Categories
Hosea

Hosea 4

Israeri inopiwa mhosva

1 Inzwai shoko raJehovha, imi vaIsraeri,

nokuti Jehovha ane mhosva yaari

kupa kwamuri imi vagere munyika:

“Hapana akatendeka, hapana ane rudo,

hapana anoziva Mwari munyika.

2 Mune kutuka chete, kunyengera nokuuraya,

kuba noupombwe;

vanoparadza zvose zvinovadzivisa,

uye kudeuka kweropa kunotevera kudeuka kweropa.

3 Nokuda kwaizvozvi nyika inochema,

navose vanogara mairi vanoperezeka.

Mhuka dzesango neshiri dzedenga

nehove dzegungwa zviri kufa.

4 “Asi ngapasava nomunhu anopa mhosva,

ngapasava nomunhu anopomera mumwe

nokuti vanhu venyu vakafanana neavo

vanopomera muprista mhaka.

5 Imi munogumburwa masikati nousiku,

uye vaprofita vanogumburwawo pamwe chete nemi.

Saka ndichaparadza mai venyu.

6 Vanhu vangu vanoparadzwa nokuda kwokushayiwa zivo.

“Sezvo maramba zivo,

ini ndinokurambaiwo savaprista vangu;

nokuti makashayira hanya murayiro waMwari wenyu,

ini ndichashayirawo hanya vana venyu.

7 Vaprista vakati vachiwanda,

kunditadzira kwavo kukawandawo;

vakatsinhanisa kukudzwa nechimwe chinhu chinonyadzisa.

8 Vanodya zvivi zvavanhu vangu

uye vachifarira zvakaipa zvavo.

9 Uye zvichaitika kuti: Zvakaita vanhu, ndizvo zvichaitawo vaprista.

Ndicharanga vose, nokuda kwenzira dzavo

uye ndichavapa mubayiro wamabasa avo.

10 “Vachadya asi havangaguti;

vachaita ufeve asi havangawandi,

nokuti vakatiza Jehovha kuti vazvipire

11 kuufeve,

newaini yakare neitsva,

zvinobvisa kunzwisisa

12 kwavanhu vangu.

Vanobvunza chifananidzo chedanda

uye vanopindurwa netsvimbo yomuti.

Mweya woufeve unovatungamirira mukurasika,

havana kutendeka kuna Mwari wavo.

13 Vanobayira pamusoro pamakomo

uye vanopisira zvinonhuhwira pazvikomo,

pasi pemiouki, mipopura nemiterebhini,

pane mimvuri yakanaka.

Naizvozvo vanasikana venyu vanotendeukira kuufeve

navaroora venyu kuupombwe.

14 “Handizorangi vanasikana venyu

pavanotendeukira kuufeve,

kana varoora venyu

pavanoita upombwe,

nokuti varume pachavo vanoenda kuzvifeve

uye vanobayira pamwe chete nezvifeve zvepashongwe,

vanhu vasinganzwisisi vachasvika pakuparadzwa.

15 “Kunyange uchiita upombwe, iwe Israeri,

usaita kuti Judha ave nemhosva.

“Usaenda kuGirigari;

usakwidza uchienda kuBheti Avheni.

Uye usapika uchiti, ‘Zvirokwazvo naJehovha mupenyu!’

16 VaIsraeri vakasindimara,

setsiru rakasindimara.

Zvino Jehovha achavafudza sei

samakwayana pamafuro?

17 Efuremu akabatana nezvifananidzo;

musiyei ari oga!

18 Kunyange zvokunwa zvavo pazvinenge zvapera,

vanoramba vachiita ufeve hwavo;

vatongi vavo vanoda kwazvo nzira dzinonyadzisa.

19 Chamupupuri chichavatsvairira kure,

uye zvibayiro zvavo zvichavaunzira kunyadziswa.

Categories
Hosea

Hosea 5

Kutongwa kweIsraeri

1 “Inzwai izvi, imi vaprista!

Teererai, imi vaIsraeri!

Teerera, iwe imba youmambo!

Ndiwe uri kutongwa:

Wakanga uri musungo paMizipa,

mumbure wakatambanudzwa paTabhori.

2 Vapanduki vari mushishi rokuuraya.

Ndichavaranga vose.

3 Ndinoziva zvose zviri pamusoro paEfuremu;

Israeri haina kuvanzika kwandiri.

Efuremu, watendeukira zvino kuufeve;

Israeri aora.

4 “Zviito zvavo hazvivatenderi

kudzokera kuna Mwari wavo.

Mweya woufeve uri mumwoyo yavo;

havazivi Jehovha.

5 Kuzvikudza kwaIsraeri kunovapa mhosva;

vaIsraeri, kunyange Efuremu, vanogumburwa muchivi chavo;

Judha anogumburwawo pamwe chete navo.

6 Pavachaenda namakwai nemombe dzavo

kundotsvaka Jehovha,

havazomuwani;

azvibvisa kwavari.

7 Havana kutendeka kuna Jehovha;

vanobereka vana voupombwe.

Zvino mitambo yavo yoKugara kwoMwedzi

ichavadya pamwe chete neminda yavo.

8 “Ridzai hwamanda paGibhea,

norunyanga paRama.

Ridzai mhere yehondo paBheti Avheni;

tungamira pamberi, iwe Bhenjamini.

9 Efuremu achaparadzwa

pazuva rokutongwa.

Pakati pamarudzi aIsraeri

ndinozivisa zvinhu zvechokwadi.

10 Vatungamiri vaJudha vakafanana neavo

vanobvisa mabwe omuganhu.

Ndichadurura hasha dzangu pavari

samafashamu emvura.

11 Efuremu adzvinyirirwa

atsikwa-tsikwa mukutongwa,

nokuti akada kutevera zvifananidzo.

12 Ndakafanana nechipfukuto kuna Efuremu,

sokuora kuvanhu veJudha.

13 “Efuremu paakaona kurwara kwake,

naJudha maronda ake,

Efuremu ndipo paakatendeukira kuAsiria,

akatuma nhume kuna mambo mukuru kundotsvaka rubatsiro.

Asi haagoni kukurapa,

haagoni kuporesa mavanga ako.

14 Nokuti ndichava seshumba kuna Efuremu,

seshumba huru kuna Judha.

Ndichavabvambura kuita zvidimbu zvidimbu ndigoenda;

ndichaenda navo pagoshaya anovarwira.

15 Mushure maizvozvo ndichadzokera kunzvimbo yangu,

kusvikira vabvuma mhosva yavo.

Uye vachatsvaka chiso changu;

pakutambudzika kwavo vachanditsvaka nomwoyo wose.”

Categories
Hosea

Hosea 6

Israeri inoramba kutendeuka

1 “Uyai tidzokere kuna Jehovha.

Akatibvambura kutiita zvidimbu zvidimbu,

asi achatiporesa;

akatikuvadza,

asi achasungazve mavanga edu.

2 Mushure mamazuva maviri achatimutsiridza;

pazuva rechitatu achatidzorazve,

kuti tirarame pamberi pake.

3 Ngatimuzivei iye Jehovha;

ngatishingairirei kumuziva.

Zvirokwazvo sokubuda kwezuva,

achaonekwa;

achauya kwatiri semvura yomuchando,

semvura yebumharutsva inodiridza nyika.”

4 “Ndichaiteiko newe, Efuremu?

Ndichaiteiko newe, Judha?

Rudo rwenyu rwakafanana nemhute yamangwanani,

sedova ramangwanani rinopera.

5 Naizvozvo ndinokugurai ndichikuitai zvidimbu zvidimbu navaprofita vangu,

ndakakuurayai namashoko omuromo wangu,

kutonga kwangu kwakapenya semheni kwamuri.

6 Nokuti ndinoda ngoni, kwete zvibayiro,

nokuziva Mwari kupfuura zvipiriso zvinopiswa.

7 SaAdhamu, vakaputsa sungano,

vakanga vasina kutendeka kwandiri ipapo.

8 Gireadhi iguta ravarume vakaipa,

rakasvibiswa norunyoro rwetsoka dzeropa.

9 Samakororo anovandira munhu,

ndizvo zvinoita boka ravaprista.

Vanouraya vanhu panzira inoenda kuShekemu,

vachipara mhosva dzinonyadzisa.

10 Ndakaona chinhu chakaipa kwazvo

muimba yaIsraeri.

Imomo Efuremu anoita ufeve

uye Israeri anosvibiswa.

11 “Nokwauriwo iwe, Judha,

kukohwa kwatarwa.

“Pose pandichadzorera maropafadzo avanhu vangu.

Categories
Hosea

Hosea 7

1 Pose pandinoda kuporesa Israeri,

zvivi zvaEfuremu zvinoiswa pachena

uye mhosva dzeSamaria dzinobudiswa pachena.

Vanoita zvounyengeri,

mbavha dzinopaza dzimba,

uye makororo anotorera vanhu zvinhu munzira;

2 asi havazivi kuti

ndinorangarira zvakaipa zvose zvavanoita.

Zvivi zvavo zvinovakomberedza;

zvinoramba zviri pamberi pangu nguva dzose.

3 “Vanofadza mambo nezvakaipa zvavo,

machinda nenhema dzavo.

4 Vose imhombwe,

vanopisa sechoto,

moto wacho usingadi mukanyi wechingwa kukuchidzira,

kubva pakukanywa kwebundu rechingwa kusvikira chafuta.

5 Pazuva romutambo wamambo wedu

machinda anorwara nokuda kwewaini,

uye iye akabatana navaseki.

6 Mwoyo yavo yakafanana nechoto;

vanouya kwaari nounyengeri,

ruchiva rwavo runonyeketa somoto usiku hwose;

mangwanani ruchizopfuta serimi romoto.

7 Vose zvavo vanopisa sechoto;

vanoparadza vatongi vavo.

Madzimambo avo ose anowira pasi,

uye hapana kana mumwe wavo anodana kwandiri.

8 “Efuremu anovhengana namarudzi;

Efuremu chingwa chitete chisina kushandurwa.

9 Vatorwa vakamusveta simba rake,

asi iye haazvizivi.

Bvudzi rake rava kuchena,

asi iye haazvicherechedzi.

10 Kuzvikudza kwaIsraeri kunomupupurira zvakaipa,

asi kunyange zvakadaro

haadzoki kuna Jehovha Mwari wake

kana kumutsvaka.

11 “Efuremu akaita senjiva,

inonyengereka zviri nyore uye isina njere,

zvino anodana kuIjipiti,

mushure anoenda kuAsiria.

12 Pavachaenda, ndichakandira mumbure pamusoro pavo;

ndichavakwevera pasi seshiri dzedenga.

Pandichavanzwa vachibhururuka pamwe chete,

ndichavabata.

13 Vane nhamo,

nokuti vakarasika vachibva kwandiri!

Ngavaparadzwe,

nokuti vakandipandukira!

Ndinoshuva kuvadzikinura,

asi vanondirevera nhema.

14 Havachemi kwandiri zvinobva pamwoyo yavo,

asi vanoungudza vari panhoo dzavo.

Vanounganira zviyo newaini itsva

asi vanondifuratira.

15 Ndakavadzidzisa ndikavasimbisa,

asi vanorangana kundiitira zvakaipa.

16 Havadzokeri kuna iye Wokumusoro-soro;

vakafanana nouta hunonyengera.

Vatungamiri vavo vachaparadzwa nomunondo,

nokuda kwamashoko avo ounhubu.

Nokuda kwaizvozvi vachasekwa

munyika yeIjipiti.

Categories
Hosea

Hosea 8

Israeri achakohwa chamupupuri

1 “Isa hwamanda pamuromo wako!

Gondo riri pamusoro pemba yaJehovha

nokuti vanhu vakaputsa sungano yangu

uye vakapandukira murayiro wangu.

2 VaIsraeri vanodana kwandiri vachiti,

‘Haiwa, Mwari wedu, tinokuzivai!’

3 Asi Israeri akaramba zvakanaka;

muvengi achamutevera.

4 Vanogadza madzimambo vasina kutenderwa neni;

vanosarudza machinda pasina mvumo yangu.

Vanozvigadzirira zvifananidzo nesirivha negoridhe ravo

kuti vagoparadzwa.

5 Rasira kunze chifananidzo chako chemhuru, iwe Samaria!

Kutsamwa kwangu kunopisa somoto pamusoro pavo.

Vachasvika kupiko vasingagoni kuzvichenesa?

6 Izvi zvinobva kuIsraeri!

Chimhuru ichi, chakagadzirwa nomupfuri,

hachisi Mwari.

Chichaputsika kuita zvimedu zvimedu,

icho chimhuru cheSamaria.

7 “Vanodyara mhepo

vachikohwa chamupupuri.

Dzinde harina kubereka;

haringabudisi upfu.

Dai raizobereka zviyo,

vatorwa vaizvimedza.

8 Israeri yamedzwa;

zvino yava pakati pendudzi

sechinhu chisina maturo.

9 Nokuti vakaenda kuAsiria

sembizi inongombeya yoga.

Efuremu akazvitengesa kuvadiwa.

10 Kunyange zvavo vakazvitengesa pakati pendudzi,

ndichavaunganidza zvino pamwe chete.

Vachatanga kuperezeka

pasi poudzvinyiriri hwamambo ane simba guru.

11 “Kunyange Efuremu akavaka aritari zhinji dzezvipiriso zvechivi,

idzi dzava aritari dzokuitira zvivi.

12 Ndakavanyorera zvinhu zvakawanda zvomurayiro wangu,

asi vakazvitora sezvinhu zvisinei navo.

13 Vanopa zvibayiro kwandiri

uye vodya nyama yacho,

asi Jehovha haafadzwi navo.

Zvino acharangarira uipi hwavo

uye acharanga zvivi zvavo:

Vachadzokera kuIjipiti.

14 Israeri akakanganwa Musiki wake

ndokuvaka mizinda;

Judha akomberedza maguta mazhinji namasvingo.

Asi ndichatumira moto pamaguta avo

uchaparadza masvingo avo.”

Categories
Hosea

Hosea 9

Israeri inorangwa

1 Rega kufara, iwe Israeri;

rega kupembera sezvinoita dzimwe ndudzi.

Nokuti hauna kunge wakatendeka kuna Mwari wako;

unofarira mubayiro wechifeve, pamapuriro ose.

2 Mapuriro nezvisviniro zvewaini hazvingagutsi vanhu.

Waini itsva ichavanyengera.

3 Havangarambi vari munyika yaJehovha;

Efuremu achadzokera kuIjipiti

agodya zvokudya zvakasvibiswa muAsiria.

4 Havangadiri zvipiriso zvewaini kuna Jehovha,

uye zvibayiro zvavo hazvingamufadzi.

Zvibayiro zvakadai zvichava kwavari sechingwa chavanochema;

vose vanozvidya vachava vakasvibiswa.

Zvokudya izvi zvichava zvavo;

hazvingaunzwi mutemberi yaJehovha.

5 Muchaiteiko pazuva rakatarwa remitambo yenyu,

pamazuva emitambo yaJehovha?

6 Kunyange dai vakapunyuka kubva pakuparadzwa,

Ijipiti ichavaunganidza,

uye Memufisi ichavaviga.

Matura avo esirivha achafukidzwa norukato,

uye minzwa ichamera mumatende avo.

7 Mazuva okurangwa ari kuuya,

mazuva okutsiva ava pedyo.

Israeri ngaazvizive izvi.

Nokuti zvivi zvako zvizhinji kwazvo

uye ukasha hwako hwakakura kwazvo.

Muprofita anoonekwa sebenzi,

nomurume ano mweya somunhu anopenga.

8 Muprofita, pamwe chete naMwari wangu,

ndiye nharirire yaEfuremu,

asi zvakadaro misungo yakamumirira panzira dzake dzose,

uye ruvengo muimba yaMwari wake.

9 Vanyura kwazvo kwazvo muhuori,

sapamazuva eGibhea.

Mwari acharangarira uipi hwavo

uye achavaranga nokuda kwezvivi zvavo.

10 “Pandakawana Israeri,

zvakanga zvakafanana nokuwana mazambiringa murenje;

pandakaona madzibaba enyu,

zvakanga zvakaita sokuona zvibereko zvokutanga pamuti womuonde.

Asi pavakauya kuBhaari Peori,

vakazvitsaura kuti vazviise kuchiumbwa ichocho chinonyadzisa,

vakava vasina maturo uye vakafanana nechinhu chavakada.

11 Kukudzwa kwaEfuremu kuchabhururuka seshiri,

pasina kubereka, pasina pamuviri, pasina kubata pamuviri.

12 Kunyange zvavo vakarera vana,

ndichavauraya vose mumwe nomumwe.

Vachava nenhamo

pandichavafuratira!

13 Ndakaona Efuremu, seTire,

akasimwa panzvimbo yakanaka.

Asi Efuremu achabudisa

vana vake kumuurayi.”

14 Vapei, imi Jehovha,

zvino muchavapeiko?

Vapei zvibereko zvinopfupfudzika

namazamu akaoma.

15 “Nokuda kwouipi hwavo hwose muGirigari,

ndakavavenga ikoko.

Nokuda kwamabasa avo akaipa,

ndichavadzinga kubva mumba mangu.

Handichazovadazve;

vatungamiri vavo vose vakapanduka.

16 Efuremu arohwa,

mudzi wavo wasvava,

havabereki chibereko.

Kunyange vakabereka vana,

ndichauraya vana vavo ivava vavanodisa.”

17 Mwari wangu achavaramba

nokuti havana kumuteerera;

vachava vadzungairi pakati pendudzi.

Categories
Hosea

Hosea 10

1 Israeri akanga ari muzambiringa unotanda;

akazviberekera zvibereko.

Zvibereko zvake pazvakawanda,

akavakawo aritari dzakawanda;

nyika yake payakabudirira,

akashongedzawo matombo ake anoera.

2 Mwoyo wavo unonyengera,

uye zvino vanofanira kutakura mhosva yavo.

Jehovha achaputsa aritari dzavo

uye achaparadza matombo avo akaereswa.

3 Ipapo vachati, “Hatina mambo

nokuti hatina kukudza Jehovha.

Asi kunyange taiva namambo,

angadai akatiitireiko?”

4 Vanovimbisa zvakawanda,

vanoita mhiko dzenhema

uye vanoita zvibvumirano;

naizvozvo mhosva dzinoendeswa kudare

dzinomera sebise rinouraya mumunda wakarimwa.

5 Vanhu vanogara muSamaria vanotyira

chifananidzo chemhuru chaBheti Avheni.

Vanhu vacho vachachichema,

ndizvo zvichaitawo vaprista vanonamata chifananidzo chacho;

ivavo vakafarira kukudzwa kwacho,

nokuti vachachitorerwa chigoendeswa kuutapwa.

6 Chichatakurwa chigoendeswa kuAsiria

somutero kuna mambo mukuru.

Efuremu achanyadziswa;

Israeri achanyarawo nokuda kwezvifananidzo zvakavezwa.

7 Samaria namambo wayo ichaeredzwa

sechimuti pamusoro pemvura.

8 Nzvimbo dzakakwirira dzouipi dzichaparadzwa,

ichi ndicho chivi chaIsraeri.

Minzwa norukato zvichamera

zvigofukidza aritari dzavo.

Ipapo vachati kumakomo, “Tifukidzei!”

nokuzvikomo, “Wirai pamusoro pedu!”

9 “Kubva pamazuva eGibhea, wakatadza, iwe Israeri,

uye ukarambirapo.

Hondo haina kukunda

vaiti vezvakaipa paGibhea here?

10 Nenguva yandinoda ndichavaranga;

ndudzi dzichaungana kuti dzivarwise

dzivaise muusungwa nokuda kwezvivi zvavo zviviri.

11 Efuremu itsiru rakapingudzwa

rinofarira kupura;

saka ndichaisa joko

pamutsipa waro wakanaka.

Ndichatinha Efuremu,

Judha anofanira kurima,

uye Jakobho anofanira kuputsa mavhinga acho.

12 Zvidyarirei kururama,

kohwai chibereko chorudo rusingaperi,

mugorima gombo renyu;

nokuti inguva yokutsvaka Jehovha,

kusvikira auya

kuzonayisa utsvene pamusoro penyu.

13 Asi makarima uipi,

mukacheka zvakaipa,

makadya zvibereko zvounyengeri,

nokuti makavimba nesimba renyu

uye navarwi venyu vakawanda,

14 kuomba kwehondo kuchamukira vanhu venyu,

zvokuti masvingo enyu ose achaparadzwa,

sokuparadzwa kwakaitwa Bheti Aribheri neSharimani pazuva rokurwa,

vanamai pavakapanhirwa pasi pamwe chete navana vavo.

15 Ndizvo zvichaitika kwauri, iwe Bheteri,

nokuti uipi hwako hukuru.

Kana zuva iroro roswedera,

mambo weIsraeri achaparadzwa zvachose.

Categories
Hosea

Hosea 11

Rudo rwaMwari kuna Israeri

1 “Israeri paakanga achiri muduku, ndaimuda,

uye ndakadana mwanakomana wangu kubva kuIjipiti.

2 Asi pandakanyanya kuvadana,

vakatonyanya kunditiza.

Vakabayira kuna vanaBhaari

uye vakapisira zvinonhuhwira kuzvifananidzo.

3 Ndini ndakadzidzisa Efuremu kufamba,

ndichivasesedza namaoko avo;

asi havana kuzvicherechedza

kuti ndini ndakavarapa.

4 Ndakavatungamirira nerwodzi rwounyoro hwomunhu,

nezvisungo zvorudo;

ndakasimudza joko kubva pamutsipa wavo

ndikakotama kuti ndivape zvokudya:

5 “Havangadzokerizve kuIjipiti

uye vaAsiria havangavatongi here

nokuti vakaramba kutendeuka?

6 Minondo ichapenya mumaguta avo,

ichaparadza mazariro pamasuo avo

uye ichagumisa zvirongwa zvavo.

7 Vanhu vangu vazvipira kutsauka vachibva kwandiri.

Kunyange dai vakadana kuna Iye Wokumusoro-soro,

haangatongovasimudziri kunyange nenzira ipi zvayo.

8 “Ndinokuregedza seiko, Efuremu?

Ndingakuendesa seiko, Israeri?

Ndingakuitireiko saAdhima?

Ndingakuenzanisa sei naZebhoimi?

Mwoyo wangu washanduka mukati mangu;

tsitsi dzangu dzose dzamutswa.

9 Handingazadzisi kutsamwa kwangu kukuru

kana kutendeuka kuti ndiparadze Efuremu.

Nokuti ndiri Mwari, kwete munhu,

Mutsvene pakati penyu.

Handingauyi ndakatsamwa.

10 Vachatevera Jehovha;

achaomba seshumba.

Paachaomba,

vana vake vachauya vachidedera vachibva kumadokero.

11 Vachauya vachidedera

seshiri vachibva kuIjipiti,

senjiva vachibva kuAsiria.

Ndichavagarisa mudzimba dzavo,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

Chivi chaIsraeri

12 Efuremu andikomberedza nenhema,

imba yaIsraeri nounyengeri.

Uye Judha akasindimara pamberi paMwari,

kunyange pamberi paIye Mutsvene Akatendeka.

Categories
Hosea

Hosea 12

1 Efuremu anodya mhepo;

anodzingana nemhepo yokumabvazuva zuva rose

uye anowedzera nhema pamwe chete nechisimba.

Anoita sungano neAsiria,

uye anoendesa mafuta omuorivhi kuIjipiti.

2 Jehovha ane mhaka yaanopa Judha;

acharanga Jakobho maererano nenzira dzake

uye achamupa mubayiro maererano namabasa ake.

3 Muchizvaro akabata chitsitsinho chomukoma wake;

somunhu akaita mutsimba naMwari.

4 Akaita mutsimba nomutumwa akamukurira;

akachema akakumbira kuti anzwirwe nyasha naye.

Akamuwana paBheteri

akataura naye ipapo,

5 Jehovha Mwari Wamasimba Ose,

Jehovha ndiro zita rake raane mukurumbira naro!

6 Asi unofanira kudzokera kuna Mwari wako;

chengetedza rudo nokururamisira,

uye umirire Mwari wako nguva dzose.

7 Mutengesi anoshandisa chiero chinonyengera;

anofarira kubiridzira.

8 Efuremu anozvikudza achiti,

“Ndakapfuma kwazvo; ndazova mupfumi chaiye.

Noupfumi hwangu hwose havangawani mandiri

chakaipa chipi zvacho kana chivi mukati mangu.”

9 “Ndini Jehovha Mwari wako,

akakubudisa kubva muIjipiti;

ndichakugarisazve mumatende,

sapamazuva emitambo yakatarwa.

10 Ndakataura kuvaprofita,

ndikavapa zviratidzo zvizhinji

uye ndikataura mifananidzo kubudikidza navo.”

11 Ko, Gireadhi yakaipa here?

Vanhu vayo havana maturo!

Vanobayira nzombe here paGirigari?

Aritari dzavo dzichava semirwi yamatombo

mumunda wakarimwa.

12 Jakobho akatizira kunyika yeAramu;

Israeri akashandira kuti awane mukadzi,

uye kuti amuwane akafudza makwai.

13 Jehovha akashandisa muprofita

kuti abudise Israeri kubva muIjipiti,

nomuprofita akavachengeta.

14 Asi Efuremu akamutsamwisa zvikuru kusvikira ashatirwa;

Ishe wake achaisa paari mhosva dzake dzokudeura ropa

uye achamupa mubayiro wokuzvidza kwake.

Categories
Hosea

Hosea 13

Kutsamwa kwaJehovha pamusoro peIsraeri

1 Efuremu akati ataura, vanhu vakadedera;

iye akakudzwa muIsraeri.

Asi akava nemhosva yokunamata Bhaari uye akafa.

2 Zvino vanoramba vachingotadza;

vanozviitira zvifananidzo zvakaumbwa nesirivha yavo,

zviri zvifananidzo zvakaumbwa nenjere dzavo,

zvose ari mabasa emhizha.

Pamusoro pavanhu ava zvinonzi,

“Vanobayira zvibayiro zvevanhu

uye vanotsvoda zviumbwa zvemhuru.”

3 Naizvozvo vachava semhute yamangwanani,

sedova rinokurumidza kupera,

sehundi inopeperetswa kubva paburiro,

soutsi hunobuda napawindo.

4 “Asi ndini Jehovha Mwari wako,

akakubudisa kubva muIjipiti.

Haungazovi nomumwe Mwari kunze kwangu;

kana mumwe Muponesi kunze kwangu.

5 Ndakakuchengeta murenje,

munyika inopisa kwazvo.

6 Pandakavapa zvokudya, vakaguta;

vakati vaguta, vakazvikudza

ipapo vakandikanganwa.

7 Saka ndichauya kwavari seshumba,

ndichavagarira panzira sembada,

8 Sebere ratorerwa vana varo,

ndichavarwisa ndigovabvarura.

Seshumba ndichavaparadza;

chikara chesango chichavabvambura.

9 “Waparadzwa iwe Israeri,

nokuti unondirwisa, uchirwisa mubatsiri wako.

10 Mambo wako aripiko, kuti zvimwe angakuponesa?

Vatongi vako varipiko mumaguta ako ose,

avo vawakati, ‘Ndipei mambo namachinda’?

11 Saka mukutsamwa kwangu ndakakupa mambo,

uye muhasha dzangu ndakamubvisa.

12 Mhosva dzaEfuremu dzakaunganidzwa pamwe chete,

zvivi zvake zvakachengetedzwa muzvinyorwa.

13 Kurwadziwa sekwomukadzi anosununguka kunosvika kwaari,

asi uyu mwana asina uchenjeri;

kana nguva dzasvika, haauyi kumusuo wechizvaro.

14 “Ndichavadzikinura kubva pasimba reguva;

ndichavadzikinura kubva parufu.

Dziripiko hosha dzako, nhai rufu?

Kuripiko kuparadza kwako, nhai guva?

“Handingazovi netsitsi,

15 kunyange akabudirira pakati pamadzikoma ake.

Mhepo yokumabvazuva yaJehovha ichauya,

ichivhuvhuta ichibva kurenje;

chitubu chake chichapwa

uye tsime rake richaoma.

Dura rake richapambwa

zvose zvinokosha zviri mariri.

16 Vanhu veSamaria vanofanira kutakura mhaka yavo,

nokuti vakamukira Mwari wavo.

Vachaparadzwa nomunondo;

vacheche vavo vacharoverwa pasi.

Vakadzi vavo vane mimba vachatumburwa.”