Categories
Ezekieri

Ezekieri 24

Hari yokubikira

1 Mugore rechipfumbamwe, nomwedzi wegumi pazuva regumi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2 “Mwanakomana womunhu, nyora zita rezuva iri, zuva iro rino chairo, nokuti mambo weBhabhironi akomba Jerusarema pazuva irori.

3 Taurira imba yokumukira iyi mufananidzo, uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Gadza hadyana; igadze

ugodira mvura mairi.

4 Uise mairi nhindi dzenyama,

nhindi dzakanaka, gumbo nebandauko.

Uizadze namapfupa akaisvonaka aya;

5 utore gwai rakasanangurwa.

Uise huni pasi payo kuitira mapfupa;

uivirise

ugobika mapfupa imomo.

6 “ ‘Nokuti zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Rine nhamo guta rinoteura ropa,

nehadyana ine ngura, mukati mayo,

ine ngura isingabvi.

Budisai nhindi imwe neimwe

musingakandi mijenya nokuda kwadzo.

7 “ ‘Nokuti ropa rarakateura riri pakati paro:

Rakaridururira paruware pasina chinhu;

harina kuriteurira pavhu,

paringafukidzwa neguruva.

8 Kuti ndimutse hasha dzangu ndigotsiva

ndakaisa ropa raro paruware pasina chinhu

kuti rirege kufukidzwa.

9 “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Rine nhamo guta rinoteura ropa!

Neniwo, ndichaunganidza huni dzakawanda.

10 Saka tutira huni

ugobatidza moto.

Ubike nyama zvakanaka,

uchisanganisa nezvinonhuhwira;

uye urege mapfupa atsve.

11 Ipapo ugoisa hadyana isina chinhu pamazimbe

kusvikira yapisa ndarira yayo yanʼaima

kuti kusachena kwayo kunyauke

uye tsvina yayo itsve yose.

12 Zvakunda kushingaira kwangu kwose;

tsvina yayo zhinji haina kubviswa,

kunyange nomoto chaiwo.

13 “ ‘Zvino kusachena kwako ndihwo unzenza hwako. Nokuti ndakaedza kukunatsa asi hauna kunatswa pakusachena kwako, hauchazonatswizve kusvikira hasha dzangu dzabva pamusoro pako.

14 “ ‘Ini Jehovha ndakazvitaura. Nguva yangu yokuzviita yasvika. Handingaregi; handinganzwiri ngoni, uye handingazvidembi. Uchatongwa zvakafanira mabasa ako namafambiro ako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”

Kufa kwoMukadzi waEzekieri

15 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

16 “Mwanakomana womunhu, ndava kuzokutorera uyo anofadza meso ako kamwe chete. Asi usachema kana kuungudza kana kubudisa misodzi.

17 Gomera chinyararire; usachema akafa. Gara wakasunga nguwani yako zvakasimba uye neshangu dziri mumakumbo ako; urege kufumbira zasi kwouso hwako kana kudya zvokudya zvavanochema.”

18 Saka mangwanani ndakataura kuvanhu, uye mukadzi wangu akafa madekwana. Fume mangwana, ndakaita zvandakanga ndarayirwa.

19 Ipapo vanhu vakandibvunza vachiti, “Haungatiudzi kuti zvinhu izvi zvinorevei kwatiri here?”

20 Saka ndakati kwavari, “Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

21 Uti kuimba yaIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndava pedyo nokusvibisa nzvimbo yangu tsvene, iyo nhare yamunozvirumbidza nayo, iwo mufaro wamaziso enyu, nechinhu chamunoda. Vanakomana navanasikana vamakasiya vachaurayiwa nomunondo.

22 Uye imi muchaita sezvandakaita. Hamungazofumbiri zasi kwezviso zvenyu kana kudya zvokudya zvavanochema.

23 Mucharega nguwani dzenyu dziri mumisoro yenyu neshangu dziri mumakumbo enyu. Hamungaungudzi kana kuchema asi muchaonda nokuda kwezvivi zvenyu uye muchagomera pakati penyu.

24 Ezekieri achava chiratidzo kwamuri; muchaita sezvaakaita. Panoitika izvi, imi muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha.’

25 “Uye iwe, mwanakomana womunhu, pazuva randichavatorera nhare dzavo mufaro wavo nokukudzwa kwavo, mufaro wamaziso avo, chishuvo chemwoyo yavo, uye vanakomana navanasikana vavowo,

26 pazuva iro mutizi achauya kuzokuudza zvinenge zvaitika.

27 Panguva iyoyo muromo wako uchazaruka; uchataura naye uye hauchazonyararizve. Saka iwe uchava chiratidzo kwavari, uye vachaziva kuti ndini Jehovha.”

Categories
Ezekieri

Ezekieri 25

Chiprofita pamusoro peAmoni

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2 “Mwanakomana womunhu, ringira chiso chako pamusoro pavaAmoni uprofite pamusoro pavo.

3 Uti kwavari, ‘Inzwai shoko raIshe Jehovha. Zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwokuti imi makati, “Toko waro!” pamusoro penzvimbo yangu tsvene panguva yayakasvibiswa napamusoro penyika yeIsraeri payakaparadzwa, napamusoro pavanhu veJudha pavakaenda kuutapwa,

4 naizvozvo ndichakuisai kuvanhu vokuMabvazuva kuti muve vavo. Vachadzika misasa yavo uye vachamisa matende avo pakati penyu; vachadya michero yenyu uye vachanwa mukaka wenyu.

5 Ndichashandura Rabha rikava mafuro engamera uye Amoni kuti ive nzvimbo inozororera makwai. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.

6 Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwokuti makauchira maoko enyu mukadzana-dzana netsoka dzenyu muchifara noruvengo rwose rwemwoyo yenyu rwamunovenga narwo nyika yeIsraeri,

7 naizvozvo ndichatambanudza ruoko rwangu pamusoro penyu ndigokupai kuti mupambwe nendudzi. Ndichakubvisai chose kubva kundudzi uye ndigokupedzai munyika dzose. Ndichakuparadzai; uye muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ”

Chiprofita pamusoro peMoabhu

8 “Zvanzi naIshe Jehovha: ‘Nokuda kwokuti Moabhu neSeiri vakati, “Tarirai, imba yaJudha yafanana nedzimwe ndudzi,”

9 naizvozvo ndichaisa pachena rutivi rwaMoabhu, kutangira pamavambo maguta okumuganhu anoti Bheti Jeshimoti, Bhaari Meoni neKiriataimi iko kukudzwa kwenyika iyoyo.

10 Ndichapa Moabhu pamwe chete navaAmoni kuvanhu vokuMabvazuva kuti vave vavo, kuti vaAmoni varege kuzorangarirwa pakati pendudzi;

11 uye ndicharanga Moabhu. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.’ ”

Chiprofita pamusoro peEdhomu

12 “Zvanzi naIshe Jehovha: ‘Nokuda kwokuti Edhomu akatsiva pamusoro peimba yaJudha vakava nemhosva huru pakuita izvozvo,

13 naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndichatambanudza ruoko rwangu pamusoro peEdhomu ndigouraya vanhu vose varo nezvipfuwo zvavo. Ndichariparadza uye kubva kuTemani kusvika kuDhedhani vachaurayiwa nomunondo.

14 Ndichatsiva Edhomu noruoko rwavanhu vangu, uye vachaitira Edhomu zvakafanira kutsamwa kwangu nehasha dzangu; vachaziva kutsiva kwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”

Chiprofita pamusoro peFiristia

15 “Zvanzi naIshe Jehovha: ‘Nokuda kwokuti vaFiristia vakazvitsivira vakatsiva noruvengo mumwoyo yavo, uye noruvengo rwamakore namakore vakatsvaka kuparadza Judha,

16 naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndava pedyo nokutambanudza ruoko rwangu pamusoro pavaFiristia, uye ndichauraya vaKereti ndigoparadza vaya vakasara pamhenderekedzo.

17 Ndichatsiva nokutsiva kukuru pamusoro pavo uye ndichavaranga muhasha dzangu. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichatsiva pamusoro pavo.’ ”

Categories
Ezekieri

Ezekieri 26

Chiprofita pamusoro peTire

1 Mugore regumi nerimwe, pazuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2 “Mwanakomana womunhu, nokuda kwokuti Tire yakati kuJerusarema, ‘Toko waro! Suo rokundudzi raputsika, uye makonhi aro azarukira kwandiri; zvino zvarava dongo ini ndichabudirira,’

3 naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndiri kukurwisa, iwe Tire, uye ndichauyisa marudzi mazhinji kuti azorwa newe, segungwa rinorasa mafungu aro.

4 Vachaparadza masvingo eTire uye vachaondomora shongwe dzaro; ndichakukurira marara aro kure ndigoriita dombo risina chinhu.

5 Richava nzvimbo yokuruka mimbure yehove kugungwa ikoko, nokuti ndakazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Richava chinhu chinopambwa chendudzi,

6 uye ugaro hwaro hwokumaruwa huchaparadzwa nomunondo. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.

7 “Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Ndichauyisira Tire Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, mambo wamadzimambo, achibva nechokumusoro, ana mabhiza nengoro, navatasvi vamabhiza nehondo huru.

8 Achaparadza ugaro hwamaruwa ako nomunondo, achakuvakira nhare dzokurwa newe, uye achavaka mirwi yokurwa pamasvingo ako agosimudza nhoo dzokukurwisa nadzo.

9 Achatuma zvokuparadza nazvo masvingo ako agokoromora shongwe dzako nezvombo zvake.

10 Mabhiza ake achawanda kwazvo zvokuti muchafukidzwa neguruva rawo. Masvingo ako achadengenyeka nomubvumo wamabhiza ehondo, nengoro dzamavhiri mana nengoro dzamavhiri maviri paanenge achipinda pamasuo ako somunhu anopinda muguta rina masvingo akaondomoka.

11 Mahwanda amabhiza ake achatsika-tsika nzira dzako dzomumisha dzose; achauraya vanhu vako nomunondo, uye mbiru dzako dzakasimba dzichawira pasi.

12 Vachapamba pfuma yako uye vachaba zvaunotengesa: vachakoromorera pasi masvingo ako uye vachaputsa dzimba dzako dzakaisvonaka uye vacharasa matombo ako nematanda namarara ako mukati megungwa.

13 Ndichagumisa mheremhere yenziyo dzako, uye kurira kwembira dzako hakuchazonzwikwazve.

14 Ndichakuita dombo risina chinhu, uye uchava nzvimbo yokuyanika mimbure yehove. Hauchazovakwizve, nokuti ini Jehovha ndakazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

15 “Zvanzi naIshe Jehovha kuTire: Ko, zviwi hazvichadengenyeki here pakunzwa mubvumo wokuwa kwako, vakakuvadzwa pavanenge vachigomera uye kuuraya kuchiitika mauri?

16 Ipapo machinda ose omuzviwi achaburuka pazvigaro zvawo zvoushe vagoisa nhumbi dzavo dzoushe parutivi uye vagobvisa vachidedera nguva dzose, vashamiswa newe.

17 Ipapo vachachema pamusoro pako vagoti kwauri:

“ ‘Wakaparadzwa sei, iwe guta romukurumbira,

wakanga uzere navanhu vomugungwa!

Wakanga uri simba pamusoro pamakungwa,

iwe navanhu vako;

wakaisa kutya kwako

pamusoro pavo vose vaigara ikoko.

18 Zvino zviwi zvinodengenyeka

pazuva rokuwa kwako;

zviwi zviri mugungwa

zvavhundutswa nokuwa kwako.’

19 “Zvanzi naIshe Jehovha: Pandichaita kuti guta rako rive dongo, samamwe maguta asingachagarwi uye pandinouyisa kudzika kwegungwa pamusoro pako uye mvura zhinji dzaro dzikakufukidza,

20 ipapo ndichakuburutsa pamwe chete navaya vanoburukira kugomba, kuvanhu vakarekare.

21 Ndichakusvitsa kumagumo anotyisa uye hauchazovapozve. Uchatsvakwa, asi haungawanikwizve, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”

Categories
Ezekieri

Ezekieri 27

Kuchema pamusoro peTire

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2 “Mwanakomana womunhu, chema pamusoro peTire.

3 Uti kuTire, riri pasuo rokugungwa, mushambadziri wavanhu vamarudzi ose pazviwi zvizhinji, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Unoti, iwe Tire,

“Ini ndakakwana parunako.”

4 Simba rako rakanga riri pamakungwa makuru;

vavaki vako vakaita kuti runako rwako rusvike pakukwana.

5 Vakaita mapuranga ako ose

emiti yemipaini inobva kuSeniri;

vakatora musidhari waibva kuRebhanoni,

kuti vakuitire danda rokutsigira maseiri muchikepe.

6 Vakaita matanda okukwasva nawo

omuouki aibva kuBhashani;

namapuranga omusipuresi aibva kuzviwi zveSaipurasi

vakaita uriri hwako namapuranga, ane nyanga dzenzou mukati.

7 Maseiri ako akanga ari omucheka wakarukwa zvakaisvonaka waibva kuIjipiti,

uye wakashandiswa somureza wako;

zvifukidzo zvako zvamatende zvakanga zviri bhuruu nepepuru,

zvaibva kumahombekombe aErisha.

8 Varume veSidhoni neArivhadhi ndivo vakanga vari vakwasvi vako;

mhizha dzako, iwe Tire dzakanga dzirimo savafambisi vako vechikepe.

9 Mhare dzoumhizha dzeGebhari vakanga varimo,

savavaki vechikepe kuti vaname maburi emaseiri ako.

Zvikepe zvose zvegungwa navafambisi vazvo

vakauya kuzotengeserana newe zvawakagadzira.

10 “ ‘Varume vokuPezhia, neRidhia nePuti

vakashanda savarwi muhondo yako.

Vakarembedza nhoo dzavo nenguwani pamasvingo ako,

vachikuvigira mbiri.

11 Varume vokuArivhadhi nevokuHereki

vakakomba masvingo ako kumativi ose;

varume vokuGamadhi

vakanga vari mushongwe dzako.

Vakaturika nhoo dzavo pamasvingo ako;

vakaita kuti runako rwako rukwane.

12 “ ‘Tashishi yakatengeserana newe nokuda kwepfuma yako huru yenhumbi; vakatsinhanisa sirivha, nesimbi, netini nedare zvokushambadzira zvako.

13 “ ‘Girisi, Tubhari neMesheki dzakatengeserana newe; vakatsinhanisa nhapwa nezvinhu zvendarira zvezvigadzirwa zvako.

14 “ ‘Varume veBheti Togarima vakatsinhanisa mabhiza ebasa namabhiza ehondo namanyurusi kuti uzvishambadzire.

15 “ ‘Varume vokuRodhe vakatengeserana newe, uye zviwi zvizhinji zvakanga zviri nzvimbo dzako dzokutengesera; vaikuripira nenyanga dzenzou nomuti womuvanga.

16 “ ‘Aramu yakatengeserana newe nokuda kwezvibereko zvako zvizhinji; vakatsinhanisa matombo eturikoise nemicheka yepepuru, nezvakarukwa, nemicheka yakaisvonaka, nekorari namatombo amarubhi zvokutengesa zvako.

17 “ ‘Judha neIsraeri vakatengeserana newe, vakatsinhanisa gorosi neMiniti nezvinotapira, uchi, mafuta nebharimi nezvigadzirwa zvako.

18 “ ‘Dhamasiko, rakatengeserana newe nokuda kwezvigadzirwa zvako zvizhinji nepfuma yenhumbi newaini yaibva kuHeribhoni newuru yaibva kuZahari.

19 “ ‘VaDhani navaGiriki vaibva kuUzari vakatenga zvawaishambadzira; vakatsinhanisa simbi yakabikwa, nekasia, nekaramo zvigadzirwa zvako.

20 “ ‘Dhedhani akatengeserana newe machira okugarira pamabhiza.

21 “ ‘Arabhia namachinda ose eKedhari vakanga vachikutengera; vakatengeserana newe namakwayana, makondobwe nembudzi.

22 “ ‘Vashambadziri vokuShebha neRama vakatengeserana newe; pane zvawaishambadzira iwe ivo vakatsinhanisa namarudzi ezvinonhuhwira ose uye namabwe anokosha, negoridhe.

23 “ ‘Harani, Kane neEdheni navashambadziri vokuShebha, Ashuri neKirimadhi vakatengeserana newe.

24 Vakatengeserana newe munzvimbo dzokutengesera nguo dzakaisvonaka, dzemicheka yebhuruu, nezvakarukwa, namachira amavara namabote akakoswa uye ane mafundo akasimba.

25 “ ‘Zvikepe zveTashishi zvakashanda

pakutakura zvigadzirwa zvako.

Iwe wakazadzwa nezvitakurwa zvinorema,

imo mumwoyo megungwa.

26 Vakwasvi vako vanokutora

voenda newe kumakungwa makuru.

Asi mhepo yokumabvazuva ichakuputsa-putsa mumwoyo megungwa chaimo.

27 Pfuma yako, nenhumbi dzokutengesa nezvakagadzirwa,

varayiri navafambisi vako vezvikepe navagadziri vazvo,

vashambadziri vako nevarwi vako vose,

uye vose varimo

vachanyura mukati momwoyo wegungwa,

pazuva rokuparadzwa kwechikepe chako.

28 Nyika dzokumahombekombe dzichadengenyeka

panodanidzira vafambisi vako vezvikepe.

29 Vose vanobata matanda okukwasva

vachasiya zvikepe zvavo;

vachairi nevafambisi vako vezvikepe

vachamira kumahombekombe.

30 Vachadanidzira namanzwi avo

vagochema zvikuru pamusoro pako;

vachakusha guruva pamisoro yavo

vagoumburuka mumadota.

31 Vachaveura misoro yavo nokuda kwako,

uye vachapfeka nguo dzamasaga.

Vachachema pamusoro pako nokurwadza kwomwoyo,

uye nokuchema kukuru.

32 Pavanoungudza nokuchema pamusoro pako,

vachachema pamusoro pako vachiti,

“Ndianiko akashaya rokureva seTire,

rakakomberedzwa negungwa?”

33 Pakabuda vashambadziri vako vachienda kugungwa,

wakagutisa ndudzi zhinji,

nepfuma yako huru uye nenhumbi dzako,

wakapfumisa madzimambo enyika.

34 Zvino wakaputsanyiwa negungwa

mumvura zhinji yakadzika;

nhumbi dzako navanhu vako vose

zvakanyura pamwe chete newe.

35 Vose vanogara mumahombekombe vanoshamiswa newe;

madzimambo avo anodedera nokutya,

uye zviso zvavo zvakanganiswa nokutyiswa.

36 Vashambadziri vari pakati pendudzi vanokuridzira muridzo;

wasvika kumagumo anonyangadza

uye hauchazovapozve.’ ”

Categories
Ezekieri

Ezekieri 28

Chiprofita pamusoro paMambo weTire

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2 “Mwanakomana womunhu, uti kumubati weTire, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Mukuzvikudza kwomwoyo wako

iwe unoti, “Ini ndiri mwari;

ndinogara pachigaro choushe chamwari,

pakati pomwoyo wamakungwa.”

Asi uri munhu zvako uye hauzi mwari,

kunyange uchifunga kuti wakachenjera samwari.

3 Wakachenjera kukunda Dhanieri here?

Hauna chakavanzika chausingazivi here?

4 Wakazviwanira pfuma

nouchenjeri hwako nokunzwisisa kwako,

uye wakazviunganidzira goridhe nesirivha

muzvivigiro zvepfuma yako.

5 Wakawanza pfuma yako

nouchenjeri hwako hwokutengesa,

uye nokuda kwepfuma yako

mwoyo wako wakazvikudza.

6 “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Nokuti unofunga kuti wakangwara,

sokungwara kwamwari,

7 ndava kuzouyisa vatorwa kuti vazokurwisa,

rudzi rwakaipisisa pakati pendudzi dzose,

vachavhomora minondo yavo kuti varwise kunaka nokuchenjera kwako,

vagosvibisa kupenya kwokubwinya kwako.

8 Vachakuburutsira kugomba,

uye uchafa rufu runorwadza

pakati pomwoyo wamakungwa.

9 Ipapo uchati here, “Ndiri mwari,”

pamberi pavanokuuraya?

Uchava munhu chete, kwete mwari,

mumaoko aivo vanokuuraya.

10 Uchafa rufu rwomunhu asina kudzingiswa

pamaoko avatorwa.

Ndazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”

11 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

12 “Mwanakomana womunhu, chemera mambo weTire ugoti kwaari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Wakanga uri muenzaniso wokukwana,

uzere nouchenjeri wakakwana parunako.

13 Wakanga uri muEdheni,

bindu raMwari;

wakashongedzwa namatombo ose anokosha anoti:

rubhi, tapazi neemeradhi,

krisorite, onikisi, jasipa,

safuri, turikoise nebheriri.

Urongwa nezvitsigiro zvako zvakanga zvakagadzirwa negoridhe;

zvakagadzirwa pazuva rokusikwa kwako.

14 Wakazodzwa sekerubhi rinorinda,

nokuti ndiko kugadza kwandakakuita.

Wakanga uri pamusoro pegomo dzvene raMwari;

wakanga uchifamba pakati pamabwe omoto.

15 Wakanga usina chaungapomerwa panzira dzako,

kubva pazuva rawakasikwa

kusvikira kuipa pakwazowanikwa mauri.

16 Nokuwanda kwokushambadzira kwako

wakabva wazara nechisimba,

ndokubva watadza.

Saka ndakakudzinga mukunyadziswa kubva pagomo raMwari,

uye ndakakudzinga, iwe kerubhi rokurinda,

kuti ubve pakati pamabwe omoto.

17 Mwoyo wako wakazvikudza

nokuda kworunako rwako,

uye wakaodza uchenjeri hwako

nokuda kwokubwinya kwako.

Saka ndakakukanda panyika;

ndakakuita chinhu chinosekwa pamberi pamadzimambo.

18 Nokuda kwokuwanda kwezvivi zvako, uye nokubiridzira kwako mukushambadzira,

wakazvidza nzvimbo dzako tsvene.

Saka ndakaita kuti moto ubude kubva mauri,

ukakuparadza,

uye ndakakupisa kusvikira wava madota panyika,

pamberi pavose vaikuona.

19 Ndudzi dzose dzaikuziva

dzinoshamiswa newe;

wasvika pamagumo akaipisisa

uye hauchazovapozve.’ ”

Chiprofita pamusoro peSidhoni

20 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

21 “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro peSidhoni; uprofite pamusoro paro,

22 uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Ndine mhaka newe, iwe Sidhoni,

uye ndichazviwanira kukudzwa mukati mako.

Vachaziva kuti ndini Jehovha,

pandichariranga

ndigozviratidza mariri kuti ndiri mutsvene.

23 Ndichatuma denda pamusoro paro

ndigoita kuti ropa riyerere munzira dzaro.

Vakaurayiwa vachawa mariri,

nomunondo uchirirwisa kumativi ose.

Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.

24 “ ‘Vanhu veIsraeri havachazovizve navavakidzani vanovagodora vachivarwadzisa sorukato runopinza. Ipapo vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha.

25 “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pandinounganidza vanhu veIsraeri kubva kundudzi kwavakanga vakaparadzirwa, ndichazviratidza kuti ndiri mutsvene pakati pavo pamberi pendudzi. Ipapo vachagara munyika yavo pachavo, yandakapa muranda wangu Jakobho.

26 Vachagaramo norugare uye vachavaka dzimba nokusima minda yemizambiringa; vachagara norugare pandicharanga vavakidzani vavo vose vanovagodora. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo.’ ”

Categories
Ezekieri

Ezekieri 29

Chiprofita pamusoro peIjipiti

1 Mugore regumi, mumwedzi wegumi pazuva regumi namaviri, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2 “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro paFaro mambo weIjipiti.

3 Taura kwaari kuti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Ndine mhaka newe, iwe Faro mambo weIjipiti,

iyewe shato huru uvete pakati pehova dzako.

Iwe unoti, “Nairi ndorwangu;

ndakazvigadzirira pachangu.”

4 Asi ndichaisa zvikokovono mushaya dzako,

uye ndichaita kuti hove dzomuhova dzako dzinamatire pamakwati ako.

Ndichakukwevera kunze ubve pakati pehova dzako,

nehove dzose dzakanamatira pamakwati ako.

5 Ndichakusiya mugwenga,

iwe nehove dzose dzomuhova dzako.

Uchawira pasi pabani pachena zvapo,

uye haungaunganidzwi kana kunongwa.

Ndichakupa sechokudya

kuzvikara zvenyika neshiri dzedenga.

6 Ipapo vose vagere muIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha.

“ ‘Wakanga uri tsvimbo yorutsanga kuimba yaIsraeri.

7 Vakati vachikubata namaoko avo, iwe ukatsemuka, ukabvarura mapfudzi avo; pavakasendamira pauri, wakavhunika misana yavo ndokuminama.

8 “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndichauyisa munondo kuzokurwisa nokuuraya vanhu vako nezvipfuwo zvavo.

9 Ijipiti ichava dongo rakaparadzwa. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.

“ ‘Nokuti iwe wakati, “Nairi ndorwangu; ndini ndakaruita,”

10 naizvozvo ndine mhaka newe nehova dzako, uye ndichaita kuti nyika yeIjipiti iparadzwe ive dongo kubva kuMigidhori kusvikira kuAswani, kundosvika kumuganhu weEtiopia.

11 Hakuna rutsoka kana rwemhuka ruchapfuura nomo; hakuna achagaramo kwamakore makumi mana.

12 Nyika yeIjipiti ndichaiita dongo pakati penyika dzakaparadzwa, uye maguta ayo achava matongo kwamakore makumi mana pakati pamaguta akaitwa matongo. Uye ndichaparadzira vaIjipita pakati pendudzi, ndichavadzingira kunyika zhinji.

13 “ ‘Asi zvanzi naIshe Jehovha: Mushure mamakore makumi mana ndichaunganidza vaIjipita kubva kundudzi dzandakanga ndavadzingira.

14 Ndichavadzosa kubva kuutapwa ndigovadzosera kunyika yePatirosi, nyika yamadzitateguru avo. Vachava ushe hwakazvidzwa ikoko.

15 Huchava ushe hwakazvidzika chose uye hahuchazozvisimudzirizve pamusoro pedzimwe ndudzi.

16 Ijipiti haichazombovizve chivimbo chavanhu veIsraeri asi ichava chirangaridzo chechivi chavo chokucheukira kwairi kuti vabatsirwe. Ipapo vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha.’ ”

17 Mugore ramakumi maviri namanomwe, nomwedzi wokutanga pazuva rokutanga, shoko rakasvika kwandiri richiti,

18 “Mwanakomana womunhu, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akabatisa hondo yake basa guru rokurwa neTire; musoro mumwe nomumwe wakasvuurwa uye pfudzi rimwe nerimwe rakasvotorwa. Kunyange zvakadaro iye nehondo yake havana kuwana mubayiro pamusoro pebasa ravakaita achirwa naro.

19 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndiri kuzopa nyika yeIjipiti kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uye iye achatapa pfuma yayo. Achapamba nokutora nyika somuripo wehondo yake.

20 Ndakamupa Ijipiti somubayiro wokushingaira kwake nokuti iye nehondo yake vakandibatira ini, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

21 “Pazuva iro ndichameresa runyanga rweimba yaIsraeri, uye ndichazarura muromo wako pakati pavo. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.”

Categories
Ezekieri

Ezekieri 30

Kuchema pamusoro peIjipiti

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2 “Mwanakomana womunhu, profita uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Ungudza uti,

“Haiwa, zuva iro!”

3 Nokuti zuva rava pedyo,

zuva raJehovha rava pedyo,

zuva ramakore,

nguva yokuparadzwa kwendudzi.

4 Munondo uchauya pamusoro peIjipiti,

uye kurwadziwa kuchauya pamusoro paEtiopia.

Vakaurayiwa pavachawa muIjipiti,

pfuma yake ichatakurwa ichienda kure

uye nheyo dzayo dzichakoromorwa.

5 Etiopia nePuti, Ridhia neArabhia yose, Ribhiya navanhu venyika yesungano vachaurayiwa nomunondo pamwe chete neIjipiti.

6 “ ‘Zvanzi naJehovha:

“ ‘Vanotsigira Ijipiti vachawa

uye simba rainozvikudza naro richapera.

Kubva kuMigidhori kusvikira kuAswani,

vachaurayiwa nomunondo mukati pake,

ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

7 Vachaparadzwa

pakati penyika dzakaparadzwa,

uye maguta avo achava

pakati pamaguta akaitwa matongo.

8 Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha,

pandichatungidza moto kuIjipiti

uye vabatsiri vayo vose vachaparadzwa.

9 “ ‘Pazuva iro, nhume dzichabva kwandiri dziri muzvikepe kuti dzindotyisidzira Etiopia kuti abve pakuvarairwa kwake. Ucharwadziwa pazuva rokuparadzwa kweIjipiti, nokuti zvirokwazvo rinouya.

10 “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Ndichagumisa vanhu vose veIjipiti

noruoko rwaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi.

11 Iye nehondo yake, rudzi rwakaipisisa pakati pendudzi,

achauyiswa kuti azoparadza nyika.

Vachavhomora minondo yavo kuti varwise Ijipiti,

uye vachazadza nyika navakaurayiwa.

12 Ndichaomesa hova dzeNairi,

uye ndichatengesa nyika kuvanhu vakaipa;

namaoko avatorwa

ndichaparadza nyika nezvose zviri mairi.

Ini Jehovha ndazvitaura.

13 “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Ndichaparadza zvifananidzo

uye ndichagumisa mifananidzo yeMemufisi.

MuIjipiti hamuchazovizve nomuchinda,

uye ndichaparadzira kutya munyika yose.

14 Ndichaita kuti Patirosi ive dongo,

ndichapisa Zoani,

uye ndicharanga Tebhesi.

15 Ndichadururira hasha dzangu pamusoro pePerusiami,

iyo nhare yeIjipiti,

uye ndichaparadza vanhu vose veTebhesi.

16 Ndichapisa Ijipiti;

Perusiami ichazvonyongoka nokurwadziwa.

Tebhesi richakukurwa nedutu;

Memufisi ichagara iri munhamo.

17 Majaya okuHerioporisi neokuBhubhastisi

achaurayiwa nomunondo,

uye maguta achatapwa.

18 Zuva iroro richava rerima paTapanhesi,

pandichavhuna joko reIjipiti;

kuzvikudza kwesimba raro kuchapera ipapo.

Richafukidzwa namakore,

uye misha yaro ichatapwa.

19 Saka ndicharanga Ijipiti,

uye vachaziva kuti ndini Jehovha.’ ”

20 Mugore regumi nerimwe, mumwedzi wokutanga pazuva rechinomwe shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

21 “Mwanakomana womunhu, ndavhuna ruoko rwaFaro mambo weIjipiti. Haruna kusungwa kuti rupore kana kuiswa chiseketo kuti ruve nesimba rokubata munondo.

22 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka naFaro mambo weIjipiti. Ndichavhuna maoko ake ose ari maviri, ruoko rwakanaka norwakavhunika, ndigoita kuti munondo uwe kubva muruoko rwake.

23 Ndichaparadzira vaIjipita pakati pendudzi ndigovadzingira munyika dzose.

24 Ndichasimbisa ruoko rwamambo weBhabhironi uye ndichaisa munondo wangu muruoko rwake, asi ndichavhuna maoko aFaro, uye achagomera pamberi pake somunhu akuvadzwa zvokuti achafa.

25 Ndichasimbisa maoko amambo weBhabhironi, asi maoko aFaro acharembera pasi. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichaisa munondo muruoko rwamambo weBhabhironi agouvheyesa kuti arwise Ijipiti.

26 Ndichaparadzira vaIjipiti pakati pendudzi ndigovadzingira munyika dzose. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.”

Categories
Ezekieri

Ezekieri 31

Musidhari womuRebhanoni

1 Mugore regumi nerimwe, mumwedzi wechitatu pazuva rokutanga, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2 “Mwanakomana womunhu, uti kuna Faro mambo weIjipiti navanhu vake vose:

“ ‘Ndianiko angaenzaniswa nemi paushe?

3 Rangarirai Asiria, yaimbova musidhari muRebhanoni,

wakanga una matavi akaisvonaka akanga akafukidzira dondo;

wakanga wakareba kwazvo,

manhengenya awo ari pamusoro pamashizha akapfumvutira.

4 Mvura zhinji yakaupa zvokudya,

zvitubu zvakadzika zvakaita kuti urebe;

hova dzacho dzakayerera dzichipoteredza hunde,

uye dzakatumira mironga yadzo kumiti yose yesango.

5 Saka wakareba kwazvo

kupfuura miti yose yesango,

mativi awo akawanda

uye matavi awo akareba,

achitandavara nokuda kwemvura zhinji.

6 Shiri dzose dzedenga

dzakavakira matendere adzo pamatavi awo,

mhuka dzose dzesango

dzakaberekera pasi pamatavi awo;

ndudzi dzose huru

dzakagara pamumvuri wawo.

7 Wakanga uchiyevedza parunako,

namatavi awo akatandavara,

nokuti midzi yawo yaidzika pasi

kune mvura zhinji.

8 Misidhari yomubindu raMwari

yakanga isingagoni kuukunda,

uye miti yomupaini

yakanga isingaenzani namatavi awo,

uye miti yemipurani

hayaienzaniswa namatavi awo,

hakuna muti mubindu raMwari

waienzana nawo pakunaka.

9 Ndakauita muti unoyevedza

una matavi akawanda,

muti waiyemurwa nemiti yose yomuEdheni

mubindu raMwari.

10 “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Nemhaka yokuti wakanga wakareba kwazvo, uchisimudzira manhengenya awo pamatavi akapfumvutira, uye nemhaka yokuti wakazvikudza nokuda kwokureba kwawo,

11 ndakauisa kumutongi wendudzi, kuti vamuitire zvakafanira kuipa kwawo. Ndakaukanda padivi,

12 uye rudzi rwakaipisisa kundudzi dzavatorwa rwakautemera pasi ndokuusiya. Matavi awo akawira pamakomo nomumipata yose; matavi awo ose akavhunikira muhova dzose dzenyika. Ndudzi dzose dzomunyika dzakabva pasi pomumvuri wawo dzikausiya.

13 Shiri dzose dzedenga dzakamhara pamuti wakawa, uye mhuka dzose dzenyika dzakanga dziri pakati pamatavi awo.

14 Naizvozvo hakuna mimwe miti iri pamvura zhinji ichareba kwazvo ichizvikudza, ichizvisimudzira manhengenya ayo pamusoro pamatavi akapfumvutira. Hakuna mimwe miti inowana mvura yakadai ichazombosvika paurefu hwakadai; yose ichafa, nokuti nyika iri pasi, pakati pavanhu vanofa, navaya vanoburukira kugomba.

15 “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pazuva rawakaburutsirwa muguva ndakafukidza matsime akadzika kuti aungudze nokuda kwawo ndikamisa hova dzawo, uye mvura yawo zhinji yakadziviswa. Nemhaka yawo ndakafukidza Rebhanoni nokusuwa, uye miti yose yesango yakasvava.

16 Ndakaita kuti ndudzi dzidedere padzakanzwa kuwa kwako pandakuburusira muguva navaya vanoenda mugomba nawo. Ipapo miti yose yomuEdheni, yakasarudzika uye neyakanakisa muRebhanoni, miti yose yakanga ichiwana mvura yakakwana, yakanyaradzwa panyika pasi.

17 Vaya vaigara mumumvuri wawo, navaya vavaibatana navo pakati pendudzi, vakanga vaburukirawo muguva nawo, vachiva pamwe navaya vakaurayiwa nomunondo.

18 “ ‘Ndeipiko miti yeEdheni ingaenzaniswa newe pakubwinya noushe? Kunyange zvakadaro, newewo, uchaburutswa pamwe chete nemiti yeEdheni panyika pasi; ucharara pakati pavasina kudzingiswa, navaya vakaurayiwa nomunondo.

“ ‘Ndiye Faro navanhu vake vazhinji, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”

Categories
Ezekieri

Ezekieri 32

Kuchema pamusoro paFaro

1 Mugore regumi namaviri, mumwedzi wegumi nemiviri pazuva rokutanga, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2 “Mwanakomana womunhu, chemera Faro mambo weIjipiti uti kwaari:

“ ‘Iwe wakafanana neshumba pakati pendudzi;

wakaita sechikara mukati mamakungwa

uchibvongodza-bvongodza mukati mehova dzako,

uchibvongodza mvura netsoka dzako

uye uchiita kuti hova dzive namatope.

3 “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Neboka ravanhu vazhinji

ndichakanda mambure angu pamusoro pako,

uye vachakukweva mumumbure wangu.

4 Ndichakukanda panyika

ndichakurasira pamhene.

Ndichamharisa shiri dzose dzedenga pamusoro pako,

uye zvikara zvose zvomunyika zvichagutswa newe.

5 Ndichayanika nyama yako pamakomo,

ndigozadza mipata nezvitunha zvako.

6 Ndichadiridza nyika neropa rako rinenge richiyerera

kusvikira kumakomo,

uye nzizi dzichazadzwa nenyama yako.

7 Pandichakudzima, ndichafukidza matenga

uye ndichasvibisa nyeredzi;

ndichafukidza zuva mugore,

uye mwedzi haungabudisi chiedza chawo.

8 Zviedza zvose zvinopenya zvedenga

ndichazvidzima pamusoro pako;

ndichauyisa rima pamusoro penyika yako,

ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

9 Ndichatambudza mwoyo yavanhu vazhinji,

pandichauyisa kuparadzwa kwako pakati pendudzi,

pakati penyika dzausina kumboziva.

10 Ndichaita kuti marudzi mazhinji ashamisike pamusoro pako,

uye madzimambo avo achadedera nokutya nokuda kwako,

pandichavheyesa munondo wangu pamberi pavo.

Pazuva rokuwa kwako

mumwe nomumwe wavo achadedera

nguva dzose, nokuda kwoupenyu hwake.

11 “ ‘Nokuti zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Munondo wamambo weBhabhironi

uchauya kuzokurwisa.

12 Ndichaita kuti vanhu vako vazhinji vawe

nokuda kweminondo yavane simba,

vanhu vakaipisisa pandudzi dzose.

Vachaparadza kuzvikudza kweIjipiti,

uye vanhu vayo vazhinji vachakundwa.

13 Ndichaparadza mombe dzayo dzose

dziri panhivi dzemvura zhinji,

hakuchazova norutsoka rwomunhu ruchaibvongodza,

kana namahwanda emombe achaibvongodza.

14 Ipapo ndichaita kuti mvura yavo igadzikane,

uye ndichaita kuti hova dzayo dziyerere samafuta,

ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

15 Pandichaita Ijipiti kuti ive dongo

uye pandichabvisa zvose zviri mairi,

pandichauraya vose vanogaramo,

ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.’

16 “Aya ndiwo mashoko okuchema avachaiimbira. Vanasikana vendudzi vachaimba; nokuda kweIjipiti navanhu vayo vose vazhinji vachaimba, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”

17 Mugore regumi namaviri, pazuva regumi namashanu romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

18 “Mwanakomana womunhu, ungudza nokuda kwavanhu vazhinji veIjipiti uye uvawisire pasi zvose iyo nyika navanasikana vendudzi dzine simba, pamwe chete navaya vanoburukira kugomba.

19 Uti kwavari, ‘Ko, imi munonyanya kudikanwa kupfuura vamwe here? Burukai munoradzikwa pakati pavasina kudzingiswa.’

20 Vachava pakati pavakaurayiwa nomunondo. Munondo wavhomorwa; ngaakweverwe kunze pamwe chete navanhu vake vazhinji.

21 Vatungamiri vane simba vari mukati meguva, vachati pamusoro peIjipiti navabatsiri vayo, ‘Vaburukira kuno uye vavete pamwe chete navasina kudzingiswa, navaya vakaurayiwa nomunondo.’

22 “Asiria iriko nehondo yayo yose; yakakomberedzwa namakuva avakaurayiwa vayo vose, vose vakaurayiwa nomunondo.

23 Makuva ayo ari pasi pasi mugomba uye hondo yayo ivete yakakomberedza rinda rayo. Vose vakanga vaparadzira kutya munyika yavapenyu vakaurayiwa vakafa nomunondo.

24 “Eramu iriko, pamwe chete navanhu vayo vazhinji vose vakapoteredza rinda rayo. Vose vakaurayiwa, vakafa nomunondo. Vose vakanga vatyisidzira vamwe munyika yavapenyu vakaburukira panyika pasi vasina kudzingiswa. Vakatakura nyadzi dzavo navaya vanoburukira kugomba.

25 Yakawaridzirwa mubhedha pakati pavakaurayiwa, nevanhu vayo vazhinji vakakomberedza rinda rayo. Vose havana kudzingiswa, vakaurayiwa nomunondo. Nemhaka yokuti kutyisidzira kwavo kwakanga kwapararira munyika yavapenyu, vanotakura nyadzi dzavo navaya vanoburukira kugomba, vakaradzikwa pakati pavakaurayiwa.

26 “Mesheki neTubhari dziripo, navanhu vadzo vazhinji vakakomba marinda adzo. Vose havana kudzingiswa, vakaurayiwa nomunondo nokuti vakatyisidzira vanhu munyika yavapenyu.

27 Ko, havana kuvata navamwe varwi vasina kudzingiswa here, ivo vakafa, vakaburukira muguva vane zvombo zvavo zvehondo, uye minondo yavo yakaiswa pasi pemisoro yavo? Kurangwa nokuda kwezvivi zvavo kuri pamusoro pamapfupa avo, kunyange kutyisidzira kwavanhu ava kwakanga kwapararira munyika yavapenyu.

28 “Newewo, iwe Faro, uchavhunwa uye uchavata pakati pavasina kudzingiswa.

29 “Edhomu iriko namadzimambo ayo namachinda ayo ose; kunyange ane simba, vakaradzikwa navaya vakaurayiwa nomunondo. Vakavata navasina kudzingiswa, navaya vanoburukira kugomba.

30 “Machinda ose okumusoro navaSidhoni variko; vakadzika navakaurayiwa mukunyadziswa kunyange simba ravo raityisa. Vakavata vasina kudzingiswa pamwe chete navakaurayiwa nomunondo vakatakura kunyadziswa kwavo pamwe chete navaya vanoburukira kugomba.

31 “Faro, iye nehondo yake, achavaona agonyaradzwa nokuda kwavanhu vake vazhinji vakaurayiwa nomunondo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

32 Kunyange ndakamurega achityisidzira vamwe munyika yavapenyu, Faro navanhu vake vazhinji vacharadzikwa pakati pavasina kudzingiswa, navaya vakaurayiwa nomunondo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”

Categories
Ezekieri

Ezekieri 33

Ezekieri, Nharirire yaJehovha

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2 “Mwanakomana womunhu, taura kuvanhu venyika yako uti kwavari: ‘Kana ndikauyisa munondo pamusoro penyika, uye vanhu venyika iyo vakasarudza mumwe wavo vakamuita nharirire yavo,

3 uye iye akaona munondo uchiuya kuzorwa nenyika akaridza hwamanda kuti anyevere vanhu,

4 ipapo ani naani kana akanzwa hwamanda asi akasava nehanya nenyevero uye munondo ukasvika ukamuuraya, ropa rake richava pamusoro wake.

5 Sezvo akanzwa kurira kwehwamanda asi akashaya hanya, ropa rake richava pamusoro wake. Dai akateerera kunyeverwa, angadai akaponesa upenyu hwake.

6 Asi kana nharirire ikaona munondo uchiuya uye ikasaridza hwamanda kuti iyambire vanhu uye munondo ukasvika ukabvisa upenyu hwomumwe wavo, munhu uyo achabviswa hake nokuda kwechivi chake, asi ndichabvunza ropa rake kunharirire.’

7 “Mwanakomana womunhu, ndakakuita nharirire yeimba yaIsraeri; saka inzwa shoko randinotaura ugovaudza yambiro inobva kwandiri.

8 Kana ndikati kuno akaipa, ‘Iwe munhu wakaipa, uchafa zvirokwazvo,’ uye iwe ukasamutaurira kuti umunyevere panzira dzake, munhu uyo akaipa achafa nokuda kwechivi chake, asi ropa rake ndicharibvunza kwauri.

9 Asi iwe kana ukanyevera munhu wakaipa uyu kuti adzoke kubva panzira dzake, iye akasaita izvozvo, achafa nokuda kwechivi chake, asi iwe unenge waponesa upenyu hwako.

10 “Mwanakomana womunhu, uti kuimba yaIsraeri, ‘Izvi ndizvo zvamunoreva muchiti, “Kutadza kwedu nezvivi zvedu zvinotiremera, uye tapera nokuda kwazvo. Zvino tingararama seiko?” ’

11 Uti kwavari, ‘Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, handitongofariri rufu rwowakaipa, asi kuti vatendeuke kubva panzira dzavo vagorarama. Tendeukai! Tendeukai pazvakaipa zvenyu! Muchafireiko, imi imba yaIsraeri?’

12 “Naizvozvo, mwanakomana womunhu, uti kuvanhu venyika yako, ‘Kururama kwowakarurama hakugoni kumuponesa kana asingateereri, uye kuipa kwomunhu akaipa hakungamuiti kuti awe kana akatendeuka kubva pakuri. Munhu akarurama, kana akatadza, haangatenderwi kuti ararame nokuda kwokururama kwaaiva nako kare.’

13 Kana ndikaudza munhu akarurama kuti achafa zvirokwazvo, asi zvino iye ovimba nokururama kwake, ndokuita zvakaipa, hakuna zvinhu zvakarurama zvaakaita kare zvicharangarirwa; achafa nokuda kwezvakaipa zvaakaita.

14 Uye kana ndikati kumunhu akaipa, ‘Iwe uchafa zvirokwazvo,’ asi zvino iye akatendeuka pachivi chake uye akaita zvakanaka nezvakarurama,

15 kana akadzorera zvaakatora norubatso sechikwereti, akadzosa zvaakaba, akatevera mitemo youpenyu, akasaita zvakaipa, zvirokwazvo achararama; haangafi.

16 Hakuna zvivi zvaakaita zvicharangarirwa pamusoro pake. Akaita zvakanaka uye zvakarurama; achararama zvirokwazvo.

17 “Kunyange zvakadaro, vanhu venyika yako vanoti, ‘Nzira yaShe haina kururama.’ Asi nzira yavo ndiyo isina kururama.

18 Kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake, akaita zvakaipa, achafa nokuda kwazvo.

19 Uye munhu akaipa akatendeuka pazvakaipa zvake akaita zvakanaka uye zvakarurama, achararama nazvo.

20 Kunyange zvakadaro, imi imba yaIsraeri, munoti, ‘Nzira yaShe haina kururama.’ Asi ndichatonga mumwe nomumwe wenyu zvakafanira nzira dzake.”

Kuwa kweJerusarema kunorondedzerwa

21 Mugore regumi namaviri rokutapwa kwedu, mumwedzi wegumi pazuva reshanu, munhu akanga apunyuka paJerusarema akasvika kwandiri achiti, “Guta rawa!”

22 Zvino madekwana munhu uya asati asvika, ruoko rwaJehovha rwakanga rwuri pamusoro pangu, uye akashamisa muromo wangu munhu uya asati asvika kwandiri mangwanani. Saka muromo wangu wakazarurwa ndikasazonyararazve.

23 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

24 “Mwanakomana womunhu, vanhu vanogara mumatongo ayo munyika yaIsraeri vari kuti, ‘Abhurahama akanga ari munhu mumwe chete, asi akatora nyika. Asi isu tiri vazhinji; zvirokwazvo nyika yakapiwa kwatiri senhaka yedu.’

25 Naizvozvo uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Sezvo muchidya nyama neropa rayo uye muchitarira kuzvifananidzo zvenyu uye muchiteura ropa, zvino mungatora nyika here?

26 Imi munovimba nomunondo wenyu, muchiita zvinhu zvinonyangadza, uye mumwe nomumwe wenyu achisvibisa mukadzi wehama yake. Zvino mungatora nyika here?’

27 “Taura kwavari kuti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Zvirokwazvo noupenyu hwangu, vaya vakasara mumatongo vachaurayiwa nomunondo, vaya vari kumamisha, ndichavapa kuzvikara zvesango kuti zvivadye, uye vaya vari munhare nomumapako vachafa nehosha.

28 Nyika ndichaiita dongo rakaparadzwa, uye simba rokuzvikudza kwayo richasvika kumagumo, uye makomo aIsraeri achaparadzwa zvokuti hakuna achaadarika.

29 Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichashandura nyika ikava dongo rakaparadzwa nokuda kwezvinonyangadza zvavakaita.’

30 “Asi kana uriwe, mwanakomana womunhu, vanhu venyika yako vanotaurirana pamwe chete pamusoro pako pamasvingo uye napamikova yedzimba, vachiti kuno mumwe nomumwe wavo, ‘Uyai munzwe shoko rabva kuna Jehovha.’

31 Vanhu vangu vanouya kwauri, sezvavanosiita, ndokugara pamberi pako kuti vateerere kumashoko ako, asi havaaiti. Vanondirumbidza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo inokarira pfuma yokusarurama.

32 Zvirokwazvo, iwe wakaita somunhu anoimba rwiyo rworudo kwavari nezwi rakaisvonaka uye achiridza chiridzwa zvakanaka, nokuti vanonzwa mashoko ako asi havaaiti.

33 “Panoitika izvi zvose, uye zvichaitika zvirokwazvo, ipapo vachaziva kuti muprofita akanga ari pakati pavo.”