Categories
2 Madzimambo

2 Madzimambo 23

Josia anovandudza Sungano

1 Ipapo mambo akaunganidza vakuru vose veJudha neJerusarema pamwe chete.

2 Akakwidza achienda kutemberi yaJehovha navarume veJudha, navanhu veJerusarema, vaprista navaprofita, navanhu vose kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru. Akaverenga vachinzwa mashoko ose eBhuku reSungano, rakanga rawanikwa mutemberi yaJehovha.

3 Mambo akamira pambiru akavandudza sungano pamberi paJehovha, kuti atevere Jehovha uye achengete zvaakarayira, nezvaakatema nemitemo yake nomwoyo wake wose, nomweya wake wose nokudaro achisimbisa mashoko esungano akanyorwa mubhuku iri. Ipapo vanhu vose vakazvipira kusungano.

4 Zvino mambo akarayira Hirikia muprista mukuru, navaprista vaimutevera paukuru navarindi vemikova kuti vabvise mutemberi yaJehovha zvose zvakanga zvaitirwa Bhaari naAshera nenyeredzi dzose dzokudenga. Akazvipisira kunze kweJerusarema muminda yoMupata weKidhironi, akaendesa madota azvo kuBheteri.

5 Akabvisa vaprista vezvifananidzo vakanga vagadzwa namadzimambo eJudha kuti vapisire zvinonhuhwira pamatunhu akakwirira amaguta eJudha napamusoro penzvimbo dzakapoteredza Jerusarema, vaya vaipisira zvinonhuhwira kuna Bhaari, nokuzuva nomwedzi nokunyeredzi dzose dzokudenga.

6 Akabvisa danda raAshera mutemberi yaJehovha akariisa kuMupata weKidhironi kunze kweJerusarema akaripisirako. Akarikuya rikava madota, akaparadzira madota acho pamusoro pamarinda avanhuwo zvavo.

7 Akaputsawo dzimba dzezvifeve zvavarume zvapatemberi dzaiva mutemberi yaJehovha mairukira vakadzi machira aAshera.

8 Josia akabudisa vaprista vose vaibva mumaguta eJudha akashatisa matunhu akakwirira, kubva kuGebha kusvikira kuBheerishebha, kwaipisirwa zvinonhuhwira navaprista. Akaputsa dzimba dzapamatunhu akakwirira apamasuo apamukova weSuo raJoshua, mutongi weguta, raiva kuruboshwe rwesuo reguta.

9 Kunyange zvazvo vaprista vamatunhu akakwirira vakanga vasingashumiri paaritari yaJehovha muJerusarema, vakadya zvingwa zvisina mbiriso pamwe chete nehama dzavo vaprista.

10 Akashatisa Tofeti iri muMupata weBheni Hinomi, kuitira kuti pasava nomunhu angapashandisa kubayira mwanakomana wake kana mwanasikana wake mumoto kuna Moreki.

11 Akabvisa pasuo retemberi yaJehovha mabhiza akanga akumikidzwa kuzuva namadzimambo eJudha, akanga ari muchivanze pedyo nekamuri romubati ainzi Natani-Mereki. Ipapo Josia akapisa ngoro dzakanga dzakakumikidzwa kuzuva.

12 Akaputsira pasi aritari dzakanga dzavakwa namadzimambo eJudha pamusoro pedenga, pedyo nekamuri rapamusoro raAhazia, nearitari dzakanga dzavakwa naManase muzvivanze zviviri zvetemberi yaJehovha. Akadzibvisapo, akadziputsa-putsa uye akakanda marara acho muMupata weKidhironi.

13 Mambo akashatisawo matunhu akakwirira akanga ari kumabvazuva kweJerusarema nechezasi kweChikomo choUori, izvo zvakanga zvavakwa naSoromoni mambo weIsraeri achivakira Ashitoreti mwari anonyangadza wavaSidhoni naKemoshi mwari anonyangadza wavaMoabhu, naMoreki mwari anonyangadza wavaAmoni.

14 Josia akaputsa-putsa shongwe dzamatombo aiera akatema matanda aAshera akafukidza nzvimbo dzacho namapfupa avanhu.

15 Pamusoro paizvozvo, akaparadza aritari paBheteri nenzvimbo yakakwirira yakaitwa naJerobhoamu mwanakomana waNebhati, uyo akaita kuti Israeri itadze, kunyange aritari iyoyo nenzvimbo yakakwirira akazviputsa. Akapisa nzvimbo yakakwirira akaikuya kuita upfu, uye akapisawo danda raAshera.

16 Ipapo Josia akatarira-tarira uye paakaona makuva akanga aripo pamusoro pechikomo, akarayira kuti mapfupa abviswe maari uye apiswe paaritari kuti aishatise, maererano neshoko raJehovha rakaparidzwa nomunhu waMwari akaprofita zvinhu izvi.

17 Mambo akabvunza akati, “Ko, shongwe yeguva yandinoona iyo ndeyani?”

Varume vomuguta vakati, “Ndiyo inoratidza guva romunhu waMwari akabva kuJudha akaprofita pamusoro pearitari yeBheteri nezvinhu izvi zvamaita kwairi.”

18 Iye akati, “Regai azorore. Ngakurege kuva nomunhu anokanganisa mapfupa ake.” Naizvozvo vakarega mapfupa ake pamwe chete neomuprofita akanga abva kuSamaria.

19 Josia akaita zvimwe chetezvo sezvaakanga aita paBheteri akabvisa uye akashatisa temberi dzose dzapamatunhu akakwirira dzakanga dzavakwa namadzimambo eIsraeri mumaguta eSamaria, akanga atsamwisa Jehovha,

20 Josia akauraya vaprista vose vokumatunhu akakwirira pamusoro pearitari uye akapisirapo mapfupa avanhu. Ipapo akabva adzokera kuJerusarema.

21 Mambo akarayira vanhu vose akati, “Itirai Jehovha Mwari wenyu Pasika sezvazvakanyorwa muBhuku iri reSungano.”

22 Hakuna kumbova nepasika yakadai kubvira pamazuva avatongi vakatungamirira Israeri kana pamazuva amadzimambo avaIsraeri, namadzimambo eJudha.

23 Asi mugore regumi namasere raMambo Josia, pasika iyi yakaitirwa Jehovha muJerusarema.

24 Pamusoro paizvozvo, Josia akabvisa masvikiro ose navavuki, navaiita zvemidzimu, nezvifananidzo nezvimwe zvose zvinonyangadza zvaionekwa muJudha nomuJerusarema. Akaita izvi kuti azadzise zvaidikanwa nomurayiro wakanga wakanyorwa mubhuku rakanga rakawanikwa nomuprista Hirikia mutemberi yaJehovha.

25 Hapana kumbova namambo akaita saJosia kuna vakamutangira kana vakamutevera, akatendeukira kuna Jehovha nomwoyo wake wose, nomweya wake wose, uye nesimba rake rose, sezvaakaita achitevera Murayiro wose waMozisi.

26 Kunyange zvakadaro, Jehovha haana kushanduka pakupisa kwehasha dzake dzinotyisa, dzaipisira Judha nokuda kwezvose zvakaitwa naManase achimutsamwisa.

27 Naizvozvo Jehovha akati, “Ndichabvisawo Judha pamberi pangu sokubvisa kwandakaita Israeri, uye ndicharamba Jerusarema, guta randakasarudza, netemberi iyi, yandakataura pamusoro payo ndichiti, ‘Zita rangu richagarapo.’ ”

28 Kana zviri zvimwe zvakaitika pakutonga kwaJosia, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha?

29 Josia paakanga ari mambo, Faro Neko mambo weIjipiti akaenda kuRwizi Yufuratesi kuti andobatsira mambo weAsiria. Mambo Josia akaenda kundorwisana naye, asi Neko akamuona akamuuraya paMegidho.

30 Varanda vaJosia vakatakura mutumbi wake mungoro kubva kuMegidho kusvika kuJerusarema vakamuviga muguva rake. Vanhu vomunyika imomo vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosia vakamuzodza uye vakamuita mambo panzvimbo yababa vake.

Jehoahazi Mambo weJudha

31 Jehoahazi akanga ava namakore makumi maviri namatatu paakava mambo, akatonga kwemwedzi mitatu muJerusarema. Zita ramai vake rainzi Hamutari mwanasikana waJeremia, vaibva kuRibhina.

32 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa namadzibaba ake.

33 Faro Neko akamusunga nengetani paRibhira munyika yeHamati kuti asatonga muJerusarema, uye akaisa mutero pamusoro peJudha wamatarenda zanaesirivha netarendaregoridhe.

34 Faro Neko akagadza Eriakimi mwanakomana waJosia kuti ave mambo panzvimbo yababa vake uye Josia akashandura zita raEriakimi kuti rive Jehoyakimi. Asi akatora Jehoahazi akaenda naye kuIjipiti, uye ndiko kwaakafira.

35 Jehoyakimi akapa Faro Neko sirivha negoridhe sezvaakanga areva. Kuti aite izvozvo, akaripisa vanhu vomunyika imomo mutero achitora sirivha negoridhe kubva kuvanhu venyika maererano nezvavakanga vatarirwa.

Jehoyakimi anova Mambo weJudha

36 Jehoyakimi akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga kwamakore gumi nerimwe muJerusarema. Zita ramai vake rainzi Zebhidha mwanasikana waPedhaya; vaibva kuRuma.

37 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa namadzibaba ake.

Categories
2 Madzimambo

2 Madzimambo 24

1 Mumazuva okutonga kwaJehoyakimi Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akakunda nyika, Jehoyakimi akava muranda wake kwamakore matatu. Asi akazoshandura pfungwa dzake akamukira Nebhukadhinezari.

2 Jehovha akatuma vaBhabhironi navaAramu navaMoabhu uye navaAmoni kuti vazorwisa. Akavatuma kunoparadza Judha, sezvakarehwa neshoko raJehovha rakataurwa navaranda vake navaprofita.

3 Zvirokwazvo zvinhu izvi zvakaitika kuna Judha sezvazvakarayirwa naJehovha, kuitira kuti avabvise pamberi pake nokuda kwezvivi zvaManase nezvose zvaakaita,

4 zvinosanganisira kuteura ropa risina mhosva. Nokuti akanga azadza Jerusarema neropa risina mhosva, uye Jehovha akanga asingadi kumukanganwira.

5 Kana zviri zvimwe zvakaitika pakutonga kwaJehoyakimi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha?

6 Jehoyakimi akazorora namadzibaba ake. Uye Jehoyakini, mwanakomana wake akamutevera paumambo.

7 Mambo weIjipiti haana kuzobudazve kubva munyika yake nokuti mambo weBhabhironi akanga atora nyika yake yose, kubva kuRwizi rweIjipiti kusvikira kuRwizi Yufuratesi.

Jehoyakini anova Mambo weJudha

8 Jehoyakini akanga ava namakore gumi namasere paakava mambo, uye akatonga kwemwedzi mitatu muJerusarema. Zita ramai vake rainzi Nehushita mwanasikana waErinatani; vaibva muJerusarema.

9 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake.

10 Panguva iyoyo varanda vaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi vakaenda kuJerusarema vakarikomba,

11 uye Nebhukadhinezari pachake akasvika kuguta, varanda vake pavakanga vakarikomba.

12 Jehoyakini mambo weJudha, namai vake, navaranda vake, namakurukota ake, navabati vake vakazvipira vose kwaari.

Mugore regumi namasere rokutonga kwamambo weBhabhironi, akatora Jehoyakini akamuita musungwa.

13 Sezvakanga zvarehwa naJehovha, Nebhukadhinezari akabvisa pfuma yose mutemberi yaJehovha nomumuzinda wamambo, uye akatora midziyo yose yegoridhe yakanga yaitirwa temberi yaJehovha naSoromoni mambo weIsraeri.

14 Akatapa Jerusarema rose: vabati vose navarume vehondo vose, navarume voumhizha vose, navapfuri vesimbi, vaiva vanhu zviuru gumi. Varombo vokupedzisira ndivo vakasara chete munyika imomo.

15 Nebhukadhinezari akatora Jehoyakini akamuita nhapwa kuBhabhironi. Akatorawo mai vamambo, navakadzi vake, navabati vake navarume vaitungamirira nyika muJerusarema akavaendesa kuBhabhironi.

16 Mambo weBhabhironi akabudisawo hondo yose yavarume zviuru zvinomwe, vakasimba pakurwa, nechiuru chimwe chete chavarume voumhizha navapfuri vesimbi akavaendesa kuBhabhironi.

17 Akaita Matania babamunini vaJehoyakini, mambo panzvimbo yaJehoyakini uye akashandura zita rake akamutumidza kuti Zedhekia.

Zedhekia anova Mambo weJudha

18 Zedhekia akanga ana makore makumi maviri nerimwe chete paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi nerimwe. Zita ramai vake rainzi Hamutari mwanasikana waJeremia; vaibva kuRibhina.

19 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaita Jehoyakini.

20 Izvi zvakaitika kuJerusarema neJudha nokuda kwehasha dzaJehovha, uye pakupedzisira akavabvisa pamberi pake.

Zvino Zedhekia akamukira mambo weBhabhironi.

Categories
2 Madzimambo

2 Madzimambo 25

Kuwa kweJerusarema

1 Naizvozvo mugore repfumbamwe rokutonga kwaZedhekia, pazuva regumi romwedzi wegumi, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akaenda kundorwisana neJerusarema nehondo yake yose. Akavaka misasa akakomberedza guta uye akavakawo nhare dzakanga dzakarikomberedza.

2 Guta rakaramba rakakombwa kusvikira pagore regumi nerimwe chete raMambo Zedhekia.

3 Pazuva repfumbamwe romwedzi wechina nzara yakanyanya muguta zvokuti makanga musisina zvokudya zvavanhu.

4 Ipapo rusvingo rweguta rwakapwanyiwa, hondo yose ikatiza usiku napasuo raiva pakati pamasvingo maviri pedyo nebindu ramambo, kunyange veBhabhironi vakanga vakakomba guta. Vakatiza vakananga kuArabha,

5 asi hondo yavaBhabhironi yakadzinganisa mambo ikamubatira mumapani eJeriko. Varwi vake vose vakaparadzaniswa naye vakapararira.

6 Akabatwa akaendeswa kuna mambo weBhabhironi paRibhira, kwaakandotongwa.

7 Vakauraya vanakomana vaZedhekia pamberi pake achizviona. Ipapo vakamutushura meso ake, vakamusunga nezvisungo zvamatare vakamutora vakaenda naye kuBhabhironi.

8 Pazuva rechinomwe romwedzi wechishanu, mugore regumi nepfumbamwe raNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani mukuru wehondo yavachengeti vamambo, muranda wamambo weBhabhironi, akauya kuJerusarema.

9 Akapisa temberi yaJehovha, nomuzinda wamambo nedzimba dzose dzeJerusarema. Akapisa, dzimba dzose dzaikosha.

10 Hondo yose yeBhabhironi yaiva pasi pomukuru wavarindi vamambo yakaputsa masvingo aipoteredza Jerusarema.

11 Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akaendesa kuutapwa vanhu vakanga vasara muguta, pamwe chete navamwe vanhu vose zvavo navaya vakanga vaenda kuna mambo weBhabhironi.

12 Asi mukuru wavarindi akasiya vanhu vakanga vari varombo vokupedzisira munyika kuti vashande muminda yemizambiringa nemimwe minda.

13 Vanhu veBhabhironi vakaputsa mbiru dzendarira, zvigadziko neGungwa rendarira zvakanga zviri mutemberi yaJehovha vakatakura ndarira vakaenda nayo kuBhabhironi.

14 Vakatorawo hari, nefoshoro, nezvidzimiso zvemwenje, nemadhishi uye nemidziyo yose yendarira yaishandiswa mutemberi.

15 Mukuru wehondo yavarindi vamambo akatora zvaenga zvezvinonhuhwira namadhishi okusasa nawo, nezvose zvakanga zvakagadzirwa negoridhe rakaisvonaka kana sirivha.

16 Ndarira yakabva pambiru mbiri, Gungwa nezvigadziko zvakanga zvagadzirirwa temberi yaJehovha naSoromoni, yakanga yakawanda zvokuti yaisagona kuyerwa.

17 Mbiru imwe neimwe yaiva yakareba makubhiti gumi namasere. Musoro wendarira waiva pamusoro pembiru wakanga wakareba makubhiti matatuuye wakanga wakashongedzwa nomumbure uye namatamba endarira akanga akaupoteredza. Imwe mbiru nomumbure wayo yakanga yakadarowo.

18 Mukuru wavarindi akatora Seraya muprista mukuru naZefania muprista aimutevera paukuru navachengeti vomukova vatatu akavaita vasungwa.

19 Pane avo vakanga vasara muguta, akatora mukuru wavarwi navapi vamazano vamambo vashanu. Akatorawo munyori akanga ari mubati mukuru ainyoresa vanhu venyika kuti vave varwi navamwe vanhu vake vaisvika makumi matanhatu vakawanikwa muguta.

20 Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akavatora vose akavaendesa kuna mambo weBhabhironi paRibhura.

21 Ipapo paRibhura munyika yeHamati, mambo akarayira kuti vaurayiwe.

Saka Judha yakaenda kuutapwa, kure nenyika yayo.

22 Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akagadza Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, kuti atonge vanhu vaakanga asiya muJudha.

23 Vakuru vose vehondo navanhu vavo pavakanzwa kuti mambo weBhabhironi akanga agadza Gedharia kuti ave mutongi, vakauya kuna Gedharia paMizipa, Ishumaeri mwanakomana waNetania, naJohanani mwanakomana waKarea, naSeraya mwanakomana waTanhumeti muNetofati, naJaazania mwanakomana womuMaakati, navanhu vavo.

24 Gedharia akaita mhiko kuti avasimbise, ivo navanhu vavo. Akati kwavari, “Musatya vabati vomuBhabhironi. Garai munyika mushandire mambo weBhabhironi zvigokunakirai.”

25 Kunyange zvakadaro, mumwedzi wechinomwe Ishumaeri mwanakomana waNetania, mwanakomana waErishama, akanga ari weropa roushe, akauya navarume gumi akauraya Gedharia navarume veJudha neveBhabhironi vaiva naye paMizipa.

26 Zvadai, vanhu vose kubva kuvadiki kusvika kuvakuru navakuru vehondo pamwe chete vakatizira kuIjipiti, vachitya vaBhabhironi.

Jehoyakini anosunungurwa

27 Mugore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoyakini mambo weJudha, mugore rakatanga Evhiri-Merodhaki mambo weBhabhironi kutonga, akasunungura Jehoyakini kubva muusungwa pazuva ramakumi manomwe romwedzi wegumi nemiviri.

28 Akataura zvakanaka kwaari akamupa chigaro chokukudzwa chakapfuura chamamwe madzimambo akanga anaye muBhabhironi.

29 Naizvozvo Jehoyakini akabvisa nguo dzake dzousungwa uye akadya patafura yamambo nguva nenguva pamazuva ose oupenyu hwake.

30 Zuva nezuva mambo akapa Jehoyakini mugove wezuva rimwe nerimwe mazuva ose oupenyu hwake.

Categories
1 Makoronike

1 Makoronike 1

Zvinyorwa zvenhoroondo kubva kuna

Adhamu kusvika kuna Abhurahama

Kusvika kuvanakomana vaNoa

1 Adhamu, Seti, Enoshi,

2 Kenani, Maharareri, Jaredhi,

3 Inoki, Metusera, Rameki,

Noa.

4 Vanakomana vaNoa vaiva: Shemu, Hamu, naJafeti.

VaJafeti

5 Vanakomana vaJafeti vaiva:

Gomeri, Magogi, Madhai, Javhani, Tubhari, Mesheki naTirasi.

6 Vanakomana vaGomeri vaiva:

Ashikenazi, Rifati naTogarima.

7 Vanakomana vaJavhani vaiva:

Erisha, Tashishi, Kitimi naRodhanimi.

VaHamu

8 Vanakomana vaHamu vaiva:

Kushi, Miziraimi, Puti naKenani.

9 Vanakomana vaKushi vaiva:

Sebha, Havhira, Sabata, Raama naSabhiteka.

Vanakomana vaRaama vaiva:

Shebha naDedhani.

10 Kushi aiva baba vaNimurodhi;

uyo akakura akava murwi mukuru panyika.

11 Miziraimi aiva baba

vavaRudhi, vaAnami, vaRehabhi, vaNafutuhi,

12 vaPatiri, vaKasiruhi (umo makazobvawo vaFiristia) navaKafitori.

13 Kenani aiva baba

vaSidhoni dangwe rake, nevaHiti,

14 vaJebhusi vaAmori, vaGirigashi,

15 vaHivhi, vaAriki, vaSini,

16 vaArivhadhi, vaZemari nevaHamati.

VaSemi

17 Vanakomana vaShemu vaiva:

Eramu, Ashua, Arifakisadhi, Rudhi naAramu.

Vanakomana vaAramu vaiva:

Uzi, Huri, Geteri naMesheki.

18 Arifakisadhi aiva baba vaShera,

uye Shera aiva baba vaEbheri.

19 Vanakomana vaviri vakaberekerwa Ebheri:

mumwe ainzi Peregi, nokuti panguva yake nyika yakanga yakakamurana; mununʼuna wake ainzi Jokitani.

20 Jokitani aiva baba

vaArimodhadhi, Sherefi, Hazarimavheti, Jera,

21 Hadhoramu, Uzari, Dhikira,

22 Obhari, Abhimaeri, Shebha,

23 Ofiri, Havhira naJobhabhi. Ava vose vaiva vanakomana vaJokitani.

24 Shemu, Arifakisadhi, Shera,

25 Ebheri, Peregi, Reu,

26 Serugi, Nahori, Tera

27 naAbhurama (iye Abhurahama).

Mhuri yaAbhurahama

28 Vanakomana vaAbhurahama vaiva: Isaka naIshumaeri.

Zvizvarwa zvaHagari

29 Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvavo:

Nebhayoti dangwe raIshumaeri, Kedhari, Adhibheeri, Mibhisami,

30 Mishima, Dhuma, Masa, Hadhadhi, Tema,

31 Jeturi, Nafishi, naKedhema.

Ava ndivo vaiva vanakomana vaIshumaeri.

Zvizvarwa zvaKetura

32 Vanakomana vakaberekwa naKetura, murongo waAbhurahama vaiva:

Zimirani, Jokishani, Medhani, Midhiani, Ishibhaki naShua.

Vanakomana vaJokishani vaiva:

Shebha naDhedhani.

33 Vanakomana vaMidhiani vaiva:

Efa, Eferi, Hanoki, Abhidha naEridha.

Ava vose vaiva zvizvarwa zvaKetura.

Zvizvarwa zvaSara

34 Abhurahama aiva baba vaIsaka.

Vanakomana vaIsaka vaiva:

Esau naIsraeri.

Vanakomana vaEsau

35 Vanakomana vaEsau vaiva:

Erifazi, Reueri, Jeushi, Jaramu, naKora.

36 Vana vaErifazi vaiva:

Temani, Omari, Zefo, Gatami, naKenazi;

naTimina, vakabereka Amareki.

37 Vanakomana vaReueri vaiva:

Nahati, Zera, Shama naMiza.

VaSeiri muEdhomu

38 Vanakomana vaSeiri vaiva:

Rotani, Shobhari, Zibheoni, Ana, Dhishoni, Ezeri naDhishani.

39 Vanakomana vaRotani vaiva:

Hori naHomami, Timina aiva hanzvadzi yaRotani.

40 Vanakomana vaShobhari vaiva:

Arivhani, Manahati, Ebhari, Shefo naOnami.

Vanakomana vaZibheoni vaiva:

Aya naAna.

41 Mwanakomana waAna

ainzi Dhishoni.

Vanakomana vaDhishoni vaiva:

Hemidhani, Eshibhani, Itirani naKerani.

42 Vanakomana vaEzeri vaiva:

Bhirihani, Zaavhani naAkani.

Vanakomana vaDhishani vaiva:

Uzi naArani.

Vatongi veEdhomu

43 Aya ndiwo aiva madzimambo aitonga muEdhomu kusati kwava namambo upi zvake aitonga muIsraeri vaiva:

Bhera mwanakomana waBheori, guta rake rainzi Dhinihabha.

44 Bhera paakafa, Jobhabhi mwanakomana waZera aibva kuBhozira akamutevera paumambo.

45 Jobhabhi paakafa, Hushami aibva kunyika yevaTemani akamutevera paumambo.

46 Hushami paakafa, Hadhadhi mwanakomana waBhedhadhi uyo akakunda Midhiani munyika yaMoabhu akamutevera paumambo. Guta rake rainzi Avhiti.

47 Hadhadhi paakafa Samira aibva kuMasireka akamutevera paumambo.

48 Samira paakafa, Shauri aibva kuRehobhoti parwizi akamutevera paumambo.

49 Shauri paakafa Bhaari Hanani mwanakomana waAkibhori akamutevera paumambo.

50 Bhaari Hanani paakafa, Hadhadhi akamutevera paumambo. Guta rake rainzi Pau uye mudzimai wake ainzi Mehetabheri, mwanasikana waMatiredhi, mwanasikana waMe-Zahabhi.

51 Hadhadhi akafawo.

Madzishe eEdhomu aiva:

Timina, Arivha, Jeteti

52 Ohoribhama, Era, Pinoni,

53 Kenazi, Temani, Mibhiza,

54 Magidhieri naIrami.

Aya ndiwo aiva madzishe eEdhomu.

Categories
1 Makoronike

1 Makoronike 2

Vanakomana vaIsraeri

1 Ava ndivo vaiva vanakomana vaIsraeri: Rubheni, Simeoni, Revhi, Judha, Isakari, Zebhuruni,

2 Dhani, Josefa, Bhenjamini, Nafutari, Gadhi naAsheri.

Judha

Kuvanakomana vaHezironi

3 Vanakomana vaJudha vaiva:

Eri, Onani naShera. Vatatu ava akavaberekerwa nomudzimai wechiKenani, mwanasikana waShua.

Eri dangwe raJudha, akanga akaipa pamberi paJehovha. Saka Jehovha akamuuraya.

4 Tamari muroora waJudha akamuberekera Perezi naZera.

Judha aiva navanakomana vashanu vose pamwe chete.

5 Vanakomana vaPerezi vaiva:

Hezironi naHamuri.

6 Vanakomana vaZera vaiva:

Zimuri, Etani, Hemani, Karikori naDharidha; vose vaiva vashanu.

7 Mwanakomana waKarimi aiva:

Akari, uyo akauyisa matambudziko pamusoro peIsraeri nokutyora murayiro wokusatora zvinhu zvakaereswa.

8 Mwanakomana waEtani ainzi

Azaria.

9 Vanakomana vaHezironi vaiva:

Jerameeri, Rami naKarebhu.

Kubva kuna Rami mwanakomana waHezironi

10 Rami aiva baba vaAminadhabhi,

uye Aminadhabhi aiva baba vaNahashoni mutungamiri wavanhu veJudha.

11 Nahashoni aiva baba vaSarimoni,

Sarimoni ari baba vaBhoazi,

12 Bhoazi aiva baba vaObhedhi

uye Obhedhi aiva baba vaJese.

13 Jese aiva baba

vaEriabhi dangwe rake; mwanakomana wake wechipiri ainzi Abhinadhabhi,

wechitatu ainzi Shimea,

14 wechina ainzi Netaneri,

wechishanu ainzi Radhai,

15 wechitanhatu ainzi Ozemi

uye wechinomwe ainzi Dhavhidhi.

16 Hanzvadzi dzavo dzaiva Zeruya naAbhigairi.

Vanakomana vatatu vaZeruya vaiva Abhishai, Joabhu naAsaheri.

17 Abhigairi aiva amai vaAmasa, baba vaAmasa vainzi Jeteri muIshumaeri.

Karebhu mwanakomana waHezironi

18 Karebhu mwanakomana waHezironi akabereka vana nomudzimai wake Azubha (uye naJerioti). Ava ndivo vaiva vanakomana vake:

Jesheri Shobhabhi naAridhoni.

19 Azubha paakafa Karebhu akaroora Efurati uyo akamuberekera Huri.

20 Huri aiva baba vaUri uye Uri aiva baba vaBhezareri.

21 Shure kwaizvozvo, Hezironi akavata nomwanasikana waMakiri baba vaGireadhi; akanga amuwana paakanga ava namakore makumi matanhatu; akamuberekera Segubhi.

22 Segubhi aiva baba vaJairi, uyo aitonga maguta makumi maviri namatatu muGireadhi.

23 (Asi Geshuri naAramu vakatapa Habhoti Jairi pamwe chete neKenati namaguta akaripoteredza, maguta makumi matanhatu.)

Ava vose vaiva vorudzi rwaMakiri baba vaGireadhi.

24 Mushure mokunge Hezironi afira muKarebhu Efurata, Abhija mudzimai waHezironi akamuberekera Ashuri baba vaTekoa.

Jerameeri mwanakomana waHezironi

25 Vanakomana vaJerameeri dangwe raHezironi vaiva:

Rami dangwe rake, Bhuna, Oreni, Ozemi naAhija.

26 Jerameeri akanga ane mumwe mukadzi, zita rake rainzi Atara. Akanga ari amai vaOnami.

27 Vanakomana vaRamu dangwe raJerameeri vaiva:

Maazi, Jamini naEkeri.

28 Vanakomana vaOnami vaiva:

Shamai naJadha.

Vanakomana vaShamai vaiva:

Nadhabhi naAbhishuri.

29 Mukadzi waAbhishuri ainzi Abhihairi akamuberekera Abhani naMoridhi.

30 Vanakomana vaNadhabhi vaiva:

Seredhi naApaimi. Seredhi akafa asina vana.

31 Mwanakomana waApaimi

ainzi Ishi uyo aiva baba vaSheshani. Sheshani aiva baba vaArai.

32 Vanakomana vaJadha, mununʼuna waShamai vaiva:

Jeteri naJonatani. Jeteri akafa asina vana.

33 Vanakomana vaJonatani vaiva:

Pereti naZaza.

Ava ndivo vaiva zvizvarwa zvaJerameeri.

34 Sheshani aiva asina vanakomana, aiva navanasikana chete.

Aiva nomuranda wechiIjipita ainzi Jara.

35 Sheshani akapa mwanasikana wake kuti ave mukadzi womuranda wake. Jara akamuberekera Atai.

36 Atai aiva baba vaNatani,

Natani aiva baba vaZabhadhi,

37 Zabhadhi baba vaEfirari,

Efirari baba vaObedhi,

38 Obhedhi baba vaJehu,

Jehu baba vaAzaria,

39 Azaria baba vaHerezi,

Herezi baba vaEreasa,

40 Ereasa baba vaSisimai,

Sisimai baba vaSharumi,

41 Sharumi baba vaJekamia,

uye Jekamia aiva baba vaErishama.

Dzimba dzaKarebhu

42 Vanakomana vaKarebhu mununʼuna waJerameeri vaiva:

Mesha dangwe rake, uyo aiva baba vaZifi

uye nomwanakomana wake Maresha, uyo aiva baba vaHebhuroni.

43 Vanakomana vaHebhuroni vaiva:

Kora, Tapuwa, Rekemu naShema.

44 Shema aiva baba vaRahamu,

uye Rahamu baba vaJorikeami.

Rekemu aiva baba vaShamai.

45 Mwanakomana waShamai ainzi Maoni,

uye Maoni aiva baba vaBheti Zuri.

46 Mumwe murongo waKarebhu ainzi Efa ndiye aiva amai

vaHarani, Moza naGazezi.

Harani aiva baba vaGazezi.

47 Vanakomana vaJadhai vaiva:

Regemu, Jotamu, Geshani, Pereti, Efa naShaafi.

48 Mumwe murongo waKarebhu ainzi Maaka ndiye aiva amai

vaShebheri naTirana.

49 Akaberekawo Shaafi baba vaMadhimana

naShevha baba vaMakibhena naGibhea.

Mwanasikana waKarebhu ainzi Akisa.

50 Izvi ndizvo zvizvarwa zvaKarebhu.

Vanakomana vaHuri dangwe raEfurata:

Shobhari baba vaKiriati Jearimi,

51 Sarima baba vaBheterehema, naHarefi baba vaBheti Gadheri.

52 Zvizvarwa zvaShobhari baba vaKiriati Jearimi zvaiva:

Haroe, hafu yavaManahati,

53 uye dzimba dzaKiriati Jearimi dzaiva: vaItiri, vaPuti, vaShumati navaMishirai. Kuna ivava kwakabva vaZorati navaEshitaori.

54 Zvizvarwa zvaSarima zvaiva:

Bheterehema, vaNetofati, Atiroti Bheti Joabhu, hafu yavaManahati, vaZori,

55 uye dzimba dzavanyori vaigara paJabhezi dzaiva: vaTirati, vaShimeati navaSukati. Ava ndivo vaKeni vakabva kuna Hamati baba veimba yaRekabhi.

Categories
1 Makoronike

1 Makoronike 3

Vanakomana vaDhavhidhi

1 Ava ndivo vanakomana vaDhavhidhi vaakaberekerwa ari kuHebhuroni:

Dangwe rake rainzi Amunoni mwanakomana waAhinoami weJezireeri.

Wechipiri ainzi Dhanieri, mwanakomana waAbhigairi weKarimeri;

2 wechitatu, Abhusaromu mwanakomana waMaaka mwanasikana waTarimai mambo weGeshuri;

wechina, Adhoniya mwanakomana waHagiti,

3 wechishanu, Shefatia mwanakomana waAbhitari uye

wechitanhatu Itireami nomukadzi wake Egira.

4 Ava vatanhatu vakaberekerwa Dhavhidhi muHebhuroni umo maakatonga kwamakore manomwe nemwedzi mitanhatu.

Dhavhidhi akazotonga muJerusarema kwamakore makumi matatu namatatu

5 uye ava ndivo vana vaakaberekerwa ikoko. Vaiva:

Shamua, Shobhabhi, Natani naSoromoni. Ava vana vakaberekwa naBhatishebha mwanasikana waAmieri.

6 Kwaivawo naIbhari, Erishua, Erifereti,

7 Noga, Nefegi, Jafia,

8 Erishama, Eriadha naErifereti, vose vaiva vapfumbamwe.

9 Ava vose vaiva vanakomana vaDhavhidhi, tisingaverengi vanakomana vake vaakaita navarongo vake. Uye Tamari aiva hanzvadzi yavo.

Madzimambo eJudha

10 Mwanakomana waSoromoni ainzi Rehobhoamu,

Abhija mwanakomana wake,

Asa mwanakomana wake,

Jehoshafati mwanakomana wake,

11 Jehoramu mwanakomana wake,

Ahazia mwanakomana wake,

Joashi mwanakomana wake,

12 Amazia mwanakomana wake,

Azaria mwanakomana wake,

Jotamu mwanakomana wake,

13 Ahazi mwanakomana wake,

Hezekia mwanakomana wake,

Manase mwanakomana wake,

14 Amoni mwanakomana wake,

Josia mwanakomana wake.

15 Vanakomana vaJosia vaiva:

Johanani dangwe,

Jehoyakimi wechipiri,

Zedhekia wechitatu

naSharumi wechina.

16 Vakatevera Jehoyakimi vaiva:

Jehoyakini mwanakomana wake

naZedhekia.

Veimba yoUmambo shure kwoUtapwa

17 Zvizvarwa zvaJehoyakini mutapwa zvaiva:

Shearitieri mwanakomana wake,

18 Marikirami, Pedhaya, Shenazari, Jekamia, Hoshama naNedhabhia.

19 Vanakomana vaPedhaya vaiva:

Zerubhabheri naShimei.

Vanakomana vaZerubhabheri vaiva:

Meshurami naHanania. Sheromiti aiva hanzvadzi yavo.

20 Kwaivawo navamwe vashanu vaiti: Hashubha, Oheri, Bherekia, Hasadhia naJushabhi-Hesedhi.

21 Zvizvarwa zvaHanania zvaiva:

Peratia naJeshaya, navanakomana vaRefaya, vaArinani, vaObhadhia nevaShekania.

22 Zvizvarwa zvaShekania zvaiva:

Shemaya navanakomana vake vaiti: Hatushi, Igari, Bharia, Nearia naShafati, vatanhatu vose pamwe chete.

23 Vanakomana vaNearia vaiva:

Erioenai, Hizikia naAzirikamu, vatatu pamwe chete.

24 Vanakomana vaErioenai vaiva:

Hodhavhia, Eriashibhi, Peraya, Akubhi, Johanani, Dheraya naAnani, vanomwe pamwe chete.

Categories
1 Makoronike

1 Makoronike 4

Dzimwe Dzimba dzaJudha

1 Zvizvarwa zvaJudha zvaiva:

Perezi, Hezironi, Karimi, Huri naShobhari.

2 Reaya mwanakomana waShobhari aiva baba vaJahati, uye Jahati ari baba vaAhumai naRahadhi. Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzavaZorati.

3 Ava ndivo vaiva vanakomana vaEtami:

Jezireeri, Ishima naIdhibashi. Hanzvadzi yavo yainzi Hazereriponi.

4 Penueri aiva baba vaGedhori uye Ezeri aiva baba vaHusha.

Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaHuri dangwe raEfurata baba vaBheterehema.

5 Ashuri baba vaTekoa vaiva navakadzi vaviri, Hera naNaara.

6 Naara akamuberekera Ahuzami, Heferi, Temeni naHaahashitari. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaNaara.

7 Vanakomana vaHera vaiva:

Zareti, Zohari, Etinani

8 naKozi uyo aiva baba vaAnubhi naHazobhebha nevedzimba dzaAhareri mwanakomana waHaruni.

9 Jabhezi aikudzwa zvikuru kukunda vanunʼuna vake. Mai vake vakamutumidza kuti Jabhezi vachiti, “Ndakamubereka mukurwadziwa.”

10 Jabhezi akachema kuna Mwari waIsraeri achiti, “Haiwa, dai mandiropafadza mukakurisa nyika yangu! Ruoko rwenyu ngaruve neni, rundichengete kune zvinokuvadza kuitira kuti ndisarwadziwa.” Uye Mwari akamupa zvaakakumbira.

11 Kerubhi, mununʼuna waShuha aiva baba vaMehiri uyo aiva baba vaEshitoni.

12 Eshitoni aiva baba vaBheti Rafa, Pasea naTehina baba vaIri Nahashi. Ava ndivo vaiva varume veReka.

13 Vanakomana vaKenazi vaiva:

Otinieri naSeraya.

Vanakomana vaOtinieri vaiva:

Hatati naMeonotai.

14 Meonotai aiva baba vaOfira.

Seraya aiva baba vaJoabhu,

baba vaGe Harashimi. Vakapiwa zita iri nokuti vaiva mhizha.

15 Vanakomana vaKarebhu mwanakomana waJefune vaiva:

Iru, Era naNaami.

Mwanakomana waEra

ainzi Kenazi.

16 Vanakomana vaJehareri vaiva:

Zifi, Zifa, Tiria naAsareri.

17 Vanakomana vaEzira vaiva:

Jeteri, Meredhi, Eferi, naJaroni.

Mumwe wavakadzi vaMeredhi akavaberekera Miriamu, Shamai naIshibha baba vaEshitemoa.

18 Ava ndivo vaiva vana vomwanasikana waFaro ainzi Bhitia akanga aroorwa naMeredhi.

Mukadzi wake wechiJudha akabereka Jeredhi baba vaGedhori, Hebheri baba vaSoko, naJekutieri baba vaZanoa.

19 Vanakomana vomukadzi waHodhia, hanzvadzi yaNahamu vaiva:

baba vaKeira muGarimi naEshitemoa muMaakati.

20 Vanakomana vaShimoni vaiva:

Amunoni, Rina, Bheni-Hanani naTironi.

Zvizvarwa zvaIshi zvaiva:

Zoheti naBheni-Zoheti.

21 Vanakomana vaShera mwanakomana waJudha vaiva:

Eri baba vaReka, Raadha baba vaMaresha nedzimba dzavairuka mucheka wakaisvonaka paBheti Ashibhea.

22 Jokimi, varume veKozebha naJoashi naSarafi vaitonga muMoabhu naJashubhi Rehemi. (Zvinyorwa izvi ndezvakare.)

23 Vaiva vaumbi vehari vaigara paNetaimi nepaGedhera; vaigarapo vachishandira mambo.

Simeoni

24 Zvizvarwa zvaSimeoni zvaiva:

Nemueri, Jamini, Jaribhi, Zera naShauri;

25 Sharumi aiva mwanakomana waShauri, Mibhisami ari mwanakomana wake naMishima mwanakomana wake.

26 Zvizvarwa zvaMishima zvaiva:

Hamueri mwanakomana wake, Zakuri mwanakomana wake naShimei mwanakomana wake.

27 Shimei aiva navanakomana gumi navatanhatu navanasikana vatanhatu, asi vanunʼuna vake vaiva vasina vana vakawanda; saka rudzi rwavo haruna kuwanda sokuwanda kwavanhu vavaJudha.

28 Vaigara muBheerishebha Moradha, Hazari Shuari,

29 Bhiriha, Ezemi, Toradhi,

30 Bhetueri, Horima, Zikiragi,

31 Bheti Makabhoti, Hazari Susimi, Bheti Bhiri neSharaimi. Aya ndiwo aiva maguta avo kusvikira pakutonga kwaDhavhidhi.

32 Misha yaiva yakaapoteredza yaiva: Etami, Aini, Rimoni, Tokeni neAshani, maguta mashanu

33 nemisha yose yakanga yakaapoteredza kusvika kuBhaarati. Idzi ndidzo nzvimbo dzavaigara.

Uye vakachengeta nhoroondo yezvizvarwa zvavo:

34 Meshobhabhi, Jamireki,

Josha mwanakomana waAmazia,

35 Joere,

Jehu mwanakomana waJoshibhia, mwanakomana waSeraya, mwanakomana waAsieri,

36 uye Erioenai, Jaakobha, Jeshohaya,

Asaya, Adhieri, Jesimieri, Bhenaya,

37 naZiza mwanakomana waShifi, mwanakomana waAroni mwanakomana waJedhaya, mwanakomana waShimiri, mwanakomana waShemaya.

38 Varume vakanyorwa pamusoro namazita avo vaiva vatungamiri vedzimba dzavo.

Mhuri dzavo dzakakura kwazvo

39 uye vakaenda kumucheto kweGedhori kurutivi rwokumabvazuva nomupata vachitsvakira makwai avo mafuro.

40 Vakawana mafuro akanaka kwazvo akapfuma, uye nyika yakanaka ine nzvimbo huru ine runyararo norugare. VaHamu ndivo vakanga vachimbogaramo kare.

41 Varume vane mazita akanyorwa vakauya pamazuva aHezekia mambo waJudha. Vakarwisa vaHamu mumatende avo navaMeuniwo vaivapo vakavaparadza zvachose kusvikira nhasi. Ipapo vakazogarapo munzvimbo yavo nokuti paiva namafuro amakwai avo.

42 Uye mazana mashanu avo vaiva vaSimeoni vachitungamirirwa naPeratia, Nearia, Refaya naUzieri, vanakomana vaIshi, vakandorwisa nyika yamakomo yeSeiri.

43 Vakauraya vaAmareki vakanga vasara avo vakanga vapunyuka, uye vakagarapo kusvikira nhasi.

Categories
1 Makoronike

1 Makoronike 5

Rubheni

1 Vanakomana vaRubheni dangwe raIsraeri. (Ndiye aiva dangwe, asi paakasvibisa nhoo yewaniso yababa vake, kodzero dzoudangwe hwake dzakapiwa kuvanakomana vaJosefa mwanakomana waIsraeri; saka haana kuzoverengerwawo munhoroondo dzamadzitateguru ake maererano nekodzero yokuberekwa kwake.

2 Uye kunyange zvazvo Judha aiva akasimba kwazvo kupfuura vana vababa vake vose, uye kunyange zvazvo mutongi akazobuda maari, kodzero youdangwe yaiva yaJosefa.)

3 Vanakomana vaRubheni dangwe raIsraeri vaiva:

Hanoki, Paru, Hezironi naKarimi.

4 Zvizvarwa zvaJoere zvaiva:

Shemaya mwanakomana wake, Gogi mwanakomana wake,

Shimei mwanakomana wake,

5 Mika mwanakomana wake,

Reaya mwanakomana wake, naBhaari mwanakomana wake.

6 Uye naBheera mwanakomana wake uyo akatorwa akaiswa muutapwa naTigirati-Pireseri mambo weAsiria. Bheera akanga ari mutungamiri wavaRubheni.

7 Hama dzavo nedzimba dzavo dzakanyorwa munhoroondo dzamadzitateguru avo dzaiva:

Jeyeri aiva Ishe, naZekaria uye

8 Bhera mwanakomana waAzazi, mwanakomana waShema, mwanakomana waJoere.

Vakagara munzvimbo yaibva kuAroeri kusvikira kuNebho neBhaari Meoni.

9 Kumabvazuva vakatora nyika kusvikira pamuganhu wegwenga rinosvika kuRwizi Yufuratesi nokuti zvipfuwo zvavo zvakanga zvawanda muGireadhi.

10 Panguva yokutonga kwaSauro vakarwa navaHagiri vakavakunda vakagara mumatende avaHagiri mudunhu rose rokumabvazuva eGireadhi.

Gadhi

11 VaGadhi vakanga vakavakidzana navo muBhashani kusvikira kuSareka:

12 Joere ndiye aiva ishe, Shafami ari wechipiri, kuchizotevera Janai naShafati, muBhashani.

13 Hama dzavo, tichiverenga mhuri dzavo, dzaiva:

Mikaeri, Meshurami, Shebha, Jorai, Jakani, Zia naEbheri, vanomwe pamwe chete.

14 Ava ndivo vaiva vanakomana vaAbhihairi mwanakomana waHuri, mwanakomana waJarowa, mwanakomana Gireadhi, mwanakomana waMikaeri, mwanakomana waJeshishai, mwanakomana waJadho, mwanakomana waBhuzi.

15 Ahi mwanakomana waAbhidhieri, mwanakomana waGuni, ndiye aiva mukuru wemhuri yavo.

16 VaGadhi vaigara muGireadhi, muBhashani nomumisha yaro yakaripoteredza, uye nomumafuro ose eSharoni kusvikira kwaanogumira.

17 Iva vose vakanyorwa munhoroondo dzamadzitateguru avo munguva yokutonga kwaJotamu mambo weJudha naJerobhoamu mambo weIsraeri.

18 VaRubheni, vaGadhi nehafu yorudzi rwaManase vaiva navarume zviuru makumi mana nezvina namazana manomwe namakumi matanhatu vakanga vakagadzirira kundorwa, varume vakasimba vaigona kushandisa nhoo nomunondo, uye vaigona kushandisa uta, uye vakanga vakadzidziswa kurwa.

19 Vakarwa navaHagiri, vaJeturi, vaNafishi navaNodhabhi.

20 Vakabatsirwa pakurwa navo, uye Mwari akaisa vaHagiri, navose vaiva kurutivi rwavo, mumaoko avo, nokuti vakanga vachema kwaari vari pakurwa. Akapindura minyengetero yavo nokuti vakavimba naye.

21 Vakapamba zvipfuwo zvavaHagiri zvaiti: zviuru makumi mashanu zvengamera, zviuru mazana maviri ane makumi mashanu zvamakwai nezviuru zviviri zvembongoro. Vakatapawo zviuru zana zvavanhu,

22 uye vamwe vazhinji vakaurayiwa nokuti kurwa uku kwaiva kwaMwari. Uye vakagara munyika iyoyi kusvikira pakutapwa.

Hafu yorudzi rwaManase

23 Vanhu vehafu yorudzi rwaManase vaiva vazhinji kwazvo vakagara munyika yaibva kuBhashani ichisvika kuBhari Hemoni ndiko kuSeniri (Gomo reHemoni).

24 Ava ndivo vaiva vakuru vedzimba dzavo: Eferi, Ishi, Erieri, Azireri, Jeremia, Hodhavhia naJadhieri. Ava vaiva varwi vakashinga, varume vembiri uye vari vakuru vedzimba dzavo.

25 Asi vakanga vasina kutendeka kuna Mwari wamadzibaba avo, vakaita ufeve hwokunamata vamwari vavanhu venyika iyi avo vakanga vaparadzwa naMwari pamberi pavo.

26 Saka Mwari waIsraeri akamutsa mweya waPuri mambo weAsiria iwo mweya waTigirati-Pireseri mambo weAsiria, akatapa vaRubheni, vaGadhi nehafu yorudzi rwaManase. Akavatora akandovaisa kuHarahi, Habhori, Hara nokurwizi Gozani uko kwavari kusvikira zuva ranhasi.

Categories
1 Makoronike

1 Makoronike 6

Revhi

1 Vanakomana vaRevhi vaiva

Gerishoni, Kohati naMerari.

2 Vanakomana vaKohati vaiva:

Amiramu, Izhari, Hebhuroni naUzieri.

3 Vana vaAmiramu vaiva:

Aroni, Mozisi naMiriamu.

Vanakomana vaAroni vaiva:

Nadhabhi, Abhihu, Ereazari naItamari.

4 Ereazari aiva baba vaFinehasi,

Finehasi baba vaAbhishua,

5 Abhishua baba vaBhuki,

Bhuki baba vaUzi,

6 Uzi baba vaZerahia,

Zerahia baba vaMerayoti,

7 Merayoti baba vaAmaria,

Amaria baba vaAhitubhi,

8 Ahitubhi baba vaZadhoki,

Zadhoki baba vaAhimaazi,

9 Ahimaazi baba vaAzaria,

Azaria baba vaJohanani,

10 Johanani baba vaAzaria.

(Ndiye aibata basa somuprista mutemberi yakavakwa naSoromoni muJerusarema.)

11 Azaria baba vaAmaria,

Amaria baba vaAhitubhi.

12 Ahitubhi baba vaZadhoki,

Zadhoki baba vaSharumi,

13 Sharumi baba vaHirikia,

Hirikia baba vaAzaria,

14 Azaria baba vaSeraya

uye Seraya baba vaJehozadhaki.

15 (Jehozadhaki akadzingwa Jehovha paakaendesa Judha neJerusarema kuutapwa noruoko rwaNebhukadhinezari.)

16 Vanakomana vaRevhi vaiva:

Gerishoni, Kohati naMerari.

17 Aya ndiwo mazita avanakomana vaGerishoni:

Ribhini naShimei.

18 Vanakomana vaKohati vaiva:

Amiramu, Izhari, Hebhuroni naUzieri.

19 Vanakomana vaMerari vaiva:

Mairi naMushi.

Idzi ndidzo dzimba dzavaRevhi dzakanyorwa maererano namazita amadzibaba avo:

20 VaGerishoni:

Ribhini mwanakomana wake, Jehati mwanakomana wake

naZima mwanakomana wake,

21 Joa mwanakomana wake

Idho mwanakomana wake, Zera mwanakomana wake

naJeaterai mwanakomana wake.

22 Zvizvarwa zvaKohati zvaiva:

Aminadhabhi mwanakomana wake, Kora mwanakomana wake,

Asiri mwanakomana wake,

23 Erikana mwanakomana wake,

naEbhiasafi mwanakomana wake, Asiri mwanakomana wake,

24 naTahati mwanakomana wake, Urieri mwanakomana wake,

Uzia mwanakomana wake naShauri mwanakomana wake.

25 Zvizvarwa zvaErikana zvaiva:

Amasai, Ahimoti,

26 Erikana mwanakomana wake, Zofai mwanakomana wake,

naNahati mwanakomana wake,

27 naEriabhi mwanakomana wake,

Jerohamu mwanakomana wake, naErikana mwanakomana wake,

naSamueri mwanakomana wake,

28 Vanakomana vaSamueri vaiva:

Joere dangwe rake

naAbhija mwanakomana wake wechipiri.

29 Zvizvarwa zvaMerari zvaiva:

Mari, Ribhini mwanakomana wake,

Shimei mwanakomana wake, Uza mwanakomana wake,

30 Shimea mwanakomana wake, Hagia mwanakomana wake

naAsaya mwanakomana wake.

Vaimbi vomuTemberi

31 Ava ndivo varume vakagadzwa naDhavhidhi kuti vafambise basa rokuimba muimba yaJehovha mushure mokunge areka yawana pokuzorora imomo.

32 Vaishumira uye vaiimba pamberi petabhenakeri, muTende Rokusangana, kusvikira Soromoni avaka temberi yaJehovha muJerusarema. Vaibata basa ravo maererano nemitemo yavakanga vakadzikirwa.

33 Ava ndivo varume vaibata basa pamwe chete navanakomana vavo:

kubva kuvaKohati:

Hemani muimbi,

mwanakomana waJoere, mwanakomana waSamueri,

34 mwanakomana waErikana,

mwanakomana waJerohamu, mwanakomana waErieri, mwanakomana waToa,

35 mwanakomana waZufi, mwanakomana waErikana,

mwanakomana waMahati, mwanakomana waAmasai,

36 mwanakomana waErikana, mwanakomana waJoere,

mwanakomana waAzaria, mwanakomana waZefania,

37 mwanakomana waTahati, mwanakomana waAsiri,

mwanakomana waEbhiasafi; mwanakomana waKora,

38 mwanakomana waIzhari, mwanakomana waKohati,

mwanakomana waRevhi mwanakomana waIsraeri.

39 Uye mubatsiri waHemani pabasa ainzi Asafi akanga amire kurudyi rwake:

Asafi mwanakomana waBherekia mwanakomana waShimea,

40 mwanakomana waMikaeri,

mwanakomana Bhaaseya, mwanakomana waMarikia,

41 mwanakomana waEtini,

mwanakomana waZera, mwanakomana waAdhaya,

42 mwanakomana waEtani, mwanakomana waZima,

mwanakomana waShimei,

43 mwanakomana waJahati,

mwanakomana waGerishoni, mwanakomana waRevhi;

44 uye kubva kuvabatsiri vavo, vaMerari, kuruboshwe rwake, vaiva:

Etani mwanakomana waKishi, mwanakomana waAbhidhi,

mwanakomana waMaruki,

45 mwanakomana waHashabhia,

mwanakomana waAmazia, mwanakomana waHirikia,

46 mwanakomana waAmuzi, mwanakomana waBhani,

mwanakomana waShemeri,

47 mwanakomana waMari,

mwanakomana waMushi, mwanakomana waMerari,

mwanakomana waRevhi.

48 Vamwe vavo vaRevhi vakapiwa mamwe mabasa ose omutabhenakeri, imba yaMwari.

49 Asi Aroni nezvizvarwa zvake ndivo vaiisa zvipiriso paaritari yezvipiriso zvinopiswa uye nepaaritari yezvinonhuhwira maererano nezvose zvaiitwa paNzvimbo Tsvene-tsvene, vachiyananisira Israeri maererano nezvose zvakanga zvarayirwa Mozisi muranda waMwari.

50 Izvi ndizvo zvizvarwa zvaAroni:

Ereazari mwanakomana wake, Finehasi mwanakomana wake,

Abhishua mwanakomana wake

51 Bhuki mwanakomana wake,

Uzi mwanakomana wake naZerahia mwanakomana wake,

52 Merayoti mwanakomana wake, Amaria mwanakomana wake,

Ahitubhi mwanakomana wake,

53 Zadhoki mwanakomana wake

naAhimaazi mwanakomana wake.

54 Idzi ndidzo dzakanga dziri nzvimbo dzavo dzavakagoverwa dzokugara senyika yavo (dzakapiwa kuzvizvarwa zvaAroni, avo vaibva kuimba yaKohati, nokuti mugove wokutanga wakanga uri wavo).

55 Vakapiwa Hebhuroni iri muJudha namafuro ose akaipoteredza.

56 Asi minda nemisha yose yakapoteredza guta iri yakapiwa kuna Karebhu mwanakomana waJefune.

57 Saka zvizvarwa zvaAroni zvakapiwa Hebhuroni (Guta routiziro) uye Ribhina, Jatiri, Eshitemoa,

58 Hireni, Dhebhiri,

59 Ashani, Juta, Bheti Shemeshi pamwe chete namafuro awo.

60 Uye kubva kurudzi rwaBhenjamini vakapiwa Gibheoni, Gebha Aremeti neAnatoti pamwe chete namafuro awo.

Maguta aya, akagoverwa pakati pedzimba dzavaKohati akanga ari gumi namatatu pamwe chete.

61 Zvimwe zvizvarwa zvaKohati zvakagoverwa maguta gumi kubva kudzimba dzorudzi rwehafu rwaManase.

62 Zvizvarwa zvaGerishoni mhuri nemhuri zvakagoverwawo maguta gumi namatatu kubva kumarudzi aIsakari, Asheri naNafutari uye nokubva kuchikamu chorudzi rwaManase chiri muBhashani.

63 Zvizvarwa zvaMerari, mhuri nemhuri zvakagoverwa maguta gumi namaviri kubva kumarudzi aRubheni, Gadhi naZebhuruni.

64 Saka vaIsraeri vakapa vaRevhi maguta aya namafuro awo.

65 Kubva kurudzi rwaJudha, rwaSimeoni norwaBhenjamini vakagoverwa maguta ayo akanga arehwa namazita.

66 Vamwe vedzimba dzaKohati vakapiwa kuti ive nyika yavo, maguta kubva kurudzi rwaEfuremu.

67 Munyika yamakomo yaEfuremu vakapiwa Shekemu (guta routiziro) neGezeri,

68 neJokimeami, neBheti Horoni,

69 Aijaroni, neGati Rimoni pamwe chete namafuro awo.

70 Uye kubva kuhafu yorudzi rwaManase vaIsraeri vakapawo Aneri neBhireamu pamwe chete namafuro awo kuvaKohati vakanga vasara.

71 VaGerishoni vakagamuchirawo zvinotevera:

Kubva kuimba yehafu yorudzi rwaManase vakagamuchira Gorani muBhashani neAshitarotiwo pamwe chete namafuro awo;

72 kubva kurudzi rwaIsakari vakagamuchira Kedheshi neDhabherati,

73 Ramoti, neAnemi, pamwe chete namafuro awo;

74 kubva kurudzi rwaAsheri vakagamuchira Mashari, neAbhidhoni,

75 Hukoki neRehobhi pamwe chete namafuro awo;

76 uye kubva kurudzi rwaNafutari vakagamuchira Kedheshi muGarirea, neHamoni neKiriataimi pamwe chete namafuro awo.

77 VaMerari (vaRevhi vose vakanga vasara) vakagamuchira zvinotevera:

Kubva kurudzi rwaZebhuruni vakagamuchira Jokineami, Karita Rimono, neTabhori pamwe chete namafuro awo;

78 kubva kurudzi rwaRubheni mhiri kworwizi Jorodhani kumabvazuva kweJeriko vakagamuchirwawo Bhezeri murenje, Jaza,

79 Kedhemoti neMefaati pamwe chete namafuro awo;

80 uye kubva kurudzi rwaGadhi vakagamuchira Ramoti muGireadhi, Mahanaimi,

81 Heshibhoni neJazeri pamwe chete namafuro awo.

Categories
1 Makoronike

1 Makoronike 7

Isakari

1 Vanakomana vaIsakari vaiva:

Tora, Puwa, Jashubhi, naShimironi; vose vaiva vana.

2 Vanakomana vaTora vaiva:

Uzi, Refaya, Jerieri, Jamai, Ibhisami naSamueri, vakuru vedzimba dzavo. Pamazuva okutonga kwaDhavhidhi, zvizvarwa zvaTora zvakaverengwa savarwi munhoroondo yavo zvakasvika zviuru zvina makumi maviri nezviviri namazana matanhatu.

3 Mwanakomana waUzi aiva:

Izirahia.

Vanakomana vaIzirahia vaiva:

Mikaeri, Obhadhia, Joere naIshia. Vose vari vashanu vaiva madzishe.

4 Munhoroondo yemhuri yavo, vakanga vaine varume zviuru makumi matatu nezvitanhatu vakanga vakagadzirira kurwa, nokuti vakanga vaine vakadzi vazhinji navanakomana vazhinji.

5 Hama dzavo vakanga vari varume vokurwa vari vedzimba dzose dzaIsakari, sokunyorwa kwazvakanga zvakaita munhoroondo yavo, vose vaisvika zviuru makumi masere nezvinomwe.

Bhenjamini

6 Vanakomana vaBhenjamini vatatu vaiva:

Bhera, Bhekeri, naJedhiaeri.

7 Vanakomana vaBhera vaiva:

Ezibhoni, Uzi, Uzieri, Jerimoti naIri, vose vakuru vedzimba vashanu pamwe chete. Munhoroondo yavo varwi vakanyorwa vaiva varume zviuru makumi maviri nezviviri namakumi matatu navana.

8 Vanakomana vaBhekeri vaiva:

Zemira, Joashi, Eriezeri, Erioenai, Omiri, Jeremoti, Abhija, Anatoti naAremeti. Vose ava vaiva vakomana vaBhekeri.

9 Munhoroondo yavo, vakuru vemhuri vakanyorwa uye vari varwi vaiva zviuru makumi maviri namazana maviri.

10 Mwanakomana waJedhiaeri

ainzi Bhirihani.

Vanakomana vaBhirihani vaiva:

Jehushi, Bhenjamini, Ehudhi, Kenana, Zetani, Tashishi naAhishahari.

11 Vanakomana ava vose vaJedhiaeri vaiva vakuru vemhuri. Paiva nezviuru gumi nezvinomwe namazana maviri avarume vokurwa vakanga vakagadzirira kuenda kuhondo.

12 VaShupi navaHupi vaiva zvizvarwa zvaIri, uye vaHushi vaiva zvizvarwa zvaAheri.

Nafutari

13 Vanakomana vaNafutari vaiva:

Jazieri, Guni, Jezeri naShiremi, zvizvarwa zvaBhiriha.

Manase

14 Zvizvarwa zvaManase zvaiva:

Asirieri chizvarwa chake kubudikidza nomurongo wake muAramu. Iye akaberekawo Makiri baba vaGireadhi.

15 Makiri akatora mukadzi kubva pakati pavaHupi navaShupi. Zita rehanzvadzi yake rainzi Maaka. Chimwezve chizvarwa chainzi Zerofehadhi, akanga aine vanasikana chete.

16 Mukadzi waMakiri Maaka akabereka mwanakomana akamutumidza zita rokuti Pereshi. Mununʼuna wake ainzi Shereshi, uye vanakomana vake vaiva Uramu naRakemu.

17 Mwanakomana waUramu

ainzi Bhedhani.

Ava ndivo vaiva vanakomana vaGireadhi mwanakomana waMakiri mwanakomana waManase.

18 Hanzvadzi yake Hamoreketi akabereka Ishodhi, Abhiezeri naMara.

19 Vanakomana vaShimidha vaiva:

Ahiani, Shekemu, Riki naAniami.

Efuremu

20 Zvizvarwa zvaEfuremu zvaiva:

Shutera, Bheredhi mwanakomana wake,

Tahati mwanakomana wake, Ereadha mwanakomana wake,

Tahati mwanakomana wake,

21 Zabhadhi mwanakomana wake

naShutera mwanakomana wake.

(Ezeri naEreadha vakaurayiwa navarume veGati vakanga vakaberekerwa munyika iyi pavakaburukira kundopamba zvipfuwo zvavo.

22 Baba wavo Efuremu akavachema kwamazuva mazhinji uye hama dzake dzakauya kuzomunyaradza.

23 Ipapo akarara nomukadzi wake zvakare akava nemimba uye akabereka mwanakomana. Akamutumidza zita rokuti Bheria nokuti mumhuri yake makanga maita dambudziko.

24 Mwanasikana wake ainzi Sheera, uye akavaka Bheti Horoni, yeZasi neyokumusoro uyewo neUzeni Sheera.)

25 Refa aiva mwanakomana wake, Reshefi mwanakomana wake,

Tera mwanakomana wake, Tahani mwanakomana wake,

26 Radhani mwanakomana wake, Amihudhi mwanakomana wake,

Erishama mwanakomana wake,

27 Nuni mwanakomana wake

naJoshua mwanakomana wake.

28 Nyika dzavo nemisha yavo zvaisanganisira Bheteri nemisha yose yakaripoteredza, Naarani kumabvazuva, Gezeri nemisha yaro, kumavirira neShekemu nemisha yaro kuenda kunosvika kuAya nemisha yaro.

29 Pamiganhu yaManase paiva neBheti Shani, Taanaki, Megidho neDhori pamwe chete nemisha yawo. Zvizvarwa zvaJosefa mwanakomana waIsraeri zvaigara mumaguta aya.

Asheri

30 Vanakomana vaAsheri vaiva:

Imina, Ishivha, Ishivhi naBheria. Hanzvadzi yavo yainzi Sera.

31 Vanakomana vaBheria vaiva:

Hebheri naMarikieri, uyo aiva baba vaBhirizaiti.

32 Hebheri aiva baba vaJafireti, Shomeri naHotami uye nehanzvadzi yavo Shua.

33 Vanakomana vaJafireti vaiva:

Pasaki, Bhimari naAshivhati.

Ava ndivo vaiva vanakomana vaJafireti.

34 Vanakomana vaShomeri vaiva:

Ahi, Roga, Hubhai naAramu.

35 Vanakomana vomununʼuna wake Heremu vaiva:

Zofa, Imina, Shereshi, naAmari.

36 Vanakomana vaZofa vaiva:

Sua, Haneferi, Shuari, Bheri, Imira,

37 Bhezeri, Hodhi, Shama Shirisha, Itirani, naBheera.

38 Vanakomana vaJeteri vaiva:

Jefune, Pisipa naAra.

39 Vanakomana vaUra vaiva:

Ara, Hanieri, naRizia.

40 Vose ava vaiva zvizvarwa zvaAsheri, vakuru vemhuri yavo, varume vakanga vakasarudzika, varwi vakanga vakashinga uye vari vatungamiri vakasanangurika. Uwandu hwavarume vakanga vakagadzirira kurwa sezvazvakanyorwa munhoroondo yavo hwaiva zviuru makumi maviri nezvitanhatu.