Categories
Mapisarema

Mapisarema 108

Rwiyo. Pisarema raDhavhidhi.

1 Mwoyo wangu wakasimba, Mwari imi;

ndichaimba uye ndichaimba zvakanaka nomwoyo wangu wose.

2 Muka iwe mutengeranwa nembira!

Ndichamutsa mambakwedza.

3 Haiwa Jehovha ndichakurumbidzai pakati pendudzi; ndichaimba nezvenyu pakati pamarudzi.

Kutendeka kwenyu kunosvika kumatenga.

4 Nokuti rudo rwenyu rukuru,

kupfuura kudenga denga;

5 Kudzwai, imi Mwari, kumusoro kwokudenga,

uye kurumbidzwa kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.

6 Tiponesei uye mutibatsire noruoko rwenyu rworudyi,

kuti vamunoda varwirwe.

7 Mwari akataura ari panzvimbo yake tsvene achiti,

“Pakukunda kwangu ndichaganhura Shekemu,

uye ndigoyera Mupata weSukoti.

8 Gireadhi ndeyangu, Manase ndowangu;

Efuremu inguwani yangu,

Judha itsvimbo yangu.

9 Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokugezera,

pamusoro paEdhomu ndichapotsera shangu dzangu;

pamusoro paFiristia ndichapembera mukukunda.”

10 Ndianiko achandiuyisa muguta rakakomberedzwa namasvingo?

Ndianiko achanditungamirira kuEdhomu?

11 Ko, hamusimi here, imi Mwari, iyemi makatiramba

uye mukasazobudazve kuenda nehondo dzedu?

12 Tibatsirei pamuvengi wedu,

nokuti rubatsiro rwomunhu haruna maturo.

13 Tichapiwa kukunda naMwari,

uye achatsika-tsika vavengi vedu.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 109

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Haiwa Mwari, imi wandinorumbidza,

regai kunyarara,

2 nokuti vanhu vakaipa vanonyengera vakandishamira miromo yavo;

vakataura nhema pamusoro pangu nendimi dzavo.

3 Vakandikomba namashoko okuvenga;

vanorwa neni pasina mhosva.

4 Pachinzvimbo choushamwari hwangu navo, vanondipa mhosva,

asi ini ndiri munhu wokunyengetera.

5 Vanonditsivira zvakaipa pane zvakanaka,

uye vanondivengera ushamwari hwangu.

6 Tumai munhu akaipa kuti apikisane naye;

mupomeri ngaamire kuruoko rwake rworudyi.

7 Paanotongwa, ngaawanikwe ane mhosva,

uye minyengetero yake ngaimupe mhaka.

8 Mazuva ake ngaave mashoma;

mumwe ngaatore nzvimbo youkuru hwake.

9 Vana vake ngavave nherera,

uye mukadzi wake ave chirikadzi.

10 Vana vake ngavave vapemhi vanodzungaira;

ngavadzingwe vabve mumatongo emisha yavo.

11 Waakakwereta ngaatore zvose zvaanazvo;

vatorwa ngavapambe zvose zvaakashandira.

12 Ngakurege kuva neanomunzwira ngoni

kana kunzwira tsitsi nherera dzake.

13 Zvizvarwa zvake ngazvirove,

mazita avo adzimwe parudzi runotevera.

14 Mhosva yamadzibaba ake ngairangarirwe pamberi paJehovha;

chivi chamai vake ngachirege kumbodzimwa.

15 Zvivi zvavo ngazvirambe zviri pamberi paJehovha,

kuti aparadze chirangaridzo chavo panyika.

16 Nokuti haana kumbofunga kuita zvakanaka,

asi akavhima varombo kusvika parufu,

vanoshayiwa navane mwoyo yakaputsika.

17 Aifarira kutaura chituko, ngachichiuya pamusoro pake;

iye asina kufadzwa nokuropafadza, ngakuve kure naye.

18 Aifuka kutuka senguo yake;

zvakapinda mumuviri wake semvura,

nomumapfupa ake samafuta.

19 Ngazvive sejasi rakamonerwa paari,

sebhanhire rakasungirirwa paari nokusingaperi.

20 Uyu ngauve muripo waJehovha kuvapomeri vangu,

kuna avo vanotaura zvakaipa pamusoro pangu.

21 Asi imi, Ishe Jehovha,

ndiitirei zvakanaka nokuda kwezita renyu;

ndirwirei, kubudikidza nokunaka kworudo rwenyu.

22 Nokuti ndiri murombo uye ndinoshayiwa,

uye mwoyo wangu wakuvara mukati mangu.

23 Ndinopera somumvuri wamadekwana;

ndinozunzwa semhashu.

24 Mabvi angu apera simba nokutsanya;

muviri wangu waonda uye ndaonda kwazvo.

25 Ndiri chinhu chinosekwa navapomeri vangu;

pavanondiona, vanodzungudza misoro yavo.

26 Ndibatsirei, imi Jehovha Mwari wangu;

ndiponesei zvakafanira rudo rwenyu.

27 Ngavazive kuti ndirwo ruoko rwenyu,

kuti imi, iyemi Jehovha, makazviita.

28 Ivo vangatuka havo, asi imi mucharopafadza;

vachanyadziswa pavanorwisa,

asi muranda wenyu achafara.

29 Vapomeri vangu vachafukidzwa nenyadzi,

uye vachaputirwa nokunyara sokunge nejasi.

30 Ndicharumbidza Jehovha nomuromo wangu zvikuru;

paungano huru, ndichamurumbidza.

31 Nokuti anomira kuruoko rworudyi rwouyo anoshayiwa,

kuti amuponese pane avo vanomupomera mhosva.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 110

Pisarema raDhavhidhi

1 Jehovha akati kuna She wangu,

“Gara kuruoko rwangu rworudyi,

kusvikira ndaita vavengi vako

chitsiko chetsoka dzako.”

2 Jehovha achatambanudza tsvimbo yesimba rako kubva muZioni;

uchatonga pakati pavavengi vako.

3 Mauto ako achazvipira

pazuva rako rehondo.

Wapfekedzwa nguo youshe, utsvene,

kubva pachizvaro chamambakwedza

uchagamuchira dova roujaya hwako.

4 Jehovha akapika,

uye haangashanduki, achiti,

“Iwe uri muprista nokusingaperi,

worudzi rwaMerikizedheki.”

5 Jehovha ari kuruoko rwako rworudyi;

achaparadza madzimambo pazuva rehasha dzake.

6 Achatonga ndudzi, achiunganidza vakafa,

uye achiparadza vatongi venyika yose.

7 Achanwa parukova rwuri parutivi penzira;

naizvozvo achasimudza musoro wake.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 111

1 Rumbidzai Jehovha.

Ndicharumbidza Jehovha nomwoyo wangu wose,

padare ravakarurama nepagungano.

2 Mabasa aJehovha makuru;

anorangarirwa navose vanofara maari.

3 Mabasa ake ndeokukudzwa noumambo,

uye kururama kwake kunogara nokusingaperi.

4 Akaita kuti zvishamiso zvake zvirangarirwe;

Jehovha ane nyasha nengoni.

5 Anopa zvokudya kuna avo vanomutya;

anorangarira sungano yake nokusingaperi.

6 Akaratidza vanhu vake simba ramabasa ake,

achivapa nyika dzedzimwe ndudzi.

7 Mabasa amaoko ake akatendeka uye akarurama,

mitemo yake yose yakavimbika.

8 Yakasimba kusvika nokusingaperi-peri,

yakaitwa mukutendeka nokururama.

9 Akapa dzikinuro kuvanhu vake;

akasimbisa sungano yake nokusingaperi,

zita rake idzvene uye rinotyisa.

10 Kutya Jehovha ndiwo mavambo enjere;

vose vanotevera mitemo yake vanonzwisisa.

Kurumbidzwa ndokwake nokusingaperi.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 112

1 Rumbidzai Jehovha.

Akaropafadzwa munhu anotya Jehovha,

anofarira mirayiro yake zvikuru.

2 Vana vake vachava nesimba panyika;

zvizvarwa zvavakarurama zvicharopafadzwa.

3 Pfuma nezvakawanda zviri mumba make,

uye kururama kwake kunogara nokusingaperi.

4 Kunyange murima akarurama anobudirwa nechiedza,

iye munhu ane nyasha nengoni uye akarurama.

5 Zvakanaka zvinouya kumunhu anopa zvizhinji

uye anokweretesa pachena, anofambisa nzira dzake nokururamisira.

6 Zvirokwazvo, haangatongozungunuswi;

munhu akarurama acharangarirwa nokusingaperi.

7 Haangatyi mashoko akaipa;

mwoyo wake wakasimba, anovimba naJehovha.

8 Mwoyo wake wakachengetedzeka, haangatyi chinhu;

pakupedzisira achatarira nokukunda kuvavengi vake.

9 Akaparadzira zvipo zvake kuvarombo,

kururama kwake kunogara nokusingaperi;

runyanga rwake ruchasimudzwa mudenga mukukudzwa.

10 Akaipa achazviona uye acharwadziwa,

acharumanya meno ake uye achaonda;

kushuva kwowakaipa kuchava pasina.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 113

1 Rumbidzai Jehovha.

Rumbidzai, imi varanda vaJehovha,

rumbidzai zita raJehovha.

2 Zita raJehovha ngarirumbidzwe,

kubva zvino kusvikira narini.

3 Kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro,

zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa.

4 Jehovha anosimudzirwa pamusoro pendudzi dzose;

kubwinya kwake kuri pamusoro pamatenga.

5 Ndianiko akaita saJehovha Mwari wedu,

iye anogara pachigaro choushe chokumusoro-soro,

6 anokotamira pasi kuti aone

zviri kudenga napanyika?

7 Anosimudza murombo kubva muguruva,

uye anosimudza vanoshayiwa kubva padurunhuru ramadota;

8 anovagadza namachinda,

namachinda avanhu vavo.

9 Anogarisa mukadzi asingabereki mumba make,

samai vavana vanofara.

Rumbidzai Jehovha.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 114

1 Israeri akati abuda muIjipiti,

imba yaJakobho ichibva kurudzi runo mutauro wokumwe,

2 Judha akava imba tsvene yaMwari,

Israeri ushe hwake.

3 Gungwa rakazviona rikatiza,

Jorodhani rwakadzokera shure;

4 makomo akakwakuka samakondobwe,

zvikomo samakwayana.

5 Haiwa gungwa, wakatizeiko,

iwe Jorodhani zvawakadzokera shure,

6 imi makomo zvamakakwakuka samakondobwe,

nemi zvikomo, samakwayana?

7 Dedera, iwe nyika pamberi paShe,

pamberi paMwari waJakobho,

8 akashandura dombo rikava dziva,

dombo rakaoma rikava matsime emvura.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 115

1 Kwete kwatiri, Jehovha, kwete kwatiri,

asi kukudzwa ngakupiwe kuzita renyu,

nokuda kworudo rwenyu nokutendeka kwenyu.

2 Sei ndudzi dzichiti,

“Mwari wavo aripiko?”

3 Mwari wedu ari kudenga;

anoita zvose zvinomufadza.

4 Asi zvifananidzo zvavo isirivha negoridhe,

zvakaitwa namaoko avanhu.

5 Zvine miromo, asi hazvigoni kutaura,

zvina meso, asi hazvigoni kuona;

6 zvine nzeve, asi hazvigoni kunzwa mhino,

asi hazvigoni kunhuhwidza;

7 zvina maoko, asi hazvigoni kubata,

tsoka, asi hazvigoni kufamba;

uye hazvitauri napahuro pazvo.

8 Vanozviita vachafanana nazvo,

navose vanovimba nazvo.

9 Haiwa imba yaIsraeri, vimbai naJehovha,

ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.

10 Imi imba yaAroni, vimbai naJehovha,

ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.

11 Imi vanomutya, vimbai naJehovha,

ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.

12 Jehovha anotirangarira uye achatiropafadza:

Acharopafadza imba yaIsraeri, acharopafadza imba yaAroni,

13 acharopafadza vanotya Jehovha,

vaduku navakuru zvakafanana.

14 Jehovha ngaakuwanzei,

mose iwe navana vako.

15 Jehovha ngaakuropafadze,

iye muiti wedenga napasi.

16 Kudenga denga kumusoro ndokwaJehovha,

asi nyika akaipa kuvanhu.

17 Vakafa havasivo vanorumbidza Jehovha,

avo vanoburukira kwakanyarara;

18 asi tisu tinokudza Jehovha,

kubva zvino kusvikira narini.

Rumbidzai Jehovha.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 116

1 Ndinoda Jehovha, nokuti akanzwa inzwi rangu;

akandinzwira tsitsi pakuchema kwangu.

2 Nokuti akarerekera nzeve yake kwandiri,

ndichadana kwaari mazuva ose oupenyu hwangu.

3 Misungo yorufu yakandipinganidza,

kurwadza kweguva kwakauya pamusoro pangu;

ndakakundwa nenhamo nokusuwa.

4 Ipapo ndakadana kuzita raJehovha ndikati,

“Haiwa Jehovha, ndiponesei!”

5 Jehovha ane nyasha uye akarurama;

Mwari wedu azere netsitsi.

6 Jehovha anodzivirira vakatendeka pamwoyo;

pandakanga ndiri pakushayiwa kukuru, iye akandiponesa.

7 Haiwa mweya wangu, chizorora zvakare,

nokuti Jehovha akakuitira zvakanaka.

8 Nokuti imi, iyemi Jehovha, makarwira mweya wangu parufu,

meso angu pamisodzi,

uye makumbo angu pakugumburwa,

9 kuti ndifambe pamberi paJehovha

munyika yavapenyu.

10 Ndakatenda; naizvozvo ndakati,

“Ndiri kutambudzika kwazvo.”

11 Uye pakuvhunduka kwangu ndakati,

“Vanhu vose vanoreva nhema.”

12 Ndingaripira seiko Jehovha

pamusoro pokunaka kwake kwose kwandiri?

13 Ndichasimudza mukombe woruponeso

ndigodana kuzita raJehovha.

14 Ndichazadzisa mhiko dzangu kuna Jehovha,

pamberi pavanhu vake vose.

15 Chinhu chinokosha pamberi paJehovha

ndirwo rufu rwavatsvene vake.

16 Haiwa Jehovha, zvirokwazvo ndiri muranda wenyu;

ndiri muranda wenyu, mwanakomana womurandakadzi wenyu;

makandisunungura pangetani dzangu.

17 Ndichabayira chipo chokuvonga kwamuri,

uye ndichadana kuzita raJehovha.

18 Ndichazadzisa mhiko dzangu kuna Jehovha,

pamberi pavanhu vake vose,

19 pavanze dzeimba yaJehovha,

mukati mako, iwe Jerusarema.

Rumbidzai Jehovha.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 117

1 Rumbidzai Jehovha, imi ndudzi dzose;

Mukudzei, imi marudzi ose.

2 Nokuti rudo rwake kwatiri rukuru,

uye kutendeka kwaJehovha kunogara nokusingaperi.

Rumbidzai Jehovha.