Categories
Mapisarema

Mapisarema 138

Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, nomwoyo wangu wose;

ndichaimba nziyo dzokukurumbidzai pamberi pa“vamwari.”

2 Ndichakotamira pasi ndakatarisa kutemberi yenyu tsvene,

uye ndicharumbidza zita renyu

nokuda kworudo rwenyu nokutendeka kwenyu,

nokuti makakudza zita renyu

neshoko renyu pamusoro pezvinhu zvose.

3 Pandakadana, imi makandipindura;

makandishingisa nomwoyo wakasimba.

4 Madzimambo ose enyika ngaakurumbidzei, imi Jehovha,

pavanonzwa mashoko omuromo wenyu.

5 Ngavaimbe pamusoro penzira dzaJehovha, nokuti kubwinya kwaJehovha kukuru.

6 Kunyange Jehovha ari kumusoro, anoona vanozvininipisa,

asi vanozvikudza anovaziva vari kure.

7 Kunyange ndikafamba pakati penhamo,

munochengetedza upenyu hwangu;

munotambanudza ruoko rwenyu pamusoro pehasha dzavavengi vangu,

munondiponesa noruoko rwenyu rworudyi.

8 Jehovha achazadzisa zvirongwa zvake neni;

rudo rwenyu, imi Jehovha, runogara nokusingaperi,

musasiya mabasa amaoko enyu.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 139

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Haiwa Jehovha, makandinzvera

uye munondiziva.

2 Munoziva nguva yandinogara neyandinosimuka;

munonzwisisa pfungwa dzangu muri kure.

3 Munonzvera kubuda kwangu nokuvata kwangu pasi;

munoziva nzira dzangu dzose.

4 Shoko risati rava parurimi rwangu,

tarirai, imi Jehovha, munoriziva rose.

5 Munondikomberedza shure nemberi;

makaisa ruoko rwenyu pamusoro pangu.

6 Kuziva kwakadai kunondishamisa,

kwakanyanya kukwirira zvokuti handingasvikiri.

7 Ndingaendepiko kuti ndibve paMweya wenyu?

Ndingatizirepiko kuti ndibve pamberi penyu?

8 Kana ndikakwira kumatenga, imi muriko;

kana ndikawarira mubhedha wangu kwakadzika, imi muriko.

9 Kana ndikasimuka namapapiro amambakwedza,

kana ndikandogara kumagumo egungwa,

10 kunyange ipapo ruoko rwenyu runondisesedza,

ruoko rwenyu rworudyi runondimbundikira.

11 Kana ndikati, “Zvirokwazvo rima richandivanza,

uye chiedza chinondikomberedza chichava usiku kwandiri,”

12 kunyange rima haringavi rima kwamuri;

usiku huchapenya samasikati,

nokuti rima rakaita sechiedza kwamuri.

13 Nokuti imi makasika zvomukatikati mangu;

makandiruka ndiri mudumbu ramai vangu.

14 Ndinokurumbidzai nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa uye unoshamisa;

mabasa enyu anoshamisa,

ndinonyatsozviziva kwazvo.

15 Mapfupa angu akanga asina kuvanzika kwamuri,

pandakanga ndaiswa munzvimbo yakavanda.

Pandakarukwa ndiri pakadzika penyika,

16 meso enyu akaona muviri usati waumbwa.

Mazuva ose andakarongerwa

akanga akanyorwa mubhuku renyu,

rimwe rawo risati ravapo.

17 Mirangariro yenyu inokosha sei kwandiri, imi Mwari!

Yakakura sei pakuverengwa kwayo!

18 Dai ndaiverenga,

ingadai yaikunda tsanga dzejecha pakuwanda.

Pandinopepuka,

ndinenge ndinemi.

19 Dai mukangouraya vakaipa, imi Mwari!

Endai kure neni, imi vanhu vokuteura ropa!

20 Ivo vanotaura nemi nomurangariro wakaipa;

vadzivisi venyu vanoshandisa zita renyu zvakaipa.

21 Ko, ini handivengi vanokuvengai here, imi Jehovha,

nokusema vaya vanokumukirai?

22 Handina chimwe chinhu asi kuvavenga ivo;

ndinovati vavengi vangu.

23 Ndinzverei, imi Mwari, mugoziva mwoyo wangu;

ndiedzei mugoziva kushuva kwendangariro dzangu.

24 Muone kana musina nzira yakaipa mandiri,

mugondifambisa munzira isingaperi.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 140

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndirwirei, imi Jehovha, pavanhu vakaipa;

ndidzivirirei pavanhu vanoita nechisimba.

2 Ivo vanofunga urongwa hwakaipa mumwoyo yavo,

uye vanomutsa hondo mazuva ose.

3 Vanorodza ndimi dzavo kuti dzipinze sedzenyoka;

uturu hwenyoka yechiva huri pamiromo yavo.Sera

4 Ndichengetei, imi Jehovha, kubva mumaoko avakaipa;

ndidzivirirei pavanhu vanoita nechisimba

vanoronga kupinga tsoka dzangu.

5 Vanhu vanozvikudza vakandivanzira misungo;

vakatambanudza mabote emimbure yavo

uye vakateya ugombe munzira yandinofamba nayo.Sera

6 Haiwa Jehovha, ndinoti kwamuri, “Ndimi Mwari wangu.”

Haiwa Jehovha, inzwai kuchemera nyasha kwangu.

7 Haiwa Ishe Jehovha, imi mudzikinuri wangu ane simba,

anofukidza musoro wangu pazuva rehondo,

8 regai kupa vakaipa zvavanoda, imi Jehovha;

musarega urongwa hwavo huchibudirira,

kuti varege kuzvikudza.Sera

9 Misoro yaavo vakandipoteredza

ngaifukidzwe nenhamo yakaparwa nemiromo yavo.

10 Mazimbe anopfuta ngaawire pamusoro pavo;

ngavakandwe mumoto,

mumakomba amatope, vasambomukazve.

11 Vane makuhwa ngavarege kusimbiswa panyika;

njodzi ngaivhime vanhu vanoita zvinhu nechisimba.

12 Ndinoziva kuti Jehovha akachengetera varombo kururamisirwa kwavo,

uye anotsigira vanoshayiwa pamhaka dzavo.

13 Zvirokwazvo vakarurama vacharumbidza zita renyu,

uye vakarurama vachagara pamberi penyu.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 141

Pisarema raDhavhidhi.

1 Haiwa Jehovha, ndinodana kwamuri; kurumidzai kuuya kwandiri.

Inzwai inzwi rangu pandinodana kwamuri.

2 Munyengetero wangu ngauiswe pamberi penyu sezvinonhuhwira;

kusimudzwa kwamaoko angu ngakuite sechibayiro chamadekwana.

3 Isai murindi pamuromo wangu, imi Jehovha;

chengetai mukova wemiromo yangu.

4 Mwoyo wangu ngaurege kukweverwa kune zvakaipa,

kuti ndiitewo mabasa akaipa

navanhu vanoita zvakaipa;

ngandirege kudya zvinozipa zvavo.

5 Akarurama ngaandirove, ndidzo tsitsi;

ngaanditsiure, ndiwo mafuta pamusoro wangu.

Musoro wangu hauzorambi izvozvo.

Asi munyengetero wangu unorwisa mabasa avaiti vezvakaipa nguva dzose.

6 Vatongi vavo vachakandwa kumawere,

uye vakaipa vachadzidza kuti mashoko angu akanga akanaka kwazvo.

7 Ivo vachati, “Sezvinoita anorima achiparura pasi,

saizvozvo mapfupa edu akaparadzirwa pamuromo weguva.”

8 Asi meso angu anotarira kwamuri, imi Ishe Jehovha;

ndinotizira kwamuri, regai kundiisa kurufu.

9 Ndichengetei pamisungo yavakanditeya nayo,

napaugombe hwakadzikwa navaiti vezvakaipa.

10 Vakaipa ngavawire mumimbure yavo,

ini ndichipfuura napo norugare.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 142

Masikiri raDhavhidhi. Paakanga ari mubako. Munyengetero.

1 Ndinodanidzira nenzwi guru kuna Jehovha;

ndinosimudzira inzwi rangu kuna Jehovha, kuti andinzwire nyasha.

2 Ndinodurura kugununʼuna kwangu pamberi pake;

ndinotaura nhamo dzangu pamberi pake.

3 Mweya wangu paunoziya mandiri,

imi ndimi munoziva nzira yangu.

Munzira mandinofamba,

vanhu vakandivanzira misungo.

4 Tarirai kurudyi rwangu mugoona;

hakuna ane hanya neni.

Handina utiziro;

hakuna ane hanya noupenyu hwangu.

5 Ndinochema kwamuri, imi Jehovha; ndinoti,

“Ndimi utiziro hwangu,

nomugove wangu munyika yavapenyu.”

6 Teererai kuchema kwangu,

nokuti ndiri pakushayiwa kukuru;

ndinunurei kuna avo vanondidzinganisa,

nokuti vanondikurira simba.

7 Ndibudisei mutorongo,

kuti ndirumbidze zita renyu.

Ipapo vakarurama vachandipoteredza

nokuda kwokunaka kwenyu kwandiri.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 143

Pisarema raDhavhidhi.

1 Haiwa Jehovha, inzwai munyengetero wangu,

ndinzwirei ngoni pakuchema kwangu;

uyai mundisunungure nokutendeka

uye nokururama kwenyu.

2 Musauyisa muranda wenyu mukutongwa,

nokuti hakuna mupenyu akarurama pamberi penyu.

3 Muvengi anondidzinganisa,

anondirovera pasi;

anondiita kuti ndigare murima

savaya vakafa kare.

4 Saizvozvo mweya wangu unoziya mukati mangu;

mwoyo wangu unovhundutswa mukati mangu.

5 Ndinorangarira mazuva akare kare;

ndinofungisisa pamusoro pamabasa enyu ose,

uye ndinofunga zvakaitwa namaoko enyu.

6 Ndinotambanudzira maoko angu kwamuri;

mweya wangu unokushuvai senyika yakaoma.Sera

7 Haiwa Jehovha, kurumidzai kundipindura;

mweya wangu woziya.

Regai kundivanzira chiso chenyu

nokuti ndingazova savaya vakaburukira mugomba.

8 Mangwanani ngaandivigire shoko rorudo rwenyu rusingaperi,

nokuti ndinovimba nemi.

Ndiratidzei nzira yandinofanira kufamba nayo,

nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri.

9 Ndinunurei kubva kuvavengi vangu, imi Jehovha,

nokuti ndinozvivanza mamuri.

10 Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu,

nokuti muri Mwari wangu;

mweya wenyu wakanaka

ngaunditungamirire panzira yakati chechetere.

11 Haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu nokuda kwezita renyu;

ndibudisei panhamo, mukururama kwenyu.

12 Nyaradzai vavengi vangu, murudo rwenyu rusingaperi;

paradzai vavengi vangu vose,

nokuti ndiri muranda wenyu.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 144

Pisarema raDhavhidhi.

1 Jehovha Dombo rangu ngaarumbidzwe,

iye anodzidzisa

maoko angu kurwa.

2 Ndiye Mwari anondida uye nhare yangu,

shongwe yangu nomudzikinuri wangu,

nenhoo yangu uye ndinovanda maari,

iye anoisa marudzi pasi pangu.

3 Haiwa Jehovha, munhu chiiko zvamune hanya naye?

Kana mwanakomana womunhu zvamunomufunga?

4 Munhu akafanana nomweya wokufema;

mazuva ake akaita somumvuri unopfuura.

5 Zarurai matenga enyu, imi Jehovha, uye muburuke;

batai makomo, kuti apfungaire utsi.

6 Tumirai mheni mugoparadzira vavengi;

pfurai miseve yenyu mugovapedza.

7 Tambanudzai ruoko rwenyu kubva kumusoro;

ndirwirei uye mundinunure

kubva pamvura zhinji ine simba,

kubva mumaoko avatorwa

8 vane miromo izere nenhema,

maoko avo orudyi anonyengera.

9 Haiwa Mwari, ndichakuimbirai rwiyo rutsva;

ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza nomutengeranwa une hungiso gumi,

10 iye anopa kukunda kumadzimambo,

anorwira muranda wake Dhavhidhi kubva pamunondo unouraya.

11 Ndirwirei uye mundinunure

kubva pamaoko avatorwa,

vane miromo izere nenhema,

vane maoko orudyi anonyengera.

12 Ipapo vanakomana vedu pauduku

hwavo vachava semiti yakakura zvakanaka,

uye vanasikana vedu vachava sembiru dzakavezwa

kuti dzishongedze muzinda wamambo.

13 Matura edu achazadzwa

nemhando dzose dzezviyo.

Makwai edu achawanda nezviuru,

nezviuru gumi mumafuro edu;

14 nzombe dzedu dzichatakura mitoro inorema.

Hapachazova nokuputswa kwamasvingo,

hapachazova nokuenda kuutapwa,

hapachazova nokuchema nenhamo, munzira dzedu dzomumisha.

15 Vakaropafadzwa vanhu avo vachaitirwa saizvozvi;

vakaropafadzwa vanhu avo vana Jehovha Mwari wavo.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 145

Pisarema rokurumbidza, raDhavhidhi.

1 Ndichakukudzai, Mwari wangu Mambo;

ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi-peri.

2 Ndichakurumbidzai mazuva ose,

uye ndichakudza zita renyu nokusingaperi-peri.

3 Jehovha mukuru uye akafanira kurumbidzwa;

ukuru hwake hahunganzverwi nomunhu.

4 Rumwe rudzi rucharumbidza mabasa enyu kuno rumwe;

vachareva zvamabasa enyu esimba.

5 Vachataura nezvokunaka kwokubwinya kwoumambo hwenyu,

uye ndichafungisisa pamusoro pemabasa enyu anoshamisa.

6 Vanhu vachataura nezvesimba ramabasa enyu anotyisa,

uye ndichaparidza mabasa enyu makuru.

7 Vachapemberera kuwanda kwokunaka kwenyu,

uye vachaimba nomufaro pamusoro pokururama kwenyu.

8 Jehovha ane nyasha uye ane tsitsi,

anononoka kutsamwa uye azere norudo.

9 Jehovha akanaka kuna vose;

uye ane nyasha pamusoro pezvose zvaakaita.

10 Zvose zvamakaita zvichakurumbidzai, imi Jehovha;

vatsvene venyu vachakukudzai.

11 Vachataura nezvokubwinya kwoumambo hwenyu,

uye vachataura nezvesimba renyu,

12 kuitira kuti vanhu vose vazive nezvamabasa enyu makuru,

nokunaka kwokubwinya kwoumambo hwenyu.

13 Umambo hwenyu umambo hwokusingaperi,

uye ushe hwenyu hunogara kusvikira kuzvizvarwa zvose.

Jehovha akatendeka pavimbiso dzake dzose,

uye ane rudo kuzvinhu zvose zvaakaita.

14 Jehovha anotsigira vose vanowa,

uye anosimudza vose vakakotamiswa pasi.

15 Meso avose anotarira kwamuri,

uye munovapa zvokudya zvavo nenguva yakafanira.

16 Munozarura ruoko rwenyu, uye munogutsa zvisikwa zvipenyu zvose nezvazvinoda.

17 Jehovha akarurama panzira dzake dzose, uye ane rudo kuzvinhu zvose zvaakaita.

18 Jehovha ari pedyo navose vanodana kwaari, kuna vose vanodana kwaari muchokwadi.

19 Anozadzisa zvido zvaavo vanomutya;

anonzwa kuchema kwavo uye anovaponesa.

20 Jehovha anochengeta vose vanomuda,

asi achaparadza vakaipa vose.

21 Muromo wangu uchataura kurumbidzwa kwaJehovha.

Zvisikwa zvose ngazvirumbidze zita rake dzvene

nokusingaperi-peri.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 146

1 Rumbidza Jehovha.

Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu.

2 Ndicharumbidza Jehovha mazuva ose oupenyu hwangu;

ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiri mupenyu.

3 Regai kuvimba namachinda,

navanhu vanofa, vasingagoni kuponesa.

4 Mweya yavo painoenda, ivo vanodzokera kuvhu;

pazuva racho iroro urongwa hwavo hunova pasina.

5 Akaropafadzwa munhu uyo ano mubatsiri wake Mwari waJakobho,

tariro yake iri muna Jehovha Mwari wake,

6 Muiti wedenga nenyika,

gungwa uye nezvose zviri mariri, iye Jehovha,

anogara akatendeka nokusingaperi.

7 Anomiririra zvinodiwa nevakadzvinyirirwa,

uye anopa zvokudya vane nzara.

Jehovha anosunungura vasungwa.

8 Jehovha anosvinudza mapofu,

Jehovha anosimudza avo vakakotamiswa pasi,

Jehovha anoda vakarurama.

9 Jehovha anorinda vatorwa

uye anoriritira nherera nechirikadzi,

asi anokonesa nzira dzavakaipa.

10 Jehovha anotonga nokusingaperi,

Mwari wako, iwe Zioni, kuzvizvarwa zvose.

Rumbidza Jehovha.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 147

1 Rumbidzai Jehovha.

Zvakanaka sei kuimbira Mwari wedu nziyo dzokurumbidza,

zvinofadza uye zvakafanira sei kumurumbidza!

2 Jehovha anovaka Jerusarema;

anounganidza vakadzingwa vaIsraeri.

3 Anoporesa vane mwoyo yakaputsika,

uye anosunga maronda avo.

4 Anotara kuwanda kwenyeredzi,

anodana imwe neimwe nezita rayo.

5 Ishe wedu mukuru uye ane simba guru;

kunzwisisa kwake hakuperi.

6 Jehovha anotsigira vanozvininipisa,

asi anowisira pasi vakaipa.

7 Imbirai Jehovha nokuvonga;

muimbire Mwari wedu nziyo dzokurumbidza nembira.

8 Anofukidza denga namakore;

anopa nyika mvura,

uye anomeresa uswa pazvikomo.

9 Anopa mombe zvokudya

navana vamakunguo pavanochema.

10 Mufaro wake hausi musimba rebhiza,

uye mufaro wake hausi pamakumbo omunhu;

11 Jehovha anofadzwa naavo vanomutya,

vanoisa tariro yavo parudo rwake rusingaperi.

12 Kudza Jehovha, iwe Jerusarema;

rumbidza Mwari wako, iwe Zioni,

13 nokuti anosimbisa mazariro amasuo ako,

uye anoropafadza vanhu vako vari mauri.

14 Anopa rugare pamiganhu yako,

uye anokugutsa nezviyo zvakaisvonaka.

15 Anotuma murayiro wake kunyika;

shoko rake rinomhanya kwazvo.

16 Anowarira chando samakushe amakwai,

uye anoparadzira chando samadota.

17 Anokanda chimvuramabwe pasi sezvimedu.

Ndianiko angamira kana chando chake charova?

18 Anotuma shoko rake rigozvinyungudisa;

anomutsa mhepo yake, mvura zhinji igoerera.

19 Akazarurira Jakobho shoko rake,

mirayiro yake nezvirevo zvake kuna Israeri.

20 Haana kumboita izvi kuno rumwe rudzi;

havazivi mirayiro yake.

Rumbidzai Jehovha.