Categories
Zvirevo

Zvirevo 28

1 Munhu akaipa anotiza kusina anomudzinganisa,

asi vakarurama vakashinga seshumba.

2 Kana nyika ikapanduka, inova navatungamiri vakawanda,

asi munhu anonzwisisa uye ane ruzivo anochengetedza runyararo.

3 Mutongi anomanikidza varombo

akaita semvura inokukura ichisiya pasina zvirimwa.

4 Avo vanorasa murayiro vanorumbidza vakaipa,

asi avo vanochengeta murayiro vanovapikisa.

5 Vanhu vakaipa havanzwisisi kururamisira,

asi avo vanotsvaka Jehovha vanozvinzwisisa kwazvo.

6 Zviri nani kuva murombo ane mafambiro akarurama

pane mupfumi ane nzira dzakatsauka.

7 Uyo anochengeta murayiro mwanakomana akachenjera,

asi anofambidzana navanhu vane madyo anonyadzisa baba vake.

8 Uyo anowedzera pfuma yake nokutengesa nomutengo uri pamusoro-soro,

anozviunganidzira mumwe, uyo anozonzwira varombo tsitsi.

9 Kana munhu akaramba kunzwa murayiro nenzeve dzake,

kunyange minyengetero yake inonyangadza.

10 Uyo anotungamirira vakarurama panzira yakaipa,

achawira mumuteyo wake pachake,

asi vasina mhosva vachagamuchira nhaka yakanaka.

11 Munhu akapfuma angazviti akachenjera pakuona kwake,

asi murombo ane njere anomuonorora.

12 Kana vakarurama vachikunda, kune mufaro mukuru;

asi kana akaipa akava pachigaro chokutonga, vanhu vanohwanda.

13 Uyo anofukidzira zvivi zvake haabudiriri,

asi ani naani anozvireurura uye agozvirasa achawana nyasha.

14 Akaropafadzwa munhu anogara achitya Jehovha,

asi uyo anoomesa mwoyo wake achawira mudambudziko.

15 Seshumba inoomba, kana bere rinodzingirira,

ndizvo zvakaita munhu akaipa anobata ushe pamusoro pavarombo.

16 Mutongi anoshusha haana njere,

asi uyo anovenga pfuma yakapambwa achararama kwamakore mazhinji.

17 Munhu anoshushikana nemhosva yake yokuuraya,

acharamba ari wokutiza kusvikira pakufa;

ngapasava nomunhu anomutsigira.

18 Uyo ano mufambiro wakarurama anogara akachengetedzeka,

asi uyo ane nzira dzakatsauka achawa nokukurumidza.

19 Uyo anorima munda wake achava nezvokudya zvakawanda,

asi uyo anodzinganisana nezviroto achava nourombo hwakamufanira.

20 Munhu akatendeka acharopafadzwa zvikuru,

asi uyo anokara pfuma haangaregi kurangwa.

21 Kuita rusarura hakuna kunaka,

asi kunyange zvakadaro munhu anogona kuita zvakaipa kuti awane chimedu chechingwa.

22 Munhu anonyima ane shungu dzokuda kupfuma

asingazivi kuti urombo hwakamugaririra.

23 Uyo anotsiura munhu iye achawana nyasha dzakawanda pakupedzisira,

kupfuura uyo ane rurimi runonyengera.

24 Uyo anobira baba kana mai vake

achiti, “Hazvina kuipa,”

ndiye shamwari youya anoparadza.

25 Munhu ane ruchiva anomutsa kupesana,

asi uyo anovimba naJehovha achabudirira.

26 Uyo anovimba nesimba rake ibenzi,

asi uyo anofamba muuchenjeri achachengetedzeka.

27 Uyo anopa kuvarombo haangashayiwi chinhu,

asi uyo anotsinzina meso ake kuvarombo achagamuchira kutukwa kuzhinji.

28 Kana akaipa achienda pachigaro chokutonga, vanhu vanohwanda;

asi kana vakaipa vachiparara, vakarurama vanowanda.

Categories
Zvirevo

Zvirevo 29

1 Munhu anoramba akaomesa mutsipa wake mushure mokutsiurwa

kazhinji achaparadzwa nokukurumidza, kusina chingamubatsira.

2 Kana vakarurama vachiwanda, vanhu vanofara;

asi kana vakaipa vachitonga, vanhu vanogomera.

3 Munhu anoda uchenjeri anouyisa mufaro kuna baba vake,

asi anoshamwaridzana nechifeve anoparadza pfuma yake.

4 Nokururamisira mambo anosimbisa nyika,

asi uyo anokara fufuro anoiparadza.

5 Ani naani anonyengera muvakidzani wake

anodzikira tsoka dzake mumbure.

6 Munhu akaipa anoteyiwa nezvivi zvake,

asi munhu akarurama anogona kuimba uye agofara.

7 Vakarurama vane hanya nokururamisirwa kwavarombo,

asi vakaipa havana hanya naizvozvo.

8 Vatuki vanomutsa bope muguta,

asi vanhu vakachenjera vanodzora kutsamwa.

9 Kana munhu akachenjera akaenda kumatare nebenzi,

benzi rinotsamwa uye rigotuka, zvokuti hapangavi norugare.

10 Vanhu vanofarira kudeura ropa vanovenga munhu akarurama,

uye vanotsvaka kuuraya vakarurama.

11 Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose,

asi munhu akachenjera anozvibata.

12 Kana mutongi akateerera nhema

machinda ake ose achava akaipa.

13 Murombo nomunhu anomanikidza vakafanana pachinhu ichi:

Jehovha ndiye anoita kuti meso avo vose aone.

14 Kana mambo akatonga varombo nokururamisira,

chigaro chake choushe chinogara chakachengetedzeka nguva dzose.

15 Shamhu yokuranga inopa uchenjeri,

asi mwana anosiyiwa akadaro achanyadzisa mai vake.

16 Kana vakaipa vachiwanda, nezvivi zvinowandawo,

asi vakarurama vachaona kuwa kwavo.

17 Ranga mwanakomana wako, ipapo achakupa rugare;

achauyisa mufaro kumweya wako.

18 Pasina chizaruro, vanhu vanoramba kuzvidzora;

asi akaropafadzwa uyo anochengeta murayiro.

19 Muranda haarayirwi namashoko zvawo chete,

nokuti kunyange achinzwisisa, haangadaviri.

20 Unoona here munhu anotaura achikurumidza?

Benzi rine tariro zhinji kupfuura iye.

21 Kana munhu akaregerera muranda wake kubva paudiki,

achazotarisira kodzero dzomwanakomana pakupedzisira.

22 Munhu akashatirwa anomutsa kupesana,

uye munhu ane hasha anoita zvivi zvizhinji.

23 Kuzvikudza kwomunhu kunomudzikisira pasi,

asi munhu ane mweya wokuzvininipisa achawana kukudzwa.

24 Anoshamwaridzana nembavha anozvivenga iye pachake;

anoiswa pasi pemhiko, asi haangakwanisi kupa uchapupu.

25 Kutya munhu kuchava musungo,

asi ani naani anovimba naJehovha achagara akachengetedzeka.

26 Vazhinji vanotsvaka nyasha kumutongi,

asi kururamisirwa kwomunhu kunobva kuna Jehovha.

27 Vakarurama vanovenga vasina kutendeka;

vakaipa vanovenga vakarurama.

Categories
Zvirevo

Zvirevo 30

Zvirevo zvaAguri

1 Zvirevo zvaAguri mwanakomana waJake, shoko rake:

Murume uyu akati kuna Itieri,

kuna Itieri nokuna Ukari:

2 “Ndini munhu asingazivi zvikuru kwazvo pakati pavanhu;

handina kunzwisisa kwomunhu.

3 Handina kudzidza uchenjeri,

uye handina ruzivo rwaiye Mutsvene.

4 Ndiani akakwidza kudenga uye akazoburuka?

Ndiani akabata mhepo mumaoko ake?

Ndiani akasungirira mvura munguo yake?

Ndiani akaisa migumo yose yenyika?

Zita rake ndiani, uye nezita romwanakomana wake?

Ndiudzei kana muchiriziva!

5 “Shoko rimwe nerimwe raMwari nderechokwadi;

iye chidzitiro kuna avo vanovanda maari.

6 Usawedzera kumashoko ake,

kana kuti achakutsiura uye agokuratidza kuti uri murevi wenhema.

7 “Zvinhu zviviri zvandinokumbira kwamuri, imi Jehovha,

musandirambira izvi ndisati ndafa:

8 Bvisai kusatendeka nenhema zvive kure neni;

musandipa urombo kana pfuma,

asi ndipei chete zvokudya zvemisi yose.

9 Zvichida, ndingava nezvakawanda kwazvo ndikasakukudzai,

uye ndikazoti, ‘Jehovha ndianiko?’

Kana kuti zvimwe ndingava murombo ndikaba,

uye ndikasaremekedza zita raMwari wangu.

10 “Usareva muranda kuna tenzi wake,

nokuti achakutuka, uye uchazviripira izvozvo.

11 “Kuna avo vanotuka madzibaba avo

uye vasingaropafadzi vanamai vavo;

12 vaya vanozviti vakachena pamaonero avo

asi vasina kusukwa tsvina yavo;

13 vaya vane meso anozvikudza nguva dzose,

vane matarisiro okushora;

14 vaya vane meno anenge minondo

nameno eshaya dzavo anenge mapanga

kuti vaparadze varombo panyika,

navanoshayiwa kubva pakati pavanhu.

15 “Chikwevaropa chine vanasikana vaviri.

Vanodanidzira vachiti, ‘Tipei! Tipei!’

“Kune zvinhu zvitatu zvisingatongoguti,

zvina zvisingamboti, ‘Zvaringana!’:

16 guva,

chizvaro chisingabereki,

pasi pasingaguti mvura,

nomoto usingamboti, ‘Zvaringana!’

17 “Ziso rinotuka baba,

rinoshora kuteerera mai,

richanongorwa namakunguo omumupata,

richadyiwa namagora.

18 “Pane zvinhu zvitatu zvinondishamisa kwazvo,

zvina zvandisinganzwisisi, zvinoti:

19 nzira yegondo riri mudenga,

nenzira yenyoka paruware,

nenzira yechikepe pagungwa,

uye nzira yomurume ane musikana.

20 “Iyi ndiyo nzira yomukadzi chifeve:

Anodya agopukuta muromo wake uye agoti,

‘Hapana chinhu chakaipa chandaita ini.’

21 “Nyika inodedera nokuda kwezvinhu zvitatu,

zvinhu zvina zvaisingadi kuona:

22 muranda anozova mambo,

benzi rine zvokudya zvizhinji,

23 mukadzi akaroorwa asi asingadiwi,

nomurandakadzi anotorera vatenzi vake murume.

24 “Panyika pane zvinhu zvina zvidiki,

asi zvakachenjera kwazvo:

25 Masvosve zvipuka zvine simba duku

asi anounganidza zvokudya zvawo muzhizha:

26 mbira zvipuka zvisina simba guru,

asi dzinoita imba yadzo mumatombo;

27 mhashu hadzina mambo,

asi dzinofamba pamwe chete mumapoka adzo;

28 dzvinyu rinogona kubatwa namaoko,

asi rinowanikwa mumizinda yamadzimambo.

29 “Kune zvinhu zvitatu zvino kufamba kunokudzwa kwazvo,

zvina zvino kufamba kunokudzwa kwazvo;

30 shumba, ine simba pakati pezvikara, isingadududzi pamberi pechikara chipi zvacho;

31 mafambiro okuzvikudza ejongwe,

nenhongo yembudzi,

uye namambo akakomberedzwa navarwi vake.

32 “Kana uchinge waita upenzi nokuzvirumbidza pachako,

kana kuti waronga zvakaipa,

bata muromo wako noruoko rwako!

33 Nokuti somukaka warozva unobudisa ruomba,

uye sokudzvinyirira mhino kunobudisa ropa,

nokudaro kumutsa hasha kunobudisa kukakavara.”

Categories
Zvirevo

Zvirevo 31

Zvirevo zvaMambo Remueri

1 Zvirevo zvaMambo Remueri, zvirevo zvaakadzidziswa namai vake:

2 “Nhaiwe mwanakomana wangu, iwe mwanakomana wokubereka,

iwe mwanakomana wemhiko dzangu,

3 usapedzera simba rako pavakadzi,

nenzira dzako pane avo vanoparadza madzimambo.

4 “Hazvisi zvamadzimambo, nhaiwe Remueri,

hazvina kufanira madzimambo kunwa waini,

hazvina kufanira vatongi kukara doro,

5 nokuti vangazonwa vakakanganwa zvakatemwa nomurayiro,

uye vakazotadza kururamisira kodzero dzavanomanikidzwa vose.

6 Ipai doro kuna avo vari kuparara,

newaini kuna avo vari mukurwadziwa:

7 regai vanwe vakanganwe urombo hwavo,

uye varege kuzorangarirazve kutambudzika kwavo.

8 “Taurai pachinzvimbo chaavo vasingagoni kuzvitaurira,

pamusoro pekodzero dzavose vanoshayiwa.

9 Taura utonge zvakanaka;

udzivirire kodzero dzavarombo navanoshayiwa.”

Mudzimai ane Unhu Hwakanaka

10 Mudzimai ane unhu hwakanaka ndiani angamuwana?

Mutengo wake unopfuura nokure matombo anokosha emarubhi.

11 Murume wake anovimba naye zvizere,

uye haana chaanoshayiwa chinokosha.

12 Anoitira murume wake zvakanaka, kwete zvakaipa,

mazuva ose oupenyu hwake.

13 Anosarudza wuru neshinda

uye anoshanda namaoko anoshingaira.

14 Akafanana nezvikepe zvavatengesi,

anondotora zvokudya zvake kure.

15 Anomuka kuchakasviba;

agotsvagira mhuri yake zvokudya

uye agopa varandakadzi vake basa ravo.

16 Anonanʼanidza munda agoutenga;

anosima munda wemizambiringa nezvaakawana namaoko ake.

17 Anoita basa rake nesimba;

maoko ake akasimba kuti aite mabasa ake.

18 Anoona kuti kushambadzira kwake kunobatsira,

uye mwenje wake haudzimi pausiku.

19 Muruoko rwake anobata chirukiso,

uye anobata chirukwa neminwe yake.

20 Anotambanudzira maoko ake kuvarombo,

uye anotandavadzira maoko ake kune vanoshayiwa.

21 Kana kwotonhora, haatyire mhuri yake;

nokuti vose vakapfeka nguo dzinodziya.

22 Anozvigadzirira zvokuwaridza panhoo yake;

anozvipfekedza nguo yomucheka wakaisvonaka, uye nomucheka wepepuru.

23 Murume wake anoremekedzwa pasuo reguta,

kana agere pakati pavakuru venyika.

24 Mudzimai anoita nguo dzemicheka yakanaka agodzitengesa,

uye anotengesera vanotengesa micheka yokumonera muhuro.

25 Simba nokukudzwa ndizvo nguo dzake;

anofara akatarisana namazuva anouya.

26 Anotaura nouchenjeri,

uye kurayira kwakatendeka kuri parurimi rwake.

27 Anotarira zvakanaka mararamiro emhuri yake,

uye haadyi zvokudya zvousimbe.

28 Vana vake vanosimuka vagomuti akaropafadzwa,

murume wakewo, anomurumbidza:

29 “Vakadzi vazhinji vanoita zvinhu zvakanaka,

asi iwe unovakunda vose.”

30 Zvinofadza zvinonyengera, uye runako ndorwenguva duku;

asi mukadzi anotya Jehovha anofanira kurumbidzwa.

31 Mupeiwo mubayiro wake waakashandira,

uye mabasa ake ngaamupe kurumbidzwa pasuo reguta.

Categories
Muparidzi

Muparidzi 1

Zvose hazvina maturo

1 Mashoko oMuparidzi, mwanakomana waDhavhidhi, mambo muJerusarema:

2 Zvanzi noMuparidzi,

“Hazvina maturo! Hazvina maturo!

Hazvina maturo chose!

Zvose hazvina maturo.”

3 Munhu achawaneiko kubva pakushanda kwake kwose

kwaanoita nesimba pasi pezuva?

4 Zvizvarwa zvinouya uye zvizvarwa zvinoenda,

asi nyika inogara nokusingaperi.

5 Zuva rinobuda uye zuva rinovira,

uye rinokurumidza kudzokerazve kwarinobudira.

6 Mhepo inovhuvhuta ichienda zasi,

yozodzokera kumusoro;

inotenderera nokutenderera

ichingodzokerazve pagwara rayo.

7 Nzizi dzose dzinodira mugungwa,

kunyange zvakadaro gungwa harizari.

Kunzvimbo kwadzinobva nzizi,

ikoko ndiko kwadzinodzokerazve.

8 Zvinhu zvose zvinonetesa,

zvisina ani angazvitaura.

Ziso hariguti kuona,

uye nzeve haizari nokunzwa.

9 Chakanga chiripo, chichazovapozve,

chakamboitwa chichaitwazve;

hapana chitsva pasi pezuva.

10 Chiripo here chinhu chinganzi nomunhu,

“Tarira! Chinhu ichi chitsva?”

Chakanga chichingovapo, kare kare;

chakanga chiripo isu tisati tavapo.

11 Vanhu vakare havacharangarirwi;

uye kunyange vanovatevera,

havachazorangarirwi

nevanozotevera.

Uchenjeri hahuna maturo

12 Ini muparidzi ndakanga ndiri mambo weIsraeri muJerusarema.

13 Ndakazvipira kunzvera nokutsvaka nouchenjeri zvose zvinoitwa pasi pedenga. Ibasa rinotambudza rakapiwa vanakomana vavanhu naMwari kuti vazvitambudze naro.

14 Ndakaona zvinhu zvose zvinoitwa pasi pezuva; zvose hazvo hazvina maturo, kudzingana nemhepo bedzi.

15 Chakakombamiswa hachingatwasanudzwi;

chinoshayikwa hachingaverengwi.

16 Ndakafunga mumwoyo mangu ndikati, “Tarira, ndazviwanira uchenjeri hwakawanda kupfuura vose vakanditangira kutonga muJerusarema; ndava nouchenjeri uye noruzivo rwakawanda.”

17 Ipapo ndakazvipira kutsvaka kunzwisisa uchenjeri uyezve noupengo noupenzi, asi ndakadzidzawo zvakare kuti, naizvozviwo kudzingana nemhepo.

18 Nokuti muuchenjeri huzhinji mune kusuwa kuzhinji;

kuwanda kwezivo, kuwandawo kwokuchema.

Categories
Muparidzi

Muparidzi 2

Kufara kuzhinji hakuna maturo

1 Ndakati mumwoyo mangu, “Uya zvino, ndichakuedza nomufaro kuti uzive chakanaka.” Asi naizvozviwo hazvina maturo.

2 Ndakati, “Kuseka upenzi, uyezve mafaro anobatsireiko?”

3 Ndakaedza kuzvifadza newaini, uye kumbundikira upenzi, pfungwa dzangu dzichinditungamirira nouchenjeri. Ndaida kuona kuti chii chakafanira kuti vanhu vaite pasi pedenga mumazuva mashoma oupenyu hwavo.

4 Ndakaita mabasa makuru; ndakazvivakira dzimba ndikazvirimira minda yemizambiringa.

5 Ndakazvigadzirira mapindu, neminda yemiti uye ndikasimamo miti yemichero yendudzi dzose.

6 Ndakavaka madhamu kuti ndidiridzire sango remiti yaikura.

7 Ndakatenga varandarume navarandakadzi, uye ndaiva navamwe varanda vakaberekerwa mumba mangu. Ndaivawo nepfuma zhinji yemombe namakwai, kupfuura ani zvake akanditangira kuvapo paJerusarema.

8 Ndakazviunganidzira sirivha negoridhe, uye nepfuma yamadzimambo uye neyamatunhu. Ndakatsvaka vaimbi, varume navakadzi, uye nezviridzwa, nezvinofadza vanakomana vavanhu, navarongowo vazhinji.

9 Saka ndakava mukuru kwazvo kupfuura ani zvake akanditangira paJerusarema. Mune izvi zvose uchenjeri hwangu hwakaramba huneni.

10 Handina kuzvirambidza zvinhu zvaidiwa nameso angu,

handina kurambidza mwoyo wangu mufaro.

Mwoyo wangu wakafadzwa nebasa rangu rose,

uye uyu ndiwo wakava mubayiro wokushanda kwangu kwose.

11 Asi pandakaongorora mabasa ose akanga aitwa namaoko angu

uye zvandakatambudzikira kuti ndiwane,

zvose zvakanga zvisina maturo, kwaingova kudzingana nemhepo;

hapana chaibatsira pasi pezuva.

Uchenjeri noUpenzi hazvina maturo

12 Naizvozvo ndakapindura pfungwa dzangu kuti ndicherechedze uchenjeri,

urema uye noupenzi.

Chii chimwe chingaitwa nomunhu

anotevera mumwe paumambo kunze kwezvakatoitwa kare?

13 Ndakaona kuti uchenjeri huri nani pano upenzi,

sezvo chiedza chiri nani pane rima.

14 Meso omunhu akachenjera ari mumusoro make,

nokuno rumwe rutivi benzi richifamba murima;

asi ndakasvika pakuziva kuti

vose vanowirwa nedambudziko rimwe chete.

15 Ipapo ndakafunga mumwoyo mangu ndikati,

“Magumo ebenzi achandiwanawo neni.

Chii zvino chandinowana pakuva munhu akachenjera?”

Ndakati mumwoyo mangu,

“Izviwo hazvina maturo.”

16 Nokuti munhu akachenjera akafanana nebenzi pakusarangarirwa;

mumazuva anouya vose vachazokanganwikwa.

Kufanana nebenzi, akachenjera anofanira kufawo!

Kushanda hakuna maturo

17 Saka ndakavenga upenyu, nokuti basa rinoitwa pasi pezuva rakandirwadza kwazvo. Zvose hazvo hazvina maturo, kudzingana nemhepo.

18 Ndakavenga zvinhu zvose zvandakashingairira pasi pezuva, nokuti ndinofanira kuzvisiyira anonditevera.

19 Uye ndiani angaziva kana achizova akachenjera kana benzi? Kunyange zvakadaro achava nesimba pamusoro pebasa rose randakatamburira nesimba nounyanzvi hwangu pasi pezuva. Izviwo hazvina maturo.

20 Saka mwoyo wangu wakatanga kushungurudzika pamusoro pokutambudzika nokushanda kwangu pasi pezuva.

21 Nokuti munhu angaite basa rake nouchenjeri, noruzivo uye nounyanzvi, zvino ipapo ozofanira kusiya zvose zvaanazvo kuno mumwe asina kuzvishandira. Naizvozviwo hazvina maturo uye chinhu chakaipa kwazvo.

22 Munhu anowanei pakushanda kwose nokushingaira kwomwoyo nokuda kwokushanda kwake pasi pezuva?

23 Mazuva ake ose basa rake kurwadziwa nokusuwa; kunyange nousiku pfungwa dzake hadzizorori. Naizvozviwo hazvina maturo.

24 Munhu haana chaangaita chinopfuura kudya nokunwa kuti awane kugutswa pakushanda kwake. Naizvozviwo, ndinoona kuti zvinobva muruoko rwaMwari,

25 nokuti kana pasina iye, ndiani angadya kana kuwana mufaro?

26 Kuno munhu anomufadza, Mwari anopa uchenjeri, nezivo nomufaro asi kuno mutadzi, anopa basa rokuunganidza nokuchengetera upfumi kuti agozvipa uyo anofadza Mwari. Naizvozviwo hazvina maturo, kudzingana nemhepo.

Categories
Muparidzi

Muparidzi 3

Chimwe nechimwe chine nguva yacho

1 Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho,

uye basa rimwe nerimwe rine nguva yaro pasi pedenga:

2 nguva yokuberekwa nenguva yokufa,

nguva yokusima nenguva yokudzura;

3 nguva yokuuraya nenguva yokuporesa,

nguva yokuputsa nenguva yokuvaka;

4 nguva yokuchema nenguva yokuseka,

nguva yokuungudza nenguva yokudzana;

5 nguva yokurasa mabwe nenguva yokuaunganidza pamwe chete,

nguva yokumbundikira nenguva yokurega;

6 nguva yokutsvaka nenguva yokurega zvirasike,

nguva yokuchengeta nenguva yokurasa;

7 nguva yokubvarura nenguva yokusona,

nguva yokunyarara nenguva yokutaura;

8 nguva yokuda nenguva yokuvenga,

nguva yehondo nenguva yorugare.

9 Ko, mushandi anowanei kubva mukushanda kwake kwose?

10 Ndakaona mutoro wakapiwa vanhu naMwari.

11 Akaita chinhu chimwe nechimwe chakanaka nenguva yacho. Akaisawo zvisingaperi mumwoyo yavanhu; kunyange zvakadaro havangagoni kunzwisisa zvakaitwa naMwari kubva pakutanga kusvika pakupedzisira.

12 Ndinoziva kuti hakuna chinhu chakanakira munhu kupfuura kuti afare uye kuti aite zvakanaka achiri mupenyu.

13 Kuti munhu wose adye uye anwe uye azviwanire kugutsikana kubva pakushanda kwake kwose, ichi ndicho chipo chaMwari.

14 Ndinoziva kuti zvose zvinoitwa naMwari zvichagara nokusingaperi; hapana chingawedzerwa pazviri uye hapana chingabviswa pazviri. Mwari anozviita kuti vanhu vamukudze.

15 Chipi nechipi chiripo zvino, chakagara chiripo kare,

uye zvichazovapo zvakatovapo kare;

uye Mwari anotsvakazve zvakapfuura.

16 Uyezve ndakaona chimwe chinhu pasi pezuva:

Panzvimbo yokururamisira, zvakaipa zvakanga zviripo,

panzvimbo yokururama, zvakaipa zvakanga zviripo.

17 Ndakafunga mumwoyo mangu ndikati,

“Mwari achatonga vose

vakarurama nevakaipa,

nokuti pachava nenguva yebasa rimwe nerimwe.”

18 Ndakatizve, “Kana vari vanhu, Mwari anovaedza kuti vaone kuti vakangofanana nemhuka.

19 Zvinoitika kumunhu zvakafanana nezvinoitika kumhuka; zvose zvinoitirwa zvimwe chetezvo: sokufa kunoita chimwe, chimwe chinofawo. Zvose zvinofema mweya mumwe; munhu hapana paanopfuura mhuka. Zvose hazvina maturo.

20 Zvose zvinoenda kunzvimbo imwe chete; zvose zvinobva kuvhu, uye kuvhu zvose zvinodzokera.

21 Ndiani angaziva kana mweya womunhu uchikwira kuenda kumusoro uye kana mweya wemhuka uchidzika pasi?”

22 Saka ndakaona kuti hapana chingapfuure ichi, kuti munhu afadzwe nebasa rake, nokuti uyu ndiwo mugove wake. Nokuti ndiani achazomudzosazve kuti aone zvichazoitika shure kwake?

Categories
Muparidzi

Muparidzi 4

Udzvinyiriri, Kushanda, noKusava Neshamwari

1 Ndakatarirazve ndikaona udzvinyiriri hwose hwaiitika pasi pezuva:

Ndakaona misodzi yavanodzvinyirirwa,

uye havana munyaradzi;

simba raiva kudivi ravadzvinyiriri vavo,

uye havana munyaradzi.

2 Ndakati vakafa,

vakanguri vafa kare,

vano mufaro kupfuura vapenyu,

vachiri kurarama.

3 Asi ari nani kupfuura

vose ndiye uyo asati atombovapo,

uyo asati amboona zvakaipa

zvinoitwa pasi pezuva.

4 Uye ndakaona kuti kushanda kwose nokuwana kwose kwomunhu kunobva pakuchiva muvakidzani wake. Izviwo hazvina maturo, kudzinganisana nemhepo.

5 Benzi rinopeta maoko aro,

rozviparadza.

6 Tsama imwe yorugare

inopfuura tsama mbiri dzokutambudzika

nokudzingana nemhepo.

7 Zvino ndakaona chinhu chisina maturo pasi pezuva.

8 Kwaiva nomunhu aigara ari oga;

akanga asina mwanakomana, kana mununʼuna.

Kushanda kwake kwakanga kusina magumo,

kunyange zvakadaro meso ake haana kugutswa nepfuma yake.

Akabvunza akati, “Ndinotambudzikira aniko,

uye sei ndichizvinyima mafaro?”

Naizvozviwo hazvina maturo,

basa rokutambura!

9 Vaviri vari nani pano mumwe chete,

nokuti vano mugove wakanaka pakushanda kwavo:

10 Kana mumwe akawira pasi,

shamwari yake inogona kumubatsira kuti amire zvakare.

Asi ane nhamo munhu anowira pasi,

asina anomusimudza!

11 Uyezve kana vaviri vachivata pamwe chete, vachadziyirwa.

Asi mumwe chete angadziyirwa sei?

12 Munhu mumwe chete angakurirwa simba,

asi vaviri vanozvidzivirira.

Rwodzi rwakakoswa mutatu harungakurumidzi kudamburwa.

Kuenda mberi hakuna maturo

13 Jaya murombo asi rakachenjera riri nani kupfuura mambo mutana ari benzi, asisazivi kuteerera kana achipiwa yambiro.

14 Jaya ringava rakabva mutorongo rikazova mambo, kana angava akaberekwa ari muurombo, muushe hwokwake.

15 Ndakaona kuti vose vapenyu vakafamba pasi pezuva vakatevera jaya, rakazotevera panzvimbo yamambo.

16 Vakanga vasingaverengeki vanhu vose vaaitonga. Asi vakazouya pashure havana kufadzwa neakanga achitonga panzvimbo yamambo. Naizvozviwo hazvina maturo, kudzinganisana nemhepo.

Categories
Muparidzi

Muparidzi 5

Mira utye Mwari

1 Chenjerera rutsoka rwako kana uchienda kuimba yaMwari. Enda pedyo undonzwa pano kuti upe chibayiro chamapenzi, vasingazivi kuti vanoita zvakaipa.

2 Usakurumidza nomuromo wako,

usakurumidza mumwoyo mako

kutaura chipi zvacho chinhu pamberi paMwari.

Mwari ari kudenga

uye iwe uri pasi,

saka mashoko ako ngaave mashoma.

3 Sokuuya kwechiroto kana pane matambudziko akawanda

ndizvowo zvinoita kutaura kwebenzi kana pane mashoko mazhinji.

4 Kana waita mhiko kuna Mwari, usanonoka kuizadzisa. Iye haafariri mapenzi; zadzisa mhiko yako.

5 Zviri nani kurega kupika pano kuita mhiko wozorega kuizadzisa.

6 Usaregera muromo wako uchikutungamirira mukutadza. Uye usapikisa mutumwa wetemberi uchiti, “Ndakakanganisa pakupika.” Mwari achatsamwireiko pamusoro pezvaunotaura, uye agoparadza basa ramaoko ako?

7 Kurota kuzhinji namashoko mazhinji hazvina maturo. Naizvozvo mira utye Mwari.

Upfumi hahuna maturo

8 Kana ukaona murombo achidzvinyirirwa mudunhu uye achinyimwa kururamisirwa nekodzero, usashamiswa nezvinhu zvakadai; nokuti mumwe mukuru anotarirwa nomumwe ari pamusoro pake, uye pamusoro pavo vose pane vamwe vakavakurirawo.

9 Zvinowanikwa kubva panyika zvinotorwa navose; iye mambo ane zvaanowana kubva kuminda.

10 Uyo zvake anoda mari haazombowani mari yakakwana;

ani zvake anoda pfuma haazombogutswi nezvaanowana.

Naizvozviwo hazvina maturo.

11 Nokuwanda kunoita pfuma,

ndiko kuwanda kunoitawo vanoidya.

Uye zvinobatsireiko kumuridzi wayo

kunze kwokungogutsa meso ake nayo?

12 Hope dzomushandi dzakanaka,

hazvinei kuti adya zvishoma kana zvizhinji,

asi kuwanda kwezvinhu

zvomupfumi hakumuwanisi hope.

13 Ndakaona chinhu chakaipisisa pasi pezuva:

pfuma inounganidzwa nomwene wayo, ichimuonesa nhamo,

14 kana pfuma inorasika nokuda kwechinhu chakaipa chinomuwira,

kuti kana abereka mwana mukomana

anoshaya chaanomusiyira.

15 Munhu sezvaanobuda mudumbu ramai vake,

uye sokuuya kwake, saizvozvowo anoenda.

Haana chaanotakura chinobva pabasa rake,

chaangaenda nacho muruoko rwake.

16 Ichi zvakare chinhu chakaipa kwazvo:

Sokuuya kunoita munhu saizvozvowo anoenda,

uye chii chaangawana,

iye achishandira mhepo?

17 Pamazuva ake ose anodyira murima,

nokudzungaira kukuru, kutambudzika uye nehasha.

18 Ipapo ndakaziva kuti zvakanaka uye zvakafanira kuti munhu adye uye anwe, uye kuti azviwanire kugutsikana mukushanda kwake kwaakabata pasi pezuva pamazuva ake mashoma oupenyu aakapiwa naMwari, nokuti uyu ndiwo mugove wake.

19 Pamusoro pezvo, Mwari paanopa munhu upi zvake mari nezvinhu, uye achiita kuti akwanise kuti afadzwe nazvo kuti agamuchire mugove wake uye kuti afadzwe nebasa rake, ichi chipo chinobva kuna Mwari.

20 Haawanzofunga pamusoro poupenyu hwake, nokuti Mwari anopindura zvinofadza mwoyo wake.

Categories
Muparidzi

Muparidzi 6

1 Ndakaona chimwe chinhu chakaipa pasi pezuva, uye chinoremedza vanhu zvikuru:

2 Mwari anopa munhu mari nezvinhu zvakawanda uye nokukudzwa, zvokuti haana chaangashayiwa pazvinhu zvinodiwa nomwoyo wake, asi Mwari haazomutenderi kuti afadzwe nazvo, uye mutorwa ndiye anozofadzwa nazvo panzvimbo yake. Izvi hazvina maturo, chinhu chakaipa chinorwadza.

3 Munhu angava navana zana agorarama makore akawanda, asi hazvinei kuti ararama nguva yakareba sei, kana akasafara nezvaanowana uyezve akasavigwa zvakanaka, ndinoti mwana aberekwa ari gavamwedzi ari nani pana iye.

4 Anouya asina zvaanoreva anoendazve murima, uye murima zita rake rinofukidzirwa.

5 Kunyange asina kumboona zuva kana kuziva chinhu, ane zororo rinopfuura munhu iyeyu,

6 kunyange akararama makore anokwana zviuru zviviri, asi akatadza kufadzwa nezvaanowana. Ko, vose havaendi kunzvimbo imwe chete here?

7 Kushingaira kwose kwomunhu kunoitirwa muromo wake,

kunyange zvakadaro kuda kwake zvokudya hakugutswi.

8 Ko, akachenjera anokurira

benzi pachii?

Ko, murombo anowanei nokuziva

kuzvibata pamberi pavamwe?

9 Zviri nani zvinoonekwa nameso

pane kutsvaka-tsvaka kwomwoyo.

Izviwo hazvina maturo,

kudzinganisana nemhepo.

10 Chinhu chipi nechipi chiripo chakapiwa zita kare,

uye munhu zvaari zvakazivikanwa kare;

hakuna munhu anorwisana

nomunhu anomupfuura pasimba.

11 Kuwanda kwamashoko

ndikowo kuwanda kwezvisina maturo,

uye zvingabatsira aniko zvakadai?

12 Zvino ndiani angaziva zvakanakira munhu muupenyu, pamazuva mashoma uye asina maturo anopfuura somumvuri? Nokuti ndiani angaudza munhu zvinozomutevera mushure mokunge iye aenda?