uye mudyari paachapfuurwa neanosvina mazambiringa.

Waini itsva ichadonha kubva kumakomo,

uye ichayerera kubva pazvikomo zvose.

14 Ndichadzosazve vanhu vangu vakatapwa, ivo vaIsraeri;

vachavakazve maguta akaitwa matongo uye vachagara maari.

Vachasima minda yemizambiringa vagonwa waini yayo.

Vacharima mapindu uye vachadya zvibereko zvawo.

15 Ndichasima Israeri munyika yavo voga,

havangazodzurwizve

kubva panyika yandakavapa,”

ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari wako.

Categories
Obhadhia

Obhadhia 1

1 Zvakaratidzwa Obhadhia.

Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro peEdhomu:

Takanzwa shoko rakabva kuna Jehovha richiti:

Nhume yakatumwa kundudzi kuti indotaura ichiti,

“Simukai, tiende tindorwa hondo naye.”

2 “Tarirai, ndichakudukupisai pakati pendudzi;

muchamhurwa zvachose.

3 Kuzvikudza kwemwoyo yenyu kwakakunyengerai,

iyemi mugere mumikaha yamatombo

muchiita kwakakwirira misha yenyu,

imi munoti mumwoyo yenyu,

‘Ndianiko angandiburutsira pasi?’

4 Kunyange mukabhururuka segondo

mukaruka dendere renyu pakati penyeredzi,

kubva ipapo ndichakukandai pasi,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

5 “Kana mbavha dzikauya kwamuri,

kana makororo usiku,

haiwa, muchaparadzwa zvakadiniko?

Havazoba kusvikira pavanoda here?

Dai vatanhi vamazambiringa vaiuya kwamuri,

ko, havaizosiya mazambiringa mashoma here?

6 Asi Esau achasiyiwa seiko asina chinhu,

pfuma yake yakavigwa ichatorwa!

7 Vose vaiva nesungano newe vachakumanikidza kusvikira kumuganhu;

shamwari dzako dzichakunyengera dzigokukunda;

vanodya zvokudya zvako vachakuisira musungo,

asi haungazvizivi.

8 “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha,

“handingazoparadzi vachenjeri veEdhomu,

varume vazere nokunzwisisa pakati pamakomo eEdhomu here?

9 Mhare dzako, iwe Temani,

dzichavhunduka,

uye vose vari mumakomo aEsau vachaparara pakuurayiwa ikoko.

10 Nokuda kwokuti wakarwisa mununʼuna wako Jakobho,

uchafukidzwa nenyadzi;

uchaparadzwa nokusingaperi.

11 Zuva iro rawakamira kure,

vatorwa pavakatakura pfuma yake vakaenda nayo,

uye vabvakure vakapinda mumasuo ake,

vakakanda mijenya pamusoro peJerusarema,

iwe wakaita somumwe wavo.

12 Haufaniri kutarisira mununʼuna wako pasi,

pazuva rokushayiwa kwake,

kana kufara pamusoro pavanhu veJudha,

pazuva rokuparadzwa kwavo,

kana kuzvikudza zvakanyanya

pazuva rokutambudzika kwavo.

13 Hamufaniri kufamba napamasuo avanhu vangu,

pazuva renjodzi yavo,

kana kuvatarisira pasi vava munjodzi,

pazuva renjodzi yavo,

kana kuvatorera pfuma yavo

pazuva renhamo yavo.

14 Hamufaniri kumira pamharadzano dzenzira,

kuti muuraye vanotiza vavo,

kana kuisa vakasara vavo kuvavengi vavo,

pazuva rokutambudzika kwavo.

15 “Zuva raJehovha rava pedyo

kundudzi dzose.

Sezvamakaita, ndizvo zvichaitwawo kwamuri;

mabasa enyu achadzokera pamisoro yenyu chaiyo.

16 Sezvamakanwa pagomo rangu dzvene,

saizvozvowo ndudzi dzose dzicharamba dzichingonwa;

dzichanwa nokunwa dzikaita

sedzisina kumbovapo.

17 Asi paGomo reZioni pachava nokununurwa;

richava dzvene,

uye imba yaJakobho

ichadzoserwa nhaka yayo.

18 Imba yaJakobho ichava moto,

uye imba yaJosefa murazvo womoto;

imba yaEsau ichava mashanga,

uye vachaipisa nomoto vagoipedza.

Hakuzovi navanopona

muimba yaEsau.”

Jehovha ataura izvozvo.

19 Vanhu vanobva kuNegevhi

vachagara mumakomo aEsau,

uye vanhu vanobva mujinga mezvikomo

vachatora nyika yavaFiristia kuti ive yavo.

Vachatora minda yaEfuremu pamwe chete neSamaria,

kuti zvive zvavo, uye Bhenjamini achatora Gireadhi kuti ive yake.

20 Ungano iyi yavaIsraeri vakadzingwa vagere muKenani

ichatora nyika kusvikira kuZarefati;

vakadzingwa kubva muJerusarema vagere muSefaradhi

vachatora maguta eNegevhi.

21 Vaponesi vachakwira pamusoro peGomo reZioni,

kuti vandotonga makomo aEsau.

Uye ushe huchava hwaJehovha.

Categories
Jona

Jona 1

Jona anotiza kubva pamberi paJehovha

1 Shoko raJehovha rakasvika kuna Jona mwanakomana waAmitai, richiti,

2 “Enda kuguta guru reNinevhe undoriparidzira, nokuti kuipa kwaro kwasvika pamberi pangu.”

3 Asi Jona akatiza kubva pamberi paJehovha akananga kuTashishi. Akaburuka akaenda kuJopa, kwaakawana chikepe chaienda ikoko. Mushure mokubvisa mari yokufambisa, akakwidza ndokuenda kuTashishi kuti atize kubva kuna Jehovha.

4 Ipapo Jehovha akatuma mhepo huru pagungwa, uye dutu raipenga kwazvo rikamuka zvokuti chikepe chakada kutsemuka-tsemuka.

5 Vafambisi vose vechikepe vakatya uye mumwe nomumwe akachema kuna mwari wake. Vakakanda nhumbi mugungwa kuti chikepe chireruke.

Asi Jona akanga aenda pasi mukati mechikepe maakasvikovata uye akakotsira hope huru.

6 Mukuru wavachairi akaenda kwaari akati, “Ungarare sei iwe? Muka udane kuna mwari wako! Zvimwe angatirangarira tikasaparara.”

7 Ipapo vafambisi vechikepe vakati kuno mumwe nomumwe, “Uyai, tikande mijenya kuti tione kuti ndiani aita kuti tiwirwe nenjodzi iyi.” Vakakanda mijenya, mijenya ikawira pana Jona.

8 Saka vakamubvunza vakati, “Tiudze, ndiani aita kuti matambudziko ose aya atiwire? Unoita basa reiko? Unobvepiko? Nyika yako inonzi ani? Uri worudzi rupi?”

9 Akapindura akati, “Ndiri muHebheru, uye ndinonamata Jehovha, Mwari wokudenga, akaita gungwa nenyika.”

10 Izvi zvakavatyisa uye vakabvunza vakati, “Watadzeiko?” (Vaiziva kuti aitiza kubva pamberi paJehovha, nokuti akanga atovaudza kudaro.)

11 Gungwa rakanga rotonyanya kupenga. Saka vakamubvunza vakati, “Ko, tinofanira kuitei kwauri kuti gungwa ritidzikamire?”

12 Akapindura achiti, “Ndisimudzei mundikande mugungwa, ipapo richanyarara. Ndinoziva kuti mhosva yangu ndiyo yaita kuti dutu guru iri rikuwirei.”

13 Pachinzvimbo chaizvozvo varume vakaedza napavaigona napo kuti vadzokere kunyika. Asi vakakoniwa, nokuti gungwa rakatonyanyisa kupenga kupfuura zvapakutanga.

14 Ipapo vakachema kuna Jehovha vakati, “Haiwa Jehovha, tapota musatiuraya nemhaka youpenyu hwomunhu uyu. Musatipa mhosva yokuuraya munhu asina mhaka, nokuti, iyemi Jehovha maita sokuda kwenyu.”

15 Ipapo vakatora Jona vakamukanda mugungwa, uye gungwa rikanyarara pakupenga kwaro.

16 Nokuda kwaizvozvi vakatya Jehovha kwazvo, uye vakabayira Jehovha chibayiro vakaita mhiko kwaari.

17 Asi Jehovha akatuma hove huru kuti izomedza Jona, uye Jona akava mudumbu mehove kwamazuva matatu nousiku hutatu.

Categories
Jona

Jona 2

Munyengetero waJona

1 Kubva mudumbu rehove Jona akanyengetera kuna Jehovha Mwari wake.

2 Akati:

“Mudambudziko rangu ndakadana kuna Jehovha,

iye akandipindura.

Kubva mukati meguva ndakadanidzira kuti ndibatsirwe,

uye imi makanzwa kuchema kwangu.

3 Makandikandira makadzika,

mumwoyo chaimo megungwa,

uye mvura zhinji ikandikomberedza;

mafungu enyu ose namapopoma enyu ose

zvakapfuura napamusoro pangu.

4 Ndakati, ‘Ndaraswa kubva

pamberi penyu,

asi ndichatarirazve ndakaringa

kutemberi yenyu tsvene.’

5 Mvura zhinji dzandikomberedza dzikandityisa;

pakadzikadzika pakandikomberedza;

sora regungwa rakamonera musoro wangu.

6 Kumidzi yamakomo ndakanyura;

nyika yapasi yakandipfigiramo nokusingaperi.

Asi makaburitsa upenyu hwangu kubva mugomba,

imi Jehovha Mwari wangu.

7 “Upenyu hwangu pahwakanga hwotiza,

ndakakurangarirai, imi Jehovha,

uye munyengetero wangu wakauya kwamuri,

kutemberi yenyu tsvene.

8 “Vaya vanobatirira kuzvifananidzo zvisina maturo,

vanorasa nyasha dzingadai dziri dzavo.

9 Asi ini, norwiyo rwokuvonga,

ndichabayira kwamuri.

Zvandakapika ndichazvizadzisa.

Ruponeso runobva kuna Jehovha.”

10 Uye Jehovha akarayira hove, ikandorutsira Jona panyika yakaoma.

Categories
Jona

Jona 3

Jona anoenda kuNinevhe

1 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jona kechipiri richiti,

2 “Enda kuguta reNinevhe undoriparidzira shoko randinokupa.”

3 Jona akateerera shoko raJehovha akaenda kuNinevhe. Zvino Ninevhe raiva guta guru kwazvo, rwendo rwamazuva matatu.

4 Pazuva rokutanga Jona akapinda muguta. Akaparidza achiti, “Kwasara mazuva makumi mana, mushure maizvozvo Ninevhe richaparadzwa.”

5 Vanhu veNinevhe vakatenda kuna Mwari. Vakatara nguva yokutsanya, uye vose zvavo, kubva kumukuru mukuru kusvikira kumuduku duku vakapfeka masaga.

6 Nhau idzi padzakasvika kuna mambo weNinevhe, akasimuka kubva pachigaro chake, akabvisa nguo dzake dzoumambo, akazvifukidza namasaga akagara mumadota.

7 Ipapo akazivisa chirevo muNinevhe, achiti:

“Chirevo chamambo namachinda ake:

“Musarega munhu kana mhuka, chipfuwo kana gwai, zvichiravira chinhu; musazvirega zvichidya kana kunwa.

8 Asi vanhu nemhuka ngavafuke masaga. Munhu wose ngaadane kuna Mwari iye zvino. Ngavasiye nzira dzavo dzakaipa nokuita kwavo nechisimba.

9 Ndiani anoziva? Zvichida Mwari angazvidemba uye netsitsi dzake akazvidzora kubva pakutsamwa kwake kunotyisa kuti tirege kuparara.”

10 Mwari akati aona zvavakaita uye kutendeuka kwavakaita kubva panzira dzavo dzakaipa, akavanzwira tsitsi akasauyisa kuparadzwa pamusoro pavo sezvaaida kuvaitira.

Categories
Jona

Jona 4

Kutsamwa kwaJona nokuda kwetsitsi dzaJehovha

1 Asi Jona haana kufadzwa nazvo uye akatsamwa.

2 Akanyengetera kuna Jehovha akati, “Imi Jehovha, izvi hazvisizvo here zvandakataura ndiri kunyika yangu? Ndokusaka ndakakurumidza kutiza ndichienda kuTashishi? Ndaiziva kuti muri Mwari ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa uye azere norudo, Mwari anozvidzora pakutumira zvakaipa.

3 Zvino, imi Jehovha, torai zvenyu upenyu hwangu, nokuti zviri nani kuti ndife zvangu pano kurarama.”

4 Asi Jehovha akapindura akati, “Zvakanaka here kuti utsamwe?”

5 Jona akabuda akaenda akandogara pasi kunze kweguta nechokumabvazuva. Ikoko akazvivakira dumba, akagara mumumvuri waro ndokumirira kuti aone zvaizoitika kuguta.

6 Ipapo Jehovha Mwari akameresa muti womuzambiringa, akauita kuti ukure kumusoro kwaJona kuti uite mumvuri pamusoro pake, kuti shungu dzake dzidzikire, uye Jona akafara kwazvo nokuda kwomuzambiringa.

7 Asi chifumi chezuva rakatevera Mwari akatuma gonye rikadya muzambiringa uyu zvokuti wakasvava.

8 Zuva rakati richibuda, Mwari akatuma mhepo yokumabvazuva yaipisa kwazvo, uye zuva rikabaya pamusoro paJona zvokuti akaziya. Akademba kufa, uye akati, “Zvingava nani kuti ndife zvangu pano kurarama.”

9 Asi Mwari akati kuna Jona, “Zvakanaka here kuti utsamwe nokuda kwomuzambiringa uyu?”

Iye akati, “Hongu, ndakatsamwa zvokuti ndife.”

10 Asi Jehovha akati, “Iwe wanga une hanya nomuzambiringa uyu, kunyange zvazvo usina kuuchengeta kana kuukudza. Wakabuda nousiku humwe uye ukaparara nousiku humwe.

11 Asi Ninevhe rine vanhu vanopfuura zviuru zana namakumi maviri avanhu vasingazivi kuti ruoko rwavo rworudyi ndorupi kana rworuboshwe ndorupi, uye nemombe zhinjiwo. Handingavi nehanya here neguta iro guru?”

Categories
Mika

Mika 1

1 Shoko raJehovha rakauya kuna Mika weMoresheti panguva yokutonga kwaJotamu, Ahazi naHezekia, madzimambo aJudha, chiratidzo chaakaona pamusoro peSamaria neJerusarema.

2 Inzwai, imi marudzi avanhu, imi mose,

teerera, iwe nyika navose vari mauri,

kuti Ishe Jehovha achakupai mhosva,

Jehovha ari mutemberi yake tsvene.

Kutongwa kweSamaria neJerusarema

3 Tarirai! Jehovha ari kubuda panzvimbo yaanogara:

anoburuka pasi agotsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika.

4 Makomo achanyongodeka pasi pake

uye mipata ichapamuka,

senamo pamoto,

semvura inoyerera pamawere.

5 Zvose izvi zvakaitika nokuda kwokudarika kwaJakobho,

nokuda kwezvivi zveimba yaIsraeri.

Kudarika kwaJakobho ndokweiko?

Hakuzi Samaria here?

Nzvimbo yakakwirira yaJudha ndeipiko?

Haizi Jerusarema here?

6 “Naizvozvo ndichaita Samaria murwi wamabwe,

nzvimbo yokusima minda yemizambiringa.

7 Zvose zvifananidzo zvaro zvichaputswa kuita zvimedu;

zvose zvipo zvaro zvomutemberi zvichapiswa nomoto;

ndichaparadza zvifananidzo zvaro zvose.

Sezvo akaunganidza zvipo zvake kubva pamibayiro yezvifeve,

semibayiro yezvifeve zvichazoshandiswa zvakare.”

Kuchema noKuungudza

8 Nokuda kwaizvozvo ndichachema uye ndigoungudza;

ndichafamba ndisina shangu mutsoka uye ndisina kupfeka.

Ndichaungudza segava

uye ndichachema sezizi.

9 Nokuti ronda rake harirapiki;

rasvika kuna Judha.

Rasvika pasuo ravanhu vangu chaipo,

kunyange kuJerusarema chaiko.

10 Musazvireva paGati;

musambochema.

MuBheti Ofira

umburukai muguruva.

11 Pfuurai muende musina kupfeka mukunyara,

imi munogara muShafiri.

Avo vanogara muZaanani

havangabudi kunze.

Bheti Ezeri riri mukuchema;

kudzivirirwa kwaro kwabviswa kubva kwariri.

12 Avo vanogara muMaroti mukurwadziwa kukuru

vakamirira kudzikinurwa,

nokuti njodzi yasvika ichibva kuna Jehovha,

kunyange pasuo reJerusarema.

13 Imi vanogara muRakishi,

sungai mabhiza enyu pangoro.

Ndimi makava mavambo echivi

kuMwanasikana weZioni,

Nokuti kudarika kwaIsraeri

kwakawanikwa mamuri.

14 Naizvozvo uchapa zvipo zvokuonekedzana

kuna Moresheti Gati.

Guta reAkizibhi richaratidza unyengeri

kumadzimambo aIsraeri.

15 Ndichauyisa mukundi

kwauri iwe unogara muMaresha.

Iye anova kubwinya kwaIsraeri

achauya kuAdhuramu.

16 Veurai misoro yenyu mukuchema

nokuda kwavana vamunofarira;

zviitei musvuu sowegora,

nokuti vachabva kwamuri vachienda kuutapwa.

Categories
Mika

Mika 2

Urongwa hwoMunhu nohwaMwari

1 Vane nhamo avo vanoronga zvakaipa,

avo vanoronga zvakaipa pamibhedha yavo!

Pakuedza kwamangwanani vanozviita

nokuti zviri musimba ravo kuzviita.

2 Vanochiva minda vagoipamba,

nedzimba, uye vagodzitora.

Vanobira munhu imba yake,

nomuvakidzani nhaka yake.

3 Naizvozvo Jehovha anoti,

“Ndiri kuronga njodzi yokurwisa nayo vanhu ava,

zvamusingagoni kuzvidzivirira kwazviri.

Hamuchazofambizve muchizvikudza,

nokuti ichava nguva yedambudziko.

4 Pazuva iro vanhu vachakutukai;

vachakudenhai norwiyo urwu rwokuchema:

‘Taitwa dongo chose;

pfuma yavanhu vangu yagovaniswa.

Anonditorera!

Anopa minda yedu kuna vanotimukira?’ ”

5 Naizvozvo muchashayiwa munhu kana mumwe, muungano yaJehovha,

kuti agove nyika nemijenya.

Vaprofita venhema

6 Vaprofita vavo vanoti, “Musaprofita,

musaprofita pamusoro pezvinhu izvi;

kunyadziswa hakungatibati.”

7 Zvingataurwe here, nhai imi imba yaJakobho, kuti:

“Ko, mweya waJehovha watsamwa here?

Iye anoita zvinhu zvakadaro here?”

“Ko, mashoko angu haaiti zvakanaka here

kuno uyo ane nzira dzake dzakarurama?

8 Asi mazuva ano vanhu vangu

vakandimukira somuvengi.

Munobvisa majasi anokosha

pane avo vanopfuura musina kana hanya,

savarume vodzoka kubva kuhondo.

9 Munodzinga madzimai avanhu vangu

kubva mudzimba dzavo dzakanaka.

Munotora ropafadzo yangu

kubva kuvana vavo nokusingaperi.

10 Simukai, ibvai pano!

Nokuti ino haisi nzvimbo yenyu yokuzororera,

nokuti yakasvibiswa,

yakaparadzwa zvisingagadziriki.

11 Kana munyepi nomunyengeri akauya oti,

‘Ndichakuprofitirai waini zhinji nedoro,’

iyeyu achava muprofita wavanhu ava!

Kudzikinurwa kunovimbiswa

12 “Zvirokwazvo ndichakuunganidzai imi mose, iwe Jakobho;

zvirokwazvo ndichaunganidza pamwe chete vakasara vaIsraeri.

Ndichavaunganidza pamwe chete samakwai muchirugu,

seboka pamafuro aro; nzvimbo yacho ichazara navanhu.

13 Uyo achaparura nzira achaenda pamberi pavo;

vachapwanya napasuo vagobuda panze.

Mambo wavo achapfuura ari pamberi pavo,

Iye Jehovha achivatungamirira.”