Categories
VaRoma

VaRoma 8

Upenyu muMweya

1 Naizvozvo zvino, hakuchina kupiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu,

2 nokuti kubudikidza naKristu Jesu murayiro woMweya woupenyu wakandisunungura kubva pamurayiro wechivi norufu.

3 Nokuti zvakanga zvisingakwaniswi kuitwa nomurayiro pakushayiswa simba kwawo nomunhu wechivi, Mwari akazviita nokutuma Mwanakomana wake mumufananidzo wemunhu wechivi kuti ave chipiriso chechivi. Uye akapa mhosva kuchivi chiri mumunhu wechivi,

4 kuitira kuti kururama kunodiwa nomurayiro kuzadziswe matiri, isu tisingafambi maererano nenyama asi maererano noMweya.

5 Nokuti vaya vanorarama namararamiro enyama, pfungwa dzavo dzinofunga zvinodiwa nenyama; asi vaya vanorarama namararamiro oMweya, pfungwa dzavo dzinofunga zvoMweya.

6 Nokuti kufunga kwomunhu wechivi ndirwo rufu, asi kufunga kunotongwa noMweya ndihwo upenyu norugare;

7 nokuti kufunga kwenyama kunovenga Mwari. Hakuzviisi pasi pomurayiro waMwari, uye hakugoni kuzviita.

8 Avo vanotongwa nenyama havagoni kufadza Mwari.

9 Asi imi hamutongwi nenyama asi noMweya, kana Mweya waMwari achigara mamuri. Uye kana munhu asina Mweya waKristu, haazi waKristu,

10 Asi kana Kristu ari mamuri, muviri wenyu wakafa nokuda kwechivi, asi Mweya wenyu mupenyu nokuda kwokururama.

11 Uye kana Mweya waiye akamutsa Kristu kubva kuvakafa uchigara mamuri, iye akamutsa Kristu kubva kuvakafa achapawo upenyu kumiviri yenyu inofa kubudikidza noMweya wake unogara mamuri.

12 Naizvozvo, hama, tine mungava, asi kwete wenyama, kuti tirarame maererano nezvainoda.

13 Nokuti kana muchirarama maererano nezvinodiwa nenyama, muchafa, asi kana muchirarama noMweya munouraya mabasa akaipa omuviri, uye muchararama,

14 nokuti vaya vanotungamirirwa noMweya waMwari ndivo vana vaMwari.

15 Nokuti hamuna kugamuchira mweya wouranda kuti muitwezve varanda vokutya, asi makagamuchira Mweya wokuitwa vana, uya watinodana naye tichiti, “Abha, Baba.”

16 Mweya amene anopupurirana noMweya wedu kuti tiri vana vaMwari.

17 Zvino kana tiri vana, naizvozvo tiri vadyi venhaka pamwe chete naye kuitira kuti tigozokudzwawo pamwe chete naKristu, kana zvirokwazvo tichitambudzika pamwe chete naye kuitira kuti tigozokudzwawo pamwe chete naye.

Kubwinya kwatichazova nako

18 Nokuti ndinoti matambudziko atinawo nguva ino haana kufanira kuenzaniswa nokubwinya kuchazoratidzwa kwatiri.

19 Nokuti zvisikwa zvinotarisira zvikuru zvichimirira kuratidzwa kwavanakomana vaMwari.

20 Nokuti zvisikwa zvakaiswa pasi pokudzungaira kukuru, zvisingadi hazvo, asi nokuda kwaiye akazviisa pasi pokudzungaira, mutariro

21 yokuti zvisikwa pachazvo zvichazosunungurwa kubva pauranda hwokuora uye zvigoiswa pakusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari.

22 Tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinogomera sokurwadza kwokuzvara mwana kusvikira panguva ino.

23 Kwete izvozvo chete, asi nesuwo, vane zvibereko zvokutanga zvoMweya, tinogomera mukati medu tichimirira zvikuru kuitwa kwedu vana, iko kudzikinurwa kwemiviri yedu.

24 Nokuti mutariro iyi takaponeswa. Asi tariro inoonekwa haizi tariro zvachose. Ndiani anotarisira chaanacho kare?

25 Asi kana tine tariro yechinhu chatisina, tinochimirira nokutsungirira.

26 Saizvozvowo, Mweya anotibatsira mukusava nesimba kwedu. Nokuti hatizivi zvatinofanira kunyengeterera, asi Mweya amene anotinyengeterera nokugomera kusingatsananguriki namashoko.

27 Uye iye anonzvera mwoyo yedu anoziva kufunga kwaMweya, nokuti Mweya anonyengeterera vatsvene maererano nokuda kwaMwari.

Vakundi nokupfuurisa

28 Uye tinoziva kuti muzvinhu zvose Mwari anoita kuti zviitire zvakanaka kuna avo vanomuda, vaya vakadanwa sezvaakafunga.

29 Nokuti avo Mwari vaakaziva kare, ndivo vaakatemerawo kare, kuti vafanane nomufananidzo woMwanakomana wake, kuti agova dangwe pakati pehama dzake zhinji.

30 Uye vaya vaakatemera kare, ndivo vaakadanawo; vaya vaakadana, ndivo vaakaruramisirawo; vaya vaakaruramisira, ndivo vaakakudzawo.

31 Zvino tichatiiko pazvinhu izvi? Kana Mwari ari kurutivi rwedu, ndiani angatirwisa?

32 Iye asina kuramba noMwanakomana wake, asi akamupa chose nokuda kwedu tose, angarega seiko kutipawo zvose, pamwe chete naye?

33 Ndianiko achapa mhosva avo vakasarudzwa naMwari? Mwari ndiye anoruramisira.

34 Ndianiko achavapa mhosva? Kristu Jesu, ndiye akafa pamusoro pezvo, ndiye akamutswa akava mupenyu, ari kurudyi rwaMwari, uye anotinyengetererawo.

35 Ndianiko achatiparadzanisa norudo rwaKristu? Kutambudzika here, kana nhamo, kana kutambudzwa, kana nzara, kana kushayiwa zvokupfeka, kana njodzi, kana munondo?

36 Sezvazvakanyorwa zvichinzi:

“Nokuda kwenyu tinotarisana norufu zuva rose;

tinoitwa samakwai anofanira kubayiwa.”

37 Kwete, pazvinhu zvose izvi tiri vakundi nokupfuurisa kubudikidza naiye akatida.

38 Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana madhimoni, kana zvazvino, kana zvichauya, kana masimba api zvawo,

39 kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chimwe chinhuwo zvacho pazvisikwa zvose, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.

Categories
VaRoma

VaRoma 9

Kusarudza kwaMwari

1 Ndinotaura chokwadi muna Kristu, handirevi nhema, hana yangu inondipupurira muMweya Mutsvene

2 ndino kusuwa kukuru kwazvo neshungu dzisingaperi mumwoyo mangu.

3 Nokuti ndinoshuva kuti dai ini pachangu ndaiva munhu akatukwa uye ndakaparadzaniswa naKristu nokuda kwehama dzangu, ivo vorudzi rwangu,

4 ivo vanhu veIsraeri. Kuva vana ndokwavo; nokubwinya ndokwavo, nesungano, nokupiwa kwomurayiro, nokunamata Mwari mutemberi uye zvipikirwa ndezvavo.

5 Madzibaba ndeavo, uye naKristu akabva kwavari panyama, ari Mwari pamusoro pazvose, anokudzwa nokusingaperi! Ameni.

6 Hazvirevi kuti shoko raMwari rakakundikana. Nokuti havasi vose vari zvizvarwa zvaIsraeri vanova vaIsraeri.

7 Uye nokuti zvavari vorudzi rwake, vose vana vaAbhurahama. Asi zvinonzi, “Kuna Isaka ndiko kuchatumidzwa rudzi rwako.”

8 Namamwe mashoko, havasi vana panyama vanova vana vaMwari, asi vana vechipikirwa ndivo vanonzi vana vaAbhurahama.

9 Nokuti aya ndiwo mashoko echipikirwa: “Panguva yakatarwa ndichauya, uye Sara achava nomwanakomana.”

10 Kwete izvozvo zvoga, asi kuti naRabhekawo akava navana vomunhu mumwe uye baba vamwe, baba vedu Isaka.

11 Asi mapatya asati azvarwa, vasati vaita chakanaka kana chakaipa, kuitira kuti kuda kwaMwari pakusarudza kwake kusimbiswe,

12 kwete nokuda kwamabasa asi nokuda kwake iye anodana, akaudzwa kuti, “Mukuru achava muranda womuduku.”

13 Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga.”

14 Zvino tichatiiko? Mwari haaruramisiri here? Kwete napaduku!

15 Nokuti anoti kuna Mozisi:

“Ndichanzwira ngoni wandichanzwira ngoni,

uye ndichaitira tsitsi wandichaitira tsitsi.”

16 Naizvozvo, hazvibvi pashungu kana pamabasa omunhu, asi patsitsi dzaMwari.

17 Nokuti Rugwaro runoti kuna Faro, “Ndakakumutsira chikonzero ichochi, kuti ndiratidze simba rangu mauri uye kuti zita rangu rigoparidzwa panyika yose.”

18 Naizvozvo Mwari anonzwira ngoni waanoda kunzwira ngoni, uye anoomesa mwoyo wouyo waanoda kuomesa.

19 Mumwe wenyu angati kwandiri, “Zvino sei Mwari achiramba achitipa mhosva? Nokuti ndianiko acharamba kuda kwake?”

20 Zvino iwe munhu, ndiwe aniko, kuti upindure Mwari? “Chakaumbwa chingati kune akachiumba, ‘Wakandiitirei zvakadai?’ ”

21 Muumbi wehari haana simba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe chetero aite mimwe midziyo inokudzwa nemimwe midziyo isingakudzwi?

22 Ko, kana Mwari akasarudza kuratidza kutsamwa kwake, uye kuti azivise simba rake, akaita nomwoyo murefu zvikuru pamusoro pemidziyo yokutsamwira kwake, yakagadzirirwa kuparadzwa?

23 Kana akaita izvi kuti azivise kupfuma kwokubwinya kwake kumidziyo yengoni, avo vaakagadzirira kare kubwinya,

24 kunyange isu, vaya vaakadana, kwete kubva kuvaJudha chete asi nokubva kune veDzimwe Ndudziwo?

25 Sezvaanotaura mubhuku raHosea achiti:

“Ndichavati ‘vanhu vangu’ vaya vakanga vasiri vanhu vangu;

uye ndichamuti, ‘mudikanwi wangu’ iye akanga asiri mudikanwi wangu,”

26 uye,

Zvichaitika kuti paya painzi kwavari,

“Hamusi vanhu vangu;

vachanzi ‘vanakomana vaMwari mupenyu.’ ”

27 Uye Isaya anodanidzira pamusoro peIsraeri, achiti:

“Kunyange kuwanda kwavaIsraeri kwakaita sejecha regungwa,

vakasara chete ndivo vachaponeswa.

28 Nokuti Ishe achaisa

mutongo wake panyika nokukurumidza uye achaupedzisa.”

29 Zvakaita sezvakarehwa kare naIsaya achiti:

“Dai asiri Jehovha Wamasimba Ose

akatisiyira zvizvarwa,

tingadai takaita seSodhomu

tingadai takaita seGomora.”

Kusatenda kweIsraeri

30 Zvino tichatiiko? Tichati veDzimwe Ndudzi vasina kutsvaka kururama, ndivo vakakuwana, iko kururama kwokutenda;

31 asi vaIsraeri vakatevera murayiro wokurarama, havana kukuwana.

32 Seiko zvakadaro? Nokuti havana kuutevera nokutenda asi sokunge namabasa avo. Vakagumburwa neibwe “rinogumbusa.”

33 Sezvazvakanyorwa zvichinzi:

“Tarira, ndinoisa paZioni ibwe rinogumbusa kuvanhu,

nedombo rinovapinganidza kuti vawe,

uye uyo anotenda kwaari haazonyadziswi.”

Categories
VaRoma

VaRoma 10

1 Hama, kuda kwomwoyo wangu nokunyengetera kwangu kuna Mwari pamusoro pavaIsraeri ndekwokuti vaponeswe.

2 Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi kushingairira kwavo havakuiti nokuziva.

3 Nokuti, sezvo vakanga vasingazivi kururama kunobva kuna Mwari uye vakatsvaka kumisa kururama kwavo pachavo, havana kuzviisa pasi pokururama kwaMwari.

4 Nokuti Kristu ndiye mugumo womurayiro, kuitira kuti mumwe nomumwe anotenda aruramiswe.

5 Mozisi anonyora pamusoro pokururama kwomurayiro, achiti, “Munhu anoita zvinhu izvi achararamiswa nazvo.”

6 Asi kururama kunobva pakutenda kunoreva kudai, “Usati mumwoyo mako, ‘Ndianiko achakwira kudenga’ (ndiko kuburutsa Kristu)

7 kana, kuti, ‘Ndianiko achaburukira kwakadzika?’ (ndiko, kubudisa Kristu kubva kuvakafa).”

8 Asi iwo unoti chiiko? “Shoko riri pedyo newe, mumuromo mako uye nomumwoyo mako,” ndiro shoko rokutenda ratinoparidza:

9 Kuti kana ukapupura nomuromo wako kuti, “Jesu ndiye Ishe” uye ukatenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa.

10 Nokuti unotenda nomwoyo wako ugoruramisirwa, uye unopupura nomuromo wako ugoponeswa.

11 Sezvinorehwa noRugwaro ruchiti: “Ani naani anotenda kwaari haanganyadziswi.”

12 Nokuti hapana musiyano pakati pomuJudha noweDzimwe Ndudzi, nokuti Ishe mumwe ndiye Ishe wavose uye anovaropafadza kwazvo vose vanodana kwaari,

13 nokuti “Ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa.”

14 Zvino, vachagodana seiko kuna iye wavasina kutenda kwaari? Uye vangatenda sei kuna iye wavasina kumbonzwa? Vanganzwa seiko kana kusina anovaparidzira?

15 Uye vangaparidza seiko kana vasina kutumwa? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Dzakanaka sei tsoka dzavanouya namashoko akanaka!”

16 Asi havasi vaIsraeri vose vakagamuchira mashoko akanaka. Nokuti Isaya anoti, “Ishe, ndianiko akatenda zvatakaparidza?”

17 Naizvozvo, kutenda kunouya nokunzwa, uye kunzwa neshoko raKristu.

18 Asi ndinobvunza kuti: Havana kunzwa here? Zvirokwazvo vakanzwa, nokuti:

“Inzwi ravo rakasvika kunyika yose,

namashoko avo kumigumo yenyika.”

19 Ndinobvunzazve kuti: Israeri haina kunzwa here? Pakutanga Mozisi anoti,

“Ndichamutsa godo renyu norudzi rusati rwuri rudzi;

ndichamutsa kutsamwa kwenyu norudzi rusinganzwisisi.”

20 Uye Isaya, asingatyi anoti,

“Ndakawanikwa navasina kunditsvaka;

ndakazviratidza kuna vaya vasina kunditsvaka.”

21 Asi pamusoro peIsraeri anoti,

“Zuva rose ndakatambanudza maoko angu

kuvanhu vasingateereri, uye vanokakavara.”

Categories
VaRoma

VaRoma 11

Vakasara vavaIsraeri

1 Zvino ndinobvunza ndichiti: Mwari akarasa vanhu vake here? Kwete napaduku pose! Nokuti ini pachangu ndiri muIsraeri, chizvarwa chaAbhurahama, ndiri worudzi rwaBhenjamini.

2 Mwari haana kurasa vanhu vake, avo vaakaziva pakutanga. Hamuzivi here zvinorehwa noRugwaro pandima inotaura nezvaEria, kuti akakumbira sei kuna Mwari pamusoro peIsraeri achiti,

3 “Ishe vakauraya vaprofita venyu uye vakaputsa aritari dzenyu; ndini ndoga ndasara, uye vari kuedza kundiuraya”?

4 Uye Mwari akamupindura achiti kudiniko? “Ndakazvichengetera varume zviuru zvinomwe vasina kupfugamira Bhaari.”

5 Saizvozvowo, panguva ino varipo vakasara, vakasanangurwa nenyasha.

6 Uye kana zvava zvenyasha, saka hazvichisiri zvamabasa; kana dai zvaiva zvakadaro, nyasha hadzaizova nyasha.

7 Zvino tichatiiko? Zvakatsvakwa navaIsraeri nokushingaira havana kuzviwana, asi vasanangurwa ndivo vakazviwana. Vamwe vakaomeswa mwoyo,

8 sezvazvakanyorwa zvichinzi:

“Mwari akavapa mweya wehope,

meso kuti vasaona,

nzeve kuitira kuti vasanzwa,

kusvikira nanhasi uno.”

9 Uye Dhavhidhi anoti:

“Tafura yavo ngaive musungo neriva,

nechigumbuso uye nechinotsiva kwavari.

10 Meso avo ngaasvibirwe kuti vasaona;

uye mukotamise misana yavo nokusingaperi.”

Mapazi akasimwa pane mimwe miti

11 Zvakare ndinobvunza ndichiti: Ko, vakagumbuswa vakawa zvokusazomukazve here? Kwete napaduku pose! Asi kuti nokuwa kwavo ruponeso rwakauya kune veDzimwe Ndudzi kuti Israeri ive negodo.

12 Zvino kana kudarika kwavo kuchipfumisa nyika, uye kurasikirwa kwavo kuchireva pfuma kune veDzimwe Ndudzi, kuzara kwavo kuchauyisa pfuma yakakura zvakadii!

13 Ndiri kutaura kwamuri imi veDzimwe Ndudzi. Sezvandiri mupostori weveDzimwe Ndudzi, ndinokudza ushumiri hwangu

14 netariro yokuti zvimwe ndingamutsa godo kuvanhu vangu uye ndiponese vamwe vavo.

15 Nokuti kana kuraswa kwavo kuri kuyananiswa kwenyika, ko, kugamuchirwa kwavo kuchagoveiko, asi upenyu kubva kurufu?

16 Zvino kana chikamu chechikanyiwa chakapiwa sechibereko chokutanga chiri chitsvene, saka chikanyiwa chose chitsvene; kana mudzi uri mutsvene namatavi acho akadarowo.

17 Kana mamwe matavi akavhuniwa, uye imi, kunyange muri muorivhi wokudondo, wakabatanidzwa pakati pamamwe, zvino mava nomugove pamwe chete nawo kubva pamudzi womuorivhi,

18 musazvikudza pamusoro pamatavi ayo. Kana muchizvikudza murangarire izvi: Hamuzimi makatakura mudzi, asi kuti mudzi ndiwo wakakutakurai.

19 Zvino iwe uchati, “Matavi akavhuniwa kuti ini ndibatanidzwe.”

20 Ndizvozvo. Asi akavhuniwa nokuda kwokusatenda, uye iwe unomira nokutenda kwako. Usazvikudza, asi uve nokutya.

21 Nokuti kana Mwari asina kurega matavi okutanga, haangakuregi newewo.

22 Naizvozvo nyatsofunga pamusoro pounyoro nokukasharara kwaMwari; kukasharara kuna vakawa, asi unyoro kwauri, kana ukaramba uchifamba muunyoro hwake. Kana zvikasadaro newewo uchatemwa.

23 Uye kana vakasarambirira pakusatenda, vachabatanidzwa, nokuti Mwari anogona kuvabatanidza zvakare.

24 Nokuti, kana iwe wakatemwa kubva pamuorivhi womumunda pakusikwa kwawo, uye ukabatanidzwa pamuorivhi womumunda zvichipesana namasikirwo azvo, ko, kuzoti ayo agara ari epo achazofara sei kuti abatanidzwezve mumuti wawo womuorivhi?

Israeri yose ichaponeswa

25 Hama dzangu, handidi kuti musaziva, chakavanzika ichi, kuti murege kuva namanyawi: vaIsraeri vakaomeswa mwoyo kusvikira veDzimwe Ndudzi vakakwana vapinda.

26 Naizvozvo Israeri yose ichaponeswa, sezvazvakanyorwa zvichinzi:

“PaZioni pachabuda musununguri;

achabvisa kusada Mwari kuna Jakobho.

27 Uye iyi ndiyo sungano yangu navo

kana ndabvisa zvivi zvavo.”

28 Kana zviri zvevhangeri, ivo vavengi nokuda kwenyu; asi kana kuri kusanangurwa, vadikanwi nokuda kwamadzibaba,

29 nokuti zvipo zvaMwari nokudana kwake hazvishandurwi.

30 Nokuti sezvo imi makanga musingateereri Mwari pane imwe nguva magamuchira ngoni zvino nokuda kwokusateerera kwavo,

31 saizvozvo naivowo zvino havachateereri kuitira kuti vagamuchire ngoni nokuda kwengoni dzaMwari kwamuri.

32 Nokuti Mwari akapfigira vanhu vose pakusateerera kwavo, kuti avanzwire ngoni vose.

Mamwe Mashoko

33 Haiwa, udzamu hwokupfuma kwouchenjeri noruzivo rwaMwari!

Kutonga kwake hakunganzverwi, uye makwara ake haangarondwi!

34 “Ndianiko akaziva pfungwa dzaShe?

Kana akava mupi wake wamazano?”

35 “Ndianiko akambopa kuna Mwari

kuti Mwari angamuripirazve?”

36 Nokuti zvose zvinobva kwaari uye zviripo kubudikidza naye uye zvose ndezvake.

Ngaave nokubwinya nokusingaperi! Ameni.

Categories
VaRoma

VaRoma 12

Chibayiro Chipenyu

1 Naizvozvo, ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene uye chinofadza Mwari, uku ndiko kunamata kwenyu kwomweya.

2 Musaramba muchizvienzanisa namaitiro enyika ino, asi mushandurwe nokuvandudzwa kwepfungwa dzenyu. Ipapo muchakwanisa kuti muedze uye mugoziva kuti kuda kwaMwari ndokupi, kuda kwake kwakanaka, kunomufadza uye kwakakwana.

3 Nokuti nenyasha dzandakapiwa ndinoti kuno mumwe nomumwe wenyu: Usazviisa pamusoro kupfuura paunofanira kunge uri, asi ufunge nokufunga kwakachenjera, maererano nechiyero chokutenda chawakapiwa naMwari.

4 Nokuti sezvatino muviri mumwe une mitezo mizhinji, uye mitezo iyi yose haina basa rimwe chete,

5 saizvozvowo muna Kristu isu tiri vazhinji, tinoumba muviri mumwe chete, uye mutezo mumwe nomumwe mutezo wavamwe.

6 Tine zvipo zvakasiyana-siyana, maererano nepatakapiwa napo nyasha. Kana chipo chomunhu kuri kuprofita, ngaachishandise maererano nokutenda kwake.

7 Kana kuri kushumira ngaashumire; kana kuri kudzidzisa, ngaadzidzise;

8 kana kuri kukurudzira, ngaakurudzire; kana kuri kupa kuna vanoshayiwa, ngaape nomwoyo wose; kana kuri kutungamirira, ngaabate nokushingaira; kana kuri kunzwira ngoni, ngaaite nomufaro.

Rudo

9 Rudo ngaruve rwechokwadi. Vengai zvakaipa; namatirai pane zvakanaka.

10 Ivai norudo rukuru mumwe kuno mumwe savadikani. Mumwe nomumwe wenyu ngaakudze mumwe kupfuura kuzvikudza kwaanozviita iye.

11 Musatomborega kushingaira, asi pisai pamweya, muchishumira Ishe.

12 Farai mutariro, tsungirirai pakutambudzika, rambai muchinyengetera.

13 Goveranai navanhu vaMwari vanoshayiwa. Itirai vaeni rudo.

14 Ropafadzai vanokutambudzai; ropafadzai musatuka.

15 Farai navanofara; chemai navanochema.

16 Garai zvakanaka mumwe nomumwe. Musazvikudza, asi muve nechido chokufambidzana navanhu vapasi pasi. Musazviita vakachenjera.

17 Musatsiva munhu chakaipa nechakaipa. Chenjererai kuti muite zvakanaka pamberi pavanhu vose.

18 Kana zvichibvira, napamunogona napo, ivai norugare navanhu vose.

19 Musatsiva, vadikani vangu, asi siyirai kutsamwa kwaMwari mukana, nokuti kwanyorwa kuchinzi, “Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira,” ndizvo zvinotaura Ishe.

20 Asi:

“Kana muvengi wako ane nzara mupe zvokudya,

kane ane nyota mupe chokunwa.

Mukuita izvi, uchatutira mazimbe anopisa pamusoro wake.”

21 Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka.

Categories
VaRoma

VaRoma 13

Kuzviisa pasi paVabati

1 Munhu wose anofanira kuzviisa pasi pavatungamiri venyika, nokuti hakuna simba risina kubva kuna Mwari. Vane simba rokutonga vakaiswapo naMwari.

2 Saka naizvozvo, anoramba kuteerera vari kutonga, ari kumukira zvakaiswapo naMwari, uye vanoita izvi vanozvitsvagira kutongwa.

3 Nokuti vatongi havatyisi vaya vanoita zvakanaka, asi vanotyisa vaya vanoita zvakaipa. Unoda kusunungurwa here kuti usatya ane simba rokutonga? Ipapo ita zvakanaka uye achakurumbidza.

4 Nokuti iye muranda waMwari anofanira kuti akuitire zvakanaka. Asi kana ukaita zvakaipa, itya, nokuti iye haabati munondo pasina. Nokuti iye ndiye muranda waMwari, mutumwa wokutsamwa, anoranga vaiti vezvakaipa.

5 Naizvozvo, zvinokosha kuzviisa pasi pavabati, kwete nokuti tinotya kurangwa chete, asi nokuda kwehanawo.

6 Ndokusaka muchiripawo mitero, nokuti vabati varanda vaMwari, vanopa nguva yavo yose pakutonga.

7 Ripirai vose vamunofanira kuripira: Kana uri mutero, ripai mutero; kana iri miripo, ngairipwe, kana kuri kutya, kuna vanofanira kutyiwa, kana rwuri rukudzo, kuna vanofanira kukudzwa.

Ivai norudo nokuti Zuva rava pedyo

8 Musava nechikwereti kumunhu, kunze kwechikwereti chorudo mumwe kuno mumwe, nokuti anoda mumwe azadzisa murayiro.

9 Nokuti mirayiro inoti, “Usaita upombwe,” “Usauraya,” “Usaba”, “Usachiva,” uye kana mumwe murayiro upi noupi zvawo ungavako, zvakaunganidzwa pamutemo unoti, “Ida muvakidzani wako sezvaunozvida iwe.”

10 Rudo haruitiri muvakidzani zvakaipa. Naizvozvo rudo runozadzisa murayiro.

11 Uye itai izvi, muchinzwisisa nguva ino. Nguva yasvika zvino yokuti mupepuke kubva kuhope, nokuti ruponeso rwedu rwava pedyo zvino kupfuura zuva ratakatanga kutenda.

12 Usiku hwava kutopfuura; kwava kutoedza. Saka ngatirasei mabasa edu erima uye tipfeke nhumbi dzokurwa dzechiedza.

13 Ngatiraramei zvakafanira mararamiro apamasikati, tisingaiti kutamba kwakaipa uye nokudhakwa, kana upombwe, kana utere, kana gakava kana godo.

14 Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, uye musatsvaka kufadza nyama pakuchiva kwayo.

Categories
VaRoma

VaRoma 14

Vakasimba navasina kusimba pakutenda

1 Mugamuchire uyo asina kusimba pakutenda kwake, musingamutongi kana kuita gakava naye pamusoro penyaya dzisingapindirani.

2 Kutenda kwomumwe kunomutendera kudya zvose, asi mumwe munhu ano kutenda kusina kusimba, anodya muriwo bedzi.

3 Munhu anodya zvose ngaarege kuzvidza asingadyi, uye munhu asingadyi zvose ngaarege kupa mhosva munhu anodya, nokuti Mwari akamugamuchira.

4 Iwe ndiwe aniko unopa muranda womumwe mhosva? Iye anomira kana kuti anowa pamberi patenzi wake. Uye achamira, nokuti Ishe anokwanisa kuita kuti amire.

5 Mumwe munhu anokoshesa rimwe zuva kupfuura rimwe: mumwe munhu anoti mazuva ose akafanana. Mumwe nomumwe ngaazvizivire kwazvo mumwoyo make.

6 Uyo anokoshesa zuva rimwe, anozviitira Ishe. Uyo anodya nyama, anodya nokuda kwaShe, nokuti anovonga Mwari; uye naiye anorega kudya, anorega nokuda kwaShe, uye anovonga Mwari.

7 Nokuti hakuna mumwe wedu anozviraramira pachake, uye hakuna mumwe wedu anozvifira iye pachake.

8 Kana tichirarama, tinoraramira Ishe; uye kana tichifa tinofira Ishe. Saka, kana tichirarama kana kufa tiri vaShe.

9 Nokuda kwaizvozvo, Kristu akafa uye akamuka kuti ave Ishe wavose vakafa navapenyu.

10 Naizvozvo, iwe, unopireiko hama yako mhosva? Kana newewo unozvidzireiko hama yako? Nokuti tose tichamira pamberi pechigaro chokutonga chaMwari.

11 “Nokuti kwakanyorwa kuchinzi:

“ ‘Zvirokwazo noupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaura Ishe,

‘ibvi rimwe nerimwe richapfugama pamberi pangu;

rurimi rumwe norumwe ruchareurura kuna Mwari.’ ”

12 Saka, naizvozvo mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.

13 Naizvozvo ngatiregei kuramba tichipana mhosva. Asi munhu ngaarege kuisa chigumbuso kana chipinganidzo munzira yehama yake.

14 Somunhu ari muna Ishe Jesu, ndinoziva kwazvo kuti hakuna chokudya chine tsvina. Asi kana mumwe munhu akati chakasvibiswa, naizvozvo hachina kuchena kwaari.

15 Kana hama yako ichikanganiswa nokuda kwezvaunodya, iwe hauchafambi murudo. Usaparadza hama yako, iyo yakafirwa naKristu, nokuda kwezvokudya.

16 Usatendera kuti zvaunoti zvakanaka zvinzi zvakaipa.

17 Nokuti umambo hwaMwari hahuzi zvokudya kana zvokunwa, asi kururama norugare uye nomufaro muMweya Mutsvene,

18 nokuti ani naani anoshumira Kristu nenzira iyi anofadza Mwari, uye anotendwa navanhu.

19 Naizvozvo ngatishingairirei kutsvaga izvo zvinouyisa rugare uye zvatingasimbisana nazvo.

20 Musaparadza basa raMwari nokuda kwezvokudya. Zvokudya zvose zvakachena, asi hazvina kunaka kuti munhu adye chinhu chipi zvacho chingagumbusa mumwe munhu.

21 Zviri nani kusadya nyama kana kusanwa waini kana kusaita chimwe chinhu chinoita kuti hama yako iwe.

22 Saka zvose zvaunotenda pamusoro pezvinhu izvi ngazvive pakati pako naMwari. Akaropafadzwa munhu asingazvipi mhosva pazvinhu zvaanotenda.

23 Asi munhu anonyunyuta ava nemhosva kana akadya nokuti kudya kwake hakusi kwokutenda; uye zvinhu zvose zvisingabvi pakutenda chivi.

Categories
VaRoma

VaRoma 15

1 Isu tine simba tinofanira kutakura kukundikana kwavasina simba uye tisingazvifadzi.

2 Mumwe nomumwe wedu anofanira kufadza muvakidzani wake pane zvakanaka, zvinomuvaka.

3 Nokuti kunyange Kristu haana kuzvifadza asi, sezvazvakanyorwa zvichinzi, “Kutuka kwaavo vakakutuka kwakawira pamusoro pangu.”

4 Nokuti zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti zvidzidzise isu, kuitira kuti, kubudikidza nokutsungirira nokukurudzira kwamagwaro, tive netariro.

5 Mwari anopa kutsungirira nokukurudzira ngaakupei mweya wokuva nomwoyo mumwe pakati penyu pamunenge muchitevera Kristu Jesu,

6 kuti mukudze Mwari naBaba waIshe wedu Jesu Kristu nomwoyo mumwe uye nomuromo mumwe.

7 Naizvozvo, gamuchiranai, sezvamakagamuchirwa naKristu, kuti Mwari arumbidzwe.

8 Nokuti ndinoti kwamuri Kristu akava muranda wavaJudha akamirira zvokwadi yaMwari, kuti asimbise zvakapikirwa madzibaba

9 kuti veDzimwe Ndudzi vakudze Mwari nokuda kwengoni dzake, sezvazvakanyorwa zvichinzi:

“Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati peveDzimwe Ndudzi;

ndichaimbira zita renyu nziyo.”

10 Uyezve zvinonzi,

“Farai imi veDzimwe Ndudzi, pamwe chete navanhu vake.”

11 Uyezve,

“Rumbidzai Ishe, imi mose veDzimwe Ndudzi,

uye muimbirei nziyo dzokurumbidza, imi marudzi ose.”

12 Uyezve, Isaya anoti,

“Mudzi waJese uchatunga,

iye achamuka kuzotonga pamusoro pendudzi dzose;

veDzimwe Ndudzi vachava netariro maari.”

13 Mwari wetariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare pamunovimba naye, kuti muve netariro izere, nesimba raMweya Mutsvene.

Pauro mushumiri kune veDzimwe Ndudzi

14 Ini pachangu ndinoziva kwazvo, hama dzangu, kuti imi pachenyu muzere nokunaka, makakwana muruzivo uye munogona kudzidzisana.

15 Ndakunyorerai nokushinga kwazvo pamusoro pezvimwe zvinhu, sendinokuyeuchidzai zvakare, nokuda kwenyasha dzandakapiwa naMwari

16 kuti ndive mushumiri waKristu Jesu kune veDzimwe Ndudzi, ane basa rouprista rokuparidza vhangeri raMwari, kuitira kuti veDzimwe Ndudzi vagova chipiriso chinogamuchirwa kuna Mwari, chakanatswa naMweya Mutsvene.

17 Naizvozvo ndinozvirumbidza muna Kristu Jesu muushumiri hwangu kuna Mwari.

18 Nokuti handingatauri zvimwe zvinhu kunze kwezvinhu zvakaitwa naKristu kubudikidza neni mukutungamirira veDzimwe Ndudzi kuti vateerere Mwari nokuda kwezvandakataura uye ndikaita,

19 nesimba rezviratidzo nezvishamiso, kubudikidza nesimba roMweya. Saka kubva kuJerusarema kusvika kwose kunyika yakapoteredza, kusvikira kuIrikumi, ndakaparidza kwazvo vhangeri raKristu.

20 Chagara chiri chishuwo changu kuti ndiparidze vhangeri kunzvimbo dzisati dzaziva Kristu, kuti ndisavaka pamusoro penheyo dzomumwe munhu.

21 Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi:

“Avo, vakanga vasina kuudzwa nezvake vachaona,

uye naivo vasina kunzwa vachanzwisisa.”

22 Ndokusaka ndakadziviswa kazhinji kuuya kwamuri.

Urongwa hwaPauro hwokushanyira Roma

23 Asi zvino hapasisinazve imwe nzvimbo yandingashanda mumatunhu aya, uye sezvo pava namakore mazhinji ndichida kuuya kwamuri,

24 ndine urongwa hwokuita izvi pandichaenda kuSipeini. Ndinovimba kuti ndichakushanyirai pandichapfuura noko uye kuti muzondibatsira parwendo rwangu ikoko, mushure mokunge ndambofadzwa nokuva nemi kwechinguva.

25 Asi, zvino ndiri parwendo rwangu rwokuenda kuJerusarema kundoshumira vatsvene variko.

26 Nokuti veMasedhonia neveAkaya vakafadzwa kuti vagovane navarombo pakati pavatsvene vari muJerusarema.

27 Nokuti vakaona zvakanaka kuti vaite izvi, uye zvirokwazvo vane ngava kuti vavaitire izvi. Nokuti kana veDzimwe Ndudzi vakagovanawo pazvinhu zvoMweya zvavaJudha, vane ngavawo kuvaJudha kuti vagoverane navo pazvinhu zvavo zvenyika ino.

28 Saka mushure mokunge ndapedza kuita basa iri uye ndaona kuti vagamuchira chibereko ichi, ndichaenda kuSipeini uye ndichakushanyirai parwendo rwangu.

29 Ndinoziva kuti pandichauya kwamuri, ndichauya nokuropafadza kwakazara kwaKristu.

30 Ndinokukumbirai zvikuru, hama dzangu, naShe wedu Jesu Kristu uye norudo rwoMweya, kuti murwe pamwe chete neni nokundinyengeterera kuna Mwari.

31 Nyengeterai kuti ndinunurwe kune vasingatendi vari muJudhea uye kuti ushumiri hwangu muJerusarema hugamuchirwe navatsvene variko,

32 kuti ndiuye kwamuri nomufaro nokuda kwaMwari uye kuti ndimutsiridzwe pamwe chete nemi.

33 Mwari worugare ngaave nemi mose. Ameni.

Categories
VaRoma

VaRoma 16

Kwaziso

1 Ndinoreverera kwamuri hanzvadzi yedu Febhi, muranda wekereke iri paSeniseria.

2 Ndinokukumbirai kuti mumugamuchire muna She sezvinofanira vatsvene uye mumubatsire pazvinhu zvose zvaangashayiwa, nokuti akabatsira zvikuru vanhu vazhinji, kusanganisira neniwo.

3 Kwazisai Pirisira naAkwira, vanobata neni muna Kristu Jesu.

4 Vakaisa upenyu hwavo panjodzi nokuda kwangu. Kwete ini ndoga asi kuti nekereke dzose dzavaHedheni dzinovatenda zvikuru.

5 Kwazisaiwo kereke inosangana mumba mavo.

Kwazisai Epenetasi mudikani wangu, ndiye akava chibereko changu chokutanga muna Kristu munyika yeEzhia.

6 Kwazisai Maria, akakushandirai kwazvo.

7 Kwazisai Adhironikasi naJuniasi, hama dzangu vakanga vari mutorongo pamwe chete neni. Vakakurumbira pakati pavapostori, uye vakanditangirawo kuva muna Kristu.

8 Kwazisai Amupiratasi, uyo wandinoda muna She.

9 Kwazisai Uribhanusi, anobata nesu muna Kristu, uye naSitakisi mudikani wangu.

10 Kwazisai Aperesi, akaedzwa uye akaonekwa akakwana muna Kristu.

Kwazisai vemhuri yokwaAristobhurusi.

11 Kwazisai Herodhioni, hama yangu.

Kwazisai vari mumhuri yokwaNakisasi vari muna She.

12 Kwazisai Tirifena naTirifosa, vakadzi vanobata nesimba muna She.

Kwazisai mudikani wangu wepamwoyo Perisisi, mumwe mukadzi anobata nesimba muna She.

13 Kwazisai Rufusi, akasanangurwa muna She uye namai vake, vakanga vari mai vanguwo.

14 Kwazisai Asingiritasi, naFeregoni, naHerimesi, naPatirobhasi, naHerimasi, uye nehama dzavanadzo.

15 Kwazisai Firorogasi naJuria, naNerea nehanzvadzi yake naOrimbasi uye navatsvene vose vavanavo.

16 Kwazisanai nokutsvodana kutsvene.

Kereke dzose dzaKristu dzinokukwazisai.

17 Ndinokukumbirai zvikuru, hama dzangu, kuti muchenjerere vaya vanopesanisa uye vanoisa zvigumbuso pamberi penyu vanopikisana nedzidziso yamakadzidza imi. Muve kure navo.

18 Nokuti vanhu vakadaro havasi kushumira Ishe wedu Kristu, asi dumbu ravo. Nokutaura kwakanaka uye nokubata kumeso, vanonyengera vanhu vane pfungwa dzisina uchenjeri.

19 Vanhu vakanzwa zvokuteerera kwenyu, naizvozvo ndine mufaro mukuru pamusoro penyu; asi ndinoda kuti muve vakachenjera pane zvakanaka, uye muve vasina chavanopomerwa pane zvakaipa.

20 Mwari worugare achakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu.

Nyasha dzaIshe wedu Jesu ngadzive nemi.

21 Timoti, anobata neni, anokukwazisai, sezvinoita Rusiasi naJasoni naSosipata, hama dzangu.

22 Ini Teritiasi, ndanyora tsamba iyi ndinokukwazisai muna She.

23 Gayasi, uyo akandigamuchira ini nekereke yose iri kuno, anokukwazisai.

Erastasi mubati wehomwe yemari yeguta nehama yedu Kwatosi vanokukwazisai.

24 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi mose. Ameni.

25 Zvino kuna iye anogona kukusimbisai nevhangeri rangu, uye nokuparidzwa kwaJesu Kristu, maererano nokuzarurwa kwechakanga chakavanzika kwamakore namakore akapfuura,

26 asi zvino chakaratidzwa uye chikaziviswa kubudikidza nezvinyorwa zvavaprofita nokurayira kwaMwari anogara nokusingaperi, kuti ndudzi dzose dzigomuteerera uye dzimutende,

27 kuna iye oga Mwari akachenjera ngakuve nokubwinya nokusingaperi kubudikidza naJesu Kristu. Ameni.

Categories
1 VaKorinde

1 VaKorinde 1

1 Pauro, akadanwa nokuda kwaMwari, kuti ave mupostori waKristu Jesu, naSositeni hama yedu,

2 kukereke yaMwari iri muKorinde, kuna vaya vakaitwa vatsvene muna Kristu Jesu uye vakadanwa kuti vave vatsvene pamwe chete navose vari kwose kwose vanodana kuzita raIshe wedu Jesu Kristu, Ishe wavo nowedu:

3 Nyasha norugare ngazvive nemi zvinobva kuna Mwari Baba vedu naShe Jesu Kristu.

Kuvonga

4 Ndinogara ndichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyasha dzake pamusoro penyu muna Kristu Jesu.

5 Nokuti maari makapfumiswa pazvinhu zvose, mukutaura kwenyu kwose uye nomuruzivo rwenyu rwose,

6 nokuti uchapupu hwedu pamusoro paKristu hwakasimbiswa mamuri.

7 Naizvozvo hapana kana chipo chomweya chamunoshayiwa pamunomirira nomwoyo wose kuratidzwa kwaIshe wedu Jesu Kristu.

8 Achakusimbisai kusvikira kumagumo, kuti murege kuva nechamungapomerwa pazuva raIshe wedu Jesu Kristu.

9 Mwari, iye akakudanai kuti muwadzane noMwanakomana wake Jesu Kristu Ishe wedu, akatendeka.

Kupesana muKereke

10 Ndinokukumbirai zvikuru, hama, muzita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu parege kuva nokupesana uye kuti mubatanidzwe zvakanaka pamurangariro mumwe nomukufunga.

11 Hama dzangu, vamwe venyu vokwaKirowe vakandiudza kuti pane gakava pakati penyu.

12 Zvandinoreva ndezvokuti: Mumwe wenyu anoti, “Ini ndiri waPauro,” mumwe oti, “Ini ndiri waAporosi,” mumwewo oti, “Ini ndiri waKefasi,” mumwe zvakare oti, “Ini ndiri waKristu.”

13 Kristu akaparadzaniswa here? Pauro akarovererwa pamuchinjikwa nokuda kwenyu here? Makabhabhatidzwa muzita raPauro here?

14 Ndinovonga Mwari kuti handina kubhabhatidza kana mumwe wenyu, kunze kwaKrispo naGayo,

15 kuti kurege kuva nomumwe wenyu anoti akabhabhatidzwa muzita rangu.

16 Hongu, ndakabhabhatidzawo veimba yaStefanasi; kunze kwaivavo, handirangariri kana ndakabhabhatidzazve mumwe munhu.

17 Nokuti Kristu haana kundituma kuti ndinobhabhatidza asi kuti ndinoparidza vhangeri, kwete namashoko ouchenjeri hwavanhu, kuti muchinjikwa waKristu urege kupedzwa simba rawo.

Kristu ndiye Uchenjeri neSimba raMwari

18 Nokuti shoko romuchinjikwa upenzi kuna vari kuparara, asi kwatiri isu vanoponeswa isimba raMwari.

19 Nokuti kwakanyorwa kuchinzi:

“Ndichaparadza uchenjeri hwavakachenjera;

ndichakonesa kuziva kwavanoziva.”

20 Akachenjera aripiko? Akadzidza aripiko? Muiti wenharo wenguva ino aripiko? Ko, Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika ino upenzi here?

21 Nokuti muuchenjeri hwaMwari, nyika kubudikidza nouchenjeri hwayo, haina kumuziva, Mwari akafadzwa nazvo kuti vanotenda avaponese kubudikidza noupenzi hwezvakaparidzwa.

22 VaJudha vanoda zviratidzo uye vaGiriki vanotsvaka uchenjeri,

23 asi isu tinoparidza Kristu akarovererwa pamuchinjikwa, chigumbuso kuvaJudha noupenzi kune veDzimwe Ndudzi.

24 Asi kuna avo vakadanwa naMwari, zvose vaJudha navaGiriki, Kristu isimba raMwari nouchenjeri hwaMwari.

25 Nokuti upenzi hwaMwari hwakachenjera kupfuura uchenjeri hwomunhu, uye utera hwaMwari hwakasimba kupfuura simba romunhu.

26 Hama dzangu, rangarirai zvamakanga muri pamakadanwa. Havazi vazhinji venyu vaiva namasimba; havasi vazhinji vaikudzwa pakuzvarwa kwavo.

27 Asi Mwari akasarudza zvinhu zvoupenzi zvenyika ino kuti anyadzise vakachenjera; Mwari akasarudza zvisina simba zvenyika ino kuti anyadzise vane simba.

28 Akasarudza zvinhu zvepasi pasi zvenyika ino uye zvakazvidzwa, nezvinhu zvisipo, kuti ashayise simba zvinhu zviripo,

29 kuti kurege kuva nomunhu angazvikudza pamberi pake.

30 Nokuda kwake, imi muri muna Kristu Jesu, uyo akava kwatiri uchenjeri hunobva kuna Mwari, iko kururama, noutsvene uye norudzikinuro rwedu.

31 Naizvozvo, sezvazvakanyorwa zvichinzi, “Anozvikudza ngaazvikudze muna She.”