Categories
Dhanieri

Dhanieri 6

Dhanieri muGomba reShumba

1 Zvakafadza Dhariasi kugadza machinda zana namakumi maviri kuti vatonge muushe hwose,

2 navakuru vatatu vaiva pamusoro pavo, mumwe wavo akanga ari Dhanieri. Machinda aitsanangura zvose pamusoro pemabasa avo kwavari kuti mambo arege kurasikirwa.

3 Zvino Dhanieri akagona akakunda vakuru namachinda mumaitiro ake aishamisa zvokuti mambo akaronga kumugadza kuti ave pamusoro poumambo hwose.

4 Ipapo, vakuru namachinda vakaedza kutsvaka mhosva yavangapomera Dhanieri pamusoro pokufambisa kwake mabasa ehurumende, asi havana chavakagona kuwana. Havana kuwana uori maari, nokuti akanga akatendeka uye pasina uori kana kushaya hanya maari.

5 Pakupedzisira varume ava vakati, “Hatingambowani hwaro hwokupomera Dhanieri mhosva kunze kwechinhu chine chokuita nezvomurayiro waMwari wake.”

6 Saka vakuru namachinda vakaenda vose pamwe chete kuna mambo vakandoti, “Haiwa Mambo Dhariasi, raramai nokusingaperi!

7 Vakuru voushe vatariri, machinda, navapangi vamazano uye vabati vakatenderana vose kuti mambo ngaateme chirevo nokusimbisa chirevo kuti ani naani anonyengetera kuna mwari upi zvake kana munhu pakati pamazuva makumi matatu, kunze kwokwamuri imi mambo, achakandwa mugomba reshumba.

8 Zvino, imi mambo isai chirevo uye muchinyore kuitira chirege kushandurwa zvinoenderana nemirayiro yavaMedhia navaPezhia, usingagoni kushandurwa.”

9 Saka Mambo Dhariasi akanyora chirevo.

10 Zvino Dhanieri akati anzwa kuti chirevo chakanga chaziviswa, akaenda muimba yake yapamusoro yaiva namawindo akanga akatarira kuJerusarema. Akapfugama namabvi ake akanyengetera katatu pazuva, achivonga kuna Mwari wake, sezvaaisiita.

11 Ipapo varume ava vakaenda vose pamwe chete vakawana Dhanieri achinyengetera, achikumbira kubatsirwa naMwari.

12 Saka vakaenda kuna mambo vakataura naye pamusoro pechirevo chake choushe vachiti, “Ko, hamuna kuzivisa here chirevo chokuti pakati pamazuva makumi matatu anotevera, ani naani anonyengetera kuna mwari kana munhu upi kunze kwokwamuri, imi mambo, achakandwa mugomba reshumba?”

Mambo akapindura akati, “Chirevo chakadaro chiripo, chinoenderana nomurayiro wavaMedhia navaPezhia, usingagoni kushandurwa.”

13 Ipapo vakati kuna mambo, “Dhanieri, mumwe wavakatapwa vakabva Judha, haakuteererei, imi mambo, kana kuchirevo chamakatema norunyoro rwenyu. Achiri kunyengetera katatu pazuva.”

14 Mambo akati anzwa izvi, akatambudzika zvikuru; akanga achida kurwira Dhanieri uye akaedza nzira dzose dzokumuponesa kusvikira kwadoka.

15 Ipapo varume vakaenda vose pamwe chete kuna mambo vakati kwaari, “Rangarirai imi mambo, kuti maererano nomurayiro wavaMedhia navaPezhia, hakuna chirevo kana mutemo unopiwa namambo unogona kushandurwa.”

16 Saka mambo akarayira, akauyisa Dhanieri ndokumukanda mugomba reshumba. Mambo akati kuna Dhanieri, “Mwari wako, waunoramba uchishumira, ngaakurwire!”

17 Vakauyisa ibwe vakariisa pamusoro pomuromo wegomba, mambo ndokurisimbisa nechisimbiso chake uye nezvisimbiso zvamakurukota ake, kuitira kuti mamiriro aDhanieri arege kushandurwa.

18 Ipapo mambo akadzokera kumuzinda wake akavata usiku hwose asina kudya uye hakuna chinhu chipi chaivaraidza chakauyiswa kwaari. Uye akashayiwa hope.

19 Panguva dzamambakwedza, mambo akamuka akamhanyira kugomba reshumba.

20 Akati aswedera pagomba, akadanidzira kuna Dhanieri nenzwi rokuchema achiti, “Dhanieri, iwe muranda waMwari mupenyu, Mwari wako, iye waunoshumira nguva dzose, agona kukurwira pamuromo weshumba here?”

21 Dhanieri akapindura akati, “Imi mambo, raramai nokusingaperi!

22 Mwari wangu akatuma mutumwa wake, akadzivira miromo yeshumba. Hadzina kundikuvadza, nokuti ndakawanikwa ndisina mhosva pamberi pake. Uye handina kumboita chinhu chakaipa pamberi penyu, imi mambo.”

23 Mambo akafara zvikuru akarayira kuti Dhanieri abudiswe mugomba. Uye Dhanieri akati abudiswa mugomba, hakuna vanga rakawanikwa paari, nokuti akanga avimba naMwari wake.

24 Mambo akarayira kuti varume vakanga vapomera Dhanieri varwiswe, uye kuti vakandwe mugomba reshumba, pamwe chete navakadzi vavo navana vavo. Uye vasati vasvika pasi pegomba, shumba dzakavakurira dzikapwanya mapfupa avo ose.

25 Ipapo Mambo Dhariasi akanyorera vanhu vose, nendudzi dzose navanhu vemitauro yose panyika yose achiti:

“Mubudirire zvikuru kwazvo!

26 “Ndinotema chirevo chokuti munzvimbo dzose dzoumambo hwangu vanhu vanofanira kutya Mwari waDhanieri uye vamuremekedze.

“Nokuti ndiye Mwari mupenyu,

anogara nokusingaperi;

umambo hwake hahungaparadzwi,

ushe hwake hahutongogumi.

27 Anorwira uye anoponesa;

anoita zviratidzo nezvishamiso

mudenga napamusoro penyika.

Akarwira Dhanieri

pasimba reshumba.”

28 Saka Dhanieri akabudirira pamazuva okutonga kwaDhariasi nokutonga kwaSirasi muPezhia.

Categories
Dhanieri

Dhanieri 7

Dhanieri anorota Mhuka Ina

1 Mugore rokutanga ramambo Bherishazari, mambo weBhabhironi, Dhanieri akarota hope, uye akaona zviratidzo mumusoro make paakanga avete pamubhedha wake. Akanyora zvose zvaakarota.

2 Dhanieri akati, “Muchiratidzo changu usiku, ndakatarira, uye hapo pamberi pangu pakanga pane mhepo ina dzokudenga dzaibvongodza gungwa guru.

3 Mhuka huru ina, dzisina kufanana dzakabuda kubva mugungwa.

4 “Yokutanga yakanga yakaita seshumba, uye yakanga ina mapapiro egondo. Ndakatarisa kusvikira mapapiro ayo abviswa uye ikasimudzwa kubva pasi zvokuti yakamira namakumbo maviri somunhu, uye yakapiwa mwoyo womunhu.

5 “Uye hapo pamberi pangu pakanga pane mhuka yechipiri, yakanga yakafanana nebere. Yakanga yakasimudzwa kuno rumwe rutivi rwayo, uye yakanga yakaruma mbabvu nhatu mumuromo mayo. Yakanzi, ‘Simuka udye nyama yako ugute!’

6 “Shure kwaizvozvo, ndakatarisa, uye hapo pamberi pangu pakanga pane imwe mhuka, yakanga yakafanana neingwe. Uye yakanga ina mapapiro mana akaita seeshiri kumusana kwayo. Mhuka iyi yakanga ine misoro mina, uye yakapiwa simba rokutonga.

7 “Shure kwaizvozvo, ndakatarisa muchiratidzo changu usiku, uye hapo pamberi pangu pakanga pane mhuka yechina, yaityisa uye yaivhundutsa, uye ine simba guru. Yakanga ina meno makuru esimbi; yakapwanya ikadya nyama yayo uye ikatsika-tsika namakumbo ayo zvose zvakanga zvasara. Yakanga yakasiyana nedzimwe mhuka dzose dzakare, uye yakanga ine nyanga gumi.

8 “Ndichiri kufunga pamusoro penyanga, hapo pamberi pangu pakanga pava norumwe runyanga, ruduku rwakabuda pakati padzo; uye dzimwe nyanga nhatu dzokutanga dzakadzurwa pamberi parwo. Runyanga urwu rwakanga runa meso akafanana nameso omunhu uye nomuromo waitaura zvokuzvikudza.

9 “Ndichakatarisa,

“zvigaro zvoushe zvakagadzikwa,

uye Iye Wamazuva Akare akagara pachigaro chake.

Nguo dzake dzakanga dzakachena sechando;

bvudzi romusoro wake rakanga rakachena sewuru.

Chigaro chake chainganduma nomoto,

uye mavhiri acho ose aipfuta.

10 Rwizi rwomoto rwaiyerera,

ruchibuda pamberi pake.

Zviuru nezviuru zvakanga zvichimushandira;

zviuru gumi zvakapetwa kanokwana gumi zvakamira pamberi pake.

Dare rakagara pasi,

mabhuku ndokuzarurwa.

11 “Ipapo ndakaramba ndakatarira nokuda kwamashoko okuzvikudza akanga achitaurwa norunyanga. Ndakaramba ndakatarira kusvikira mhuka iyi yaurayiwa uye muviri wayo waparadzwa ikakandwa mumoto waipfuta.

12 Kana dziri dzimwe mhuka dzakanga dzatorerwa simba radzo, asi dzakatenderwa kurarama kwechinguva.

13 “Ndakatarisa pachiratidzo changu usiku, uye hapo pamberi pangu pakanga pano mumwe akaita somwanakomana womunhu, akanga achiuya namakore okudenga. Akaenda kuna Wamazuva Akare akasvitswa pamberi pake.

14 Akapiwa simba, kubwinya nesimba roushe; vanhu vose, ndudzi dzose uye vanhu vemitauro yose vakamunamata. Ushe hwake hunogara nokusingaperi husingatongopfuuri, uye umambo hwake ndihwo husingazomboparadzwi.

Kududzirwa kwoKurota

15 “Ini Dhanieri ndakatambudzika mumweya wangu, uye zviratidzo zvakasvika mumusoro mangu zvakanditambudza.

16 Ndakaenda kuno mumwe wavakanga vakamirapo ndikamubvunza chaizvo zvaireva izvi zvose.

“Saka akandiudza ndokundidudzira zvinhu izvi, achiti,

17 ‘Mhuka huru ina ndidzo umambo huna huchamuka panyika.

18 Asi vatsvene veWokumusoro-soro vachapiwa umambo uhu uye huchava hwavo nokusingaperi, hongu nokusingaperi-peri.’

19 “Ipapo ndakada kuziva chokwadi chezvinoreva mhuka yechina, yakanga yakasiyana nedzimwe dzose uye yaityisa kwazvo, namazino ayo esimbi nenzara dzendarira, mhuka yakapwanya ikadya nyama uye ikatsika-tsika namakumbo ayo zvose zvakanga zvasara.

20 Ndakadawo kuziva pamusoro penyanga gumi dzakanga dziri pamusoro wayo uye napamusoro porumwe runyanga rwuya rwakabuda, dzimwe dzacho nhatu dzikawa pamberi payo, runyanga rwuya rwainyanya kuva nomukundo kupfuura dzimwe, uye rwakanga runa meso uye nomuromo waitaura mashoko okuzvikudza.

21 Ndichakatarisa, runyanga urwu rwakanga ruchirwa hondo navatsvene ruchivakunda,

22 kusvikira Iye Wamazuva Akare asvika akaruramisira vatsvene veWokumusoro-soro, uye nguva ikasvika yavakatora umambo.

23 “Akandipa tsananguro iyi achiti, ‘Mhuka yechina ndiyo umambo hwechina huchaonekwa panyika. Huchasiyana nohumwe umambo uye huchaparadza nyika yose, huchiitsika-tsika huchiiparadza.

24 Nyanga gumi ndidzo madzimambo gumi achabva kuumambo uhu. Shure kwavo kuchamuka mumwe mambo, akasiyana navaya vokutanga; achakunda madzimambo matatu.

25 Achataura zvinorwisana neWokumusoro-soro achimanikidza vatsvene vake, uye achaedza kushandura nguva dzakatarwa nemirayiro. Vatsvene vachaiswa kwaari kwechinguva, nedzimwe nguva nehafu yenguva.

26 “ ‘Asi dare richagara, uye simba rake richatorwa rigoparadzwa zvachose nokusingaperi.

27 Ipapo simba roumambo, simba noukuru hwoumambo pasi pedenga rose richapiwa kuvatsvene, ivo vanhu veWokumusoro-soro. Umambo hwake huchava hwokusingaperi, vatongi vose vachamunamata uye vachamuteerera.’

28 “Aya ndiwo magumo enyaya. Ini, Dhanieri, ndakatambudzika zvikuru nepfungwa dzangu, uye uso hwangu hwakatsvukuruka, asi ndakachengeta nyaya iyi mumwoyo mangu.”

Categories
Dhanieri

Dhanieri 8

Chiratidzo chaDhanieri cheGondobwe neMbudzi

1 Mugore rechitatu rokutonga kwaMambo Bherishazari, ini, Dhanieri, ndakaona nechiratidzo, shure kwechimwe chandakanga ndamboona kare.

2 Muchiratidzo changu, ndakazviona ndiri munhare yeShushani munyika yeEramu, muchiratidzo imomo, ndakanga ndiri parutivi rwoMugero weUrai.

3 Ndakatarisa kumusoro, ndokuona hapo pamberi pangu pakanga pane gondobwe raiva nenyanga mbiri, rakamira parutivi rwomugero, uye nyanga dzacho dzakanga dzakareba. Rumwe runyanga rwakanga rwakareba kupfuura rumwe asi ndirwo rwakamera mumashure.

4 Ndakatarira gondobwe parakanga richitunga rakananga kumavirira nokumusoro nezasi. Hakuna mhuka yaigona kumisidzana naro, uye hakuna aigona kununura kubva pasimba raro. Raiita zvaraida uye rikava guru.

5 Ndakati ndichifunga pamusoro peizvi, pakarepo nhongo yakanga ine runyanga rukuru pakati pameso ayo yakabva kumavirira, ichidarika napanyika yose isingatsiki pasi.

6 Yakauya yakananga kugondobwe raiva nenyanga mbiri randakanga ndaona rimire parutivi rwomugero ndokuritunga zvine hasha kwazvo.

7 Ndakaiona ichirwisa gondobwe nehasha kwazvo, ikaritunga ndokuvhuna nyanga dzaro mbiri. Gondobwe rakanga risina simba rokurwisana nayo; nhongo yakariwisira pasi ikaritsika-tsika, uye hakuna akagona kununura gondobwe pasimba rayo.

8 Nhongo yakava huru kwazvo, asi yakati yasimba kwazvo, runyanga rwayo rukuru rwakavhunika, uye panzvimbo yarwo pakamera dzimwe nyanga ina dzakasimba dzakananga kumhepo ina dzokudenga.

9 Pano rumwe runyanga pakabuda rumwe runyanga, rwakatanga rwuri ruduku asi rwakakura musimba kurutivi rwezasi uye nechokumabvazuva uye rwakananga kuNyika Yakaisvonaka.

10 Rwakakura kusvikira rwasvika kuhondo dzokudenga, uye rukakanda dzimwe nyeredzi panyika pasi ndokudzitsika-tsika.

11 Rwakazvikudza kuti rukure soMuchinda wehondo, rwakabvisa zvibayiro zvezuva nezuva kubva kwaari, uye nzvimbo yeimba yake tsvene ikaputsirwa pasi.

12 Nokuda kwokumukira, hondo yavatsvene uye chibayiro chamazuva ose zvakapiwa kwarwuri. Rwakabudirira pane zvose zvarwaiita, uye chokwadi chikakandirwa pasi.

13 Ipapo ndakanzwa mumwe mutsvene achitaura, uye mumwe mutsvene akati kwaari, “Zvichatora nguva yakadini kuti chiratidzo chizadziswe, chiratidzo pamusoro pechibayiro chamazuva ose, kumukira kunokonzera kuparadzwa, uye kusiyiwa kwenzvimbo tsvene nehondo zvichatsikwa-tsikwa pasi petsoka?”

14 Akati kwandiri, “Zvichatora madekwana namangwanani ane zviuru zviviri zvina mazana matatu; ipapo nzvimbo tsvene ichanatswazve.”

Kududzirwa kweChiratidzo

15 Ini, Dhanieri, pandakanga ndichakatarira chiratidzo ndichiedza kuchinzwisisa, ndakaona hapo pamberi pangu mumwe akanga achiratidzika somunhu.

16 Uye ndakanzwa inzwi romunhu richibva kuUrai richidana richiti, “Gabhurieri, taurira munhu uyu zvinoreva chiratidzo.”

17 Paakaswedera panzvimbo yandakanga ndimire, ndakatya ndikawira pasi nechiso changu. Iye akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, nzwisisa kuti chiratidzo ichi ndechenguva yokupedzisira.”

18 Paakanga achataura neni, ndakabatwa nehope huru kwazvo, chiso changu chakatarira pasi. Ipapo akandibata akandisimudza ndikamira netsoka dzangu.

19 Akati, “Ndichakuzivisa zvichaitika pakupedzisira munguva yehasha, nokuti chiratidzo ndechenguva yakatarwa yokupedzisira.

20 Gondobwe rine nyanga rawakaona rinomirira madzimambo eMedhia nePezhia.

21 Nhongo ine mvere dzakamvirimvinyika ndiyo mambo weGirisi, uye runyanga rukuru rwuri pakati pameso ndirwo mambo wokutanga.

22 Nyanga ina dzakatsiva ruya rwakavhunika dzinomirira ushe una huchabuda murudzi rwake asi hahuzovi nesimba rakaenzana.

23 “Panguva yokupedzisira yokutonga kwavo, vapanduki pavachanyanya kuipa, mambo ane chiso chakaomarara, mukuru wouipi, achamuka.

24 Achava nesimba kwazvo, asi risiri simba rake chairo. Achakonzera kuparadzwa kunoshamisa uye achabudirira pane zvose zvaanoita. Achaparadza varume vane simba navanhu vatsvene.

25 Achaita kuti kunyengera kubudirire, uye achazviona somunhu wapamusoro. Achaparadza vazhinji pavanofunga kuti vagarika uye achamukirawo Muchinda wamachinda. Asi zvazvo achazoparadzwa, asi kwete nesimba romunhu.

26 “Chiratidzo chamadekwana nechamagwanani chakapiwa kwauri ndechechokwadi, asi vanza chiratidzo icho, nokuti ndechenguva inouya.”

27 Ini, Dhanieri, ndakapera simba ndikarwara kwamazuva mazhinji. Ipapo ndakamuka hangu ndikandobata basa ramambo. Ndakatyiswa nechiratidzo; chakanga chisinganzwisisike.

Categories
Dhanieri

Dhanieri 9

Munyengetero waDhanieri

1 Mugore rokutanga raDhariasi mwanakomana waAhasuerasi (chizvarwa cheMedhia), uyo akaitwa mutongi pamusoro poumambo hwavaBhabhironi,

2 mugore rokutanga rokutonga kwake, ini Dhanieri, ndakanzwisisa kubva muMagwaro, sezvakataura shoko raJehovha rakapiwa kuna Jeremia muprofita, kuti Jerusarema richagara riri dongo kwamakore makumi manomwe.

3 Saka ndakatendeukira kuna Ishe Mwari ndikamukumbira mukunyengetera nokuteterera, ndichitsanya, uye ndikafuka nguo dzamasaga namadota.

4 Ndakanyengetera kuna Jehovha Mwari wangu ndikareurura ndichiti:

“Haiwa Ishe, Mwari mukuru anotyisa, iye anochengeta sungano yake yorudo navose vanomuda uye vanoteerera mirayiro yake,

5 takatadza tikaita zvakaipa. Takaita zvinhu zvakaipa uye takakumukirai; takatsauka tikava kure nemitemo nemirayiro yenyu.

6 Hatina kuteerera varanda venyu vaprofita, vakataura muzita renyu kumadzimambo, machinda edu namadzibaba edu, uye nokuvanhu vose venyika.

7 “Ishe, imi makarurama, asi nhasi takafukidzwa nenyadzi, vanhu veJudha navanhu veJerusarema navaIsraeri vose, vari pedyo navose vari kure, munyika dzose kwamakatiparadzira nokuda kwokusatendeka kwedu kwamuri.

8 Haiwa Jehovha, isu namadzimambo edu, machinda edu namadzibaba edu takafukidzwa nenyadzi nokuti takakutadzirai.

9 Ishe Mwari wedu ndiye ane ngoni uye anokanganwira, kunyange dai takamumukira.

10 Hatina kuteerera Jehovha Mwari wedu kana kuchengeta mirayiro yaakatipa kubudikidza navaranda vake vaprofita.

11 VaIsraeri vose vakadarika murayiro wenyu ndokutsauka, vachiramba kukuteererai imi.

“Naizvozvo kutukwa nokutonga kwaakapika kwakanyorwa mumurayiro waMozisi, muranda waMwari, zvakadururirwa pamusoro pedu, nokuti takakutadzirai imi.

12 Makazadzisa mashoko akataurwa pamusoro pedu napamusoro pamadzishe edu nokuuyisa pamusoro pedu njodzi huru. Hakuna kumbova nechinhu chakaitwa pasi pedenga rose chakafanana nezvakaitwa paJerusarema.

13 Sezvazvakanyorwa muMurayiro waMozisi, njodzi iyi yose yakawira pamusoro pedu, kunyange zvakadaro hatina kutsvaka nyasha dzaJehovha Mwari wedu nokutendeuka kubva pazvivi zvedu tichiteerera chokwadi chenyu.

14 Jehovha haana kunonoka kuuyisa njodzi pamusoro pedu, nokuti Jehovha Mwari wedu akarurama pazvinhu zvose zvaanoita; asi hatina kumuteerera.

15 “Zvino, imi Ishe Mwari wedu, makabudisa vanhu venyu kubva muIjipiti noruoko rune simba uye mukazviitira zita rinogara kusvikira iye nhasi, takatadza, takaita zvakaipa.

16 Haiwa Ishe, dzorai kutsamwa kwenyu nehasha dzenyu kubva paJerusarema, guta renyu nechikomo chenyu chitsvene, nokuda kwamabasa enyu ose akarurama. Zvivi zvedu nezvakaipa zvamadzibaba edu zvakaita kuti Jerusarema nevanhu zvive chinhu chinosekwa neavo vose vakatipoteredza.

17 “Zvino, imi Mwari wedu, inzwai minyengetero nemikumbiro yomuranda wenyu. Haiwa Ishe, nokuda kwenyu, mutarire nenyasha pamusoro petemberi yenyu yakaparara.

18 Rerekai nzeve yenyu imi Mwari, uye munzwe; zarurai meso enyu muone kuparadza kweguta rakatumidzwa Zita renyu. Hatikumbiri kwamuri nokuda kwokuti takarurama, asi nokuda kwenyasha dzenyu huru.

19 Haiwa Ishe, inzwai! Haiwa Ishe kanganwirai! Haiwa Ishe, inzwai muite! Haiwa Mwari wangu, nokuda kwenyu musanonoka, nokuti vanhu venyu neguta renyu vakatumidzwa Zita renyu.”

Vhiki Makumi Manomwe

20 Pandakanga ndichitaura uye ndichinyengetera, ndichireurura chivi changu nechivi chavanhu vangu vaIsraeri ndichiisa chikumbiro changu kuna Jehovha Mwari wangu nokuda kwechikomo chake chitsvene,

21 ndichiri pakunyengetera, Gabhurieri, murume wandakanga ndaona muchiratidzo changu chokutanga, akasvika pandiri achibhururuka kwazvo nenguva inenge yechibayiro chamadekwana.

22 Akandirayira uye akati kwandiri, “Dhanieri, ndauya zvino kuzokupa njere nokunzwisisa.

23 Pawakangotanga kunyengetera, mhinduro yakabva yapiwa, ndiyo yandauya kuzokuudza, nokuti iwe unokudzwa kwazvo. Naizvozvo rangarira shoko iri uye unzwisise chiratidzo:

24 “Vhiki makumi manomwe dzakatemerwa vanhu vako uye neguta rako dzvene kuti vapedze kudarika kwavo, varege kutadza, kana kuyanana nezvakaipa, vauye nokururama kusingaperi, kusimbisa chiratidzo nechiprofita nokuzodza iye mutsvene-tsvene.

25 “Uzive uye unzwisise izvi: Kubva pakupiwa kwechirevo chokuvandudza nokuvaka Jerusarema kusvikira Muzodziwa, iye mutongi, auya, kuchava nevhiki nomwe uye vhiki makumi matanhatu nembiri. Richavakwa rine migwagwa uye nomugero, asi munguva dzokutambudzika.

26 Shure kwevhiki makumi matanhatu nembiri, Muzodziwa achagurwa uye achashaya chinhu. Vanhu vomutongi vachasvika vagoparadza guta nenzvimbo tsvene. Kuguma kuchauya sokudira kwemvura. Hondo icharamba iripo kusvikira kumagumo, uye kuparadzwa kwakatemwa kare.

27 Achasimbisa sungano navazhinji kwevhiki imwe. Pakati pevhiki achagumisa chibayiro nechipiriso. Uye pano rumwe rutivi rwetemberi achaisa chinyangadzo chinokonzera kuparadzwa, kusvikira kuguma kwakatemwa kwadururirwa pamusoro pake.”

Categories
Dhanieri

Dhanieri 10

Chiratidzo choMunhu chakaonekwa naDhanieri

1 Mugore rechitatu ramambo Sirasi wePezhia, Dhanieri (iye ainzi Bheriteshazari) akazarurirwa. Shoko racho rakanga riri rechokwadi uye raireva kurwa kukuru. Akanzwisisa shoko iri nechiratidzo.

2 Panguva iyo, ini, Dhanieri ndakachema kwevhiki nhatu.

3 Handina kudya zvokudya zvakanaka; kunyange nyama kana waini hazvina kusvika pamuromo wangu; uye handina kana kuzora mafuta kusvikira vhiki nhatu dzapera.

4 Pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wokutanga, pandaiva ndimire pamhenderekedzo yorwizi rukuru, irwo Tigirisi,

5 ndakatarisa kumusoro uye hapo pamberi pangu pakanga pane murume akanga akapfeka nguo dzakaisvonaka, nebhanhire regoridhe rakanatswa muchiuno chake.

6 Muviri wake wakanga wakaita sekirisoreti, chiso chake chichipenya semheni, meso ake aipfuta somwenje, maoko ake namakumbo ake zvichivaima sendarira yakakweshwa, uye inzwi rake rakanga rakafanana nokutinhira wavazhinji.

7 Ini, Dhanieri, ndini ndoga chete ndakaona chiratidzo; varume vakanga vaneni havana kuchiona, asi kutyisa kwakadai kwakavavhundutsa zvokuti vakatiza vakandovanda.

8 Saka ndakasiyiwa ndiri ndoga, ndakatarira kuchiratidzo ichi chikuru; ndakanga ndisisina simba, chiso changu chakashanduka chikatsvukuruka uye ndakanga ndapererwa.

9 Ipapo ndakamunzwa achitaura, uye pandakanga ndakateerera kwaari, ndakabatwa nehope huru, ndikatsikitsira pasi.

10 Ruoko rwakandibata rukandiita kuti ndidedere pamaoko angu namabvi.

11 Iye akati kwandiri, “Dhanieri, iwe unokudzwa zvikuru, chichengeta zvikuru mashoko andava kutaura kwauri, uye usimuke, nokuti zvino ndatumwa kwauri.” Zvino paakareva izvi kwandiri, ndakasimuka ndichidedera.

12 Ipapo akaenderera mberi akati, “Usatya, Dhanieri. Kubva pazuva rawakafunga kuwana kunzwisisa nokuzvininipisa pamberi paMwari wako, mashoko ako akanzwika, uye ini ndauya nemhinduro.

13 Asi muchinda woumambo hwavaPezhia akandidzivisa mazuva makumi maviri nerimwe apfuura. Ipapo Mikaeri, mumwe mukuru wamachinda, akauya kuzondibatsira, nokuti ndakanga ndakavharidzirwa ikoko namambo wavaPezhia.

14 Zvino ndauya kuzokutsanangurira zvichaitika kuvanhu vako pamazuva anouya, nokuti chiratidzo ndechenguva ichauya.”

15 Achiri kutaura izvi kwandiri, ndakakotama ndakatsikitsira pasi ndikashaya chokutaura.

16 Ipapo mumwe akanga akafanana nomunhu akabata muromo wangu, ini ndikashamisa muromo wangu ndokutanga kutaura. Ndakati kune akanga amire pamberi pangu, “Ini ndabatwa nokurwadziwa nokuda kwechiratidzo, ishe wangu, uye ndapererwa.

17 Ndingataura sei nemi, ini muranda wenyu, ishe wangu? Simba rangu rapera uye handichakwanisi kufema.”

18 Zvakare, mumwe akanga akafanana nomunhu akandibata akandipa simba.

19 Akati, “Usatya, iwe munhu anokudzwa zvikuru. Rugare! Iva nesimba zvino, simba.”

Paakataura neni, ndakabva ndasimba ndikati, “Taurai Ishe wangu, sezvo mandipa simba.”

20 Saka akati, “Unoziva here zvandavinga kwauri? Ndichadzokera nokukurumidza kundorwa nomuchinda wePezhia, uye kana ndaenda, muchinda weGirisi achauya;

21 asi chokutanga ndichakuudza zvakanyorwa muBhuku reZvokwadi. Hakuna anonditsigira kundorwa navo kunze kwaMikaeri, muchinda wako.

Categories
Dhanieri

Dhanieri 11

1 Uye mugore rokutanga raDhariasi muMedhia, ini ndakasimuka kuti ndimutsigire uye ndimudzivirire.

Madzimambo eZasi neoKumusoro

2 “Zvino ipapo, ndinokuudza chokwadi: Mamwezve madzimambo matatu achamuka muPezhia, uye ipapozve mumwe wechina, achava akapfuma kupfuura vamwe vose. Paachava nesimba nokuda kwepfuma yake, achamutsa vamwe vose kuzorwa noumambo hweGirisi.

3 Ipapo mambo ane simba achamuka, uyo achatonga nesimba guru nokuita sezvaanoda.

4 Shure kwokuonekwa kwake, ushe hwake huchatsemuka hugogoverwa kumhepo ina dzedenga.

5 “Mambo weZasi achava neimba, asi mumwe wavakuru vake vehondo achava nesimba kupfuura iye uye achatonga muumambo hwake amene nesimba guru.

6 Shure kwamamwe makore, vachazobatana. Mwanasikana wamambo weZasi achaenda kuna mambo woKumusoro kuti anoita sungano, asi mwanasikana uyu haangarambi ane simba rake, uye iye mambowo nesimba rake zvichaguma. Mumazuva iwayo mwanasikana acharaswa, pamwe chete navanomurinda nababa vake uye naiye anomutsigira.

7 “Mumwe anobva mumhuri yake achamuka kuti atore nzvimbo yake. Acharwisa mauto amambo woKumusoro agopinda munhare yake; iye acharwa navo agovakunda.

8 Achatapawo vamwari vavo, zvifananidzo zvavo zvesimbi nezvinhu zvavo zvinokosha zvesirivha negoridhe agozvitakura achienda nazvo kuIjipiti. Achazosiya mambo woKumusoro ari oga kwamakore.

9 Ipapo mambo woKumusoro acharwisa umambo hwamambo weZasi asi achizodzokera hake kunyika yake.

10 Vanakomana vake vachagadzirira kurwa uye vachaunganidza hondo huru, ichakukura samafashamu emvura ane simba vagorwa kusvikira kunhare yake.

11 “Ipapo mambo weZasi achafora akatsamwa kwazvo kuti azorwisa mambo woKumusoro, uyo achamutsa hondo huru, asi ichizokundwa.

12 Kana varwi vaendwa navo, weZasi achazara nokuzvikudza uye achauraya zviuru zvizhinji, asi zvazvo haazorambi achikunda.

13 Nokuti mambo woKumusoro achaumba imwe hondo, yakakura kupfuura yokutanga; uye shure kwamakore mazhinji, achaenda kundorwa ane hondo huru huru yakashongedzwa zvakakwana.

14 “Munguva idzodzo vazhinji vachamukira mambo weZasi. Varume vechisimba pakati pavanhu vokwako vachakumukira kuti chiratidzo chizadziswe, asi havangakundi.

15 Ipapo mambo woKumusoro achauya agovaka mirwi yokurwisa uye achapamba guta rakakomberedzwa, Mauto eZasi achashaya simba rokuzvidzivirira; kunyange mapoka emhare dzavo achashaya simba rokumira.

16 Mupambi achaita zvaanoda; hakuna achagona kumisidzana naye. Achazvisimbisa muNyika Yakaisvonaka uye achava nesimba rokuiparadza.

17 Achashingaira kuti auye navane simba voumambo hwake hwose uye achabatana namambo weZasi. Uye achamupa mwanasikana wake kuti amuwane kuitira kuti aparadze umambo, asi urongwa hwake hahuzobudiriri kana kumubatsira.

18 Ipapo acharinzira chiso chake kuzviwi agotora zvizhinji zvacho, asi mukuru wamauto achagumisa kuzvidza kwake uye agodzorera kuzvidzwa kwake kwaari amene.

19 Shure kwaizvozvo, achadzokera akananga kunhare dzenyika yake asi achagumburwa ndokuwa, akasazoonekwazve.

20 “Anomutevera achatumira muteresi kuti achengetedze mbiri youmambo. Zvisinei hazvo, shure kwamakore mashoma, iye achaparadzwa, zvisingaitwi mukutsamwa kana muhondo.

21 “Achatsiviwa nomunhu anozvidzwa asina kumbopiwa rukudzo rwoumambo. Iye achapamba umambo panguva iyo vanhu vanenge vakadekara, uye achahubvuta nenzira yokubata kumeso.

22 Ipapo hondo huru ichakukurwa pamberi pake; zvose iye nomuchinda wesungano zvichaparadzwa.

23 Shure kwokuita chibvumirano naye, achaita zvinhu zvounyengeri, uye navanhu vashoma chete achatora chigaro chokutonga.

24 Matunhu akapfuma paanenge adekara, acharwisa uye achakwanisa kuita zvisina kumboitwa namadzibaba ake kana madzitateguru ake. Achagovera zvaakapamba, zvaakatora nebipitira nepfuma, pakati pavanhu vake. Achaita rangano yokuparadza nhare, asi kwechinguva chete.

25 “Nehondo huru achamutsa simba rake nokushinga kwake kuti arwise mambo weZasi. Mambo weZasi acharwa naye nehondo huru kwazvo uye hondo ine simba kwazvo, asi haazogoni kumira nokuda kwamano aakarongerwa.

26 Vaya vanodya zvokudya zvamambo vachaedza kumuparadza; hondo yake ichakukurwa, uye vazhinji vachafa muhondo.

27 Madzimambo maviri, vane mwoyo yavo yakakombamira pane zvakaipa, vachagara patafura imwe chete vachireverana nhema, asi pasina zvazvinobatsira, nokuti kuguma kuchasvika zvakadaro panguva yakatarwa.

28 Mambo woKumusoro achadzokera kunyika yokwake nepfuma zhinji, asi mwoyo wake uchavenga sungano tsvene. Achairwisa agodzokera kunyika yokwake.

29 “Panguva yakatarwa acharwisa yeZasi zvakare, asi panguva ino zvichaitika zvichasiyana napakutanga.

30 Zvikepe zvokuzviwi zvokumavirira zvichamupikisa, uye iye achaora mwoyo. Ipapo achadzokera kwaabva agondopedzera shungu dzake pamusoro pesungano tsvene. Achadzokera agondofarira vaya vanorasa sungano tsvene.

31 “Mauto ake akapakata zvombo achasimuka kuti asvibise nhare yetemberi uye achadzivisa chibayiro chamazuva ose. Ipapo vachamisa chinonyangadza chinokonzera kuparadzwa.

32 Nokubata kumeso achatsausa avo vakaputsa sungano asi vanhu vanoziva Mwari wavo vachamudzivisa kwazvo.

33 “Vakachenjera vachadzidzisa vazhinji, kunyange kwechinguva vachazourayiwa nomunondo kana kupiswa kana kutapwa kana kupambwa.

34 Pavachawa vachagamuchira rubatsiro rushoma shoma, uye vazhinji vasiri muchokwadi vachabatana navo.

35 Vamwe vakachenjera vachagumburwa, kuitira kuti vagonatswa, nokucheneswa uye vave vasina gwapa kusvikira panguva yokupedzisira, nokuti zvichazongoitika panguva yakatarwa.

Mambo anozvikudza

36 “Mambo uyu achaita sezvaanoda. Achazvisimudzira uye achazvikudza pamusoro pavamwari vose uye achataura zvinhu zvisina kumbonzwikwa pamusoro paMwari wavamwari. Achabudirira kusvikira nguva yokutsamwa yapera, nokuti zvakatemwa zvinofanira kuitika.

37 Haazovi nehanya navamwari vamadzibaba ake kana nouyo anodikanwa navakadzi, uye haangavi nehanya namwari upi zvake, asi achazvikudza pamusoro pavo vose.

38 Pachinzvimbo chazvo, achakudza mwari wenhare; achakudza negoridhe nesirivha namatombo anokosha, nezvipo zvomutengo wapamusoro, mwari akanga asingazivikanwi namadzibaba ake.

39 Acharwisa nhare dzakasimbisisa achibatsirwa namwari wavatorwa uye achakudza zvikuru vaya vanomugamuchira. Achavaita vabati pamusoro pavanhu vazhinji uye achagovera nyika nomutengo.

40 “Panguva yokupedzisira mambo weZasi acharwisana naye, uye mambo woKumusoro achamukirana naye nengoro neboka ravarwi nezvikepe zvizhinji. Acharwisa nyika zhinji agopfuura nomadziri samafashamu emvura.

41 Acharwisawo Nyika Yakaisvonaka. Nyika zhinji dzichawa, asi Edhomu, Moabhu, navatungamiri veAmoni vachawira muruoko rwake.

42 Achaita kuti simba rake risvike pamusoro penyika zhinji; Ijipiti haingapunyuki.

43 Achava nesimba pamusoro pepfuma yegoridhe nesirivha uye pfuma yose yeIjipiti, uye vaRibhiya navaNubhia vachazviisa pasi pake.

44 Asi mashoko anobva kumabvazuva nokumusoro achamuvhundutsa, ipapo achabuda nehasha zhinji kundoparadza nokupedza vazhinji.

45 Achadzika matende ake oushe pakati pamakungwa pagomo dzvene rakaisvonaka. Asi achasvika kumagumo ake, uye hakuna achamubatsira.

Categories
Dhanieri

Dhanieri 12

Nguva Yokupedzisira

1 “Panguva iyoyo Mikaeri, muchinda mukuru anodzivirira vanhu vako, achasimuka. Pachava nenguva yenhamo isina kumbovapo kubva pakuvamba kwendudzi kusvikira zvino. Asi panguva iyoyo vanhu vako, ani naani ane zita rakanyorwa mubhuku, acharwirwa.

2 Vazhinji vanovata muguruva renyika vachamuka: vamwe kuupenyu husingaperi, vamwe kukunyadziswa nokuzvidzwa kusingaperi.

3 Avo vakachenjera vachapenya sokupenya kwokudenga, uye vanodzorera vazhinji kukururama, vachapenya senyeredzi nokusingaperi-peri.

4 Asi iwe, Dhanieri, vhara uye uname mashoko orugwaro kusvikira pamazuva okupedzisira. Vazhinji vachaenda kwose kwose kuti vawedzere zivo.”

5 Ipapo ini, Dhanieri, ndakatarisa uye hapo pamberi pangu pakanga pamire vamwe vaviri, mumwe kumhenderekedzo.

6 Mumwe wavo akati kumurume akanga akapfeka nguo yakaisvonaka, akanga ari pamusoro pemvura zhinji yorwizi, “Kusvikira riniko zvinhu zvinoshamisa izvi zvisati zvazadziswa?”

7 Murume akanga akapfeka nguo yakaisvonaka, akanga ari pamusoro pemvura zhinji yorwizi, akasimudza ruoko rwake rworudyi noruoko rwake rworuboshwe kudenga, ndikamunzwa achipika naiye anorarama nokusingaperi, achiti, “Zvichava kwechinguva nedzimwe nguva nehafu yenguva. Kana simba ravanhu vatsvene rikange raputsanywa, zvinhu zvose izvi zvichapedziswa.”

8 Ndakanzwa, asi handina kunzwisisa. Saka ndakabvunza ndikati, “Ishe wangu, zvinhu zvose izvi zvichaguma seiko?”

9 Akapindura akati, “Chienda hako, Dhanieri, nokuti mashoko aya akavharwa nokunamwa kusvikira panguva yokupedzisira.

10 Vazhinji vachacheneswa, vasina gwapa, uye vachanatswa, asi vakaipa vacharamba vakaipa. Hakuna achanzwisisa.

11 “Kubva panguva ichadziviswa chibayiro chamazuva ose nokumiswa kwechinhu chinonyangadza chinouyisa kuparadzwa, pachava namazuva chiuru chine zana namakumi mapfumbamwe.

12 Akaropafadzwa uyo achamirira nokusvika kumagumo amazuva chiuru china mazana matatu namakumi matatu namashanu.

13 “Asi kana uriwe, enda hako kusvikira kumagumo. Uchazorora, uye ipapo pamagumo amazuva, iwe uchasimuka kuti ugamuchire mugove wenhaka yako.”

Categories
Hosea

Hosea 1

1 Shoko raJehovha rakasvika kuna Hosea mwanakomana waBheeri panguva yokutonga kwaUzia, Jotamu, Ahazi naHezekia, madzimambo eJudha, napanguva yokutonga kwaJerobhoamu mwanakomana waJehoashi mambo weIsraeri:

Mukadzi waHosea navana vake

2 Jehovha paakatanga kutaura kubudikidza naHosea, akati kwaari, “Enda, unozvitorera mukadzi woufeve navana voufeve nokuti nyika ine mhosva yokuita ufeve hwakaipisisa nokuti yakabva kuna Jehovha.”

3 Naizvozvo akawana Gomeri mwanasikana waDibhiraimu, uye akabata pamuviri akamuberekera mwanakomana.

4 Ipapo Jehovha akati kuna Hosea, “Mutumidze zita rokuti Jezireeri, nokuti ndava kuda kuranga imba yaJehu zvino nokuda kwavanhu vakaurayiwa paJezireeri, uye ndichagumisa umambo hwaIsraeri.

5 Pazuva iro ndichavhuna uta hwaIsraeri mumupata weJezireeri.”

6 Gomeri akabatazve pamuviri ndokubereka mwanasikana. Ipapo Jehovha akati kuna Hosea, “Mutumidze zita rokuti Ro-Ruhama, nokuti handichazoratidzizve rudo kuimba yaIsraeri, kuti nditombovaregerera.

7 Asi ndicharatidza rudo kuimba yaJudha; uye ndichavaponesa, kwete nouta, munondo kana kurwa, kana namabhiza kana navatasvi vamabhiza, asi naJehovha Mwari wavo.”

8 Mushure mokurumura Ro-Ruhama, Gomeri akaberekazve mumwe mwanakomana.

9 Ipapo Jehovha akati, “Mutumidze zita rokuti Ro-Ami, nokuti imi hamusi vanhu vangu, uye ini handisi Mwari wenyu.

10 “Kunyange zvakadaro vaIsraeri vachava sejecha riri pamahombekombe egungwa, risingabviri kuyerwa kana kuverengwa. Paya pakanga panzi kwavari, ‘Hamuzi vanhu vangu,’ vachanzi ‘vanakomana vaMwari mupenyu.’

11 Vanhu veJudha navanhu veIsraeri vachabatanazve, uye vachasarudza mutungamiri mumwe chete uye vachasimukira panyika, nokuti zuva raJezireeri richava zuva guru.

Categories
Hosea

Hosea 2

1 “Uti kuvanunʼuna vako, ‘Vanhu vangu,’ nokuhanzvadzi dzako ‘vadikanwa vangu.’ ”

Israeri inorangwa uye inodzorwazve

2 “Tsiurai mai venyu, vatsiurei,

nokuti havasi mukadzi wangu,

uye handisi murume wavo.

Ngavabvise kuonekwa kwoufeve pachiso chavo

nokusatendeka pakati pamazamu avo.

3 Kana zvikasadaro, ndichavabvisa nguo dzose

vagosara vakashama sezvavakanga vakaita musi wavakaberekwa.

Ndichavaita segwenga

ndigovashandura vave nyika yakaoma

uye ndichavauraya nenyota.

4 Handizoratidzi vana vavo rudo,

nokuti vana voufeve.

5 Mai vavo vakanga vasina kutendeka

uye vakavaberekera mune zvinonyadzisa.

Vakati, ‘Ndichateverazve vadiwa vangu,

vanondipa zvokudya zvangu nemvura yangu,

makushe angu nomucheka wangu, mafuta angu nezvokunwa zvangu.’

6 Naizvozvo ndichasosera nzira yavo namasanzu eminzwa;

ndichavapfigira mukati morusvingo zvokuti havangawani nzira yavo.

7 Vachadzinganisa vadiwa vavo asi havangavabati;

vachavatsvaka, asi havangavawani.

Ipapo vachati, ‘Ndichadzokera kumurume wangu sapakutanga

nokuti ipapo ndaiva nani kupfuura pari zvino.’

8 Havana kuzvibvuma kuti ndini

ndaivapa zviyo, newaini itsva namafuta,

ndini ndakavapa sirivha negoridhe rakawanda

izvo zvavakashandira Bhaari nazvo.

9 “Naizvozvo ndichavatorera zviyo zvangu kana zvaibva,

newaini yangu itsva nenguva yayo.

Ndichatora makushe angu nomucheka wangu

zvaifanira kufukidza kushama kwavo.

10 Saka zvino ndichabudisa pachena unzenza hwavo

pamberi pavadiwa vavo;

hapana achazovatora kubva mumaoko angu.

11 Ndichagumisa kupembera kwavo kwose:

mitambo yavo yose yegore negore, nguva dzoKugara kwoMwedzi,

maSabata avo nemitambo yavo yose yakatarwa.

12 Ndichaparadza mizambiringa yavo nemiti yavo yemionde

yakanga iri muripo waibva kuvadiwa vavo.

Ndichazviita dondo,

uye mhuka dzesango dzichazvidya.

13 Ndichavaranga nokuda kwamazuva

avakapisira zvinonhuhwira kuna Bhaari;

vakazvishonga nemhete nezvishongo,

vakatevera vadiwa vavo,

asi ini vakandikanganwa,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

14 “Naizvozvo zvino ndichazovakwezva;

ndichavatungamirira kurenje

ndigotaura zvinyoronyoro kwavari.

15 Ikoko ndichavadzosera minda yavo yemizambiringa

uye ndichaita kuti mupata weAkori uve musuo wetariro.

Ikoko vachaimba sapamazuva oumhandara hwavo,

sapamazuva avakabuda kubva muIjipiti.

16 “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha,

“Uchanditi ‘murume wangu;’

hauchazonditi ‘tenzi wangu.’

17 Ndichabvisa mazita avanaBhaari pamiromo yavo;

havangazodani kumazita avozve.

18 Pazuva iro ndichavaitira sungano

nemhuka dzesango neshiri dzedenga

uye nezvipuka zvinokambaira pasi.

Uta nomunondo nehondo,

ndichazvibvisa panyika

kuti zvose zvivate pasi zvakachengetedzeka.

19 Ndichatsidza kukuwana uve wangu nokusingaperi;

ndichatsidza kukuwana mukururama uye nomukururamisira,

murudo netsitsi.

20 Ndichatsidza kukuwana mukutendeka,

uye uchabvuma kuti ndini Jehovha.

21 “Pazuva iro ndichadavira,”

ndizvo zvinotaura Jehovha,

“ndichadavira kumatenga

uye ivo vachadavira kunyika;

22 nenyika ichadavira kuzviyo,

waini itsva namafuta,

uye izvo zvichadavira kuna Jezireeri.

23 Ndichamusima panyika nokuda kwangu;

ndicharatidza rudo kuno uyo wandakati ‘Haasiye wandinoda.’

Ndichati kuna avo vanonzi ‘Havasi vanhu vangu,’ ‘Muri vanhu vangu,’

uye ivo vachati, ‘Muri Mwari wangu.’ ”

Categories
Hosea

Hosea 3

Hosea anodzokerana nomukadzi wake

1 Jehovha akati kwandiri, “Enda, unodazve mukadzi wako, kunyange achidiwa nomumwe uye ari chifeve. Umude sokuda kunoita Jehovha vaIsraeri, kunyange vachitendeukira kuna vamwe vamwari vachida makeke akaereswa ane marezini.”

2 Saka ndakamutenga namashekeri gumi namashanuesirivha neinenge homeri neretekirebhari.

3 Ipapo ndakati kwaari, “Unofanira kugara neni kwamazuva akawanda; haufaniri kuva chifeve kana kudanana nomumwe murume, uye ndichagara newe.”

4 Nokuti vaIsraeri vachagara mazuva mazhinji vasina mambo kana muchinda, vasina chibayiro, vasina shongwe, efodhi kana chifananidzo.

5 Mushure maizvozvo vaIsraeri vachadzoka vagotsvaka Jehovha Mwari wavo naDhavhidhi mambo wavo. Vachauya vachidedera kuna Jehovha nokumaropafadzo ake mumazuva okupedzisira.