Categories
Mapisarema

Mapisarema 128

Rwiyo rworwendo.

1 Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha,

vanofamba munzira dzake.

2 Uchadya chibereko chokushanda kwako;

maropafadzo nokubudirira zvichava zvako.

3 Mukadzi wako achava somuzambiringa unobereka,

pakati peimba yako;

vanakomana vako vachaita samabukira omuorivhi,

vakakomberedza tafura yako.

4 Ndizvo zvakaita munhu akaropafadzwa,

anotya Jehovha.

5 Jehovha ngaakuropafadzei kubva kuZioni,

mazuva ose oupenyu hwenyu;

muone henyu kubudirira kweJerusarema,

6 uye murarame kuti muone vana vavana venyu.

Rugare ngaruve pana Israeri.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 129

Rwiyo rworwendo.

1 Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu,

Israeri ngaati,

2 “Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu,

asi havana kundikunda.

3 Varimi vakarima musana wangu

vakaita miforo yavo mirefu.”

4 Asi Jehovha akarurama,

akandisunungura pamabote avakaipa.

5 Vose vanovenga Zioni

ngavadzorerwe shure nenyadzi.

6 Ngavaite souswa pamusoro pedenga remba,

hunooma husati hwakura;

7 mukohwi haangazadzi maoko ake nahwo,

uye anounganidza haangazadzi maoko ake.

8 Vanopfuura nepo ngavarege kuti,

“Maropafadzo aJehovha ngaave pamusoro pako;

tinokuropafadza muzita raJehovha.”

Categories
Mapisarema

Mapisarema 130

Rwiyo rworwendo.

1 Ndinodanidzira kwamuri Jehovha,

ndiri pakadzika;

2 haiwa Jehovha, inzwai inzwi rangu.

Nzeve dzenyu ngadzinzwe kuchemera kwangu ngoni.

3 Dai imi, iyemi Jehovha, maironda zvakaipa zvomunhu,

haiwa Jehovha, ndianiko aimira?

4 Asi kwamuri kune kukanganwira;

naizvozvo imi munotyiwa.

5 Ndinomirira Jehovha, mweya wangu unomirira,

uye tariro yangu iri mushoko rake.

6 Mweya wangu unorindira Ishe

kupfuura varindi

vanomirira rungwanani.

7 Haiwa Israeri, isa tariro yako muna Jehovha,

nokuti Jehovha ane rudo rusingaperi

uye kwaari kune dzikinuro izere.

8 Iye pachake achadzikinura Israeri

kubva pazvivi zvavo zvose.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 131

Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi.

1 Haiwa Jehovha, mwoyo wangu hauzvikudzi,

meso angu haana manyawi;

handina hanya nezvinhu zvikuru

kana zvinhu zvinonyanya kushamisa.

2 Asi ndakadzikamisa uye ndakanyaradza mweya wangu;

somwana akarumurwa namai vake,

somwana akarumurwa, ndizvo zvakaita mweya wangu mandiri.

3 Haiwa Israeri, isai tariro yenyu pana Jehovha,

kubva zvino nokusingaperi.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 132

Rwiyo rworwendo.

1 Haiwa Jehovha, rangarirai Dhavhidhi

namatambudziko ake ose aakasangana nawo.

2 Akapika mhiko kuna Jehovha,

akaita mhiko kuna Wamasimba waJakobho achiti,

3 “Handingapindi mumba mangu

kana kuenda kundovata pamubhedha wangu,

4 handingatenderi hope mumaziso angu,

kana kutsumwaira mumeso angu,

5 kusvikira ndawana nzvimbo yaJehovha,

nzvimbo yokugara yoWamasimba waJakobho.”

6 Takazvinzwa muEfurata,

takasangana nazvo muminda yeJaari tikati,

7 “Ngatiendei kunzvimbo yake yokugara;

ngatinamatei pachitsiko chetsoka dzake,

8 haiwa Jehovha, simukai muuye kunzvimbo yenyu yokuzorora,

imi neareka yesimba renyu.

9 Vaprista venyu dai vafukidzwa nokururama;

dai vatsvene venyu vaimba nomufaro.”

10 Nokuda kwaDhavhidhi muranda wenyu,

musaramba muzodziwa wenyu.

11 Jehovha akapika mhiko kuna Dhavhidhi,

mhiko yechokwadi yaasingagoni kushandura achiti,

“Mumwe wechizvarwa chako

ndichamugadza pachigaro chako choushe,

12 kana vanakomana vako vakachengeta sungano yangu

nezvandakatema zvandakavadzidzisa,

ipapo vanakomana vavo

vachagara pachigaro chako choushe nokusingaperi-peri.”

13 Nokuti Jehovha akasarudza Zioni,

akarida kuti huve ugaro hwake achiti,

14 “Iyi ndiyo nzvimbo yangu yokuzorora nokusingaperi-peri;

ipapa ndipo pandichagara samambo, nokuti ndakapada,

15 ndichariropafadza nezvakawanda;

ndichagutsa varombo varo nezvokudya.

16 Ndichafukidza vaprista varo noruponeso,

uye vatsvene varo vachagara vachiimba nomufaro.

17 “Pano ndipo pandichameresa nyanga yaDhavhidhi,

uye ndichatungidza mwenje womuzodziwa wangu.

18 Ndichafukidza vavengi vake nenyadzi,

asi korona yake ichabwinya kwazvo.”

Categories
Mapisarema

Mapisarema 133

Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi.

1 Zvakanaka uye zvinofadza sei

kana hama dzichigara pamwe chete mukubatana!

2 Zvakafanana namafuta anokosha adururirwa pamusoro,

anoerera kundebvu,

anoerera kundebvu dzaAroni,

anoburukira kusvikira pamipendero yenguo dzake.

3 Zvinoita sokuti dova reHerimoni

riri kuwira pamusoro peGomo reZioni.

Nokuti ndipo pakaiswa kuropafadza kwaJehovha,

ihwo upenyu husingaperi-peri.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 134

Rwiyo rworwendo.

1 Rumbidzai Jehovha, imi varanda vose vaJehovha,

vanoshumira usiku muimba yaJehovha.

2 Simudzai maoko enyu munzvimbo tsvene,

murumbidze Jehovha.

3 Dai Jehovha, iye Muiti wedenga napasi,

akuropafadzai kubva paZioni.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 135

1 Rumbidzai Jehovha.

Rumbidzai zita raJehovha;

murumbidzei, imi varanda vaJehovha,

2 imi munoshumira muimba yaJehovha,

muvanze dzeimba yaMwari wedu.

3 Rumbidzai Jehovha, nokuti Jehovha akanaka;

imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza, nokuti ndizvo zvakanaka.

4 Nokuti Jehovha akasarudza Jakobho kuti ave wake,

naIsraeri kuti ave pfuma yake.

5 Ndinoziva kuti Jehovha mukuru,

uye kuti Ishe wedu mukuru kupfuura vamwari vose.

6 Jehovha anoita zvose zvinomufadza,

kudenga napasi,

nomumakungwa napakadzika pose.

7 Anoita kuti makore akwire kubva kumagumo enyika;

anotumira mheni nemvura,

uye anobudisa mhepo kubva mumatura ake.

8 Ndiye akaparadza matangwe eIjipiti,

matangwe avanhu neemhuka.

9 Akatumira zviratidzo nezvishamiso zvake mukati mako,

iwe Ijipiti, pamusoro paFaro navaranda vake vose.

10 Akaparadza ndudzi dzakawanda

uye akauraya madzimambo ane simba,

11 Sihoni mambo weAmori,

Ogi mambo weBhashani

namadzimambo ose eKenani,

12 akapa nyika yavo kuti ive nhaka,

nhaka yavanhu vake Israeri.

13 Haiwa Jehovha, zita renyu rinogara nokusingaperi,

mukurumbira wenyu, imi Jehovha, kuzvizvarwa zvose.

14 Nokuti Jehovha achapupurira vanhu vake

uye achava nenyasha pamusoro pavaranda vake.

15 Zvifananidzo zvendudzi isirivha negoridhe,

zvakaitwa namaoko avanhu.

16 Zvine miromo, asi hazvigoni kutaura,

zvina meso, asi hazvigoni kuona;

17 nenzeve, asi hazvigoni kunzwa,

uye hamuna kufema mumuromo mazvo.

18 Vaya vanozviita vachafanana nazvo,

saizvozvowo, naivo vanovimba nazvo.

19 Haiwa imi imba yaIsraeri, rumbidzai Jehovha;

haiwa imba yaAroni, rumbidzai Jehovha;

20 Haiwa imi imba yaRevhi, rumbidzai Jehovha;

imi vanomutya, rumbidzai Jehovha.

21 Jehovha ngaarumbidzwe kubva kuZioni,

iye agere muJerusarema.

Rumbidzai Jehovha.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 136

1 Vongai Jehovha, nokuti akanaka:

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

2 Vongai Mwari wavamwari:

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

3 Vongai Ishe wamadzishe:

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

4 iye oga anoita zvishamiso zvikuru,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

5 iye akaita matenga nokunzwisisa kwake,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

6 iye akatambanudza nyika pamusoro pemvura zhinji,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

7 iye akaita zviedza zvikuru,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

8 zuva kuti ribate ushe masikati,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

9 mwedzi nenyeredzi kuti zvibate ushe usiku;

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

10 iye akarova matangwe eIjipiti,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

11 uye akabudisa Israeri kubva pakati pavo,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

12 noruoko rune simba uye noruoko rwakatambanudzwa,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

13 iye akaparadzanisa Gungwa Dzvuku napakati,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

14 uye akayambutsa Israeri napakati paro,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

15 asi akakukura Faro nehondo yake muGungwa Dzvuku;

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

16 iye akatungamirira vanhu vake nomugwenga,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

17 akarova madzimambo makuru,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

18 uye akauraya madzimambo ane simba,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

19 Sihoni mambo wavaAmori,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

20 naOgi mambo weBhashani,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

21 akavapa nyika yavo senhaka,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

22 nhaka kumuranda wake Israeri.

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

23 Iye akatirangarira pakudzikisirwa kwedu,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

24 uye akatisunungura kubva pavavengi vedu,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

25 uye anopa zvokudya kuzvisikwa zvose.

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

26 Vongai Mwari wokudenga,

Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 137

1 Panzizi dzeBhabhironi takagarapo tikachema,

patakarangarira Zioni.

2 Pamikonachando apo

ndipo patakaturika mbira dzedu,

3 nokuti ipapo avo vakatitapa vakatikumbira nziyo,

vatambudzi vedu vakatigombedzera kuti tiimbe nziyo dzomufaro, vakati,

“Tiimbirei rumwe rwiyo rweZioni!”

4 Tingaimba seiko nziyo dzaJehovha

tiri munyika yokumwe?

5 Kana ndikakukanganwa, iwe Jerusarema,

ruoko rwangu rworudyi ngarukanganwe umhizha hwarwo.

6 Rurimi rwangu ngarunamatire kumusoro kwomuromo wangu,

kana ndikasakurangarira iwe,

kana ndisingafungi Jerusarema,

iwo mufaro wangu wapamusoro-soro.

7 Haiwa Jehovha, rangarirai henyu zvakaitwa navaEdhomu,

pazuva rakawa Jerusarema.

Vakati, “Rikoromorei! Rikoromorei

kusvikira panheyo dzaro!”

8 Haiwa Mwanasikana weBhabhironi, watongerwa kuparadzwa,

achafara munhu uyo achatsiva

kwauri zvawakaita kwatiri,

9 iye achatora pwere dzako

agodzirovera pamatombo.