Categories
Mapisarema

Mapisarema 38

Pisarema raDhavhidhi. Chikumbiro.

1 Haiwa Jehovha, musandirayira mukutsamwa kwenyu kana

kundiranga muhasha dzenyu.

2 Nokuti miseve yenyu yandibaya,

uye ruoko rwenyu rwawira pamusoro pangu.

3 Mumuviri mangu hamuchina utano nokuda kwehasha dzenyu;

mapfupa angu apera simba nokuda kwechivi changu.

4 Mhosva yangu yandiremera

somutoro unorema kwazvo kuutakura.

5 Maronda angu aora uye anosemesa

nokuda kwoupenzi hwokutadza kwangu.

6 Ndakotamiswa uye ndaderedzwa kwazvo;

ndinofamba ndichichema zuva rose.

7 Musana wangu wazara nokupisa kunorwadza;

muviri wangu hauchina utano.

8 Ndarukutika uye ndapwanyika chose;

ndiri kugomera nokurwadza kwomwoyo.

9 Haiwa Ishe, zvose zvandinoshuva zviri pachena pamberi penyu,

kugomera kwangu hakuna kuvanzika kwamuri.

10 Hana yangu inorova, simba rangu rapera;

kunyange nechiedza chabva pameso angu.

11 Shamwari dzangu navafambidzani vondinzvenga nokuda kwamaronda angu;

vavakidzani vangu vanogara kure neni.

12 Avo vanotsvaka kundiuraya vanonditeya nemisungo yavo,

avo vanoda kundikuvadza vanotaura nezvokuparadzwa kwangu;

zuva rose vanorangana zvounyengeri.

13 Ini ndafanana nematsi, isinganzwi,

sembeveve, isingagoni kushamisa muromo wayo;

14 ndava somunhu asinganzwi,

ano muromo usingapinduri.

15 Haiwa Jehovha, ndakakumirirai;

muchapindura, imi Ishe Mwari wangu.

16 Nokuti ndakati, “Musavarega vachifarira kutambudzika kwangu

kana kuzvisimudzira pamusoro pangu, rutsoka rwangu parunotedzemuka.”

17 Nokuti ndava pedyo nokuwa,

uye kurwadziwa kwangu kunogara neni.

18 Ndinoreurura chivi changu;

chivi changu chinonditambudza.

19 Vavengi vangu vane simba vazhinji;

vanondivenga ndisina mhosva vakawanda.

20 Ivavo vanotsiva zvakanaka zvangu nezvakaipa,

vanondireva pandinotevera zvakanaka.

21 Haiwa Jehovha, regai kundisiya;

regai kuva kure neni, imi Mwari wangu.

22 Haiwa Ishe Muponesi wangu,

kurumidzai kuuya kuzondibatsira.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 39

Kumutungamiri wokuimba. Kuna Jedhutuni. Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndakati, “Ndichangwarira nzira dzangu

nokuchengeta rurimi rwangu pachivi;

ndichaisa matomu pamuromo wangu

kana vakaipa vari pamberi pangu.”

2 Asi pandakanga ndinyerere uye ndakadzikama,

ndisingatauri kana chakanaka zvacho,

kurwadziwa kwangu kwakawedzerwa.

3 Mwoyo wangu wakapisa mukati mangu,

uye pandakafungisisa, moto ukapisa;

ipapo ndakataura norurimi rwangu ndikati:

4 “Ndiratidzei, imi Jehovha, magumo oupenyu hwangu

nokuwanda kwamazuva angu;

ndizivisei kupfuura kwoupenyu hwangu.

5 Makaita mazuva angu soupamhi hwechanza changu;

kuwanda kwamakore angu kwakaita sechinhu chisipo pamberi penyu.

Upenyu hwomunhu mumwe nomumwe mweya bedzi.

6 Munhu anongori mumvuri zvaanofamba-famba hake:

anofamba nomufaro mukuru, asi zvinongova pasina;

anounganidza pfuma, asingazivi achazoitora.

7 “Asi zvino, Ishe, ndakamirireiko?

Tariro yangu iri mamuri.

8 Ndiponesei pakudarika kwangu kwose;

regai kundiita chiseko chamapenzi.

9 Ndakanga ndinyerere; handina kushamisa muromo wangu,

nokuti ndimi makaita izvi.

10 Bvisai shamhu yenyu kwandiri;

ndakundwa nokurova kworuoko rwenyu.

11 Munorayira uye munoranga vanhu nokuda kwezvivi zvavo,

munoparadza pfuma yavo sechipfukuto,

munhu mumwe nomumwe mweya zvawo.Sera

12 “Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha,

rerekerai nzeve yenyu pandinochemera rubatsiro;

regai kuva matsi pakuchema kwangu.

Nokuti ndigere nemi somutorwa,

somweni, sezvakanga zvakaita madzibaba angu ose.

13 Ringirai kure neni, kuti ndimbofarazve

ndisati ndabva uye ndisisipo.”

Categories
Mapisarema

Mapisarema 40

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndakamirira Jehovha nomwoyo murefu;

iye akatendeukira kwandiri akanzwa kuchema kwangu.

2 Akandibudisa mugomba rakadzika,

kunze kwamatope netsvina;

akamisa tsoka dzangu padombo

akandipa nzvimbo yakasimba kuti ndimirepo.

3 Akaisa rwiyo rutsva mumuromo mangu,

rwiyo rwokurumbidza Mwari wedu.

Vazhinji vachaona, uye vachatya

uye vachaisa ruvimbo rwavo muna Jehovha.

4 Akaropafadzwa munhu

akaita Jehovha ruvimbo rwake,

asingatariri kuna vanozvikudza,

kuna avo vanotsaukira kuna vamwari venhema.

5 Haiwa Jehovha, Mwari wangu,

zvizhinji zvishamiso zvamakaita.

Zvinhu zvamakatitongera hakuna

angazvirondedzera kwamuri;

dai ndingataura nokureva pamusoro pazvo,

zvaizowandisa kuzvizivisa.

6 Hamuna kufarira zvibayiro nezvipo,

asi nzeve dzangu makadziboora;

zvibayiro zvinopiswa nezvipiriso

zvezvivi hamuna kuzvireva.

7 Ipapo ndakati, “Ndiri pano hangu,

ndauya, zvakanyorwa mubhuku pamusoro pangu.

8 Ndinofarira kuita kuda kwenyu, imi Mwari wangu;

murayiro wenyu uri mukati momwoyo wangu.”

9 Ndinoparidza kururama paungano huru;

handidziviri miromo yangu,

sokuziva kwenyu, imi Jehovha.

10 Handivanzi kururama kwenyu mumwoyo mangu;

ndinotaura nezvokutendeka kwenyu noruponeso rwenyu.

Handivanzi rudo rwenyu nechokwadi chenyu

paungano huru.

11 Regai kundinyima ngoni dzenyu, imi Jehovha;

rudo rwenyu nechokwadi chenyu ngazvindidzivirire nguva dzose.

12 Nokuti matambudziko asingaverengeki akandikomberedza;

zvivi zvangu zvakandibata, uye handigoni kuona.

Zvakawanda kupfuura bvudzi romumusoro mangu,

uye mwoyo wangu waneta mukati mangu.

13 Haiwa Jehovha, kundiponesa ngakukufadzei;

haiwa Jehovha, kurumidzai kundibatsira.

14 Vose vanotsvaka kutora upenyu hwangu

ngavanyadziswe uye vanyonganiswe;

vose vanoda kuparadzwa kwangu

ngavadzoserwe shure vanyadziswe.

15 Avo vose vanoti kwandiri, “Hekani waro! Hekani waro!”

ngavavhundutswe nokuda kwenyadzi dzavo.

16 Asi vose vanokutsvakai

ngavafare uye vafarisise mamuri;

avo vanoda ruponeso rwenyu ngavarambe vachiti,

“Jehovha ngaakudzwe!”

17 Asi ndiri murombo nomushayiwi;

dai Ishe vandifungawo.

Ndimi mubatsiri wangu nomununuri wangu;

haiwa Mwari wangu, musanonoka henyu.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 41

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Akaropafadzwa uyo ane hanya navasina simba;

Jehovha anomurwira panguva dzokutambudzika.

2 Jehovha achamudzivirira uye achachengetedza upenyu hwake;

achamuropafadza panyika

uye haangamuisi kuchido chavavengi vake.

3 Jehovha achamuraramisa panhoo yake yourwere

uye achamuponesa panhoo yake yourwere.

4 Ini ndakati, “Haiwa Jehovha, ndinzwirei ngoni;

ndiporesei, nokuti ndakakutadzirai.”

5 Vavengi vangu vachindigodora vanoti,

“Achafa riniko uye zita rake rigoparara?”

6 Kana mumwe achiuya kuzondiona,

anotaura zvenhema, mwoyo uchiunganidza makuhwa;

ipapo anobuda ondozviparadzira kumwe.

7 Vavengi vangu vose vanoita zevezeve pamwe chete pamusoro pangu;

vanondifungira zvakaipisisa, vachiti,

8 “Chirwere chakaipa chakamubata,

haachambomukizve panzvimbo paakarara.”

9 Kunyange neshamwari yangu yapedyo yandaivimba nayo,

yandaigovana zvokudya nayo,

yandisimudzira chitsitsinho chayo.

10 Asi imi, iyemi Jehovha, mune tsitsi neni,

ndisimudzei, kuti ndivatsive.

11 Ndinoziva kuti munofadzwa neni,

nokuti muvengi wangu haandikundi.

12 Munonditsigira pakutendeka kwangu,

uye munondiisa pamberi penyu nokusingaperi.

13 Kurumbidzwa ngakuve kuna Jehovha, Mwari waIsraeri,

kubva pakusingaperi kusvikira nokusingaperi.

Ameni naAmeni.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 42

Kumutungamiri wokuimba. Rwiyo rweMasikiri rwaVanakomana vaKora.

1 Senondo inodokwairira hova dzemvura,

saizvozvo mweya wangu unodokwairirai, imi Mwari.

2 Mweya wangu une nyota kuna Mwari, nyota yaMwari mupenyu.

Ndingaenda riniko kundosangana naMwari?

3 Misodzi yangu yanga iri zvokudya zvangu

masikati nousiku,

asi zuva rose vanhu vanoti kwandiri,

“Mwari wako aripiko?”

4 Ndinorangarira zvinhu izvi

pandinodurura mweya wangu,

mafambiro andaiita navazhinji

ndichitungamirira mudungwe wavanhu kuimba yaMwari,

nokupembera nomufaro uye nokuvonga

pakati pavazhinji pamutambo.

5 Wakasuwireiko, nhai mweya wangu?

Unotambudzwa neiko mukati mangu?

Isa tariro yako muna Mwari,

nokuti ndichamurumbidzazve,

Muponesi wangu naMwari wangu.

6 Mweya wangu wakaneta mukati mangu;

naizvozvo ndichakurangarirai

ndiri kunyika yeJorodhani,

pamatunhu akakwirira eHeremoni, kubva paGomo reMizari.

7 Pakadzika panodana pakadzika

mukutinhira kwamapopopo emvura;

mafungu enyu ose namafashamu

akapfuura napamusoro pangu.

8 Masikati, Jehovha anorayira rudo rwake,

pausiku rwiyo rwake runeni,

munyengetero kuna Mwari woupenyu hwangu.

9 Ndinoti kuna Mwari Dombo rangu,

“Mandikanganwireiko?

Ndinofambireiko ndichichema

ndakadzvinyirirwa nomuvengi?”

10 Mapfupa angu atambura nokurwadza kworufu,

sezvo vavengi vangu vachindizvidza

zuva rose vachiti kwandiri,

“Mwari wako aripiko?”

11 Wakasuwireiko, nhai mweya wangu?

Unotambudzwa neiko mukati mangu?

Isa tariro yako muna Mwari,

nokuti ndichamurumbidzazve.

Muponesi wangu naMwari wangu.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 43

1 Ndiruramisirei, imi Mwari,

uye mundireverere mhaka yangu parudzi rusina Mwari;

ndinunurei pavanhu vanonyengera nevakaipa.

2 Ndimi Mwari nhare yangu.

Mandirambireiko?

Ndinofambireiko pose ndichichema

ndichidzvinyirirwa navavengi?

3 Tumirai chiedza chenyu nechokwadi chenyu,

ngazvinditungamirire;

ngazvindisvitse kugomo renyu dzvene,

kunzvimbo yamunogara.

4 Ipapo ndichaenda kuaritari yaMwari,

kuna Mwari, iye mufaro wangu nomudikani wangu.

Ndichakurumbidzai nembira,

imi Mwari, Mwari wangu.

5 Wakasuwireiko, nhai mweya wangu?

Unotambudzwa neiko mukati mangu?

Isa tariro yako muna Mwari,

nokuti ndichamurumbidzazve,

Muponesi wangu naMwari wangu.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 44

Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Masikiri.

1 Haiwa Mwari, takanzwa nenzeve dzedu;

madzibaba edu akatiudza

zvamakaita pamazuva avo,

pamazuva ekare.

2 Noruoko rwenyu makadzinga ndudzi

uye mukasima madzibaba edu;

makapwanya marudzi

mukaita kuti madzibaba edu abudirire.

3 Havana kuzviwanira nyika nomunondo wavo,

uye ruoko rwavo haruna kuvakundisa;

rwakanga rwuri ruoko rwenyu rworudyi, irwo ruoko rwenyu,

nokupenya kwechiso chenyu, nokuti imi makavada.

4 Ndimi Mambo wangu naMwari wangu,

anorayira kukunda kwaJakobho.

5 Kubudikidza nemi, tinosunda vavengi vedu shure;

kubudikidza nezita renyu, tinotsika vavengi vedu netsoka dzedu.

6 Handivimbi nouta hwangu,

munondo wangu haundivigiri kukunda;

7 asi imi munotipa kukunda pamusoro pavavengi vedu,

munonyadzisa vadzivisi vedu.

8 Tinozvirumbidza muna Mwari zuva rose,

uye ticharumbidza zita renyu nokusingaperi.Sera

9 Asi zvino matiramba uye matininipisa;

hamuchabudi nehondo dzedu.

10 Makaita kuti tidududze pamberi pavavengi vedu,

uye vadzivisi vedu vakatipamba.

11 Makatiramwira kumudyi samakwai

uye makatiparadzira pakati pendudzi.

12 Makatengesa vanhu venyu pasina,

hamuna kuwana kana chinhu pakuvatengesa.

13 Makatiita chiseko kuvavakidzani vedu,

chinozvidzwa nechinosekwa chaavo vakatipoteredza.

14 Makatiita tsumo pakati pendudzi;

vanhu vanotidzungudzira misoro.

15 Kunyadziswa kwangu kuri pamberi pangu zuva rose,

uye chiso changu chafukidzwa nenyadzi

16 pakuseka kwaavo vanondizvidza nokundirwisa,

nokuda kwomuvengi, agarira kutsiva.

17 Zvose izvi zvakaitika kwatiri

kunyange takanga tisina kukukanganwai,

kana kuva vasina kutendeka kusungano yenyu.

18 Mwoyo yedu yakanga isati yafuratira;

tsoka dzedu dzakanga dzisati dzatsauka panzira yenyu.

19 Asi makatipwanya mukatiita nzvimbo yamakava

uye mukatifukidza nerima guru.

20 Dai takanga takanganwa zita raMwari wedu,

kana kutambanudzira maoko edu kuna mwari wavatorwa,

21 Mwari haaizviziva here,

sezvo achiziva zvakavanzika zvomwoyo?

22 Asi nokuda kwenyu takatarisana norufu zuva rose;

tinotorwa samakwai anobayiwa.

23 Mukai, imi Ishe! Munovatireiko?

Zvisimudzei! Regai kutiramba nokusingaperi.

24 Ko, munovanzirei chiso chenyu

muchikanganwa kutambudzika nokudzvinyirirwa kwedu?

25 Takawisirwa muguruva;

miviri yedu inonamatira pavhu.

26 Simukai mutibatsire;

tidzikinurei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 45

Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Masikiri nomuimbirwo wa“Maruva aMahapa.” Rwiyo rwoMuchato.

1 Mwoyo wangu unobvongodzwa nedingindira rakanaka,

pandinodetembera mambo ndima dzangu;

rurimi rwangu chinyoreso chomunyori anogona.

2 Imi makanakisisa pavanhu vose

uye miromo yenyu yakazadzwa nenyasha,

sezvo Mwari akakuropafadzai nokusingaperi.

3 Sungai munondo wenyu parutivi, imi wamasimba,

zvishongedzei nokubwinya noumambo.

4 Paumambo hwenyu kwirai mukunde kwazvo,

makamirira chokwadi, kuzvininipisa nokururama;

ruoko rwenyu rworudyi ngaruratidze mabasa enyu anotyisa.

5 Miseve yenyu inopinza ngaibaye mwoyo yavavengi vamambo;

ndudzi ngadziputsikire pasi petsoka dzenyu.

6 Chigaro chenyu, imi Mwari, chichagara nokusingaperi-peri;

tsvimbo yokururamisira ichava tsvimbo youmambo hwenyu.

7 Imi munoda kururama uye munovenga zvakaipa;

naizvozvo Mwari, Mwari wenyu, akakuisai pamusoro peshamwari dzenyu

nokukuzodzai namafuta omufaro.

8 Nguo dzenyu dzose dzinonhuwirira mura, arosi nekasia,

zvinobva kumizinda yamadzimambo yakashongedzwa nenyanga dzenzou,

kurira kwehungiso kunokufadzai.

9 Vanasikana vamadzimambo vari pakati pavakadzi vanokudzwa;

kuruoko rwenyu rworudyi kuno mwenga akashongedzwa negoridhe reOfiri.

10 Teerera, iwe mwanasikana, rangarira,

uye urereke nzeve yako: Kanganwa vanhu vako neimba yababa vako.

11 Mambo ayevedzwa norunako rwako;

mukudze, nokuti ndiye Ishe wako.

12 Mwanasikana weTire achauya nechipo,

vanhu vakapfuma vachatsvaka nyasha kwauri.

13 Mwanasikana wamambo akanaka kwazvo mukati meimba yake; nguo yake yakarukirirwa negoridhe.

14 Akapfeka nguo dzakashongedzwa achaperekedzwa kuna mambo;

shamwari dzake idzo mhandara dzinomutevera

uye vanouyiswa kwamuri.

15 Vanoperekedzwa vachapinda nomufaro nokufarisisa;

vanopinda mumuzinda wamambo.

16 Vanakomana venyu vachatsiva nzvimbo yamadzibaba enyu;

muchavaita machinda munyika yose.

17 Ndichaita kuti kurangarirwa kwenyu kurambe kuripo, kusvikira kuzvizvarwa zvose;

naizvozvo ndudzi dzichakurumbidzai nokusingaperi-peri.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 46

Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Namaimbirwo earamoti. Rwiyo.

1 Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu,

ndiye mubatsiri anogara aripo panguva yokutambudzika.

2 Naizvozvo hatizotyi, kunyange nyika ikashanduka,

uye makomo akawira mukatikati megungwa,

3 kunyange mvura yaro ikatinhira uye ikapupuma furo,

uye makomo akadengenyeswa namafungu aro.Sera

4 Pane rwizi rwuripo rune hova dzinofadza guta raMwari,

nzvimbo tsvene yeWokumusoro-soro.

5 Mwari ari mukati maro, haringawiri pasi;

Mwari acharibatsira panguva yemambakwedza.

6 Ndudzi dzinoita bope, umambo hunoondomoka;

anotaura nenzwi guru, nyika yonyongodeka.

7 Jehovha Wamasimba Ose anesu;

Mwari waJakobho ndiye nhare yedu.Sera

8 Uyai muone mabasa aJehovha,

kuparadza kwaakaita panyika.

9 Anoita kuti hondo dzigume kusvikira kumagumo enyika;

anovhuna uta uye anovhuna-vhuna mapfumo,

anopisa nhoo nomoto.

10 “Mirai, muzive kuti ndini Mwari;

ndichakudzwa pakati pendudzi,

ndichasimudzirwa panyika.”

11 Jehovha Wamasimba Ose anesu;

Mwari waJakobho ndiye nhare yedu.Sera

Categories
Mapisarema

Mapisarema 47

Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Pisarema.

1 Uchirai maoko, imi vanhu vose;

pururudzai kuna Mwari nokudanidzira kwomufaro.

2 Jehovha Wokumusoro-soro anotyisa sei,

iye Mambo mukuru pamusoro penyika yose!

3 Akaisa ndudzi dzavanhu pasi pedu,

marudzi pasi petsoka dzedu.

4 Akatitsaurira nhaka yedu,

iyo pfuma yaJakobho, waakada.Sera

5 Mwari akwidza kumusoro pakati pokudanidzira kwomufaro,

Jehovha pakati pokurira kwehwamanda.

6 Imbirai Mwari nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo.

Imbirai Mambo wedu nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo.

7 Nokuti Mwari ndiye Mambo wenyika yose;

muimbirei pisarema rokurumbidza.

8 Mwari anotonga pamusoro pendudzi dzose;

Mwari agere pamusoro pechigaro chake chitsvene.

9 Makurukota amarudzi aungana

savanhu vaMwari waAbhurahama,

nokuti madzimambo enyika ndeaMwari;

iye anokudzwa zvikuru kwazvo.