Categories
Mapisarema

Mapisarema 118

1 Vongai Jehovha, nokuti akanaka;

rudo rwake runogara nokusingaperi.

2 Israeri ngaati,

“Rudo rwake runogara nokusingaperi.”

3 Imba yaAroni ngaiti,

“Rudo rwake runogara nokusingaperi.”

4 Avo vanotya Jehovha ngavati,

“Rudo rwake runogara nokusingaperi.”

5 Mukurwadziwa kwangu ndakadana kuna Jehovha,

uye akandipindura nokundisunungura.

6 Jehovha aneni; handingatyi.

Munhu angandiiteiko?

7 Jehovha aneni; ndiye mubatsiri wangu.

Ndichatarira vavengi vangu nokukunda.

8 Zviri nani kutizira kuna Jehovha

pano kuvimba nomunhu.

9 Zviri nani kutizira kuna Jehovha

pano kuvimba namachinda.

10 Ndudzi dzose dzakandikomba,

asi ndakavaparadza muzita raJehovha.

11 Vakandikomba pamativi ose,

asi ndakavaparadza muzita raJehovha.

12 Vakandimomotera senyuchi,

asi vakakurumidza kufa seminzwa inotsva,

ndakavaparadza muzita raJehovha.

13 Ndakasundidzirwa shure uye ndikada kuwa,

asi Jehovha akandibatsira.

14 Jehovha ndiye simba rangu norwiyo rwangu;

ndiye ava ruponeso rwangu.

15 Kupembera kwomufaro nokukunda

kunonzwika mumatende avakarurama kuchiti:

“Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakaita zvinhu zvikuru!

16 Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakasimudzirwa kumusoro;

ruoko rworudyi rwaJehovha rwakaita zvinhu zvikuru!”

17 Handingafi asi ndichararama,

uye ndichaparidza zvakaitwa naJehovha.

18 Jehovha akandiranga kwazvo,

asi haana kundiisa kurufu.

19 Ndizarurireiwo masuo okururama;

ndichapinda ndigovonga Jehovha.

20 Iri ndiro suo raJehovha

panopinda navakarurama.

21 Ndichakuvongai, nokuti makandipindura;

makava ruponeso rwangu.

22 Dombo rakarambwa navavaki

ndiro rakazova musoro wekona;

23 Jehovha akaita izvi,

uye zvinoshamisa pamberi pedu.

24 Iri ndiro zuva rakaitwa naJehovha;

ngatifarei kwazvo tifarisise mariri.

25 Haiwa Jehovha, tiponesei;

haiwa Jehovha, tipeiwo kubudirira.

26 Akaropafadzwa uyo anouya muzita raJehovha.

Tiri mumba maJehovha tinokuropafadzai.

27 Jehovha ndiye Mwari,

uye akaita kuti chiedza chake chivhenekere pamusoro pedu.

Namatavi muruoko, pinda mumudungwe

ubatane navamwe vari kuenda kunyanga dzearitari.

28 Imi muri Mwari wangu, uye ndichakuvongai;

ndimi Mwari wangu, uye ndichakukudzai.

29 Vongai Jehovha, nokuti akanaka;

rudo rwake runogara nokusingaperi.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 119

1 Vakaropafadzwa avo vane nzira isina chaingapomerwa,

vanofamba mumurayiro waJehovha.

2 Vakaropafadzwa avo vanochengeta zvaakatema,

vanomutsvaka nomwoyo wavo wose.

3 Havaiti chinhu chakaipa;

vanofamba munzira yake.

4 Imi makaisa zvirevo

zvinofanira kuteererwa.

5 Haiwa, dai nzira dzangu dzakasimba

pakuteerera zvirevo zvenyu!

6 Ipapo handaizonyadziswa pandinorangarira mirayiro yenyu.

7 Ndichakurumbidzai nomwoyo wakarurama,

sezvo ndichidzidza mirayiro yenyu yakarurama.

8 Ndichateerera mitemo yenyu;

regai kundirasa zvachose.

9 Ko, jaya ringanatsa nzira yaro nei?

Nokurarama sezvinoreva shoko renyu.

10 Ndinokutsvakai nomwoyo wangu wose;

musandirega ndichitsauka pamirayiro yenyu.

11 Shoko renyu ndakariviga mumwoyo mangu,

kuti ndirege kukutadzirai.

12 Imi munofanira kukudzwa, Jehovha;

ndidzidzisei mitemo yenyu.

13 Nemiromo yangu ndichataurazve

mirayiro yose inobva pamuromo wenyu.

14 Ndinofarira kutevera zvirevo zvenyu,

somunhu anofarira pfuma huru.

15 Ndinofungisisa zvirevo zvenyu,

uye ndinorangarira nzira dzenyu.

16 Ndinofarira mitemo yenyu;

handingakanganwi shoko renyu.

17 Itirai muranda wenyu zvakanaka, ndigorarama;

ndichateerera shoko renyu.

18 Ndisvinudzei meso angu kuti ndione.

Zvinhu zvinoshamisa zviri pamurayiro wenyu.

19 Ndiri mutorwa panyika;

regai kundivanzira mirayiro yenyu.

20 Mweya wangu wapedzwa nokushuva

mitemo yenyu nguva dzose.

21 Munotsiura vanozvikudza, avo vakatukwa,

uye vanotsauka kubva pamirayiro yenyu.

22 Bvisai kwandiri kushorwa nokuzvidzwa,

nokuti ndinochengeta zvirevo zvenyu.

23 Kunyange vatongi vachigara pamwe chete vachindireva,

muranda wenyu achafungisisa mitemo yenyu.

24 Ndinofadzwa nezvirevo zvenyu;

ndizvo zvinondipanga mazano.

25 Ndakaradzikwa pasi muguruva;

chengetedzai upenyu hwangu sezvinoreva shoko renyu.

26 Ndakarevazve nzira dzangu imi mukandipindura;

ndidzidzisei mitemo yenyu.

27 Itai kuti ndinzwisise zvirevo zvenyu;

ipapo ndichafungisisa pamusoro pezvishamiso zvenyu.

28 Mweya wangu waziya nokusuwa;

ndisimbisei sezvinoreva shoko renyu.

29 Ndibvisei panzira dzokunyengera;

ndinzwirei nyasha kubudikidza nomurayiro wenyu.

30 Ndakasarudza nzira yechokwadi;

ndakaisa mwoyo wangu pamurayiro wenyu.

31 Haiwa Jehovha, ini ndichabatirira pazvirevo zvenyu;

musandirega ndichinyadziswa.

32 Ndinomhanya munzira yomurayiro wenyu,

nokuti makasunungura mwoyo wangu.

33 Ndidzidzisei, imi Jehovha, kutevera mitemo yenyu;

ipapo ndichaichengeta kusvikira kumagumo.

34 Ndipei kunzwisisa, ndigochengeta murayiro wenyu

uye ndigouteerera nomwoyo wangu wose.

35 Nditungamirirei munzira yemirayiro yenyu,

nokuti imomo ndinowana mufaro.

36 Dzorerai mwoyo wangu pane zvamakatema

kwete pakuchiva kwenyama.

37 Dzorai meso angu pazvinhu zvisina maturo;

chengetedzai upenyu hwangu sezvinoreva shoko renyu.

38 Zadzisai zvamakapikira muranda wenyu,

kuti mugotyiwa.

39 Bvisai kunyadziswa kwandaitya,

nokuti mitemo yenyu yakanaka.

40 Ndinoshuva zvirevo zvenyu sei!

Chengetedzai upenyu hwangu mukururama kwenyu.

41 Rudo rwenyu rusingaperi ngaruuye kwandiri,

Jehovha, noruponeso rwenyu sezvamakavimbisa;

42 ipapo ndichapindura vanondishora,

nokuti ndinovimba neshoko renyu.

43 Regai kubvisa shoko rechokwadi pamuromo pangu,

nokuti ndakaisa tariro yangu mumurayiro wenyu.

44 Ndichagara ndichiteerera murayiro wenyu,

nokusingaperi-peri.

45 Ndichafamba-famba ndakasununguka,

nokuti ndakatsvaka zvirevo zvenyu.

46 Ndichataura zvamakatema pamberi pamadzimambo,

uye handinganyadziswi,

47 nokuti ndinofarira mirayiro yenyu

nokuti ndinoida.

48 Ndinosimudzira maoko angu

kumirayiro yenyu yandinoda, uye ndinofungisisa zvirevo zvenyu.

49 Rangarirai shoko renyu kumuranda wenyu,

nokuti makandipa tariro.

50 Zvinondinyaradza pakutambura kwangu ndezvizvi:

Vimbiso yenyu inochengetedza upenyu hwangu.

51 Vanozvikudza vanondiseka vasingaregi,

asi ini handitsauki pamurayiro wenyu.

52 Ndinorangarira mirayiro yenyu yekare, imi Jehovha,

uye ndinonyaradzwa mairi.

53 Shungu dzinondibata nokuda kwavakaipa,

vakasiya murayiro wenyu.

54 Mitemo yenyu ndiro dingindira rorwiyo rwangu

pose pandinogara.

55 Haiwa, Jehovha, ndinorangarira zita renyu usiku,

uye ndichachengeta murayiro wenyu.

56 Aya ndiwo anga ari maitiro angu:

Ndinoteerera zvirevo zvenyu.

57 Haiwa, Jehovha, ndimi mugove wangu;

ndakavimbisa kuteerera mashoko enyu.

58 Ndakatsvaka chiso chenyu nomwoyo wangu wose;

ndinzwirei nyasha sezvamakavimbisa.

59 Ndakacherechedza nzira dzangu

ndikadzorera tsoka dzangu kune zvamakatema.

60 Ndichakurumidza uye handinganonoki

kuteerera mirayiro yenyu.

61 Kunyange vakaipa vakandisunga namabote,

handizokanganwi murayiro wenyu.

62 Ndinomuka pakati pousiku ndichikuvongai

nokuda kwemirayiro yenyu yakarurama.

63 Ndiri shamwari yavose vanokutyai,

nokuna vose vanotevera zvirevo zvenyu.

64 Haiwa Jehovha, nyika izere norudo rwenyu,

ndidzidzisei zvirevo zvenyu.

65 Makaitira muranda wenyu zvakanaka,

imi Jehovha, sezvakafanira shoko renyu.

66 Ndidzidzisei zivo nokutonga kwakanaka,

nokuti ndakatenda mirayiro yenyu.

67 Pandakanga ndisati ndatambudzika,

ndakatsauka, asi zvino ndinoteerera shoko renyu.

68 Imi makanaka, uye munoita zvakanaka;

ndidzidzisei mitemo yenyu.

69 Kunyange vanozvikudza vakandipomera nhema,

ndinochengeta zvamakatema nomwoyo wangu wose.

70 Mwoyo yavo yakasindimara uye hainzwisisi,

asi ndinofarira murayiro wenyu.

71 Zvakanga zvakanaka kuti nditambudzike,

kuitira kuti ndigodzidza mitemo yenyu.

72 Murayiro unobva pamuromo wenyu unokosha kwandiri,

kupfuura zviuru zvezvimedu zvesirivha negoridhe.

73 Maoko enyu akandisika uye akandiumba;

ndipei kunzwisisa kuti ndigodzidza mirayiro yenyu.

74 Avo vanokutyai ngavafare pavanondiona,

nokuti ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.

75 Haiwa Jehovha, ndinoziva kuti mirayiro yenyu yakarurama,

uye kuti makanditambudza mukutendeka kwenyu.

76 Rudo rwenyu rusingaperi ngarutinyaradze,

maererano nechivimbiso chenyu kumuranda wenyu.

77 Tsitsi dzenyu ngadziuye kwandiri kuti ndirarame,

nokuti murayiro wenyu ndiwo mufaro wangu.

78 Vanozvikudza ngavanyadziswe pakundikanganisira ndisina mhaka,

asi ini ndichafungisisa zvirevo zvenyu.

79 Vanokutyai ngavadzokere kwandiri,

ivo vanonzwisisa zvamakatema.

80 Mwoyo wangu ngaushaye chaungapomerwa pamitemo yenyu,

kuti ndirege kunyadziswa.

81 Mweya wangu unoziya nokuda kwekushuva ruponeso rwenyu,

asi ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.

82 Meso angu aneta nokutsvaga chivimbiso chenyu;

ndinoti, “Muchandinyaradza riniko?”

83 Kunyange ndakaita sehomwe yewaini ndiri muutsi,

handikanganwi mitemo yenyu.

84 Muranda wenyu acharindira kusvikira riniko?

Mucharanga vatambudzi vangu riniko?

85 Vanozvikudza vakandicherera makomba,

zvinopesana nomurayiro wenyu.

86 Mirayiro yenyu yose yakavimbika, ndibatsirei,

nokuti vanhu vanonditambudza ndisina mhaka.

87 Vakanga voda kundibvisa panyika,

asi handina kusiya zvamakatema.

88 Chengetedzai upenyu hwangu zvakafanira rudo rwenyu,

uye ini ndichateerera zvirevo zvomuromo wenyu.

89 Haiwa Jehovha, shoko renyu rinogara nokusingaperi;

rinomira rakasimba kudenga denga.

90 Kutendeka kwenyu kunoramba kuripo kusvikira kuzvizvarwa zvose;

makasimbisa nyika uye inogara nokusingaperi.

91 Mirayiro yenyu iripo kusvikira iye nhasi,

nokuti zvinhu zvose zvinokushumirai.

92 Dai murayiro wenyu wanga usiri mufaro wangu,

ndingadai ndakafira mumatambudziko angu.

93 Handichazokanganwi zvamakatema,

nokuti nazvo makachengetedza upenyu hwangu.

94 Ndiponesei, nokuti ndiri wenyu;

ndakatsvaka zvamakatema.

95 Vakaipa vakarindira kundiparadza,

asi ini ndichafunga zvirevo zvenyu.

96 Ndinoona kuguma kwezvose zvakakwana,

asi mirayiro yenyu haina magumo.

97 Haiwa, ndinoda murayiro wenyu sei!

Ndinoufungisisa zuva rose.

98 Mirayiro yenyu inoita kuti ndive akachenjera kupfuura vavengi vangu,

nokuti inogara neni nguva dzose.

99 Ndinonzwisisa zvakawanda kupfuura vadzidzisi vangu,

nokuti ndinofungisisa pamusoro pezvamakatema.

100 Ndinonzwisisa zvikuru kupfuura vakuru,

nokuti ndinoteerera zvirevo zvenyu.

101 Ndakadzora tsoka dzangu panzira

dzose dzakaipa kuti nditeerere shoko renyu.

102 Handina kubva pamirayiro yenyu,

nokuti imi pachenyu makandidzidzisa.

103 Mashoko enyu anotapira seiko pakuaravira,

anotapira kukunda uchi mumukanwa mangu!

104 Ndinowana kunzwisisa kubva pazvirevo zvenyu;

naizvozvo ndinovenga nzira dzose dzakaipa.

105 Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu,

nechiedza chenzira yangu.

106 Ndakaita mhiko ndikaisimbisa,

kuti ndichatevera mirayiro yenyu yakarurama.

107 Ndakatambudzika kwazvo;

chengetedzai upenyu hwangu, imi Jehovha, zvakafanira shoko renyu.

108 Haiwa Jehovha, gamuchirai henyu kurumbidza kwomuromo wangu,

mugondidzidzisa mirayiro yenyu.

109 Kunyange ndichiramba ndakabata upenyu hwangu mumaoko angu,

handizokanganwi murayiro wenyu.

110 Vakaipa vakanditeya nomusungo,

asi handina kutsauka pazvirevo zvenyu.

111 Zvirevo zvenyu inhaka yangu nokusingaperi;

ndizvo mufaro womwoyo wangu.

112 Mwoyo wangu wakagarira kuchengeta zvirevo zvenyu,

kusvikira kumagumo.

113 Ndinovenga vanhu vane mwoyo miviri,

asi ndinoda murayiro wenyu.

114 Imi muri utiziro hwangu nenhoo yangu;

ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.

115 Ibvai kwandiri, imi vaiti vezvakaipa,

kuti ndichengete mirayiro yaMwari wangu!

116 Nditsigirei sezvamakavimbisa, ipapo ndichararama;

musarega tariro yangu ichidzimwa.

117 Nditsigirei, ipapo ndicharwirwa;

ndicharamba ndine hanya nemitemo yenyu.

118 Munoramba vose vanotsauka pamitemo yenyu,

nokuti kunyengera kwavo hakuna maturo.

119 Vakaipa vose venyika munovaita sengura;

naizvozvo ndinoda zvamakatema.

120 Nyama yangu inodedera nokuda kwokukutyai;

ndinomira ndichitya mirayiro yenyu.

121 Ndakaita zvakarurama nokururamisira;

musandisiya mumaoko avadzvinyiriri vangu.

122 Itai kuti muranda wenyu agare zvakanaka;

musarega vanozvikudza vachimudzvinyirira.

123 Meso angu aneta nokutsvaka ruponeso rwenyu,

ndichitsvaga vimbiso yenyu yakarurama.

124 Itirai muranda wenyu zvinoringana norudo rwenyu,

uye ndidzidzisei mitemo yenyu.

125 Ndiri muranda wenyu;

ndipeiwo kunzvera kuti ndigonzwisisa zvamakatema.

126 Haiwa Jehovha, inguva yenyu yokubata;

murayiro wenyu uri kuputswa.

127 Nokuti ndinoda mirayiro yenyu kupfuura goridhe,

kupfuura goridhe rakanatswa,

128 uye nokuti ndinoti zvirevo zvenyu zvose zvakarurama,

ndinovenga nzira dzose dzakaipa.

129 Zvirevo zvenyu zvinoshamisa;

naizvozvo ndinozviteerera.

130 Kuzarurwa kweshoko renyu kunopa chiedza;

kunopa kunzwisisa kuna vasina mano.

131 Ndinoshamisa muromo wangu ndigodokwaira,

ndichishuva mirayiro yenyu.

132 Dzokerai kwandiri mugondinzwira ngoni,

sezvamunogara muchiita kuna avo vanoda zita renyu.

133 Rayirai nhambwe dzetsoka dzangu zviri maererano neshoko renyu;

chivi ngachirege kunditonga.

134 Ndidzikinurei pakudzvinyirira kwavanhu,

kuti ndigoteerera zvirevo zvenyu.

135 Chiso chenyu ngachipenye pamusoro pomuranda wenyu,

uye ndidzidzisei mitemo yenyu.

136 Hova dzemisodzi dzinoerera dzichibva mumeso angu,

nokuti murayiro wenyu hausi kuteererwa.

137 Haiwa Jehovha, imi makarurama,

uye mirayiro yenyu yakarurama.

138 Zvirevo zvenyu zvamakadzika zvakarurama;

zvakavimbika kwazvo.

139 Kushingaira kwangu kunondipedza,

nokuti vavengi vangu havana hanya namashoko enyu.

140 Vimbiso dzenyu dzakaedzwa chose,

uye muranda wenyu anodzida.

141 Kunyange ndakaderedzwa uye ndichizvidzwa hangu,

handikanganwi zvirevo zvenyu.

142 Kururama kwenyu kunogara nokusingaperi,

uye murayiro wenyu ndowezvokwadi.

143 Nhamo namatambudziko zviri pamusoro pangu,

asi mirayiro yenyu ndiwo mufaro wangu.

144 Zvirevo zvenyu zvinogara zvakarurama;

ndipeiwo kunzwisisa kuti ndirarame.

145 Ndinodana nomwoyo wangu wose; haiwa Jehovha ndipindureiwo,

uye ndichateerera mitemo yenyu.

146 Ndinodanidzira kwamuri,

ndiponesei uye ndichachengeta zvamakatema.

147 Ndinomuka mambakwedza asati asvika ndigochemera kubatsirwa;

ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.

148 Meso angu anogara akasvinura panguva dzose dzousiku,

kuti ndifungisise pamusoro pevimbiso dzenyu.

149 Inzwai inzwi rangu sezvakafanira rudo rwenyu;

haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu zviri maererano nemirayiro yenyu.

150 Vanoita mano akaipa vari pedyo,

asi vari kure nomurayiro wenyu.

151 Asi imi muri pedyo, Jehovha,

uye mirayiro yenyu yose ndeyezvokwadi.

152 Ndakadzidza pane zvamakatema kare,

kuti makazvisimbisa kuti zvigare nokusingaperi.

153 Tarirai kutambudzika kwangu mugondirwira,

nokuti handina kukanganwa murayiro wenyu.

154 Miririrai mhosva yangu uye mundidzikinure;

chengetedzai upenyu hwangu maererano nevimbiso yenyu.

155 Ruponeso rwuri kure navakaipa,

nokuti havatsvaki mitemo yenyu.

156 Haiwa Jehovha, tsitsi dzenyu ihuru;

chengetedzai upenyu hwangu maererano nemirayiro yenyu.

157 Vavengi vangu navanonditambudza vazhinji,

asi handina kutsauka pane zvamakatema.

158 Ndinotarira kuna vasingatendi ndichisema,

nokuti havateereri shoko renyu.

159 Tarirai madiro andinoita zvirevo zvenyu;

haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu, maererano norudo rwenyu.

160 Mashoko enyu ose ndeechokwadi;

mirayiro yenyu yose yakarurama ndeyokusingaperi.

161 Vatongi vanonditambudza ndisina mhaka,

asi mwoyo wangu unodedera pashoko renyu.

162 Ndinofarira vimbiso yenyu

kufanana nouyo anowana zvakapambwa zvizhinji.

163 Ndinovenga uye ndinosema nhema,

asi ndinoda murayiro wenyu.

164 Ndinokurumbidzai kanomwe pazuva,

nokuda kwemirayiro yenyu yakarurama.

165 Vanoda murayiro wenyu vano rugare rukuru,

uye hakuna chingavagumbusa.

166 Haiwa Jehovha, ndakamirira ruponeso rwenyu,

uye ndinotevera mirayiro yenyu.

167 Ndinoteerera zvirevo zvenyu,

nokuti ndinozvida zvikuru.

168 Ndinoteerera zvirevo zvenyu nezvamakatema,

nokuti nzira dzangu dzose dzinozivikanwa nemi.

169 Dai kuchema kwangu kwasvika pamberi penyu, imi Jehovha;

ndipeiwo kunzwisisa maererano neshoko renyu.

170 Kukumbira kwangu dai kwasvika pamberi penyu;

ndirwirei maererano nevimbiso yenyu.

171 Miromo yangu dai yafashukira nerumbidzo,

nokuti munondidzidzisa mitemo yenyu.

172 Rurimi rwangu dai rwaimba nezveshoko renyu,

nokuti mirayiro yenyu yose yakarurama.

173 Ruoko rwenyu dai rwagadzirira kundibatsira,

nokuti ndakasarudza zvirevo zvenyu.

174 Haiwa Jehovha, ndinoshuva ruponeso rwenyu,

uye murayiro wenyu ndiwo mufaro wangu.

175 Regai ndirarame kuti ndigokurumbidzai,

uye dai mirayiro yenyu yandibatsira.

176 Ndakatsauka segwai rakarasika.

Tsvakai muranda wenyu,

nokuti handina kukanganwa mirayiro yenyu.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 120

Rwiyo rworwendo.

1 Ndinodana kuna Jehovha mukutambudzika kwangu,

uye anondipindura.

2 Haiwa Jehovha, ndiponesei pamiromo inoreva nhema,

nendimi dzinonyengera.

3 Achaiteiko kwauri,

uye chimwe chiiko kunze kwezvizvi, iwe rurimi runonyengera?

4 Achakuranga nemiseve yakapinza yemhare,

namazimbe anopfuta omuti womurara.

5 Ndine nhamo ini ndinogara muMesheki,

kuti ndinogara pakati pamatende eKedhari!

6 Ndakagara nguva refu

pakati pavanovenga rugare.

7 Ndiri munhu worugare;

asi pandinotaura, ivo ndevehondo.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 121

Rwiyo rworwendo.

1 Ndinosimudzira meso angu kumakomo,

kubatsirwa kwangu kunobvepiko?

2 Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha,

muiti wokudenga napasi.

3 Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke,

muchengeti wako haangakotsiri;

4 zvirokwazvo, muchengeti waIsraeri

haangakotsiri kana kuvata.

5 Jehovha anokurinda,

Jehovha ndiye mumvuri wako kuruoko rwako rworudyi;

6 zuva haringakubayi masikati,

kana mwedzi usiku.

7 Jehovha achakuchengeta pane zvose zvinokuvadza,

iye acharinda upenyu hwako;

8 Jehovha achakurinda pakubuda kwako napakupinda kwako,

kubva zvino uye nokusingaperi.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 122

Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi.

1 Ndakafara pavakati kwandiri,

“Handei kumba yaJehovha.”

2 Tsoka dzedu dzimire

mukati mamasuo ako, iwe Jerusarema.

3 Jerusarema rakavakwa seguta

rakapakata kwazvo.

4 Ndiko kunokwira marudzi,

iwo marudzi aJehovha,

kundorumbidza zita raJehovha

maererano nezvakatemerwa Israeri.

5 Zvigaro zvokutonga zvimire ikoko,

zvigaro zvoushe zveimba yaDhavhidhi.

6 Nyengetererai rugare rweJerusarema:

“Vanokuda dai vagara zvakanaka.

7 Dai mukati mamasvingo ako maita rugare,

nokuchengetedzeka mukati menhare dzako.”

8 Nokuda kwehama neshamwari dzangu,

ndichati, “Rugare ngaruve mukati mako.”

9 Nokuda kweimba yaJehovha Mwari wedu,

ndichatsvaka kubudirira kwako.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 123

Rwiyo rworwendo.

1 Ndinosimudzira meso angu kwamuri,

kunemi mune chigaro choushe kudenga.

2 Sokutarira kunoita meso evaranda kuna vatenzi vavo,

sezvinoita meso omurandakadzi achitarira ruoko rwatenzikadzi wake,

saizvozvo meso edu anotarira kuna Jehovha Mwari wedu,

kusvikira atinzwira ngoni.

3 Tinzwirei ngoni, imi Jehovha, tinzwirei ngoni,

nokuti takatsunga pakuzvidzwa kwakawanda.

4 Takatsunga zvikuru pakumhurwa kunobva kuna vanozvikudza,

nokuzvidzwa kuzhinji kunobva kuna vanozvikudza.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 124

Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi.

1 Israeri ngaati

dai Jehovha akanga asiri kurutivi kwedu,

2 dai Jehovha akanga asiri kurutivi kwedu

patakarwiswa navanhu,

3 apo kutsamwa kwavo kwakatimukira,

vangadai vakatimedza tiri vapenyu;

4 mafashamu angadai akatifukidza,

mvura zhinji ingadai yakatikukura,

5 mvura zhinji ine hasha

ingadai yakatirasira kure.

6 Jehovha ngaarumbidzwe,

asina kutendera kuti tibvamburwe nameno avo.

7 Tapunyuka seshiri yabva parugombe rwomuteyi;

rugombe rwadamburwa uye tapunyuka.

8 Kubatsirwa kwedu kuri muzita raJehovha,

Muiti wedenga nenyika.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 125

Rwiyo rworwendo.

1 Vanovimba naJehovha vakafanana neGomo reZioni,

risingazungunuswi asi rinogara nokusingaperi.

2 Sokupoteredzwa kwakaitwa Jerusarema namakomo,

saizvozvo Jehovha anopoteredza vanhu vake

kubva zvino nokusingaperi.

3 Tsvimbo yavasakarurama haingagari

pamusoro penyika yakagoverwa vakarurama,

nokuti ipapo vakarurama vangazotambanudzira

maoko avo kuita zvakaipa.

4 Haiwa Jehovha, itirai zvakanaka, kuna avo vakanaka,

kuna avo vane mwoyo yakarurama.

5 Asi avo vanotsaukira kunzira dzakaminama,

Jehovha achavaparadza pamwe chete navaiti vezvakaipa.

Rugare ngaruve pana Israeri.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 126

Rwiyo rworwendo.

1 Jehovha paakadzosa vatapwa kuZioni,

takanga tava savanhu vairota.

2 Miromo yedu yakanga izere nokuseka,

ndimi dzedu dzizere nenziyo dzomufaro.

Ipapo zvakanzi pakati pendudzi,

“Jehovha akavaitira zvinhu zvikuru.”

3 Jehovha atiitira zvinhu zvikuru,

uye tazara nomufaro.

4 Tidzorereizve nhaka yedu, imi Jehovha,

sehova dzeNegevhi.

5 Avo vanodyara nemisodzi

vachakohwa nenziyo dzomufaro.

6 Uyo anobuda achichema,

akatakura mbeu yokudyara,

achadzoka nenziyo dzomufaro,

akatakura zvisote.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 127

Rwiyo rworwendo rwaSoromoni.

1 Kana Jehovha asingavaki imba,

vavaki vayo vanoshandira pasina.

Kana Jehovha asingachengeti guta,

varindi vanomira vakarinda pasina.

2 Hazvina maturo kumuka mangwanani

nokunonoka kuvata,

uchitambudzikira zvokudya,

nokuti anopa hope kuna vaanoda.

3 Vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha,

vana mubayiro unobva kwaari.

4 Semiseve mumaoko emhare

ndizvo zvakaita vanakomana voujaya.

5 Akaropafadzwa murume

ane goba rizere navo.

Havanganyadziswi

pavanokakavadzana navavengi vavo pasuo.