Categories
Jobho

Jobho 40

1 Jehovha akati kuna Jobho:

2 “Ko, munhu anokakavadzana noWamasimba Ose angamurayira here?

Anopomera Mwari mhosva ngaamupindure!”

3 Ipapo Jobho akapindura Jehovha akati:

4 “Ini handina maturo, ndingakupindurai seiko?

Ndafumbira muromo wangu.

5 Ndakataura kamwe chete, asi handina mhinduro,

kaviri, asi handichapamhidzazve.”

6 Ipapo Jehovha akataura naJobho ari mudutu akati:

7 “Chizvisunga chiuno somurume;

ini ndichakubvunza,

uye iwe uchandipindura.

8 “Ko, iwe unoda kukanganisa kururamisira kwangu here?

Ko, unondipomera kuti uzviruramise here?

9 Uno ruoko rwakaita sorwaMwari here,

uye inzwi rako ringatinhira serake here?

10 Chizvishongedza zvino nokukudzwa uye nokubwinya,

uye zvishongedze nokuremekedzwa uye noumambo.

11 Regedzera ukasha hwehasha dzako,

utarire munhu mumwe nomumwe anozvikudza ugomuderedza,

12 tarira murume mumwe nomumwe anozvikudza ugomuninipisa,

pwanya vakaipa ipapo pavamire.

13 Uvavige vose pamwe chete muguruva;

ufukidze zviso zvavo muguva.

14 Ipapo ini pachangu ndichabvuma kwauri

kuti ruoko rwako rworudyi rungakuponesa.

15 “Tarisa kumvuu, yandakaita pamwe chete newe

uye inofura uswa senzombe.

16 Simba rainaro muchiuno chayo,

kusimba kwayo kuri mumakakava edumbu rayo.

17 Muswe wayo unotsvikidza somusidhari;

marunda ezvidya zvayo akasonanidzwa.

18 Mapfupa ayo ipombi dzendarira,

miromo yayo yakaita setsvimbo dzesimbi.

19 Iyo iri pachinzvimbo chokutanga pakati pamabasa aMwari,

asi Muiti wayo anogona kusvika pairi nomunondo wake.

20 Zvikomo zvinoivigira zvibereko zvayo,

uye zvikara zvose zvesango zvinotambira pedyo nayo.

21 Inovata pasi pemiti yemirotasi

yakavanda pakati petsanga munhope.

22 Mirotasi inoivanza pamimvuri yayo;

mikonachando iri mujinga morukova inoipoteredza.

23 Panozara rwizi, iyo haivhunduki;

inodekara zvayo, kunyange Jorodhani rukapfachukira kumuromo wayo.

24 Pano munhu angagona kuibata neziso,

kana kuiteya uye nokuibaya pamhino yayo here?

Categories
Jobho

Jobho 41

1 “Ungagona kukweva ngwena nechiredzo,

kana kusunga rurimi rwayo netambo here?

2 Ungagona kupinza mukaro mumhino dzayo,

kana kuboora rushaya rwayo nechiredzo here?

3 Ko, ingaramba ichikumbira kunzwirwa ngoni newe here?

Ko, ingataura kwauri mashoko manyoro here?

4 Ko, ingaita chitenderano newe here

kuti iwe uitore senhapwa kwoupenyu hwayo hwose?

5 Ungagona kuipfuwa seshiri here

kana kuisunga kuti vanasikana vako vatambe nayo?

6 Ko, vatengesi vangaitsinhanisa here?

Ko, vangaigoverana pakati pavashambadziri here?

7 Ungagona kuzadza dehwe rayo nemiseve ine nzeve here,

kana kuzadza musoro wayo namapfumo okuredzesa hove?

8 Kana ukaisa ruoko rwako pairi

uchazorangarira kurwisana kwako nayo

uye haungazozvipamhizve!

9 Tariro ipi zvayo yokuitonga ndeyenhema;

kungoiona bedzi kunopedza simba.

10 Hakuna munhu anotyisa zvokuti angaidenha.

Ndianiko zvino anogona kumisidzana neni?

11 Ndianiko wandakatorera chinhu wandinofanira kuripira?

Zvinhu zvose zviri pasi pedenga ndezvangu.

12 “Handingakonewi kutaura zvemitezo yayo,

simba rayo uye chimiro chayo chakanaka.

13 Ndianiko angabvisa dehwe rayo?

Ndianiko angasvika kwairi namatomu?

14 Ndianiko anotsunga kuzarura mikova yomuromo wayo,

iwo wakakomberedzwa nameno ayo anotyisa?

15 Musana wayo une mitsara yamakwande

yakanyatsonamirwa pamwe chete;

16 rimwe nerimwe riri pedyo pedyo nerimwe,

zvokuti hakuna mhepo inopinda napakati.

17 Akanyatsobatanidzwa pane rimwe nerimwe;

akanamatirana pamwe chete uye haagoni kuparadzaniswa.

18 Kuhotsira kwayo kunoita mamvari omoto;

meso ayo akaita sehwerazuva hwamambakwedza.

19 Mazhenje omoto anoyerera achibva mumuromo mayo;

zvimvari zvomoto zvinobarikira kunze.

20 Utsi hunobuda mumhino dzayo

sepahari inovira pamusoro pomoto wetsanga.

21 Kufema kwayo kunopfutidza mazimbe omoto,

uye murazvo unobuda mumuromo mayo.

22 Simba rinogara pamutsipa wayo;

kuvhundutsa kuri pamberi payo.

23 Nhindi dzenyama yayo dzakabatanidzwa zvakasimba;

dzakasimba uye hadzizungunuswi.

24 Chipfuva chayo chakaoma sebwe,

chakaoma sapasi peguyo.

25 Painosimuka, vane simba vanovhundutswa,

vanodududzira shure isati yarova mvura.

26 Munondo unosvika kwairi hauna simba,

uye pfumo kana museve kana pfumo guru hazvina simba.

27 Simbi inoita seshanga kwairi,

uye ndarira sedanda rakaora.

28 Miseve haingaiti kuti itize;

zvimviriri zvakaita sehundi kwairi.

29 Tsvimbo inoita kunge chidimbu cheshanga kwairi;

inoseka panorira bakatwa.

30 Pasi payo pakaita sezvaenga zvehari,

inosiya muhwezva mumatope sechirei chinokwevewa.

31 Inoita kuti mvura yakadzika ivire segate rinovhaira,

uye inokurunga gungwa sehari yamafuta.

32 Shure kwayo inosiya muhwezva unopenya;

mumwe munhu angafunga kuti mvura yakadzika yava nevhudzijena.

33 Hapana chakaenzana nayo munyika,

chisikwa chisingatyi.

34 Inotarisira pasi zvose zvinozvikudza;

ndiyo mambo pamusoro pezvose zvinozvikudza.”

Categories
Jobho

Jobho 42

1 Ipapo Jobho akapindura kuna Jehovha akati:

2 “Ndinoziva kuti imi munogona kuita zvose;

hapana urongwa hwenyu hungakoneswa.

3 Mabvunza kuti, ‘Ndianiko uyu anodzikatira zano rangu iye asina zivo?’

Zvirokwazvo ndakataura pamusoro pezvinhu zvandisinganzwisisi,

zvinhu zvinoshamisa kwazvo kuti ini ndizvizive.

4 “Mati imi, ‘Chinzwa zvino,

uye ini ndichataura; ndichakubvunza iwe,

uye iwe uchandipindura.’

5 Nzeve dzangu dzakanga dzanzwa nezvenyu,

asi zvino meso angu akuonai imi.

6 Naizvozvo ndinozvishora pachangu,

uye ndinotendeuka hangu muguruva nomumadota.”

Magumo

7 Jehovha akati areva zvinhu izvi kuna Jobho, akati kuna Erifazi muTemani, “Ndakakutsamwira iwe neshamwari dzako mbiri, nokuti hamuna kutaura zvakarurama pamusoro pangu, sezvakaitwa nomuranda wangu Jobho.

8 Saka zvino chitorai hando nomwe namakondobwe manomwe mugoenda kumuranda wangu Jobho mundozvibayira sechipiriso chenyu chinopiswa. Muranda wangu Jobho achakunyengetererai, uye ini ndichagamuchira munyengetero wake ndigorega kukuitirai zvakafanira upenzi hwenyu. Hamuna kutaura zvakarurama pamusoro pangu, somuranda wangu Jobho.”

9 Saka Erifazi muTemani, Bhiridhadhi muShuhi naZofari muNamaati vakaita zvavakaudzwa naJehovha; uye Jehovha akagamuchira munyengetero waJobho.

10 Shure kwokunge Jobho anyengeterera shamwari dzake, Jehovha akaita kuti abudirirezve akamupa zvakapetwa kaviri kupfuura zvaakanga anazvo kare.

11 Vanunʼuna vake vose nehanzvadzi dzake navose vaimuziva vakauya vakadya pamwe chete naye mumba make. Vakamuvaraidza uye vakamunyaradza pamusoro pamatambudziko akanga aiswa naJehovha pamusoro pake, uye mumwe nomumwe wavo akamupa chidimbu chesirivha nemhete yegoridhe.

12 Jehovha akaropafadza kupedzisira kwoupenyu hwaJobho kupfuura kutanga. Akanga ana makwai zviuru gumi nezvina, zviuru zvitanhatu zvengamera, nenzombe dzingasungwa pamajoko chiuru nembongoro chiuru.

13 Uye akazovawo navanakomana vanomwe navanasikana vatatu.

14 Mwanasikana wake wokutanga akamutumidza zita rokuti Jemima, wechipiri akamuti Kezia uye wechitatu akamutumidza kuti Kereni-Hapuki.

15 Panyika yose hapana kuwanikwa vakadzi vakanaka kupinda vanasikana vaJobho, uye baba vavo vakavapa nhaka pamwe chete nehanzvadzi dzavo.

16 Shure kwaizvozvi, akazorarama makore zana namakumi mana; akaona vana vake navana vavana vake kusvikira parudzi rwechina.

17 Nokudaro akafa, akwegura ava namakore mazhinji.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 1

1 Akaropafadzwa munhu

asingafambi panorangana vakaipa,

asingamiri panzira yavatadzi,

asingagari pachigaro chavadadi.

2 Asi anofarira murayiro waJehovha,

uye anofungisisa murayiro wake masikati nousiku.

3 Akafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura,

unobereka michero yawo nenguva yawo,

uye mashizha awo haasvavi.

Chinhu chipi nechipi chaanoita chinoendeka.

4 Vakaipa havana kudaro!

Vakafanana nehundi

inopepereswa nemhepo.

5 Naizvozvo vakaipa havangamiri pakutongwa,

kana vatadzi paungano yavakarurama.

6 Nokuti Jehovha anotarira nzira yavakarurama,

asi nzira yavakaipa ichaparadzwa.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 2

1 Ndudzi dzinoitireiko bope?

Uye vanhu vanofungireiko zvisina maturo?

2 Madzimambo enyika azvigadzirira

uye vabati vanoungana pamwe chete

kuti vazorwa naJehovha,

uye kuti vazorwisa Muzodziwa Wake.

3 Vanoti, “Ngatidamburei ngetani dzavo,

tigorasa mabote avo.”

4 Iye agere pachigaro choushe chokudenga anoseka;

Ishe anovadadira.

5 Ipapo anovatuka mukutsamwa kwake

uye anovavhundutsa muhasha dzake, achiti,

6 “Ndakagadza Mambo wangu

paZioni, gomo rangu dzvene.”

7 Ndichaparidza chirevo chaJehovha, ndichiti:

Iye akati kwandiri, “Ndiwe Mwanakomana wangu;

nhasi ndava Baba vako.

8 Kumbira kwandiri,

uye ndichaita kuti ndudzi dzive nhaka yako,

migumo yenyika ive yako.

9 Uchavatonga netsvimbo yesimbi;

uchavaputsa kuita zvimedu zvimedu sehari.”

10 Naizvozvo, imi madzimambo, ngwarai;

munyeverwe, imi vabati venyika.

11 Shumirai Jehovha nokutya,

uye mufare nokudedera.

12 Tsvodai Mwanakomana, kuti arege kutsamwa

mukazoparadzwa munzira yenyu,

nokuti hasha dzake dzingakurumidza kumuka.

Vakaropafadzwa vose vanovanda maari.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 3

Pisarema raDhavhidhi. Panguva yaakatiza Abhusaromu mwanakomana wake.

1 Haiwa Jehovha, vadzivisi vangu vakawanda sei!

Vakawanda sei vanondimukira!

2 Vazhinji vanoti kwandiri,

“Mwari haangamudzikinuri.”Sera

3 Asi imi Jehovha, muri nhoo yakandipoteredza;

munoisa rukudzo pandiri uye munosimudza musoro wangu.

4 Kuna Jehovha ndinodana nenzwi guru,

uye anondipindura ari pagomo rake dzvene.Sera

5 Ndinovata pasi ndigokotsira;

ndinomukazve, nokuti Jehovha anonditsigira.

6 Handizotyi makumi ezviuru

vakandikomba kuti vandirwise.

7 Simukai, imi Jehovha!

Ndirwirei, imi Mwari wangu!

Rovai vavengi vangu vose pashaya;

gurai meno avakaipa.

8 Rusununguko runobva kuna Jehovha.

Maropafadzo enyu ngaave pamusoro pavanhu venyu.Sera

Categories
Mapisarema

Mapisarema 4

Kumutungamiri wenziyo nemitengeranwa. Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndipindurei pandinodana kwamuri,

imi Mwari wangu makarurama.

Ndisunungurei pakutambudzika kwangu;

ndinzwirei ngoni uye munzwe munyengetero wangu.

2 Nhai imi vanhu, muchashandura kukudzwa kwangu kukava chinyadziso kusvikira riniko?

Muchada kutsauswa nokutsvaka vamwari venhema kusvikira riniko?Sera

3 Zivai kuti Jehovha akazvitsaurira vanomuda;

Jehovha achandinzwa pandinodana kwaari.

4 Pakutsamwa kwenyu, regai kutadza;

pamunenge muri pamibhedha yenyu,

nzverai mwoyo yenyu uye munyarare.Sera

5 Ipai zvibayiro zvakarurama

uye muvimbe naJehovha.

6 Vazhinji vanobvunza vachiti, “Ndianiko angatiratidza chakanaka?”

Chiedza chechiso chenyu ngachipenye pamusoro pedu, imi Jehovha.

7 Makazadza mwoyo wangu nomufaro mukuru

kupfuura zviyo zvavo newaini yavo itsva yakawanda.

8 Ndichavata pasi ndigokotsira norugare,

nokuti imi moga, Jehovha,

munoita kuti ndigare pakasimba.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 5

Kumutungamiri wokuimba. Nenyere. Pisarema raDhavhidhi.

1 Rerekerai nzeve yenyu kumashoko angu, imi Jehovha.

Rangarirai chikumbiro changu.

2 Teererai inzwi rokuchema kwangu,

Mambo wangu naMwari wangu,

nokuti ndinonyengetera kwamuri.

3 Mangwanani, munonzwa inzwi rangu, imi Jehovha;

mangwanani ndinoisa zvikumbiro zvangu pamberi penyu

uye ndichimirira netariro.

4 Imi hamusi Mwari anofarira zvakaipa;

munhu akaipa haangagari nemi.

5 Munhu anozvikudza haangamiri pamberi penyu;

munovenga vose vanoita zvakaipa.

6 Munoparadza vose vanoreva nhema;

vanoteura ropa navanhu vanonyengera,

Jehovha anovasema.

7 Asi ini, nenyasha dzenyu huru,

ndichapinda mumba menyu;

norukudzo, ndichakotamira pasi pamberi penyu,

ndakatarira kutemberi yenyu tsvene.

8 Nditungamirirei, imi Jehovha,

mukururama kwenyu nokuda kwavavengi vangu,

ruramisai nzira yenyu pamberi pangu.

9 Hakuna shoko rinobva mumuromo mavo ringavimbwa naro;

mwoyo yavo izere nokuparadza.

Huro dzavo iguva rakashama;

vanotaura zvinonyengera norurimi rwavo.

10 Haiwa Mwari, vapei mhosva!

Ngavawisirwe pasi nerangano dzavo.

Vabvisei nokuda kwezvivi zvavo zvizhinji,

nokuti vakakumukirai.

11 Asi vose vanovanda mamuri ngavafare;

ngavagare vachiimba nomufaro.

Tambanudzirai pamusoro pavo kudzivirira kwenyu,

kuitira kuti vaya vanoda zita renyu vafare mamuri.

12 Nokuti zvirokwazvo, imi Jehovha, munoropafadza vakarurama;

munovakomberedza nenyasha dzenyu sokunge nenhoo.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 6

Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa. Nesheminiti. Pisarema raDhavhidhi.

1 Haiwa Jehovha, regai kundirayira mukutsamwa kwenyu,

kana kundiranga muhasha dzenyu.

2 Ndinzwirei ngoni, Jehovha, nokuti ndava kuziya;

haiwa Jehovha, ndiporesei, nokuti mapfupa angu ava kurwadza.

3 Mweya wangu uri kurwadziwa.

Haiwa Jehovha, kusvikira riniko, kusvikira riniko?

4 Dzokai, imi Jehovha, mugondirwira;

ndiponesei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi.

5 Hakuna anokurangarirai kana afa.

Ndiani anokurumbidzai kubva muguva?

6 Ndaneta nokugomera;

ndinonyorovesa mubhedha wangu nemisodzi ndichichema usiku hwose,

ndinonyorovesa uvato hwangu nemisodzi.

7 Meso angu aneta nokuchema;

haachaoni nokuda kwavavengi vangu vose.

8 Ibvai pandiri, imi mose munoita zvakaipa,

nokuti Jehovha anzwa kuchema kwangu.

9 Jehovha anzwa kukumbira kwangu nyasha;

Jehovha anogamuchira munyengetero wangu.

10 Vavengi vangu vose vachanyadziswa uye vachavhundutswa;

vachadzokera shure pakarepo mukunyadziswa.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 7

Rwiyo rwaDhavhidhi, rwaakaimbira Jehovha pamusoro paKushi, muBhenjamini.

1 Haiwa Jehovha, Mwari wangu, ndinovanda mamuri;

ndiponesei uye mundirwire pane vose vanondidzinganisa,

2 kuti varege kundibvambura seshumba

nokundibvambura-bvambura pasina anondinunura.

3 Haiwa Jehovha, Mwari wangu,

kana ndichinge ndakaita izvi uye ndine mhosva pamaoko angu,

4 kana ndakaita zvakaipa kuno uya akanga ane rugare neni

kana kupamba muvengi wangu pasina mhaka,

5 ipapo muvengi wangu ngaandidzinganise andibate;

ngaatsike-tsike upenyu hwangu muvhu

uye andivatise muguruva.

6 Simukai, imi Jehovha pakutsamwa kwenyu;

simukai murwise hasha dzavavengi vangu.

Simukai, Mwari wangu; rayirai kururamisira.

7 Marudzi akaungana ngaaungane akakupoteredzai.

Vatongei imi muri kumusoro;

8 Jehovha ngaatonge marudzi.

Nditongei, imi Jehovha, zvakafanira kururama kwangu,

zvakafanira kukwaniswa kwangu, imi Wokumusoro-soro.

9 Haiwa, Mwari akarurama,

iyemi munonzvera ndangariro nomwoyo,

gumisai kuita nesimba kwavakaipa

mugoita kuti vakarurama vagare zvakanaka.

10 Nhoo yangu ndimi Mwari Wokumusoro-soro,

iye anoponesa vane mwoyo yakarurama.

11 Mwari ndiye mutongi akarurama,

iye Mwari anoratidza hasha dzake zuva nezuva.

12 Kana munhu asingatendeuki,

iye acharodza munondo wake;

achakunga uta hwake agogadzirira.

13 Agadzirira zvombo zvake zvinouraya;

anozvigadzirira miseve yake inopisa.

14 Iye ane mimba yezvakaipa

akatakura mimba yokutambudzika achabereka nhema.

15 Uyo anochera gomba,

akaridzikisa achawira mugomba raachera.

16 Zvakashata zvake zvichadzokera pamusoro wake;

uye kumanikidza kwake kuchauya pamusoro wake.

17 Ndichatenda Jehovha nokuda kwokururama kwake,

uye ndichaimbira zita raJehovha Wokumusoro-soro nziyo dzokurumbidza.