Categories
Mapisarema

Mapisarema 58

Kumutungamiri wokuimba namaimbiro okuti, “Musaparadza.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami.

1 Ko, imi vatongi munotaura mukururama here?

Munotonga pakati pavanhu nokururamisira here?

2 Kwete, munofunga kusaruramisira mumwoyo menyu,

uye maoko enyu anomanikidza panyika.

3 Kunyange kubvira pakuberekwa, vakaipa vanofamba mukutsauka;

kubva mudumbu ramai, vakaipa uye vanoreva nhema.

4 Uturu hwavo hwakaita souturu hwenyoka,

vakafanana nemhakure yadzivira nzeve dzayo,

5 isingateereri maimbiro enʼanga

kunyange zvazvo achiimba nouchenjeri hukuru.

6 Vhunai mazino mumiromo yavo, imi Mwari;

bvisai, imi Jehovha, mazino marefu eshumba!

7 Ngavatsakatike semvura yapera kuerera;

pavanowembura uta, miseve yavo ngaigomare.

8 Vafanane nehozhwa inonyakatika painofamba,

kufanana negavamwedzi, ngavarege kuona zuva.

9 Hari dzenyu dzisati dzanzwa kupisa kweminzwa pamoto,

ingava minyoro kana yakaoma, vakaipa vachakukurwa.

10 Vakarurama vachafara pavachatsivirwa,

pavachashambidza tsoka dzavo muropa ravakaipa.

11 Ipapo vanhu vachati,

“Zvirokwazvo vakarurama vachiri kungowana mubayiro;

zvirokwazvo Mwari ariko anotonga nyika.”

Categories
Mapisarema

Mapisarema 59

Kumutungamiri wokuimba namaimbiro anoti, “Musaparadza.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Sauro paakanga atuma varume kundorinda imba yaDhavhidhi kuti amuuraye.

1 Ndirwirei pavavengi vangu, imi Mwari;

Ndidzivirirei kubva kuna avo vanondimukira.

2 Ndirwirei pavaiti vezvakaipa,

uye mundiponese pavanhu vanokarira kuteura ropa.

3 Tarirai kundivandira kwavakaita!

Vanhu vanotyisa vanondirangana

pasina mhosva yandapara kana chivi, nhai Jehovha.

4 Handina chandakakanganisa, asi ivo vagadzirira kundirwisa.

Simukai mundibatsire; tarirai dambudziko rangu!

5 Haiwa Jehovha, Mwari Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri,

mukai murange ndudzi dzose;

musanzwira ngoni vakaipa navapanduki.Sera

6 Vanodzoka madekwana,

vachihonʼa sembwa,

uye vachinyahwaira muguta.

7 Onai zvavanorutsa mumiromo yavo:

vanorutsa minondo kubva pamiromo yavo,

uye vanoti, “Ndiani angatinzwa?”

8 Asi imi, iyemi Jehovha, munovaseka;

munodadira ndudzi dzose.

9 Haiwa imi simba rangu, ndinokurindirai;

imi, iyemi Mwari, ndimi nhare yangu,

10 Mwari anondida

achanditungamirira

uye achanditendera kuti ndifare pamusoro pavanondireva.

11 Asi musavauraya, imi Ishe nhoo yedu,

zvimwe vanhu vangu vangakanganwa.

Musimba renyu itai kuti vadzungaire,

uye muvaderedze.

12 Nokuda kwezvivi zvemiromo yavo,

nokuda kwamashoko emiromo yavo,

ngavabatwe pakuzvikudza kwavo.

Nokuda kwokutuka nenhema dzavanotaura,

13 vaparadzei nehasha dzenyu,

vaparadzei kusvikira vapera.

Ipapo zvichazivikanwa kumigumo yenyika

kuti Mwari anotonga pamusoro paJakobho.Sera

14 Vanodzoka madekwana,

vachihonʼa sembwa,

uye vachinyahwaira muguta.

15 Vanodzungaira vachitsvaka zvokudya,

uye vanohuhudza kana vasina kuguta.

16 Asi ini ndichaimba nezvesimba renyu,

ndichaimba nezvorudo rwenyu mangwanani;

nokuti imi muri nhare yangu,

utiziro hwangu panguva dzokutambudzika.

17 Haiwa imi simba rangu, ndinokuimbirai nziyo dzokukurumbidzai;

imi, Mwari, ndimi nhare yangu, Mwari anondida.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 60

Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo e“Ruva reMahapa reSungano.” Rwiyo rweMikitami rwaDhavhidhi. Rwokudzidzisa. Paakarwa neAramu Naharaimu neAramu Zobha, uye panguva yakadzoka Joabhu akaparadza zviuru gumi nezviviri zvavaEdhomu muMupata woMunyu.

1 Makatiramba, imi Mwari, uye mukatirwisa;

makanga makatsamwa, zvino tidzorei henyu!

2 Makazungunusa nyika mukaitsemura napakati;

gadzirai henyu mitswe yayo, nokuti iri kudengenyeka.

3 Makaratidza vanhu venyu nguva dzakaoma;

makatipa waini inotidzedzeresa.

4 Asi kuna vanokutyai, makasimudza mureza

kuti urege kupfaranyurwa neuta.Sera

5 Tiponesei uye tibatsirei noruoko rwenyu rworudyi,

kuti avo vamunoda varwirwe.

6 Mwari akataura ari muimba yake tsvene achiti:

“Ndichaganhura Shekemu nesimba

uye ndichayera Mupata weSukoti.

7 Gireadhi nderangu, uye Manase ndowangu;

Efuremu inguwani yangu yakasimba,

Judha itsvimbo yangu.

8 Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokushambira,

pamusoro paEdhomu ndipo pandinokanda shangu yangu;

pamusoro paFiristia ndinopururudza mukukunda.”

9 Ndianiko achandiisa kuguta rakakomberedzwa?

Ndianiko achanditungamirira kuenda kuEdhomu?

10 Hamusimi, iyemi Mwari, iyemi makatiramba here,

uye mukarega kubuda nehondo dzedu?

11 Tibatsirei pavavengi vedu,

nokuti rubatsiro rwavanhu haruna maturo.

12 NaMwari wedu, tichakunda,

uye achatsikira vavengi vedu pasi.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 61

Kumutungamiri wokuimba, nomutengeranwa une hungiso. Pisarema raDhavhidhi.

1 Inzwai kuchema kwangu, imi Mwari;

rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu.

2 Kubva kumigumo yenyika, ndinodanidzira kwamuri,

ndinodana sezvo mwoyo wangu woziya;

nditungamirirei kudombo rakakwirira kundipfuura.

3 Nokuti imi makanga muri utiziro hwangu,

shongwe yakasimba pamusoro pavavengi vangu.

4 Ndinopanga kugara mutende renyu nokusingaperi,

uye nokuvanda mumumvuri wamapapiro enyu.Sera

5 Nokuti makanzwa mhiko dzangu, imi Mwari;

makandipa nhaka yaavo vanotya zita renyu.

6 Wedzerai mazuva oupenyu hwamambo,

makore ake kumarudzi namarudzi.

7 Ngaagare pachigaro choushe pamberi paMwari nokusingaperi;

gadzai rudo nokutendeka kwenyu kuti zvimudzivirire.

8 Ipapo ndichagara ndichirumbidza zita renyu nenziyo,

uye ndichazadzisa mhiko dzangu zuva nezuva.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 62

Kumutungamiri wokuimba. Kuna Jedhutuni. Pisarema raDhavhidhi.

1 Mweya wangu unozorora muna Mwari oga;

ruponeso rwangu runobva kwaari.

2 Iye oga ndiye dombo rangu noruponeso rwangu;

ndiye nhare yangu, handingambozungunuswi.

3 Muchasvika kupiko muchingorova munhu?

Ko, imi mose muchamukanda pasi here,

iyeyu rusvingo rwakarereka, noruzhowa rwuri kuwa?

4 Vanofunga kwazvo zvokumuwisira

pasi kubva panzvimbo yake yakakwirira;

vanofarira nhema.

Vanoropafadza nemiromo yavo,

Asi vachituka mumwoyo yavo.Sera

5 Iwe mweya wangu, zviwanire zororo muna Mwari oga;

tariro yangu inobva kwaari.

6 Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu;

ndiye nhare yangu, handingazungunuswi.

7 Ruponeso rwangu nokukudzwa kwangu zvinobva kuna Mwari;

ndiye dombo rangu guru, noutiziro hwangu.

8 Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu;

dururai mwoyo yenyu kwaari,

nokuti Mwari ndiye utiziro hwedu.Sera

9 Vanhu vasina maturo vanongova mweya zvawo,

asi vanokudzwa inhema bedzi;

kana vakayerwa havaremi, havasi chinhu;

vose pamwe chete vanongova mweya.

10 Regai kuvimba noupambi

kana kuzvikudza nezvinhu zvokuba;

kunyange pfuma yenyu ichiwanda,

regai kuisa mwoyo yenyu pairi.

11 Chinhu chimwe chakataurwa naMwari,

zvinhu zviviri zvandakanzwa:

Kuti imi, iyemi Mwari, mune simba,

12 uye kuti imi, iyemi Ishe, mune rudo.

Zvirokwazvo muchapa mubayiro kumunhu mumwe nomumwe

maererano nezvaakaita.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 63

Pisarema raDhavhidhi paakanga ari murenje reJudha.

1 Haiwa Mwari, ndimi Mwari wangu,

ndinokutsvakai nomwoyo wose;

mwoyo wangu une nyota kwamuri,

muviri wangu unokupangai,

munyika yakaoma

uye yasakara isina mvura.

2 Ndakakuonai munzvimbo yenyu tsvene,

uye ndikaona simba renyu nokubwinya kwenyu.

3 Nokuti rudo rwenyu runokunda upenyu,

miromo yangu ichakurumbidzai.

4 Ndichakurumbidzai ndichiri mupenyu,

uye ndichasimudza maoko angu muzita renyu.

5 Mweya wangu uchagutswa kunge wadya zvakakora kwazvo;

muromo wangu uchakurumbidzai nemiromo inofara kwazvo.

6 Ndinokurangarirai ndiri pamubhedha wangu;

ndinokufungai panguva dzose dzousiku.

7 Nokuti muri mubatsiri wangu,

ndinoimba ndiri mumumvuri wamapapiro enyu.

8 Mweya wangu unonamatira kwamuri;

ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira.

9 Vanotsvaka upenyu hwangu vachaparadzwa;

vachaburukira kwakadzika kwepasi.

10 Vachaiswa kumunondo

vagova zvokudya zvamakava.

11 Asi mambo achafara muna Mwari;

vose vanopika nezita raMwari vachamurumbidza,

asi miromo yavanoreva nhema ichafumbirwa.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 64

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndinzweiwo, imi Mwari, pandinotaura chichemo changu;

dzivirirai upenyu hwangu pakutyisidzira kwavavengi.

2 Ndivanzei pakurangana kwavakaipa,

ndibve pazhowezhowe yeungano yavaiti vezvakaipa.

3 Vanorodza ndimi dzavo seminondo,

uye vanonanga namashoko avo semiseve inouraya.

4 Vanopfura vari pakavanda munhu asina mhosva;

vanomupfura pakarepo, vasingatyi.

5 Vanokurudzira mumwe nomumwe wavo pakufunga zvakaipa,

vanotaura pamusoro pokuteya misungo yavo, uye vanoti,

“Ndianiko achaiona?”

6 Vanorangana kusaruramisira vachiti,

“Tafunga zano rakakwana!”

Zvirokwazvo mwoyo nomurangariro womunhu zvinonyengera.

7 Asi Mwari achavapfura nemiseve;

pakarepo vachawira pasi.

8 Achaita kuti ndimi dzavo dzivashandukire,

uye achavaisa pakuparadzwa;

vose vanovaona vachavadzungudzira misoro vachivaseka.

9 Marudzi ose avanhu achatya;

achaparidza mabasa aMwari,

uye achafungisisa zvaakaita.

10 Vakarurama ngavafare muna Jehovha

uye vavande maari;

vose vakarurama mumwoyo ngavamurumbidze!

Categories
Mapisarema

Mapisarema 65

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo.

1 Kurumbidzwa kwakakumirirai, imi Mwari, muZioni;

kwamuri mhiko dzedu dzichazadziswa.

2 Haiwa, imi munonzwa munyengetero,

vanhu vose vachauya kwamuri.

3 Patakanga takafukidzwa nezvivi,

makakanganwira kudarika kwedu.

4 Vakaropafadzwa avo vamunosarudza

navamunoswededza pedyo kuti vagare pavanze dzenyu!

Takagutswa nezvinhu zvakanaka zveimba yenyu,

zvetemberi yenyu tsvene.

5 Munotipindura namabasa okururama anotyisa,

imi Mwari Muponesi wedu,

tariro yemigumo yepasi pose

namakungwa ari kure kure,

6 iyemi makaumba makomo nesimba renyu,

makazvishongedza nesimba,

7 iyemi makanyaradza kutinhira kwamakungwa,

iko kutinhira kwamafungu aro,

nokupopota kwendudzi.

8 Vanogara kure kure vanotya zvishamiso zvenyu;

uko kunobuda mambakwedza uye madekwana achipera,

munodanidzira nziyo dzomufaro.

9 Mune hanya nenyika uye munoidiridza;

munoipfumisa kwazvo.

Hova dzaMwari dzizere nemvura

kuti dzivigire vanhu zviyo,

nokuti saizvozvo ndimi makazvirayira.

10 Munozadza mihoronga yacho nemvura,

uye munoenzanisa mihomba yacho;

munoinyorovesa nemvura inopfunha

munoropafadza zvibereko zvayo.

11 Munoshongedza gore nekorona yezvakawanda zvenyu,

uye ngoro dzenyu dzinopfachukira nezvakawanda.

12 Uswa hwomurenje hwopfachukira;

zvikomo zvakafukidzwa nomufaro.

13 Mafuro azara namapoka emakwai,

uye mipata yafukidzwa nezviyo;

zvinodanidzira nomufaro uye zvinoimba.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 66

Kumutungamiri wokuimba. Rwiyo. Pisarema.

1 Danidzirai nomufaro kuna Mwari, imi nyika yose!

2 Imbirai mukurumbira wezita rake;

murumbidze zvikuru kukudzwa kwake!

3 Muti kuna Mwari, “Mabasa enyu anotyisa sei!

Simba renyu iguru zvokuti vavengi venyu

vanodedera pamberi penyu.

4 Nyika yose inokukotamirai;

vanokuimbirai nziyo dzokurumbidza,

vanoimba nziyo dzokurumbidza zita renyu.”Sera

5 Uyai muone zvaitwa naMwari,

mabasa ake anotyisa sei pakati pavanhu!

6 Akashandura gungwa rikava nyika yakaoma,

vakafamba nomumvura zhinji netsoka dzavo,

uyai, ngatifarei maari.

7 Anotonga nokusingaperi nesimba rake,

meso ake anocherechedza ndudzi,

vanomumukira ngavarege kumisidzana naye.Sera

8 Rumbidzai Mwari wedu, imi vanhu,

inzwi rokurumbidzwa kwake ngarinzwike;

9 iye akachengetedza upenyu hwedu

netsoka dzedu kuti dzirege kutedzemuka.

10 Nokuti imi, iyemi Mwari, makatiedza;

mukatinatsa sesirivha.

11 Makatipinza mutorongo

mukatitakudza mitoro pamisana yedu.

12 Makabvumira vanhu kukwira pamisoro yedu;

takapinda mumoto nomumvura,

asi makatiisa kunzvimbo ine zvakawanda.

13 Ndichauya nezvibayiro zvinopiswa kutemberi yenyu,

ndigozadzisa mhiko dzangu kwamuri,

14 mhiko dzandakavimbisa nemiromo yangu,

uye muromo wangu wakataura pandakanga ndiri munhamo.

15 Ndichakubayirai mhuka dzakakora

nechipiriso chamakondobwe;

ndichabayirawo hando nembudzi.Sera

16 Uyai munzwe, imi mose munotya Mwari;

ndikuudzei zvaakandiitira.

17 Ndakachema kwaari nomuromo wangu; rumbidzo yake yaiva parurimi rwangu.

18 Dai ndakanga ndaviga chivi mumwoyo mangu,

Ishe aidai asina kundinzwa;

19 asi zvirokwazvo Mwari akateerera

akanzwa inzwi rangu mumunyengetero.

20 Mwari ngaarumbidzwe,

iye asina kuramba munyengetero wangu.

Kana kudzivisa rudo rwake kwandiri!

Categories
Mapisarema

Mapisarema 67

Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa ine hungiso. Pisarema. Rwiyo.

1 Mwari ngaatinzwire tsitsi atiropafadze,

uye apenyese chiso chake pamusoro pedu,Sera

2 kuti nzira dzenyu dzizivikanwe panyika,

ruponeso rwenyu pakati pendudzi dzose.

3 Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari;

marudzi ose ngaakurumbidzei.

4 Ndudzi ngadzifare uye dziimbe nomufaro,

nokuti munotonga marudzi nokururamisira,

uye munotungamirira ndudzi dzenyika.Sera

5 Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari;

marudzi ose ngaakurumbidzei.

6 Ipapo nyika ichabereka mukohwo wayo,

uye Mwari, Mwari wedu, achatiropafadza.

7 Mwari achatiropafadza,

uye migumo yose yepasi ichamutya.