Categories
Muparidzi

Muparidzi 7

Uchenjeri

1 Zita rakanaka rinopfuura mafuta anonhuhwira zvakanaka kwazvo,

uye zuva rokufa rinopfuura zuva rokuzvarwa.

2 Zviri nani kuenda kuimba yokuchema

pano kuenda kuimba yamabiko,

nokuti rufu ndiwo mugumo womunhu wose;

vapenyu ngavazviise izvi pamwoyo.

3 Kusuwa kunopfuura kuseka,

nokuti chiso chinopunyaira chakanakira mwoyo.

4 Mwoyo womuchenjeri uri mumba yokuchema,

asi mwoyo yamapenzi iri kuimba yamafaro.

5 Zviri nani kuteerera kutsiura kwomunhu akachenjera,

pano kuteerera rwiyo rwamapenzi.

6 Sokuputika kweminzwa pasi pehari,

ndizvo zvakaita kuseka kwamapenzi.

Naizvozviwo hazvina maturo.

7 Udzvinyiriri hunoshandura muchenjeri achiva benzi,

uye fufuro inosvibisa mwoyo.

8 Magumo echinhu anopfuura mavambo acho,

uye mwoyo murefu unopfuura kuzvikudza.

9 Usakurumidza kutsamwa pamweya wako

nokuti kutsamwa kunogara muchipfuva chamapenzi.

10 Usati, “Sei mazuva akare ari nani kupfuura azvino?”

Nokuti hazvina kuchenjera kubvunza mibvunzo yakadaro.

11 Uchenjeri chinhu chakanaka senhaka,

uye hunobatsira avo vanoona zuva.

12 Uchenjeri hunodzivirira sokudzivirira kunoita mari,

asi kunakisa kworuzivo ndokuku:

kuti uchenjeri hunochengetedza

upenyu hwomunhu anahwo.

13 Cherechedza zvakaitwa naMwari:

Ndiani angatwasanudza

zvaakagonyanisa?

14 Kana zvinhu zvakanaka, fara;

asi kana nguva dzakaipa, rangarira kuti:

Mwari ndiye akaita izvozvo

zvose zviri zviviri.

Naizvozvo, munhu haagoni kuziva chinhu

pamusoro peramangwana rake.

15 Muupenyu hwangu husina maturo ndakaona zvose izvi:

akarurama achiparara mukururama kwake,

nowakaipa achirarama nguva refu mukuipa kwake.

16 Usava munhu akanyanyisa kururama,

kana munhu akanyanyisa kuchenjera,

uchazviparadzireiko?

17 Usava munhu akanyanyisa kuipa,

uye usava benzi.

Ungada kufa nguva yako isati yakwana?

18 Zvakanaka kubatisisa chimwe chinhu,

uye usingaregedzi chimwe chacho chichienda.

Munhu anotya Mwari acharega kuita zvinopfurikidza mwero.

19 Uchenjeri hunoita kuti mumwe munhu akachenjera

ave nesimba guru kupfuura vatariri gumi vari muguta.

20 Hapana munhu akarurama panyika,

anoita zvakanaka uye asingatadzi.

21 Usava nehanya namashoko ose anotaurwa navanhu,

zvichida ungangonzwa muranda wako achikutuka,

22 nokuti unoziva mumwoyo mako

kuti nguva zhinji iwe pachako wakambotuka vamwe.

23 Zvose izvi ndakazviedza nouchenjeri ndikati,

“Ndakazvipira kuva munhu akachenjera,”

asi izvi zvaiva kure neni.

24 Chii zvacho chingava uchenjeri,

chiri kure kwazvo uye chakadzama,

ndiani angachiwana?

25 Saka ndakashandura pfungwa dzangu ndikatanga kutsvaka kunzwisisa,

kuti ndiongorore uye nditsvakisise uchenjeri nourongwa hwezvinhu,

uye kuti ndinzwisise upenzi hwokuipa

nomupengo hwoupenzi.

26 Ndakawana chinhu chinovava kupfuura rufu,

mukadzi anova musungo,

mwoyo wake uri hunza

uye maoko ake ari ngetani.

Munhu anofadza Mwari achapunyuka kwaari,

asi mutadzi achabatwa naye.

27 Muparidzi anoti, “Tarira, izvi ndizvo zvandakawana:

“Ndichisanganisa chimwe nechimwe kuti ndiwane marongerwo ezvinhu,

28 pandakanga ndichiri kutsvaka

asi ndisina chandinowana,

ndakawana murume mumwe chete akarurama pakati pechiuru,

asi handina kuwana mukadzi mumwe chete akarurama pakati pavo vose.

29 Chinhu ichi chete ndicho chandakawana chokuti:

Mwari akaita vanhu vakarurama,

asi vanhu vakaenda kundotsvaka mano mazhinji.”

Categories
Muparidzi

Muparidzi 8

1 Ndiani akafanana nomunhu akachenjera?

Ndiani anoziva tsananguro yezvinhu?

Uchenjeri hunobwinyisa chiso chomunhu

uye hunoshandura kuomarara kwechiso.

Teerera Mambo

2 Ndinoti, teerera murayiro wamambo, nokuti wakaita mhiko pamberi paMwari.

3 Usakurumidza kubva pamberi pamambo. Usamiririra zvinhu zvakaipa, nokuti iye achaita chinhu chipi zvacho chinomufadza.

4 Sezvo shoko ramambo riri pamusoro pamashoko ose, ndiani angati kwaari, “Munoiteiko?”

5 Ani naani zvake achateerera murayiro wake haangawani chinomukuvadza,

uye mwoyo wakachenjera uchaziva nguva yakafanira namaitiro akafanira.

6 Nokuti kune nguva yakafanira namaitiro akafanira pazvinhu zvose,

kunyange nhamo yomunhu ichimuremera zvikuru.

7 Sezvo pasina munhu anoziva ramangwana,

ndiani angamuzivisa zvichauya?

8 Hakuna munhu ane simba pamusoro pemhepo kuti aitonge;

saizvozvowo hakuna munhu ane simba pamusoro pezuva rokufa kwake.

Sezvo kusinawo munhu anoregedzeswa kurwa panguva yehondo,

saizvozvowo zvakaipa hazvingaregedzi uyo anozviita.

9 Zvose izvi ndakazviona, pandakaisa pfungwa dzangu pane zvose zvinoitwa pasi pezuva. Pane nguva yokuti mumwe munhu anenge ane simba pamusoro pavamwe, asi achizvikuvadza pachake.

10 Zvino ndakaonazve vakaipa vachivigwa mumakuva, vose vaisiuya nokuenda kubva kunzvimbo tsvene uye vachirumbidzwa muguta mavaiitira izvi. Naizvozviwo hazvina maturo.

11 Kana mhosva ikarega kukurumidza kutongwa, mwoyo yavanhu ichazara nezvirongwa zvokuita zvakaipa.

12 Kunyange munhu akaipa akapara mhosva dzinosvika zana agorarama nguva refu, ndinoziva kuti zvichava nani kuna vanhu vanotya Mwari, avo vanokudza Mwari.

13 Asi nokuti vakaipa havatyi Mwari, hazvizovanakira, uye mazuva avo haangarebi somumvuri.

14 Pane chimwezve chinhu chisina maturo chinoitika panyika: Vanhu vakarurama vanoitirwa zvakafanira kuitirwa vakaipa, uye vanhu vakaipa vanowana zvakafanira kuwanikwa navakarurama. Naizvozviwo ndinoti hazvina maturo.

15 Saka ndinokurudzira vanhu kuti vafadzwe noupenyu, nokuti hapana chinhu chiri nani kumunhu pasi pezuva kupfuura kudya nokunwa nokufara. Ipapo mufaro uchamutevera mubasa rake mazuva ose oupenyu hwaakapiwa naMwari pasi pezuva.

16 Pandakaisa pfungwa dzangu kuti ndizive uchenjeri nokuongorora mabasa omunhu panyika, maziso ake asingawani hope usiku namasikati,

17 ipapo ndakaona zvose zvakaitwa naMwari. Hapana munhu angazvinzwisisa zvinoitika pasi pezuva. Hazvinei kuti munhu anoedza sei kuzvitsvaka, munhu haangagoni kuziva zvazvinoreva. Kunyange munhu akachenjera akati anozviziva haangakwanisi kunyatsozvinzwisisa.

Categories
Muparidzi

Muparidzi 9

Mugumo waVanhu Vose

1 Nokudaro ndakafunga pamusoro pezvose izvi uye ndikapedzisira nokuti vakarurama navakachenjera, nezvavanoita zviri mumaoko aMwari, asi hakuna munhu anoziva kuti rudo here kana ruvengo zvakamumirira.

2 Vose vane mugumo wakafanana, akarurama neakaipa, akanaka nomutadzi, akachena neakasviba, avo vanobayira zvibayiro neavo vasingabayiri.

Sezvazvakaita nomunhu akanaka,

ndizvozvowo nomutadzi;

sezvazvakaita neavo vanoita mhiko,

ndizvozvowo neavo vanotya kuita mhiko.

3 Ichi ndicho chinhu chakaipa pane zvose zvinoitika pasi pezuva: Vose vane mugumo mumwe chete. Pamusoro pezvo, mwoyo yavanhu izere nezvakaipa uye mumwoyo yavo mune upenzi panguva yokurarama kwavo, uye shure kwaizvozvo vanobatana navakafa.

4 Ani naani ari pakati pavapenyu ane tariro; kunyange imbwa mhenyu iri nani kupfuura shumba yakafa!

5 Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachafa,

asi vakafa havana chavanoziva;

havachinazve mumwe mubayiro,

uye nokurangarirwa kwavo kwakanganikwa.

6 Rudo rwavo, ruvengo rwavo

negodo zvakanguri zvapera kare;

havachazovizve nechikamu,

pane zvose zvinoitika pasi pezuva.

7 Enda, undodya zvokudya zvako nomufaro, unwe waini nomwoyo wakafara, nokuti iye zvino Mwari ndipo paari kufadzwa namabasa ako.

8 Nguva dzose upfeke nguo chena, uye ugare wakazodza musoro wako namafuta.

9 Fadzwa noupenyu hwako nomukadzi wako waunoda, mazuva ose oupenyu huno husina maturo Mwari hwaakakupa pasi pezuva, mazuva ose asina maturo. Nokuti uyu ndiwo mugove wako muupenyu uye mukushanda kwako nesimba pasi pezuva.

10 Zvose zvinowanikwa noruoko rwako kuti ruzviite, zviite nesimba rako rose, nokuti muguva, mauri kuenda, hamuna kushanda kana kuronga, kana ruzivo kana uchenjeri.

11 Ndakaona chimwe chinhuzve pasi pezuva:

Anomhanyisa haasi iye anokunda

uye ane simba haasi iye anokunda pakurwa,

uye akachenjera haasi iye ane zvokudya,

uye vane njere havasi ivo vane pfuma,

uye vakadzidza havasi ivo vanodiwa navanhu;

asi vose vanowirwa nenguva nezvinoitika.

12 Pamusoro pezvo hakuna munhu anoziva nguva yake painosvika:

Sehove dzinobatwa murutava rwakaipa,

kana shiri dzinobatwa murugombe,

saizvozvowo vanhu vanobatwa

nenguva dzakaipa dzinovawira vasingatarisire.

Uchenjeri hunopfuura Upenzi

13 Ndakaonazve pasi pezuva muenzaniso uyu wouchenjeri wakandifadza zvikuru:

14 Kwakanga kune guta duku, raiva navanhu vashoma mariri. Mumwe mambo ane simba akarimukira, akarikomba, akarivakira masvingo makuru okurirwisa.

15 Zvino muguta umu maigara mumwe murume akanga ari murombo asi akachenjera, uye akaponesa guta iri nouchenjeri hwake. Asi hakuna munhu akarangarira murombo uya.

16 Saka ndakati, “Uchenjeri hunopfuura simba.” Asi uchenjeri hwomurombo hunoshorwa uye mashoko ake haangateererwi.

17 Mashoko manyoro omuchenjeri anoteererwa

kupfuura kudanidzira kwomunhu anobata ushe pakati pamapenzi.

18 Uchenjeri hunopfuura zvombo zvehondo,

asi mutadzi mumwe anoparadza zvakanaka zvizhinji.

Categories
Muparidzi

Muparidzi 10

1 Nhunzi dzakafa dzinonhuwisa mafuta akanaka,

saizvozvowo upenzi hushoma hunorema kukunda uchenjeri nokukudzwa.

2 Mwoyo womunhu akachenjera unosimbira kurudyi,

asi mwoyo webenzi unosimbira kuruboshwe.

3 Kunyange richifamba pamugwagwa,

benzi rinoshayiwa njere

uye rinoratidza vanhu vose upenzi hwaro.

4 Kana kutsamwa kwomutongi kukakumukira,

usabva panzvimbo yako;

unyoro hunonyaradza mhosva huru.

5 Kune chinhu chakaipa chandakaona pasi pezuva,

kutadza kunobva kuvatongi:

6 Mapenzi anoiswa munzvimbo zhinji dzapamusoro,

ipapo vapfumi vachitora nzvimbo dzakaderera.

7 Ndakaona varanda vakatasva mabhiza,

ipapo machinda achifamba pasi netsoka savaranda.

8 Ani naani anochera gomba angangowira mariri;

ani naani anopwanya naparusvingo angangorumwa nenyoka.

9 Ani naani anopwanya matombo angangokuvadzwa nawo;

ani naani anotsemura matanda angangozviisa panjodzi nawo.

10 Kana demo rakagomara

uye rikasarodzwa,

panodiwa simba rakawanda,

asi unyanzvi hunouyisa kubudirira.

11 Kana nyoka ikaruma mupingudzi asati aibata,

mupingudzi haachabatsiri.

12 Mashoko anobva mumuromo momunhu akachenjera ane unyoro,

asi benzi rinomedzwa nomuromo waro.

13 Kutanga kwamashoko ake upenzi;

nokuguma kwokutaura kwake mupengo wakashata.

14 Uye benzi rinowanza mashoko.

Hapana munhu anoziva zvichauya,

ndiani angamuudza zvichaitika shure kwake?

15 Basa rebenzi rinomunetesa;

haazivi nzira inoenda kuguta.

16 Une nhamo iwe nyika ina mambo aiva muranda

uye ina machinda anoita mabiko mangwanani.

17 Wakaropafadzwa iwe nyika ina mambo akaberekwa mukukudzwa

uye ina machinda anodya panguva yakafanira,

kuti vasimbiswe kwete kuti vadhakwe.

18 Kana munhu ari simbe, denga remba rinosakara;

kana achigarira maoko, imba inobvinza.

19 Mabiko anoitirwa kuseka,

uye waini inofadza upenyu,

asi mari imhinduro kune zvose.

20 Usatuka mambo kunyange mupfungwa dzako,

kana kutuka mupfumi paimba yako yokuvata,

nokuti shiri yedenga ingangotakura mashoko ako,

uye china mapapiro chingangozivisa zvawataura.

Categories
Muparidzi

Muparidzi 11

Chingwa pamusoro peMvura

1 Kanda chingwa chako pamusoro pemvura zhinji,

nokuti mushure mamazuva mazhinji uchachiwanazve.

2 Govera vanomwe, kunyange navaserewo;

nokuti hauzivi kuti idambudziko rakadii richauya panyika.

3 Kana makore azara nemvura

anonayisa mvura panyika.

Hazvinei kuti muti wawira zasi kana kumusoro,

panzvimbo paunowira, ndipo paucharara.

4 Ani naani anotarira mhepo haangadyari;

ani naani anotarira makore haangakohwi.

5 Sezvo usingazivi nzira yemhepo,

kana magadzirirwo omuviri mudumbu ramai,

saizvozvowo haunganzwisisi basa raMwari,

Muiti wezvose.

6 Kusha mbeu dzako mangwanani,

uye madekwana urege kugarira maoko ako,

nokuti hauzivi kuti chichabudirira ndechipi,

chingava ichi kana icho,

kana kuti zvose zviri zviviri zvichafanana pakunaka.

Rangarira Musiki wako uchiri muduku

7 Chiedza chakanaka,

uye zvinofadza meso kuona zuva.

8 Kunyange zvazvo munhu akararama makore mazhinji,

ngaafadzwe nawo ose.

Asi ngaarangarire mazuva erima,

nokuti achava mazhinji.

Zvose zvichazouya hazvina maturo.

9 Fara zvako jaya, pauduku hwako,

uye mwoyo wako ngaukupe mufaro pamazuva ouduku hwako.

Tevera nzira dzomwoyo wako,

nezvose zvingaonekwe nameso ako,

asi uzive kuti pazvinhu zvose izvi

Mwari achakusvitsa pakutongwa.

10 Saka zvino dzinga zvinonetsa pamwoyo

wako ugobvisa zvinotambudza pamuviri wako,

nokuti uduku nesimba hazvina maturo.

Categories
Muparidzi

Muparidzi 12

1 Rangarira Musiki wako

pamazuva ouduku hwako,

mazuva okutambudzika asati auya,

namakore asati aswedera pauchati,

“Handioni zvinofadza maari,”

2 zuva nechiedza uye nomwedzi

nenyeredzi zvisati zvadzima,

uye makore asati adzoka mushure mokunaya kwemvura;

3 kana vatariri vemba vodedera,

navarume vakasimba vokotama,

kana vakuyi vorega nokuti vashoma,

uye vaya vanotarira napamawindo voonera madzerere;

4 kana mikova yokunzira ichinge yapfigwa

uye maungira okukuya oderera;

kana vanhu vomutswa nokuimba kweshiri

asi nziyo dzavo dzose dzisisanzwiki zvakanaka;

5 kana vanhu votya nzvimbo dzakakwirira

nenjodzi mumigwagwa;

kana muamanda wotumbuka

nemhashu yozvikwekweredza

uye kuda kwose kwapera.

Ipapo munhu anoenda kumusha wake usingaperi,

uye vanochema vachafamba-famba munzira.

6 Murangarirei, rwodzi rwesirivha rusati rwadambuka;

uye mbiya yegoridhe isati yaputswa;

chirongo chisati chapwanyika pachitubu,

uye vhiri risati raputswa patsime,

7 uye guruva risati radzokera kuvhu kwarakabva,

nomweya usati wadzokera kuna Mwari akaupa.

8 Muparidzi anoti, “Hazvina maturo! Hazvina maturo!

Zvose hazvina maturo!”

Magumo eNyaya

9 Muparidzi akanga asina kuchenjera chete asi akadzidzisawo zivo kuvanhu. Akarangarira akaongorora uye akaronga zvirevo zvizhinji.

10 Muparidzi akatsvaka kuti awane mashoko akanaka chete, uye zvaakanyora zvakarurama uye ndezvechokwadi.

11 Mashoko avachenjeri akafanana nezvibayiso, mashoko avo akaunganidzwa akasimbiswa sembambo dzakarovererwa kwazvo, akapiwa noMufudzi mumwe chete.

12 Yambirwa, mwanakomana wangu, kuti pasava nechinhu chipi zvacho chichawedzerwa pazviri.

Zvokunyora mabhuku mazhinji hazvina magumo, uye kudzidza zvizhinji kunonetesa muviri.

13 Zvino zvose zvanzwikwa;

houno mugumo wenyaya yacho:

Itya Mwari uchengete mirayiro yake,

nokuti iri ndiro basa rose romunhu.

14 Nokuti Mwari achatonga basa rimwe nerimwe

kusanganisira nezvakavanzika zvose,

zvakanaka kana zvakaipa.

Categories
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 1

1 Rwiyo Rukuru rwaSoromoni:

2 Ngaanditsvode hake nokutsvoda kwomuromo wake.

Nokuti rudo rwako runofadza kupfuura waini.

3 Kunhuhwirira kwamafuta enyu kunofadza;

zita renyu rakafanana namafuta anonhuwirira adururwa.

Hazvishamisi kuti mhandara dzinokudai!

4 Nditorei muende neni, ngatikurumidzei.

Mambo ngaandipinze mudzimba dzake dzomukati.

Tinokupembererai uye tinokufarirai;

ticharumbidza rudo rwenyu kupfuura waini.

Regai zvenyu mhandara dzikudei!

5 Kusviba ndakasviba zvangu, asi ndakanaka hangu,

vanasikana veJerusarema,

ndakasviba samatende eKedhari,

sezvidzitiro zvetende raSoromoni.

6 Musanditarisisa nokuda kwoutema hwangu,

nokuti ndakasvibiswa nezuva.

Vanakomana vamai vangu vakanditsamwira

vakandiita kuti ndichengete minda yemizambiringa;

munda wangu chaiwo wemizambiringa ndakaushayira nguva.

7 Ndiudze, iwe mudiwa wangu, kwaunofudzira makwai ako

nokwaunozorodzera makwai ako masikati.

Ko, ndichaitirei somukadzi akafukidza chiso chake

pedyo namakwai eshamwari dzako?

8 Kana usingazivi, iwe mukadzi akanaka kukunda vamwe,

chitevera makwara amakwai

ugondofudzira mbudzana dzako

pedyo namatende avafudzi.

9 Ndinokufananidza, iwe mudiwa wangu, nebhiza rakasungwa

pane imwe yengoro dzaFaro.

10 Matama ako akashongedzwa zvakanaka nemhete,

mutsipa wako nezvuma zvamatombo anokosha.

11 Tichakugadzirira mhete

dzenzeve dzegoridhe nesirivha.

12 Mambo paakanga agere patafura yake,

munhuwi wamafuta andainge ndazora wakapararira.

13 Mudiwa wangu, kwandiri akaita sakahomwe kemura

kanogara pakati pamazamu angu.

14 Mudiwa wangu, kwandiri akaita sesumbu ramaruva machena

anobva mubindu remizambiringa yeEni Gedhi.

15 Kunaka here kwawakaita uku, mudiwa wangu!

A-a, wakazonaka!

Meso ako injiva chaidzo!

16 Wakanaka sei, mudiwa wangu!

A-a, unofadza!

Uye mubhedha wedu wakasvibira.

17 Nhungo dzeimba yedu ndedzomusidhari;

mbariro dzacho ndedzomupaini.

Categories
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 2

1 Ndiri ruva reSharoni,

ruva romumipata.

2 Seruva riri pakati peminzwa,

ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pemhandara.

3 Somuti womuapuro pakati pemiti yesango,

ndizvo zvawakaita mudiwa wangu pakati pamajaya.

Ndinofarira kugara mumumvuri wake,

uye muchero wake unondinakira kuudya.

4 Akaenda neni kuimba yamabiko,

uye mureza wake pamusoro pangu ndirwo rudo.

5 Ndisimbise namazambiringa akaomeswa,

ndisimbise namaapuro;

nokuti ndoziya norudo.

6 Ruoko rwake rworuboshwe rwuri pasi pomusoro wangu,

uye ruoko rwake rworudyi rwakandimbundikira.

7 Imi vanasikana veJerusarema ndinokupikirai

nemhara uye nenondo dzesango:

Musazunguza kana kumutsa rudo

kusvikira irwo rwada rwoga.

8 Inzwai! Inzwi romudiwa wangu!

Tarirai! Hoyo

ouya achiuruka nomumakomo,

achikwakuka nomuzvikomo.

9 Mudiwa wangu akafanana nemhara

kana netsvana yenondo.

Tarirai! Hoyo amira seri kworusvingo rwedu,

akatarira napamawindo achidongorera napamaburi apamawindo.

10 Mudiwa wangu akataura kwandiri akati,

“Simuka, mudiwa wangu,

iwe munakunaku wangu, uya tiende tose.

11 Tarira! Nguva yechando yapera;

mvura yapera; uye haichanayi.

12 Maruva oonekwa panyika;

nguva yokuimba yasvika,

kurira kwenjiva

kwonzwikwa munyika yedu.

13 Muonde wobereka michero yawo yokutanga;

uye mizambiringa yotunga maruva ayo anonhuhwira kwazvo.

Simuka, uya, mudiwa wangu;

munakunaku wangu, uya tiende tose.”

14 Njiva yangu iri mumikaha yedombo,

munzvimbo dzokuvanda mumativi egomo,

ndiratidze chiso chako,

ndinoda kunzwa inzwi rako;

nokuti inzwi rako rinotapira,

uye chiso chako chinoyevedza.

15 Tibatirei makava,

ivo vana vemakava

anoparadza minda yemizambiringa,

iyo mizambiringa yedu yotunga maruva.

16 Mudiwa wangu ndewangu uye ndiri wake;

anofamba-famba pakati pamaruva omubani.

17 Kusvikira zuva rabuda

uye mimvuri yatiza,

pinduka, mudiwa,

ubve waita semhara

kana tsvana

pamusoro pezvikomo.

Categories
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 3

1 Usiku hwose ndiri pamubhedha wangu

ndakatsvaka uyo anodiwa nomwoyo wangu;

ndakamutsvaka asi handina kumuwana.

2 Ndichasimuka zvino ndinofamba-famba muguta,

mumigwagwa yaro nomuzvivara zvaro;

ndichatsvaka iye anodiwa nomwoyo wangu.

Saka ndakamutsvaka asi handina kumuwana.

3 Varindi vakandiona

pavaiva pabasa ravo rokufamba-famba vachichengetedza guta.

“Ko, mamboona here iye anodiwa nomwoyo wangu?”

4 Ndichingopfuudzana navo

ndakabva ndamuwana, iye anodiwa nomwoyo wangu.

Ndakamubata ndikasamuregedza

kusvikira ndaenda naye kumba kwamai vangu,

kuimba yaavo vakandibereka.

5 Vanasikana veJerusarema, ndinokurayirai

nemhara kana nenondo dzesango kuti:

Musazunguza kana kumutsa rudo

kusvikira irwo rwada rwoga.

6 Ndianiko uyo ari kuuya achibva nokurenje

seshongwe youtsi

ine munhuwi wemura, nezvimwe zvinonhuhwira

zvakagadzirwa nezvikuyiwa zvinonhuhwira zvavashambadzi?

7 Tarirai! Ndiyo ngoro yaSoromoni,

yakachengetedzwa nemhare makumi matanhatu dzamachinda,

apamusoro-soro omuIsraeri.

8 Mumwe nomumwe wavo akabata munondo

vose vakarwa hondo,

mumwe nomumwe ane munondo parutivi rwake,

vakagadzirira kutarisana nezvinotyisa usiku.

9 Mambo Soromoni akazvigadzirira ngoro;

akaigadzira nemiti yokuRebhanoni.

10 Mbiru dzacho akadzigadzira nesirivha,

pokuzembera musana pakagadzirwa negoridhe.

Pokugara pakashongedzwa nejira repepuru,

mukati mayo makashongedzwa norudo

navanasikana veJerusarema.

11 Budai imi vanasikana veZioni,

muzoona Mambo Soromoni akapfeka korona,

korona yaakapfekedzwa namai vake

musi wesvitsa,

zuva iro mwoyo wake wakafara.

Categories
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 4

1 Wakanaka sei, mudiwa wangu!

A, wakazonaka!

Meso ako uri mumumbure injiva chaidzo.

Bvudzi rako rakaita sedanga rembudzi

riri kuburuka kubva muGomo reGireadhi.

2 Meno ako akafanana neboka ramakwai achangobva mukuveurwa,

ari kubva kundoshambidzwa.

Rimwe nerimwe riine rarakafanana naro,

pasina rimwe riri roga zvaro.

3 Miromo yako yakafanana nomucheka mutsvuku;

muromo wako wakaisvonaka.

Zvavovo zvako zviri mumumbure wako

zvakaita sezvikamu zviviri zvedamba.

4 Mutsipa wako wakafanana neshongwe yaDhavhidhi

yakavakwa zvinoyevedza.

Mairi makaturikwa nhoo dzine chiuru,

dzose dziri nhoo dzemhare.

5 Mazamu ako ari maviri akafanana netsvana mbiri dzemhara,

mapatya emhara

dzinofura pamwe chete pakati pemaruva.

6 Kusvikira zuva rabuda

uye mimvuri yotiza,

ndichaenda kugomo remura

nokuchikomo chezvinonhuhwira.

7 Wakaisvonaka iwe, mudiwa wangu;

mauri hamuna kana chinongo.

8 Ngatibvei tose kuRebhanoni, iwe mwenga wangu,

ngatibvei tose kuRebhanoni.

Buruka kubva pamusoro-soro peAmana,

kubva pamusoro peSeniri,

pamusoro-soro peHerimoni,

kubva kumapako eshumba nokumakomo anofamba-famba mbada.

9 Watora mwoyo wangu hanzvadzi yangu, mwenga wangu;

wanditora mwoyo

nokungondiringa kwawaita kamwe chete,

uye nedombo rimwe rinokosha rechishongo chomutsipa wako.

10 Rudo rwako kwandiri runondifadza sei, hanzvadzi yangu, mwenga wangu!

Rudo rwako runofadza sei kukunda waini,

uye kunhuhwira kwamafuta ako okuzora

kunokunda zvose zvinonhuhwira.

11 Miromo yako inodonhesa zvinotapira sezinga rouchi, mwenga wangu;

uchi nomukaka zviri pasi porurimi rwako.

Kunhuhwira kwenguo dzako kwakafanana nokweRebhanoni.

12 Uri bindu rakapfigwa, hanzvadzi yangu, mwenga wangu.

Uri tsime rakakomberedzwa, nechitubu chakavakirirwa.

13 Miti yako ibindu ramatamba

nemimwe michero yakaisvonaka,

hena nenaridhi,

14 naridhi nesafuroni,

karamusi, nesinamoni,

nemiti yose inogadziriswa zvinonhuhwira

nemura negavakava,

uye nezvose zvinonhuhwira zvakanakisisa.

15 Uri chitubu chomubindu,

tsime remvura inoerera,

inoerera ichibva kuRebhanoni.

16 Muka, iwe mhepo yokumusoro,

uye uya iwe mhepo yezasi!

Vhuvhuta napabindu rangu

kuti kunhuhwirira kwezvirimo kuparadzirwe kwose kwose.

Rega mudiwa wangu apinde mubindu rake,

agoravira michero yaro yakaisvonaka, sepaanodira.