Categories
Mapisarema

Mapisarema 18

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi muranda waJehovha. Akaimbira Jehovha mashoko orwiyo urwu paakarwirwa naJehovha kubva mumaoko avavengi vake vose nomuruoko rwaSauro. Akati:

1 Ndinokudai, imi Jehovha, simba rangu.

2 Jehovha ndiye dombo rangu, nhare yangu, murwiri wangu;

Mwari wangu ndiye dombo rangu, wandinovanda maari.

Ndiye nhoo yangu norunyanga rworuponeso rwangu, shongwe yangu.

3 Ndinodana kuna Jehovha, iye akafanira kurumbidzwa,

uye ndinoponeswa kubva kuvavengi vangu.

4 Mabote orufu akandipinganidza;

mvura zhinji inoparadza yakandifukidza.

5 Mabote eguva akandimonera;

misungo yorufu yakanangana neni.

6 Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha;

ndakadana kuna Mwari wangu kuti ndibatsirwe.

Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake;

kuchema kwangu kwakasvika pamberi pake munzeve dzake.

7 Nyika yakadedera ikadengenyeka,

uye nheyo dzamakomo dzakazunguzika;

8 Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake;

moto unoparadza wakabuda mumuromo make,

mazimbe anopisa akabuda mauri achipfuta.

9 Akatsemura matenga akauya pasi;

makore erima akanga ari pasi petsoka dzake.

10 Akatasva makerubhi akabhururuka;

akabhururuka pamapapiro emhepo.

11 Akaita rima chifukidzo chake, denga rake rakamupoteredza,

iwo makore matema emvura okudenga.

12 Nokupenya kwaibva pamberi pake, makore akabuda akafamba,

nechimvuramabwe nokupenya kwemheni.

13 Jehovha akatinhira kudenga;

inzwi roWokumusoro-soro rikanzwika.

14 Akapfura miseve yake akaparadzira vavengi vake,

kupenya kukuru kwemheni kukavavhundutsa.

15 Mipata yegungwa yakaiswa pachena,

uye nheyo dzenyika dzakaiswa pachena

pakutuka kwenyu, imi Jehovha,

nokufema kwemhino dzenyu.

16 Akadzika pasi achibva kumusoro akanditora;

akandibudisa pamvura zhinji yakadzika.

17 Akandinunura kubva kuvavengi vangu vane simba,

kubva kuvadzivisi vangu, vakanga vakasimba zvikuru kwandiri.

18 Vakandinanga pazuva renjodzi yangu,

asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu.

19 Akandibudisa akandiisa panzvimbo yakafarikana;

akandinunura nokuti akanga achindifarira.

20 Jehovha akandiitira zvakafanira kururama kwangu;

nokuchena kwamaoko angu.

21 Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha;

handina kuita zvakaipa nokubva pana Mwari wangu.

22 Mirayiro yake yose iri pamberi pangu;

handina kutsauka pazvirevo zvake.

23 Ndakanga ndisina chandingapomerwa pamberi pake,

uye ndakazvichengeta kuti ndigare kure nechivi.

24 Jehovha akandipa mubayiro zvakaringana nokururama kwangu,

zvakaringana nokuchena kwamaoko angu pamberi pake.

25 Kuna vakatendeka munoratidza kutendeka kwenyu,

kuna vasina chavangapomerwa munoratidza kusapomerwa kwenyu,

26 kuna vakachena munoratidza kuchena kwenyu,

asi kuna vakatsauka munoratidza hasha dzenyu.

27 Munoponesa vanozvininipisa,

asi muchideredza vane meso anozvikudza.

28 Imi, iyemi Jehovha, munoita kuti mwenje wangu urambe uchipfuta;

Mwari wangu anoshandura rima rangu richiva chiedza.

29 Norubatsiro rwenyu ndichaenda kundorwa hondo;

naMwari wangu ndinogona kukwira rusvingo.

30 Kana ari Mwari, nzira yake yakakwana;

shoko raJehovha harina charingapomerwa.

Ndiye nhoo

yavose vanovanda maari.

31 Nokuti ndianiko Mwari kunze kwaJehovha?

Uye ndianiko Dombo kunze kwaMwari wedu?

32 NdiMwari anondishongedza nesimba

uye anokwanisa nzira yangu.

33 Anoita kuti tsoka dzangu dzive setsoka dzenondo;

anoita kuti ndigone kumira pakakwirira.

34 Anodzidzisa maoko angu kurwa;

maoko angu anowembura uta hwendarira.

35 Munondipa nhoo yenyu yokukunda,

uye ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira;

munokotama pasi kuti mundiite mukuru.

36 Munondiitira nzira yakapamhama pasi pangu,

kuitira kuti zvitsitsinho zvangu zvirege kutedzemuka.

37 Ndakatevera vavengi vangu ndikavabata;

handina kudzokera shure kusvikira vaparadzwa.

38 Ndakavapwanya kuti vakoniwe kusimuka;

vakawira pasi petsoka dzangu.

39 Makandishongedza nesimba rokurwa;

makaita kuti vadzivisi vangu vapfugame patsoka dzangu.

40 Makaita kuti vavengi vangu vatize,

uye ndakaparadza vavengi vangu.

41 Vakachemera kubatsirwa, asi hakuna akavaponesa,

kunyange kuna Jehovha, asi haana kuvapindura.

42 Ndakavapura vakatsetseka seguruva ratakurwa nemhepo;

ndakavadururira pasi sedope renzira dzomumusha.

43 Makandirwira pakurwisa kwavanhu;

makandiita musoro wendudzi;

vanhu vandakanga ndisingazivi vava varanda vangu.

44 Pavanongondinzwa, vanonditeerera;

vatorwa vanokotama pamberi pangu.

45 Vose vanoora mwoyo;

vanouya vachibva panhare dzavo vachidedera.

46 Jehovha mupenyu! Dombo rangu ngarirumbidzwe!

Ngaakudzwe Mwari Muponesi wangu!

47 Ndiye Mwari anonditsivira,

anoisa ndudzi pasi pangu,

48 anondiponesa pavavengi vangu.

Makandisimudzira pamusoro pavavengi vangu.

Makandinunura kubva kuvanhu vechisimba.

49 Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati pendudzi, imi Jehovha;

ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza.

50 Anopa mambo wake kukunda kukuru;

anoratidza unyoro hwake husingaperi kumuzodziwa wake,

kuna Dhavhidhi nokuvana vake nokusingaperi.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 19

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Matenga anotaura kubwinya kwaMwari;

matenga anoparidza mabasa amaoko ake.

2 Zuva nezuva anotaura;

usiku nousiku anoratidza zivo.

3 Hakuna mutauro kana rurimi

rusinganzwi inzwi ravo.

4 Inzwi razvo rinosvika panyika yose,

mashoko azvo kumagumo apasi.

Mumatenga imomo, akadzika tende rezuva,

5 rakaita sechikomba chinobuda mumba,

seshasha inopemberera kumhanya nhangemutange.

6 Rinobuda kuno rumwe rutivi rwedenga

richitenderera kusvikira kuno rumwe rutivi;

hakuna chinhu chakavanzika kubva pakupisa kwaro.

7 Murayiro waJehovha wakakwana,

unomutsiridza mweya.

Zvirevo zvaJehovha zvakavimbika,

zvinopa njere kuna vasina mano.

8 Zvirevo zvaJehovha zvakarurama,

zvinopa mufaro kumwoyo.

Murayiro waJehovha unopenya,

unopa chiedza kumaziso.

9 Kutya Jehovha kwakanaka,

kunogara nokusingaperi.

Zvakatongwa naJehovha ndezvechokwadi

uye zvose zvakarurama.

10 Zvinokosha kupfuura goridhe,

kupfuura goridhe rakanatswa;

zvinotapira kupfuura uchi,

kupinda uchi hwabva muzinga.

11 Muranda wenyu anoyambirwa nazvo;

pakuzvichengeta pano mubayiro mukuru.

12 Ndianiko angaziva kukanganisa kwake?

Ndikanganwirei mhosva dzangu dzakavanzika.

13 Dzorai muranda wenyu kubva pakutadza nobwoni;

ngazvirege kuva nesimba pamusoro pangu.

Ipapo handizovi nemhosva,

ndisina mhaka yokudarika kukuru.

14 Mashoko omuromo wangu nokurangarira kwomwoyo wangu

ngazvifadze pamberi penyu,

imi Jehovha, Dombo rangu noMudzikinuri wangu.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 20

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Jehovha ngaakupindure paunotambudzika;

zita raMwari waJakobho ngarikudzivirire.

2 Ngaakutumire rubatsiro runobva panzvimbo tsvene,

uye akupe rutsigiro runobva kuZioni.

3 Ngaarangarire zvibayiro zvako zvose

uye agogamuchira zvibayiro zvako zvinopiswa.Sera

4 Ngaakupe zvinodikanwa nomwoyo wako,

uye aite kuti urongwa hwako hwose hubudirire.

5 Tichadanidzira nomufaro pakukunda kwako,

uye tichasimudza mireza yedu muzita raMwari wedu.

Jehovha ngaakupe zvose zvawakakumbira.

6 Zvino ndava kuziva kuti Jehovha anoponesa muzodziwa wake;

anomupindura ari kudenga rake dzvene,

nesimba rokuponesa kworuoko rwake rworudyi.

7 Vamwe vanovimba nengoro, vamwe namabhiza,

asi isu tinovimba nezita raJehovha Mwari wedu.

8 Vanowisirwa pasi namabvi avo vagowa,

asi isu tinosimuka tigomira takasimba.

9 Haiwa Jehovha, ponesai mambo!

Tipindurei patinodana!

Categories
Mapisarema

Mapisarema 21

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Haiwa Jehovha, mambo anofara musimba renyu.

Mufaro wake mukuru sei pakukunda kwamunomupa!

2 Makamupa zvinodikanwa nomwoyo wake,

uye hamuna kumunyima zvaikumbirwa nomuromo wake.Sera

3 Makamugamuchira nemikomborero yakapfuma,

uye makadzika pamusoro pake korona yegoridhe yakachena.

4 Akakukumbirai upenyu, mukamupa mazuva

mazhinji, nokusingaperi-peri.

5 Kubudikidza nokukunda kwamakamupa,

kukudzwa kwake kukuru; makaisa pamusoro pake kubwinya nokukudzwa.

6 Zvirokwazvo makamupa maropafadzo anogara nokusingaperi,

mukamufadza nomufaro pamberi penyu.

7 Nokuti mambo anovimba naJehovha;

nokuda kworudo rusingaperi rwoWokumusoro-soro,

iye haangazungunuswi.

8 Ruoko rwenyu ruchabata vavengi venyu vose;

ruoko rwenyu rworudyi ruchabata vavengi venyu.

9 Panguva yokuonekwa kwenyu

muchavaita sevira romoto.

Jehovha achavamedza nehasha dzake,

uye moto wake uchavaparadza.

10 Muchaparadza zvizvarwa zvavo kubva panyika,

vana vavo kubva pakati pavanhu.

11 Kunyange vachirangana zvakaipa pamusoro penyu

nokufunga mano akaipa, havangagoni kubudirira;

12 nokuti muchaita kuti vafuratire,

pamuchavananga nouta hwakawemburwa.

13 Simudzirwai, imi Jehovha, musimba renyu;

tichaimba uye ticharumbidza simba renyu.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 22

Kumutungamiri wokuimba. Namaimbirwo e“Nondo yamangwanani.” Pisarema raDhavhidhi.

1 Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?

Sei muri kure zvakadai nokundiponesa,

kure zvakadai namashoko okugomera kwangu?

2 Haiwa Mwari wangu, ndinodanidzira masikati,

asi hamundipinduri, nousiku, uye handinyarari.

3 Asi imi makagadzwa saIye Mutsvene;

ndimi rumbidzo yaIsraeri.

4 Madzibaba edu akavimba nemi;

vakavimba, uye mukavarwira.

5 Vakachema kwamuri, vakaponeswa;

vakavimba nemi uye havana kunyadziswa.

6 Asi ini ndiri honye kwete munhu,

ndinozvidzwa navanhu uye ndinoshorwa namarudzi.

7 Vose vanondiona vanondiseka;

vanoshamisa miromo yavo vachindituka, vachidzungudza misoro yavo vachiti,

8 “Anovimba naJehovha;

Jehovha ngaamununure.

Ngaamuponese,

sezvo achimufarira.”

9 Asi ndimi makandibudisa mudumbu;

mukaita kuti ndivimbe nemi

ndichiri pachipfuva chamai vangu.

10 Kubva pakuzvarwa kwangu, ndakaiswa kwamuri;

kubva mudumbu ramai vangu, makanga muchingova Mwari wangu.

11 Regai kuva kure neni,

nokuti dambudziko riri pedyo

uye hakuna angabatsira.

12 Hando zhinji dzakandikomba;

hando dzine simba dzeBhashani dzakandipoteredza.

13 Shumba dzinoomba dzichibvambura nyama,

dzinondishamira miromo yadzo.

14 Ndadururwa semvura,

uye mapfupa angu ose abva asvodogoka.

Mwoyo wangu washanduka ukava namo;

wanyungudika mukati mangu.

15 Simba rangu raoma sechaenga,

uye rurimi rwangu runonamatira kumusoro kwomuromo wangu;

munondiradzika muguruva rorufu.

16 Imbwa dzakandikomba;

boka ravanhu vakaipa rakandipoteredza,

vakabvoora maoko angu netsoka dzangu.

17 Ndinokwanisa kuverenga mapfupa angu ose;

vanhu vanondinanʼanidza uye vanofarira kutambudzika kwangu.

18 Vanogovana nguo dzangu pakati pavo

uye vanokanda mijenya nokuda kwenguo yangu.

19 Asi imi, Jehovha, regai kuva kure neni;

imi simba rangu, kurumidzai kundibatsira.

20 Rwirai upenyu hwangu pamunondo,

ihwo upenyu hwangu hunokosha, kubva pasimba rembwa.

21 Ndinunurei pamuromo weshumba;

ndiponesei panyanga dzenyati.

22 Ndichaparidza zita renyu kuhama dzangu;

ndichakurumbidzai paungano.

23 Imi munotya Jehovha, murumbidzei!

Imi mose zvizvarwa zvaJakobho, mukudzei!

Mutyei, imi mose zvizvarwa zvaIsraeri!

24 Nokuti haana kuzvidza kana kusema

chibayiro chaiye akatambudzwa;

haana kumuvanzira chiso chake,

asi akanzwa kuchemera kwake rubatsiro.

25 Kwamuri ndiko kunobva dingindira rerumbidzo yangu paungano huru;

ndichazadzisa mhiko dzangu pamberi pavanokutyai.

26 Varombo vachadya uye vagoguta;

vanotsvaka Jehovha vachamurumbidza,

mwoyo yenyu ngairarame nokusingaperi!

27 Migumo yose yenyika

icharangarira igodzokera kuna Jehovha,

uye mhuri dzendudzi dzose

dzichapfugama pamberi pake,

28 nokuti ushe ndohwaJehovha

uye anotonga pamusoro pendudzi.

29 Vapfumi vose venyika vachadya

uye vachamunamata; vose vanoburukira muguruva vachapfugama pamberi pake,

navose vasingagoni kuzviraramisa.

30 Vana vake vachamushumira;

zvizvarwa zvinotevera zvichaudzwa nezvaIshe.

31 Vachaparidza kururama kwake

kuvanhu vasati vaberekwa,

nokuti akazviita.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 23

Pisarema raDhavhidhi.

1 Jehovha ndiye mufudzi wangu, hapana chandingashayiwa.

2 Anondivatisa pamafuro manyoro,

anondisesedza pamvura inozorodza,

3 anoponesa mweya wangu.

Anondifambisa panzira dzokururama

nokuda kwezita rake.

4 Kunyange ndikafamba nomumupata womumvuri worufu,

handingatyi zvakaipa,

nokuti imi muneni;

tsvimbo yenyu nomudonzvo

wenyu zvinondinyaradza.

5 Munondigadzirira tafura

pamberi pavavengi vangu.

Munozodza musoro wangu namafuta;

mukombe wangu unopfachukira.

6 Zvirokwazvo kunaka kwenyu norudo rwenyu zvichanditevera,

mazuva ose oupenyu hwangu,

uye ndichagara mumba maJehovha

nokusingaperi.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 24

Pisarema raDhavhidhi.

1 Nyika ndeyaJehovha, nezvose zviri mairi,

nyika, navose vanogaramo;

2 nokuti akaiteya pamusoro pamakungwa

uye akaisimbisa pamusoro pemvura zhinji.

3 Ndianiko angakwira pachikomo chaJehovha?

Ndianiko angamira panzvimbo yake tsvene?

4 Uyo ana maoko akachena nomwoyo wakanaka,

asingasimudziri mwoyo wake kuzvifananidzo,

kana kupika nhema.

5 Iye achagamuchira makomborero anobva kuna Jehovha

nokururamiswa kunobva kuna Mwari woruponeso rwake.

6 Ivava ndivo rudzi rwaavo vanomutsvaka,

ivo vanotsvaka chiso chenyu, imi Mwari waJakobho.Sera

7 Simudzai misoro yenyu, imi masuo;

muisimudze, imi makonhi akare,

kuti Mambo wokubwinya apinde.

8 Ndianiko uyu Mambo wokubwinya?

Ndiye Jehovha ane simba noumhare,

Jehovha ane simba pakurwa.

9 Simudzai misoro yenyu, imi masuo;

muasimudze, imi makonhi akare,

kuti Mambo wokubwinya apinde.

10 Ndianiko, uyu Mambo wokubwinya?

Jehovha Wamasimba Ose,

ndiye Mambo wokubwinya.Sera

Categories
Mapisarema

Mapisarema 25

Pisarema raDhavhidhi.

1 Jehovha, ndinosimudzira mwoyo wangu kwamuri;

2 haiwa Mwari wangu, ndinovimba nemi.

Musandirega ndichinyadziswa,

uye musarega vavengi vangu vachindikunda.

3 Hapana munhu ane tariro mamuri

achanyadziswa,

asi vachanyadziswa

avo vanonyengera pasina chikonzero.

4 Ndiratidzei nzira dzenyu, imi Jehovha,

ndidzidzisei nzira dzenyu;

5 nditungamirirei muzvokwadi yenyu mugondidzidzisa,

nokuti ndimi Mwari Muponesi wangu,

uye tariro yangu iri pamuri zuva rose.

6 Rangarirai, imi Jehovha, ngoni dzenyu huru norudo,

nokuti zvakabvira kare.

7 Regai kurangarira zvivi zvouduku hwangu,

nenzira dzangu dzandaikumukirai nadzo;

ndirangarirei nokuda kworudo rwenyu,

nokuti makanaka, imi Jehovha.

8 Jehovha akanaka uye akarurama;

naizvozvo anodzidzisa vatadzi nzira dzake.

9 Anotungamirira vanozvininipisa mune zvakarurama,

uye anovadzidzisa nzira yake.

10 Nzira dzose dzaJehovha ndedzorudo nokutendeka,

kuna avo vanochengeta zvirevo zvesungano yake.

11 Nokuda kwezita renyu, imi Jehovha,

kanganwirai chakaipa changu, kunyange chiri chikuru.

12 Ndiani, zvino, munhu anotya Jehovha?

Achamudzidzisa nzira yaakasarudzirwa.

13 Achararama upenyu hwake mukubudirira,

uye zvizvarwa zvake zvichagara nhaka yenyika.

14 Jehovha anogara pakati pavanomutya;

anozivisa sungano yake kwavari.

15 Meso angu anoramba achitarira kuna Jehovha,

nokuti ndiye chete anosunungura tsoka dzangu pamusungo.

16 Dzokerai kwandiri uye mundinzwire nyasha,

nokuti ndiri ndoga uye ndinotambudzika.

17 Matambudziko omwoyo wangu awanda;

ndisunungurei pakurwadziwa kwangu.

18 Tarirai kutambudzika kwangu nenhamo yangu,

mugobvisa zvivi zvangu zvose.

19 Tarirai kuwanda kwaita vavengi vangu,

uye kuti vanondivenga zvakakura sei!

20 Rindai upenyu hwangu mugondinunura;

ndirege kunyadziswa,

nokuti ndinovanda mamuri.

21 Kusanyengera nokururama ngazvindichengete,

nokuti tariro yangu iri mamuri.

22 Dzikinurai Israeri, imi Mwari,

kuti vabve mumatambudziko avo ose!

Categories
Mapisarema

Mapisarema 26

Pisarema raDhavhidhi.

1 Nditongerei, imi Jehovha,

nokuti ndakararama upenyu

husina chahungapomerwa;

ndakavimba naJehovha ndisingazungunuki.

2 Ndiedzei, imi Jehovha, ndinzverei,

nzverai mwoyo wangu nendangariro dzangu;

3 nokuti rudo rwenyu rwuri pamberi pangu nguva dzose,

uye ndinogara ndichifamba muzvokwadi yenyu.

4 Handigari navanhu vanonyengera,

kana kufambidzana navanyengeri;

5 ndinovenga ungano yavaiti vezvakaipa,

uye ndinoramba kugara navakaipa.

6 Ndinoshamba maoko angu ndisina mhaka,

uye ndinofamba-famba paaritari yenyu, imi Jehovha,

7 ndichiparidza rumbidzo yenyu nenzwi guru,

uye ndichireva zvamabasa enyu ose anoshamisa.

8 Ndinoda imba yamunogara, imi Jehovha,

nzvimbo inogara kubwinya kwenyu.

9 Regai kubatanidza mweya wangu navatadzi,

noupenyu hwangu navanoteura ropa,

10 vana maoko akabata zvakaipa,

vazere nefufuro mumaoko avo orudyi.

11 Asi ini ndinogara upenyu husina chahungapomerwa;

ndidzikinurei uye mundinzwire ngoni.

12 Tsoka dzangu dzimire pakati chechetere;

ndicharumbidza Jehovha paungano huru.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 27

Pisarema raDhavhidhi.

1 Jehovha ndiye chiedza changu noruponeso rwangu,

ndichagotya aniko?

Jehovha ndiye nhare youpenyu hwangu,

ndianiko wandingatya?

2 Vanhu vakaipa pavakauya kwandiri

kuzodya nyama yangu,

vavengi navadzivisi vangu pavanondirwisa,

vanogumburwa ndokuwa.

3 Kunyange hondo ikandikomba,

mwoyo wangu haungazotyi;

kunyange hondo ikamuka kuzondirwisa,

ipapo ndichavimba naJehovha.

4 Chinhu chimwe chete chandinokumbira kuna Jehovha,

ndicho chandinotsvaka:

kuti ndigare mumba maJehovha

mazuva ose oupenyu hwangu,

kuti nditarire kunaka kwaJehovha

uye ndimutsvake mutemberi yake.

5 Nokuti zuva rokutambudzika

achandichengeta zvakanaka munzvimbo yaanogara;

achandiviga mudumba retabhenakeri yake,

agondikwidza pamusoro pedombo.

6 Ipapo musoro wangu uchasimudzirwa

pamusoro pavavengi vakandipoteredza;

ndichamubayira zvibayiro patabhenakeri yake nomufaro mukuru;

ndichaimba ndigoimbira Jehovha nziyo.

7 Inzwai inzwi rangu kana ndichidana, imi Jehovha;

ndinzwirei ngoni mugondipindura.

8 Mwoyo wangu unoti kwandiri, “Tsvaka chiso chake!”

Chiso chenyu, Jehovha, ndichachitsvaka.

9 Regai kundivanzira chiso chenyu,

musadzinga muranda wenyu mukutsamwa;

makanga muri mubatsiri wangu.

Regai kundiramba kana kundisiya,

imi Mwari Muponesi wangu.

10 Kunyange baba vangu namai vangu vakandisiya,

Jehovha achandigamuchira.

11 Ndidzidzisei nzira yenyu, imi Jehovha;

ndisesedzei munzira yakarurama

nokuda kwavamanikidzi vangu.

12 Regai kundisundira kuzvido zvavavengi vangu,

nokuti zvapupu zvenhema zvinondimukira,

vachifemedzeka nehasha.

13 Ndichine chokwadi neizvi zvokuti:

ndichaona kunaka kwaJehovha

munyika yavapenyu.

14 Rindira Jehovha;

iva nesimba,

utsunge mwoyo ugomirira Jehovha.