Categories
Zvirevo

Zvirevo 18

1 Munhu asina ukama navamwe anongozvitsvakira zvake;

anozvidza kutonga kwakanaka kwose.

2 Benzi harifariri kunzwisisa,

asi rinofarira kungotaura zvarinofunga chete.

3 Panosvika chakaipa, kuzvidzwa kunouyawo,

uye kana nyadzi dzichisvika kusakudzwa kwasvikawo.

4 Mashoko omuromo womunhu imvura yakadzika,

asi tsime rouchenjeri chitubu chinoyerera.

5 Hazvina kunaka kutsaura akaipa

kana kusaruramisira asina mhosva.

6 Miromo yebenzi inoriunzira kukakavara,

uye muromo wake unomukokera kurohwa.

7 Muromo webenzi ndiwo kuparadzwa kwaro,

uye miromo yaro ndiwo musungo kumweya waro.

8 Mashoko amakuhwa akaita semisuva yakanakisisa;

anoenda pakadzikadzika mukati momunhu.

9 Uyo ano usimbe pakubata kwake

ihama youyo anoparadza.

10 Zita raJehovha inhare yakasimba;

vakarurama vanomhanyira kwariri vagochengetedzwa.

11 Pfuma yavapfumi ndiro guta ravo rina masvingo;

vanoriona sorusvingo rurefu pakufunga kwavo.

12 Kuparadzwa kusati kwasvika, mwoyo womunhu unozvikudza,

asi kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.

13 Uyo anopindura asati anzwa,

ndihwo upenzi hwake nokunyadziswa kwake.

14 Mweya womunhu unomusimbisa panguva yokurwara,

asi mweya wakapwanyika ndiani angautakura?

15 Mwoyo woune njere unowana ruzivo,

nzeve dzowakachenjera dzinorutsvaka.

16 Chipo chinozarurira nzira kune achipa,

uye chinomusvitsa pamberi pavakuru.

17 Anotanga kusvitsa nyaya yake anoita seakanaka,

kusvikira mumwe auya mberi kuzomubvunza.

18 Kukanda mijenya kunopedza gakava,

uye kunotonga pakati pavaviri vanopikisana zvikuru.

19 Hama yatadzirwa yakavangarara kupfuura guta rakakomberedzwa namasvingo,

uye kukakavara kwakafanana namazariro amasuo omuzinda wamambo.

20 Kubva pazvibereko zvomuromo wake dumbu romunhu rinogutiswa;

nezvinobva pamiromo yake achagutiswa.

21 Rurimi rune simba roupenyu norufu,

uye vaya vanoruda vachadya chibereko charwo.

22 Uyo anowana mudzimai anowana chinhu chakanaka,

uye anogamuchira nyasha kubva kuna Jehovha.

23 Murombo anokumbira kuitirwa tsitsi,

asi mupfumi anopindura nehasha.

24 Munhu ane shamwari dzakawanda angangoparadzwa,

asi kune shamwari inonamatira kupfuura hama.

Categories
Zvirevo

Zvirevo 19

1 Zviri nani kuva murombo ane mafambiro akarurama,

pane benzi rine muromo wakatsauka.

2 Hazvibatsiri kushingaira usina zivo,

kana kukurumidza uchizorasika nzira.

3 Upenzi hwomunhu hunoparadza upenyu hwake,

asi mwoyo wake unotsamwira Jehovha.

4 Pfuma inouyisa shamwari zhinji,

asi murombo anosiyiwa neshamwari dzake.

5 Chapupu chenhema hachingaregi kurangwa,

uye uyo anodurura manyepo haangaregedzwi.

6 Vazhinji vanotsvaka nyasha kumutongi,

uye mumwe nomumwe ishamwari yomunhu anopa zvipo.

7 Murombo anoraswa nehama dzake dzose,

kuzoti shamwari dzake, dzinomunzvenga zvakadii!

Kunyange akavatevera achidemba kwazvo

havangawanikwi.

8 Uyo anowana uchenjeri anoda upenyu hwake;

uye anochengeta kunzwisisa anobudirira.

9 Chapupu chenhema hachingaregi kurangwa,

uye uyo anodurura manyepo achaparara.

10 Hazvina kufanira kuti benzi rigarike,

ko, zvakanyanya kuipa sei kuti muranda atonge machinda!

11 Uchenjeri hwomunhu hunomupa mwoyo murefu;

kukudzwa kwake ndiko kukanganwira kudarika kwomumwe.

12 Kutsamwa kwamambo kwakafanana nokuomba kweshumba,

asi nyasha dzake dzakaita sedova pauswa.

13 Mwanakomana benzi ndiko kuparara kwababa vake,

uye mukadzi anokakavara akafanana nemvura inoramba ichingodonha.

14 Dzimba nepfuma inhaka inobva kuvabereki,

asi mukadzi akanaka anobva kuna Jehovha.

15 Usimbe hunouyisa hope dzakadzama,

uye munhu asingashandi achafa nenzara.

16 Uyo anoteerera kurayira anochengetedza upenyu hwake,

asi uyo asina hanya nenzira dzake achafa.

17 Uyo anonzwira varombo tsitsi anopa kuna Jehovha,

uye achamupa mubayiro wezvaakaita.

18 Ranga mwanakomana wako, nokuti mukuranga ndimo mune tariro;

usava nechikamu pakuparadzwa kwake.

19 Munhu ane hasha zvikuru anofanira kuripa mhosva yake;

kana ukamununura, unofanira kuzomununurazve.

20 Teerera zano ugamuchire kurayirwa,

uye pakupedzisira uchava wakachenjera.

21 Mune urongwa huzhinji mumwoyo momunhu,

asi kuda kwaJehovha ndiko kunobudirira.

22 Chinodiwa nomunhu rudo rusingagumi;

zviri nani kuva murombo pano kuva murevi wenhema.

23 Kutya Jehovha kunotungamirira kuupenyu:

Ipapo munhu achazorora zvakanaka, asingawirwi nedambudziko.

24 Simbe inoisa ruoko rwayo mundiro;

igotadza kunyange kurwudzosa kumuromo wayo!

25 Rova museki, ipapo vasina mano vachadzidzawo ungwaru;

tsiura munhu ane njere, ipapo achawana zivo.

26 Uyo anobira baba vake uye achidzinga mai vake

mwanakomana anonyadzisa.

27 Mwanakomana wangu, ukasateerera kurayirwa,

uchatsauka kubva pamashoko oruzivo.

28 Chapupu chakaipa chinoseka kururamisira,

uye muromo womunhu akaipa unomedza zvakaipa.

29 Kurangwa kwakagadzirirwa vaseki, uye kurohwa misana yamapenzi.

Categories
Zvirevo

Zvirevo 20

1 Waini museki uye doro mupopoti;

ani naani anotsauswa nazvo haana kuchenjera.

2 Kutsamwa kwamambo kwakafanana nokuomba kweshumba;

uyo anomutsamwisa anotadzira upenyu hwake.

3 Munhu achakudzwa kana akagara kure nokukakavara,

asi benzi rimwe nerimwe rinokurumidza kupopota.

4 Simbe hairimi mumwaka wokurima;

saka panguva yokukohwa anotsvaka asi hapana chaanowana.

5 Zvinangwa zvomwoyo womunhu imvura yakadzika,

asi munhu akachenjera achaichera.

6 Vanhu vazhinji vanoti vane rudo rusingagumi,

asi munhu akatendeka angawanikwa kupiko?

7 Munhu akarurama anorarama upenyu hwakanaka;

vana vake vanomutevera vakaropafadzwa.

8 Kana mambo achinge agara pachigaro chake kuti atonge,

anopepeta zvakaipa zvose nameso ake.

9 Ndiani angati, “Ndakachengeta mwoyo wangu wakachena;

ndakachena uye handina zvivi”?

10 Zviereso zvakasiyana nezvipimo zvakasiyana

Jehovha anozvivenga zvose.

11 Kunyange mwana anozivikanwa nezvaanoita,

kuti tsika dzake dzakanaka uye kuti dzakarurama here.

12 Nzeve dzinonzwa nameso anoona,

Jehovha ndiye akazviita zvose zviri zviviri.

13 Usafarira kurara kana kuti uchava murombo;

svinudza meso ako ipapo uchava nezvokudya zvakawanda.

14 “Hazvina kunaka, hazvina kunaka!” ndizvo zvinotaura mutengi;

ipapo hoyo oenda achizvirumbidza pamusoro pezvaatenga.

15 Goridhe riripo, uye matombo anokosha amarubhi azere,

asi miromo inotaura zivo ndicho chinhu chinokosha chisipo.

16 Mutorerei nguo yake, uyo anoitira mutorwa rubatso;

itorei sorubatso kana azviitira mukadzi asingazvibati.

17 Zvokudya zvakawanikwa nokunyengera zvinonaka kumunhu,

asi achapedzisira ava nomukanwa mazara jecha.

18 Ita urongwa nokutsvaga mazano;

kana uchironga hondo, tsvaka kutungamirirwa.

19 Guhwa rinoputsa chivimbo;

saka furatira munhu anotaurisa.

20 Kana munhu akatuka baba vake kana mai vake,

mwenje wake uchadzimwa parima guru.

21 Nhaka yakakurumidza kuwanikwa pakutanga

haingaropafadzwi pamagumo ayo.

22 Usati, “Ndichatsiva zvawanditadzira izvi!”

Mirira Jehovha, uye iye achakubatsira.

23 Jehovha anovenga zviereso zvinosiyana,

uye zviero zvinonyengera hazvimufadzi.

24 Kufamba kwomunhu kunotungamirirwa naJehovha.

Zvino munhu anganzwisisa sei nzira yake?

25 Musungo kumunhu kuti akumikidze chimwe chinhu nokukurumidza

uye ozorangarira mhiko dzake pava paya.

26 Mambo akachenjera anopepeta zvakaipa;

anofambisa vhiri rokupura pamusoro pavo.

27 Mwenje waJehovha unonzvera mweya womunhu;

unonzvera zviri mukatikati make.

28 Rudo nokutendeka zvinochengetedza mambo;

kubudikidza norudo chigaro chake chinosimbiswa.

29 Kukudzwa kwamajaya ndiro simba ravo,

bvudzi jena kubwinya kwavakwegura.

30 Kurohwa nokukuvadzwa zvinobvisa zvakaipa,

uye kurohwa neshamhu kunovaka munhu womukati.

Categories
Zvirevo

Zvirevo 21

1 Mwoyo wamambo uri muruoko rwaJehovha;

anouendesa kwaanoda sehova dzemvura.

2 Nzira dzose dzomunhu dzinoita sedzakarurama kwaari,

asi Jehovha anoyera mwoyo pachikero.

3 Kuita zvakarurama nokururamisira

zvinonyanya kufadza Jehovha kupfuura chibayiro.

4 Meso ana manyawi nomwoyo unozvikudza,

mwenje woakaipa, ndizvo chivi!

5 Urongwa hwavanoshingaira hunouyisa zvizhinji,

sezvo, zvirokwazvo, kukurumidzisa kuchiuyisa urombo.

6 Pfuma yakaunganidzwa norurimi

runoreva nhema imhute inopupurutswa uye muteyo wakaipisisa.

7 Kumanikidza kwavakaipa kuchavazvuzvurudzira kure,

nokuti vanoramba kuita zvakarurama.

8 Nzira yeane mhosva yakaminama,

asi kufamba kwaasina mhosva kwakarurama.

9 Zviri nani kugara pakona yedenga remba,

pano kugara mumba nomudzimai anokakavara.

10 Munhu akaipa anoshuvira zvakaipa;

muvakidzani wake haawani tsitsi kubva kwaari.

11 Kana museki akarangwa vasina mano vanowana uchenjeri;

kana munhu akachenjera akarayirwa anowana zivo.

12 Iye Akarurama anocherechedza imba yeakaipa,

uye anoisa akaipa kukuparadzwa.

13 Kana munhu akadzivira nzeve dzake kumurombo,

naiyewo achachema uye hapana achamunzwa.

14 Chipo chinopiwa muchivande chinonyaradza hasha,

uye fufuro yakavigwa mujasi inonyaradza kutsamwa kukuru.

15 Kana kururamisira kwaitwa, kunouyisa mufaro kuna vakarurama,

asi kunovhundutsa vaiti vezvakaipa.

16 Munhu anorasika panzira yokunzwisisa

achandozororera muungano yavakafa.

17 Uyo anofarira mafaro achava murombo;

ani naani anofarira waini namafuta haazombopfumi.

18 Akaipa achava dzikinuro yavakarurama,

uye vasina kutendeka vachava dzikinuro yaakatendeka.

19 Zviri nani kugara mugwenga,

pano kugara nomudzimai anokakavara uye ane hasha.

20 Mumba mowakachenjera mune zvokudya zvakaisvonaka zvakawanda namafuta,

asi benzi rinodya zvose zvarinazvo.

21 Uyo anotevera kururama norudo anowana upenyu,

nokubudirira norukudzo.

22 Munhu akachenjera anorwisa guta ravane simba

agoputsa nhare dzaro dzavanovimba nadzo.

23 Uyo anorinda muromo wake norurimi rwake

anozvidzivirira kubva panjodzi.

24 Munhu anozvikudza uye ana manyawi “Mudadi” ndiro zita rake;

anoita zvinhu namanyawi uye nokuzvikudza.

25 Kushuva kwesimbe kunova rufu rwake,

nokuti maoko ake anoramba kushanda.

26 Muswere wose wezuva anoramba achida zvimwe,

asi akarurama anopa asinganyimi.

27 Chibayiro chowakaipa chinonyangadza,

zvikuru sei kana akauya nacho nomufungo wakaipa!

28 Chapupu chenhema chichaparara,

uye ani naani anoteerera kwaari achaparadzwa nokusingaperi.

29 Munhu akaipa ane chiso chisinganyari,

asi munhu akarurama anofunga pamusoro penzira dzake.

30 Hapana uchenjeri kana njere kana urongwa

hungabudirira huchipikisana naJehovha.

31 Bhiza rinogadzirirwa zuva rokurwa,

asi kukunda kunobva kuna Jehovha.

Categories
Zvirevo

Zvirevo 22

1 Zita rakanaka rinodiwa kwazvo kupfuura pfuma zhinji;

kuremekedzwa kuri nani pane sirivha kana goridhe.

2 Vapfumi navarombo vakafanana pachinhu ichi:

Jehovha ndiye Musiki wavo vose.

3 Munhu akangwara anoona njodzi agohwanda,

asi asina mano anoramba achienda uye agotambudzika nokuda kwaizvozvo.

4 Kuzvininipisa nokutya Jehovha

kunouyisa pfuma nokukudzwa uye noupenyu.

5 Munzira yeakaipa mune minzwa nemisungo,

asi uyo anochengeta mweya wake anogara kure nazvo.

6 Rovedza mwana munzira yaanofanira kufamba nayo,

uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi.

7 Mupfumi anobata ushe pamusoro pomurombo,

uye anokwereta anova muranda weanokweretesa.

8 Uyo anodyara kuipa anokohwa dambudziko,

uye tsvimbo yokutsamwa kwake ichaparadzwa.

9 Munhu anopa zvakawanda acharopafadzwa,

nokuti anopa varombo zvokudya zvake.

10 Dzinga museki, kukakavara kunobva kwaendawo;

kupopotedzana nokutukana kunoguma.

11 Uyo anoda mwoyo wakachena uye anotaura zvakanaka,

achava shamwari yamambo.

12 Meso aJehovha anorinda zivo,

asi anokonesa mashoko omunhu asina kutendeka.

13 Simbe inoti, “Panze pane shumba,”

kana kuti, “Ndinourayiwa munzira!”

14 Muromo womukadzi chifeve igomba rakadzika;

uyo ari pasi pokutsamwa kwaJehovha achawira mariri.

15 Upenzi hwakasungirirwa mumwoyo momwana,

asi shamhu yokuranga ichahudzingira kure naye.

16 Uyo anomanikidza varombo kuti awedzere pfuma yake

nouyo anopa zvipo kuvapfumi, vose vachava varombo.

Mashoko oMuchenjeri

17 Nyatsoteerera unzwe mashoko omuchenjeri;

isa mwoyo wako kumashoko andinokudzidzisa,

18 nokuti chinhu chinofadza kana ukaachengeta mumwoyo mako,

uye ugare wakagadzirira kuataura ose.

19 Kuti uvimbe naJehovha,

ndinokudzidzisa nhasi, kunyange iyewe.

20 Handina kukunyorera zvirevo makumi matatu here,

mashoko edzidziso noruzivo,

21 kukudzidzisa mashoko echokwadi anovimbika,

kuitira kuti ugopa mhinduro dzakafanira kuno

uyo akakutuma?

22 Usatorera varombo nokuti varombo,

uye usamanikidza vanoshayiwa mudare redzimhosva,

23 nokuti Jehovha achavarwira pamhaka yavo,

uye achapamba vanovapamba.

24 Usaita ushamwari nomunhu ane hasha,

uye usafambidzana nomunhu anokurumidza kutsamwa,

25 kuti urege kudzidza tsika dzake,

uye urege kuzviteya nomusungo.

26 Usava munhu anombunda ruoko pamhiko,

kana kuzviita rubatso pazvikwereti;

27 kana usina chaungaripa nacho,

uchatorerwa mubhedha wako chaiwo, paurere chaipo.

28 Usabvisa dombo romuganhu wakare,

wakaiswapo namadzibaba ako.

29 Unoona munhu ane unyanzvi pabasa rake here?

Achashanda pamberi pamadzimambo;

haangashandiri vanhu vasina maturo.

Categories
Zvirevo

Zvirevo 23

1 Kana ukagara pakudya pamwe chete nomubati,

nyatsocherechedza zviri pamberi pako,

2 uise banga pahuro

kana uri munhu wamadyo.

3 Usapanga zvokudya zvake zvinonaka

nokuti zvokudya izvozvo zvinonyengera.

4 Usazvionza nokuda kuwana pfuma;

iva nouchenjeri hunoita kuti uzvibate.

5 Kungoti tarisei papfuma, wanei yaenda,

nokuti zvirokwazvo inomera mapapiro

igobhururuka ichienda kudenga segondo.

6 Usadya zvokudya zvomunhu anonyima,

kana kupanga zvokudya zvake zvinonaka;

7 nokuti munhu uya anongofunga chete mutengo wazvo.

Anoti kwauri, “Idya ugonwa,” asi mumwoyo make asingadi.

8 Ucharutsa zvishoma izvozvo zvawadya,

uye unenge watambisa mashoko ako nokumutenda.

9 Usataura nebenzi,

nokuti richashora uchenjeri hwamashoko ako.

10 Usabvisa dombo romuganhu wakare

kana kupinda paminda yenherera,

11 nokuti Mudziviriri wavo ane simba;

iye achavarwira pamhaka yavo newe.

12 Isa mwoyo wako kumurayiro

nenzeve dzako kumashoko ezivo.

13 Usarega kuranga mwana;

ukamuranga neshamhu, haafi.

14 Murange neshamhu

ugoponesa mweya wake kubva parufu.

15 Mwanakomana wangu, kana mwoyo wako wakachenjera,

ipapo mwoyo wangu uchafara;

16 mukatikati mangu muchapembera

kana miromo yako ichitaura zvakarurama.

17 Usarega mwoyo wako uchichiva vatadzi,

asi nguva dzose shingairira kutya Jehovha.

18 Zvirokwazvo ramangwana rako rine tariro,

uye tariro yako haingaparadzwi.

19 Teerera, mwanakomana wangu, ugova nouchenjeri,

uye uchengete mwoyo wako panzira yakarurama.

20 Usabatana navaya vanonwa waini zhinji,

kunyange vaya vanokara nyama,

21 nokuti zvidhakwa nevane madyo vachava varombo,

uye hope dzichavapfekedza mamvemve.

22 Teerera kuna baba vako, ivo vakakubereka,

uye usazvidza mai vako kana vachinge vakwegura.

23 Tenga zvokwadi urege kuzoitengesa;

uwane uchenjeri, kuzvibata nokunzwisisa.

24 Baba vomunhu akarurama vane mufaro mukuru;

uyo ane mwanakomana akachenjera anofadzwa naye.

25 Baba vako namai vako ngavafare;

mai vakakubereka ngavafare kwazvo!

26 Mwanakomana wangu, ndipe mwoyo wako

uye meso ako ngaananʼanidze nzira dzangu,

27 nokuti chifeve igomba rakadzika,

uye mukadzi asingazvibati itsime rakamanikana.

28 Segororo anohwandira,

anowedzera vasina kutendeka pakati pavarume.

29 Ndiani ane nhamo? Ndiani akasuwa?

Ndiani anokakavara? Ndiani anonyunyuta?

Ndiani ane mavanga pasina mhaka? Ndiani ane meso akatsvuka?

30 Vaya vanogara pawaini,

vanoenda kundoravira makate ewaini yakavhenganiswa.

31 Usatarisa waini kana yatsvuka,

kana ichivaima iri mumukombe,

kana ichidzika zvakanaka pakunwa!

32 Pakupedzisira inoruma senyoka

uye ine uturu semvumbi.

33 Meso ako achaona zvisakamboonekwa

uye pfungwa dzako dzichafunga zvakapesana.

34 Uchava souya akarara pamusoro pamafungu amakungwa,

kana somunhu avete pamusoro pedanda rechikepe.

35 Uchati, “Vakandirova, asi handina kukuvara!

Vakandirova asi handina kuzvinzwa!

Ndichamuka rinhiko

kuti ndigotsvakazve waini?”

Categories
Zvirevo

Zvirevo 24

1 Usachiva vanhu vakaipa,

usashuva kufamba navo;

2 nokuti mwoyo yavo inoronga kuita nechisimba,

uye miromo yavo inotaura pamusoro pokuita mhirizhonga.

3 Nouchenjeri imba inovakwa,

uye kubudikidza nokunzwisisa inosimbiswa;

4 kubudikidza nezivo makamuri ayo anozadzwa nezvinhu

zvinoshamisa uye nepfuma yakaisvonaka inokosha.

5 Munhu akachenjera ane simba guru,

uye munhu ane zivo anowedzera simba;

6 nokuti kundorwa hondo kunoda kutungamirirwa,

uye kuti ukunde unoda vapi vamazano vazhinji.

7 Uchenjeri hahusvikirwi nebenzi;

padare repasuo reguta harina chokutaura.

8 Uyo anoronga kuita zvakaipa

achazivikanwa senhubu.

9 Mufungo woupenzi chivi,

uye vanhu vanonyangadzwa nomuseki.

10 Kana ukapera simba panguva dzokutambudzika,

simba rako ishoma sei!

11 Nunurai avo vari kuiswa kurufu;

dzosai avo vari kudzedzereka vachienda kundourayiwa.

12 Asi kana mukati, “Hapana zvataiziva pamusoro paizvozvi?”

Ko, iye anoyera mwoyo haangazvioni here?

Iye anorinda upenyu hwako haangazvizivi here?

Haangaripire munhu mumwe nomumwe maererano nezvaakaita here?

13 Idya uchi, mwanakomana wangu, nokuti hwakanaka;

uchi hunobva pazinga hunozipa parurimi.

14 Uzivewo zvakare kuti uchenjeri hunozipa kumweya wako;

kana wahuwana, ramangwana rako rine tariro,

uye tariro yako haingaparari.

15 Usavandira sezvinoita akaipa paimba yomunhu akarurama,

usaparadza paanogara;

16 nokuti kunyange munhu akarurama achiwa runomwe, anosimukazve,

asi akaipa anowisirwa pasi nenjodzi.

17 Usafara kana muvengi wako achiwa;

paanogumburwa, mwoyo wako ngaurege kufara,

18 kana kuti Jehovha achazviona akasafara nazvo

uye agobvisa kutsamwa kwake kwaari.

19 Usashungurudzika nokuda kwavanhu vakaipa,

kana kuchiva vakaipa,

20 nokuti vanhu vakaipa havana tariro yeramagwana,

uye mwenje wavakaipa uchadzimwa.

21 Itya Jehovha namambo, mwanakomana wangu,

usabatana navanopanduka,

22 nokuti vaviri ivavo vanouyisa kuparadzwa kwavari nokukurumidza,

uye ndiani anoziva njodzi dzavangauyisa?

Zvimwe Zvirevo zvoMuchenjeri

23 Izviwo zvirevo zvomuchenjeri:

Kuita rusaruro mukutonga hakuna kunaka:

24 Ani naani anoti kune ane mhosva, “Hauna mhosva,”

marudzi achamutuka uye ndudzi dzichamushora.

25 Asi zvichanakira vaya vanopa mhosva kune vane mhosva,

uye kuropafadzwa kukuru kuchauya pamusoro pavo.

26 Mhinduro yechokwadi

yakafanana nokutsvoda pamiromo.

27 Pedza basa rako rapanze

ugadzirire minda yako;

shure kwaizvozvo, uvake imba yako.

28 Usava chapupu chinopomera muvakidzani wako pasina mhaka,

kana kushandisa miromo yako kuti unyengere.

29 Usati, “Ndichamuitirawo zvaakandiitira;

ndicharipira munhu uya zvaakaita.”

30 Ndakapfuura napamunda wesimbe,

ndikapfuura napamunda womuzambiringa womunhu asina njere;

31 minzwa yakanga yamera pose pose,

munda wakanga wafukidzwa nesora,

uye rusvingo rwamabwe rwakanga rwakoromoka.

32 Ndakafungisisa zvandakanga ndacherechedza

ndikadzidza chidzidzo pane zvandakanga ndaona.

33 Kumbovata zvishomanana, kumbotsumwaira,

kumbofungatira maoko kuti ndizorore,

34 ipapo urombo huchauya pauri segororo

uye kushayiwa kuchauya somunhu akashonga nhumbi dzokurwa nadzo.

Categories
Zvirevo

Zvirevo 25

Zvimwe Zvirevo zvaSoromoni

1 Izvi ndizvo zvimwe zvirevo zvaSoromoni, zvakanyorwa namachinda aHezekia mambo weJudha:

2 Kukudzwa kwaMwari kuviga chinhu;

kunzvera nyaya ndiko kukudzwa kwamadzimambo.

3 Sokukwirira kwakaita denga nokudzika kwakaita nyika,

saizvozvowo mwoyo yamadzimambo haigoni kunzverwa.

4 Bvisa marara pasirivha,

panobva pabuda zvinoshandiswa nomuumbi wemidziyo yesirivha;

5 bvisa akaipa pamberi pamambo,

ipapo chigaro chake choushe chichasimbiswa kubudikidza nokururama.

6 Usazvikudza pamberi pamambo,

uye usazvipa chigaro pakati pavanhu vakuru;

7 Zviri nani kuti ati kwauri, “Kwira pano,” pano kuti akunyadzise pamberi pavanhu vanoremekedzwa.

8 Zvawakaona nameso ako

usakurumidze kuzvikwidza kumatare edzimhosva,

nokuti uchazoiteiko pamagumo,

kana muvakidzani wako akakunyadzisa?

9 Kana uchipikisana nomuvakidzani wako,

usarase chivimbo chomumwe munhu,

10 kana kuti uyo achazvinzwa angangokunyadzisa, uye uchazoramba uine chimiro chakaipa.

11 Shoko rataurwa nenguva yakafanira

rakafanana namaapuro egoridhe mumidziyo yesirivha.

12 Semhete yomunzeve yegoridhe kana chishongo chegoridhe rakaisvonaka,

ndizvo zvakaita kutsiura kwomunhu akachenjera, kunzeve inoteerera.

13 Nhume yakatendeka kune anoituma

yakafanana nokutonhorera kwechando panguva yokukohwa;

inonyevenutsa mweya yavanatenzi vake.

14 Samakore nemhepo zvisina mvura,

ndizvo zvakaita munhu anozvirumbidza pamusoro pezvipo zvaasingapi.

15 Kubudikidza nomwoyo murefu mutongi anogona kunyengetedzwa,

uye rurimi runyoro runogona kuvhuna mapfupa.

16 Kana wawana uchi, idya hunokuringana chete, hukawandisa, ucharutsa.

17 Usanyanyoenda pamba pomuvakidzani wako,

ukanyanya kuendapo, achakuvenga.

18 Setsvimbo kana munondo kana museve unopinza,

ndizvo zvakaita munhu anopa uchapupu hwenhema achipikisa muvakidzani wake.

19 Sezino rakaora kana tsoka yakaremara,

ndizvo zvakafanana nokuvimba nomunhu asina kutendeka panguva yokutambudzika.

20 Souya anokurura nguo musi unotonhora,

kana sevhiniga inodururwa pasoda,

ndizvo zvinoita uyo anoimbira nziyo kumwoyo wakaremerwa.

21 Kana muvengi wako ane nzara, mupe zvokudya adye;

kana aine nyota, mupe mvura anwe.

22 Mukuita izvi, uchaunganidzira mazimbe anopisa pamusoro wake,

uye Jehovha achakupa mubayiro.

23 Semhepo yokumusoro inouyisa mvura,

naizvozvo rurimi rwakaipa runouyisa zviso zvakashatirwa.

24 Zviri nani kugara pakona redenga reimba

pano kugara mumba nomudzimai anokakavara.

25 Semvura inotonhorera kumweya wakaneta

ndizvo zvakaita nhau dzakanaka dzinobva kunyika iri kure.

26 Sechitubu chizere madhaka kana tsime rasvibiswa,

ndizvo zvakaita munhu akarurama anopa mukana kumunhu akaipa.

27 Hazvina kunaka kudya uchi huzhinji,

kana kuti munhu azvitsvakire kukudzwa kwake iye.

28 Seguta rakakoromoka masvingo

ndizvo zvakaita munhu asingagoni kuzvibata.

Categories
Zvirevo

Zvirevo 26

1 Sechando muzhizha kana mvura pakukohwa,

rukudzo haruna kufanira kubenzi.

2 Sezvinoita kadhimba pakubhururuka kwako, kana nyenganyenga pakubhururuka kwayo somuseve,

saizvozvowo kutuka pasina mhosva hakuna zvakunoita.

3 Tyava yakaitirwa bhiza, matomu akaitirwa mbongoro,

uye shamhu musana webenzi!

4 Usapindura benzi maererano noupenzi hwaro,

kana kuti iwe pachako uchafanana naro.

5 Pindura benzi maererano noupenzi hwaro,

kuti rirege kuona sokuti rakachenjera.

6 Sokuzvigura tsoka kana kunwa bongozozo,

ndizvo zvakaita kutumira shoko noruoko rwebenzi.

7 Samakumbo echirema akangorembera ndizvo

zvakaita chirevo mumuromo webenzi.

8 Sokusungira ibwe pachipfuramabwe

ndizvo zvakaita kupa rukudzo kubenzi.

9 Segwenzi reminzwa riri muruoko rwechidhakwa,

ndizvo zvakaita chirevo chiri mumuromo webenzi.

10 Somuwemburi weuta anopfura pose pose,

ndizvo zvakaita anoshandirwa nebenzi kana nomupfuuri zvake.

11 Sembwa inodzokera kumarutsi ayo,

ndizvo zvakaita benzi rinodzokorora upenzi hwaro.

12 Unoona munhu anozviti akachenjera pakuona kwake here?

Benzi rinotova netariro kupfuura iye.

13 Simbe inoti, “Kune shumba kunzira,

shumba inotyisa iri kufamba-famba munzira dzomumusha!”

14 Segonhi rinotenderera pamahinji aro,

ndizvo zvinoita simbe pamubhedha wayo.

15 Simbe inoisa ruoko rwayo mundiro;

inoita usimbe hwokutadza kurudzosera kumuromo wayo.

16 Simbe inozviti yakachenjera pakuona kwayo

kupfuura vanhu vanomwe vanopindura nenjere.

17 Somunhu anobata imbwa nenzeve dzayo,

ndizvo zvakaita mupfuuri anopindira pagakava risinei naye.

18 Somupengo unopotsera zvitsiga zvomoto,

kana miseve inouraya,

19 ndizvo zvakaita munhu anonyengera muvakidzani wake

uye achizoti, “Ndanga ndichiita zvangu je-e!”

20 Pasina huni moto unodzima;

pasina makuhwa kukakavara kunopera.

21 Sezvakaita mazimbe pazvitsiga zvinopfuta nehuni pamoto,

ndizvo zvakaita munhu wegakava pakupfutidza rukave.

22 Mashoko eguhwa akaita semisuva

yakaisvonaka inodzika mukatikati momunhu.

23 Sezvinopenya zvakanamirwa kunze kwomudziyo wevhu,

ndizvo zvakaita miromo inotaura zvinoyevedza, asi nomwoyo wakaipa.

24 Muparadzi anozvivanza namatauriro ake,

asi mumwoyo make akaviga ruvengo.

25 Kunyange mashoko ake achitapira, usatenda zvaanotaura,

nokuti mumwoyo make mune zvinonyangadza zvinomwe.

26 Ruvengo rwake rungavigwa mukunyengera kwake,

asi kuipa kwake kuchabudiswa pachena paungano.

27 Kana munhu akachera gomba, achawira mariri;

kana munhu akakungurutsa ibwe, richakunguruka, richidzokera pamusoro pake.

28 Rurimi runoreva nhema runovenga varunorwadzisa,

uye muromo unobata kumeso unoparadza.

Categories
Zvirevo

Zvirevo 27

1 Usazvirumbidza pamusoro pezuva ramangwana,

nokuti hauzivi zvingauyiswa nezuva.

2 Rega mumwe akurumbidze, kwete muromo wako;

mumwe munhuwo zvake, kwete miromo yako iwe.

3 Ibwe rinorema uye jecha mutoro,

asi kudenhwa nebenzi kunorema kupfuura zvose.

4 Hasha dzine utsinye uye kutsamwa kunokurira,

asi ndiani angamira pamberi pomunhu ane godo?

5 Kutsiurwa pachena kuri nani

pane rudo rwakavanzika.

6 Maronda okukuvadzwa neshamwari anogamuchirika,

asi kutsvoda kwomuvengi kunonyengera.

7 Uyo akaguta anovenga uchi,

asi kune ane nzara kunyange zvinovava zvinozipa.

8 Seshiri inorasika kubva padendere rayo,

ndizvo zvakaita munhu anorasika kubva pamusha wake.

9 Mafuta nezvinonhuhwira zvinouyisa mufaro kumwoyo,

uye kunaka kwoushamwari kunobva padzidziso dzake dzakanaka.

10 Usarasa shamwari yako kana shamwari yababa vako,

uye usangoenda kumba yehama yako kana wawirwa nedambudziko chete,

muvakidzani ari pedyo ari nani kupfuura hama iri kure.

11 Iva wakachenjera, mwanakomana wangu, ugofadza mwoyo wangu;

ipapo ndichagona kupindura ani naani anondishora.

12 Munhu akangwara anoona njodzi agovanda,

asi asina mano anoramba achienda uye agokuvadzwa nayo.

13 Torera nguo uyo anozviita rubatso kumutorwa;

uitore semhiko kana achinge aiita rubatso kumukadzi asingazvibati.

14 Kana munhu akafumira rungwanangwana

kukwazisa muvakidzani wake achidaidzirisa zvichaonekwa sechituko.

15 Mudzimai anokakavara akafanana

nemvura inoramba ichidonha-donha mushure mokunge kwanaya;

16 kumudzivisa zvakafanana nokudzivisa mhepo,

kana kuchingidzira mafuta noruoko.

17 Simbi inorodza simbi,

saizvozvowo mumwe munhu anorodza mumwe.

18 Uyo anochengeta muonde achadya zvibereko zvawo,

uye uyo anochengeta tenzi wake achakudzwa.

19 Sezvo mvura ichiratidza chiso,

saizvozvowo mwoyo womunhu unoratidza munhu.

20 Rufu nokuparadza hazvimboguti,

kunyangewo maziso omunhu haaguti.

21 Hari ndeyokunyautsira sirivha uye choto ndechokunatsa goridhe,

asi munhu anoedzwa nerumbidzo yaanowana.

22 Kunyange ukatswa benzi muduri,

kumutswa sezviyo nomutswi,

haungabvisi upenzi hwake maari.

23 Iva nechokwadi kuti unoziva mamiriro amakwai ako,

uchengete zvakanaka mapoka ako;

24 nokuti pfuma haigari nokusingaperi,

uye korona haigari kusvikira kuzvizvarwa zvose.

25 Kana uswa hukabviswa, uye bumhudza rikabuda,

nesora rikaunganidzwa kubva kuzvikomo,

26 makwayana achakuwanisa zvokupfeka,

uye mbudzi nomutengo womunda.

27 Uchava nomukaka wembudzi

wakawanda wokudya iwe nemhuri yako,

uye wokuraramisa varandakadzi vako.