Categories
Mapisarema

Mapisarema 88

Rwiyo. Pisarema ravanakomana vaKora. Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo emaharati reanoti. Masikiri raHemani muEzrahi.

1 Haiwa Jehovha, Mwari anondiponesa,

ndakachema masikati nousiku pamberi penyu.

2 Munyengetero wangu ngausvike pamberi penyu;

rerekerai nzeve yenyu kukuchema kwangu.

3 Nokuti mweya wangu uzere nokutambudzika,

uye upenyu hwangu hwaswedera pedyo neguva.

4 Ndinoverengwa pakati paavo vakaburukira kugomba;

ndava somunhu asina simba.

5 Ndakatsaurwa pamwe chete navakafa,

savakaurayiwa vavete muguva,

vamusingacharangaririzve,

vakagurwa kubva pakuchengeta kwenyu.

6 Makandiisa mugomba rakadzika dzika,

murima guru makadzika dzika.

7 Hasha dzenyu dzinorema kwazvo pamusoro pangu,

makandifukidza namafungu enyu ose.Sera

8 Makanditorera shamwari dzangu dzapedyo,

uye mukandiita chinhu chinonyangadza.

Ndakapfigirwa uye handingatongopunyuki;

9 meso angu asviba neshungu.

Ndinodana kwamuri, imi Jehovha, mazuva ose;

ndinotambanudzira maoko angu kwamuri.

10 Ko, munoratidza zvishamiso zvenyu kuna vakafa here?

Ko, vakafa vanomuka vachikurumbidzai here?Sera

11 Ko, rudo rwenyu runoparidzwa muguva,

nokutendeka kwenyu mukuparadzwa here?

12 Ko, zvishamiso zvenyu zvinozivikanwa munzvimbo yerima,

kana mabasa akarurama enyu munyika yokukanganwa here?

13 Asi ndinochemera rubatsiro kwamuri, imi Jehovha;

mangwanani, munyengetero wangu unosvika pamberi penyu.

14 Seiko, imi Jehovha, muchindiramba

uye muchindivanzira chiso chenyu?

15 Kubvira pauduku hwangu, ndakatambudzika zvokutosvika pedyo norufu;

ndatambudzika nokutyisa kwenyu uye handisisina tariro.

16 Hasha dzenyu dzakapfuura napamusoro pangu;

kutyisa kwenyu kwandiparadza.

17 Zuva rose zvakandipoteredza samafashamu;

ndakaputirwa nazvo chose.

18 Makanditorera shamwari dzangu navadikani vangu;

rima ndiyo shamwari yangu iri pedyo.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 89

Masikiri raEtani muEzirahi.

1 Ndichaimba nezvorudo rukuru rwaJehovha nokusingaperi;

ndichazivisa kutendeka kwenyu nomuromo wangu kuzvizvarwa zvose.

2 Ndichaparidza kuti rudo rwenyu runomira rwakasimba nokusingaperi,

uye kuti muchasimbisa kutendeka kwenyu kudenga chaiko.

3 Imi makati, “Ndakaita sungano nomusanangurwa wangu,

ndakapika kuna Dhavhidhi muranda wangu, ndichiti,

4 ‘Ndichasimbisa imba yako nokusingaperi,

uye ndichasimbisa chigaro chako choushe kuzvizvarwa zvose.’ ”Sera

5 Matenga anorumbidza zvishamiso zvenyu, imi Jehovha,

kutendeka kwenyuwo muungano yavatsvene.

6 Nokuti ndianiko kudenga kumusoro angaenzaniswa naJehovha?

Ndianiko akaita saJehovha pakati pezvisikwa zvokudenga?

7 Mwari anotyiwa zvikuru paungano yavatsvene;

iye anotyisa kwazvo kupfuura vose vakamupoteredza.

8 Haiwa Jehovha Mwari Wamasimba Ose, ndianiko akaita semi?

Mune simba, imi Jehovha, uye kutendeka kwenyu kunokupoteredzai.

9 Munotonga pamusoro pokusunda kwegungwa;

mafungu aro paanosimuka, munoanyaradza.

10 Makapwanya Rahabhi somumwe wavakaurayiwa;

makaparadzira vavengi venyu noruoko rwenyu rune simba.

11 Matenga ndeenyu, nenyika ndeyenyuwo;

makavamba nyika nezvose zviri mairi.

12 Ndimi makasika kumusoro nezasi;

Tabhori neHerimoni zvinoimbira zita renyu nomufaro.

13 Ruoko rwenyu rune simba;

chanza chenyu chakasimba, ruoko rwenyu rworudyi rwakasimudzwa.

14 Kururama nokururamisira ndidzo nheyo dzechigaro chenyu choushe;

rudo nokutendeka zvinokutungamirirai.

15 Vakaropafadzwa avo vakadzidza kukurumbidzai,

vanofamba muchiedza pamberi penyu, imi Jehovha.

16 Vanofara muzita renyu zuva rose;

vanofara mukururama kwenyu.

17 Nokuti imi ndimi kubwinya nesimba ravo,

uye nenyasha dzenyu munosimudzira runyanga rwedu.

18 Zvirokwazvo, nhoo yedu ndeyaJehovha,

mambo wedu, iye Mutsvene oga waIsraeri.

19 Ipapo makataura muchiratidzo,

mukati, kuvanhu venyu vakatendeka:

“Ndakaisa simba pamusoro pemhare;

ndakasimudzira jaya pakati pavanhu.

20 Ndakawana Dhavhidhi muranda wangu;

ndakamuzodza namafuta matsvene.

21 Ruoko rwangu ruchamutsigira;

zvirokwazvo chanza changu chichamusimbisa.

22 Hakuna muvengi achamuripisa mutero;

hakuna munhu akaipa achamudzvinyirira.

23 Ndichapwanya vavengi vake pamberi pake,

uye ndicharovera pasi vadzivisi vake.

24 Rudo rwangu rwakatendeka ruchava naye,

uye runyanga rwake ruchasimudzirwa muzita rangu.

25 Ndichaisa ruoko rwake pamusoro pegungwa,

ruoko rwake rworudyi pamusoro penzizi.

26 Iye achadana kwandiri, achiti, ‘Ndimi Baba vangu,

Mwari wangu, Dombo noMuponesi wangu.’

27 Ndichamugadzawo kuti ave dangwe rangu,

iye anokudzwa zvikuru pamadzimambo enyika.

28 Ndichachengetedza rudo rwangu kwaari nokusingaperi,

uye sungano yangu naye haitongoperi.

29 Ndichasimbisa imba yake nokusingaperi,

uye nechigaro chake choushe chero matenga achingovapo.

30 “Kana vana vake vakasiya murayiro wangu,

uye vakasatevera zvandakatema,

31 kana vakazvidza mitemo yangu,

uye vakakoniwa kuchengeta mirayiro yangu,

32 ndicharanga chivi chavo neshamhu,

uye kuipa kwavo nokurova kukuru;

33 asi handizobvisi rudo rwangu kwavari,

kana kuzombopandukira kutendeka kwangu.

34 Handizozvidzi sungano yangu

kana kushandura zvakarehwa nemiromo yangu.

35 Kamwe chete, ndakapika noutsvene hwangu,

uye handingarevi nhema kuna Dhavhidhi,

36 kuti imba yake icharamba iripo nokusingaperi

uye chigaro chake choushe chichagara pamberi pangu sezuva;

37 chichasimbiswa nokusingaperi somwedzi,

chapupu chakatendeka chiri kudenga.”Sera

38 Asi imi makaramba, makavenga,

makatsamwira kwazvo muzodziwa wenyu.

39 Makaparadza sungano yomuranda wenyu

uye mukasvibisa korona yake muguruva.

40 Makaputsa masvingo ake ose

mukaita nhare dzake matongo.

41 Vose vanopfuura napo vanomupamba;

ava chiseko chavavakidzani vake.

42 Makasimudzira ruoko rworudyi rwavavengi vake;

makaita kuti vavengi vake vose vafare.

43 Makadzosera shure munondo wake unopinza,

uye hamuna kumutsigira pakurwa.

44 Makagumisa kubwinya kwake,

mukawisira pasi chigaro chake choushe.

45 Makatapudza mazuva oujaya hwake;

makamufukidza nejasi renyadzi.Sera

46 Haiwa Jehovha kusvikira riniko? Muchazvivanza nokusingaperi here?

Hasha dzenyu dzichapisa somoto kusvikira riniko?

47 Rangarirai kuti upenyu hwangu hunopfuura sei.

Nokuti makasikira vanhu vose zvisina maturo!

48 Ko, munhu ndoupi angararama akasaona rufu,

kana angazviponesa pasimba reguva?Sera

49 Haiwa Ishe, rudo rwenyu rukuru rwekare rwuripiko,

irwo rwamakapika nokutendeka kwenyu kuna Dhavhidhi?

50 Rangarirai, Ishe kuti muranda wenyu aisekwa sei,

kuti ndaitakura sei muchipfuva changu kutuka kwendudzi dzose,

51 kutuka uko vavengi venyu vaikusekai nako, imi Jehovha,

pavaiseka nhambwe imwe neimwe yomuzodziwa wenyu.

52 Jehovha ngaarumbidzwe nokusingaperi!

Ameni naAmeni.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 90

Munyengetero waMozisi munhu waMwari.

1 Jehovha, imi makava ugaro hwedu

kuzvizvarwa zvose.

2 Makomo asati azvarwa

uye musati mabudisa nyika nepasi rose,

kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi muri Mwari.

3 Munodzosera vanhu kuguruva zvakare, muchiti,

“Dzokerai kuguruva, imi vanakomana vavanhu.”

4 Nokuti pamberi penyu makore chiuru

akangofanana nezuva richangopfuura,

kana senguva yokurinda usiku.

5 Munokukura vanhu pakuvata kworufu;

vakaita sebundo idzva ramangwanani,

6 kunyange richimera riri idzva mangwanani,

nenguva yamadekwana rinenge raoma uye rasvava.

7 Tapera nokutsamwa kwenyu

uye tinovhundutswa nehasha dzenyu.

8 Makaisa zvakaipa zvedu pamberi penyu,

makaisa zvivi zvedu zvakavanzika muchiedza chokuvapo kwenyu.

9 Mazuva edu ose anopfuura napasi pehasha dzenyu;

tinopedza makore edu nokuchema.

10 Uwandu hwamazuva edu hunosvika makore makumi manomwe,

kana makumi masere, kana tiine simba;

kunyange zvakadaro uwandu hwawo hunongova nhamo nokusuwa,

nokuti anokurumidza kupfuura, uye isu tobhururuka toenda.

11 Ndianiko anoziva simba rokutsamwa kwenyu?

Nokuti hasha dzenyu dzakakura sokutyiwa kwakakufanirai imi.

12 Tidzidzisei kuverenga mazuva edu zvakanaka,

kuti tiwane mwoyo wouchenjeri.

13 Dzokai, imi Jehovha! Zvichadaro kusvikira riniko?

Ivai netsitsi pamusoro pavaranda venyu.

14 Tigutsei mangwanani norudo rwenyu rusingaperi,

kuti tigoimba nomufaro tigofara mazuva edu ose.

15 Tifadzei zvinoenzana namazuva amakatitambudza,

samakore mazhinji atakaona nhamo.

16 Mabasa enyu ngaaratidzwe kuvaranda venyu,

nokubwinya kwenyu kuvana vavo.

17 Nyasha dzaIshe Mwari wedu ngadzive pamusoro pedu;

tisimbisirei mabasa amaoko edu, hongu,

simbisai basa ramaoko edu.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 91

1 Uyo anogara panzvimbo yokuvanda yeWokumusoro-soro

achazorora mumumvuri weWamasimba Ose.

2 Ndichati pamusoro paJehovha, “Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu,

Mwari wangu, wandinovimba naye.”

3 Zvirokwazvo achakuponesa parugombe rwomuteyi

napadenda rinouraya.

4 Achakufukidza neminhenga yake,

uye uchawana utiziro pasi pamapapiro ake;

kutendeka kwake kuchava nhoo yako norusvingo rwako.

5 Haungatyiswi nokuvhundutsa kwousiku,

kana museve unopfurwa masikati,

6 kana hosha inofamba murima,

kana denda rinoparadza masikati.

7 Chiuru chingawa parutivi rwako,

zviuru gumi kurudyi pako,

asi hazvingaswederi kwauri.

8 Uchangozviona nameso ako chete,

uye uchaona kurangwa kwavakaipa.

9 Kana ukaita Wokumusoro-soro ugaro hwako,

kunyange Jehovha, iye utiziro hwangu,

10 ipapo hapana chakaipa chichakuwira,

hakuna njodzi ichasvika patende rako.

11 Nokuti acharayira vatumwa vake pamusoro pako,

kuti vakuchengete panzira dzako dzose;

12 vachakusimudza mumaoko avo,

kuti rutsoka rwako rurege kugumburwa padombo.

13 Uchatsika pamusoro peshumba napamusoro pechiva;

uchatsika-tsika shumba huru nenyoka.

14 “Nokuti anondida,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “neni ndichamununura;

ndichamudzivirira, nokuti anoziva zita rangu.

15 Achadana kwandiri, uye ndichamupindura;

ndichava naye pakutambudzika,

ndichamurwira uye ndichamukudza.

16 Ndichamugutsa noupenyu hurefu,

uye ndichamuratidza ruponeso rwangu.”

Categories
Mapisarema

Mapisarema 92

Pisarema. Rwiyo rweSabata.

1 Zvakanaka kurumbidza Jehovha

nokuimbira zita renyu nziyo, imi Wokumusoro-soro,

2 kuparidza rudo rwenyu mangwanani

nokutendeka kwenyu usiku,

3 nechiridzwa chine hungiso

gumi namaririro akanaka embira.

4 Nokuti munondifadza namabasa enyu, imi Jehovha;

ndinoimba nomufaro nokuda kwamabasa amaoko enyu.

5 Haiwa Jehovha, mabasa enyu makuru seiko,

ndangariro dzenyu dzakadzika sei!

6 Munhu asina njere haazivi,

mapenzi haanzwisisi,

7 kuti kunyange vakaipa vachimera souswa,

uye vaiti vezvakaipa vose vachikura,

vachaparadzwa nokusingaperi.

8 Asi imi, iyemi Jehovha, munosimudzirwa nokusingaperi.

9 Nokuti zvirokwazvo vavengi venyu, imi Jehovha,

zvirokwazvo vavengi venyu vachaparadzwa;

vaiti vezvakaipa vose vachaparadzirwa.

10 Makasimudzira runyanga rwangu sorwenyati;

mafuta akaisvonaka akadururirwa pamusoro pangu.

11 Meso angu akaona kukundwa kwavadzivisi vangu;

nzeve dzangu dzakanzwa kuparadzwa kwavavengi vangu vakaipa.

12 Vakarurama vachakura kwazvo somuchindwe,

vachakura somusidhari weRebhanoni;

13 wakadyarwa muimba yaJehovha,

vachakura kwazvo muvanze dzaMwari wedu.

14 Vacharamba vachibereka zvibereko pakukwegura kwavo,

vachagara vari vanyoro uye vari vatsva.

15 Vachaparidza kuti, “Jehovha akarurama;

ndiye Dombo rangu, uye maari hamuna chakaipa.”

Categories
Mapisarema

Mapisarema 93

1 Jehovha anobata ushe, akashongedzwa noumambo;

Jehovha akashongedzwa noumambo uye akafukidzwa nesimba.

Nyika yakateyiwa zvakasimba; haingazungunuswi.

2 Chigaro chenyu choushe chakasimbiswa kare kare;

imi muripo nokusingaperi.

3 Haiwa Jehovha, makungwa akasimudza,

makungwa akasimudza manzwi awo;

makungwa akasimudza mafungu anotinhira.

4 Mukuru kukunda kutinhira wemvura zhinji,

mukuru kukunda mafungu egungwa,

Jehovha ari kumusoro ndiye mukuru.

5 Zvamakatema hazvishanduki;

utsvene hunofukidza imba yenyu imi Jehovha,

kwamazuva asingaperi.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 94

1 Haiwa Jehovha, imi Mwari anotsiva,

haiwa Mwari iyemi munotsiva, penyai.

2 Simukai, imi Mutongi wenyika;

tsivai vanozvikudza zvakavafanira.

3 Haiwa Jehovha, vakaipa vachasvika riniko,

vachasvika riniko vakaipa vachingofara?

4 Vanodurura mashoko okuzvikudza;

vose vanoita zvakaipa vazere nokuzvirumbidza.

5 Vanopwanya vanhu venyu, imi Jehovha,

vanodzvinyirira nhaka yenyu.

6 Vanouraya chirikadzi nomweni;

vanoponda nherera.

7 Vanoti, “Jehovha haaoni;

Mwari waJakobho haana hanya.”

8 Nzwisisai, imi vasina njere pakati pavanhu;

imi mapenzi, muchava vakachenjera riniko?

9 Ko, iye akasima nzeve, haanganzwi here?

Iye akaumba ziso haangaoni here?

10 Ko, iye anoranga ndudzi haangarangi here?

Anodzidzisa vanhu angashayiwa zivo here?

11 Jehovha anoziva mirangariro yavanhu;

anoziva kuti haina maturo.

12 Akaropafadzwa munhu anorangwa nemi, iyemi Jehovha,

munhu wamunodzidzisa pamurayiro wenyu;

13 munomuzorodza pamazuva enhamo,

kusvikira akaipa achererwa gomba.

14 Nokuti Jehovha haangarambi vanhu vake;

haangambosiyi nhaka yake.

15 Kururamisira kuchawanikwa nokuda kwevakarurama,

uye vose vakarurama pamwoyo vachakutevera.

16 Ndianiko achandirwira pane vakaipa?

Ndianiko achandibatsira pavaiti vezvakaipa?

17 Dai Jehovha asina kundibatsira,

ndingadai ndakakurumidza kugara parunyararo rworufu.

18 Pandakati, “Rutsoka rwangu rwotedzemuka,”

rudo rwenyu, imi Jehovha, rwakanditsigira.

19 Pandakava nokufunganya kukuru mandiri,

kunyaradza kwenyu kwakandivigira mufaro kumweya wangu.

20 Ko, chigaro choushe chino uori chingashamwaridzana nemi here,

icho chinouyisa kutambudzika muzvirevo zvacho?

21 Vanobatana pamwe chete kuti varwise vakarurama,

vachipomera mhosva yorufu kuna vasina mhosva.

22 Asi Jehovha ndiye ava nhare yangu,

uye Mwari wangu ndiye dombo randinotizira.

23 Achavatsiva nokuda kwezvivi zvavo,

uye achavaparadza nokuda kwezvakaipa zvavo;

Jehovha Mwari wedu achavaparadza.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 95

1 Uyai, tiimbire Jehovha nomufaro;

ngatidanidzirei kuDombo roruponeso rwedu.

2 Ngatisvikei pamberi pake nokuvonga

uye timukudze nenziyo.

3 Nokuti Jehovha ndiye Mwari mukuru,

Mambo mukuru pamusoro pavamwari vose.

4 Nzvimbo dzakadzika dzapanyika dziri muruoko rwake,

uye misoro yamakomo ndeyake.

5 Gungwa nderake, nokuti ndiye akariita,

uye maoko ake akaumba nyika yakaoma.

6 Uyai tikotame, tinamate,

ngatipfugamei pamberi paJehovha Muiti wedu;

7 nokuti ndiye Mwari wedu,

uye isu tiri vanhu vanofudzwa naye,

makwai anochengetwa naye.

Nhasi kana muchinzwa inzwi rake,

8 musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita paMeribha,

sezvamakaita pazuva riya paMasa mugwenga,

9 pandakaedzwa namadzibaba enyu

kunyange vakanga vaona zvandakanga ndaita.

10 Ndakatsamwira rudzi urwu kwamakore makumi mana;

ndakati, “Ava vanhu vane mwoyo yakatsauka,

uye havana kuziva nzira dzangu.”

11 Saka ndakapika pakutsamwa kwangu ndikati,

“Havangazombopindi pazororo rangu.”

Categories
Mapisarema

Mapisarema 96

1 Imbirai Jehovha rwiyo rutsva;

imbirai Jehovha, nyika yose.

2 Imbirai Jehovha, rumbidzai zita rake;

paridzai ruponeso rwake zuva nezuva.

3 Paridzai kubwinya kwake pakati pendudzi,

namabasa ake anoshamisa pakati pamarudzi.

4 Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kurumbidzwa,

iye anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose.

5 Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo,

asi Jehovha akaita matenga.

6 Kubwinya noumambo zviri pamberi pake;

simba nokubwinya zviri munzvimbo yake tsvene.

7 Remekedzai Jehovha, imi ndudzi dzose,

ipai rukudzo nesimba kuna Jehovha.

8 Ipai kuna Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake;

uyai nechipiriso mugopinda pavanze dzake.

9 Namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake;

dederai pamberi pake, imi nyika dzose.

10 Muti pakati pendudzi, “Jehovha ndiye anobata ushe.”

Nyika yakanyatsosimbiswa, haingazungunuswi;

uye achatonga marudzi nokururama.

11 Kudenga denga ngakufare, nyika ngaifarisise;

gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mariri;

12 masango ngaafare, nezvose zviri maari.

Ipapo miti yose yesango ichaimba nomufaro;

13 ichaimba pamberi paJehovha, nokuti anouya,

anouya kuzotonga nyika.

Achatonga nyika nokururama,

uye vanhu nechokwadi chake.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 97

1 Jehovha anobata ushe, nyika ngaifare;

zviwi zviri kure ngazvifare.

2 Makore nerima guru zvakamukomberedza;

kururama nokururamisira ndidzo nheyo dzechigaro chake choushe.

3 Moto unoenda mberi kwake

uchipisa vavengi vake kumativi ose.

4 Mheni yake inovhenekera pasi;

nyika inozviona igodedera.

5 Makomo anonyungudika senamo pamberi paJehovha,

pamberi paIshe wenyika yose.

6 Kudenga denga kunoparidza kururama kwake,

uye vanhu vose vanoona kubwinya kwake.

7 Vose vanonamata zvifananidzo vanonyadziswa,

avo vanozvirumbidza nezvifananidzo,

munamatei, imi vamwari vose!

8 Zioni rinonzwa rigofara uye misha yeJudha inofara nokuda kwezvamakatonga, imi Jehovha.

9 Nokuti imi, iyemi Jehovha, ndimi Wokumusoro-soro pasi pose;

makasimudzirwa kupfuura vamwari vose.

10 Vanoda Jehovha ngavavenge zvakaipa,

nokuti anorinda upenyu kwavanhu vake vakatendeka

uye anovarwira muruoko rwowakaipa.

11 Chiedza chinovhenekera pamusoro pavakarurama,

nomufaro pamusoro pavane mwoyo yakarurama.

12 Farai muna Jehovha, imi vakarurama,

uye mukudze zita rake dzvene.