Categories
Mabasa

Mabasa 16

Timoti anobatana naPauro naSirasi

1 Akasvika kuDhebhe ndokuzoenda kuRistira, kwaigara mudzidzi ainzi Timoti, uye mai vake vakanga vari muJudha, vari mutendi, asi baba vake vakanga vari muGiriki.

2 Hama dzapaRistira neIkoniamu dzakanga dzichimupupurira zvakanaka.

3 Pauro akada kumutora kuti aende naye parwendo, saka akamudzingisa nokuda kwavaJudha vaigara munzvimbo iyoyo, nokuti vose vaiziva kuti baba vake vaiva muGiriki.

4 Pavakafamba muguta neguta, vakasvitsa mashoko akanga ataurwa navapostori navakuru vomuJerusarema kuti vanhu vaateerere.

5 Nokudaro kereke dzakasimbiswa mukutenda uye dzakawedzerwa zuva rimwe nerimwe pauwandu.

Chiratidzo chaPauro choMurume weMasedhonia

6 Pauro nevaaiva navo vakafamba nomumatunhu eFirigia neGaratia, vamborambidzwa naMweya Mutsvene kuparidza shoko mudunhu reEzhia.

7 Vakati vasvika pamuganhu weMisia, vakaedza kupinda muBhitinia, asi Mweya waJesu hauna kuvabvumira.

8 Saka vakapfuura napaMisia vakadzika kuTroasi.

9 Panguva dzousiku, Pauro akaona chiratidzo chomurume weMasedhonia amire achimukumbira achiti, “Yambukirai kuno kuMasedhonia muzotibatsira.”

10 Shure kwokunge Pauro aona chiratidzo, takagadzirira pakarepo kuti tibve tiende kuMasedhonia, tagutsikana kuti Mwari akanga atidana kuti tindovaparidzira vhangeri.

Kutendeuka kwaRidhia paFiripi

11 Tichibva paTroasi takananga kugungwa tikakwira chikepe ndokunanga kuSamotirasi, uye zuva rakatevera takasvika paNeaporisi.

12 Kubva ipapo takaenda kuFiripi, nyika yaitongwa navaRoma uye guta guru redunhu reMasedhonia. Uye takagara mazuva mazhinji ipapo.

13 Nomusi weSabata takabuda kunze kwesuo reguta kurwizi, kwataitarisira kuwana nzvimbo yokunyengeterera. Takasvikogara pasi ndokubva tatanga kutaura kumadzimai akanga akaungana ipapo.

14 Mumwe waavo vakanga vakateerera aiva mudzimai ainzi Ridhia, aiva nebasa rokutengesa nguo dzomucheka wepepuru dzaibva kuguta reTiatira, ainamata Mwari. Ishe akazarura mwoyo wake kuti agamuchire mashoko aPauro.

15 Akati abhabhatidzwa iye neveimba yake, vakatikoka kumba kwake akati, “Kana muchiona kuti ndiri mutendi muna She, uyaiwo mugare kumba kwangu.” Akatikumbirisa tikatenda.

Pauro naSirasi mutorongo

16 Nerimwe zuva patakanga tichienda kunzvimbo yokunyengeterera, takasangana nomusikana akanga ari nhapwa akanga ane mweya wokuvuka. Aiwanira vatenzi vake mari zhinji nokuvuka kwake.

17 Musikana uyu aitevera Pauro nesu, achidanidzira achiti, “Varume ava varanda vaMwari Wokumusoro-soro, vari kukuudzai nzira yoruponeso.”

18 Akaramba achiita izvi kwamazuva mazhinji. Pakupedzisira Pauro akashushikana zvikuru zvokuti akatendeuka akati kumweya uyu, “Muzita raJesu Kristu ndinokurayira kuti ubude maari!” Nenguva yakare iyoyo mweya wakabva maari.

19 Vatenzi vomusikana akanga ari nhapwa vakaona kuti tariro yavo yokuita mari yakanga yapera, vakabata Pauro naSirasi vakavazvuzvurudzira pachivara pamberi pavo.

20 Vakavamisa pamberi pavatongi vakati, “Varume ava vaJudha, uye vamutsa bope muguta redu

21 vachidzidzisa tsika dzisingabvumirwi nesu vaRoma kuti tidzigamuchire kana kudziita.”

22 Ungano yakabatana pakurwisa Pauro naSirasi, uye vatongi vakarayira kuti nguo dzavo dzibvarurwe uye kuti varohwe.

23 Shure kwokurohwa zvikuru, vakaiswa mutorongo, uye muchengeti wetorongo akarayirwa kuti avachengetedze kwazvo.

24 Akati agamuchira kurayira uku, akavaisa muchitokisi chomukati akasungirira tsoka dzavo pamatanda.

25 Panenge pakati pousiku, Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera uye vachiimba nziyo kuna Mwari, uye vamwe vasungwa vakanga vakavateerera.

26 Pakarepo pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru zvokuti nheyo dzetorongo dzakazungunuka. Kamwe kamwe masuo etorongo akazaruka, uye ngetani dzavanhu vose dzakasununguka.

27 Muchengeti wetorongo akamuka, uye paakaona masuo etorongo azaruka akavhomora munondo wake akada kuzviuraya nokuti akafunga kuti vasungwa vakanga vapunyuka.

28 Asi Pauro akadanidzira achiti, “Usazvikuvadza! Tiri muno tose!”

29 Muchengeti wetorongo akadanidzira kuti mwenje itungidzwe, akapinda achimhanya ndokusvikowira pamberi paPauro naSirasi achidedera.

30 Ipapo akavabudisa kunze akati kwavari, “Vakuru, ndingaita sei kuti ndiponeswe?”

31 Vakapindura vakati, “Tenda kuna She Jesu ugoponeswa, iwe neimba yako.”

32 Ipapo vakataura shoko raShe kwaari nokuna vose vakanga vari mumba.

33 Nenguva yousiku iyoyo, muchengeti wetorongo akavatora akashambidza maronda avo; uye pakarepo, akabhabhatidzwa iye nemhuri yake.

34 Muchengeti wetorongo akaenda navo kumba kwake akavagadzirira zvokudya; akazadzwa nomufaro nokuti akanga atenda kuna Mwari, iye nemhuri yake.

35 Kwakati kwaedza, vatongi vakatuma vabati vavo kumuchengeti wetorongo neshoko rokuti: “Sunungura varume vaya.”

36 Muchengeti wetorongo akati kuna Pauro, “Vatongi varayira kuti iwe naSirasi musunungurwe. Zvino mungaenda henyu. Endai norugare.”

37 Asi Pauro akati kumubati, “Vakatirova pachena tisina kutongwa, kunyange zvedu tiri vaRoma, uye vakatiisa mutorongo. Uye zvino vava kuda kutiregedza chinyararire here? Kwete! Ngavauye ivo vagotibudisa.”

38 Vabati vakandozivisa vatongi izvozvo, uye ivo vakati vanzwa kuti Pauro naSirasi vakanga vari vaRoma, vakatya kwazvo.

39 Vakauya kuzovanyengetedza ndokuvabudisa mutorongo, vachivakumbira kuti vabve muguta.

40 Shure kwokubuda kwaPauro naSirasi mutorongo, vakaenda kumba kwaRidhia, kwavakandosangana nehama uye vakavakurudzira. Ipapo vakaenda havo.

Categories
Mabasa

Mabasa 17

Pauro naSirasi muTesaronika

1 Vakati vapfuura nomuAmufipori neAporonia, vakasvika muTesaronika umo makanga mune sinagoge ravaJudha.

2 Setsika yake Pauro akapinda musinagoge, akataurirana navo zvaibva muMagwaro, kwamaSabata matatu,

3 achitsanangura nokuvaratidza kuti Kristu aifanira kutambudzika uye agomuka kubva kuvakafa. Akati, “Jesu uyu wandinokuparidzirai ndiye Kristu.”

4 Vamwe vaJudha vakatenda ndokubva vabatana naPauro naSirasi, sezvakaitwawo navazhinji zhinji vavaGiriki vaitya Mwari uye navakadzi vazhinji vaikudzwa.

5 Asi vaJudha vakaita godo; saka vakakokorodza vanhu vakanga vakaipa kubva pamusika, vakaunganidza mhomho yavanhu kuti vandotanga bope muguta. Vakamhanyira kumba kwaJasoni kundotsvaka Pauro naSirasi vachida kuti vavabudise vavaendese kuvanhu vazhinji.

6 Asi vakati vavashayiwa, vakakakatira Jasoni nedzimwe hama pamberi pavabati veguta, vachidanidzira vachiti, “Vanhu vaya vakauyisa kusagadzikana panyika yose vasvikawo kuno zvino,

7 uye Jasoni akavagamuchira mumba make. Vose vari kumhura zvirevo zvaKesari, vachiti pano mumwe mambo, anonzi Jesu.”

8 Vakati vanzwa izvozvo, ungano uye navabati veguta vakashushikana.

9 Ipapo vakaita kuti Jasoni navamwe varipe rubatso ndokubva vavaregedza.

Pauro naSirasi paBheria

10 Kuchangosviba, hama dzakaendesa Pauro naSirasi kuBheria. Vakati vasvika ikoko, vakapinda musinagoge ravaJudha.

11 Zvino vaBheria vakanga vane tsika dzakanaka kupfuura vaTesaronika, nokuti vakagamuchira shoko nemwoyo inodisisa uye vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe kuti vaone kana zvairehwa naPauro zvaiva izvo.

12 VaJudha vazhinji vakatenda, sezvakaitwawo navakadzi vaikudzwa vechiGiriki navarume vazhinji vechiGiriki.

13 VaJudha vokuTesaronika vakati vanzwa kuti Pauro akanga achiparidza shoko raMwari paBheria, vakaendazve ikoko, vakakurudzira uye vakakuchidzira bope pakati pavanhu vazhinji.

14 Ipapo hama dzakaendesa Pauro kugungwa, asi Sirasi naTimoti vakasara paBheria.

15 Varume vakaperekedza Pauro, vakasvika naye paAtene vachibva vadzokera vaine shoko rokuti Sirasi naTimoti vamutevere nokukurumidza.

Pauro paAtene

16 Pauro achakavamirira paAtene, akatambudzika zvikuru achiona kuti guta rakanga rizere nezvifananidzo.

17 Saka akataurirana navaJudha navaGiriki vaitya Mwari musinagoge, uyewo napamusika zuva rimwe nerimwe naavo vainge varipo.

18 Boka ravakachenjera ravaEpikuro navaStoiki rakaita nharo naye. Vamwe vavo vakabvunza vakati, “Ko, uyu mutauri wezvisina maturo ari kuedza kuti kudii?” Vamwe vakati, “Anenge ari kudzidzisa nezvavamwari vokumwe.” Vakareva izvi nokuti Pauro akanga achiparidza mashoko akanaka ezvaJesu uye nezvokumuka kwavakafa.

19 Ipapo vakamutora vakaenda naye kumusangano weAreopagasi, vakati kwaari, “Tinoda kuziva kuti dzidziso itsva iyi yauri kudzidzisa ndeyei?

20 Uri kuunza pfungwa itsva kunzeve dzedu, uye tinoda kuziva kuti dzinorevei.”

21 (VaAtene vose navatorwa vaigara ipapo vaipedza nguva yavo vasina chimwe chavanoita kunze kwokungotaura nokuteerera pfungwa itsva).

22 Ipapo Pauro akasimuka mumusangano weAreopagasi akati, “Varume veAtene! Ndinoona kuti panzira dzose muri vanhu vechitendero zvikuru.

23 Nokuti ndakati ndichifamba-famba uye ndikanyatsotarisisa zvinhu zvamunonamata, ndakaonawo aritari yakanyorwa kunzi: KUNA MWARI ASINGAZIVIKANWI. Zvino chamunonamata sechinhu chisingazivikanwi ndicho chandinokuparidzirai.

24 “Mwari akasika nyika nezvinhu zvose zviri mairi ndiye Ishe wedenga napasi uye haagari mutemberi dzakavakwa namaoko.

25 Iye haashumirwi namaoko avanhu, sokunge anoshayiwa chinhu, nokuti iye amene anopa vanhu vose upenyu nokufema, nezvimwewo zvinhu.

26 Kubva pamunhu mumwe chete akaita ndudzi dzose dzavanhu, kuti vagare panyika yose; uye akavatarira nguva nenzvimbo dzavo chaidzo dzavangagara.

27 Mwari akaita izvi kuitira kuti vanhu vagomutsvaka kuti zvimwe vangamuwana, kunyange zvake asiri kure nomumwe nomumwe wedu.

28 ‘Nokuti maari ndimo matinorarama nomatinofamba, uye ndimo matigere.’ Sezvakarehwa navamwe vadetembi vokwenyu vachiti, ‘Tiri chibereko chake.’

29 “Naizvozvo sezvo tiri chibereko chaMwari, hatifaniri kufunga kuti umwari hwakaita segoridhe kana sirivha kana ibwe, chifananidzo chakavezwa noumhizha hwomunhu.

30 Mwari akarega hake kurangarira nguva dzakare dzokusaziva kwakadai, asi zvino anorayira vanhu vose kwose kwose kuti vatendeuke.

31 Nokuti akatara zuva raachatonga nyika nokururamisira nomurume waakagadza. Akaratidza izvi kuvanhu vose nokumumutsa kubva kuvakafa.”

32 Vakati vanzwa nezvokumuka kwavakafa, vamwe vakaseka, asi vamwe vakati, “Tinoda kuzokunzwazve pamusoro peshoko iri.”

33 Nokudaro, Pauro akabva paungano iyi.

34 Varume vashoma vakava vateveri vaPauro uye vakatenda. Pakati pavo paiva naDhionisiasi, nhengo yeAreopagasi nomukadzi ainzi Dhamarisi, uye navamwewo.

Categories
Mabasa

Mabasa 18

Pauro paKorinde

1 Shure kwaizvozvo, Pauro akabva paAtene akaenda kuKorinde.

2 Ikoko akandosangana nomuJudha ainzi Akwira chizvarwa chePondasi, akanga achangobva kuItari nomukadzi wake Pirisira, nokuti Kiraudhiyo akanga arayira kuti vaJudha vose vabve muRoma. Pauro akaenda kundomuona,

3 uye sezvo akanga ari mugadziri wamatende saivo, akagara navo achishanda pamwe chete navo.

4 Sabata rimwe nerimwe akanga achitaurirana navo musinagoge, achiedza kugombedzera vaJudha navaGiriki.

5 Sirasi naTimoti vakati vasvika vachibva kuMasedhonia, Pauro akazvipira kuti aparidze chete, achipupura kuvaJudha kuti Jesu ndiye Kristu.

6 Asi vaJudha vakati vapikisana naPauro uye vachimutuka, akazunza nguo dzake asingafari akati kwavari, “Ropa renyu ngarive pamisoro yenyu! Ini ndakachena pabasa rangu. Kubva zvino ndichaenda kune veDzimwe Ndudzi.”

7 Ipapo Pauro akabuda musinagoge akaenda kumba kwaTitiasi Jastasi munhu ainamata Mwari.

8 Krispasi mukuru wesinagoge, neimba yake yose vakatenda kuna She; uye vazhinji vavaKorinde vakamunzwa vakatenda uye vakabhabhatidzwa.

9 Humwe usiku Ishe akataura naPauro muchiratidzo akati, “Usatya; ramba uchingotaura, usanyarara.

10 Nokuti ndinewe, uye hakuna munhu achakurwisa akakukuvadza, nokuti ndina vanhu vazhinji muguta rino.”

11 Saka Pauro akagaramo kwegore nemwedzi mitanhatu, achivadzidzisa shoko raMwari.

12 Panguva iyo Gario akanga ari mubati weAkaya, vaJudha vakabatana mukurwisa Pauro uye vakauya naye kudare redzimhosva.

13 Vakati, “Munhu uyu, ari kugombedzera vanhu kuti vanamate Mwari nenzira inopesana nomurayiro.”

14 Pauro akati oda kutaura, Gario akati kuvaJudha, “Kana imi vaJudha manga muchinyunyuta pamusoro pemhosva yezvisakarurama kana kutadza kwakaipisisa, zvainge zviri nyore kwandiri kuti ndikuteererei.

15 Asi sezvo ichingova mibvunzo pamusoro pamashoko namazita uye nezvomurayiro wenyu, gadzirisanai pachenyu. Ini handidi kutonga nyaya dzakadai.”

16 Saka akaita kuti vadzingwe kubva mudare remhosva.

17 Ipapo vose vakatendeukira kuna Sosteni mukuru wesinagoge vakamurova pamberi pedare. Asi Gario haana kumbova nehanya nazvo.

Pirisira, Akwira naAporosi

18 Pauro akaramba ari muKorinde kwamazuva mazhinji. Ipapo akabva pahama ndokuenda nechikepe kuSiria, achiperekedzwa naPirisira naAkwira. Asati akwira chikepe, akaveura bvudzi rake paKenikireya nokuda kwemhiko yaakanga aita.

19 Vakasvika paEfeso, Pauro akasiya Pirisira naAkwira ipapo. Iye pachake akapinda musinagoge akataurirana navaJudha.

20 Vakati vamukumbira kuti agare navo nguva refu, iye akaramba.

21 Asi paakabva, akavimbisa achiti, “Ndichadzokazve kana Mwari achida.” Ipapo akakwira chikepe kubva kuEfeso.

22 Akati aburuka paKesaria, akakwidza akandokwazisa kereke ipapo ndokubva aburuka oenda kuAndioki.

23 Shure kwokunge ambogara muAndioki kwechinguva, Pauro akabvapo akaenda achishanya munzvimbo nenzvimbo, akapinda nomumatunhu eGaratia neFirigia, achisimbisa vadzidzi vose.

24 Zvichakadaro, mumwe muJudha ainzi Aporosi, chizvarwa cheArekizandiria, akasvika kuEfeso. Akanga ari murume akadzidza, aino ruzivo rwaMagwaro chaizvo.

25 Akanga akadzidziswa nzira yaShe, uye aitaura nesimba guru achinyatsodzidzisa nezvaJesu, kunyange zvake aingoziva nezvorubhabhatidzo rwaJohani.

26 Akatanga kutaura musinagoge asingatyi. Pirisira naAkwira vakati vamunzwa, vakamukoka kumba kwavo vakamutsanangurira nzira yaMwari zvizere.

27 Aporosi akati oda kuenda kuAkaya, hama dzakamukurudzira ndokumunyorera tsamba yokuti vadzidzi vaikoko vamugamuchire. Paakasvika akabatsira kwazvo avo vakanga vatenda nenyasha.

28 Nokuti pakutaurirana, akapikisa vaJudha zvine simba pamberi pavanhu, achiratidza kubva muMagwaro kuti Jesu ndiye Kristu.

Categories
Mabasa

Mabasa 19

Pauro paEfeso

1 Aporosi paakanga achiri paKorinde, Pauro akafamba nomugwagwa wakanga uchipinda nomukati menyika akasvika paEfeso. Akawana vamwe vadzidzi ipapo

2 akavabvunza akati, “Makagamuchira Mweya Mutsvene here pamakatenda?”

Vakapindura vakati, “Kwete, hatina kutongonzwa kuti kune Mweya Mutsvene isu.”

3 Saka Pauro akavabvunza akati, “Zvino makagamuchira rubhabhatidzo rupi?”

Vakapindura vakati, “Rubhabhatidzo rwaJohani.”

4 Pauro akati, “Rubhabhatidzo rwaJohani rwaiva rubhabhatidzo rwokutendeuka. Akaudza vanhu kuti vatende kuna iye aizouya mumashure make, iye Jesu.”

5 Vakati vanzwa izvi, vakabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu.

6 Pauro akati aisa maoko ake pamusoro pavo, Mweya Mutsvene wakauya pamusoro pavo, uye vakataura nendimi vakaprofita.

7 Vakanga vari varume vanenge gumi navaviri vose.

8 Pauro akapinda musinagoge akataura asingatyi imomo kwemwedzi mitatu, achikakavadzana navo zvinyoronyoro pamusoro poumambo hwaMwari.

9 Asi vamwe vavo vakaomesa mwoyo yavo; vakaramba kutenda uye vakatsoropodza Nzira iyo pamberi pavanhu. Saka Pauro akabva pavari. Akatora vadzidzi akaenda navo akandoita hurukuro navo zuva nezuva pachikoro chaTirano.

10 Izvi zvakaramba zvichiitwa kwamakore maviri, zvokuti vaJudha vose navaGiriki vaigara munyika yeEzhia vakanzwa shoko raShe.

11 Mwari akaita mabasa anoshamisa kubudikidza naPauro,

12 zvokuti kunyange nehangachepfu namaapuroni akanga ari pamuviri wake zvakaendeswa kuvarwere, zvirwere zvavo zvikaporeswa uye mweya yakaipa ikabva pavari.

13 Vamwe vaJudha vaifamba vachidzinga mweya yakaipa vakaedza kudana zita raJesu pamusoro paavo vakanga vakabatwa namadhimoni vachiti, “Muzita raJesu, anoparidzwa naPauro, ndinokurayira kuti ubude.”

14 Vanakomana vanomwe vaSikevha muprista mukuru wavaJudha, vakanga vachiita izvozvo.

15 Rimwe zuva mweya wakaipa wakavapindura ukati, “Jesu ndinomuziva, uye ndinoziva nezvaPauro, asi imi ndimi vanaaniko?”

16 Ipapo murume akanga ane mweya wakaipa akasvetukira pavari akavakurira vose. Akavarova zvokuti vakamhanya vachibuda mumba vasina kupfeka uye vachibuda ropa.

17 Izvi zvakati zvazivikanwa navaJudha navaGiriki vaigara muEfeso, vose vakabatwa nokutya, uye zita raIshe Jesu rakakudzwa nokukudzwa kukuru.

18 Zvino vazhinji vavakanga vatenda vakauya vakareurura pachena mabasa avo akanga akaipa.

19 Vazhinji vakanga vachiita zvounʼanga vakaunganidza mabhuku avo pamwe chete vakaapisa pamberi pavanhu. Vakati vaverenga mutengo wamabhuku acho, mari ikasvika madhirakema zviuru makumi mashanu.

20 Nenzira iyi shoko raMwari rakapararira kwazvo uye rikakura musimba.

21 Shure kwokunge zvose izvi zvaitika, Pauro akafunga zvokuenda kuJerusarema achipfuura nokuMasedhonia, nokuAkaya achiti, “Kana ndambosvika ikoko, ndinofanira kushanyirawo Roma.”

22 Akatuma vabatsiri vake vaviri, Timoti naErastasi, kuMasedhonia, iye achimbosara munyika yeEzhia kwechinguva.

Bope muEfeso

23 Nenguva yakaita saiyoyo bope guru rakamuka pamusoro peNzira iyi.

24 Mumwe mupfuri wesirivha ainzi Dhemetiri akanga achigadzira zvitemberi zvesirivha zvaAritemisi, zvakanga zvichipfumisa zvikuru mhizha dzavo.

25 Akavaunganidza vose, pamwe chete navabati vaishanda mabasa akadaro, akati kwavari, “Varume, imi munoziva kuti takanga tichiwana pfuma yakanaka nebasa iri.

26 Zvino munozvionawo nokuzvinzwira kuti murume uyu Pauro akadzidzisa uye akatsausa vanhu vazhinji muno muEfeso, uye zviri pachena kuti nomunyika yose yeEzhia zvayo, anoti vamwari vakaitwa navanhu havasi vamwari chaivo.

27 Zvino njodzi iripo ndeyokuti harizi basa redu bedzi richarasikirwa nembiri yaro, asiwo temberi yamwari wedu mukuru, Aritemisi, ichazvidzwa uye iye mwarikadzi pachake, anova ndiye ari kunamatwa munyika yose yeEzhia uye nenyika yose, achatorerwa ukuru hwake.”

28 Vakati vanzwa izvi, vakashatirwa vakatanga kudanidzira vachiti, “Mukuru ndiAritemisi wavaEfeso!”

29 Pakarepo guta rose rakanyonganiswa. Vanhu vakabata Gayo naAristakusi, shamwari dzaPauro dzaaifamba nadzo dzaibva kuMasedhonia, vakamhanya navo nomwoyo mumwe vakapinda navo munhandare.

30 Pauro akanga achida kuzviratidza pamberi pemhomho, asi vadzidzi vakamudzivisa.

31 Kunyange vamwe vakuru veEzhia, shamwari dzaPauro, vakamutumira shoko vachimukumbirisa kuti arege kuedza kupinda munhandare.

32 Ungano yakanga yanyonganiswa: vamwe vaidaidzira chimwe chinhu, vamwe chimwe. Vazhinji vavanhu vakanga vasingatongozivi kuti sei vakanga varipo.

33 VaJudha vakasundidzira Arekizanda mberi, uye vamwe vazhinji vaidanidzira vachimurayira zvokuita. Akaninira vanhu kuti vanyarare kuitira kuti agone kuzvidavirira pamberi pavanhu.

34 Asi pavakaona kuti iye aiva muJudha, vose vakadanidzira pamwe chete kwenguva dzinenge maawa maviri vachiti, “Mukuru ndiAritemisi wavaEfeso!”

35 Munyori weguta akanyaradza vanhu akati, “Varume veEfeso, ko, nyika yose haizivi here kuti guta reEfeso ndiro rinochengeta temberi yaAritemisi mukuru nomufananidzo wake, uyo wakawa uchibva kudenga?

36 Naizvozvo, sezvo izvi zvisingagoni kurambika, munofanira kuti munyarare murege kumhanyira kuita chinhu.

37 Mauya navarume ava pano, kunyange zvavo vasina kuba temberi dzedu kana kumhura mwarikadzi wedu.

38 Zvino, kana Dhemetiri nedzimwe mhizha dzaanadzo vakange vane mhosva naani zvake, matare edzimhosva akazarurwa uye vatongi varimo. Vanogona kuvakwirira havo.

39 Kana pane chimwe chinhuzve chamungada kutaura, chinofanira kutaurwa paungano iri pamutemo.

40 Asi sezvazviri izvi, tiri panjodzi yokuti tingangopiwa mhosva yokumutsa bongozozo nokuda kwezvaitika nhasi. Kana pane chimwezve chamungada kutaura, chinofanira kutaurwa paungano iri pamutemo.”

41 Akati ataura izvi, akarayira kuti ungano iparare.

Categories
Mabasa

Mabasa 20

Pauro anoenda kuMasedhonia nokuGirisi

1 Bope rakati rapera, Pauro akadana vadzidzi, uye shure kwokuvakurudzira, akaonekana navo akasimuka akaenda kuMasedhonia.

2 Akafamba nomumatunhu ayo, achitaura mashoko mazhinji okukurudzira vanhu, uye pakupedzisira akazosvika kuGirisi,

3 uko kwaakandogara kwemwedzi mitatu. Nokuda kwokuti vaJudha vakanga vaita rangano yakaipa pamusoro pake paakanga oda kukwira chikepe kuti aende kuSiria, akafunga kudzokerazve nokuMasedhonia.

4 Akaperekedzwa naSopata mwanakomana waPirasi wokuBheria, navanaAristakusi naSekundo, vaibva kuTesaronika, naGayo wokuDhebhe, naTimotiwo uye Tikikasi naTirofimasi vaibva mudunhu reEzhia.

5 Varume ava vakatungamira vakandotimirira paTroasi.

6 Asi takazokwira chikepe kubva kuFiripi shure kwoMutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, uye shure kwamazuva mashanu takazobatana navamwe paTroasi, apo patakazogara kwamazuva manomwe.

Yutiko anomutswa kubva kuvakafa paTroasi

7 Nomusi wokutanga wevhiki takaungana pamwe chete kuti timedure chingwa. Pauro akataura kuvanhu uye, nokuda kwokuti akanga achida kuenda pazuva raitevera, akaramba achingotaura kusvikira pakati pousiku.

8 Makanga mune mwenje mizhinji muimba yapamusoro matakanga tichisangana.

9 Pawindo pakanga pagere jaya rainzi Yutiko, uyo akanga abatwa nehope chaizvo sezvo Pauro akanga achingoramba achitaura. Paakanga anyatsobatwa nehope akawira pasi achibva paimba yechitatu yapamusoro akazonongwa afa.

10 Pauro akaburuka akasvikozviwisira pamusoro pejaya akamugumbatira mumaoko ake. Akati, “Musatya, mupenyu!”

11 Ipapo akakwirazve paimba yapamusoro akamedura chingwa akadya. Shure kwokutaura navo kusvikira kwaedza, akazoenda hake.

12 Vanhu vakatora mujaya uya vakaenda naye kumusha ari mupenyu uye vakanyaradzwa zvikuru.

Pauro anoonekana naVakuru veEfeso

13 Isu takatungamira nechikepe tikaenda kuAsosi, uko Pauro aizokwirawo chikepe. Akanga aronga izvi nokuti akanga achizoenda ikoko netsoka.

14 Paakasangana nesu paAsosi, takamukwidza tikapfuurira kuMitirene.

15 Fume mangwana takamukapo nechikepe tikandosvika pakatarisana neKiyosi. Zuva rakatevera iroro takayambuka tikasvika kuSamosi, uye zuva rakatevera takasvika paMiretasi.

16 Pauro akanga afunga zvokupfuura napaEfeso nechikepe achiitira kuti vasapedza nguva vari munyika yeEzhia nokuti akanga achimhanyira kusvika kuJerusarema, kana zvaibvira, nezuva rePendekosti.

17 Pauro ari paMiretasi, akatumira shoko kuEfeso kundodana vakuru vekereke.

18 Vakati vasvika, akati kwavari, “Imi munoziva kuti ndakagara sei nemi panguva yose yandaiva nemi, kubvira pazuva rokutanga randakasvika munyika yeEzhia.

19 Ndakashumira Ishe nokuzvininipisa zvikuru uye nemisodzi, kunyange ndakaedzwa zvikuru nerangano dzavaJudha.

20 Munozviziva kuti handina kuzeza kuparidza kana chinhu chaizokubatsirai imi, asi ndakakudzidzisai pachena uye muimba neimba.

21 Ndakapupura kuna vose vaJudha navaGiriki kuti vanofanira kudzokera kuna Mwari vagotendeuka uye vagotenda kuna Ishe Jesu.

22 “Zvino ndamanikidzwa noMweya, ndiri kuenda kuJerusarema, ndisingazivi hangu zvichaitika kwandiri.

23 Chandinongoziva ndechokuti muguta rimwe nerimwe Mweya Mutsvene anondiyambira kuti kusungwa nokutambudzika zvakandirindira.

24 Zvisinei hazvo, ini handioni upenyu hwangu sechinhu chinokosha, dai bedzi ndapedza nhangemutange yangu uye ndapedzisa basa randakapiwa naIshe Jesu, basa rokupupura vhangeri renyasha dzaMwari.

25 “Zvino ndinoziva kuti hakuna pakati penyu imi vandakafamba navo ndichiparidza vhangeri roushe achazondionazve.

26 Naizvozvo ndinotaura kwamuri nhasi kuti handina mhosva yeropa ravanhu vose.

27 Nokuti handina kuzeza kukuparidzirai kuda kwose kwaMwari.

28 Zvichenjererei imi pachenyu neboka rose ramakaitwa vatariri varo naMweya Mutsvene. Fudzai kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake pachake.

29 Ndinoziva kuti kana ndabva, mapere achapinda pakati penyu asingaregi boka.

30 Kunyange pakati penyu iyemi vanhu vachamuka vachiminamisa chokwadi vachiitira kuti vatape vadzidzi kuti vavatevere.

31 Saka rindai! Rangarirai kuti makore matatu handina kumborega kukuyambirai mumwe nomumwe wenyu, usiku namasikati nemisodzi.

32 “Zvino ndinokuisai kuna Mwari nokushoko renyasha dzake, iro rinogona kukuvakai uye richikupai nhaka pakati paavo vakaitwa vatsvene.

33 Handina kumbochiva sirivha yomunhu kana goridhe kana nguo yomunhu.

34 Imi munoziva pachenyu kuti maoko angu aya akabatira kushayiwa kwangu nokushayiwa kwavandaiva navo.

35 Mune zvose zvandakaita, ndakakuratidzai kuti namabatiro akaoma aya, tinofanira kubatsira vasina simba, tichirangarira mashoko aShe Jesu pachake paakati, ‘Kupa kwakaropafadzwa kupfuura kugamuchira.’ ”

36 Akati ataura izvi, akapfugama pamwe chete navo vose uye vakanyengetera.

37 Vose vakachema pavakamumbundikira uye vakamutsvoda.

38 Zvakanyanya kuvarwadza mashoko aakataura achiti havaizoona chiso chakezve. Ipapo vakamuperekedza kuchikepe.

Categories
Mabasa

Mabasa 21

Pauro anoenda kuJerusarema

1 Shure kwokuparadzana kwedu navo, takaenda kugungwa tikandokwira chikepe tikananga kuKosi. Zuva rakatevera takaenda kuRhodzi uye tichibva ikoko takaenda kuPatara.

2 Takawana chikepe chaiyambuka chichienda kuFonisia, tikakwira machiri tikaenda.

3 Takati taona Saipurasi takaipfuura nechezasi kwayo, tikaenda kuSiria. Takandoburuka chikepe paTire, paiburutsa chikepe chedu nhumbi dzacho.

4 Takati tawana vadzidzi ipapo, takagara navo kwamazuva manomwe. Vakakumbirisa Pauro kubudikidza noMweya kuti arege kuenda kuJerusarema.

5 Asi nguva yedu yakati yapera, takabvapo tikaenderera mberi norwendo rwedu. Vadzidzi vose pamwe chete navakadzi vavo navana vakatiperekedza vakatisiya tava kunze kweguta, uye pamahombekombe ipapo takapfugama tikanyengetera.

6 Shure kwokuonekana kwedu, takabva taenda kundokwira chikepe, ivo vakadzokera kumusha kwavo.

7 Takapfuurira mberi norwendo rwedu tichibva kuTire tikandoburuka chikepe paToremai, patakakwazisana nehama tikagara zuva rimwe chete navo.

8 Zuva rakatevera takabvapo, tikandosvika kuKesaria tikandogara pamba pomuvhangeri Firipi, mumwe wavaya vanomwe.

9 Akanga ana vanasikana vana vakanga vasati vawanikwa vaiprofita.

10 Shure kwokugara kwedu ipapo kwamazuva akati kuti, muprofita ainzi Agabhusi akasvika achibva kuJudhea.

11 Asvika kwatiri, akatora bhanhire raPauro, akabva azvisunga makumbo namaoko ake naro akati, “Mweya Mutsvene anoti, ‘Nenzira imwe chete iyoyi, vaJudha vokuJerusarema vachasunga muridzi webhanhire vagomuisa mumaoko eveDzimwe Ndudzi.’ ”

12 Takati tanzwa izvi, isu navanhu voko takakumbirisa Pauro kuti arege kukwidza kuJerusarema.

13 Ipapo Pauro akapindura akati, “Seiko muchichema uye muchirwadzisa mwoyo wangu? Ini ndakagadzirira kwete kusungwa kwoga, asi kufawo muJerusarema nokuda kwezita raIshe Jesu.”

14 Paakaramba kudziviswa, isu takamurega tikati, “Kuda kwaShe ngakuitwe.”

15 Shure kwaizvozvo takagadzirira tikakwidza kuJerusarema.

16 Vamwe vadzidzi vokuKesaria vakatiperekedza vakatisvitsa kuimba yaMunasoni, uko kwataifanira kundogara. Akanga ari murume aibva kuSaipurasi uye ari mumwe wavadzidzi vokutanga.

Kusvika kwaPauro paJerusarema

17 Takati tasvika paJerusarema, hama dzakatigamuchira nomufaro.

18 Zuva rakatevera Pauro nesu tose takaenda kundoona Jakobho, uye vakuru vose vaivapo.

19 Pauro akavakwazisa uye akanyatsovarondedzera zvakanga zvaitwa naMwari pakati pavaHedheni kubudikidza noushumiri hwake.

20 Vakati vanzwa izvi, vakarumbidza Mwari. Ipapo vakati kuna Pauro, “Unoona, hama, kune zviuru nezviuru zvavaJudha vakatenda, uye vose zvavo vanoshingairira murayiro.

21 Vakaudzwa kuti iwe unodzidzisa vaJudha vose vagere pakati peveDzimwe Ndudzi kuti vatsauke kubva kuna Mozisi, uchivaudza kuti varege kudzingisa vana vavo kana kuchengeta tsika dzedu.

22 Zvino toita seiko? Vachanzwa zvirokwazvo kuti wauya,

23 saka iwe chiita zvatinokuudza zvino. Tina varume vana pano vakaita mhiko.

24 Tora varume ava, ubatane navo pakuzvinatsa kwavo, uye iwe ugovaripira kuti vaveurwe misoro yavo. Ipapo munhu wose achaziva kuti hapana chokwadi pane zviri kurehwa pamusoro pako, asi kuti iwe pachako unoteerera murayiro.

25 Kana vari vatendi vokune veDzimwe Ndudzi, takavanyorera pane zvatakatema kuti varege kudya zvakabayirwa kuzvifananidzo, uye ropa, nenyama yemhuka dzakadzipwa uye varege upombwe.”

26 Zuva rakatevera Pauro akatora varume vaya uye akazvinatsa pamwe chete navo. Ipapo akaenda kutemberi kundozivisa kupera kwamazuva okuzvinatsa uye kuti chipiriso chaizoitirwa mumwe nomumwe wavo rinhi.

Pauro anosungwa

27 Mazuva manomwe akati oda kupera, vamwe vaJudha vaibva kuEzhia vakaona Pauro patemberi. Vakamutsa vanhu vazhinji uye vakamubata,

28 vachishevedzera vachiti, “Varume veIsraeri, tibatsirei! Uyu ndiye murume anodzidzisa vanhu kwose kwose zvinopesana navanhu vokwedu, murayiro wedu uye nenzvimbo ino. Zvisati zviri izvozvo zvoga, akapinza vaGiriki muruvanze rwetemberi akasvibisa nzvimbo iyi tsvene.”

29 (Nokuti vakanga vamboona Tirofimasi muEfeso ari muguta pamwe chete naPauro vakafunga kuti Pauro akanga apinda naye mutemberi.)

30 Guta rose rakamutswa, uye vanhu vakauya vachimhanya vachibva kumativi ose. Vakabata Pauro, vakamukwevera kunze kwetemberi, pakarepo masuo akazarirwa.

31 Pavakanga vachiedza kumuuraya, shoko rakasvika kumukuru wehondo yeuto ravaRoma richiti guta rose reJerusarema rakanga raita bope.

32 Pakarepo akatora mamwe machinda navarwi akamhanyira kuvanhu. Vaiti vebongozozo vakati vachiona mukuru wamauto ana varwi vake, vakabva varega kurova Pauro.

33 Mukuru wamauto akauya akasunga Pauro uye akarayira kuti asungwe nengetani mbiri. Ipapo akamubvunza kuti akanga ari ani uye kuti akanga aitei.

34 Vamwe vaiva pakati pavanhu vazhinji ava vakadanidzira, mumwe ichi, mumwe icho, uye sezvo mukuru wamauto akanga asingagoni kusvika pachokwadi chenyaya nokuda kwebope, akarayira kuti Pauro aiswe kudzimba dzavarwi.

35 Pauro akati asvika pamatanho, bongozozo ravanhu rakanga rakurisa zvokuti akaita zvokutotakurwa navarwi.

36 Vanhu vazhinji vaimutevera vakaramba vachidanidzira vachiti, “Ngaaurayiwe!”

Pauro anotaura kuvanhu

37 Varwi pavakanga vava kuda kupinza Pauro mudzimba dzavarwi, akakumbira mukuru wavarwi akati, “Ndingataurawo nemi here?”

Iye akati, “Unotaura chiGiriki here?

38 Ko, hauzi uya muIjipita akamutsa bope, akatungamirira zviuru zvina zvavapanduki mugwenga nguva dzakapfuura here?”

39 Pauro akapindura akati, “Ini ndiri muJudha anobva kuTasasi kuSirisia, munhu weguta rakakurumbira. Ndapota regai nditaure kuvanhu.”

40 Akati apiwa mvumo nomukuru wavarwi, Pauro akamira pamatanho akaninira vanhu noruoko rwake. Uye vakati vanyarara vose, akati kwavari nechiHebheru:

Categories
Mabasa

Mabasa 22

1 “Hama nemi madzibaba, teererai kuzvidavirira kwangu zvino.”

2 Pavakanzwa achitaura kwavari nechiHebheru, vakanyanya kunyarara.

Ipapo Pauro akati,

3 “Ini ndiri muJudha, akaberekerwa kuTasasi yeSirisia, asi ndakarerwa muguta rino. Pasi paGamarieri ndakanyatsodzidziswa mutemo wamadzibaba edu uye ndakanga ndichishingairira Mwari sezvamunoita imi nhasi.

4 Ndakatambudza vateveri veNzira iyi kusvikira pakufa kwavo, ndichisunga zvose varume navakadzi ndichivaisa mutorongo,

5 sezvandingapupurirwawo nomuprista mukuru namakurukota ose. Ndakapiwa matsamba aibva kwavari okuenda nawo kuhama dzavo dzaiva muDhamasiko, ndikaenda ikoko kuti ndinouya navanhu ava kuJerusarema savasungwa kuti vazorangwa.

6 “Nenguva dzinenge dzamasikati pandakanga ndoswedera pedyo neDhamasiko, pakarepo chiedza chakabva kudenga chikandipenyera kumativi ose.

7 Ndakawira pasi ndikanzwa inzwi richiti kwandiri, ‘Sauro! Sauro! Unonditambudzireiko?’

8 “Ndakati, ‘Ndimi aniko, Ishe?’

“Iye akati, ‘Ndini Jesu weNazareta, wauri kutambudza.’

9 Shamwari dzangu dzakaona chiedza, asi hadzina kunzwa inzwi raiye akanga achitaura neni.

10 “Ndakabvunza ndikati, ‘Munoda kuti ndiiteiko Ishe?’

“Ishe akati, ‘Simuka, upinde muDhamasiko. Imomo ndimo mauchandoudzwa zvose zvawakatarirwa kuti uite.’

11 Shamwari dzangu dzakandisesedza pakupinda kwangu muDhamasiko, nokuti kuvaima kwechiedza kwakanga kwandipofumadza.

12 “Murume ainzi Ananiasi akauya kuzondiona. Akanga akazvipira pakunamata Mwari nokucherechedza murayiro uye aikudzwa zvikuru navaJudha vose vaigaramo.

13 Akamira neni akati, ‘Hama Pauro, chiona!’ uye nenguva yakare iyoyo ndakakwanisa kumuona.

14 “Ipapo akati, ‘Mwari wamadzibaba edu akusarudza iwe kuti uzive kuda kwake uone Iye Akarurama uye unzwe mashoko anobva mumuromo make.

15 Uchava chapupu chake kuvanhu vose, chezvawakaona nezvawakanzwa.

16 Saka zvino wakamirireiko? Simuka ubhabhatidzwe usukwe zvivi zvako, udane kuzita rake.’

17 “Pandakadzokera kuJerusarema, uye ndichinyengetera ndiri mutemberi, ndakabatwa nomweya

18 ndikaona Ishe achitaura kwandiri achiti, ‘Kurumidza kubva muJerusarema izvozvi, nokuti vanhu havangagamuchiri uchapupu hwako.’

19 “Ndakapindura ndikati, ‘Ishe, vanhu ava vanoziva kuti ndakanga ndichienda musinagoge rimwe nerimwe kuti ndinosunga uye ndirove vaya vaitenda kwamuri.

20 Uye pavakateura ropa raSitefani chapupu chenyu, ndakanga ndimirepo ndichitenderana nazvo uye ndakachengeta nhumbi dzaivo vaimuuraya.’

21 “Ipapo Ishe akati kwandiri, ‘Enda, nokuti ndichakutuma kure kune veDzimwe Ndudzi.’ ”

Pauro muRoma

22 Vanhu vakamuteerera kusvikira ataura izvi. Ipapo vakadanidzira vachiti, “Mubvisei panyika! Haafaniri kurarama!”

23 Pavakanga vachiita mheremhere vachikanda nguo dzavo pasi, uye vachikushira ivhu mudenga,

24 mukuru wavarwi akarayira kuti Pauro aendeswe kudzimba dzavarwi. Akarayira kuti arohwe uye abvunzwe kuitira kuti vazive kuti nemhaka yei vanhu vakanga vachimupopotera kudai.

25 Pavakamusunga kuti vamurove, Pauro akati kumukuru wezana akanga amirepo, “Munotenderwa here nomutemo kuti murove muRoma, asina kana kutombowanikwa ane mhosva?”

26 Mukuru wezana akati anzwa izvi, akaenda kumukuru wavarwi akandomuzivisa izvozvo, akati, “Muchaita seiko zvino? Munhu uyu muRoma.”

27 Mukuru wavarwi akaenda kuna Pauro akati, “Nditaurire, uri muRoma here iwe?”

Akapindura akati, “Hongu, ndiri muRoma.”

28 Mukuru wehondo akati, “Ini ndakaita zvokutenga nomutengo mukuru kuti ndive muRoma.”

Pauro akati, “Ini ndakaberekwa ndiri muRoma.”

29 Vaya vakanga voda kumubvunza vakabva varega pakarepo. Mukuru wamauto pachake akatya paakaona kuti akanga asunga Pauro, muRoma, nengetani.

Pauro pamberi peDare Guru ravaJudha

30 Zuva rakatevera, sezvo mukuru wavarwi aida kuziva chaizvoizvo kuti sei Pauro akanga achipomerwa mhosva navaJudha, akamusunungura akarayira kuti vaprista vakuru neDare Guru ravaJudha vaungane. Ipapo akatora Pauro akamumisa pamberi pavo.

Categories
Mabasa

Mabasa 23

1 Pauro akatarisisa kuDare Guru ravaJudha akati kwavari, “Hama dzangu, ini ndakaita basa rangu kuna Mwari nehana yakanaka kusvikira zuva ranhasi.”

2 Ipapo muprista mukuru ainzi Ananiasi akarayira vaya vakanga vamire pedyo naye kuti vamurove pamuromo.

3 Ipapo Pauro akati kwaari, “Mwari achakurova, iwe chidziro chakacheneswa nependi! Ugere ipapo kuti unditonge maererano nomurayiro, asi iwe pachako unodarika murayiro nokurayira kuti ndirohwe!”

4 Vaya vakanga vamire pedyo naPauro vakati, “Iwe uri kutotuka muprista mukuru waMwari nhai?”

5 Pauro akapindura akati, “Hama dzangu, ndanga ndisingazivi kuti ndiye muprista mukuru; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: ‘Usataura zvakaipa pamusoro pomubati wavanhu vako.’ ”

6 Ipapo Pauro, achiziva kuti vamwe vavo vakanga vari vaSadhusi uye kuti vamwe vakanga vari vaFarisi, akadanidzira kuDare Guru akati, “Hama dzangu, ini ndiri muFarisi, mwanakomana womuFarisi. Ndimire pano ndichitongwa nokuda kwetariro yangu yokumuka kwavakafa.”

7 Akati ataura izvozvo, nharo dzakamuka pakati pavaFarisi navaSadhusi, nokudaro ungano yakapesana.

8 VaSadhusi vanoti hakuna kumuka kwavakafa, uye kuti hakuna mutumwa kana mweya, asi vaFarisi vanotenda izvozvo zvose.

9 Pakava nebope guru, uye vamwe vadzidzisi vomurayiro vainge vari vaFarisi vakasimuka vakaita nharo zvikuru. Vakati, “Hatina chakaipa chatinoona pamunhu uyu. Ko, kana ari mweya kana mutumwa akataura kwaari?”

10 Kupesana kwakava nemhirizhonga zvokuti mukuru wamauto akatya kuti Pauro angangobvamburwa-bvamburwa navo. Akarayira varwi kuti vaburuke vandomutora vamubvise kwavari nechisimba vagomuendesa kudzimba dzavarwi.

11 Usiku hwakatevera, Ishe akamira pedyo naPauro akati kwaari, “Tsunga mwoyo! Sezvawapupura pamusoro pangu muJerusarema, saizvozvo unofanira kundopupurawo muRoma.”

Rangano yoKuuraya Pauro

12 Fume mangwana, vaJudha vakaita rangano vakazvisunga nemhiko kuti varege kudya kana kunwa kusvikira vauraya Pauro.

13 Varume vaipfuura makumi mana ndivo vakaita rangano iyi.

14 Vakaenda kuvaprista vakuru navakuru vakati, “Isu tazvisunga nemhiko kuti tirege kudya kana chinhu kusvikira tauraya Pauro.

15 Zvino imi neDare Guru ravaJudha kumbirai mukuru wavarwi kuti amuuyise pamberi penyu muchiita somunoda kubvunzisisa pamusoro penyaya iyi. Isu takagadzirira kumuuraya asati asvika kuno.”

16 Asi, mwanakomana wehanzvadzi yaPauro akati anzwa rangano iyi, akapinda mudzimba dzavarwi akandoudza Pauro.

17 Ipapo Pauro akadana mumwe wavakuru vezana akati kwaari, “Tora jaya iri uende naro kumukuru wavarwi; ane zvaari kuda kumutaurira.”

18 Saka akaenda naye kumukuru wavarwi.

Mukuru wezana akati, “Pauro, musungwa uya, andidaidza akandikumbira kuti ndiuye nejaya iri, kwamuri nokuti rine zvarinoda kukuudzai.”

19 Mukuru wavarwi akabata ruoko rwejaya, akaenda naye padivi akamubvunza akati, “Chii chauri kuda kundiudza?”

20 Iye akati, “VaJudha vakatenderana kukukumbirai kuti muuyise Pauro pamberi peDare Guru ravaJudha mangwana vachiita sevanoda kunyatsobvunzisisa pamusoro pake.

21 Musavanzwa, nokuti pane vamwe vavo vanopfuura makumi mana vakamuvandira. Vakatozvisunga nemhiko kuti varege kudya kana kunwa kusvikira vamuuraya. Vakatogadzirira izvozvi, vakamirira kubvuma kwenyu chikumbiro chavo.”

22 Mukuru wavarwi akaita kuti jaya iri riende uye akamuyambira achiti, “Usaudza munhu kuti wataura izvi kwandiri.”

Pauro anoendeswa kuKesaria

23 Ipapo akadana vakuru vezana vaviri akavarayira achiti, “Gadzirirai mazana maviri avarwi, navanotasva mabhiza makumi manomwe uye mazana maviri avarume vane mapfumo kuti vaende kuKesaria nenguva dzepfumbamwe manheru.

24 Mutsvakirewo Pauro bhiza rokutasva kuitira kuti andosvika zvakanaka kuMubati Ferikisi.”

25 Akanyora tsamba yaiti:

26 Kiraudhiyo Risiasi, kuna Changamire, Mubati Ferikisi:

Kwaziwai.

27 Murume uyu akabatwa navaJudha uye vakanga voda kumuuraya, asi ini ndakabva ndasvika navarwi vangu ndikamununura, nokuti ndakanga ndanzwa kuti muRoma.

28 Ndakada kuziva kuti sei vakanga vachimupomera mhosva, saka ndikamuendesa kuDare ravo Guru.

29 Ndakaona kuti aipomerwa mhosva pamusoro pamashoko omurayiro wavo, asi pakanga pasina mhosva ingafanira rufu kana kupfigirwa mutorongo.

30 Pandakanyeverwa pamusoro perangano yaakanga arongerwa, ndakabva ndamutumira kwamuri pakarepo. Ndakazivisawo vapomeri vake kuti vazosvitsa kwamuri mhosva yavanomupomera.

31 Saka varwi vakaita sezvavakanga varayirwa, vakatora Pauro vakaenda naye usiku vakandosvika naye kuAndipatirisi.

32 Zuva rakatevera, vakarega vamabhiza vachienda naye, ivo vachibva vadzokera kudzimba dzavarwi.

33 Vatasvi vamabhiza vakati vasvika kuKesaria, vakapa tsamba kumubati ndokubva vaisa Pauro mumaoko ake.

34 Mubati akaverenga tsamba akamubvunza kuti akanga achibva kudunhu ripi. Akati aziva kuti akanga achibva kuSirisia,

35 akati kwaari, “Ndichazonzwa nyaya yako kana vanokupomera vasvika.” Ipapo akarayira kuti Pauro achengetwe navarindi vomumuzinda waHerodhi.

Categories
Mabasa

Mabasa 24

Pauro anomira pamberi paFerikisi

1 Mazuva mashanu akati apfuura, Ananiasi muprista mukuru akaburuka kuKesaria navamwe vakuru nerimwe gweta rainzi Teturo, vakataura mhosva dzavo pamusoro paPauro pamberi pomubati.

2 Pauro akati adaidzwa kuti apinde, Teturo akasvitsa nyaya yake kuna Ferikisi achiti, “Isu takafadzwa nenguva refu yorugare pasi poutongi hwenyu, uye kunzwisisa kwenyu kwakashandura rudzi urwu.

3 Changamire Ferikisi, izvi tinozvigamuchira nomufaro mukuru uye nemitoo yose kwose kwose.

4 Asi kuti tisakunetsaizve, ndinokumbira hangu kuti mutinzwire ngoni mungotinzwa henyu kwenguva duku.

5 “Takaona kuti murume uyu akaipa, anomutsa bope pakati pavaJudha munyika yose. Ndiye mutungamiri weboka ravaNazareta

6 uye akaedza kunyange kushatisa temberi; ndokusaka takamubata.

7 Asi Risiasi mukuru wavarwi akauya akamutakanura mumaoko edu nechisimba.

8 Mukamubvunzisisa imi pachenyu muchakwanisa kuziva chokwadi chemhosva dzatiri kumupomera.”

9 VaJudha vakabvumirana nezvaakanga achipomerwa, vachisimbisa kuti zvinhu izvi zvaiva zvechokwadi.

10 Mubati akati amuninira kuti ataure, Pauro akapindura, akati, “Ndinoziva kuti manga muri mutongi worudzi urwu kwamakore mazhinji; saka ndinofara kuti ndizvidavirire.

11 Imi munogona kuziva nyore nyore kuti mazuva gumi namaviri haasati atombopera kubva pandakaenda kundonamata kuJerusarema.

12 Vapomeri vangu havana kundiwana ndichiita nharo naani zvake mutemberi, kana kumutsa bope musinagoge kana papi zvapo muguta.

13 Uye havagoni kukubudisirai chokwadi chemhosva yavanondikwirira.

14 Zvisinei hazvo, ndinobvuma kuti ndinonamata Mwari wamadzibaba edu somuteveri weNzira, yavanoti yakatsauka. Ini ndinotenda zvinhu zvose zvinobvumirana nomutemo uye nezvakanyorwa muVaprofita,

15 uye ndine tariro imwe cheteyo muna Mwari savarume ava, kuti kuchava nokumuka kwavakafa vose zvavo vakarurama navakaipa.

16 Saka ndinoshingairira nguva dzose kuti hana yangu ive yakachena pamberi paMwari navanhu.

17 “Shure kwamakore mazhinji ndisipo, ndakauya kuJerusarema kuti ndizopa vanhu vokwangu zvipo zvavarombo uye kuti ndizopa zvipiriso zvangu.

18 Ndakanga ndakazvinatsa pavakandiwana ndiri mutemberi ndichiita izvi. Pakanga pasina vanhu vazhinji vaiva neni, uye handina kumboita nyonganyonga.

19 Asi pane vaJudha vanobva kuEzhia, vaifanira kunge vari pano pamberi penyu, ndivo vaifanira kundipa mhosva kana vainge vane mhosva ipi zvayo neni.

20 Kana ivava vari pano vanofanira kutaura mhaka yavakawana mandiri pandakamira pamberi peDare Guru ravaJudha,

21 kunze kwechinhu chimwe chete ichi chandakadanidzira pandakanga ndimire pamberi pavo kuti, ‘Ndiri kutongwa maererano nokumuka kwavakafa; ndizvo zvaita kuti ndive pamberi penyu nhasi.’ ”

22 Ipapo Ferikisi uyo akanga achizivisisa nezveNzira iyo, akambomisa dare. Akati, “Kana Risiasi mukuru wavarwi auya, ndichatonga mhosva yenyu.”

23 Akarayira mukuru wezana kuti Pauro achengetwe navarindi asi ave akasununguka uye shamwari dzake dzibvumirwe kuti dzimuvigire zvaanoda.

24 Mushure mamazuva mazhinji, Ferikisi akauya nomukadzi wake Dhurusira, uyo akanga ari muJudha. Akadana Pauro kuti auye vagozomunzwa sezvo aitaura pamusoro pezvokutenda muna Kristu Jesu.

25 Pauro paakanga achidzidzisa pamusoro pokururama, kuzvidzora, nokutongwa kuchauya, Ferikisi akatya akati, “Zvakwana kwazvino! Ungaenda hako. Ndikange ndawana mukana, ndichazokudana.”

26 Panguva yacho iyoyo aifunga kuti Pauro achamupa fufuro, saka aidana Pauro nguva nenguva achitaura naye.

27 Makore maviri akati apfuura, Poshiasi Fesitasi akatora nzvimbo yaFerikisi, asi nokuda kwokuti Ferikisi aida kufadza vaJudha, akasiya Pauro ari mutorongo.

Categories
Mabasa

Mabasa 25

Pauro anotongwa pamberi paFesitasi

1 Kwakati kwapera mazuva matatu mushure mokusvika kwake munyika iyo, Fesitasi akakwira kubva kuKesaria akaenda kuJerusarema,

2 vaprista vakuru navakuru vavaJudha vakamira pamberi pake vakapira mhosva yaPauro kwaari.

3 Vakakumbira zvikuru kuna Fesitasi, sechinhu chinofadza kwavari, kuti Pauro aendeswe kuJerusarema, nokuti vakanga vachigadzirira kumuvandira kuti vagomuuraya munzira imomo.

4 Fesitasi akapindura akati, “Pauro akachengetwa paKesaria, uye ini pachangu ndichaendako nokukurumidza.

5 Vamwe vavakuru venyu ngavaende neni vagondokwirira munhu uyu ikoko, kana akaita chinhu chipi zvacho chakaipa.”

6 Akati apedza mazuva masere kana gumi navo, akaburuka akaenda kuKesaria, uye zuva rakatevera akaunganidza vedare akarayira kuti Pauro auyiswe pamberi pake.

7 Pauro akati asvika, vaJudha vakanga vabva kuJerusarema vakamira vakamukomberedza, vachimupomera mhosva dzakaipisisa, dzavakanga vasingakwanisi kusimbisa.

8 Ipapo Pauro akazvidavirira achiti, “Ini handina kuita chinhu chakaipa pamusoro pomurayiro wavaJudha kana temberi kana Kesari.”

9 Fesitasi achida kufadza vaJudha, akati kuna Pauro, “Unoda here kuenda kuJerusarema kuti undomira pamberi pangu uchitongwa neni ikoko pamusoro pemhosva dzaunopomerwa idzi?”

10 Pauro akapindura akati, “Iye zvino ndimire pamberi pedare raKesari, munova ndimo mandinofanira kutongwa. Handina kuita chinhu chakaipa kuvaJudha, sezvamunonyatsoziva imi pachenyu.

11 Kunyange zvakadaro hazvo, kana ndine mhosva yokuita chinhu chipi zvacho chinokodzera rufu, handingarambi kufa. Asi kana mhosva dzandinopomerwa navaJudha dzisina chokwadi, hakuna munhu ane mvumo yokundiisa kwavari. Ndinozviisa kuna Kesari!”

12 Shure kwokunge Fesitasi ataurirana namakurukota ake, akati, “Wazviisa kuna Kesari. Kuna Kesari uchaenda!”

Fesitasi anobvunza Mambo Agiripa

13 Shure kwamazuva mashoma, Mambo Agiripa naBhenisi vakasvika paKesaria kuti vandopa ruremekedzo rwavo kuna Fesitasi.

14 Sezvo vakanga vachipedza mazuva mazhinji ikoko, Fesitasi akakurukura nyaya yaPauro namambo. Akati, “Pane murume ari pano akasiyiwa ari musungwa naFerikisi.

15 Pandakaenda kuJerusarema, vaprista vakuru navakuru vavaJudha vakauya vachimupomera mhosva vakakumbira kuti atongwe.

16 “Ndakavaudza kuti haisi tsika yavaRoma, yokuendesa munhu upi zvake kuti andofa asati asangana navapomeri vake, uye apiwa mukana wokuzvidavirira pamusoro pemhosva yavanomupomera.

17 Pavakauya pano neni, handina kunonotsa nyaya iyi, asi ndakadana dare pazuva rakatevera ndikarayira kuti munhu uyu apinzwe mudare.

18 Vaimupomera vakati vasimuka kuti vataure, havana kumupomera mhosva ipi zvayo yandaitarisira.

19 Asi, vaingova namashoko okukakavadzana naye pamusoro pechitendero chavo uye napamusoro pomurume akafa anonzi Jesu, uyo anonzi naPauro mupenyu.

20 Ndakashaya ruzivo rwokuferefeta nyaya dzakadai; saka ndakabvunza kana aida hake kuenda kuJerusarema kuti andotongwa ikoko pamusoro pemhosva idzi.

21 Pauro akati azvisarudzira kuti achengetwe kuti azotongwa pamberi paMambo Kesari, ndakarayira kuti achengetwe kusvikira ndazomutumira kuna Kesari.”

22 Ipapo Agiripa akati kuna Fesitasi, “Ndingada kunzwa munhu uyu pachangu.” Akapindura akati, “Muchamunzwa mangwana.”

Pauro pamberi paAgiripa

23 Zuva rakatevera, Agiripa naBhenisi vakauya nokukudzwa kukuru vakapinda mumba maitambirwa mhaka vane machinda ezvigaro zvapamusoro uye navarume vaitungamirira guta. Varayirwa naFesitasi, Pauro akapinzwa mukati.

24 Fesitasi akati, “Mambo Agiripa nemi mose muri pano nesu, muri kuona murume uyu! Ungano yose yavaJudha yakandikumbira pamusoro pake muJerusarema uye nomuno muKesaria, vachidanidzira vachiti haafaniri kutongoramba ari mupenyu.

25 Ini ndakawana asina kuita chinhu chingafanira rufu, asi nokuda kwokuti akazviisa kuna Kesari, ndakafunga kumutumira kuRoma.

26 Asi handina chinhu chandinganyatsorondedzera chokuti ndinyorere kuna Changamire pamusoro pake. Naizvozvo ndamuuyisa pamberi penyu iyemi mose, kunyanya pamberi penyu, Mambo Agiripa, kuitira kuti zvichabuda pakuferefeta uku zvigondiwanisa zvokunyora.

27 Nokuti ndinofunga kuti hazvina ungwaru kutumira musungwa pasina rondedzero chaiyo yemhosva yake.”