Categories
Mapisarema

Mapisarema 78

Masikiri raAsafi.

1 Haiwa vanhu vangu, inzwai kudzidzisa kwangu;

teererai mashoko omuromo wangu.

2 Ndichashamisa muromo wangu nditaure nomufananidzo,

ndichataura zvinhu zvakavanzika, zvinhu zvakare kare,

3 zvatakanzwa nezvatakaziva,

zvatakaudzwa namadzibaba edu.

4 Hatingazozvivanziri vana vavo;

tichaudza rudzi runotevera

mabasa angarumbidzwa aJehovha,

simba rake, nezvishamiso zvaakaita.

5 Akatema zvirevo zvaJakobho

akasimbisa murayiro muIsraeri,

waakarayira madzitateguru edu

kuti vadzidzise vana vavo,

6 kuti rudzi runotevera ruzvizive,

kunyange vana vachazoberekwa,

naivo vagozoudzawo vana vavo.

7 Ipapo vachavimba naMwari wavo

uye havangazokanganwi mabasa ake

asi vachazochengeta mirayiro yake.

8 Havazofanani namadzitateguru avo,

rudzi rwakanga rwakasindimara uye rwaimumukira,

mwoyo yavo yakanga isingateereri Mwari,

mweya yavo yakanga isina kutendeka kwaari.

9 Vanhu vokwaEfuremu, kunyange vakanga vakapakata uta,

vakadzokera shure pazuva rokurwa;

10 havana kuchengeta sungano yaMwari,

uye vakaramba kufamba maererano nomurayiro wake.

11 Vakakanganwa zvaakaita,

zvishamiso zvaakavaratidza.

12 Akaita zviratidzo pamberi pamadzibaba avo

munyika yeIjipiti, mudunhu reZoani.

13 Akapamura gungwa akavayambutsa napakati;

akaita kuti mvura imire yakasimba sorusvingo.

14 Akavatungamirira negore masikati,

uye nechiedza chomoto usiku hwose.

15 Akapamura ruware mugwenga

akavapa mvura yakawanda seyamakungwa;

16 akabudisa hova dzemvura paruware

akaita kuti iyerere seyenzizi.

17 Asi vakaramba vachingomutadzira,

vachimukira Wokumusoro-soro mugwenga.

18 Vakaedza Mwari nobwoni

vachimugombedzera kuti avape zvokudya zvavaipanga.

19 Vakapopotera Mwari, vachiti,

“Ko, Mwari angawadzira tafura mugwenga here?

20 Paakarova dombo, mvura yakatubuka,

uye hova dzakayerera mvura zhinji.

Asi angagona kutipawo zvokudya here?

Angavigira vanhu vake nyama here?”

21 Jehovha akati avanzwa, akatsamwa zvikuru kwazvo;

moto wake ukaveserwa Jakobho,

uye hasha dzake dzikamukira Israeri,

22 nokuti havana kutenda muna Mwari

kana kuvimba nokurwira kwake.

23 Asi akarayira matenga kumusoro

akazarura makonhi okumatenga;

24 akanayisa mana kuti vanhu vadye,

akavapa zviyo zvokudenga.

25 Vanhu vakadya chingwa chavatumwa;

akavatumira zvokudya zvose zvavaigona kudya.

26 Akazarura mhepo yokumabvazuva kubva kudenga,

uye akafambisa mhepo yakabva zasi nesimba rake.

27 Akavanayisira nyama pamusoro pavo seguruva,

shiri dzinobhururuka dzakaita sejecha rokumhenderekedzo yegungwa.

28 Akaita kuti dziburukire mumisasa yavo,

dzakapoteredza matende avo ose.

29 Vakadya kusvikira vaguta kwazvo,

nokuti akanga avapa zvavakanga vachipanga.

30 Asi vasati vafuratira chokudya chavaikarira,

kunyange pachakanga chichiri pamiromo yavo,

31 kutsamwa kwaMwari kwakavamukira;

akauraya vakanga vakanyanya kusimba pakati pavo,

akaparadza majaya eIsraeri.

32 Kunyange zvakadaro, vakaramba vachingotadza;

kunyange zvazvo zviratidzo zvake izvi zvaivapo, havana kutenda.

33 Saka akagumisa mazuva avo nezvisina maturo,

uye makore avo mukutya.

34 Pose pavaiurayiwa naMwari, ndipo pavaimutsvaka;

vaishingairira kudzokerazve kwaari.

35 Vakarangarira kuti Mwari ndiye Dombo ravo,

kuti Mwari Wokumusoro-soro ndiye Mudzikinuri wavo.

36 Asizve vaingomubata kumeso nemiromo yavo,

vachimurevera nhema nendimi dzavo;

37 mwoyo yavo yakanga isina kutendeka kwaari,

vakanga vasina kutendeka pasungano yake.

38 Kunyange zvakadaro

iye akavanzwira tsitsi;

akavakanganwira kuipa kwavo akasavaparadza.

Nguva nenguva akadzora kutsamwa kwake,

uye haana kumutsa hasha dzake dzose.

39 Akarangarira kuti ivo vaingova nyama bedzi,

mhepo inopfuura isingadzoki.

40 Vakamumukira mugwenga kazhinji sei,

uye vakamuitisa shungu murenje!

41 Vakaedza Mwari vamuedzazve;

vakagumbusa Iye Mutsvene waIsraeri.

42 Havana kurangarira simba rake,

zuva raakavadzikinura kubva pamudzvinyiriri,

43 zuva raakaratidza zviratidzo zvake zvinoshamisa muIjipiti,

zvishamiso zvake mudunhu reZoani.

44 Akashandura nzizi dzavo dzikava ropa;

havana kugona kunwa muhova dzavo.

45 Akavatumira mapupira enhunzi dzikavaparadza,

uye matatya akavaparadza zvikuru.

46 Akapa zviyo zvavo kumagutaguta

nezvibereko zvavo kumhashu.

47 Akaparadza mazambiringa avo nechimvuramabwe,

uye namaonde emionde yavo nechando.

48 Mombe dzavo akadziisa kuchimvuramabwe,

nezvipfuwo zvavo kukurova kwemheni.

49 Akaregedzera kutsamwa kwake kukuru pamusoro pavo,

hasha dzake, shungu dzake noukasha hwake,

boka ravatumwa vokuparadza.

50 Akagadzira nzira yokutsamwa kwake;

haana kuponesa mweya yavo parufu asi akavaisa kudenda.

51 Akauraya matangwe ose eIjipiti,

chibereko chokutanga chomurume pamatende aHamu.

52 Asi akabudisa vanhu vake seboka ramakwai;

akavatungamirira samakwai nomugwenga.

53 Akavafambisa norugare,

asi gungwa rakamedza vavengi vavo.

54 Saizvozvo akavasvitsa kumuganhu wenyika yake tsvene,

kunyika yamakomo yaakatora noruoko rwake rworudyi.

55 Akadzinga ndudzi mberi kwavo,

akagovera nyika yavo kwavari senhaka;

akagarisa rudzi rwaIsraeri mudzimba dzavo.

56 Asi vakaedza Mwari

uye vakamukira Wokumusoro-soro;

vakasachengeta zvirevo zvake.

57 Vakanga vasingazvirereki uye vasina kutendeka samadzibaba avo,

vasingavimbiki souta hunonyengera.

58 Vakamutsamwisa nenzvimbo dzavo dzakakwirira;

vakamutsa godo rake nokuda kwezvifananidzo zvavo.

59 Mwari akati avanzwa akatsamwa zvikuru kwazvo;

akaramba Israeri zvachose.

60 Akasiya tabhenakeri yeShiro,

iyo tende yaakanga amisa pakati pavanhu.

61 Akaendesa areka yesimba rake kuutapwa,

kubwinya kwake mumaoko omuvengi.

62 Akaisa vanhu vake kumunondo;

akatsamwira nhaka yake zvikuru kwazvo.

63 Moto wakaparadza majaya avo,

uye varandakadzi vavo vakashayiwa nziyo dzesvitsa;

64 vaprista vavo vakanga vaiswa kumunondo,

uye chirikadzi dzavo hadzina kugona kuchema.

65 Ipapo Ishe akamuka somunhu anga akakotsira,

somunhu amuka pakubatwa newaini.

66 Akarova vavengi vake vakadzokera shure;

akavanyadzisa nokusingaperi.

67 Ipapo akaramba matende aJosefa,

haana kusarudza rudzi rwaEfuremu;

68 asi akasarudza rudzi rwaJudha,

Gomo reZioni, raakada.

69 Akavaka nzvimbo yake tsvene senhare yakakwirira,

senyika yaakasimbisa nokusingaperi.

70 Akasarudza Dhavhidhi muranda wake,

akamutora kumatanga amakwai;

71 akamubvisa pakufudza makwai

kuti ave mufudzi wavanhu vake Jakobho,

vaIsraeri nhaka yake.

72 Uye Dhavhidhi akavafudza nokururama kwomwoyo;

akavatungamirira namaoko ouchenjeri.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 79

Pisarema raAsafi.

1 Haiwa Mwari, ndudzi dzapinda panhaka yenyu;

vakasvibisa temberi yenyu tsvene,

Jerusarema varideredza rikava marara.

2 Vakapa mitumbi yavaranda venyu

sezvokudya zveshiri dzedenga,

nyama yavatsvene venyu kuzvikara zvenyika.

3 Vakateura ropa kunge mvura

paJerusarema rose,

uye hakuna munhu anoviga zvitunha.

4 Tiri chinhu chinoshorwa navatigere navo,

chinosekwa nechinozvidzwa kuna avo vakatipoteredza.

5 Haiwa Jehovha, mucharamba makatitsamwira nokusingaperi kusvikira riniko?

Godo renyu richapisa somoto kusvikira riniko?

6 Dururirai hasha dzenyu pamusoro pendudzi dzisingakuzive,

napaushe husingadani kuzita renyu;

7 nokuti vakapedza Jakobho

uye vakaparadza nyika yokwake.

8 Regai kuverengera pamusoro pedu zvivi zvamadzibaba;

tsitsi dzenyu ngadzikurumidze kuuya kuzosangana nesu,

nokuti tiri pakutambudzika.

9 Tibatsirei, imi Mwari Muponesi wedu,

nokuda kwokukudzwa kwezita renyu;

tirwirei mutiregerere zvivi zvedu

nokuda kwezita renyu.

10 Ndudzi dzichataurireiko dzichiti,

“Mwari wavo aripi?”

Zivisai pakati pendudzi, pamberi pedu,

kuti munotsiva ropa ravaranda venyu rakateurwa.

11 Kugomera kwavasungwa ngakusvike pamberi penyu;

nesimba roruoko rwenyu

chengetedzai avo vakatongerwa rufu.

12 Mutsive kanomwe pamabvi avavakidzani vedu,

kutuka kwavakaita zita renyu, imi Ishe.

13 Ipapo vanhu venyu, makwai amafuro enyu,

vachakurumbidzai nokusingaperi;

kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa,

ticharondedzera nezvokurumbidzwa kwenyu.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 80

Kumutungamiri wokuimba nomuimbiro wa “Maruva amahapa eSungano.” Pisarema raAsafi.

1 Tinzwei, imi Mufudzi weIsraeri,

imi makatungamirira Josefa seboka ramakwai;

iyemi munogara pachigaro choushe pakati pamakerubhi, penyai

2 pamberi paEfuremu, Bhenjamini naManase.

Mutsai simba renyu;

uyai mutiponese.

3 Tidzorei, imi Mwari,

penyesai chiso chenyu pamusoro pedu,

kuti tiponeswe.

4 Haiwa Jehovha Mwari Wamasimba Ose,

kutsamwa kwenyu kucharamba kuchipisa

pamusoro peminyengetero yavanhu venyu kusvikira riniko?

5 Makavapa chingwa chemisodzi kuti vadye;

makaita kuti vanwe misodzi yakawanda.

6 Makatiita mavambo enharo kuna vatigere navo,

uye vavengi vedu vanotiseka.

7 Tidzorei, imi Mwari Wamasimba Ose;

penyesai chiso chenyu pamusoro pedu,

kuti tiponeswe.

8 Makabudisa muzambiringa kubva muIjipiti;

makadzinga ndudzi mukaudyara.

9 Makaukurira nzvimbo,

uye ukava nemidzi ukazadza nyika.

10 Makomo akanga akafukidzwa nomumvuri wawo,

nemisidhari mikuru namatavi awo.

11 Wakatandavadza matavi awo kusvikira kuGungwa,

namabukira awo kusvikira kuRwizi.

12 Seiko makaputsa masvingo awo

kuti vose vanopfuura napo vanonge mazambiringa awo?

13 Nguruve dzinobva musango dzinouparadza,

uye zvisikwa zvesango zvinoudya.

14 Dzokerai kwatiri, imi Mwari Wamasimba Ose!

Tarirai muri kudenga muone!

Rindai muzambiringa uyu,

15 iwo mudzi wakasimwa noruoko rwenyu rworudyi,

mwanakomana wamakazvirerera.

16 Muzambiringa wenyu watemerwa pasi, wapiswa nomoto;

pakutuka kwenyu, vanhu venyu vanofa.

17 Ruoko rwenyu rworudyi ngarugare pamusoro pomunhu ari kurudyi kwenyu,

mwanakomana womunhu wamakazvirerera.

18 Ipapo hatingazobvi kwamuri;

timutsiridzei, tigodana kuzita renyu.

19 Tidzorei, imi Mwari Wamasimba Ose;

penyesai chiso chenyu pamusoro pedu,

kuti tiponeswe.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 81

Kumutungamiri wokuimba. Namaimbirwo egititi. Pisarema raAsafi.

1 Imbirai Mwari nomufaro iye simba redu;

danidzirai kuna Mwari waJakobho!

2 Vambai rwiyo, muridze tambureni,

ridzai mbira dzinonakidza nomutengeranwa.

3 Ridzai runyanga rwehwai paKugara kwoMwedzi,

uye pakuchena kwomwedzi, pazuva roMutambo wedu;

4 ichi ndicho chirevo chaIsraeri,

chakatarwa naMwari waJakobho.

5 Akachisimbisa somutemo wakanyorwa waJosefa

panguva yaakandorwa neIjipiti,

uko kwatakanzwa mutauro watakanga tisinganzwisisi.

6 Iye anoti, “Ndakabvisa mutoro pamapfudzi avo;

maoko avo akasunungurwa padengu.

7 Pakutambudzika kwako wakadana ini ndikakununura,

ndakakupindura ndiri mugore rokutinhira;

ndakakuedza pamvura zhinji yeMeribha.Sera

8 “Inzwai, imi vanhu vangu, uye ndichakuyambirai,

kana mukada chete kunditeerera, imi Israeri!

9 Pakati penyu ngaparege kuva namwari wavatorwa,

musapfugamira mwari wokumwe.

10 Ndini Jehovha Mwari wako,

akakubudisa kubva munyika yeIjipiti.

Shamisa muromo wako kwazvo, ndigouzadza.

11 “Asi vanhu vangu havana kuda kundinzwa,

Israeri haana kuda kuzviisa pasi pangu.

12 Saka ndakavaregera paukukutu hwemwoyo yavo,

kuti vatevere mano avo.

13 “Kana vanhu vangu vakada kunditeerera,

kana Israeri akada kutevera nzira dzangu,

14 ndaikurumidza kukunda sei vavengi

vavo nokurova vavengi vavo noruoko rwangu!

15 Vaya vanovenga Jehovha vachatya pamberi pake,

uye kurangwa kwavo kuchagara nokusingaperi.

16 Asi imi muchagutswa nezviyo zvakaisvonaka;

uye ndichakugutsai nouchi hunobva padombo.”

Categories
Mapisarema

Mapisarema 82

Pisarema raAsafi.

1 Mwari anogara paungano huru;

anotonga pakati pa“vamwari” achiti,

2 “Muchasvika riniko muchirwira vasakarurama

uye muchisanangura vanhu vakaipa?Sera

3 Tongai mhaka dzavasina simba nenherera;

chengetedzai kodzero dzavarombo navakadzvinyirirwa.

4 Nunurai vasina simba navanoshayiwa;

varwirei paruoko rwowakaipa.

5 “Havana chavanoziva, havana chavanonzwisisa.

Vanongofamba-famba murima;

nheyo dzose dzenyika dzinozungunuswa.

6 “Ndakati, ‘Muri vamwari;

imi mose muri vanakomana veWokumusoro-soro.’

7 Asi muchafa savanhuwo zvavo;

muchawa savatongi vose.”

8 Simukai, imi Mwari, mutonge nyika,

nokuti ndudzi dzose inhaka yenyu.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 83

Rwiyo. Pisarema raAsafi.

1 Haiwa Mwari, regai kunyarara;

musanyarara, imi Mwari, musati mwiro.

2 Tarirai kumutswa kwaitwa vavengi venyu,

namasimudziro avaita misoro yavo.

3 Vakarangana nounyengeri pamusoro pavanhu venyu;

vanorangana pamusoro paavo vamunochengeta zvakanaka.

4 Ivo vanoti, “Uyai, ngativaparadzei sorudzi,

kuti zita raIsraeri rirove.”

5 Vanorangana pamwe chete nomwoyo mumwe chete;

vanoita sungano yokuzorwa nemi,

6 matende eEdhomu nevaIshumaeri,

neMoabhu navaHagari,

7 Gebha, Amoni neAmareki,

Firistia, navanhu veTire.

8 Kunyange neAsiria yabatana

navo kuti vasimbise zvizvarwa zvaRoti.Sera

9 Muvaitire sezvamakaitira vaMidhia,

sezvamakaita kuna Sisera naJabhini paRwizi Kishoni,

10 ivo vakafira paEndori

uye vakava sendove pamusoro pevhu.

11 Muite makurukota avo saOrebhu naZibhi,

machinda avo ose saZebha naZarumuna,

12 ivo vakati, “Handei tindotora

mafuro aMwari.”

13 Haiwa Mwari wangu, vaitei sendira,

sehundi inodzingwa nemhepo.

14 Somoto unopisa sango

kana moto unoririma mugomo,

15 saka vateverei nedutu renyu

mugovavhundutsa nokutinhira wenyu.

16 Fukidzai zviso zvavo nenyadzi

kuti vanhu vagotsvaka zita renyu, imi Jehovha.

17 Ngavarambe vachinyadziswa

uye vavhundutswe; ngavafire munyadzi dzavo.

18 Ngavazive kuti imi, mune zita rinonzi Jehovha,

ndimi moga Wokumusoro-soro ari pamusoro penyika yose.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 84

Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo egititi. Pisarema ravanakomana vaKora.

1 Ugaro hwenyu hwakanaka sei,

imi Jehovha Wamasimba Ose!

2 Mweya wangu unopanga,

uye unotoziya, nokuda kwezvivanze zvaJehovha;

mwoyo wangu nenyama yangu

zvinodana kuna Mwari mupenyu.

3 Kunyange shiri diki yakazviwanira imba,

nenyenganyenga yakazviwanirawo

dendere kwaingachochonyera vana vayo,

iyo nzvimbo iri pedyo nearitari yenyu,

imi Jehovha Wamasimba Ose, Mambo wangu naMwari wangu.

4 Vakaropafadzwa avo vanogara mumba menyu;

vanogara vachikurumbidzai.Sera

5 Vakaropafadzwa avo vane simba ravo mamuri,

vakaisa mwoyo yavo parwendo rweZioni.

6 Pavanopfuura nomuMupata weBhaka,

vanouita nzvimbo yamatsime;

mvura yomuzhizha inouzadzawo namadziva.

7 Vanowedzera simba pasimba,

kusvikira mumwe nomumwe wavo amira pamberi paMwari muZioni.

8 Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha Mwari Wamasimba Ose;

rerekerai nzeve yenyu kwandiri, imi Mwari waJakobho.Sera

9 Haiwa Mwari, tariraiwo nhoo yedu;

ringirai nenyasha dzenyu pamuzodziwa wenyu.

10 Zviri nani kuva pavazhe dzenyu kwezuva rimwe chete,

kupfuura mazuva zviuru ndiri kumwe;

ndingada zvangu kuva murindi womukova weimba yaMwari

wangu kukunda kugara mumatende avakaipa.

11 Nokuti Jehovha Mwari ndiye zuva nenhoo;

Jehovha anopa nyasha nokukudzwa;

hapana chinhu chakanaka chaanganyima

avo vanofamba zvakarurama.

12 Haiwa Jehovha Wamasimba Ose,

akaropafadzwa munhu anovimba nemi.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 85

Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Pisarema.

1 Makanzwira nyasha nyika yenyu, imi Jehovha;

makadzosera Jakobho nhaka yake.

2 Makakanganwira kutadza kwavanhu venyu,

uye mukafukidza zvivi zvavo zvose.Sera

3 Makaisa parutivi hasha dzenyu dzose,

mukadzoka pakutsamwa kwenyu kunotyisa.

4 Tidzoreizve, imi Mwari Muponesi wedu,

mugoisa kure nemi kusafara kwenyu pamusoro pedu.

5 Mucharamba makatitsamwira nokusingaperi here?

Mucharega kutsamwa kwenyu kuripo kusvikira kuzvizvarwa zvose here?

6 Ko, hamungatimutsiridzizve here,

kuti vanhu venyu vagofara mamuri?

7 Tiratidzei ngoni dzenyu, imi Jehovha,

mugotipawo ruponeso rwenyu.

8 Ndichateerera zvichataurwa naJehovha Mwari;

anovimbisa rugare kuvanhu vake, vatsvene vake,

asi ngavasadzokerazve kuupenzi.

9 Chokwadi, ruponeso rwake rwuri pedyo navanomutya,

kuti kubwinya kwake kugogara munyika yedu.

10 Rudo nokutendeka zvinosangana pamwe chete;

kururama norugare zvinosvetana.

11 Kutendeka kunomera panyika,

kururama kunotarira pasi kuri kudenga.

12 Chokwadi, Jehovha achapa zvinhu zvakanaka,

uye nyika yedu ichabereka mukoho wayo.

13 Kururama kuchamutungamirira,

uye kuchamugadzirira nzira yetsoka dzake.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 86

Munyengetero waDhavhidhi.

1 Inzwai, imi Jehovha, mundipindure,

nokuti ndiri murombo uye ndinoshayiwa.

2 Chengetai upenyu hwangu, nokuti ndakazvipa kwamuri.

Muri Mwari wangu;

ponesai muranda wenyu anovimba nemi.

3 Ndinzwirei ngoni, imi Ishe,

nokuti ndinodana kwamuri zuva rose.

4 Vigirai muranda wenyu mufaro,

nokuti kwamuri, imi Ishe,

ndinosimudzira mweya wangu.

5 Imi munokanganwira uye makanaka, imi Ishe,

muzere norudo kuna vose vanodana kwamuri.

6 Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha;

inzwai kuchemera kwangu ngoni dzenyu.

7 Ndichadana kwamuri pazuva rokutambudzika kwangu,

nokuti muchandipindura.

8 Haiwa Ishe, hakuna akafanana nemi pakati pavamwari;

hakuna mabasa akaita seenyu.

9 Ndudzi dzose dzamakaita dzichauya

kuzonamata pamberi penyu, imi Ishe;

dzicharumbidza zita renyu.

10 Nokuti imi muri mukuru uye munoita zvinhu zvinoshamisa;

imi moga ndimi Mwari.

11 Haiwa Jehovha, ndidzidzisei nzira yenyu,

uye ndichafamba muzvokwadi yenyu;

ndipei mwoyo mumwe,

kuti ndigotya zita renyu.

12 Ndichakurumbidzai, imi Ishe Mwari wangu, nomwoyo wangu wose;

ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi.

13 Nokuti rudo rwenyu rukuru kwandiri;

makandirwira paguva rakadzika.

14 Haiwa Mwari, vanozvikudza vari kundirwisa;

boka ravanhu vane utsinye rinotsvaka upenyu hwangu,

vanhu vasina hanya nemi.

15 Asi, imi Ishe, mune tsitsi uye muri Mwari ane nyasha,

anononoka kutsamwa, azere norudo nokutendeka.

16 Dzokerai kwandiri mundinzwire ngoni;

ipai simba renyu kumuranda wenyu,

uye muponese mwanakomana womurandakadzi wenyu.

17 Ndipei chiratidzo chokunaka kwenyu,

kuti vavengi vangu vazvione vagonyadziswa,

nokuti imi Jehovha makandibatsira uye mukandinyaradza.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 87

Zvavanakomana vaKora. Pisarema. Rwiyo.

1 Akateya nheyo dzake pagomo dzvene;

2 Jehovha anoda masuo eZioni

kupfuura pose panogara Jakobho.

3 Zvinhu zvakaisvonaka zvinotaurwa pamusoro pako,

iwe guta raMwari:Sera

4 “Ndichanyora nezvaRahabhi neBhabhironi

pakati pavanondiziva,

neFiristiawo neTire, pamwe chete neEtiopia,

uye vachati, ‘Uyu akaberekerwa muZioni.’ ”

5 Zvirokwazvo, pamusoro peZioni vachati,

“Uyu nowoyo vakaberekerwamo,

uye Wokumusoro-soro pachake acharisimbisa.”

6 Jehovha achanyora panonyorwa mazita amarudzi,

kuti, “Uyu akaberekerwa muZioni.”Sera

7 Pavanoimba, vachaimba vachiti,

“Matsime angu ose ari mamuri.”