Categories
Mateo

Mateo 17

Kubwinya kwaJesu paGomo

1 Mushure memazuva matanhatu Jesu akatora Petro naJakobho naJohani mununʼuna waJakobho akakwira navo mugomo refu vari voga.

2 Ipapo akashanduka pamberi pavo. Chiso chake chakapenya sezuva uye nguo dzake dzikachena sechiedza.

3 Pakarepo Mozisi naEria vakangoerekana voonekwa vamire vachitaura naJesu.

4 Petro akati kuna Jesu, “Ishe zvakatinakira kuva pano. Kana muchida ndingavaka matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi nerimwe raEria.”

5 Achiri kutaura kudaro, gore raipenya rakabva ravakwidibira, uye inzwi rikabuda mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wandinodisa, anondifadza. Munzwei!”

6 Vadzidzi vakati vanzwa izvi, vakawira pasi nezviso zvavo vachitya kwazvo.

7 Asi Jesu akauya akavabata. Akati, “Mukai. Musatya.”

8 Pavakasimudza misoro vachitarisa vakazongoona Jesu ava oga.

9 Pavakanga vava kuburuka kubva mugomo, Jesu akavarayira achiti, “Musamboudza ani zvake zvamaona izvi kusvikira Mwanakomana woMunhu amutswa kubva kuvakafa.”

10 Vadzidzi vakamubvunza vakati, “Ko, sei vadzidzisi vemirayiro vachiti Eria anofanira kutanga kuuya?”

11 Jesu akapindura akati, “Ichokwadi kuti Eria achauya agovandudza zvinhu zvose.

12 Asi ndinokuudzai kuti Eria akatouya kare asi havana kumuziva, uye vakaita kwaari zvavaida. Saizvozvo Mwanakomana woMunhu achatambudzwa pamaoko avo.”

13 Ipapo vadzidzi vakanzwisisa kuti aitaura kwavari nezvaJohani Mubhabhatidzi.

Kuporeswa kwoMukomana Aiva neDhimoni

14 Vakati vasvika kuvanhu vazhinji, mumwe murume akauya akasvikopfugama pamberi paJesu akati,

15 “Ishe, donzwiraiwo mwanakomana wangu tsitsi. Ane zvipusha uye ari kutambudzika kwazvo. Kazhinji zvinomuwisira mumoto kana mumvura.

16 Ndauya naye kuvadzidzi venyu asi havana kugona kumuporesa.”

17 Jesu akapindura akati, “Haiwa, imi rudzi rusingatendi uye rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira rinhiko? Uyai nomukomana uyu kwandiri.”

18 Jesu akatuka dhimoni rikabva rabuda mumukomana uya achibva apora kubva panguva iyoyo.

19 Ipapo vadzidzi vakauya kuna Jesu vari voga vakamubvunza vachiti, “Ko, takundikana sei kuridzinga?”

20 Akavapindura achiti, “Nokuda kwokuti mune kutenda kudiki. Ndinokuudzai chokwadi kuti dai maiva nokutenda kudiki hako semhodzi yemasitadhi maigona kuti kugomo iri, ‘Ibva apa uende uko,’ zvichiitika. Hapana chamunozokundikana kuita.

21 Asi rudzi urwu rwomweya runongobviswa chete nokunyengetera nokutsanya.”

22 Vakati vaungana muGarirea Jesu akati kwavari, “Mwanakomana woMunhu achaiswa mumaoko avanhu.

23 Vachamuuraya asi pazuva retatu achamutswa.” Uye vadzidzi vakasuwa kwazvo.

Mutero womuTemberi

24 Jesu navadzidzi vake vakati vasvika muKapenaume, vateresi vomutemberi vakauya kuna Petro vakabvunza vachiti, “Ko, mudzidzisi wenyu haaripi mutero womutemberi here?”

25 Akapindura akati, “Hongu, anoripa.”

Petro paakapinda mumba, Jesu ndiye akatanga kutaura achiti, “Unofungei, Simoni? Madzimambo enyika anotora mutero kuvana vavo here kana kuti kuna vamwe?”

26 Petro akapindura akati, “Kuna vamwe.” Jesu akati, “Saka vana vakasununguka.

27 Asi kuti tisavagumbura enda kugungwa unokanda chiredzo chako mumvura. Tora hove yaunotanga kubata, wovhura muromo wayo, uchawana muine mari inokwana mutero wangu newako, uvape.”

Categories
Mateo

Mateo 18

Mukuru muUmambo hwoKudenga

1 Panguva iyoyo vadzidzi vakauya kuna Jesu uye vakamubvunza vachiti, “Ndianiko mukuru pane vose muumambo hwokudenga?”

2 Akadana mwana muduku ndokumumisa pakati pavo.

3 Uye akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musina kushanduka mukava savana vaduku, hamungatongopindi muumambo hwokudenga.

4 Naizvozvo ani naani anozvininipisa somwana uyu ndiye achava mukuru muumambo hwokudenga.

5 “Uye ani naani anogamuchira mwana muduku souyu muzita rangu anogamuchira ini.

6 Asi ani naani anoita kuti mumwe wavaduku vanotenda kwandiri atadze, zvaiva nani kwaari kuti asungirirwe guyo guru muhuro make agonyudzwa mugungwa makadzika.

7 “Ine nhamo nyika nokuda kwezvinhu zvinoita kuti vanhu vatadze! Zvinhu izvozvo zvinofanira kuuya asi ane nhamo munhu anoita kuti zviitike.

8 Kana ruoko rwako kana kuti rutsoka rwako zvichikuita kuti utadze, zvidimure uzvirasire kure. Zviri nani kupinda muupenyu wakaremara kana kuti uchikamhina, pano kupinda mumoto usingadzimi uine maoko maviri namakumbo maviri.

9 Kana ziso rako richikuita kuti utadze ribvise urirasire kure. Zviri nani kuti upinde muupenyu uine ziso rimwe chete pane kunge uine maziso maviri asi ugokandwa mumoto wegehena.

Mufananidzo weGwai Rakarasika

10 “Onai kuti hamuzvidze mumwe wavaduku ava. Ndinokuudzai kuti vatumwa vavo kudenga vanogaroona chiso chaBaba vangu vari kudenga.

11 Nokuti Mwanakomana woMunhu akauya kuzoponesa chakarasika.

12 “Imi munofungei? Kana munhu ane makwai zana, rimwe chete rawo rikarasika, haangasiye makumi mapfumbamwe nepfumbamwe mumakomo achinotsvaka rakarasika here?

13 Uye kana akariwana, ndinokuudzai chokwadi kuti anorifarira kukunda makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe asina kurasika.

14 Nenzira imwe cheteyo Baba venyu vari kudenga havafariri kuti mumwe wavaduku ava arasike.

Kana Hama Yakutadzira

15 “Kana hama yako yakutadzira enda umuudze mhosva yake, muri vaviri chete. Kana akakunzwa wadzora hama yako.

16 Asi akaramba kuteerera, enda nomumwe kana vaviri kuitira kuti ‘nyaya imwe neimwe isimbiswe nezvapupu zviviri kana zvitatu.’

17 Kana akaramba kuteerera, uudze kereke, kana akaramba kuteerera kunyange kereke, umutore zvako somuhedheni kana muteresi.

18 “Ndinokuudzai chokwadi kuti chose chamuchasunga pano pasi chichasungwa kudenga, nechamunosunungura pano pasi chichasunungurwa kudenga.

19 “Ndinokuudzai zvakare kuti kana vaviri venyu mukabvumirana pane chamunokumbira kuna Baba vangu vari kudenga, muchachiitirwa.

20 Nokuti panoungana vaviri kana vatatu muzita rangu, neni ndiripo pakati pavo.”

Mufananidzo woMuranda Akanga Asina Tsitsi

21 Ipapo Petro akauya kuna Jesu akamubvunza achiti, “Ishe, kanganiko kandingaregerera hama yangu kana achinditadzira? Kanomwe here?”

22 Jesu akapindura akati, “Kwete kanomwe chete, asi kakapetwa makumi manomwe ane nomwe.

23 “Naizvozvo, umambo hwokudenga hwakafanana namambo aida kuripirwa zvikwereti zvake navaranda vake.

24 Paakatanga kuzviongorora, murume ainge aine chikwereti chamatarenda zviuru gumiakauyiswa kwaari.

25 Sezvo ainge asingakwanisi kuripa chikwereti ichi, tenzi wake akaronga kuti iye nomudzimai wake, navana vake nezvose zvaaiva nazvo zvitengeswe kuti zviripe chikwereti.

26 “Muranda uya akazviwisira pamberi patenzi wake akamukumbira zvikuru achiti, ‘Ndiitireiwo mwoyo murefu, ndicharipa hangu zvose.’

27 Tenzi womuranda uya akamunzwira tsitsi, ndokubva adzima chikwereti chiya chose, uye akamuregedza achienda zvake.

28 “Asi muranda uya paakabuda, akasangana nomumwewo muranda saiye ainge aine chikwereti chake chamadhenari zana. Akamubata ndokutanga kumudzipa. Akati, ‘Ndipe chikwereti changu!’

29 “Muranda uya saiyewo muranda akapfugama ndokumukumbira zvikuru achiti, ‘Ndiitirewo mwoyo murefu, ndichakupa chikwereti chako.’

30 “Asi akaramba. Pamusoro pezvo akamusungisa uye akaita kuti aiswe mutorongo kusvikira aripa chikwereti chose.

31 Vamwe varanda vakati vaona zvakanga zvaitika, zvakavatambudza zvikuru ndokubva vanoudza tenzi wavo zvose zvakanga zvaitika.

32 “Tenzi akadana muranda uya akati, ‘Iwe muranda akaipa. Ndakadzima chikwereti changu chawaiva nacho nokuti wakandikumbira zvikuru.

33 Saka hawaifanira here kuva netsitsi kuno mumwe wako sezvandakakuitira iwe?’

34 Nehasha tenzi wake akamuisa kune vejeri kuti arangwe zvinorwadza kusvikira aripa chikwereti chose chaaiva nacho.

35 “Izvi ndizvo zvichaitirwa mumwe nomumwe wenyu naBaba vangu vari kudenga kana musingaregereri hama yenyu nomwoyo wose.”

Categories
Mateo

Mateo 19

Kurambana

1 Jesu akati apedza kutaura zvinhu izvi, akabva kuGarirea akaenda kudunhu reJudhea mhiri kwaJorodhani.

2 Vanhu vazhinji zhinji vakamutevera uye akavaporesa ikoko.

3 Vamwe vaFarisi vakauya kwaari kuzomuedza. Vakamubvunza vachiti, “Zviri pamutemo here kuti murume arambe mukadzi wake nokuda kwechikonzero chipi nechipi zvacho?”

4 Akavapindura achiti, “Hamuna kuverenga here kuti kubva pakutanga Musiki akavaita munhurume nomunhukadzi,

5 akati, ‘Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba namai vake agobatanidzwa nomukadzi wake, vaviri ava vachava nyama imwe chete?’

6 Saka havachisiri vaviri asi mumwe chete. Naizvozvo chabatanidzwa naMwari pamwe chete, hapana munhu anofanira kuchiparadzanisa.”

7 Vakabvunzazve vachiti, “Sei Mozisi akarayira kuti murume ape mukadzi wake rugwaro rwokumuramba obva amuendesa?”

8 Jesu akapindura achiti, “Mozisi akakubvumirai kuramba vakadzi venyu nokuda kwoukukutu hwemwoyo yenyu. Asi zvainge zvisina kudaro kubva pakutanga.

9 Ndinokuudzai kuti ani naani anoramba mukadzi wake, kunze chete nokuda kwoupombwe, akazowana mumwe mukadzi, atoita upombwe.”

10 Vadzidzi vake vakati kwaari, “Kana ari iwo mamiriro azvakaita pakati pomurume nomukadzi, zviri nani kusawana.”

11 Jesu akapindura akati kwavari, “Haasi wose anogamuchira shoko iri, asi kune avo chete vakaripiwa.

12 Nokuti kune ngomwa dzakaberekwa dzakadaro; dzimwe dziriko dzakaitwa navanhu; dzimwe dzakazviita ngomwa nokuda kwoumambo hwokudenga. Uyo anogona kugamuchira shoko iri ngaarigamuchire.”

Vana Vaduku naJesu

13 Ipapo vana vaduku vakauyiswa kuna Jesu kuti aise maoko ake pamusoro pavo, uye kuti avanyengeterere. Asi vadzidzi vakatsiura vaya vakanga vauya navo.

14 Jesu akati, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti umambo hwokudenga ndohwavakadai.”

15 Akati aisa maoko ake pamusoro pavo, akabva ipapo.

Jaya Mupfumi

16 Zvino mumwe murume akauya kuna Jesu akamubvunza achiti, “Mudzidzisi, ndechipi chinhu chakanaka chandingaita kuti ndiwane upenyu husingaperi?”

17 Jesu akati kwaari, “Unondibvunzireiko pamusoro pezvakanaka? Kunongova noMumwe chete akanaka. Kana uchida kupinda muupenyu, teerera mirayiro.”

18 Murume uya akabvunza achiti, “Ipiko?”

Jesu akapindura akati, “ ‘Usauraya, usaita upombwe, usaba, usapupura nhema.

19 Kudza baba vako namai vako uye ude muvakidzani wako sokuzvida kwaunozviita iwe.’ ”

20 Jaya riya rakati, “Zvose ndakazvichengeta. Chii chandichiri kushayiwa?”

21 Jesu akati, “Kana uchida kuva wakakwana, enda unotengesa zvose zvaunazvo ugopa varombo, ugozova nepfuma kudenga. Ipapo ugouya wonditevera.”

22 Jaya riya parakanzwa izvi, rakaenda rakasuwa kwazvo nokuti raiva nepfuma zhinji kwazvo.

23 Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Ndinokuudzai chokwadi, zvakaoma kuti mupfumi apinde muumambo hwokudenga.

24 Ndinotizve zvakareruka kuti ngamera ipinde nepaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.”

25 Vadzidzi vakati vanzwa izvi vakakatyamara zvikuru vakabvunza vachiti, “Ndiani zvino achaponeswa?”

26 Jesu akavatarisa akati, “Kuvanhu izvi hazvigoneki asi kuna Mwari zvinhu zvose zvinogoneka.”

27 Petro akamupindura akati, “Takasiya zvose kuti tikuteverei! Zvino tichawaneiko?”

28 Jesu akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, kuti pakuvandudzwa kwezvinhu zvose, Mwanakomana woMunhu paachagara pachigaro chake chokubwinya, imi makanditevera muchagarawo pazvigaro gumi nezviviri muchitonga marudzi gumi namaviri eIsraeri.

29 Uye vose vakasiya dzimba, kana vakoma kana vanunʼuna kana hanzvadzi kana baba kana mai kana vana kana minda nokuda kwangu vachagamuchira zvakapetwa kazana, uye vachagara nhaka youpenyu husingaperi.

30 Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira uye navazhinji vokupedzisira vachava vokutanga.

Categories
Mateo

Mateo 20

Mufananidzo waVashandi muMunda weMizambiringa

1 “Nokuti umambo hwokudenga hwakafanana nomuridzi womunda akabuda mangwanani-ngwanani kundotsvaka vanhu vokuti vazoshanda mumunda wake wemizambiringa.

2 Akabvumirana navo kuti aizovapa dhinari pazuva, ndokubva avaendesa mumunda wake wemizambiringa.

3 “Nenguva inenge yechitatu akabuda ndokuona vamwe vamire pamusika vasina chavaiita.

4 Akati kwavari, ‘Nemiwo endai mundoshanda mumunda wangu wemizambiringa, ndichakupai zvakakodzera.’

5 Saka vakaenda.

“Akabudazve nenguva dzinenge dzechitanhatu nedzepfumbamwe akaita zvimwe chetezvo.

6 Nenguva inenge yegumi neimwe akabuda akawanazve vamwe vamire. Akavabvunza achiti, ‘Seiko, maswera makangomira pano zuva rose musina chamuri kuita?’

7 “Vakapindura vachiti, ‘Nokuti hapana munhu atipa basa.’

“Akati kwavari, ‘Nemiwo endai mundoshanda mumunda wangu wemizambiringa.’

8 “Akati ava madekwana, muridzi womunda wemizambiringa akati kumutariri wake, ‘Dana vashandi ugovapa mubayiro wavo, uchitanga navapedzisira kupiwa basa kusvikira kune vokutanga.’

9 “Vashandi vainge vaenda kundoshanda nenguva inenge yegumi neimwe vakauya uye mumwe nomumwe wavo akagamuchira dhinari.

10 Saka pakasvika vaya vakanga vatanga kushanda, vakatarisira kupiwa zvakawanda. Asi mumwe nomumwe wavo akapiwa dhinari.

11 Vakati vagamuchira mari iyi vakatanga kutsutsumwira muridzi womunda.

12 Vakati, ‘Varume ava vapedzisira vangoshanda awa imwe chete, asi mavaenzanisa nesu tatakura mutoro webasa uye tikapiswa nezuva.’

13 “Asi akapindura mumwe wavo achiti, ‘Shamwari, handina chandakukanganisira. Ko, hauna kutenderana neni kushandira dhinari here?

14 Tora mubayiro wako uende. Ndinoda kupa munhu ashanda kwokupedzisira zvakafanana nezvandakupa.

15 Ko, handina kodzero here yokuita zvandinoda nemari yangu? Kana kuti iwe une godo nokuda kwokupa kwangu zvakawanda.’

16 “Saka vokupedzisira vachava vokutanga uye vokutanga vachava vokupedzisira.”

Jesu Anovaudzazve neZvorufu Rwake

17 Zvino Jesu paakanga achikwira kuenda kuJerusarema, akatora vadzidzi vake gumi navaviri parutivi akati kwavari,

18 “Tiri kukwira kuenda kuJerusarema, uye Mwanakomana woMunhu achaiswa kuvaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro. Vachamutongera rufu

19 uye vagomuisa kune veDzimwe Ndudzi kuti asekwe agorohwa uye arovererwe pamuchinjikwa. Pazuva retatu achamutswa kuti ave mupenyu!”

Chikumbiro chaMai

20 Ipapo mai vavanakomana vaZebhedhi vakauya kuna Jesu navanakomana vavo, vakapfugama pamberi pake vaine chikumbiro.

21 Akabvunza akati, “Munodeiko?”

Ivo vakati, “Itaiwo kuti mumwe wavanakomana vangu vaviri ava agare kuruoko rwenyu rworudyi uye mumwe kuruboshwe rwenyu muumambo hwenyu.”

22 Jesu akati, kwavari, “Hamuzivi zvamuri kukumbira. Mungagona kunwa mukombe wandichazonwa here?”

Vakapindura vachiti, “Tinogona.”

23 Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo muchanwa mumukombe wangu, asi zvokuti mugare kurudyi kana kuruboshwe rwangu, handisini ndinopa. Nzvimbo idzi ndedzaavo vakadzigadzirirwa naBaba vangu.”

24 Vane gumi vakati vanzwa izvi vakatsamwira mukoma nomununʼuna ava.

25 Jesu akavadana pamwe chete uye akati, “Munoziva kuti vatongi veveDzimwe Ndudzi vanobata ushe pamusoro pavo uye machinda avo makuru anoshandisa simba pamusoro pavo.

26 Ngazvirege kudaro kwamuri. Asi ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu,

27 uye ani naani anoda kuva wokutanga anofanira kuva nhapwa yenyu,

28 sezvazvakangoita kuti Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshandirwa asi kuzoshandira, nokupa upenyu hwake sorudzikinuro rwavazhinji.”

Mapofu Maviri Anosvinudzwa

29 Jesu navadzidzi vake pavakabva kuJeriko, vanhu vazhinji kwazvo vakamutevera.

30 Varume vaviri vaiva mapofu vakanga vagere parutivi rwenzira, pavakanzwa kuti Jesu ainge opfuura nepo vakadanidzira vachiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!”

31 Vanhu vazhinji vakavatsiura vakavarayira kuti vanyarare, asi ivo vakanyanya kudanidzira vachiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!”

32 Jesu akamira akavadana, akavabvunza achiti, “Munoda kuti ndikuitireiko?”

33 Vakapindura vachiti, “Ishe, tinoda kuona.”

34 Jesu akavanzwira tsitsi uye akabata meso avo. Pakarepo vakabva vaona uye vakamutevera.

Categories
Mateo

Mateo 21

Jesu Anogamuchirwa muJerusarema

1 Vakati voswedera kuJerusarema uye vasvika muBhetifage pagomo reMiorivhi, Jesu akatuma vadzidzi vaviri,

2 achiti kwavari, “Endai kumusha wamakatarisana nawo uye imomo muchaona mbongoro yakasungirirwa pamwe chete nomwana wayo. Mudzisunungure muuye nadzo kwandiri.

3 Kana pano munhu anotaura chinhu kwamuri, mumuudze kuti, Ishe anodzida uye achadzidzosa nokukurumidza.”

4 Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zvakataurwa kubudikidza nomuprofita achiti:

5 “Muti kuMwanasikana weZioni,

‘Tarira, Mambo wako anouya kwauri,

ari munyoro, akatasva mbongoro,

ari pamusoro pomwana wembongoro.’ ”

6 Vadzidzi vakaenda vakandoita sezvavakanga varayirwa naJesu.

7 Vakauya nembongoro nomwana wayo, vakaisa nguo dzavo pamusoro padzo, uye Jesu akagara pamusoro padzo.

8 Vanhu vazhinji vakawarira nguo dzavo mumugwagwa, vamwewo vakatema mapazi emiti vakaawarira mumugwagwa.

9 Vazhinji vakanga vakatungamira mberi navaya vakanga vachitevera vakadanidzira vachiti:

“Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi!”

“Akaropafadzwa uyo anouya muzita raIshe!”

“Hosana kumusoro-soro!”

10 Jesu akati apinda muJerusarema, guta rose rakazungunuswa, vakabvunza vachiti, “Ndianiko uyu?”

11 Vazhinji vakati, “Uyu ndiye Jesu, muprofita anobva kuNazareta kuGarirea.”

Jesu paTemberi

12 Jesu akapinda munzvimbo yetemberi akadzinga vose vaitenga nokutengesa. Akapidigura tafura dzavaitsinhanha mari nezvigaro zvavaitengesa njiva.

13 Akati kwavari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera,’ asi imi mava kuiita ‘bako ramakororo.’ ”

14 Mapofu navakaremara vakauya kwaari kutemberi, uye akavaporesa.

15 Asi vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro pavakaona zvinhu zvinoshamisa zvaakaita, uye vana vachidanidzira mutemberi vachiti, “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi,” vakatsamwa.

16 Vakamubvunza vachiti, “Uri kunzwa zviri kurehwa navana ava here?”

Jesu akavapindura achiti, “Hongu, hamuna kurava here panoti:

“ ‘Pamiromo yavana navacheche

makaisa rumbidzo’?”

17 Uye akavasiya akabuda muguta umu akaenda kuBhetani kwaakandovata.

Muonde Unosvava

18 Mangwanani-ngwanani, paakanga ari munzira achidzokera kuguta, akanzwa nzara.

19 Akati aona muonde pedyo nomugwagwa, akatsaukira pauri asi haana kuwana chinhu pauri kunze kwamashizha. Ipapo akati kwauri, “Ngakurege kuva nemicherozve pauri!” Pakarepo muti uya wakabva wasvava.

20 Vadzidzi vakati vazviona, vakakatyamara, vakati, “Ko, muonde uyu wabva wasvava pakarepo sei?”

21 Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti kana mune kutenda uye musingakahadziki, hamungaiti zvaitwa kumuonde uyu chete, asi munogonawo kuti kugomo iri, ‘Enda undozvikanda mugungwa’ uye zvichaitika.

22 Kana muchitenda, muchagamuchira zvose zvamunokumbira mukunyengetera.”

Vanobvunza Kunobva Simba raJesu

23 Jesu akapinda muruvazhe rwetemberi, uye paakanga achidzidzisa, vaprista vakuru navakuru vavanhu vakauya kwaari. Vakamubvunza vakati, “Muri kuita zvinhu izvi nesimba ripi? Uye ndiani akakupai simba irori?”

24 Jesu akapindura akati, “Nemiwo ndichakubvunzai mubvunzo mumwe chete. Kana mukandipindura ndichakuudzaiwo simba randiri kuita naro zvinhu izvi.

25 Rubhabhatidzo rwaJohani rwakabvepi? Rwakabva kudenga here kana kuvanhu?”

Vakataurirana pakati pavo vachiti, “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga’ achazobvunza kuti, ‘Zvino makaregerei kumutenda?’

26 Asi kana tikati, ‘Rwakabva kuvanhu,’ tinotya vanhu, nokuti vose vanotenda kuti Johani aiva muprofita.”

27 Saka vakapindura Jesu vachiti, “Hatizivi.”

Ipapo iye akati, “Neni handingakuudzeiwo simba randinoita naro zvinhu izvi.”

Mufananidzo waVanakomana Vaviri

28 “Munofungei nazvo? Paiva nomurume aiva navanakomana vaviri. Akaenda kuno wokutanga akati, ‘Mwanangu, enda nhasi unoshanda mumunda wemizambiringa.’

29 “Akapindura achiti, ‘Handidi,’ asi pashure akazvidemba uye akazoenda hake.

30 “Ipapo baba vaya vakaenda kuno mumwe mwanakomana vakasvikomuudza zvimwe chetezvo. Iye akapindura achiti, ‘Ndichaenda, baba’ asi haana kuenda.

31 “Ndoupiko pavaviri ava akaita zvaidiwa nababa vake?”

Vakapindura vachiti, “Wokutanga.”

Jesu akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, vateresi nezvifeve vari kukutangirai kupinda muumambo hwaMwari.

32 Nokuti Johani akauya kwamuri kuti azokuratidzai nzira yokururama, mukasamutenda, asi vateresi nezvifeve vakatenda. Uye kunyange mushure mokunge maona izvi hamuna kutendeuka mukamutenda.

Mufananidzo waVarimi

33 “Inzwai mumwe mufananidzo. Kwakanga kuno mumwe murume akanga arima munda wake wemizambiringa. Akaukomberedza noruzhowa, akacherera chisviniro chewaini uye akavaka shongwe. Ipapo akasiya munda womuzambiringa kuvarimi vaimupa mari ndokuenda parwendo rurefu.

34 Nguva yokukohwa yakati yasvika, akatuma varanda vake kuvarimi vaya kuti vandotora zvibereko zvake.

35 “Varimi vakabata varanda vaya, vakarova mumwe, vakauraya mumwe, uye vakataka wechitatu namabwe.

36 Ipapo akatumazve vamwe varanda kwavari, vakawanda kupfuura vokutanga, varimi vakavaitira zvimwe chetezvo.

37 Pakupedzisira akatuma mwanakomana wake kwavari. Akati, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’

38 “Asi varimi pavakaona mwanakomana vakataurirana vakati, ‘Uyu ndiye mudyi wenhaka. Uyai timuuraye, tigotora nhaka yake.’

39 Saka vakamutora vakamubudisa kunze kwemunda wemizambiringa vakamuuraya.

40 “Naizvozvo, panouya muridzi womunda womuzambiringa achaiteiko kuvarimi avo?”

41 Vakapindura vakati, “Achaparadza varimi vakaipa ava, uye achapa munda womuzambiringa kuna vamwe varimi avo vachazomupa mugove wake wezvirimwa pakukohwa.”

42 Jesu akati kwavari, “Hamuna kutomborava here muMagwaro panoti:

“ ‘Ibwe rakarambwa navavaki

ndiro rakazova musoro wekona.

Ishe aita izvi,

uye zvinoshamisa pamberi pedu’?

43 “Naizvozvo ndinokuudzai kuti umambo hwaMwari huchatorwa kubva kwamuri huchipiwa kuvanhu vachabereka zvibereko zvahwo.

44 Uyo anowira pamusoro pebwe iri achavhunika kuita zvidimbu zvidimbu asi uyo warichawira achapwanyiwa.”

45 Vaprista vakuru navaFarisi pavakanzwa mifananidzo yaJesu, vakaziva kuti aitaura nezvavo.

46 Vakatsvaka nzira yokuti vamusunge nayo, asi vakatya vanhu vazhinji nokuti vakanga vachiti muprofita.

Categories
Mateo

Mateo 22

Mufananidzo woMutambo weSvitsa

1 Jesu akataurazve kwavari nemifananidzo achiti,

2 “Umambo hwokudenga hwakafanana namambo akagadzirira mwanakomana wake mutambo wesvitsa.

3 Akatuma varanda vake kuna avo vainge vakakokwa kumutambo kuti vachiuya, asi vakaramba kuuya.

4 “Ipapo akatumazve vamwe varanda achiti, ‘Taurirai vose vakakokwa kuti ndagadzirira mabiko: Ndabaya nzombe nemombe dzakakodzwa uye zvose zvagadzirirwa. Uyai kumutambo wesvitsa.’

5 “Asi hapana akateerera uye vakaenda mumwe kumunda wake, mumwewo kune rimwe basa rake.

6 Vamwe vavo vakabata varanda vake vakavaitira zvakaipa uye vakavauraya.

7 Mambo akatsamwa kwazvo. Akatuma hondo yake kundoparadza vaurayi vaya uye akapisa guta ravo.

8 “Ipapo akati kuvaranda vake, ‘Mutambo wesvitsa wagadzirirwa asi vaya vandakakoka vakanga vasingakodzeri kuti vauye.

9 Endai kumharadzano dzenzira mundokoka kumutambo ani zvake wamuchawana.’

10 Saka varanda vakaenda mumigwagwa vakandokokorodza vose vavakagona kuwana, vose vakanaka nevakaipa, uye imba yesvitsa ikazara navakanga vakokwa.

11 “Asi mambo akati apinda kuzoona vakanga vakokwa, akaona munhu imomo akanga asina nguo yesvitsa.

12 Akamubvunza akati, ‘Shamwari, wapinda seiko muno usina nguo yesvitsa?’ Munhu uya akashaya chokureva.

13 “Ipapo mambo akaudza varanda vake akati, ‘Musungei maoko namakumbo mumukande panze, murima, umo muchava nokuchema nokurumanya kwameno.’

14 “Nokuti vazhinji vakakokwa asi vakasarudzwa vashoma.”

Kuripa Mutero kuna Kesari

15 Ipapo vaFarisi vakabuda vakandoronga kuti vamubate namashoko ake.

16 Vakatuma vadzidzi vavo kwaari pamwe chete navaHerodhi. Vakati, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu akarurama uye kuti munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nechokwadi. Hamutsauswi navanhu nokuti hamutarisi kuti ndivanaani.

17 Tiudzei zvino kuti imi, munoti kudini? Zvakanaka here kutera mutero kuna Kesari kana kuti hazvina?”

18 Asi Jesu, achiziva kuipa kwavo, akati, “Imi vanyengeri munondiedzereiko?

19 Ndiratidzei mari inoshandiswa pakutera mutero.” Vakamuvigira dhenari

20 uye akavabvunza akati, “Ko, mufananidzo uyu ndowaani uye runyoro urwu ndorwaani?”

21 Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.”

Ipapo akati kwavari, “Ipai kuna Kesari zvaKesari, uye kuna Mwari zvaMwari.”

22 Vakati vanzwa izvi, vakashamiswa. Saka vakamusiya vakaenda.

Waniso paKumuka kwaVakafa

23 Pazuva rimwe chetero vaSadhusi, avo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya kwaari nomubvunzo.

24 Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatiudza kuti murume akafa asina vana mununʼuna wake anofanira kuwana chirikadzi agomuberekera vana.

25 Zvino pakati pedu paiva navanakomana vomunhu mumwe vanomwe. Wokutanga akawana mukadzi ndokubva iye afa, uye sezvo akanga asina vana, akasiyira mununʼuna wake mukadzi.

26 Zvimwe chetezvo zvakaitika kuno wechipiri nowechitatu kusvikira kuno wechinomwe.

27 Pakupedzisira mukadzi akazofawo.

28 Zvino pakumuka kwavakafa, achava mukadzi waaniko pavanomwe vaya sezvo vose vaiva varume vake?”

29 Jesu akavapindura akati, “Ndipo pamunorasika ipapo nokuti hamuzivi Magwaro kana simba raMwari.

30 Pakumuka kwavakafa vanhu havawani kana kuwanikwa, vachange vakaita savatumwa kudenga.

31 Asi pane zvokumuka kwavakafa, hamuna kuverenga here zvakarehwa naMwari kwamuri, achiti,

32 ‘Ndini Mwari waAbhurahama naMwari waIsaka naMwari waJakobho’? Haasi Mwari wavakafa asi wavapenyu.”

33 Vanhu vazhinji vakati vanzwa izvi, vakashamiswa nokudzidzisa kwake.

Murayiro Mukuru

34 Vanzwa kuti Jesu akanga akunda vaSadhusi, vaFarisi vakaungana pamwe chete.

35 Mumwe wavo aiva nyanzvi pane zvemirayiro akamuedza nomubvunzo achiti,

36 “Mudzidzisi, ndoupi murayiro mukuru muMurayiro?”

37 Jesu akapindura akati, “ ‘Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose nokufunga kwako kwose.’

38 Uyu ndiwo murayiro mukuru uye wokutanga.

39 Wechipiri wakafanana nawo unoti, ‘Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.’

40 Murayiro wose naVaprofita zvakabatanidzwa pamirayiro iyi miviri.”

Ko, Kristu Mwanakomana waani?

41 VaFarisi pavakanga vachakaungana pamwe chete, Jesu akavabvunza akati,

42 “Munofungei nezvaKristu? Mwana waani?”

Vakapindura vachiti, “Mwanakomana waDhavhidhi.”

43 Akati kwavari, “Ko, zvino sei Dhavhidhi achitaura noMweya akamuti, ‘Ishe’? Nokuti anoti,

44 “ ‘Ishe akati kuna Ishe wangu:

Gara kuruoko rwangu rworudyi,

kusvikira ndaisa vavengi vako

pasi petsoka dzako.’

45 Zvino kana Dhavhidhi achimuti, ‘Ishe’ angagova mwanakomana wake sei?”

46 Hapana akagona kutaura shoko rimwe, uye kubva pazuva iroro zvichienda mberi hapana akazoshinga kumubvunza mimwezve mibvunzo.

Categories
Mateo

Mateo 23

Jesu Anotuka Vanyori nevaFarisi

1 Ipapo Jesu akataura kuvanhu vazhinji nokuvadzidzi vake achiti,

2 “Vadzidzisi vomurayiro navaFarisi vagere pachigaro chaMozisi.

3 Saka munofanira kuvateerera muite zvinhu zvose zvavanokuudzai. Asi musaita zvavanoita, nokuti havaiti zvavanoparidza.

4 Vanosunga mitoro inorema voitakudza pamafudzi avanhu, asi ivo pachavo havadi kusimudza munwe kuti vaibvise.

5 “Vanoita zvinhu zvose kuti vaonekwe navanhu. Vanotambanudza mafirakiteri avo uye vanorebesa pfunha dzenguo dzavo.

6 Vanoda zvigaro zvapamberi pamitambo nezvigaro zvapamusoro-soro mumasinagoge.

7 Vanofarira kukwaziswa pamisika uye kuti vanzi ‘Rabhi’ navanhu.

8 “Asi imi hamufaniri kunzi ‘Rabhi’ nokuti munongova naTenzi mumwe chete uye mose muri hama.

9 Musadana ani zvake ari panyika muchiti, ‘Baba’ nokuti munongova naBaba vamwe chete uye vari kudenga.

10 Uye musadaidzwa muchinzi ‘mudzidzisi’ nokuti muno Mudzidzisi mumwe chete iye Kristu.

11 Mukuru pakati penyu ndiye achava muranda wenyu.

12 Nokuti ani naani anozvikudza achaninipiswa uye ani naani anozvininipisa achakudzwa.

13 “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopfigira vanhu umambo hwedenga vachizviona. Imi pachenyu hamupindi, uye vaya vanoedza kupinda hamuvatenderi.

14 Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Munoparadza dzimba dzechirikadzi, uye munoita minyengetero mirefu kuti muonekwe. Naizvozvo muchatongwa zvakaomesesa.

15 “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Munofamba panyika napamakungwa kuti mutendeutse munhu mumwe chete. Kana atendeuka munomuita mwanakomana wegehena kakapetwa kaviri panemi.

16 “Mune nhamo imi vatungamiri mapofu! Imi munoti, ‘Kana munhu akapika netemberi, hazvina hazvo mhosva, asi kana munhu akapika negoridhe romutemberi anosungwa nemhiko yake.’

17 Imi mapenzi amapofu! Chikuru chii: Goridhe netemberi inoita kuti goridhe rive dzvene?

18 Uyezve imi munoti, ‘Kana munhu upi zvake akapika nearitari hazvirevi chinhu, asi kana munhu upi zvake akapika nechipo chiri pairi, asungwa nemhiko yake.’

19 Imi mapofu! Chikuru chii: Chipo kana kuti aritari inoita kuti chipo chive chitsvene?

20 Naizvozvo, uyo anopika nearitari anopika nayo nezvose zviri pairi.

21 Uye uyo anopika netemberi anopika nayo uye naiye anogara mairi.

22 Uye uyo anopika nedenga anopika nechigaro choushe chaMwari uye naiye anogara pachiri.

23 “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munopa chegumi chezvose zvinonhuhwira zvinoti: mindi, anisi nekumini. Asi munoshaya hanya nezvinhu zvinokosha zvomurayiro zvinoti: kururamisira, ngoni nokutendeka. Maifanira kuita izviwo musingakanganwi zvokutanga.

24 Imi vatungamiri mapofu, munomimina nyunyu asi muchimedza ngamera.

25 “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munosuka mikombe nendiro kunze asi mukati menyu muzere namakaro nokusazvidzora.

26 Iwe bofu romuFarisi! Tanga wachenesa mukati momukombe nendiro, uye ipapo kunze kwazvo kuchachenawo.

27 “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Makafanana namakuva akacheneswa kunze anoratidzika kuva akanaka kunze asi mukati muzere mapfupa avanhu vakafa nezvinhu zvose zvine tsvina.

28 Nenzira imwe cheteyo, munoonekwa navanhu kunze semakarurama asi mukati menyu muzere nounyengeri uye nohuipi.

29 “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munovaka makuva avaprofita nokushongedza makuva avakarurama.

30 Uye moti, ‘Dai takanga tararama pamazuva amadzitateguru edu, tingadai tisina kubatsirana navo pakuteura ropa ravaprofita.’

31 Saka muri kuzvipupurira pachenyu kuti muri zvizvarwa zvaivavo vakaponda vaprofita.

32 Zvino chizadzisai chiyero chechivi chamadzitateguru enyu!

33 “Imi nyoka! Imi vana venyoka! Muchatiza seiko kutongwa kunokuendesai kugehena?

34 Naizvozvo ndiri kukutumirai vaprofita navachenjeri navadzidzisi. Vamwe vavo muchavauraya uye muchavaroverera pamuchinjikwa; vamwe muchavarova mumasinagoge enyu uye muchavadzingirira kubva kune rimwe guta kusvikira kune rimwe guta.

35 Uye nokudaro, ropa ravakarurama vose rakateurwa panyika richauya pamusoro penyu kubvira paropa raAbheri akanga akarurama kusvikira paropa raZekaria mwanakomana waBherekia uyo wamakauraya pakati petemberi nearitari.

36 Ndinokuudzai chokwadi kuti zvose izvi zvichava pamusoro porudzi urwu.

37 “Iwe Jerusarema, Jerusarema! Iwe unouraya vaprofita nokutaka namabwe avo vanotumirwa kwauri, kazhinji sei kandaidisa kuunganidza vana vako sezvinoita nhunzvi yehuku inounganidza hukwana dzayo pasi pamapapiro ayo.

38 Tarira, wasiyirwa imba yako yangova dongo.

39 Ndinokuudza kuti, hauchazondionizve kusvikira wati, ‘Akaropafadzwa anouya muzita raIshe.’ ”

Categories
Mateo

Mateo 24

Zviratidzo zvaMazuva Okupedzisira

1 Jesu akabuda mutemberi, uye paakanga achifamba kudaro, vadzidzi vake vakaswedera kwaari vakamuratidza dzimba dzetemberi.

2 Iye akati kwavari, “Muri kuona zvinhu izvi zvose here? Ndinokuudzai chokwadi kuti hakuna ibwe richasara pano riri pamusoro perimwe; ose achawisirwa pasi.”

3 Jesu akati agara paGomo reMiorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari voga vakati, “Tiudzei kuti zvinhu izvi zvichaitika rini, uye kuti chiratidzo chokuuya kwenyu nokuguma kwenyika chichava chei?”

4 Jesu akapindura akati, “Chenjerai kuti murege kunyengerwa nomunhu.

5 Nokuti vazhinji vachauya muzita rangu vachiti, ‘Ndini Kristu,’ uye vachinyengera vazhinji.

6 Muchanzwa nezvehondo uye neguhu rehondo, asi chenjerai kuti murege kuvhundutswa nazvo. Zvinhu zvakadaro zvinofanira kuitika asi kuguma kunenge kusati kwasvika.

7 Nokuti rudzi ruchamukira rumwe rudzi noumambo huchamukira humwe umambo. Kuchava nenzara nokudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakasiyana-siyana.

8 Asi zvose izvi mavambo okurwadziwa pakubereka.

9 “Ipapo muchaiswa kuna vanokutambudzai mugourayiwa, uye muchavengwa nendudzi dzose nokuda kwangu.

10 Panguva iyoyo vazhinji vachadzokera shure kubva pakutenda uye vachamukirana vagovengana,

11 uye vaprofita vazhinji venhema vachamuka uye vachanyengera vanhu vazhinji.

12 Nokuda kwokuwanda kwokusarurama, rudo rwavazhinji ruchatonhora.

13 Asi uyo achatsungirira kusvikira kumagumo, achaponeswa.

14 Uye vhangeri iri roumambo richaparidzwa munyika yose souchapupu kumarudzi ose, ipapo kuguma kuchasvika.

15 “Saka pamunoona ‘nyangadzi yokuparadza’ yakataurwa nomuprofita Dhanieri, imire panzvimbo tsvene, anoverenga ngaanzwisise,

16 ipapo vari muJudhea ngavatizire kumakomo.

17 Uyo ari padenga reimba yake ngaarege kuburuka kuti andotora chinhu chipi zvacho chiri mumba make.

18 Ari mumunda ngaarege kudzokera kundotora nguo yake.

19 Zvichaoma sei mumazuva iwayo kuvakadzi vane mimba navaya vanoyamwisa!

20 Nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuitika panguva yechando kana nomusi weSabata.

21 Nokuti ipapo pachava nenhamo huru isina kumbovapo kubva pakuvamba kwenyika kusvika zvino uye haizombovapozve.

22 Dai mazuva iwayo asina kutapudzwa, hapana munhu airarama, asi nokuda kwavasanangurwa, mazuva iwayo achatapudzwa.

23 Panguva iyoyo, mukanzwa munhu anoti kwamuri, ‘Tarirai, hoyu Kristu!’ kana kuti, ‘Hoyo Kristu,’ musazvitenda.

24 Nokuti kuchamuka vanaKristu venhema navaprofita venhema avo vachaita zviratidzo nezvishamiso kuti vanyengere kunyange navasanangurwa kana zvichigoneka.

25 Tarirai, ndafanokuudzai zvisati zvaitika.

26 “Saka kana munhu upi zvake akakuudzai kuti, ‘Tarirai uyo ari kurenje,’ musabuda kuti muendeko kana kuti akati, ‘Tarirai, ari mudzimba dzomukati,’ musazvitenda.

27 Sezvinoita mheni inopenya kumabvazuva ichionekwawo kumavirira, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana woMunhu.

28 Pose pano mutumbi ndipo pachaungana magora.

29 “Pakarepo shure kwokutambudzika kwamazuva iwayo,

“ ‘zuva richasviba,

uye mwedzi hauzovheneki;

nyeredzi dzichawa kubva kudenga,

namasimba omuchadenga achazungunuswa.’

30 “Ipapo chiratidzo choMwanakomana woMunhu chichaonekwa kudenga, uye ndudzi dzose dzenyika dzichachema. Vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya ari mumakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru.

31 Uye achatuma vatumwa vake nokurira kwehwamanda kukuru uye vachaunganidza vasanangurwa vake kubva kumhepo ina dzenyika, kubva kuno rumwe rutivi rwedenga kusvikira kuno rumwe.

32 “Zvino dzidzai chidzidzo ichi kubva pamuonde: Panopfava matavi awo uye mashizha awo otungira, munoziva kuti zhizha rava pedyo.

33 Saizvozvowo, nemiwo pamunoona zvinhu zvose izvi muzive kuti nguva yangu yava pedyo, yava pamusiwo.

34 Ndinokuudzai chokwadi kuti rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika.

35 Denga nenyika zvichapfuura asi mashoko angu haangatongopfuuri.

Musi neNguva hazvizivikanwi

36 “Hapana anoziva musi kana nguva kunyange vatumwa vokudenga kana Mwanakomana, asi Baba chete.

37 Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNoa, ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu.

38 Nokuti sapamazuva iwayo mafashamu asati auya, vanhu vaidya uye vachinwa, vaiwana nokuwanikwa kusvikira pazuva iro Noa akapinda muareka,

39 uye vakanga vasingazivi chinhu pamusoro pezvaizoitika kusvikira mafashamu avakukura vose. Ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu.

40 Varume vaviri vachange vari mumunda, mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa.

41 Vakadzi vaviri vachange vachikuya paguyo, mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa.

42 “Naizvozvo, garai makagadzirira nokuti hamuzivi zuva iro Ishe wenyu achauya naro.

43 Asi nzwisisai izvi: Dai muridzi weimba aiziva kuti inguva ipi yousiku ichauya mbavha, angadai airinda uye haaizotendera kuti imba yake ipazwe.

44 Naizvozvo nemiwo garai makagadzirira nokuti Mwanakomana woMunhu achauya nenguva yamusingamutarisiri.

45 “Ndiani zvino muranda akatendeka uye akachenjera uyo akaiswa natenzi wake kuti atarire varanda veimba yake kuti agovapa zvokudya panguva yakafanira?

46 Akaropafadzwa muranda uyo anowanikwa achiita izvozvo pakudzoka kwatenzi wake.

47 Ndinokuudzai chokwadi kuti achamugadza kuti ave mutariri wepfuma yake yose.

48 Asi ngatimboti muranda uyo akaipa uye oti mumwoyo make, ‘Tenzi wangu achange asipo kwenguva refu,’

49 uye ipapo otanga kurova vamwe varanda uye nokudya nokunwa nezvidhakwa.

50 Tenzi womuranda uyo achauya pazuva raasingatarisire napanguva yaasingazivi.

51 Achasvikomugura-gura agomuisa panzvimbo imwe chete navanyengeri apo pachava nokuchema nokurumanya kwameno.

Categories
Mateo

Mateo 25

Mufananidzo waVasikana Gumi

1 “Panguva iyoyo umambo hwokudenga huchange hwakafanana navasikana gumi, vakatora mwenje yavo vakabuda kundochingamidza chikomba.

2 Vashanu vavo vakanga vari mapenzi uye vashanu vavo vakanga vakachenjera.

3 Mapenzi vaya vakatora mwenje yavo asi havana kuisa mafuta mairi.

4 Kunyange zvakadaro, vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo pamwe chete nemwenje yavo.

5 Chikomba chakanonoka kusvika, vose vakabatwa nehope ndokuvata.

6 “Pava pakati pousiku vakanzwa mheremhere: ‘Chikomba chauya! Budai mumuchingamidze!’

7 “Ipapo vasikana vose vakamuka uye vakagadziridza mwenje yavo.

8 Mapenzi akati kuna vakachenjera, ‘Tipeiwo mamwe emafuta enyu; mwenje yedu yava kudzima.’

9 “Vakapindura vakati, ‘Kwete, zvimwe haangakwaniri isu nemi tose. Asi endai kuna vaya vanotengesa mafuta mugondozvitengera mamwe.’

10 “Asi vachiri munzira kundotenga mafuta, chikomba chakasvika. Vasikana vakanga vakagadzirira vakapinda naye mumutambo wesvitsa uye musuo ukapfigwa.

11 “Pashure vamwe vaya vakadzokawo. Vakati, ‘Ishe! Ishe! Tizarurireiwo musuo!’

12 “Asi akavapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi, handikuzivei.’

13 “Naizvozvo garai makagadzirira nokuti hamuzivi musi kana nguva.

Mufananidzo waMatarenda

14 “Zvakare, zvichaita somurume akabuda kuti afambe rwendo, akadana varanda vake akavachengetesa pfuma yake.

15 Kuno mumwe akapa matarenda mashanuemari, kuno mumwe matarenda maviri, uye kuno mumwe tarenda rimwe chete, mumwe nomumwe maererano nokugona kwake. Ipapo akaenda zvake parwendo rwake.

16 Murume akapiwa matarenda mashanu akaenda pakarepo akandoshandisa mari yake akawanazve mamwe mashanu.

17 Saizvozvo uya aiva namatarenda maviri akawana mamwe maviri.

18 Asi murume akanga apiwa tarenda rimwe chete akaenda akandochera gomba muvhu ndokuviga mari yatenzi wake.

19 “Shure kwenguva refu tenzi wavaranda vaya akadzoka akagadzirisa nezvemari idzi navo.

20 Murume akanga apiwa matarenda mashanu akauya namamwe mashanu, akati, ‘Tenzi, makandipa matarenda mashanu. Tarirai ndakawana mamwe mashanu.’

21 “Tenzi wake akapindura akati, ‘Waita zvakanaka iwe muranda akanaka, akatendeka! Wanga wakatendeka pazvinhu zvishoma; ndichakuita mutariri wezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro watenzi wako!’

22 “Murume akanga apiwa matarenda maviri akauyawo. Akati, ‘Tenzi makandipa matarenda maviri, tarirai ndakawanazve mamwe maviri.’

23 “Tenzi wake akapindura akati, ‘Waita zvakanaka, iwe muranda akanaka, akatendeka! Wanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuita mutariri wezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro watenzi wako!’

24 “Ipapo murume akanga apiwa tarenda rimwe chete akauya, akati, ‘Tenzi, ndakaziva kuti muri munhu akaoma, munokohwa pamusina kudyara uye munounganidza pamusina kukusha mbeu.

25 Nokudaro ndakatya ndikandocherera tarenda renyu muvhu. Tarirai, pfuma yenyu iyi.’

26 “Tenzi wake akapindura akati, ‘Iwe muranda akaipa, ano usimbe! Saka wakanga uchiziva zvako kuti ndinokohwa pandisina kudyara nokuunganidza pandisina kukusha mbeu?

27 Zvino ungadai wakachengetesa mari yangu kune vamabhangi kuitira kuti pakudzoka kwangu ndaizoiwana yabereka.

28 “ ‘Mutorerei tarenda iri mupe kune uyo ane matarenda gumi.

29 Nokuti wose anazvo achapiwa zvimwe, agova nezvakawanda kwazvo. Ani naani asina, kunyange nezvaanazvo achazvitorerwa.

30 Uye chikandai muranda uyo asingabatsiri kunze kurima, uko kuchava nokuchema nokurumanya kwameno.’

Makwai neMbudzi

31 “Mwanakomana woMunhu paanouya nokubwinya kwake, navatumwa vose, achagara pachigaro chake choushe mukubwinya kwokudenga.

32 Ndudzi dzose dzichaunganidzwa pamberi pake, achatsaura vanhu mumwe kubva kuno mumwe somufudzi anotsaura makwai kubva kumbudzi.

33 Achaisa makwai kurudyi rwake, uye mbudzi kuruboshwe rwake.

34 “Ipapo Mambo achati kuna avo vari kurudyi rwake, ‘Uyai imi makaropafadzwa naBaba vangu, mutore nhaka yenyu, umambo hwamakagadzirirwa kubva pakusikwa kwenyika.

35 Nokuti ndakanga ndine nzara mukandipa chokudya, ndakanga ndine nyota, mukandipa chokunwa, ndakanga ndiri mweni mukandipinza mumba,

36 ndakanga ndisina zvokupfeka mukandipfekedza, ndakanga ndichirwara mukandipepa, ndakanga ndiri mutorongo mukandishanyira.’

37 “Ipapo vakarurama vachamupindura vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara tikakupai chokunwa?

38 Takakuonai riniko muri mweni tikakupinzai mumba, kana musina zvokupfeka tikakupfekedzai?

39 Takakuonai riniko muchirwara kana muri mutorongo tikakushanyirai?’

40 “Mambo achapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi kuti, chose chamakaitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makachiitira ini.’

41 “Ipapo achati kune avo vari kuruboshwe rwake, ‘Ibvai kwandiri imi makatukwa mupinde mumoto usingadzimi wakagadzirirwa dhiabhori navatumwa vake.

42 Nokuti ndakanga ndine nzara mukasandipa chokudya, ndakanga ndine nyota, mukasandipa chokunwa,

43 ndakanga ndiri mweni mukasandipinza mumba, ndakanga ndisina zvokupfeka mukasandipfekedza, ndakanga ndichirwara uye ndiri mutorongo mukasandishanyira.’

44 “Naizvozvo vachapindura vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara kana mune nyota kana muri mweni kana musina zvokupfeka kana muchirwara kana muri mutorongo tikasakubatsirai?’

45 “Achapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi kuti, zvose zvamusina kuitira mumwe wavaduku ava, hamuna kuzviitira ini.’

46 “Ipapo vachaenda mukurangwa kusingaperi, asi vakarurama vachipinda muupenyu husingaperi.”

Categories
Mateo

Mateo 26

Vanorangana Kuuraya Jesu

1 Jesu akati apedza kutaura zvinhu zvose izvi, akati kuvadzidzi vake,

2 “Sezvamunoziva, Pasika yasarirwa namazuva maviri kuti isvike, uye Mwanakomana woMunhu achaendeswa kuti andorovererwa pamuchinjikwa.”

3 Ipapo vaprista vakuru navakuru vavanhu vakandoungana mumuzinda womuprista mukuru ainzi Kayafasi,

4 uye vakarangana kuti vasunge Jesu namano vagomuuraya.

5 Vakati, “Asi kwete panguva yoMutambo nokuti pangaita bope pakati pavanhu.”

Jesu Anozodzwa paBhetani

6 Jesu paakanga ari muBhetani mumba momurume ainzi Simoni waMaperembudzi,

7 mumwe mukadzi akauya kwaari nechinu chamafuta anonhuhwira, omutengo mukuru, akasvikoadururira pamusoro wake, agere patafura.

8 Vadzidzi vakati vachiona izvi, vakatsamwa uye vakati, “Kuparadza kwakadai kwaitirweiko?

9 Mafuta anonhuhwira aya angadai atengeswa nomutengo mukuru kwazvo uye mari yacho yapiwa varombo.”

10 Achiziva izvi, Jesu akati kwavari, “Munotambudzireiko mukadzi uyu? Andiitira chinhu chakanaka kwazvo.

11 Varombo munavo nguva dzose, asi ini hamuchava neni nguva dzose.

12 Paadira mafuta anonhuhwira pamuviri wangu, azviita kuti agadzirire kuvigwa kwangu.

13 Ndinokuudzai chokwadi kuti, kwose kwose kuchaparidzwa vhangeri iri munyika yose, zvaaita izvi zvichange zvichitaurwawo kuti vamurangarire nazvo.”

Judhasi Anobvuma Kutengesa Jesu

14 Ipapo mumwe wavane gumi navaviri, ainzi Judhasi Iskarioti, akaenda kuvaprista vakuru

15 akandobvunza achiti, “Muchandipei kana ndikamuuyisa kwamuri?” Saka vakamuverengera makumi matatu esirivha.

16 Kubva ipapo zvichienda mberi Judhasi akamirira mukana wokuti amuise kwavari.

Chirariro chaIshe

17 Pazuva rokutanga roMutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, vadzidzi vakauya kuna Jesu vakasvikomubvunza vachiti, “Ndokupi kwamunoda kuti tindokugadzirirai kuti mugodyira Pasika?”

18 Akavapindura akati, “Endai muguta kuno mumwe murume munosvikomuudza kuti, ‘Mudzidzisi anoti: Nguva yangu yakatarwa yava pedyo. Ndichapemberera Pasika navadzidzi vangu mumba mako.’ ”

19 Saka vadzidzi vakaita sokurayirwa kwavakanga vaitwa naJesu vakandogadzira Pasika.

20 Ava madekwana Jesu akagara patafura navane gumi navaviri.

21 Vari pakati pokudya akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti mumwe wenyu achandipandukira.”

22 Vakasuwa zvikuru uye vakatanga, mumwe nomumwe kuti, “Chokwadi, ndini here, Ishe?”

23 Jesu akapindura akati, “Munhu aisa ruoko neni mundiro, ndiye achandipandukira.

24 Mwanakomana woMunhu achaenda hake sokunyorwa kwazvakaitwa nezvake. Asi ane nhamo munhu uyo anopandukira Mwanakomana woMunhu! Zvingadai zvaiva nani kwaari dai asina kuberekwa.”

25 Zvino Judhasi uyo aizomupandukira akati, “Chokwadi, ndini here, Rabhi?”

Jesu akapindura akati, “Hongu, ndiwe.”

26 Vachiri kudya, Jesu akatora chingwa, akavonga akachimedura, uye akapa vadzidzi vake, achiti, “Torai mudye; uyu ndiwo muviri wangu.”

27 Ipapo akatora mukombe, akavonga uye akavapa achiti, “Inwai mose.

28 Iri iropa rangu resungano itsva rinodururirwa vazhinji kuti vagoregererwa zvivi zvavo.

29 Ndinokuudzai kuti, handichazonwi zvibereko zvomuzambiringa kubvira zvino kusvikira zuva iro randichazvinwa patsva nemi muumambo hwaBaba vangu.”

30 Vakati vaimba rwiyo, vakabuda vakaenda kuGomo reMiorivhi.

Jesu Anotaura kuti Petro Achamuramba

31 Ipapo Jesu akati kwavari, “Usiku huno imi mose muchatiza nokuti kwakanyorwa kuchinzi:

“ ‘Ndicharova mufudzi,

boka ramakwai rigopararira.’

32 Asi mushure mokunge ndamuka, ndichafanotungamira kuGarirea.”

33 Petro akapindura akati, “Kunyange vamwe vose vakatiza nokuda kwenyu, ini handizoiti izvozvo.”

34 Jesu akati, “Ndinokuudza chokwadi kuti usiku huno chaihwo, jongwe risati rarira uchandiramba katatu.”

35 Asi Petro akati kwaari, “Kunyange ndichifanira kufa nemi, handingatongokurambai.” Vamwe vadzidzi vose vakadarowo.

Jesu muGetsemani

36 Ipapo Jesu akaenda navadzidzi vake kunzvimbo inonzi Getsemani, uye akati kwavari, “Garai pano ini ndichienda apo kundonyengetera.”

37 Akatora Petro navanakomana vaZebhedhi vaviri akaenda navo, uye akatanga kusuwa, uye akatambudzika.

38 Ipapo akati kwavari, “Mweya wangu uri kushungurudzika kwazvo kusvika pakufa. Garai pano uye murinde pamwe chete neni.”

39 Akaenda mberi zvishoma, akawira pasi nechiso chake akanyengetera achiti, “Baba vangu, kana zvichibvira mukombe uyu ngaubviswe kwandiri. Asi kwete kuda kwangu asi kuda kwenyu.”

40 Ipapo akadzokera kuvadzidzi vake akavawana vavata. Akabvunza Petro achiti, “Varume, matadza kurinda neni kweawa imwe chete?

41 Rindai uye munyengetere kuti murege kupinda mukuedzwa. Mweya unoda, asi muviri wakaneta.”

42 Akaendazve kechipiri akanyengetera achiti, “Baba vangu, kana zvisingagoni kuti mukombe uyu ubviswe kwandiri kunze kwokutenge ndaunwa, kuda kwenyu ngakuitwe.”

43 Paakadzoka, akavawanazve vavata nokuti meso avo akanga azere nehope.

44 Saka akavasiya akaendazve uye akanyengetera kechitatu, achitaura zvimwe chetezvo.

45 Ipapo akadzokazve kuvadzidzi akati kwavari, “Muchakavata uye muchakazorora here? Tarirai, nguva yava pedyo, uye Mwanakomana woMunhu ari kupandukirwa achiiswa mumaoko avatadzi.

46 Simukai, ngatichiendai! Anondipandukira uya ouya!”

Kusungwa kwaJesu

47 Paakanga achiri kutaura kudaro, Judhasi, mumwe wevane gumi navaviri akasvika. Akauya navanhu vazhinji vakanga vakabata minondo netsvimbo, vakanga vatumwa navaprista vakuru navakuru vavanhu.

48 Zvino uya akamupandukira ainge avaudza chiratidzo achiti, “Uyo wandinotsvoda ndiye; mumusunge.”

49 Judhasi akaenda pakarepo kuna Jesu akati, “Kwaziwai, Rabhi!” uye akamutsvoda.

50 Jesu akamupindura achiti, “Shamwari, ita zvawavinga.”

Ipapo varume vakaswedera pedyo vakabata Jesu, vakamusunga.

51 Ipapo mumwe waavo vaiva naJesu akavhomora munondo wake ndokugura nzeve yomuranda womuprista mukuru.

52 Zvino Jesu akati kwaari, “Dzorera munondo wako mumuhara mawo, nokuti vose vanovhomora munondo vachafa nomunondo.

53 Unofunga kuti handigoni here kukumbira kuna Baba vangu, vakandipa iye zvino, vatumwa vanopfuura mapoka makuru gumi namaviri?

54 Asi Magwaro angagozadziswa sei anoti zvinofanira kuitika saizvozvo?”

55 Panguva iyoyo Jesu akati kuvanhu vazhinji vaivapo, “Ko, ndinotungamirira vapanduki here zvamauya neminondo netsvimbo kuzondibata? Mazuva ose ndaigara mutemberi ndichidzidzisa uye hamuna kundisunga.

56 Asi izvi zvose zvaitika kuti zvakanyorwa navaprofita zvizadziswe.” Ipapo vadzidzi vose vakamusiya uye vakatiza.

Jesu Pamberi peDare Guru

57 Vaya vakanga vasunga Jesu vakaenda naye kuna Kayafasi, muprista mukuru, uko kwakanga kwakaungana vadzidzisi vomurayiro navamwe vakuru.

58 Asi Petro akamutevera ari chinhambwe kusvikira paruvazhe rwomuprista mukuru. Akapinda akagara pasi pamwe chete navarindi kuti aone maperero azvo.

59 Vaprista vakuru nedare rose ramakurukota vakanga vachitsvaka zvapupu zvenhema kuti zvipomere Jesu mhosva kuti vamuuraye.

60 Asi havana zvavakawana, kunyange zvazvo zvapupu zvenhema zvakauya pamberi.

Pakupedzisira, vaviri vakauya

61 vakati, “Munhu uyu akati, ‘Ndinogona kuputsa temberi yaMwari ndigoivakazve namazuva matatu.’ ”

62 Ipapo muprista mukuru akasimuka akati kuna Jesu, “Ko, haupinduri here? Uchapupu uhu hunorehwa navarume ava pamusoro pako ndohwei?”

63 Asi Jesu akaramba anyerere.

Muprista mukuru akati kwaari, “Ndinokurayira, sezvo wapika naMwari mupenyu, kuti, ‘Tiudze kana uri iwe Kristu, Mwanakomana waMwari.’ ”

64 Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo zvamataura. Asi ndinoti kwamuri mose: Munguva inouya muchaona Mwanakomana woMunhu agere kurudyi rwaSamasimba uye achiuya ari mumakore okudenga.”

65 Ipapo muprista mukuru akabvarura nguo dzake akati, “Ataura zvinomhura. Tichagodirei zvimwe zvapupu? Tarirai, zvino manzwa kumhura kwake.

66 Munofungei nazvo?”

Vakapindura vachiti, “Anofanira kufa!”

67 Ipapo vakamusvipira mate kumeso uye vakamurova netsiva. Vamwe vakamurova nembama

68 uye vakati, “Profita kwatiri, Kristu. Ndiani akurova?”

Petro Anoramba Jesu

69 Zvino Petro akanga agere panze muruvazhe, uye mumwe muranda wechisikana akauya kwaari akati, “Newewo wakanga una Jesu weGarirea.”

70 Asi akaramba pamberi pavo vose achiti, “Handizivi zvauri kutaura nezvazvo.”

71 Ipapo akabuda akandomira pasuo apo paakaonekwa nomumwe musikana uyo akati kuvanhu vose vaivapo, “Murume uyu akanga ari pamwe chete naJesu weNazareta.”

72 Akarambazve, akapika achiti, “Murume uyu handimuzivi!”

73 Mushure mechinguva, vaya vakanga vamirepo vakaenda kuna Petro vakasvikoti, “Zvechokwadi uri mumwe wavo nokuda kwamatauriro ako.”

74 Ipapo akatanga kuzvituka uye akapika kwavari achiti, “Murume uyu handimuzivi!”

Pakarepo jongwe rakarira.

75 Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rataurwa naJesu rokuti: “Jongwe risati rarira uchandiramba katatu.” Ipapo akabuda kunze akandochema zvikuru.